Mharidzo: 65-0218 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande
- 26-0301 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande
- 24-0602 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande
- 22-1106 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande
- 19-1027 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande
- 17-0104 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande
Mudiwa Mhandara Shoko Mwenga,
Ndakagara pano mangwanani ano ndichinzwa kuzodzwa kukuru pandinenge ndichiteerera, kuverenga nekudzidza Mharidzo iyi Mwenga achange achinzwa musi weSvondo. Muwiri wangu wose wakazodzwa. Mwoyo wangu uri kututuma nemufaro mukuru ndichiziva, TICHANGE TAKAVUNGANA TOSE KUBVA PASI ROSE NECHIZORO CHIMWE CHETE ICHOCHI. Tichange tichifara, tichirumbidza Ishe, tose panguva imwe chete, apo IYE achataura kunesu tose achizarura Shoko Rake.
Chizoro chichange chakakura zvikuru zvekuti pachava nekushevedzera nekudanidzira, “Hareruya, ameni, Zita raJehovha ngarirumbidzwe” kumativi ose enyika panguva imwe chete, apo tichazungunusa Denga nekurumbidza nekushumira kwedu.
Chii chichange chichiitika? Mwari achange achibatanidza achitaura kuMwenga wake. Tichange tiri Chinhu Chimwe Chete, mupfungwa imwe uye mukubvumirana paachange achizarura nekuzviratidza kwatiri.
Hakuna imwe nzvimbo huru yaungaenda kwairi, hapana Inzwi guru raunogona kunzwa; hakuna chizoro chakakura kudarika Inzwi raMwari richitaura newe dungamunhu pamatepi.
Mwari vakarinda Shoko Ravo kubva pakutanga uye vakapa nzvimbo vana Vake vose pavanogona kuenda nekumunzwa achitaura nekududzira Shoko Rake Pachake. Nzvimbo isina zvekufembera fembera, isina zvekuti pamwe ndizvo, kana kufungidzira; Inzvimbo yakapiwa naMwari kuti unzwe ZVANZI NAJEHOVHA.
Kana zvazarurwa kwauri, zvinoita sechiedza chikuru chakabatidzwa mumwoyo mako nemumunhu wakowemukati…unodanidzira uchiti, “Izvi ndizvo. Ndazviona. Ndiri MUMWE NESHOKO. NDIRI SHOKO. NDIRI MWENGA. NDASVIKA.
Zviri kuitika, uye havazvizivi. Maona, ndizvozvo. Maona? Hongu, changamire. “Nokuti pane Mutumbi, ndipo panoungana zvapungu,” ndoozvazviri chaizvo. Maona? Ndizvo zvaAkataura. Chii Mutumbi? Shoko. Iye iShoko, Mutumbi, Kristu! “Kristu mauri,” mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Ichokwadi sei!
Patichaungana kunzwa Shoko, zvinetswa zvedu zvese, kumanikidzwa kwedu kwese, matambudziko edu ese, zvinongopera. Tinofara patinoziva kuti hapana chokunetsekana pamusoro pacho; tiri Mwenga Wake. Haasi patiri chete, ASI ARI MATIRI. TIRI MBEU SHOKO MWENGA. Zvose zvakaringana. Nguva yake yakaringana. Isu takakwana.
Takagutsikana zvikuru uye tinotenda zvikuru kutaura kuti tiri Shoko Rake Mhandara riri kuratidzwa; Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi, achirarama nekugara matiri. Hareruya!
Hatigoni kurerutsa PASHOKO RIMWE. Tinofanira kunzwa Inzwi raMwari pamatepi.
Wakamboona Chapungu chichirerutsa here? Kwete, changamire. Hachigone kurerutsa. Uye muKristuwochaiye haadaro. Haana hutera. Achavhima kusvikira aZviwana. Ameni. Hongu, changamire. Achawana Zvokudya zvake. Anoda Manna itsva. Achadzika ipapo ochera kusvikira aZviwana. Achabhururuka achikwira kumusoro. Kana pasina mumupata uyu, achasimukira mudenga. Paunoenda kumusoro, ndipo paunonyanya kuona. Saka inguva yokuti zvapungu zvezuva rino zvisvike pakubhururuka kumusoro, nekuchera muzvipikirwa zvaMwari, kwete kurarama nezvokudya zvemagora zvakauraiwa makore akare; buda mazviri.
Gadzirirai Mwenga, tichange tichidya Manna itsva iyoyo, tigere pasi pechizoro chikurusa chiripo, musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 65-0218 Mbeu Haigari Nhaka Pamwe Chete NeMakwande.
Tinokoka Mwenga kubva pasi rose kuti abatane nesukuzodya paNzira yaMwari yakakwana yezuva ranhasi. Nzvimbo chete apo Mwenga anogona kuti ameni kuShoko rose. Apo chizoro chepamusoro-soro cheMweya Mutsvene chichataura nekunatsa Mwenga Wake kubudikidza nekuDzvanya nokuRidza nekunzwa nekugamuchira Shoko raKe.
Hama Joseph Branham
Magwaro:
Mateo 24:24
Ruka 17:30
Johani 5:24; 14:12
VaRoma 8:1
VaGaratiya 4:27-31
VaHebheru 13:8
1 Johani 5:7
Zvakazarurwa 10
Maraki 4