24-0317 Kuenda Mberi KweMusasa

Mharidzo: 64-0719E Kuenda Mberi KweMusasa

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mauto EChiChristu

Chimbofungai nezvazvo! Ava magumo enguva,Hallelujah! Tavapano.Zuva guru rekuuya kwaShe vachivinga Mwenga Wavo rasvika. Tirikuzviunganidza pamwechete kubva pasi rose,tichikwaniswa nekuteerera Izwi RaMwari.Takarindira uye takamirira vadikanwa vedu kuti vaonekwe…rava chero zuva ikozvino.

Chinhu chimwe chatakarairwa kuita ku”gara neShoko”.Watinongoona ndiJesu uye Iye IShoko rakaitwa nyama.Ndicho chizaruro chezuva redu.Ndiwo Musasa waMwari weMwenga Wake.

Meseji iyi,Izwi iri,matepi aya,ndizvo zvose zvatinoda kuitira kubvutwa. Hapana zvimwe zvatinoda.Takadanirwa kubuda,takatsaurwa kubva kunezvinhu zvose kusara kweIzwi iroro.Takatendeseka kuti,Izwi iroro ndiro Nzira yaMwari yakapiwa yezuva ranhasi.

Fungai nezvazvo,Akatipa muporofita mukuru akambovapo nguva dzose. Uyo wekuti Shongwe Yemoto PaChake Akatorwa mufananidzo pamwechete Naye kuitira kuti Agoudza nyika yose,”Uyu ingirozi yangu huru.
Ndiye Izwi rangu kwamuri.Zvaanotaura panyika Ndinodaiirira kudenga.Hakuna mumwe wakaita saiye”.

Ndakaisa kuvimba kwangu kwaari, uye kwaari woga,zvose zvakavanzika zvangu zvandakavanza kubvira nyika isati yavambwa.Ndiye wandakafanotemera kuzokudaidzai kubuda munyika ino muchiuya kwandiri.Ndiye wandakasarudza kutungamira, kukuchengetai nekukurairai.ndinotaura kwamuri, Munzwei, nokuti haasi iye anotaura,NDINI, MUKURU waNDIRI”

Ndakagadza nekudana vanhu vanesimba kuti vaparidze nokuudza nyika,”Zuva ranhasi magwaro, MARAKI 4,ZVAKAZARURWA 10 vs 7 naRuka 17 vs 30 azadziswa pameso enyu. Ngirozi Yake inesimba yasvika sekutaura kwakaita magwaro.Mwari aripano pakati pedu,achizvizarura munyama yemunhu sezvakataura kuti aizoita”.

NdiJesu Christu mumwechete, zuro, nhasi uye nekusingaperi.Takadanirwa kukunongedzai kwaari,ngirozi yaMwari.Ndiye akasarudzwa neMweya Mutsvene kutungamira  nekudana Mwenga Wake. Musapikisane kana kuita gakava, kurwa kana kunetsana kuti ndiyani a achave muprisita mukuru, ndiyani achava izvi,izvo kana zvimwe. GARAI NEIZWI IRORO. Nokuti kunongova neIZWI rakasimbiswa RIMWECHETE RAMWARI uye zita rake ndiWilliam Marrion Branham.

Tinofanirwa kungwarira zvikuru kugara tiine Izwi iroro,sezvo kuine vakawanda vanoda kukutungamirirai kubva paIzwi iri.Tsika dzavo dzirikuvhariridza Izwi iroro kubva kuvanhu.
 Ava mutorwa kuvazhinji vavo.Mazwi avo atora nzvimbo yeIzwi iroro kusvika apo Mwari anovashanyira mumatepi Anova mutorwa.

Hupo Hwake Hukuru Hunotyisa huripakati pedu. Wose munhu anobatikana neMweya uyu anotoziva kuti Izwi Iri, Izwi RaMwari. Ndiwo Musasa waMwari wezuva ranhasi.
Wose munhu anozviti Mwenga waChristu anofanirwa kuita sarudzo yemusasa waari mauri.

Vanofanira kuzvibvunza mubbvunzo urinyore uyu: Nderipi Izwi iro Mwenga wose vanofanirwa kuti “AMENI” kwariri?

Kana uri Mwenga waChristu wechokwadi, uine  chizaruro chechokwadi cheshoko rezuva ranhasi,pane mhinduro imwechete:Izwi RaMwari riripamatepi.Zvirokwazvo Satan anoedza  nemanomano kukanganisa izvi nenzira dzakawanda,asi Mwenga hauna imwe mhinduro.Zviri nyore saizvozvo.

Tinoziva kuti Satan arikushandisa mhinduro iyi kutipesanisa.Asi Shoko rinotiudza kuti Mwenga unofanirwa KUBATANA…TAKABATANA, ne IZWI RIMWECHETE RINOTIBATANIDZA.

Huyai mubatane nesu, nokuti nguva yapera kwazvo.

“Ndinoda kuenda mberi kweMusasa.Zvisinei kuti zvichanditorera chii,ndichatora muchinjikwa wangu ndoutakura mazuva ose.Ndichaenda mberi kweMusasa.Zvisinei kuti vanhu vanotaurei pamusoro pangu.Ndinoda kumutevera mberi kweMusasa.Ndagadzirira kuenda.

Kanamuchida kuva muMusasa waMwari wezuva ranhasi, MUNOFANIRWA KUTENDA kuti Izwi RaMwari Riripamatepi ndiro Izwi rakakoshesesa ramunofanirwa kunzwa.

Huyai mubatane nechikamu cheMwenga musiweSvondo na12 masikati nguva yekuJeffersonville apo tinonzwa Izwi iro Mwari vakasarudza kutungamirira Mwenga Wavo,apo anotiunzira Meseji,
Kuenda Mberi kweMusasa 64-0719E
Hakasi kamusasa,unotova MUSASA

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Veheberu 13 vs 10-14
Mateo 17 vs 4-8