Category Archives: Uncategorized

25-0831 Unochemei? Taura!

Mharidzo: 63-0714M Unochemei? Taura!

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Kereke yaMwari,
 
Mwari akataura akati, “Handishandi panyika, kuburikidza nomunhu chete. Ini—ini—Ndini Muzambiringa; imi muri matavi. Uye NdichaZvizivisa Pachangu pandichawana munhu MUMWE chete. Uye ndakamusarudza, William Marrion Branham. Ndakamutuma kunodanaMwenga Wangu. Ndichaisa Shoko Rangumumuromo make. Shoko Rangu richaveShoko rake. Achataura Mashoko Angu nekutaura chete zvandinotaura.”
 
Inzwi reMagwaro rakataura kubudikidza neShongwe yeGore reMoto rikamuudza kuti, “Ndakakusarudza, William Branham. Ndiwe munhu wacho. Ndakakumutsira chinangwa ichochi. Ndichakuidzanezviratidzo nezvishamiso. Uchaenda kuzozarura Shoko Rangu nokutungamirira Mwenga Wangu. Shoko Rangu rinofanira kuzadzikiswa Newe.”
 
Muporofita wedu aiziva kuti akatumwa nechinangwa ichochi kuzarurazvakavanzika zvese zveBhaibheri uye nekutungamirira Mwenga waMwari kuNyika Yechipikirwa. Aiziva kuti zvaanotaura, Mwari aizviremekedza nokuita kuti zviitike. Ndinoda kuti musafa makakanganwa Shoko iroro. Zvakataurwa nemuporofita wedu, Mwari anozviremekedza, nokuti Shoko raMwari rakanga riri muna William Marrion Branham. Ndiye Inzwi raMwari kupasi rose.
 
Aiziva kuti akange ari mutumwa wechinomwe waMwari akazodzwa. Aiziva mumwoyo make zvinhu zvose zvakanga zvataurwa naMwari pamusoro pake muShoko rake. Zvaipisa mumoyo make zvave kuratidzwa. Akange akazodzwa uye aiziva kuti akange ane ZVANZI NAJEHOVHA. Hapana chaizomumisakuenda mberi kunotaura Shoko raMwari.
 
Mwari vakamuudza kuti, “Shoko Rangu, newe, mutumwa Wangu, chinhu chimwe chete.” Aiziva kuti ndiye akasarudzwa kutaura Shoko risingakundike. Ndizvo zvose zvaaida. AIZOTAURA, MWARI WOITA KUTI ZVIITIKE.
 
Chizaruro cheShoko reNguva irori UYE nemutumwa waMwari zvakazodza kutenda kwedu zvisina kumboitika kare. Zvatiendesa muzviyero zvemadenderedzwa makuru. Zvakatiparadzanisa nezvimwe zvose kunze kweMharidzo Yake, Shoko Rake, Inzwi Rake, Matepi Ake.
 
Hazvina mhosva kuti tiri vashoma zvakadii, tinosekwa zvakadii, tinoitwa dambe zvakadii, hazvina kana mutsauko wazvinoita. TINOZVIONA. TINOZVITENDA. Pane chimwe chiri matiri. Isu takafanotemerwa kuti tiZvione uye hapana chichatitadzisa kuZvitenda.
 
Tinorangarira zvakataurwa nechiratidzo chiya, “dzokera undochengeta Zvokudya”. Dura iroro raiva kupi? Ku Branham Tabernacle. Ndokupi kune chimwe chinhu munyika, kana pasi rose, chingaenzaniswa neShoko ratinaro? Ndiro Inzwi roga rakasimbiswa naMwari pachaKe kuti iZvanzi naJehovah. IRORO IZWI CHETE!
 
Ndokupi kumwe kwataigona, kana kwatingade kuenda, iye paakati;  

Apa ndipo pakachengetwa Chikafu…
 
Chakachengetwa pano. Chiri pamatepi. Zvichaenda pasi rose pamatepi, mune vanhu mudzimba dzavo. Iwo matepi achawira mumaoko evakatemerwa vaMwari. Anokwanisa kutungamirira Shoko, Anotungamira zvinhu zvose nenzira kwayo. Ndicho chikonzero Akandidzosera kuzoita izvi: “Chengeta Chikafu pano”.

Tisu Mwenga Wake weShoko Rakakwana avo vakagara neChikafu Chake Chakachengetedzwa. Hapasisina chikonzero chekuchema, tinongotaura Shoko toenda mberi, nokuti TIRI Shoko.
 
Hapana chekunetsekana nacho. Hapasisina chikonzero cheminamato yehusiku hwese yekuratidza kuti tiri vanaani, Shoko rakazarurwa kwatiri. Tinoziva zvatiri, kufanana nemuprofita waMwari, uye akatotiudza kuti ndiani airikuenda.
 
Mumwe nomumwe wedu! Ungave uri mudzimai wepamba, kana kuti uri—musikana webasa, kana kuti uri muchembere, kana murume wechidiki, kana harahwa, kana chipi zvacho chauri, tiri kuenda, zvakadaro. Hapana mumwe wedu achasara.” Ameni, “Mumwe nomumwe wedu ari kuenda, uye hapana chimwe chichatimisa.”
 
Taura pamusoro pezvichatipa KUTENDA kweKubvutwa!!!

Huya ubatane nechikamu cheMwenga waMwari apo patichaunganira Inzwi raMwari rakasimbiswa, Achitaura achiti kwatiri: Mudikani Wangu, MusanangurwaWangu, Mwenga Wangu, Unochemei, Taura, enda mberi.

Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 63-0714M Unochemei? Taura!
 
Nguva: 12:00 masikati, Nguva yeJeffersonville

25-0824 Chirairo

Mharidzo: 65-1212 Chirairo

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Shoko Rakasimbiswa Chete,
 
Tinotenda sei kuMweya Mutsvene nokuda kweChizarurochechokwadi cheShoko Rake rakasimbiswa ranhasi. Vazhinji vanotaura kuti vanotenda kuti Hama Branham muporofita waMwari anozadzisa Magwaro akavimbiswanezvavo, asi Chizaruro cheChokwadi cheShokonehurongwa hwaMwari chakavanzwa kwavari.
 
Netsamba Shoko yega yerudo iyo Mwenga anonzwa, Mwari anosimbisa kwatiri kuti tiri muKuda Kwakekwakakwana nekuteerera kuNzira Yake yaakapa kuzuvaranhasi, Inzwi raMwari paMatepi.

Uye tinofanira kuMutevera, ndiyo nzira chete yekuvaneHupenyu Husingaperi. Saka hutungamiriri hwaMwarindeuhu: tevera Shoko rakasimbiswa renguva kubudikidzaneMweya Mutsvene.

Nzira CHETE kuHupenyu Husingaperi ndeiyi: MweyaMutsvene uchikutungamirira kutevera Shoko rakasimbiswa. Ndiani ane Shoko rakasimbiswa nhasi? Ndiani wakasarudzwa naMwari kududzira Shoko rake? Ndiani uyo Mwari akati ndiro Inzwi Rake ranhasi? Ndianiuyo Mwari pachake akati ndiye mutungamiri akasimbiswakuti atungamire Mwenga wake nhasi? Hushumiri here?

Sezvandakataura, kachapungu pakakanzwa InzwireChikomba, kakaenda kwaRiri, Shoko raMwarirakazodzwa, rakasimbiswa rezuva rekupedzisira.
Nowa akange ari Shoko rakasimbiswa rezuva rake.
Mosesi akange ari Shoko rakasimbiswa rezuva rake.
Johane aive Shoko rakasimbiswa

Vanogona kumonyorodza kana kuisa chero dudzirokwaRiri yavanoda, asi:

WILLIAM MARRION BRANHAM ISHOKO RAMWARI RAKASIMBISWA RANHASI!!

Saka hutungamiriri hwaMwari ndeuhu: tevera Shoko rakasimbiswa renguva kubudikidza neMweya Mutsvene.

Saka ungati kuridza Inzwi raMwari rakasimbiswamuchechi yako hachisi chinhu chakakoshesesachingaitwa neMwenga? Ungati chinokoshesesa kunzwarimwe inzwi rakasiyana?
 
Toti here iboka revanhu nehushumiri hwavozvichabatanidza nekutungamira Mwenga? Mwengaachabatanidzwa nezvinotaurwa nehushumiri here?  Vosevanotaura zvakasiyana, saka ndiani watinofanirakutevera?
 
Ko dudziro yavo ye Shoko reNguva  ndozvatichatongwa nazvo here? Vane Shongwe yeGore reMoto here inosimbisa shumiro yavo? Dudziro yavo yeShoko ndiyoMhedziso yako here?
 
Muporofita akati Mwenga uchabatanidzwa.  Zvibvunzekuti, chii chichaita kuti chiporofita ichi chiitike kuti Ishevauye kuzobvuta Mwenga wavo?

Zvino, kana vanhu vaMwari pavachatanga kudzokapakuungana zvakare, pachave nekubatana, pachavenesimba. Maona? Uye kana vanhu vaMwari vaunganapamwe chete zvakakwana, ndinotenda kuti kumutswakwevakafa kuchaitika ipapo. Pachave nenguvayekubvutwa apo Mweya Mutsvene uchatangakuunganidza. Va—vachange vari vashoma, ehee, asipachave nokuungana kukuru.

Pachave nekuungana kukuru kwakapoteredza shumiroyemumwe munhu here, kunze kwemuporofita waMwariakasimbiswa?  Richave BOKA revashumiri here nekutivamwe vashumiri ve “fivefold” vanoti HAUFANIRI kuridzaInzwi raMwari mukereke menyu, zvakaipa. Ndivo here vachatungamirira Mwenga?
 
NDIBATSIREWO! NDEUPI Mushumiri WANDINOFANIRA KUTEVERA, SEZVANDINODA KUBATANIDZWA MUKUUNGANA KUKURU IKOKO.
 
Vamwe vanoti shumiro ye “fivefold” yeMitinhiro Minomwendiyo ichakwanisa Mwenga. Vamwe vashumiri ve”fivefold”vanoti mazuva ehushumiri hweMunhu Mumwe akapera. Vamwe vashumiri ve “Fivefold” vanoti tinofanira kudzokerakuPentekosti. Vamwe vanoti Mharidzo HAISI Mhedziso. Vamwe vanoti kana uchiridza matepi uri mutendi we dzidziso inonzi “Deity”. Vese vanotaura zvakasiyana, uyeVOSE vane dudziro dzakasiyana, pfungwa dzakasiyana, asi vose vanoti VANO tungamirirwa neMweya Mutsvene.
 
NDEUPI Mushumiri we “Fivefold” WANDINOFANIRA KUTEVERA? Chero bedzi ndichitevera mufundisi“WANGU” we “Fivefold”, ndichava Mwenga here? Kune”Mapoka” akawanda akasiyana e “Fivefold”. Vashumiri ava 20 vanoungana pamwe chete voita misangano yavo, asivasingabvumirani zvachose nevamwe vashumiri 20 varikuita misangano yakasiyana… ndeipi misanganoyandinofanira kuenda kuti ndikwaniswe nokubatanidzwa…vamwe vavo…kana kuti vose?
 
Uye vanhu votenda kuti NYONGANYONGA IYI ICHABATANIDZA NOKUKWANISA MWENGA? Vosevanoti ndivo vashumiri ve“Fivefold” veCHOKWADIVAKADANWA NAMWARI.

Asi havasi kukutungamiriraikuHUTUNGAMIRI HWECHOKWADI HWEMWEYA MUTSVENE, VARI KUKUTUNGAMIRIRAI KWAVARI IVO NEKUSHUMIRO DZAWO.
 
Kwandiri, hautombodi chizaruro kuti uzive kuti izvozvohazvifizvaka BATANIDZA kana KUTUNGAMIRIRA Mwenga wese. SHOKO CHETE ndiro richabatanidzaMwenga, ne’ZWI RAMWARI PACHAKE PAMATEPI.
 
Hama nehanzvadzi, zviri nani kuti ubengenuke kana urikutevera mufundisi ari kungoparidza nekutaura zvitaurwazveShoko, izvo zvakanakisisa uye NDIZVO CHAIZVO zvaanofanira kunge achiita, asi asiri kukutaurira, uyechinokoshesesa, KUITA, nokuridza IZWI RAMWARI PAMATAPI MUKEREKE YAKO.
 
Hama Branham vakatiudza kuti:

Zvino, tasarirwa nezvirango zvitatu chete Zvemweyazvatinofanira kuita panyama: chimwe chacho chi—chirairo, kushambidzana tsoka, kubhabhatidzwa nemvura. Ndizvo zvinhu zvitatu chete. Ndiko kukwaniswa, kwezvitatu, waona.

Ndinoda kuti tive neSevhisi yeChirairo neKugezana TsokaSvondo rino, kana Ishe vatendera. Sezvatakaita munguvayakapfuura, ndinokukurudzira kuti mutange na5:00 dzemanheru munguva yekwamuri ikoko. KunyangweHama Branham vakati vaapostora vaidya Chirairo pesepavaiungana, asi vakasarudza kuti zviitwe panguvayemanheru, vachizviti Chirairo cha’She.
 
Mharidzo neSevhisi yeChirairo zvichange zviri paVoiceRadio, uye pachange pane link yeku downloader faira, kune avo vasingakwanise kuwana Voice Radio Svondomanheru.
 
Hama Joseph Branham

25-0803 Zvinhu Zvichazovapo

Mharidzo: 65-1205 Zvinhu Zvichazovapo

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Zvizenga zvaMwari
 
Shoko rimwe nerimwe rakataurwa muShoko rino reNguvaitsamba yerudo kuMwenga wake. Kufunga kuti Baba vedu voKudenga vanotida zvikuru kwazvo, zvokuti Havasati vachingoda bedzi kuti tiverenge Shoko Ravo, asi vaida kuti tinzwe Inzwi Ravo richitaura kumwoyo yedu kuti Vagotiudza kuti: “Ndimi chirevo changu chipenyu, chizenga changu chipenyu, chandinogona kuratidza kunyika.”
 
Zvino kufunga kuti mushure mekuzvipira kwose kwaakaita pano panyika, hupenyu hwaAkararama, nzira yaAkafamba, Akangokumbira chinhu chimwe chete:

“Kuti pandinenge ndiri, naivo vavepowo.” Akakumbira kuyanana kwedu, ndicho chinhu chega chaakakumbira Baba mumunamato, hushamwari hwako nayenokusingaperi.”

Kwandinenge ndiri, “Shoko raKe,” ndiko kwatinofanira kunge tiri, kuti tigamuchire kuyanana Naye, hushamwari naye, nokusingaperi. Naizvozvo, tinofanira kurarama neShoko rose raakataura kwatiri pamatepi kuti tiveMhandara Shoko Mwenga Wake, ndizvo zvinotiita chikamu cheChikomba.
 
Ndicho CHIZARURO chaJesu Kristu munguva ino. Kwete zvaAiva pane imwe nguva, zvaAri NHASI. Shoko ranhasi. Mwari pavari nhasi. Ndicho Chizaruro chanhasi. Iko zvino chirikukura muMwenga, chichitisvitsa muchimiro chakazara chevanakomana nevanasika.

Tinozviona tiri muShoko ravo. Tinoziva kuti tiri vanaani. Tinoziva kuti tiri muchirongwa Chake. Iyi ndiyo Nzira yakapiwa naMwari kuzuva ranhasi. Tinoziva kuti Kubvutwa kwave pedyo. Nenguva isipi vadiwa vedu vachaonekwa. Ipapo tichaziva: Kuti tasvika.  Tose tiri kuenda Kudenga…hongu, Kudenga, nzvimbo chaiyo inobatika seino.

Tiri kuenda kunzvimbo chaiyo kwatichaita zvinhu, kwatichagara. Tichange tichishanda. Tichinakidzwa. Tichararama. Tiri kuenda kuHupenyu, kuHupenyu Husingaperi chaihwo. Tiri kuenda kuDenga, kuparadhiso. Sekushanda kwaiita Adhama naEvha, nokurarama, nokudya, nokunakidzwa, mubindu reEdheni chivi chisati chapinda, tiri munzira yedu kudzokera ikoko zvakare, iko chaiko, kudzoka chaiko. Adamu wekutanga, kubudikidza nechivi, akatibudisa kunze. Adamu Wechipiri, kubudikidza nekururama, anotidzosa mukati zvakare; anotiruramisa uye otidzosera mukati.

Mumwe munhu angaise mamwe mashoko sei, ekuti izvi zvinorevei kwatiri? Mazvirikwazvo ekuti tiri kuenda kuparadhiso kwatichagara pamwechete nokusingaperi. Hapasisina kusuwa, kurwadziwa kana kusuwa, runakisiso pamusoro perunakisiso.
 
Mwoyo yedu iri kufara, mweya yedu iri kubvira mukati medu. Satani ari kuwedzera kumanikidzwa patiri zuva nezuva, asi tinongoramba tichifara. Sei:

  • TINOZIVA, KUTI TIRI VANA AANI.
  • TINOZIVA, HATINA, UYE HATISIKUZOMUKUNDIKA.
  • TINOZIVA, TIRI MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA.
  • TINOZIVA, AKATIPA CHIZARURO CHECHOKWADI CHESHOKO RAKE.

Hama Joseph, munonyora zvimwechetezvo svondo rega. KUBWINYA, ndichazvinyora svondo rega nokuti Anoda kuti uzive kuti anokuda sei. Kuti iwe uriani. Kuti uri kuenda kupi. Mumvuri wave kuva chinhu chinobatika. Uri Shoko rave kuva Shoko.

Mudiwa pasi rose, huyai mubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, parunhare, kwete nokuti “ini” ndinokukokai, asi nokuti “IYE” anokukokai.  Kwete nokuti “ini” ndasarudza tepi, asi kuti tinzwe Shoko nechikamu cheMwenga pasi rose panguva imwe chete.

Tingacherechedza here kuti zvinogoneka kuti Mwenga anzwe Inzwi raMwari pasi rose, vose panguva imwe chetechaiyo? Zvinogoneka chete nokuda kwaMwari. Mwari vakaita kuti muprofita azviite mutumwa wake achiri panyika. Akakurudzira Mwenga kuti vabatane mumunamato, VOSE PANGUVA IMWEYO YEJEFFERSONVILLE, 9:00, 12;00, 3:00; zvakakura sei zvino, kuti Mwenga anogona kubatana seCHINHU CHIMWE kuti anzwe Inzwi raMwari richitaura kwavari vose panguva imwe chete?

Hama Joseph Branham

Mharidzo: Zvinhu Zvinofanira Kuitika 65-1205
 
Magwaro:    
Mateo 22:1-14    
Johane 14:1-7
VaHebheru 7:1-10

25-0727 Kubvutwa

Mharidzo: 65-1204 Kubvutwa

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Usina Zvirango
 
Ishe vakatipa nguva yakanaka kwazvo paCampyakaitwa svondo rapfuura apo vaizarura Shoko ravo kwatiri. Vakaratidza, neShoko Ravo, kuti Mhedziso yedu ndeiyi: Shoko Ravo, Shoko reNguva irori, Inzwi raMwari pamatepi; zvose chinhu chimwe, Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. 
 
Takanzwa kuti dhiyabhorosi anoedza sei kupatsanura Shoko kubva kumutumwa, asi Ishe Jesu ngavarumbidzwe, Mwari pachake akataura nemutumwa wake mukuru akatiudza:

Tinoona kuti kana munhu akauya, akatumwa kubva kuna Mwari, akagadzwa naMwari, aine ZVANZI NAJEHOVHA yechokwadi, Shokonemutumwa chinhu chimwe chete. Nokuti akatumwa kuzomiririra ZVANZI NAJEHOVHA, Shoko neShoko, saka iye neShoko rake chinhuchimwe chete.

Haukwanise kupatsanura Shoko kubva kumutumwa, zvimwe chete, ZVANZI NAJEHOVHA. Hazvinei kuti muzodziwa upi wenhema anoti kudii, Mwari vakati zvakafanana uye hazvigone kupatsanurwa.
 
Zvino Akatiudza kuti hatidi sefa kuti tibate zvimbuyu kana tichiteerera kumatepi, nokuti hamuna zvimbuyu kana muto wezvimbuyumuShoko reNguva rino. Chitubu Chake chinoyerera mvura yakanaka yakachena nguva dzose. Chinotubuka nguva dzose, hachiperi mvura, chinogara chichi pfachuka nekupfachukachichitipa Chizaruro chakavedzerwa che Shoko Rake.
 
Akatiyeuchidza kuti TIREGE KUKANGANWA kuti sungano yake nesu Hairambike, Haina Hurukuro, asi kupfuura zvose, haina Zvirango.
 
Rungave rudo, kutsigira, kana kuzvipira, kana chinhu chichinzi hachina zvirango zvinoreva kuti NDIZVO ZVAZVIRI uye hachisi pasi pezvirango kana mimwe mitemo: zvichaitika saizvozvo zvisinei nezvimwe zvichaitika. 
 
Zvino akada kurovera mbambo ipapo, saka akatiudza kuti nhasi Magwaro Ake ari kuzadziswa pamberi pemeso edu.

Z-u-v-a rimwe chete rinosimuka kumabvazuva ndiro rimwe chete z-u-v-a rinodoka kumadokero. Uye Mwana-Komana mumwe chete waMwari akauya kumabvazuva akazviratidza saMwari munyama, ndiye Mwana-Komana waMwari mumwe chete kumadokero kuno, ari kuZviratidza pakati pekereke manheru ano, mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Chiedza chemanheru cheMwanakomana chauya. Nhasi Rugwaro urwu rwazadzikiswa pamberi pedu.

Mwanakomana woMunhu auya zvakare ari munyama yemunhu muzuva redu, sokuvimbisa kwaAkaita kuti Achaita, kuzodaidza Mwenga. NdiJesu Kristu ari kutaura zvakananga kwatiri, uye hazvidi dudziro yemunhu. Chatinongoda, chatinoda, Inzwi raMwari rinotaura pamatepi richibva kuna Mwari pachaKe.

Chizaruro chekuratidzwa kweShoko chirikuitwa mazvirokwazvo. Uye tiri kurarama muzuva iroro; Mwari ngavarumbidzwe; chizaruro chechakavanzika Chake Iye.

Inguva inobwinya sei iyo Mwenga ari kuva nayo, agere muHupo hweMwanakomana, achiibva. Gorosi radzokera kugorosi zvakare, uye hapana mbiriso pakati pedu. Inzwi rakachena raMwari rinongotaura kwatiri, richitiumba nokutiita mumufananidzo waKristu, Shoko.
 
Tiri vanakomana nevanasikana vaMwari, chizenga chake chaAkafanotemera kuti chiuyemuchizvarwa chino, zera gurusa munhoroondo yenyika.  Aiziva kuti hataizokundika, kana kurerutsa, asi taizova Mwenga waKe weShokowechokwadi uye wakatendeka, Mbeu YakeyaAbrahama Yepamusoro yeHumambo yaizouya. 
 
Kubvutwa kwave pedyo. Nguva yasvika pakuguma. Ari kuvinga Mwenga waKe akazvigadzirira uyo agere muHupo hweMwanakomana, achinzwa Inzwi raKe richishongedza Mwenga wake. Nenguva isipi tichatanga kuona vadikanwi vedu vari kunze kwechidzitiro chenguva, avo vakamirira uye varikushuva kuva nesu.
 
Matepi ndiyo nzira yakapiwa naMwari yekukwanisa Mwenga wake. Matepi aya ndicho chinhu chete chichabatanidza Mwenga wake. Matepi aya ndiro Inzwi raMwari kuMwenga wake.
 
Ndinokukokai kuti muuye kuzobatana nesu, chikamu cheMwenga waKe, musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo patichanzwa zvose pamusoro pezviri kuda kuitika munguva pfupi iri kutevera: Kubvutwa 65-1204.
 
Hama Joseph Branham

25-0713 Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-1128M Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mhuri yaJesu Kristu,

Pane chinhu chiri kuitika zvisati zvakamboitika neMwenga waKristu pasi rose. Zvinhu zvatakanzwa nezvazvo uye tichishuvira kuzviona zvino zvave kuratidzwa pamberi pemeso edu.

Mweya Mutsvene uri kubatanidza Mwenga Wakesezvo Akataura kuti Achaita, nenzira YakeCHETE yaakapa kuzuva ranhasi, Inzwi raMwari pamatepi.

Ari kuzarura nekusimbisa Shoko Rake zvisina kumboitika kare. Kufanana nechitubu, Chizaruro chiri kutubuka mukati medu.

Kubatana kwepamweya kwaKristu neKereke yake zvino, apo nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rava kuva nyama, richiratidzwa, richisimbiswa. Izvo chaizvo zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, zviri kuitika, zuva nezuva. Sei, zviri kuwedzera nekukurumidza chaizvokunze uko, mumarenje, nezvinhu zviri kuitika, zvekuti handichatokwanisa kufambirana nazvo.

Zuva rega Chizaruro chakavedzerwa chiri kuzarurwa uye nekuratidzwa kwatiri. Sezvakaitika kumuporofita, zvinhu zviri kuitika uye zviri kuitika nekukurumidza, kusvikira tave kutadza kufambirana nazvo…KUBWINYA!!!

Nguva yedu yasvika. Magwaro ari kuzadzikiswa. Nyama iri kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Izvo chaizvo zvakataurwa nemuporofita kuti zvichaitika zviri kuitika zvino.

Sei isu?

Hapana mbiriso, kana ruzha rusinganzwisisike, hapana dudziro yemunhu inodiwa pakati pedu. Tiri kungoteerera kuShoko Rakachena Rakakwana kubva pamuromo waMwari apo Anotaura kwatiri muromo ku nzeve.

Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, dzimwe vimbiso dzose idzi kubva nhasi, raitwa nyama, richigara pakati pedu, ratakanzwa nenzeve dzedu; zvino tinoMuona (nemeso edu) achidudzira Shoko RakeAmene, hatidi dudziro yemunhu.

Mwenga, hazvaigona kujeka kupfuura izvozvo.  NdiMwari, akamira pamberi peMwenga wake munyama yemunhu, watinokwanisa kuona nemeso edu, achitaura nekududzira Shoko Rake, nekuriisa pamatepi. Shoko Rakakwana rakataurwa nekurekodhwa naMwari paChake, nokudaro haridi dudziro yemunhu.

  • • Mwari ari kutaura zvakananga kuMwenga wake, pamatepi.
  • • Mwari achidudzira Shoko Rake paChake, pamatepi.
  • • Mwari achiZvizarura, pamatepi.
  • • Mwari vachiudza Mwenga wavo, haudi dudziro yemunhu, Shoko Rangu pamatepi ndiro chete ZVINODIWA NEMWENGA WANGU.

Rangarira, paunobva pano, tanga kubuda muchikwande zvino; wave kupinda mumbeu, asi chigara muHupo hweMwanakomana. Usawedzera, zvandakataura; usabvisa, zvandakataura. Nokuti, ndinotaura Zvokwadi semaziviro andinoita, sokupiwa kwandakaitwa naBaba. Unoona?

Mwari vakagadzira NZIRA CHETE YAKAKWANA kuti Mwenga aite sezvaakatirayira kuti tiite. Izvi hazvina kubvira zvakwanisika, kusvikira nhasi. Hapana zvekufungidzira, hapana zvekushamisika, hapana mubvunzo wekuti pane chinhu chakawedzerwa, chakabviswa, kana kududzirwahere.  Mwenga wakapiwa Chizaruro chechokwadi: KURIDZA MATEPI NDIYO NZIRA YAMWARI YAKAKWANA.

Dzimwe nguva, regai ndizvitaure zvakare. Chizaruro changu ndechekuti Mwenga waJesu Kristu, kwete vamwe, MWENGA, haudi CHIMWECHINHU asi Inzwi raMwari pamatepi.  

Asi kana Mweya Mutsvene iwoyo wanyatso…Shoko rechokwadi rauya mauri (Shoko, Jesu), zvino, hama, Shoko reNguva harisisirichakavanzika kwauri ipapo; unoriziva, hama, Zvose zvajeka pamberi pako.

Shoko reNguva harisisiri chakavanzika kwandiri. Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.  Denga rose nenyika zvinonzi Jesu. Jesu iShoko.

Uye Zita riri muShoko nokuti Iye iShoko. Ameni! Zvino Iye chii? Shoko rakadudzirwa ndiko kuratidzwa kweZita raMwari.

Mwari ari kubatanidza Mwenga waKe ne’Nzwi Rake, raAkarekodha uye akarichengetera nhasi, kuti Akwanise kuunza Mwenga Wakepamwechete seChinhu Chimwe. Mwenga achazviona uye oZvicherechedza seNZIRA CHETE yaAnogona kuunza Mwenga wake pamwe chete.

Akazviita makore 60 apfuura kutiratidza kuti aizozviita sei nhasi. Isu tiri “imwe yekereke dzake dzakabatana parunhare”

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Taiva nadzo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yekereke dzangu.

Vashumiri vazhinji vanoudza makereke avo kuti “hook-up” kana “streaming”, “kuteerera kuMharidzo imwe chete panguva imwe chete”, hakusi kuenda kuchechi. ASI MUPOROFITA ATI KUENDA KUCHECHI IKOKO! Ivo havazivi Shoko kana kuti havagone kuverenga tsamba yerudo sezvinoita Mwenga.

Chechi chii? Ngationei zvakataurwa nehama Branham kuti chechi chii.

Vungano zhinji, zhinji dzakawana kaitiro aka katakaita pano patabhenakeri. Takabatanidzwawo parunhare kuPhoenix, kuti kwese kune masevhisi, zvinopinda mu…Vanoungana mumachechi nemudzimba, nezvimwe zvakadaro, kubudikidza nemasaisai erunhare akanaka kwazvo.

Hama Branham vanotaura zvakajeka kuti vanhu “mudzimba” dzavo uye “ne zvimwe zvakadaro” dzaive dzimwe dzemakereke avo parunhare.  Nokudaro misha, zviteshi zvepeturu, zvivakwa, mhuri dzakaungana pamwe chete kuteerera parunhare izvozvo zvakavaita chechi.

Ngativerengei zvimwe muTSAMBA ye RUDO. 

Tinonamatira machechi ose neungano dzakaungana pama ma—ma—zvimamicrophonezviduku kunze uko, munyika, kusvikira kuWest Coast, kumusoro kumakomo eArizona, zasi mumapani eTexas, kuEast Coast, munyika yose, Ishe, kwavakaungana. Takasiyana nema hour mazhinji, munguva, asi, Ishe, tiri pamwe chete manheru ano sechinhu chimwe, vatendi, takamirira Kuuya kwaMesia. 

Saka kuva paRunhare, vachiteerera Hama Branham VOSE PANGUVA IMWE CHETE; vaive pamwe chete sechinhu chimwe, vatendi, vakamirira Kuuya kwaMesiasi.

Asi iwe urikuti kana ukadaro nhasi, izvozvo hakusikuenda kuchechi, zvakaipa, hakusi kuungana pamwe chete zvikuru sei sezvatiri kuona zuva richiswedera, hakusi kuenda kuchechi?

Rega ndikubvunze mubvunzo uye iwe upindure ungano yako. Dai Hama Branham vanga vari pano nhasi, munyama, uye maikwanisa ku“streamer” kana kuvateerera parunharemangwanani eSvondo ega, panguva imwe cheteyo neMwenga pasi rose, vafundisi, maibatana nevamwe parunhare here kunzwa Hama Branham kana kuti maizoparidza muri imi?

Hama Branham vanotaura pachena kuti basa rako ikereke yako. Dai wanga uri pano makore 60apfuura uye Hama Branham vaine sevhisi, asi chechi yako yanga isiri kuenda asi iine sevhisi yayo (vashumiri vazhinji kumashure ndo zvavakaita), waienda ku“kereke yako” here, kana kuti waienda ku“Branham Tabernacle” kuti unonzwa Hama Branham?

Ndichakupa mhinduro yangu. Ndaitomira pamusuwo kuchinaya, mu chando kana mudutu remhepo kuti ndipinde muTabernakeri kuti ndinzwe muporofita waMwari. Kana NDAIENDA kuchechi ikoko, ndaitochinja chechi manheru iwayo.

Asi mudzimai uya, akange asingazivi kuti simba rakanga riri mutsvimbo here kana kuti kwete, asi aiziva kuti Mwari akanga ari muna Eria. Ndiko kwaiva naMwari: mumuporofita Wake. Akati, “NaJehovha mupenyu uye nomweya wenyu mupenyu, handisi kuzokusiyai.”

Ndinokukokai kuti mubatane nesu uye muve imwe yemachechi eHama Branham pamusi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitiunzira Mharidzo: Nzvimbo Chete Yakapihwa naMwari Yokunamatira  65-1128M.

Hama Joseph Branham

25-0706 Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

PDF

BranhamTabernacle.org

Wadiwa Mwenga Ari paRunhare,
 
Nhasi, Mashoko aya akataurwa naMwari kubudikidza neMutumwa wake wechinomwe ari kuzadziswa nematiri, MWENGA WAJESU KRISTU.

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Takange tinavo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yechechi dzangu. 

Vakange vari mumachechi, mudzimba, muzvivakwazviduku, uye pama service station; vakapararira muUnited States yose, vachiteerera, vose panguva imwe cheteyo apo Shoko raiparidzwa. 
 
Uye nhasi, tichiri IMWE YEKEREKE DZAKE.  Iye ACHIRI MUFUNDISI WEDU. Shoko Rake HARIDI DUDZIRO, uye TICHIRI takaungana pasi rose, PARUNHARE, tichiteerera IZWI raMwari richikwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
Nhasi, Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei vakaita izvozvo kumashure uko? Sei vafundisi vakavhara makereke avo kuti vanzwe Mharidzo nguva iyoyo? Vangadai vakangomirira kuwana matepi, voparidza Mharidzo ivo pachavo kuvanhu vavo nguva yaitevera; uye ndine chokwadi kuti vazhinji vakange vasina Chizaruro vakaita izvozvo.
 
Kana kuti vamwe vakaudza vungano dzavo kuti, “Zvino teererai, tinotenda kuti Hama Branham muporofita waMwari, asi havana kutaura kuti tinofanira kuvateerera mumachechi edu. Ndini ndiri kuparidza musi uno weSvondo, uye musi weShondo wega: wanai matepi moteerera mudzimba dzenyu.
 
Mwenga nguva iyoyo, seMwenga zvino, waive neChizaruro, uye waida kuzvinzwira Inzwi raMwari pachavo. Vaida kubatana neMwenga munyika yose kuti vanzwe Inzwi raMwari paraiparidzwa. Vaida kuzivikanwa seimwe yemachechi ake, kana dzimba, kana kupi zvako kwavakanga vari, kubatanidzwa neShoko reNguva, Inzwi, uye zvino, matepi.
 
Nhasi Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei ivo/isu takaZviona uye vamwe vasingazvioni? Nekufanozivikanwa, takagadzwa kuti tione Izvi. Asi imi musina kugadzwa, hamufe makaZviona. Gorosi riri kuZviona uye ratotanga kubva pamakwande.
 
Hazvirevi kuti unofanira kurega kuenda kuchechi kwako. Uyewo hazvirevi kuti mufundisi wako anofanira kurega kushumira.  Zvinongoreva kuti shumiro zhinji nevafundisi vakanganwa CHINHU CHIKURUSA, uye havaudzI vanhu vavo kuti Inzwi RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa IZWI raMwari pamatepi.
 
Kuenda kuchechi zuva rega revhiki rega hazvikuite Mwenga; izvozvo hazvisizvo zvinodiwa naMwari.  VaFarisi nevaSadhusi vaiva nedzidziso iyoyo. Vaiziva vara rose reShoko rose, asi Shoko Benyu rakanga rakamira PAMBERI PAVO munyama, asi chii chavakaita? Zvimwe chete zvinoitwa nevazhinji nhasi.
 
Vachati, “ndiwo masangano aaitaura nezvawo.Vairamba kutendera hama Branham kuti vaparidze mumachechi avo, asi tinoparidza Shoko tichitaura zvaakataura.”
 
Izvo zvinoshamisa. Ishe ngavarumbidzwe. Ndizvo zvaunofanira kuita. Asi wozoti, nhasi zvasiyana, zvakaipa kuridza matepi eHama Branham muchechi menyu. Hauna kusiyana nevaFarise nevaSadhusi, kana masangano.
 
Uri munyengeri.
 
Sezvazvaiva panguva iyoyo, ndiJesu, akamira pamusuwo achigogodza, achiedza kupinda kuti ataure zvakananga kuChechi yaKe, uye havavhuri mikova yavo, uye havafi vakaridza matepi mumachechi avo. “Haasi kuzouya kuchechi kwedu kuzoparidza”.
 
Muvengi achazvimonyanisa nekuzvitenderedzamunzira dzakawanda sezvo anovenga kuburitswa pachena, asi zvakadaro, zviri kuratidzwa pamberi pemeso edu uye vazhinji vari kukwachuka.  

Pakutanga kwakanga kune” [Ungano inoti, “Shoko”— Ed.] “uye Shoko rakange riri kuna” [“Mwari,”] “uye Shoko rakange riri” [“Mwari.”] “Zvino Shoko rakaitwa nyama rikagara pakati pedu.” Ndizvo here? Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, nedzimwe vimbiso dzose idzi dzanhasi, dzaitwa nyama, dzigere pakati pedu, dzatakanzwa nenzeve dzedu; zvino tave kuMona(nemeso edu) achidudzira Shoko Rake Amene, hatidi dudziro yemunhu. O Kereke yaMwari mupenyu, pano neparunhare, Mukai nekukurumidza, nguva isati yapera!

Zarurai mwoyo yenyu munzwe Mwari zvaachangotaura kwamuri, imi makereke ake ose. Zvino tave kuMuona, nemeso edu, ACHIDUDZIRA SHOKO RAKE AMENE. Hatidi dudziro yemunhukwete!!  PEPUKAI NGUVA ISATI YAPERA!!

Takanzwa nezvezvinhu izvi hupenyu hwedu hwese zvaizoitika munguva yekupedzisira. Zvino tave kuzviona nemeso edu zvichiitika.
 
Akatiudza, kune NZIRA IMWE CHETE, NDIYO NZIRA YAKAPIWA NAMWARI KUMWENGA WAKE.UNOFANIRA KUGARA NE’ZWI RAMWARI PAMATAPI.
 
Ndinokoka pasi rose kuti riuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti tinzwe Nzira yakapiwa naMwari kuzuva rino. Ipapo newewo unogona kuti, “Ndakanzwa neZvenyu, asi zvino ndinoKuonai”.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndavekuona
 
Magwaro
 
Genesisi 17
Eksodho 14:13-16
Jobho chitsauko 14 uye 42:1-5
Amosi 3:7
Mako. 11:22-26 uye 14:3-9
Ruka 17:28-30

25-0629 Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

Mharidzo: 65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga waKristu,

Ngativunganei pamwe chete musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, kuzonzwa 65-1127B – Kuedza Kuitira Mwari Basa Asi Kusiri Kuda kwaMwari.
 
Hama Joseph Branham