Mulumbe: 64-0726E Mikalo Iiandaukide
PDF
BranhamTabernacle.org
Vadiwa Vanwi veMvura yepaChitubu, IKisimusi neGore Idzva yakanaka sei yatakava nayo. Takagamuchira nekubhedhenura zvipo zvaMwari zvaakatumira kuMwenga wake. Chipo chedu chekutanga chaive Chipo chikuru cheKisimusi chakaputirwa. Mwari Pachake akazviputira amenemunyama yemunhu ndokutumira pasuru iyoyo kunyika. Chakange chiri Chipo Chake chikuru chekutanga chekudzoreredza Mwenga wake. Zvino Mwari ndokutumira imwe pasuru yakaputirwa kuMwenga wake. Akatida zvikuru chaizvo kusvika pakuZviratidza munyama zvakare kuti agone kutaura nesu muromo kunzeve. Aida kuti Iye neMwenga wake vave Mumwe.
Zvino, shamwari, musandifungira zvisizvo. Regai nditaure izvi neruremekedzo mumwoyo mangu, ndichiziva kuti ndiri munhu arikuenda kuZienda nakuenda achamira pamberi peKutongwa nerimwe zuva: Zviuru zvevanhu vari kupotsa chipo chavo . Maona? Havagoni kuzvinzwisisa. Vanotarisa, voti, “O, angori munhu.” ichokwadi. NdiMwari here kana kuti ndiMosesi akadzikinura vanhu? Aive Mwari muna Mosesi. Maona? Vakachemera mudzikinuri. Asi Mwari pavakatumira mudzikinuri kwavari, vakatadza kuzviona, nokuti zvakaitwa nemunhu, asi akanga asiri munhu, aive Mwari mumunhu.
Nhasi, zvakare, zviuru zvevanhu vari kupotsa chipo chavo vachiti, “haufaniri kuteerera matepi, kwava nevamwe vanhu vakazodzwa,” chiri chokwadi, asi vanotadza kucherechedza kuti ndiro CHETE Inzwi rakasimbiswa naMwari, richitaura Zvanzi naJehovah kubudikidza nomurume iyeye. Inzwi iroro ndiyo Urimi neTumimi yaMwari, Mhedziso Yake yanhasi. Kana tichiteerera kuInzwi Rake pamatepi tiri kunwa zvamazvirokwazvo kubva paChitubu chaMwari, chisingade kupombwa, kana kudhonzwa, kana kujoinwa, kana kubatsirwa; tiri kungotenda nokuzorora paShoko rose Rinotaurwa.
Nokuteerera kuInzwi riri pamatepi, maringe nezvakataurwa naJesu Pachake, tine chiratidzo chechokwadi cheMweya Mutsvene muzuva redu.
Saka hecho chiratidzo chechokwadi cheMweya Mutsvene! Haasati akambondiudza zvisiriizvo kana. Kuti, “Ndicho chiratidzo cheMweya Mutsvene, uyoanogona kutenda Shoko.” Unogona kurigamuchira.
Mwari vakatipa Chitubu chatinogona kunwa kubvapachiri nguva yese yese, yezuva rega rega. Chinogara chiine mwura inoyerera. Kwete chimwe chinhu chine mwura isingayereri, Ndiro Tsime Rake risingaperi, rinozvizadza roga; iwe chako kungo Dzwanya noKuridza. Tichitaura nezve CHIPO kubva kuna Mwari, chimbofunga KUKURA kwakaita Chipo ichi chokwadi? Nokungo Dzvanya Nokuridza nokuterera Inzwi Rake pamatepi, ndiro roga…INZWI CHETE munyika risingadi sefa, kusvinwa, kana chimwe chinhu. Chako kungoteerera, kutenda, uye nokuti ameni kuShoko rose. Mwari pachake vakapa nzira iyi, NZIRA YAKE CHETE, kuti ugamuchire hupenyu husingaperi, uye zvinotonyanya kukosha, KUVA MWENGA WAKE. Tinogona kuzorora pachipfuva Chake tichiyanwa simba redu kubva pakuteerera kuTsime Rake, Inzwi Rake, El Shaddai achitaura kuMwenga Wake. Dai gore rino rave gore raachauya kuzotitora, Mwenga wake waanoda. Tiri kutarisa nekumirira netarisiro huru. Chero zuva ikozvino tiri kutarisira kuona avo vatinoshuvira kuti vaonekwe. Tichacherechedza, mukanguwana kekubwaira kweziso, tichange tabva pano, todaidzwa kuMabiko edu eMuchato.
Ishe, tichiona tafura huru iya yakatambanudzwa ipapo nokuda kwemabiko, yakareba zviuru zvemamaira, takatarisana patafura mumwe kune mumwe, varwi vane mavanga ehondo, misodzi yomufaro ichiyerera pamatama edu… Mambo vobuda murunako rwavo, hutsvene, vachifamba patafura uye votora mawoko AvoVomene vopukuta misodzi kubva pameso edu, vachiti, “Chirega kuchema zvakare, zvapera. Pinda mumufaro waShe.” Matambudziko atakaona munzira achashaya basa, Baba, kana tasvika kumugumo wenzira.
Huya unwe, ugonwa, uye ugonwa nesu kubva muTsime rakapiwa naMwari kuzuva ranhasi musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville. Ndiyo CHETE nzvimbo yaunogona kuzorora zvakakwana uye uchiti AMEN kuShoko rega rega raunonzwa. Ndicho Chitubu cheMvura Chake chakapiwa kuti Mwenga wake anwe kubva machiri. Hama Joseph Branham Mharidzo: 64-0726E Zvirongo Zvemvura Zvakatsemuka Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo: Mapisarema 36:9 Jeremia 2:12-13 Johane 3:16 Zvakazarurwa Chitsauko 13