24-0421 Kuratidza Shoko Rake

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Kereke – Mwenga

Mwanakomana wemunhu akauya akazvizarura munyama yemunhu kuMwenga wake. AkaZvitaura, tinoZvitenda, uye AkaZvisimbisa. Isu tiri Mwenga-Kereke yake takazvigadzirira isu kuburikidza nekuteerera uye nekutenda Shoko rose rakabuda mumuromo Wake.

Kuchava nokumuka kwevakafa. Achazviratidza. Kuchava neKubvutwa kweKereke. Achazviratidza. Kuchava neMireniyamu. Achazviratidza. Kuchava neDenga idzva nenyika itsva. Achazviratidza, nokuti Shoko raKe rakataura kudaro.

Tisu tichange tiripo. Achazviratidza. Isu tisu takaitwa chikamu cheShoko iri. Akafanotitemera kuti tive Ikoko. Kuchava neKubvutwa kubudikidza. nekufanoziva kwaKe uye hapana chichazvimisa, tichange tiripo!

Satani akaedza kwenguva refu kuita kuti vanhu vapokane Shoko chero rimwe chete rakataurwa. Usaite izvozvo. Ingotenda Shoko Rose. Unofanira kutenda Shoko Rose kuti Ugovako. Harisi shoko remuprofita, iShoko raMwari rakarekodhwa rikachengetwa paMatepi.

Muprista mukuru, Bhishopi, Mukadhinari, Mufudzi? “Mwari! Shoko rose rinobuda mumuromo maMwari.” Tinoziva sei kuti iShoko raMwari? Anotaura kudaro, zvino AnozoZviratidza. Anoratidza Shoko raKe.

UNOFANIRA kutenda Shoko rose rinobuda mumuromo maMwari. Akaratidza kuti IShoko raKe paMatepi. Akaratidza kuti William Marrion Branham mutumwa wake wechinomwe; Izwi raMwari rezuva redu. Vese vasingatendi Meseji nemutumwa vachaparara.

Zvino, handisi kungotaura nevateereri ava. Izvi zvinoiswa pamatepi, maona, uye Zvinoenda pasi rose. Munonzwisisa here, vanhu venyika, Shoko rimwe chete iroro, Shoko rimwe chete, kwete mutsara mumwechete, kwete ndima imwe chete, Shoko rimwe chete, ndiro chete Evha asina kutenda.

Iye iShoko, uye isu taiva chikamu cheShoko raKe. Ndicho chikonzero tiri pano, kusimbisa nzvimbo yedu muhupenyu. Kutenda Shoko rose. Kugara neShoko. Kunongedzera Mwenga kuShoko rose riri paMatepi.

Muzuva redu, Mwanakomana womunhu akazarurwa. AKABATANIDZA Kereke neMusoro; akabatanidza kuwanikwa kweMwenga. Kudana kweChikomba kwasvika.Mwanakomana wemunhu akauya ari munyama kuti abatanidze vaviri ava. Iye iShoko. Tiri Shoko raKe, uye Vaviri Ava vanobatana pamwechete.

Zvichatora kuratidzwa kwekuzarurwa kweMwanakomana wemunhu…Kwete mufundisi…Jesu Kristu, achauya ari munyama pakati pedu, oita kuti Shoko raKe rive ramazvirokwazvo zvekuti richabatanidza Kereke naYe semumwe,Mwenga, zvino voenda Kumba kuChirairo cheMuchato. Ameni.

Kuratidzwa kweShoko kuchabatanidza Mwenga. Zvicharatidza Mwanakomana wemunhu zvakare, kwete vanamuzvinafundo vekereke. Mwanakomana womunhu! Shoko neKereke zvinova chinhu chimwe. Chero zvakaitwa neMwanakomana wemunhu raive Shoko. Isu, Mwenga waKe, tichaita zvimwechetezvo.

Takabatanidzwa neMweya Mutsvene, Shoko Rake, Inzwi Rake, uye tiri kugadzirira kuenda kuChirairo cheMuchato. Shoko rakatibatanidza, uye vaviri vakava MUMWE.

Tinoti MATEPI, MATEPI, MATEPI. Munofanira kuridza Matepi mudzimba dzenyu, mumakereke enyu. Isu tinoshoropodzwa pamusoro pekukomekedza zvakanyanya kuridzwa kweMatepi. Sei tichitaura kudaro? Ndiani ari kutaura NESU paMatepi?

Zvino, rangarirai, akanga asiri Jesu aitaura naAbrahama paya, aikwanisa kuona pfungwa dzaiva mumwoyo maSara shure kwaKe. Akanga asiri Jesu, Akanga asati aberekwa. Asi aive Munhu munyama, uyo Abrahama akamudana kuti “Elohim, Samasimba makuru.”

Kana muchitenda kuti Mwanakomana wemunhu akazarurwa muzuva redu; Mwari achitaura kubudikidza nemiromo yemunhu, ko munhu angatadza sei kuona Inzwi iroro seIZWI RAKAKOSHESESA RAUNOFANIRA KUNZWA?

Handisi kutsoropodza vamwe vasingaoni uye vasingatende zvatinotenda; ihama nehanzvadzi dzedu, asi NDAKAGUTSIKANA, ZVIZERE, NDINE CHOKWADI iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari kuMwenga wake.

Hapana chimwe chandinogona kuita. Kwandiri neimba yangu, Kubaya neKuridza ndiyo CHETE NZIRA.

Ndinokoka zvakare nyika kuti iuye kuzobatana nesu Svondo na12:00 masikati., nguva yeJeffersonville, apo tinonzwa: Kuratidza Shoko Rake 64-0816.

Hama. Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Mateo 24:24
Mako. 5:21-43 / 16:15
Ruka. 17:30; 24:49
Johani 1:1/5:19/14:12
VaRoma 4:20-22
1 VaTesaronika 5:21
VaHebheru 4:12-16 / 6:4-6/13:8
1 Madzimambo 10:1-3
Joere 2:28
Isaya 9:6
Maraki 4