Mudiwa Mwenga waKristu,
ngativunganei, musi we Svondo na 12 masikati, nguvayeJeffersonville, kuti tinzwe 64-0816 – Kuedza Shoko Rake.
Hama Joseph Branham
Category Archives: Uncategorized
26-0111 Musha Unouya WeChikomba CheKudenga NeMwenga Wepanyika
Mharidzo: 64-0802 Musha Unouya WeChikomba CheKudenga NeMwenga Wepanyika
26-0104 Matangi Akatsemuka
25-1228 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
Mharidzo: 64-0726M Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 25-1228 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 24-0324 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 22-0904 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 21-0418 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 19-1110 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 17-1015 Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
- 16-0626M Kucherechedza Zuva Rako NeMharidzo Yaro
Mudiwa Mwenga Wakatemwa,
Nhasi, kereke yakanganwa muporofita wayo. Havachamudi kuti aparidze mumakereke avo. Vanoti vane vafundisi vavo vanovaparidzira nekudoma zvitaurwa nekududzira Shoko. Kuparidza kwakakosha kudarika kuteerera Inzwi raMwari pamatepi mumakereke avo.
Asi Mwari aiziva kuti aifanira kuva nemuporofita wake; ndiyo nzira yaAkagara achidana achitungamirira Mwenga waKe. Akatitema kubva kundudzi dzose noMunondo waKe unocheka kwose, Mweya waKe Mutsvene, Inzwi raKe rakataurwa nemuporofita waKe.
Akatitema neInzwi iroro. Ndicho chikonzero Akaita kuti Shoko rirekodhwe nokuiswa pamatepi. NeChizarurotinoona kuti Gwaro rakakwana sei! Mwenga haugone kuibva kunze kwekunge waibviswa neMwanakomana.
Hazvina mhosva kuti unoparidza zvakadini, chero chaunoita, haugoni kuibviswa, haugoni kuratidzwa, haugoni kusimbiswa; asi chete naiye Akati, “Ndini Chiedza chenyika,” Shoko.
Shoko rakatiudza kuti Mweya Mutsvene pachaKe achauya agotiibvisa, agotisimbisa, kuzviratidza uye kutiIye aratidzwe. Chiedza chemadekwana chasvika. Mwari achizviratidza munyama kuti adane Mwenga wake.
Ndiye akakudanai neMweya Mutsvene waKe, Shoko raKe, Inzwi raKe. Ndiye Akakusarudzai. Ndiye anokudzidzisai IMI. Ndiye ari kukutungamirirai IMI. Nei? NeMweya Mutsvene wake, Inzwi raKe richitaura ZVAKANANGA KWAURI.
Asi kwavari vanoti ndezvechinyakare muzuva rino. Vanoti nguva yekuteerera matepi mumakereke avoyakapfuura. Havazvi cherechedzi. Ndicho chikonzero vari muchimiro chavari. Asi kwamuri, Zvakazarurwa kuti ndiyo nzira yakapiwa naMwari, IZVANZI NAJEHOVHA KWAMURI.
Saka panofanira kuuya si- si- Simba, Mweya Mutsvene pachaKe, kuibvisa, kana kusimbisa, kana kuratidza, kana kuratidza izvo zvaAkafanotaura kuti zvichaitika muzuva rino. Chiedza chemadekwana chinoberekaizvozvo. Inguva yakadini!
Tiri Shoko Mwenga waMwari wakakwana akaonekwa nemuporofita wake muchiratidzo. Tisu vaAkatuma muporofita waKe kuzodana neShoko raKe, uye zvino tavane RUMUTSIRIRO, nokuti zvino tava kuziva kuti tiri vanaani.
Kumutsurudza, hezvo, ndiro izwi rimwe chete rakashandiswa kumwe kunhu, ndakaritarisa, rinoreva, “rumutsiriro.” “Achatimutsurudza mushure memazuva maviri.” Zvichireva kuti, “Nezuva retatu Achatimutsurudza zvakare, mushure mokunge Atiparadzira, nokutipofamadza, uye nekutibvarura.
Baba vakatuma muporofita wavo kuti atarise Mwenga wake kuti arege kubuda mumutsetse. Rangarira, ichi chaiva chiratidzo!
Mwenga akapfuura aripanzvimbo imwe chete yaAkange ari pakutanga. Asi ndakange ndakamutarisa achibuda mumutsara, ndichiedza kumudzosera mugwara.
Asi “iye” angamudzorera sei nhasi? “Iye”, munhu wacho, haasisipo panyika. NESHOKO! Chii Shoko CHETE rakasimbiswa nhasi? Inzwi raMwari pamatepi.
Vashumiri vanodanwa kuti vaparidze Shoko nekutaura chaizvo zvakataurwa nemuporofita. Maringe nezvakataurwa nomuprofita pachake, havafaniri kuvedzera chimwe chinhu.
Zvirokwazvo, vakadanwa kudzidzisa nokuparidza Shoko iroro. Asi pane IZWI RIMWE CHETE RINOSIMBISWANAMWARI PACHAKE KUTI IZVANZI NAJEHOVHA.
Saka ndinotaura, muZita raJesu Kristu: Usawedzera chimwe chinhu, usabvise, kana kuisa pfungwa dzako paRiri, ingotaura zvinotaurwa pamatepi iwayo, ingoita chaizvo izvo Ishe Mwari vakaraira kuti zviitwe; usawedzera kwaZviri!
Kana uchiti “ameni” kushoko rega rega rinotaurwa nemufundisi wako kana mushumiri wako, wakarasika. Asi kana uchiti “AMEN” KUSHOKO ROSE RAKATAURWA NAMWARI KUBUDIKIDZA NOMUPOROFITA WAKE PAMATEPI, URI MWENGA UYE UCHAVA NEHUPENYU HUSINGAPERI.
Muprofita waMwari ndiye munhu akasarudzwa naMwari kuti ataure nemaari. Kwaive KUSARUDZA KWAMWARI kumushandisa kutaura Shoko raKe nekuRiisa pamatepi kuti Mwenga AGARE ANE ZVANZI NAJEHOVHA YEKUNZWA.
Haadi kuti Mwenga wake atsamire pane zvinotaurwa nevamwe vanhu, kana kududzira kwavo Shoko rake. Anoda kuti Mwenga wake anzwe kubva pamuromo kusvika munzeve dzavo. Haadi kuti Mwenga wake atsamire pane mumwe munhu kunze Kwake Iye.
Patinomuka mangwanani, tinoda kumunzwa achitiudza, “Mangwanani shamwari” Ndichataura nemi nhasi uye ndikuudzei kuti ndinokudai sei uye kuti imi neni tiri MUMWE.
Ndine vazhinji vandichapa hupenyu husingaperi kwavari, asi Imwi chete ndimi Mwenga wangu wandakasarudzwa nemaoko. Kunewe IWE chete Ndakapa Chizaruro nyika isati yavambwa.
Vamwe vazhinji vanoda kundinzwa, asi ini ndakakusarudza kuti uve Mwenga Wangu. Nokuti makandiziva uye makagara neShoko rangu. Hauna kurerutsa, hauna kuita zvekutamba, asi wakaramba uri pachokwadi neShoko Rangu.
Nguva yave pedyo. Ndirikuuya kwauri nokukurumidza.Chekutanga, uchaona vandinavo zvino. Oh, vanoshuva sei kukuonai uye nekuva newe. Musanetsekana vadiki, zvese zviri mugwara, rambai muchishingirira. “
Semushumiri we iVhangeri, handioni chimwe chinhu chasara kunze kwekuenda kweMwenga.
Hama Joseph Branham
Mharidzo: 64-0726M “Kucherechedza Zuva Rako Nemharidzo Yaro”
Nguva: 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Hosea: Chitsauko 6
Ezekieri: Chitsauko 37
Maraki: 3:1/ 4:5-6
2Timotio:3:1-9
Zvakazarurwa: Chitsauko 11
25-1221 Kuenda Mberi KweMusasa
25-1214 Mutambo weHwamanda
- 25-1214 Mutambo weHwamanda
- 24-0310 Mutambo weHwamanda
- 22-0821 Mutambo weHwamanda
- 21-0328 Mutambo weHwamanda
Mudiwa Mwenga Wakakwana
Izvi hazvisi zvekuumbidzira, shamwari, Izvi iZVANZI NAJEHOVHA, Rugwaro.
Mukristu wese anoda kuva Mwenga, asi tinoziva kuti Mwenga wake vachange vari vashoma vakasanangurwa. Tinoziva kuti Mwari Ane kuda kwekuregedzera, asi Mwenga Wake anofanira kunge ari mukuda Kwake kwakakwana. Saka, tinofanira kutsvaga Mwari muShoko Rake, uye neChizaruro, tichaziva kuda Kwake kwakakwana kuti tingava sei Mwenga Wake.
Tinofanira kunzvera Magwaro, nokuti tinoziva kuti Mwari HAASHANDURI pfungwa dzake pamusoro peShoko rake. Mwari haashanduri hurongwa Hwake. Haashanduri CHINHU. Nzira yaAkazviita nayo kekutanga yakakwana. ZvaAkaita nezuro achazviitawozvimwe chete nhasi.
Maponesero Aakaita munhu kubva pakutanga, Anofanira kuponesa munhu nhasi nenzira imwe cheteyo. Kupodza kwaakaita munhu wekutanga, Anofanira kuzviita nenzira imwe chete nhasi. Mwari kusarudza kwaakaita kudana nekutungamira Mwenga Wake, Achazviita nenzira imwe chete nhasi; nokuti ndiMwari uye haashanduki. Shoko rinotiudza kuti Jesu Kristu ndiye MUMWE CHETE zuro, nhasi, nokusingaperi.
Saka, patinoverenga Shoko rake, tinokwanisa kuona zvakajeka Masarudziro aakaita kudana nekutungamira Mwenga wake muzera rega rega. Akasarudza MURUME MUMWE chete. Akati ivavo vaive Shoko renguva yavo. Muporofita akatiudza kuti HAANA kumbova neboka revanhu; vane nzira dzakasiyana, pfungwa dzakasiyana, uye zvinotonyanya kukosha, Akati, SHOKO RAMWARI HARIDI DUDZIRO.
Saka, zvakataurwa nemuprofita wega wega muzera rega rega hazvigone kuwedzerwa kana kutapudzwapazviri. Rinofanira kuva Shoko neShoko ZVAAKATAURA. Nyore chaizvo, kana ukandibvunza kuti ndeipi nzira yakapihwa naMwari….GARA NEMUPOROFITA.
Zvino, hatingoziva chete nzira yakapihwa naMwari kubva pakutanga kuti yanga yakadini, Ishe vachataura kubudikidza nengirozi yavo uye votiudza Zvaachaitamune ramangwana, kungoratidza zvakare, MWARI HAASHANDURE HURONGWA HWAKE.
Mushure mekunge Mwenga wake (isu) tabva pasi pano uye tadanwa kuChirairo cheMuchato, Mwari achadana sei maJuda akasarudzwa 144 000? Boka revarume?
Zvino, kana Chechi ino (Mwenga) yavunganidzwa pamwe chete, Anotorwa; uye chakavanzika cheChisimbiso cheChinomwe, kana Chisimbiso cheChinomwe, chakavanzika chekuenda. Uye maJuda anodaidzwa nechakavanzika cheHwamanda yeChinomwe, inova vaporofita vaviri, Eria naMosesi, uye vanodzoka.
Saka kana Mwenga avunganidzwa pamwe chete, tichatorwa kumusoro. Tinoziva kuti pane chinhu chimwe chete chinogona kukwevera Mwenga pamwe chete, Mweya Mutsvene, uye Mweya Mutsvene iShoko Rake,uye Shoko Rake ranhasi Inzwi raMwari, uye Inzwi raMwari ndiro…
Kana ndakugumbura nekutaura izvozvo, ndiregerere, asi, ndanzwa kuti izvozvo zvinogona kurambwa, asi, Ndiri Inzwi raMwari kwamuri. Maona? Ndinozvitaura zvakare, nguva iya kwange kuri kufemerwa, waona.
Regai ndigopindira pano ndichiti, ichocho CHITAURWA CHIMWE CHETE kubva kumutumwa waMwari akasimbiswa chinofanira kukwana kune vose vanozviti vatendi veShoko reNguva yekupedzisira kuti vamanikidze vafudzi vavo kuDzvanya noKuridza muma chechi avo, kana vasingadi voregedza basa racho vanhu vovhotera mufundisi ane CHIZARURO CHECHOKWADI KUBVA KUNA MWARI.
Saka, Hwamanda yakarira vaporofita vaviri voonekwa sezvo Asingakwanisi kuva nengirozi yake yechinomwe neMwenga wake pano panyika panguva imwe chete yavanouya. Saka anodaidza sei maJuda? Nenzira imwechete yaakadaidza nayo Mwenga wake weMarudzi.
MaJuda anodaidzwa nechakavanzika cheHwamanda yeChinomwe, inova vaporofita vaviri…
Mwenga anofanira kubva munzira, kuti akwire zvino; kuitira kuti varanda vaviri, varanda vaviri vaMwari, muna Zvakazarurwa, vaporofita vaviri, vagokwanisa kuoneka panzvimbo, kuridza Hwamanda yeChinomwe kwavari, vazivise kwavari Kristu.
Zvakajeka izvo, Mwari haashandure hurongwa Hwake. Akatuma vaporofita Vake. Naizvozvo, Mwenga Wake uchagara nenzira Yake yaakapa, mutumwa Wakemuporofita, Inzwi raMwari pamatepi.
Zvino kuti zvinyatso jeka, Mwari vanotaura zvakare uye vanoudza Mwenga Wake: Wakaramba wakatendeka kwaNdiri nenzira Yangu yandakapa, saka nzira Yanguyandakapa yezuva rako ichati kwauri:
Mutumwa wechinomwe anoti, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika!”.
Rakakosha sei INZWI IRO; INZWI RAMWARI richitaura kubudikidza nemutumwa wake wechinomwe pamatepi. Mwari achashandisa INZWI IRORO, IZWI REMUTUMWA WAKE WECHINOMWE. KWETE BOKA…KWETE INI…KWETE MUFUNDISI WAKO…INZWI REMUTUMWA WAKE WECHINOMWE kuti atizivise Kwaari, Ishe wedu Jesu Kristu.
Naizvozvo, TINOZIVA:
● TIRI MWENGA WAKE.
● TIRI MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA.
● TIRI KUTEVERA HURONGWA HWAKE HWANHASI KUBUDIKIDZA NOKU DZWANYA NOKURIDZA.
Chikamu cheMwenga wake chichange chichiungana musi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, tichiteerera mufundisi wedu, mutumwa ngirozi yaMwari, William Marrion Branham, uye Achange achitaura nekuzarura kwatiri kuti hakuna imwe kereke, hakuna rimwe boka revanhu kubva pakuvambwa kwenyika, rakambova nemukana watinawo wekubatanidzwa pamwe chete tichiteerera Mwari achitaura kwavari zvakananga.
Tiri vanhu vakaropafadzwa sei. Tinofara zvikuru. Tinotenda zvikuru. Mwenga ari kuva MUMWE neChikomba.
Hama Joseph Branham
Mutambo weHwamanda 64-0719M.
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Revhitiko 16
Revhitiko 23:23-27
Isaya 18:1-3
Isaya 27:12-13
Zvakazarurwa 10:1-7
Zvakazarurwa 9:13-14
Zvakazarurwa 17:
25-1207 Zvino Jesu Akauya Akadana
Mharidzo: 64-0213 Zvino Jesu Akauya Akadana
Mudiwa Mwenga Shoko,
Tiri kurarama munguva dzerima guru chaizvo, asiHATINA CHATINOTYA, Tenzi vauya. Vauya kuzozadzisaShoko ravo muzuva rokupedzisira. Zvavaiva ipapo, Ndizvo zvavari nhasi. Kuratidzwa Kwavo nekuziviswaKwavo ipapo, ndizvo zvazviri nhasi. Vachiri Shoko raMwari, vachiZviratidza munyama yemunhu mungiroziYavo yechinomwe ine simba uye vakazivisa kwatiri, kutitiri Mwenga Shoko Rake rinorarama.
Hatina nguva yekukakavadzana kana kunetsana; tapfuura zuva iroro; tiri kuenda mberi, tinofanira kusvikaikoko. Mweya Mutsvene wakauya pakati pedu. IsheJesu muchimiro cheMweya vakazvizivisa nekuzviratidzakubudikidza nemuprofita Wake kuti ndiye Inzwi raMwarikuMwenga wake.
Akati Achauya. Akati Achaita izvi. Akati Achasimukanemazuva okupedzisira oita zvinhu izvi sezvaAkaitapaAkauya munyama kekutanga, uye Heuno Ari kuzviita. Chii chauri kutya? HAPANA CHEKUTYA!!!
Tiri munzira yedu inoenda muKubwinya! Hapanachichatimisa. Mwari vachasimbisa Shoko ravo. Hazvineichichaitika. Yasvika nguva yekuita chimwe chinhu. Nguva yasvika yekutenda kana kusatenda. Mutsara uyawekuparadzanisa unouya kumunhu wese wasvika.
Wakabekerwa chinangwa. Chiedza pachakasvikakwauri, Chakabvisa rima rose kwauri. PawakanzwaInzwi Rake richitaura kwauri pamatepi, pane chinhuchakaitika. Rakataura kumunhu wako wemukati. Rikati, “Tenzi vauya vanokudana. Usaneta, usatya, ndinokudana. Uri Mwenga Wangu”.
O vanhu, ivai nechokwadi! Musatora mukana pazviri. Mwari ane hurongwa: Shoko rake Akariisa pamatepi. Tenzi auya uye anokudana. Huya nenzira yakapiwanaMwari.
Tenzi achabatanidza Mwenga wake zvakare pasi rose neInzwi Rake. Achatikurudzira, achatisimbisa, achatipodza, nekutiunza muHupo Hwake hune simbauye otiudza:
Tenzi vauya uye vanokudana. O, mutadzi, o iweunorwara, hauoni here Tenzi vachiratidzwa muvanhu, pakati pevatendi? Vauya kuzodaidza vana vakevanotenda kuhutano. Vauya kuzodana mutadzi kutiatendeuke. Iwe wakadzokera kumashure, iwe nhengoyechechi, Tenzi vauya uye vanokudana.
Kudururwa kwakadini kweMweya wake Mutsvenekuchange kuri muMwenga musi uno weSvondo apoMwari achaunganidza vana Vake pamwe chete zvakareuye achipinda mudzimba dzedu, makereke edu, unganodzedu, uye achidanidzira kwatiri achiti, “Tenzi vauya, vari kudana. Chose chaunoda, ndechako”
Mashoko iwayo ngaanyure mukati memoyo yenyu hamanehanzvadzi. CHESE CHAUNODA, TENZI VAUYA UYE VANOKUPA.
Baba veKudenga, O Ishe, ngazviitike zvakare. Zvinhuzvose izvi zvandakataura, “Jesu auya uye anokudana.” Chii chaAnoita kana Auya? Anodana. Uye ngazviitikezvakare, Ishe. Deno Mweya Wenyu Mutsvene wauyapakati pevanhu manheru ano, Ishe Jesu muchimiro che-cheMweya. Ngaauye manheru ano aZvizarure, uyeneku Zviratidza.
Hama Joseph Branham
Mharidzo: 64-0213 Ipapo Jesu Akauya Akadana
Nguva: 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville
Magwaro: Johane 11:18-28
25-1130 HuMhizha
25-1123 Mwari Mukuru Achibhedhenurwa Pamberi Pedu
Mharidzo: 64-0629 Mwari Mukuru Achibhedhenurwa Pamberi Pedu
- 25-1123 Mwari Mukuru Achibhedhenurwa Pamberi Pedu
- 20-0503 Mwari Mukuru Achibhedhenurwa Pamberi Pedu
- 18-0311 Mwari Mukuru Achibhedhenurwa Pamberi Pedu
- 15-1202 Mwari Mukuru Achibhedhenurwa Pamberi Pedu
Mudiwa Branham Tabernacle
Inguva dzino bwinya sei dzatiri kuva nadzo. Shoko neMwenga chinhu chimwe chete. Tiri kurarama kuseri kwechidzitiro muhupo hweKubwinya kwaMwari. Tinoona Mwari achizvivanza kuseri kweganda mungirozi mutumwa wake wechinomwe. Mwari, zvakare, Achizvivanza kuseri kweganda remunhu mune mumwe nemumwe wedu. Hapasisina mubvunzo zvakare. Hapasisina kupokana, tiri vasanangurwa vaKe, vakatemerwa, Shoko rakaitwa nyama, Mwenga Shoko wakakwana.
Patinobatana pamwechete kubva pasi rose, tiri kuteerera kuInzwi raKe richitaura uye nokuzarura Shoko raKe zvakazara kwatiri Chizaruro chakakwana chekuti Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasi nokusingaperi. Kuratidzwa kweShoko, Elohim, Mwari munyama achitaura kuMwenga wake. Mwari munyama achirarama uye achigara mune mumwe nemumwe wedu. Hurongwa hwokupedzisira hwaMwari zvino huri kuratidzirwa zvizere nokuratidzwa mune mumwe nomumwe wedu.
Tinofara zvikuru uye tinotenda Ishe kuti tinzi vanhu vasinganzwisisike uye kunzi zvakare mabhaudi ane mazino asingajairike. Asi tinoziva kuti takarukirirwa kunaani, uye kuti tiri vanaani: Mwenga waMwari wakarukirirwa kumaTepi; uye tiri kukwevera kwaAri, zvichiwedzera kusimba nekusimba apo tirikuva MUMWE NAYE, Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.
Takapwanya nemuchidzitiro tikapinda muShongwe yeGore reMoto uye tikabuda nemaropafadzo aMwari! Vanhu havaZvione. Havagoni kuZvinzwisisa. Asi kwatiri, Zviri pachena, nokuti tiri mumweya mumwe chete neMunyori wedu uye Mutungamiriri wedu. Inzwi raMwari riri paMatepi richitungamira Mwenga waKe.
Tiri kurarama nechingwa chokuratidzira, Manna inongopiwa chete vanhu vakatsaurwa. Ndicho Chinhu choga chatinogona kudya. Ndicho chinhu choga chatinobvumirwa kudya. Uye ndezvevanhu vakatenderwa, vakatemerwa uye vanoziva kuti Chii.
Ndinongofara kumunzwa achitiudza kuti TIRI VANAANI.
Mumwe chete akaburuka neZuva rePentekosti, ndiye Mweya Mutsvene mumwe chete ari kuratidzwa nhasi, kubva paKubwinya kuenda pane kumwe kubwinya. Uye yadzokera kuMbeu yepakutanga, nerubhabhatidzo rweMweya Mutsvene; nezviratidzo zvimwe chete, zvishamiso zvimwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete; vanhu verudzi rumwe chete, vachiita nenzira imwe chete, nesimba rimwe chete, manyawi mamwe chete. Zvinobva paKubwinya zvichienda pane kumwe Kubwinya.
Tadzokera kuMbeu yepakutanga nerubhabhatidzo rweMweya Mutsvene. Zviratidzo zvimwe chete, zvishamiso zvimwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete, vanhu verudzi rumwe chete, vachiita nenzira imwe chete, nesimba rimwe chete, nemanyawi mamwe chete.
TIRI MWENGA WAKE WEMATEPI, MWENGA WESHOKO WAKAKWANA, WAKADZOREREDZWA ZVAKAZARA!
Tiri kukunda. Takasara. Takamira. Tichirarama neShoko raKe rakachena rakachengeterwa Mwenga wake. Riri kutikwanisa zuva nezuva. KUTENDA kwedu kwasimuka kusvika pazviyero zvitsva pakuziva kuti TIRI VANA ANI, uye ndizvo:
Hazvirambike, Hazvina hurukuro uye pamusoro pazvose, Hazvina CHIRANGO.
Unoda mufaro kupfuura wavakambova navo here?
Unoda kugutsikana 1000% here kuti zvauri kunzwa iZvanzi naJehovah? Unoda kukwaniswa neShoko raMwari here?
Zvino ndinokukokai kuti muuye kuzobatana nesu, Branham Tabernacle, musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri Mazwi eHupenyu Husingaperi: Mwari Samasimba Achizarurwa Pamberi Pedu 64-0629.
Hama Joseph Branham
25-1116 Kuziviswa kwaKristu Mumazera Ose
Mudiwa Shoko Benyu raMwari,
Makore ose aya ndakazviviga mumwoyo mangu, ndichifukidzira Kristu, Shongwe yeGore reMoto imwe chete ichidudzira Shoko, sezvakavimbiswa.
Ndinoziva kuti izvi zvichanzwika sezvisina musoro kuvanhu vakawanda, asi kana ukangotsungiriranemutumwa waMwari kwechinguva chiduku, uye wokumbira Mwari Chizaruro chakawedzerwa, ndinotenda kuti iye, nerubatsiro rwaMwari uye neShoko raKe, uye maringe neShoko raKe, achaMuunza pamberi penyu chaipo. Mwari, achizarura nekuZviratidza, achidudzira nekuzarura Shoko raKe.
Rumutsiriro rwakadini rwanga rwuchiitika mwedzi wapera uno mukati meMwenga waJesu Kristu. Mwari, achiZvizarura zvisina kumboitika kare, achitaura kuMudiwa Wake, achidanana Naye, achiMusimbisa, Tiri Mumwe Naye.
Hapana zvekutyira, hapana kusava nechokwadi, hapana kuzeza, kana mumvuri wekupokana; Mwari vakazarura kwatiri: Inzwi raMwari rinotaura pamatepi INZIRA YAMWARI YAKAPIWA UYE YAKAKWANA KUMWENGA WAKE NHASI.
Akazvipa nenzira iyi kuti tirege kushandisa sefa pazviri, kana kuedza kuzvijekesa, kutsanangura, kana kuisa pfungwa dzemunhu pazviri nenzira ipi zvayo; ingoteerera kuInzwi Rakachena raMwari richitaura muromo kunzeve kwatiri tose.
Akaziva kuti zuva iri raiuya. Aiziva kuti Mwenga wake aingokwanisa kudya Mana Yakavanzika, Chikafu Chake cheMakwai. Hatingadi kunzwa chimwe chinhu kunze kweInzwi raMwari kubva kuna Mwari pachake.
Takapinda muchidzitiro ichi kupinda muKubwinya kwaMwari. Nyika haikwanise kuZviona. Muporofita wedu anogona kusataura mazwi ake zvakanaka. Anogona kunge asina kupfeka zvinotarisirwa. Anogona kunge asina kupfeka mbatya dzevafundisi. Asi seri kweganda remunhu iroro, imomo mune Kubwinya kwaMwari. Imomo mune simba. Imomo mune Shoko. Imomo mune Chingwa Chokuratidzira. Imomo mune Kubwinya kwaMwari, kunova Chiedza chinoibvisa Mwenga.
Uye kusvikira wapinda seri kwedehwe rematenhe, kusvikira wabuda muganda rako rekare, pfungwa dzako dzekare, zvitendwa zvako zvekare, wouya muHupo hwaMwari; zvino Shoko rova chinhu chipenyu kwauri, ipapo unomutswa kuti uone kuKubwinya kwaMwari, ipapo Bhaibheri rinova Bhuku idzva, ipapo Jesu Kristu anova mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Wavekurarama muHupo hwaKe, uchidya chingwa chokuratidzira chakangopiwa vatendi vezuva irorochete, vaprisita chete. “Uye isu tiri vaprista, uprista hwehumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakatsaurwa, vanopa zvibayiro zvomweya kuna Mwari.” Asi unofanira kupinda, kuseri kwechidzitiro, kuti uone Mwari akazarurwa. Uye Mwari akafukidzwa, ndiro Shoko raKe richiratidzwa.
Isu tiri vanhu vasinganzwisisike kunyika, asi tinogutsikana kuziva kuti Bhaudhi redu ndiani uye tinodada kuva bhaudi duku rake rematepi, rakarukirirwa kuShoko rake, apo rinotidhonzera kwaAri.
Kana iwe usina kusungirirwa kumatepi, hausi chinhu asi murwi wemarangwanda!!!
Zvino cherechedzai zvino, Mwari! Jesu akataura kuti, “Avo vakapihwa Shoko, vainzi ‘vamwari,’” vaiva vaporofita. Zvino, hatisi kuti munhu uyu akange ari Mwari, sezvakangoita muviri waJesu Kristu, muviri wakange usiri Mwari. Akange ari munhu, uye Mwari akange akafukidzwa shure Kwake.
Mwari, rimwe zuva akafukidzwa seri kwematehwe edenhe. Mwari, rimwe zuva akafukidzwa munyama yemunhu anonzi Merikizedheki. Mwari, akafukidzwa munyama yemunhu anonzi Jesu. Mwari, akafukidzwa munyama yemunhu anonzi William Marrion Branham. Mwari, akafukidzwa munyama yemunhu anonzi MWENGA WAKE.
Zvakakoshasei kuyeuka, asi vazhinji vanokundikana uye vari kutsvaga chimwe chinhu. Chinhu chekupedzisira chakaonekwa naAbrahama, chinhu chokupedzisira chakaitika moto usati waburuka kutonga nyika yevaHedheni, mwanakomana wechipikirwa asati auya panzvimbo, chinhu chekupedzisira chichaonekwa nekereke yechiKristu kusvikira pakuonekwa kwaJesu Kristu, ndiMerikizedeki, Mwari achiratidzwa munyama, achizivisa Shoko raKe kuMwenga wake.
Hapana chimwe chichauya. Hakuna chimwe chinhu chakavimbiswa muShoko rake. Hakuna munhu, kana boka revanhu richauya kuzokwanisa Mwenga.
Kwete! Vanoda kuuya kuno kuchechi kuzokwaniswa. Maona? Kuti isu—tiwane kuyanana mumwe nomumwe pano pachechi, asi kukwaniswa kunouya pakati pedu naMwari. Ropa raKristu ndiro rinotikwanisa muMweya Mutsvene.
Shoko iri, Inzwi Iri, Shoko raMwari rakasimbiswa, riri kukwanisa Mwenga waJesu Kristu.
Ndinokukokai mumwe nemumwe wenyu kuti auye kuzoteerera nesu kuIzwi raMwari paRinokwanisaMwenga waKe musi uno weSvondo na12:00 masikati,nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 64-0617 “Kuziviswa kwaKristu Mumazera Ose”.
Hama Joseph Branham
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Dheuteronomio 18:15
Zekaria 14:6
Maraki 3:1-6
Ruka 17:28-30
Johani 1:1 / 4:1-30 / 8:57-58 / 10:32-39
VaHebheru 1:1/4:12/13:8
Zvakazarurwa 22:19