26-0614 Uye Vasingazvizive

Mharidzo: 65-0815 Uye Vasingazvizive

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vasanangurwa.

Kuberekwa kutsva ndiKristu; chizaruro. Mwari vazarurakwauri chakavanzika chikuru ichi, uye ndiko Kuberekwa kutsva. Zvino uchaitei kana waunganidza boka rose iroro pamwechete? Apo chizaruro chave kunyatsoenderana,

 Mwari vari kuunganidza boka rake rose reZvapungu pamwe chete mukuwirirana kwakakwana, achizaruraShoko raKe kuMwenga wake.

 Nzira yaMwari yekuva namambo, sezvakanga zvakaita Davidi, yakanga yakarurama, uye nepfungwa imwe pakananga zvose. Semutungamiri mumwe weboka remadhadha, kana zvakadaro, haukwanise kutora maviri kana matatu kutungamirira. Ukadaro, unozvikanganisa, wopedzisira wava nepfungwa chero.

 Zvino chii chatinofanira kuita, Ishe?

 Chinhu choga chaunofanira kuita kungoita kuti Inzwi Rangu rizivikanwe; vanoriziva, nokuti makwai Anguanoziva Inzwi Rangu.

 Chii Inzwi Renyu rakakwana kuzuva ranhasi, Ishe?

 Kana ndakugumburai nekutaura izvozvo, ndiregererei, asi, ndanzwa kuti izvozvo zvine wazvatsamwiswa, asi, Ndiri Inzwi raMwari kwamuri.

 Tinozvitenda nemwoyo yedu yese. Ndiwo manzwiro atinoita, Ishe.

 Havafanire kushandisa sainzi kujekesa chinhu chipi zvacho, kana kubvunza chero muSadhusi kana muFarisi, kana chimwe chinhu, pamusoro pazvo. Ndakazvitaura, vanozvitenda, nokuti makwai aNgu anonzwa Inzwi raNgu.

Chii Inzwi riri pamatepi kuMwenga Wenyu?

Iri iInzwi raMwari muchimiro chezvinyorwa, nokuti Ichi ndicho chizaruro chose chaJesu Kristu, Testamente Yekare neItsva pamwechete. Ameni. Hezvoka izvo.

Matepi achiri kukosha here nhasi?

Ndinoziva kuti, mushure mokuenda kwangu kubva panyika pano, matepi nemabhuku aya achange achirarama, uye vazhinji venyu imi vechidiki muchaona, mumazuva anotevera, kuti izvi iChokwadi chaicho,…

 Ishe, tinotenda kuti matepi nemabhuku ishumiro yeNyu mhenyu, inorarama yaMakasiira Mwenga Wenyu.

Sei matepi ari INZWI RAKAKOSHESESA kwatiri kuti tinzwe?

 Tiri muzera rinonyengera zvikuru kupfuura ose atakamborarama maari. “Zvinogona kunyengera Vasanangurwa chaivo dai zvaigoneka,” nokuti vane chizoro, vanokwanisa kuita chero sevamwe vavo.
 
“Ani nani anowedzera shoko rimwe chete kune Izvi, kana kubvisa Shoko rimwe kubva kwaRiri.” Unofanira kuva neyaunoti mhedziso.

 Saka, Mhedziso yedu inofanira kunge iri Shoko raMwari. Makaratidza kwatiri kuti Shoko raMwari neInzwi raMwari zvakafanana. Inzwi ipfungwa chaidzo dzaMwari dzakataurwa, sezvoMakaita nevaporofita pamakanyora Bhaibheri; asi muzuva rino rokupedzisira, Makachengetedza Shoko reNyu, Inzwi reNyu, nokuRirekodha nokuRiisa pamatepi. Saka, Inzwi reNyu rakataurwa pamatepi ndiyo mhedziso yeMwenga.

 Vanhu havafungi kuti zvakakosha kuridza Izwi mukereke yavo nhasi. Vanodzidziswa mumakereke avo kuti Hama Branham havana kumboti ridzai matepi mukereke, vanofanira kungonzwa vafundisi vachishumiranekutaura zvitaurwa zveShoko.

 Zvino kana kerekei iriyo mhedziso yako, hauite hanya nezvinotaurwa nemunhu. Ndiyo mhedziso yako. O Mwari, batsirai kuti izvi zvinyure! Kwandiri, zvose zvakatsveyama. Shoko raMwari ndiyo mhedziso. Chero zvinotaurwa neShoko iroro, ndizvozvo.

Akange akamirira kuti vamukoke. Ndizvo zvaAkamirira manheru ano, kuti iwe uMukoke. Cherechedzai, vadzidzi vaya pavakaMukoka kuti apinde mukuyanana kwavo patafura,…

 Ko munhu angati, kana kupembedza, kana kupa zvikonzero, uyo anotaura kuti anotenda Shoko rino renguva yekupedzisira, kusaridza matepi mumakereke avo kana awana mukana wekunzwa IZWI CHAIRO RAMWARI? Ndiwo Mashoko akataurwa naMwari kubudikidza nemuromo wemunhu muporofita Wake wakazodzwa. Inzwi CHETE rakasimbiswa neShongwe yeGore reMoto, rikaratidzwa nekuziva zvakavanzika zvemwoyo, rikasimbiswa nezviratidzo nezvishamiso, kuti Inzwi raMwari kuchizvarwa chino.

 Zvingaita sei kuti munhu awane CHERO chikonzero, tsananguro, kana kusave nechishuwo chekunzwa Inzwi raMwari nguva yega yega yavanoungana?

Ishe, ngandirege kutora Inzwi reNyu pamatepi sezvisina maturo. Regai ndizivise nyika yose nguva dzose kuti ndiro Inzwi CHETE ravanofanira kunzwa. Regai ndishambadzire kuMwenga Wenyu, CHAVANONGODA CHETE IZWI RENYU PAMATAPI.

Tinofarira kutaura pamusoro peNyu nekutaura zvitaurwa zveShoko reNyu, asi hapana chikuru chaMaigona kuitira Mwenga Wenyu chinopfuura kutipa Shoko reNyu pamusoro peShoko, Chizaruro cheInzwi reNyu, uye nekucherechedza kuti TIRI VANAANI, MWENGA WENYU WAKATENDEKA.

 Ndaigona kuenderera, nekuenderera mberi, tichiyanana pamusoro pechizaruro chikuru chatakapiwa naMwari. Hazvina magumo; asi chinhu chikuru chandaigona kuita kukukokai kuti muuye muzvinzwire Inzwi raMwari nechikamu cheMwenga musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 65-0815 – Uye Haasi Kuziva.

 Hama Joseph Branham

 
Magwaro ekuverenga:
Zvakazarurwa 3:14-19
VaKorose 1:9-20