24-0428 Mharidzo yeSvondo: Mibvunzo neMhinduro #1

BranhamTabernacle.org

Vadiwa vateereri veTepi,

◦ Handikwanisi kuzvitaura zvakakwana, hapana CHINHU chikuru kudarika kunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri kuburikidza nemutumwa waKe ngirozi yakasimbiswa yezuva redu. Chizaruro mushure meChizaruro Ishe Vari kuzarura kwatiri. Hapana magumo aZvo. Mharidzo imwe neimwe inoita setisati takamboInzwa. Ishoko Benyu, Manna Itsva, Mwari Akachengetera Mwenga Wake Zvokudya, uye chatinofanira kuita KUBAYA NEKURIDZA.

Tinonzwa zvese nezveKUBVUTWA KWEDU kuri kuuya. Tiri kuenda…KUBWINYA, TAVA KUENDA kuchirairo chemuchato. Akafanotitemera kuti tivepo nekufanoziva kwaKe, uye hapana chichazvimisa. Shoko pano rinobatana nemunhu, uye vaviri vanova Mumwe. Zvinoratidza Mwanakomana wemunhu. Shoko neChechi zvinova chinhu Chimwe. Chero zvakaitwa neMwanakomana wemunhu, Aive Shoko, Kereke inoita zvimwe chete.

Ndisati ndaenderera mberi, ungada kuverenga izvozvo zvakare !! Tingaregere sei Dhiyabhorosi achitiwisire pasi? Teerera kune zvatiri kutarisira. Teerera kuti tiri vanaani. Teerera kune zviri kutora nzvimbo ZVINO.

Tiri kuenda kupi? KuChirairo cheMuchato wedu icho chatakatemerwa nekufanoziva kwaKe, apo ISU, Shoko raKe neChechi yake, tinova MUMWE NAYE, uye chero chii chakaitwa neMwanakomana weMunhu, TINOITA ZVAKAFANANA!!

Zvino takanzwa zvese nezve Musha Weramangwana Redu. Mugadziri AnehuMwari akagadzira Guta REDU Idzva, kwaAchazogara nesu, Mwenga wake. AkaRivaka uye akaisa chinhu chidiki chese pakubata KWEDU; zvose zvatingade. Uko tichange tisingade mwenje , nokuti Gwayana ndiro richava Chiedza chedu. Uko muporofita achagara pedyo nesu; achava muvakidzani wedu. Tichadya zvemiti iyoyo, tichafamba nemigwagwa iyo yegoridhe inoenda pachitubu uye tonwa. Tichange tichifamba muParadhiso yaMwari, neNgirozi dzichifamba pamusoro penyika, dzichiimba nziyo. Kubwinya! Hareruya!

Achiratidza Shoko rake kwatiri; Iye, Shongwe yeMoto, akaita kuti mufananidzo waKe utorwe nengirozi mutumwa waKe, kuratidza uye kuti kunyika, “Munzwei Iye.” Hatifanire kupokana Shoko rimwe chete, nekuti harisi shoko remuprofita, iShoko raMwari rakataurwa kuMwenga wake. Akabva atiudza, tine chinomiririra kubva pakufanotemerwa, achitipa kugutsikana. Haaone isu, anongonzwa inzwi redu kuburikidza neRopa raJesu. Takakwana mumaziso ake.

Pakadzika parikudaidzira pakadzika zvisina kumboitika kare, uye Baba vari kutizadza neShoko ravo rakazarurwa. Zvese zvatinoda kuziva zvakanyorwa uye zvakapihwa kwaTiri. Hapana magumo kuMharidzo yeIzwi Benyu iri. Hapana chikuru kudarika kuziva kuti TIRI Mwenga wake. Kugutsikana nekuziva kuti kunzwa Inzwi iroro, Kubaya neKuridza, ndiko Kuda kwaShe kwakakwana; Hurongwa hwake hwaAkapa.

Pane zvakawanda zvichauya! Ishoko risingaperi reMvura mhenyu kuMwenga wake. Hatina kumbova nenyota yakadai muhupenyu hwedu hwese, asi hatina kumbozorodzwa zvakadai apotinonwa nekunwa zvese zvatinoda.

Svondo yega yega, Mwenga anonzwa kufara zvikuru kuunganidzwa nechikamu cheMwenga kubva pasi rose, kuti anzwe zvaAchazozivisa zvinotevera.Akatiudza kana tisingakwanisi kuuya pano paTabhenakeri, tisvike kune imwe chechi kune imwe nzvimbo; enda kwairi.

Hatingagoni kuungana tose pamusha wemuporofita; kumuzinda wake kwaakagadzwa, asi tinogona kushandura machechi edu, kana Dzimba dzedu kuva machechi, matinomuisa papurupiti. Kwatinogona kudyiswa SHOKO RAKAKWANA SEKUZARURWA KWARAKAITWA.

Hakuna kuungana kukuru, hakuna chizoro chikuru, hapana nzvimbo huru yokuva inopfuura kugara pamwe chete munzvimbo dzeKudenga, tichiteerera Inzwi raMwari.

Ndinokukokai kuti muuye kuzonzwa Inzwi raMwari rakasimbiswa pamwe nesu Svondo ino na12:00 P.M., nguva yeJeffersonville, paAnotaura kwatiri zvakare nengirozi mutumwq waKe, uye achipindura mibvunzo yose yatinayo pamwoyo yedu, uye achitivimbisa kuti
Ndinokukokai kuti muuye kuzonzwa nesu Inzwi raMwari rakasimbiswa Svondo ino na12:00 masikati., nguva yeJeffersonville, paAnotaura kwatiri zvakare nemutumwa waKe ngirozi, uye achipindura mibvunzo yose yatinayo pamwoyo yedu, uye achitipa kugutsikana kuti tiri Mwenga wake

Hama. Joseph Branham

Mharidzo yeSvondo: Mibvunzo neMhinduro #1 64-0823M