26-0315 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-0220 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu
 
Nhasi ndiro zuva. Ino ndiyo nguva. Mwari vakatuma chapungu Chavo chine simba panyika kuzodana Mudzimai Wake, Mudzimai waJesu Kristu, kuti vataure uye vamuudze kuti, “Ndiwe wandakasarudza, ndiwewandinoda. Ndiwe Mhandara Mwenga weShoko Ranguwakakwana. Tiri MUMWE
 
Kungonzwa mashoko iwayo, mwoyo yedu inosvetuka nomufaro. Kufunga kuti, munyika yose, inemamiriyoni nemamiriyoni evanhu, kune Mudzimayi MUMWE chete Mudzimai waJesu Kristu, uye NDIWE IYE, UYO waari kuuya kuzotaora.   
 
Pane nzvimbo IMWE chete yakasarudzwa yekunamatira. Pane Shoko RIMWE chete rakasarudzwa rakakwana. Pane MWENGA MUMWE CHETE wakasarudzwa WAKAKWANA …UYE TISU IYE!!
 
Baba vane nzvimbo IMWE chete yokunamatira yakasarudzwa, Ishe Jesu Kristu; Ndiye Shoko. Nhasi, pane nzvimbo IMWE chete iyo rufu rwepamweya rusingagoni kubata: Shoko. Rufu harugoni kurova Shoko, nokuti iShoko Benyu raMwari.
 
Chizaruro chakazara cheShoko Benyu chakazarurwa chete kune Mudzimai waJesu Kristu. Pane nzvimbo iMWE chete yakasanangurwa iyo Mudzima waJesu Kristu anogona kuenda kunonzwa SHOKO RAKAKWANA RAKATAURWA. Pane muporofita MUMWE chete akasarudzwa kuti ave Inzwi raMwari. Pane nzvimbo IMWE chete iyo Mudzimai waJesu Kristu anogana kuenda kwairi uye nekunonzwa, ZVANZI naJEHOVHA: KURIDZA MATEPI. 

Kuchava neChiedza panguva dzemanheru, nzvimbo chete yakasarudzwa yaMwari yokunamatira. O, Mharidzo iyi yasvika kupi, chii chaAchaita? Uye muzuva raKe kuchava neChiedza panguva yamadekwana, uye (chii?) kugamuchira vana vaKe kumusha kuNyika yechokwadi yechipikirwa, nechiratidzo chimwe chete cheShongwe yeGore reMoto yakatungamirira vana vaIsraeri murenje. 

Mwenga waKe unofanira kungwarira sei kutevera nekunzwa Inzwi reMurume waKe richitaura kwaAri. Pane nzvimbo IMWE chete yatinogona kuenda uye kwatine chokwadi chakazara.  Pane Inzwi RIMWE chete ratakaisa mugumo wedu Usingaperi pariri.
 
Mudzimai waJesu Kristu unotenda kuti Mashoko aanonzwa pamatepi Mashoko eMurume wake. Anotenda kuti Shoko raKe haridi dudziro.  Nokudaro, Anotenda kuti pane nzvimbo IMWE chete yakapiwa yaAnogona kuenda kwairi achiti AMEN kuShoko rose, Inzwi reMurume Wake pamatepi. 
 
Zvakare, Mudzimai waJesu Kristu, kubva pasi rose, anogona kuti, “Nhasi, Shoko iri rakataurwa, riri kuzadzikiswa”.  

Mwari Vanodikanwa, zasi kuzasi kwerenje uko kuTucson, uko kuCalifornia, kumusoro uko kuNevada neIdaho, uko kuMabvazuva nezvimbo dzakapoteredza, zasi kuTexas; apo kokero iyi ichipiwa, vanhu vagere—mumachechi maduku, pama service station, mudzimba, vachiteerera.  

Munokokwa kuti muuye kuzoteerera pamwe cheteneBranham Tabernacle na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo patichanzwa Mwari vachitaura kuMwenga wavo waakasanangura, Mharidzo: “Nzvimbo Yakasanangurwa yaMwari Yekunamatira” 65-0220.  
 
Hama Joseph Branham 
 
Magwaro: Dhuteronomi 16:1-3