Zvino, ndino funga kuti hapana rumekedzo rwakakura rwatingapa kuna amai.
Amai vedu ndivo vekutanga nesu, uye vakapihwa basa guru rekuti tizove zvatichava uye nenzira yatinofanira kufamba. Vakapihwa mutoro kubva kuna Mwari wekutiisa panzira kwayo. Ndosaka vana amai vaine kabatiro kakatsaurwa, kavakapihwa kubva kuna Mwari.
Maropafadzo akatsaurwa sei atakachengeterwa musi uno we Svondo, paticharemekedza vana Amai vose, patichanzwa mutumwa waMwari wechinomwe achitsanangura rudo nerukudzo urwo vana amai vedu vanarwo mumwoyo yedu.
Tinoziva kuti zuva rega rega iZuva raAmai, asi musi uno weSvondo tichapa ruremekedzo rwakatsaurwa kuna vana amai vose patichanzwa muporofita achivaremekedzapaakataura makore 67 apfuura musi mumwe chete sanhasi Chivabvu 10, 1959.
Musi uno weSvondo ndichange ndichibatanidza Mwenga Wangu kubva pasi rose neInzwi Rangu. Ndichakuudzai kuti muturikane mawoko. Usazvinamatira iwe, namatira uyo wawakaisa mawoko ako paari, nokuti ivo vari kukunamatira. Tichanamata pamwe chete, uye hapazovi nemunhu achasara anehutera kupi zvako pasi rose kana ukatenda. Kana uchitenda, usina kupokana mumoyo wako, Ndichadanidzira:
Satan, wakundwa! Jesu Kristu akakukunda! Akamuka kubva kuvakafa uye amire pamberi pedu Manheru ano, achisimbisa Shoko iri remazuva ekuguma. Buda kubva muvanhu ava! Vasiye, Muzita raJesu Kristu! “NeZita Rangu vachadzinga mweya yetsvina,” uye wadzingwa. Muzita raJesu Kristu, ibva pavungano iyi!
Pachave nekupodzwa kuchaitika pasi rose zvisina kumboitika kare.