All posts by admin5

24-0225 Vanhu Vasinganzwisisike

Shamwari dzinodikanwa  
 
Nguva dzava 12:00 masikati mu Jeffersonville,7:00 madekwana muAfrica uye 10:00 mangwanani muArizona; Mwenga wakaunganidzwa kubva munyika yose.Tanga takamirira nguva ino kwevhiki rose.Tiri pasi pekutarisira kukuru,takamirira Mwari kutiVataure nesu kubudikidza nemiromo yemunhu, nenzira yengirozi Yake inesimba mutumwa wechinomwe. Tirikunamata “Ishe ndigadzirirei, ndizodzei,uye ndipeiwo chizaruro chakawanda cheShoko renyu.
 
Takagutsikana,nokuti tinoziva pachokwadi,kuit muporofita,uye muporofita wega,ndiye aneMaShoko Ehupenyu enguva ino. Tingatadza kuzvitsanangura zvose,asi tinoziva kuti tinotenda Shoko rose uye takazorora pariri.
 
Tinoziva,sezvakaita Ishe naMoses,Mwari Varikugadzirira kubwinyisa muporofita Wavo pamberi pedu.Panguva iyoyo,Vakangozunza makomo bedzi.Nguva ino Varikuzunza matenga nenyika.
 
Nguva yacho yasvika.Mwoyo yedu irikumhanyidzana mukati medu.Tirikunzwa Rwiyo Rwenyika Yedu rwuchitanga kurira.Muhumwe,Mwenga kubva pasi rose uchisimuka patsoka dzawo wotanga kuimba “Tenda Chete, zvinhu zvose zvinogoneka Tenda Chete.Mwari Avakugadzirira kutaura kwatiri.
 
Tonzwa “Mangwanani akanaka Shamwari”
 
Mwoyo yedu inofara kungonzwa mashoko manyoro matatu aya.Muporofita akanditi shamawari yake.Zvino anotiudza,

Ndinokushuvai mose. Ha-Handina hanya kuti ndaenda kupi,Ha-ha…Hamusi imi. Ndineshamwari kwesekwse pasi rose,asi handi-handi imi mose.Pane chimwe chinhu neboka iri rakango.. handizive.Ndinofunga nezvavo…Handina boka panyika,randinoziva,rinonamatira kwandiri seboka iri. Dai Mwari vaita kuti tisaparadzanisike, kuti, muHumambo hurikuuya,dai takava pamwechet,munamato wangu

Ndechipi Chizaruro chikuru Mwari chaachatizarurira nhasi?Chii chatichanzwa? Pamwe takatozvinzwa nguva zhinji,zhinji kumashure,asi nhasi zvichange zvisina kufanana nerimwe zuva kumashure.
 
Chii ? Chikafu CheMutendi.Chingwa Chekuratidza chinobva kudenga chatichadya.Chingwa Chekuratidza chedu chete,Mwenga Wake.Kubwinya kwaMwari pamusoro peChingwa Chekuratidza ichi ndiko kurikutichengeta kuti tisaodzwa
 
Vekunze vanotitarisa vobvunza,”Vanhu imi murikuitei? Murikungoteerera kumatepi? Vanhu imi chokwadi muri vanhu vasinganzwisiske”
 
Kubwinya:” Tirikufara kwazvo uye tinotenda kwazvo kunaShe nokuva vanhu vasinganzwisisike,mapenzi nokuda kwake, uye Shoko Rake Rakasimbiswa.Tinofara mukutaurira nyika” HONGU NDINOTENDA MUSHUMIRO YEMATEPI.NDINOTENDA MUKUBAYA NEKURIDZA.NDINOTENDA NDIRO IZWI RINOKOSHESESA RAUNOGONA KUNZWA.HOUNGU NDINOTENDA MUKUDZOSA MATEPI PAMAPURUPITI.”

Kana chidzitiro chetsika chabviswa,unogona kuona kuti Mwari achiri Mwari weShoko Rake.Achiri kuchengeta Shoko Rake, Ndiye—Ndiye Mwari,Muvambi weShoko Rake.

Hazvineyi kuti mumwe munhu anoitei kana kutii,tinozvitenda uye toita chimwe chinhu pamusoro pazvo.Kana usina chaunoita pamusoro pazvo saka hauzvitende.Hausi seri kwechidzitiro.Chidzitiro ichocho ndechemunhu mumwechete.Maseji iyoyo imwechete.

Ndine tariro uye ndinovimba kuti—makava nekunzwisisa kwepamweya kweizvo Mwari vanga varikuedza kusvitsa kuKereke vasingazvitaure pachena. Maona? Chinhu,dzimwe nguva,tinofanirwa kutaura zvinhu nenzira ingarerutsa, ingakonzera vamwe kubuda ,vamwe kusiya, uye vamwe ku—ku—todzamisa pfungwa zvakanyanya.Asi zvinoitwa nechinangwa. Zvinofanirwa kuitwa nenzira iyoyo.

Shoko Rakazarurwa kumuporofita waMwari.Hakuna boka,vaFarise kana vaSadhuse kana vanechimwe chitendwa kana rimwe dzinza. Anongova MUPOROFITA: Mwari akava nemunhu mumwechete.Haana kutora pfungwa mbiri kana nhatu.Akatora munhu mumwe.Ane Shoko Rake, iye woga.

Dzimwe nguva vamwe vangati,””Munoreva kuti MwariVangaiite nechinanngwa chinhu chakadaro.Akatozviita uye Anoramba Achidaro

Sezvavakataura mazana emakore adarika,tinonzwa chinhu chimwechete nhasi.”Asi kune vamwe vanhu pano avo Mwari aAkadana” IChokwadi. Kana chete vachitevera nokufambirana,Ameni,asi mumwe akaedza kusimuka achitora nzvimbo iyo Mwari Vakapa kumuPorofita wedu,uyowaakatemera nekugadza pabasa iroro,tinofanirwa kugara neShoko Rakasimbiswa reIzwi Ramwari rezuva redu.

Cherechedza, rufu ,kuti ugare kure narwo ikozvino.Unofanirwa kupinda mahuri kubudukidza nemuchidzitiro ichi, kana kuti hauzokwanisa. Kunzwirwa kwavaiitwa tsitsi naMwari,asi rangarira kuti chaiva chii,kuiti Mwari Ari kuratidza chaiva seri kwechidzitiro,Shoko. Raifukidzira,chii?Shoko,Chaaiva chii?Chiri muAreka.Raiva Shoko raivanzwa nechidzitiro. Maona?Uye Jesu waiva Shoko Iroro,uye chidzitiro chenyama Yake chairivanza.

Kwatiri kuratidzwa.Harisisiri shoko zvaro, Ava mazvirokwazvo, Ameni
 
Tinoziva kunevamwe tirivanhu vasinganzwisiske, kana kunzwikwa sembengo kunyika,asi zvirikukwezva vanhu vose kwaAri.
 
Huyai musonanidzwe kuShoko pamwechete nesu musiwe Svondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville ,apo tichanzwa muporofita achiudza nyika yose,sei tiri “Vanhu Vasinganzwisisike 64-0614E
Tinonyatso dada nekunyatsotenda kutaura kuti tiri Hama.

Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Messeji
 
1Corinthians 1:18-25
Nokuti shoko romuchinjikwa upenzi kuna vari kuparara, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. 19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
“Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera;
ndichakonesa kuziva kwavanoziva.”
20Akachenjera aripiko? Akadzidza aripiko? Muiti wenharo wenguva ino aripiko? Ko, Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? 21Nokuti muuchenjeri hwaMwari, nyika kubudikidza nouchenjeri hwayo, haina kumuziva, Mwari akafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese kubudikidza noupenzi hwezvakaparidzwa. 22VaJudha vanoda zviratidzo uye vaGiriki vanotsvaka uchenjeri, 23asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha noupenzi kune veDzimwe Ndudzi. 24Asi kuna avo vakadanwa naMwari, zvose vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. 25Nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura uchenjeri hwomunhu, uye utera hwaMwari hwakasimba kupfuura simba romunhu.
 
11 Corintians 12:11     Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo.

24-0218 Kuiswa Pachena KwaMwari

Mharidzo: 64-0614M Kuiswa Pachena KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Anodikanwa Mutendi Ariseri Kwechidzitiro

Seiko ndichiramba ndichikuudzai,zvekare zvekare “KUBAYA NEKURIDZA ndicho chinhu chakakoshesesa chaungaita”?
Seiko ndichiramba ndichiudza Vafudzi,”Dzoserai Hama Branham pamapurupiti enyu”?

Zvinongova nyore sekudai, nekuteerera izwi rengirozi Mutumwa wechinomwe patepi, kuteerera kuShoko Rinorarama.

Pamberi pevanhu, Mwari akadzitira zvekare akasimbisa Moses,nechidzitiro,nekuzvifukidza neMoto mumwechete,Shongwe yeMoto imwechete yakaburuka pasi. Kubva – kubva ipapo…Kubva kwavari, naizvozvo havana kukwanisa kunzwa SHOKO raMwari. Mazvibata? SHOKO chete,vakanzwa Izwi Rake. Nokuti Moses aiva kwavari SHOKO R inorarama.

Unotaura nezve Mushumiri aripo! Izwi ratirikueerera patepi Izwi reShoko Rinorarama rezuva redu. Hazvigone kudarika ipapo.

Muzuva raMoses, vana veIsrael vaiva mumusasa bedzi ndivo vaikwanisa kunzwa Izwi Rake.Asi nhasi Mwari Aida kuti nyika yose inzwe Izwi Rake. NAIZVOZVO AKAITA KUTI RIISWE PAMATEPI, kuti Mwenga Wake ugonzwa Izwi neShoko Rinorarama.

Mwari Wakanga Akazvidzitira mumuporofita Wake, kuti Ataure Mashoko Ake kwavari. Ndizvo zvaakanga Aita.Moses ndiye aiva Shoko Rinorarama Iri kuvanhu,akadzitirwa neShongwe yeMoto.

Kana usina Chizaruro chaizvozvo chezuva redu, haukwanise kuvaMwenga waJesu Christu. Kana uinacho zvino Uri Mwenga waJesu Christu uye uchafanirwa kuti “hapana chakakosha kukunda kuteerera matepi, nokuti Izwi raMwari ririkutaura kwauri, muromo kunzeve.”

Vazhinji vanoedza kutyisidzira vanhu vachiti tirikuisa zvakapfuurira pamuporofita; tirikumunamata.Shamwari dzangu ndiye akataura zvinhu izvi,kwete ini. Ndirikungokota Shoko.

Sezvazvakaitwa muchizvarwa chimwe nechimwe, HuMwari huchidzitirwa munyama yemunhu.Cherechedzai, Akazviita. Vaporofita vaiva HuMwari,hwakadzitirwa. Vaiva Shoko RaMwari(ndizvo here?) rakadzitirwa munyama yemunhu. Saizvozvo havana kucherechedzawo Moses wedu, kana maona, Jesu.

Hatisi kunamata munhu asi Mwari,Uyo akadzitirwa uye Achizvizarura kubudikidza nemumuporofita. Kuti unzwisise nekutenda izvozvo unofanirwa kuita izvi.

Hamusisiri seri kwechidzitiro ichocho,imi vadiki,Mwari Wavakuonekwa pachena zvizere nemi.

Hatisisiri seri kwechidzitiro ichocho, tavekuona kuti ndiMwari arikuzviratidza pachena.Zvakazururwa kuti kuteerera Izwi iroro pamatepi, ndiMwari arikutaura kuMwenga. Tinotenda kuti ndiyo Nzira yaakapa yanhasi,

Tinogona kuti Ameni kuIzwi iroro chete,kwete rimwe. Izwi iroro Richaparidza, rodziidzisa uye rozarura kwatiri zvose zvatinoda uye zvatinofanirwa kuziva. Izwi richatizivisa kunaIshe Wedu Jesu Christu. Izwi iroro ndiro bedzi ratinoda uye ratinofanirwa kuvanaro.
Tinotenda neshumiro yakapetwa kashanu iyo Mwari arikushandisa kunongedza vanhu kuIzwi, kuvafudzi vakabata chiratidzo uye vanechizaruro chekuti kuridza matepi mumachechi avo ndicho chinhu chikuru chavangaitire vanhu vavo.

Tinokukokai kuti muzoteerera nesu kuIzwi guru reShoko raMwari Rinorarama musiweSvondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville, apo tichanzwa richizarura:
The Unveiling of God 64-0614M

Hama Joseph Branham

24-0204 Pane Munhu Pano Anogona Kutungidza Chiedza

Anodikanwa, Iwe kuratidzwa kwaJesu Christu

Vanhu vanofunga kuti takapesana pfungwa,tigere mudzimba nemumakereke edu tichiteerera matepi.Vanofunga kuti tirikufa nenzara.Havacherechedze kuti tigeremuchiedza cheMwanakomana, Anokudzwa. Tichiibviswa nekupiwa Chikafu Chakachengetwa semhuru mudanga.

Tiri Gorosi ravapedyo nekuchekwa. Kana vachida kurarama mutsika dzavo,endai mberi. Kwete Isu, tirikurarama muChiedza Chezuva redu.

Chiedza Chezuva redu chii? Mwari Vakatumira kunyika mutumwa Wavo wechinomwe ane simba guru kuti atungamire mwenga Wake.Akanga ari chii? Aiva muporofita.Zvaakataura zvakazadziswa. Aiva Shoko raMwari rakaratidzwa.Aiva kuratidzwa kwechiedza cheShoko raMwari.Aiva Chiedza chaMwari kuitira nhasi.

Moses akangoenda mberi zvakadaro,nokuti ndiye aiva Hupenyu, aiva Chiedza chenguva. Chaaiva nacho chaiva chii? Mwari vachiratidza Shoko raVo rakavimbiswa kubudikidza naMoses, uye Moses aiva Chiedza

Eria aiva Chiedza ….Chiedza! Hareruya!Aiva Chiedza. Chiedza!Aiva Shoko raMwari rakazadziswa.

Johane paakauya panyika….Jesu Wakati, “Aiva Chiedza chinopenya zvikuru”Hareruya!Sei?Aiva Shoko razadziswa.

Zvino maererano neShoko,Chiedza chezuva redu muporofita waMwari, William Branham.Uyo anodaidzira arimurenje reBabironi.” Budai kubva maari,vanhu vangu,kuti musave vagoverani vezvivi zvake.

Ndiye aiva kuzadziswa kwaMaraki 4:5, uye zvakazarurwa 10:7. Akangotaura akati “kuchavapo”, uye kwakavapo pasina chimwe chinhu mariri. Haana kumbova netsindi, paiva pasina kana imwe ipapo. Akangoti ” ngapave ne, ikabva yavapo.

Shoko raMwari risingakundike, rinofanira kuzadzikiswa. Takaona Chiedza; Shoko Rake Raakavimbisa rezuva ranhasi.Rakaratidzwa uye Rakasimbiswa kutiIchokwadi.Ndiro Chiedza Chenguva ino.

Hapana chinotsiva pakuziva kuti zvatiri kuteerera Ndiro Shoko Rakaratidzwa kuitira zuva ranhasi.Harina honye mariri zvachose. Kana vamwe vakagutsikana nezvimwe, endai mberi,asi kwete isu.

Hazvireve kuti haufanirwe kuteerera Mufudzi wako,kana kuti vashumiri havafanirwe kuparidza, handizvo zvachose,asi UNOFANIRWA kusefa shoko rose raunonzwa kubudikidza nesefa huru yaMwari, Messeji Iyi iri patepi.

Pavanoti mazuva yeMeseji yemunhu mumwe akapfuura , ihonye idzodzo.
Pavanoti Meseji iyi handiyo Mhedziso yavo, ihonye idzodzo.

Hapana chikuru kukunda kungobaya nekuridza, uchiziva kuti unogona kuti AMENI kushoko rose. Hakuna imwe nzvimbo yaunogona kudaro kunze kwekuteerera MESEJI yenguva.

Zvino tisu tirikuratidzwa kwaJesu Christu kwezuva ranhasi. Tisu Shoko Rake rakaratidzwa. Tisu vaakasarudza kugamuchira chizaruro chake chikuru chenguva yekuguma. TISU MWENGA WAKE.

Mwenga waKe woga ndiwo uchava nechizaruro chechokwadi cheChiedza chanhasi. Vachaziva,Chiedza ichi chichavasvitsa pakukwaniswa. Chiedza ichi ndiwo  Mweya Mutsvene unotaura kubudikidza nengirozi mutumwa wake.

Ungade here kugara muhupo hweChiedza chaMwari  chenguva? Zvino ndinokukoka kuti ugobatana nesu musi weSvondo na12 masikati, nguva yekuJeffersonville apo tichanzwa Pane Munhu Pano Anogona Kutungidza Chiedza  63-1229M

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Genesis 1:3 Chapter 2
Psalms 22
Joel 2:28
Isaiah 7:14, 9:6,28:10,42:1-7
St Mathew 4:12-17, Chapter 24 ne 28
St Mark Chapter 16
Rev Chapter 3