Mharidzo: 65-0822M Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 26-0621 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 24-0908 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 23-0219 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 21-1024 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 21-0530 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 19-1013 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
- 17-1112 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene
Mudiwa Mambokadzi,
Zvino Mwenga nhasi unotorwa kubva pamutumbi waKristu, uyo urikuita nokuita chaizvo sezvaAkataura kuti Zvichaita muzuva rino, Mwenga, Mambokadzi; Mambo naMambokadzi.
Jesu paakava Shoko iroro rose, takabva tave chikamu chaKe. Hakuna dhimoni, kana simba, hapana kana chinhu chingazvitora kubva kwatiri. Ndiyo hoko yemunhu wemukati.
Rumutsiriro rwakadini rwuri kuitwa neMwenga neMharidzo yega yega yatinonzwa. Zvinopfuura mashoko angataurwa nemunhu. Hapana kana mumvuri wekupokana, Mwari vakatisarudza nekutipa Chizaruro CHECHOKWADI cheShoko raVo chanhasi. Nokudaro, tinoziva kuti tiri vanaani, Mambokadzi Wake.
Inzwi raMwari rinotaura kuMwenga waKe pamatepi riri kukwanisa Mwenga waKe. Hakuna imwe shumiro, hapana rimwe inzwi; hapana chinhu chingakwanisa Mwenga wake kunze kwaMwari pachaKe achitaura nemuromo wemunhu zvakananga kuMwenga wake. Vamwe vangada chinotsiva, asi Mwenga waKe hapana chimwe chaanoda kunze kweIZWI raKe, tsamba yaKe yerudo kuMwenga wake; nokuti Makwai aKe anongoda chete kunzwa Inzwi raKe.
Vanhu vanoti tinonyanyokoshesa muporofita. Zvinoshamisa kuti vanhu havacherechedzi kuti Babavakuru veKudenga Vamene vakaitira hanya zvikurungirozi Yavo zvokuti Vakaisa hukoshi hwakadaro pazvinhu zvose pamusoro pake; mapfekero aaiita, maitiro ake, hunhu hwake, netumwe tumaitiro twake.
Akatomupfekedza mhando yenguvo dzaaipfeka; hunhu hwake, vavariro yake, zvese nenzira yaaifanira kunge ari, akanyatsosarudzwa naMwari paChake kuitira isu…zvino moti tinonyanyokoshesa muporofita.
Kwatiri, Inzwi riri pamatepi harisi shoko romunhu, Harina kutaurwa nomunhu, kana kuunzwa nomunhu, uye harigone kuzarurwa nomunhu. IShoko raMwari rakazarurwa naMwari pachaKe, Mududziri paChake, Kristu achiZvizarura muShoko raKe.
Vamwe vanogona kunzwa, asi vasinganyatsocherechedza. Unogona kuvaudza, kuvaratidza, asi havagone kuzviona. Tinovada, tinovanamatira, asi Mwari zvavakaratidza kwatiri ndiko Kukwanisa Kwake.
Heino Litmus test maringe nekupatsana kukuru pakati peMwenga waKristu nhasi vanoti vane Chizaruro chechokwadi cheShoko renguva yekuguma.
Dudziro ye shoko rekuti Litmus test: Chinhu chimwe, chiratidzo, mubvunzo, kana chiitiko chinokurumidza kuratidza hunhu, hunaku kana hushati, kana chimiro chechinhu (kana chemunhu).
Regai nditi zvakare, ndinotenda muhushumiri hwechokwadi hwakadanwa naMwari. Hofisi yega yegainodikanwa, uye ine nzvimbo yayo. Magwaro anotihushumiri hwevarume ava ndehwekukwaniswa kwevatsvene, asi haati hushumiri hwese hwakapetwa kashanu huchakwanisa vatsvene. Hama Branham vanotiudza pachena kuti hushumiri muzera rega rega hunotsauka, saka HUNO kwanisa sei Mwenga?
Kune vaparidzi vakawanda, vadzidzisi, vaapositori nevaporofita vakaparidza kuti vanotenda Shoko renguva yekuguma uye kuti Hama Branham vaive Inzwi raZvakazarurwa 10:7, avo vave kuti zvino inhema, munyengeri, uye kuti isu tiri boka rakatsauka.
Ava vaive vashumiri vairemekedzwa zvikuru vaive neungano huru vaifamba pasi rose vachiparidza. Vaionekwa sevatungamiri vakuru mu 5-fold ministry, vachiparidza muma Conventions nemumakereke muUnited States yose. Vaive neshumiro huru mumaziso evanhu, uye vanhu vakavatevera vachivatenda kuti vaiva vanhu vakuru vaMwari.
Uyezve kune vashumiri nhasi vanozivikanwa zvikuru sevashumiri ve 5-fold yechokwadi vanoti vanotenda Shoko reNguva nokutora zvinokorwa nokuriparidza, asi vanotiwo Shoko reNguva harisi Mhedziso. Mazuva eMharidzo yemunhu mumwe akapera. Hushumiri hwakapetwa kashanu ndihwo hwave kukwanisa Mwenga, uye zvakaipa kuridza matepi muchechi, kungotaura zvishoma zvavanotaura.
Tinoziva kuti pachava nevazodziwa venhema munguva yekupedzisira; muporofita akatiyambira kuti tivachenjerere. Hushumiri hwavo hunenge hwakazodzwa. Vanenge vaneMweya Mutsvene, nokudaro vachataura zviri muShoko reN guva. Vanenge vari PEDYO ZVIKURU zvekunyengera vasanangurwa chaivo dai zvaibvira.
Avo HAVASI masangano. Masangano haagonikunyengera vasanangurwa. Saka, zvinofanira kunge zviri pedyo kupfuura izvozvo. Izvi hazvireve kuti Mushumiri WESE akarasika, kwete.
Kune vanhu vakuru vaMwari vanoparidza nekudzidzisa chokwadi, asi pane chimwe chinhu mutendi wese chaanofanira kuziva nekuzvibvunza kuti:
Mushumiri wauri kutevera anogona kukanganisa here?
Ungati ameni kushoko rose raanoparidza here?
Unotenda here kuti Shoko rose raanodzidzisa iZvanzi naJehovah?
Inzwi rake ndiro Inzwi rakakoshesesa here raunofanira kunzwa?
Anogona kuparidza zvisiri izvo here?
Anogona here kurasika kunyange aparidza Shoko iri kwemakore makumi matatu? Anogona kukundika here?
Anogona kukuudza zvinhu zvisiri izvo here?
Anogona kunyengerwa here?
Zvino zvibvunze mibvunzo mimwecheteyo pamusoro peInzwi raMwari rakasimbiswa raunogona kunzwa pamatepi.
Shoko riri pamatepi ringakanganisa here? KWETE
Unogona here kutenda uye kuti AMEN kuShoko rose raanotaura? HONGU
Rinogona Kukundika here? KWETE
Rinogona kuparidza zvinhu zvisiri izvo here? KWETE
Rinogona kukuudza zvisiri izvo here? KWETE
Unogona here kuisa ramangwana rako rekusingaperi paShoko rega rega raunonzwa…HONGU!!!
Inzwi raMwari here: HONGU
Sei ndiri kutaura zvinhu izvi? Kuratidza kuti vanhu VOSE vanokwanisa, uye vanogona kukanganisa, asi INZWI RAMWARI pamatepi harigoni kukanganisa. Ndiko kusaka Riri INZWI rakakoshesesaRAUNOFANIRA KUNZWA. Ndiko kusaka hushumirihuchifanira kuridza matepi mumakereke avo. Ndiyo NZIRA yaMwari YAKAKWANA YAKAPIWA kuMwenga wake.
Zvirokwazvo, ndinotenda kuti unogona kunzwa vamwe, asi Inzwi roga raUNOFANIRA KUNZWA uye kutenda Shoko rose Inzwi riri pamatepi. Inzwi iroro NDIROCHETE ratinogona kuti AMEN kuShoko rose.
Ndiwo murairo waMwari, unofanira kutenda Shoko rose, uye Shoko raunonzwa pamatepi ndiro SHOKO CHETE rakasimbiswa neShongwe yeGore reMoto kuti ichokwadi. Mwari wakati William Marrion Branham ndiye chete mududziri wemweya weShoko Rake, nokuti harisi shoko rake, iShoko raMwari.
Usashandura donhwe kana chidimbu chimwe. Hakuna munhu akakwana zvakadaro; Inzwi raMwari chete ndiro rakakwana kudaro. Kunyangwe tisinganzwisise zvatinonzwa, tinongofanira kutenda kuti Inzwi raMwari rakasimbiswa kuMwenga wake.
Zvirokwazvo, Mweya Mutsvene uri kutungamirira vanhu vaMwari. Zvirokwazvo, Mweya Mutsvene wakavadana kuti vave vafundisi nevaparidzi nevadzidzisi; ichokwadi, asi hatingati vakakwana zvizere. Asi Mwari vakagadzira nzira yekuti munogona kunzwa SHOKO RAKAKWANA pese pamunoungana.
Vanhu, pamwe chete nehushumiri, vari kuda zvinotsiva nhasi. Fungai munhu achiita kumushumirti zvavanoita kuHama Branham?…“Ndichakupai maminitsi makumi matatu momira, ndine mharidzo yandinofanira kuunza. Munogona kunzwa matepi chero nguva. Ndinoziwa zvinofanira kunzwika ne ungano ino zvezuva ranhasi. Vazhinji havatomboridzi kana chikamu chetepi, uye vanoti zvakaipa kuridza Inzwi raMwari mumachechi avo.
Pane munhu ane pfungwa dzakanaka here angafungidzire mushumiri angaita pembedzo, chero chikonzero, kusaridza Inzwi raMwari muchechi yavo nokuti anotenda kuti anofanira kuparidza? Vanozvitaura, asi havatendi kuti Inzwi raMwari, dai vaizvitenda havaimbopa pembedzo yekusaridza matepi.
Munhu angati sei anotenda kuti iri Inzwi raMwari uye osada kuriridza muchechi yake? Ko vanhu vanozviti vanotenda kuti Inzwi raMwari ririkutaura uye vasingamanikidze vafundisi vavo kuti varidze matepi mumachechi avo? Nokuti vane mweya mumwe chete.
Usaita saNikodhimo woti, “Ndinozviona uye ndinozvitenda. Mwanakomana woMunhu arikuzviratidza munyama yemunhu. I Zvanzi naJehovah. IMharidzo yakakwana. Inzwi raMwari pamatepi, asi handikwanisi kuderedza shumiro yangu ndoti Inzwi iroro ndiro rakanyanya kukosha kuti chechi yangu inzwe.”
Hama nehanzwadzi, munogona kusabvumirana neni chaizvo pane izvi. Handikumbiri kuti mudaro. Chinhu choga, nyatso zvifungei. Zvaunondiudza, ndichazvifunga. Kana vashumiri vachiti kumachechi avohavatendi mukuridza matepi mumachechi avo, zvakanaka, hama yangu. Vape zvokudya chero zvaunoda.
Ndiri kuedza nepandinogona napo kugara neShoko, nokuti makwai haadi chimwe chinhu kunze kwezvokudya zvamakwai uye tinotenda kuti Inzwi riri paMatepi ndicho Chikafu chedu chemaKwai.
Ndizvo zvatinorarama nazvo: Shoko rose rinobva… Kwete Shoko apo nepapo; asi Shoko rose rinobuda mumuromo maMwari rinotaurwa pamatepi; ndizvo zvatinorarama nazvo.
Mwari ndiregerereiwo imi mondiregererawo kana ndakugumburai kana kutaura zvisina kunaka. Izvi ndizvo zvatinotenda nekuona kuti iChokwadi chatinorarama nacho. Mwari vakatipa NZIRA YAKAKWANA yekunzwa Izwi rake uye tinoida.
Senguva dzose, ndinokoka munhu wose anoda kubatana nesu kuti tinzwe Inzwi Iroro panguva imwe cheteyo, kuti abatane nesu na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo tichange takabatana seChinhu Chimwe tichinzwa: 65-0822M Kristu Anozarurwa MuShoko Rake Pachake.
Hama Joseph Branham
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Eksodho 4:10-12
Isaya 53:1-5
Jeremia 1:4-9
Maraki 4:5
Ruka 17:30
Johani 1:1 / 1:14 / 7:1-3 / 14:12 / 15:24 / 16:13
VaGaratia 1:8
2 Timotio 3:16-17
VaHebheru 1:1-3 / 4:12 / 13:8
2 Petro 1:20-21
Zvakazarurwa 1:1-3 / 10:1-7 / 22:18-19