24-0204 Pane Munhu Pano Anogona Kutungidza Chiedza

Anodikanwa, Iwe kuratidzwa kwaJesu Christu

Vanhu vanofunga kuti takapesana pfungwa,tigere mudzimba nemumakereke edu tichiteerera matepi.Vanofunga kuti tirikufa nenzara.Havacherechedze kuti tigeremuchiedza cheMwanakomana, Anokudzwa. Tichiibviswa nekupiwa Chikafu Chakachengetwa semhuru mudanga.

Tiri Gorosi ravapedyo nekuchekwa. Kana vachida kurarama mutsika dzavo,endai mberi. Kwete Isu, tirikurarama muChiedza Chezuva redu.

Chiedza Chezuva redu chii? Mwari Vakatumira kunyika mutumwa Wavo wechinomwe ane simba guru kuti atungamire mwenga Wake.Akanga ari chii? Aiva muporofita.Zvaakataura zvakazadziswa. Aiva Shoko raMwari rakaratidzwa.Aiva kuratidzwa kwechiedza cheShoko raMwari.Aiva Chiedza chaMwari kuitira nhasi.

Moses akangoenda mberi zvakadaro,nokuti ndiye aiva Hupenyu, aiva Chiedza chenguva. Chaaiva nacho chaiva chii? Mwari vachiratidza Shoko raVo rakavimbiswa kubudikidza naMoses, uye Moses aiva Chiedza

Eria aiva Chiedza ….Chiedza! Hareruya!Aiva Chiedza. Chiedza!Aiva Shoko raMwari rakazadziswa.

Johane paakauya panyika….Jesu Wakati, “Aiva Chiedza chinopenya zvikuru”Hareruya!Sei?Aiva Shoko razadziswa.

Zvino maererano neShoko,Chiedza chezuva redu muporofita waMwari, William Branham.Uyo anodaidzira arimurenje reBabironi.” Budai kubva maari,vanhu vangu,kuti musave vagoverani vezvivi zvake.

Ndiye aiva kuzadziswa kwaMaraki 4:5, uye zvakazarurwa 10:7. Akangotaura akati “kuchavapo”, uye kwakavapo pasina chimwe chinhu mariri. Haana kumbova netsindi, paiva pasina kana imwe ipapo. Akangoti ” ngapave ne, ikabva yavapo.

Shoko raMwari risingakundike, rinofanira kuzadzikiswa. Takaona Chiedza; Shoko Rake Raakavimbisa rezuva ranhasi.Rakaratidzwa uye Rakasimbiswa kutiIchokwadi.Ndiro Chiedza Chenguva ino.

Hapana chinotsiva pakuziva kuti zvatiri kuteerera Ndiro Shoko Rakaratidzwa kuitira zuva ranhasi.Harina honye mariri zvachose. Kana vamwe vakagutsikana nezvimwe, endai mberi,asi kwete isu.

Hazvireve kuti haufanirwe kuteerera Mufudzi wako,kana kuti vashumiri havafanirwe kuparidza, handizvo zvachose,asi UNOFANIRWA kusefa shoko rose raunonzwa kubudikidza nesefa huru yaMwari, Messeji Iyi iri patepi.

Pavanoti mazuva yeMeseji yemunhu mumwe akapfuura , ihonye idzodzo.
Pavanoti Meseji iyi handiyo Mhedziso yavo, ihonye idzodzo.

Hapana chikuru kukunda kungobaya nekuridza, uchiziva kuti unogona kuti AMENI kushoko rose. Hakuna imwe nzvimbo yaunogona kudaro kunze kwekuteerera MESEJI yenguva.

Zvino tisu tirikuratidzwa kwaJesu Christu kwezuva ranhasi. Tisu Shoko Rake rakaratidzwa. Tisu vaakasarudza kugamuchira chizaruro chake chikuru chenguva yekuguma. TISU MWENGA WAKE.

Mwenga waKe woga ndiwo uchava nechizaruro chechokwadi cheChiedza chanhasi. Vachaziva,Chiedza ichi chichavasvitsa pakukwaniswa. Chiedza ichi ndiwo  Mweya Mutsvene unotaura kubudikidza nengirozi mutumwa wake.

Ungade here kugara muhupo hweChiedza chaMwari  chenguva? Zvino ndinokukoka kuti ugobatana nesu musi weSvondo na12 masikati, nguva yekuJeffersonville apo tichanzwa Pane Munhu Pano Anogona Kutungidza Chiedza  63-1229M

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Genesis 1:3 Chapter 2
Psalms 22
Joel 2:28
Isaiah 7:14, 9:6,28:10,42:1-7
St Mathew 4:12-17, Chapter 24 ne 28
St Mark Chapter 16
Rev Chapter 3