Munokokwa kuuya kuzobatana nesu, Branham Tabernacle, musi we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa pamasaisai Inzwi ra Mwari richitiunzira Mharidzo: 65-0815 – “Uye Vasi Ngazvizive”
Unotenda here kuti Shoko iri ndiro Vaheberu 13:8? Ishoko benyu here? Mwanakomana we Munhu here ari kuzviratidza munyama? Saka chiporofita chichaitika musi we Svondo uno kana ukatenda nekuteerera
Pane chichaitika pasi rose chisina kumbogoneka kumashure munhoroondo yepasi rose. Mwari achange achitaura ne muromo we munhu, achitaura ku Mwenga wake pasi rose zvose panguva imwe chete. Achaita kuti titurikane mavoko, nekunamatirana iye paachange achitinamatira tose.
Imi muri kunze uko parunhare, kana makatenda nemoyo wenyu wose, vashumiri pavachange vachikuturikai mavoko, vadikanwa venyu vachikuturikaivo mavoko, kana ukatenda nemoyo wako wose kuti zvapera, zvapera.
Chose chatinoda, Mwari vachatipa kana chete tikatenda…UYE TINOTENDA KUTI TIRI MWENGA WAKE WAKATENDEKA. Zvinotoitika. Shongwe ye Gore reMotoichange iri pose patakaungana uye igopamumwe nemumwe wedu chose chaanoda, I ZVANZI NA JEHOVAH.
Dai Chiedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe, uye dai vakaporeswa panguva ino. Tinotsiura muvengi, dhiabhorosi, muhupo hwa Kristu; tinoti kumuvengi, kuti wakundwa ne – nekutambura kwake pamusana pedu, rufu rwa Tenzi Jesu uye kumuka kwake nesimba ne zuva retatu; uye nehuchapupu hwakaratidzwa kuti ari pakati pedu manheru ano, mupenyu, shure kwemakore mazana anegumi nepfumbamwe. Mweya wa Mwari mupenyu ngauzadze moyo wese nekutenda nesimba, nesimba rekupodza rinobva kuna Jesu wakamuka kuvakafa, Arikuratidzwa zvino ne Chiedza chikuru ichi chiri kukomberedza kereke, Muhupo Hwake. Muzita ra Jesu Kristo, gamuchidzai kuitira kubwinya kwa Mwari.
Uri Mwenga Wake. Hapana chinozvibvisa kwauri, HAPANA. Satani wakundwa. Ungangonzwa kuti Mwari waunaye anongo zadza chipunu chete, asi ndozvoga zvaunongoda, ZVINOTOBATIKA. NDIYE. IWE URI WAKE. SHOKO RAKE HARIKUNDIKE.
Ritende, rigamuchire, batirira kwariri, harikundike. Hauna simba asi une kodzero. Taura uchiti, “Ndino tora Ishe, ndezvangu, makazvipa kwandiri uye handitenderi kuti Satani azvitore.
Inguva yakadii yatichava nayo. Hapana imwe nzvimbo yandingada kuva pairi. Mweya M’tsvene uchange wakatipoteredza. Tichipiwa Chizaruro chakawedzerwa. Moyo yakaputsika ichibatanidzwa. Munhu wese achipodzwa. Tingatadza sei kutaura tichiti, “Moyo yedu haina kutswa here mukati medu, uye haisi kutswa here iko zvino, kuziva kuti ikozvino tave muHupo hwa Jesu Kristo akamutswa kuvafi, kwaari ngakuve nekubwinya neku rumbidzwa nekusingaperi.
Hama Joseph Branham.
Tinokoka pasi rose kubatana nesunenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville Mharidzo: 65-0801E Zviitiko Zvichijekeswa Ne Chiporofita
Hatirwisani nezvinonzwa vamwe vatendi kutungamirwa na She kuita, asi izvi ndizvo Mwari ZVAATITUNGAMIRIRA kuita, uye ipapa ndipo paticharamba TIGERE. Takagutsikana. Tirikupihwa chikafu ne Inzwi ra Mwari. Tinogona kuti Ameni ku SHOKO ROSE ratinonzwa. Iyi ndiyo nzira yatakapihwa na Mwari. Hapana chimwe chatingaite.
Ndinongoda kukoka munhu wese kuuya kuzobatana nesu. Tiri kungoita ma services nenzira yaitwa ne Hama Branham pavakange vari panyika.
Kunyange vasiri pano panyama, chikuru ndeizvo Mwari zvavakataura kuMwenga Wake pama tepi. Vaikoka nyika kuti ive chikamu chevari kubatana parunhare, ndokunge ivo VACHITODAVO. Aita kuti vaungane kwavaigona kuti vanzwe Inzwi ra Mwari richitaura kwavari vose panguva imwe chete. Ndizvo zvakaitwa ne muporofita wa Mwari nguva iyoyo, saka ndiri kuedza kuita zvaakaita semuenzaniso wangu.
Naizvozvo, munokokwa kuuya kuzobatana nesu parunhare musi we Shondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichateerera mutumwa waMwari achiunza kwatiri Mharidzo: Mwari We Chizwarwa Chino Chakaipa 65-0801M
Mudiwa Mwenga wa Kristu, ngativunganei pamwe chete musi we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, kuzonzwa: 65-0781M Kuitira Mwari Basa Kusiri Kuda kwa Mwari
Akafanotiziva nokutemera kwoMweya. kuti taizova Mwenga wake. Wakatisarudza, isu hatina kumusarudza kwete. Hatina kuuya nokuda kwedu, kwaive kusarudza kwake. Zvino waisa mumoyo yedu ne mu munhu wemukati wedu Chizaruro chakazara che Shoko Rake.
Zuva nezuva Ari kuzarura Shoko Rake kwatiri, achidurura Mweya Wake pamusoro pedu, achiratidza hupenyu hwake chaihwo matiri. Hakuna imwe nguva apo Mwenga wakanyatso dzikamiswa mumoyo, uchiziva kuti uri mukuda kwake kwakakwana, uye tiri muhurongwa hwake, nokugara ne Shoko Rake, nekunzwa Inzwi Rake.
Rudo rwaMwari uye Shoko iri zvino zadza moyo yedu kusvikira pakupfachukira. Hapana chimwe zve chatichada kunzwa, kutaura nezvacho, kuyanana nazvacho, kana kungogoverana chitaurwa chatichangonzwa neku rumbidza Mwari.
Takafanana na Mosesi kuseri kwerenje. Tafamba kutarisana chiso nechiso naMwari Samasimba, uye tinoona Inzwi richitaura nesu; maringe neShoko uye nevimbiso yenguva. Zvine chazvaita kwatiri. Hatinyari nazvo.Tinofara kuzvishambadzira pasi rose. Tinotenda kuti Ishe Jesu ndiro Shoko re nguva uye isu TIRI MWENGA WAKE.
Iye wakati dzivirira ne Shoko Rake. Hapana kana mumvuri wekupokana, iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari. Mwari haafi akashanduri pfungwa yake pamusoro pe Shoko rake. Wakasarudza Mutumwa wake we Chinomwe kudana Mwenga wake, uye kuuchengeta mugwara re Shoko Rake.
Hapana chimwe muhupenyu huno kunze kwake Iye ne Shoko Rake. Rinototi itira shoma. Zvino pfuurira hupenyu kwatiri. Ivangeri uye neSimba ra Mwari wemaSimba ose zvapararira pasi rose zvisati zvakamboitika kare. Shoko zvino rave mumawoko ne munzeve dzeMwenga. Nguva yekupatsaniswa yave kuitika iye zvino, apo Mwari ave kudana Mwenga, satani achidana kereke.
Mwari anoshandura Pfungwa Yake here pamusoro pe Shoko Rake? HAZVIITE. Saka tinofanira kushingaira zuva nezuva, ne moyo yedu yose ne munhu wemukati wedu wose kunge tiri MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA. Tinofanira kuzviisa pasi pekuda Kwake ne Shoko Rake.Tisingari bvunzurudze, asi kungoritenda nekuri gamuchira. Rega kutsvaga nzira yekurinyenyeredza. Ingo ritora sezvariri.
Muporofita anotiudza mu Mharidzo iyi kuti chinangwa chake chose ndeche kutiratidza kuti Mwari anofanira kuchengeta Shoko rake kuti arambe ari Mwari, asi vazhinji vanoda kuri nyenyeredza nekuwana imwe nzira. Kana vadaro, vanozviona vechifambira mberi, uye Mwari achivaropafadza, asi vari kushanda vari mukuda kwake kwekuregedzera, asi vasiri mukuda kwake kwakakwana, kuda kwaMwari.
Muporofita anotidzora kumashure kuShoko uye anotipa mifananidzo yekutarisa, nekunzwera, uye otiyeuchidza, Mwari haashandure pfungwa yake kana nzira Yake, Ndi Mwari uye Haashanduke.
Zvino, tinoona kuti vose vaviri ava vakange vari vanhu ve mweya, vose vakange vari va porofita, vose vakadanwa. Uye Moses, ari mugwara rebasa rake, ne Shongwe yeGore reMoto pamberi pake zuva nezuva, Mweya wa Mwari paari, mugwara rebasa. Hezvo pauya mumwe muranda wa Mwari, wakadanwa naMwari, wakagadzwa na Mwari, muporofita uyo kunouya Shoko raMwari. Heuno mutsara wenjodzi. Hakuna waigona kupikisa kuti munhu uyu ndewaMwari-waMwari, nokuti Baibheri rakati Mweya waMwari wakataura kwaari, uye wakange ari muporofita.
Ngati verengei neku nzvera zvakanaka zvitaurwa zvishoma pamusoro pezvinotaurwa nengirozi yechinomwe mutumwa wa Mwari. Tinoda zvaanotaura; kwete zvinotaurwa ne kereke, zvinotaurwa na Doctor Jones, kana zvinotaurwa nemumwewo. Tinoda zvinotaurwa ne ZVANZI NA JEHOVAH kubudikidza nemuporofita wake.
Mosesi, ari muporofita wakagadzwa ne Shoko ra Jehovah, akasimbiswa kuti ndiye wakasarudzwa kuva mutungamiri wavo wenguva iyoyo, uye kuti Abrahama wakange avimbisa zvose izvi…..
Hakuna waigona kutora nzvimbo ya Mosesi. Zvisinei kuwanda kwavana Kora vaisimuka, uye kuwanda kwavana Datani; Moses ndiye, Mwari waakadana, zvakadaro.
Mosesi ndiye Mwari waakange adana kutungamira vanhu. Vamwe varume vakasimuka vachiti varume vakazodzwa neku zadwa no Mweya M’tsvene wo. Mwari akange avadanavo kutungamiravo. Asi Mosesi wakange ari mutungamiri we Kuda kwaMwari Kwakakwana kwepamavambo kuvatungamira.
Asi, uye kana vanhu vakasafamba mukuda kwake kwakakwana, Ane kuda kwekuregedzera kwaanokutendera kufamba makuri. Cherechedza, Ano zvitendera, ndizvoka, asi anoita kuti zvishande kubwinya kwake, mukuda kwake kwakakwana. Zvino kana uchida….
Hakuna anoda kunge ari mukuda kwake kwekuregedzera. Mwenga wechokwadi unoda kunge uri mukuda kwake kwakakwana, nguva dzose, zvisinei zvazvinotora.
Kune varume vakazodzwa noMweya, vakadanwa naMwari muKereke nhasi. Vanhu vaMwari vakazodzwa, vaka danwa kuparidza Shoko iri. Asi hakuna mumwe wavo watinga bvumirana paari tose.
Vangava ivo sei vachabatanidza Mwenga? Tinga batana pa shumiro yavo here? Ichokwadi vakadanwa kutungamira mapoka avo, asi kuva tungamira kudzoka pa HURONGWA HWAMWARI HWEPAMAVAMBO. MUTUNGAMIRI WAKE. MUPOROFITA WAKE. Kwete shumiro dzavo.
Kana vachikuudzai kuti ndiro Inzwi rakakoshesesa, uye vachinyatsotenda izvozvo, zvino vanorega sei kudzwanya nekuridza pose pamunenge muri pamwe chete?
Kana uchida kuva nechokwadi, NE CHOKWADI, kuti uri mukuda kwake kwakakwana, pane NZIRA YECHOKWADI imwe chete. Ndeye kunzwa Shoko ra Mwari rakasimbiswa pama tepi.
Chekutanga uno ziva, tepi ino pinda mumba mavo. Ipapo zvatoitika. Kana ari gwai, ano bva abatana nazvo. Kana ari mbudzi, anokavira tepi kunze.
Ndinofanira kuva NE CHOKWADI. Handigoni, uye handisi kuzo, tora mukana kunyange mudikisa pa musoro pe ramangwana rangu re Ziyenda na Kuenda. NDINOZIVA kuti Inzwi riri pama tepi Inzwi raMwari ku Mwenga. NDINOZIVA harikanganise. NDINOZIVA kuti raka simbiswa ne Shongwe ye Gore re Moto. NDINOZIVA kuti ndiro iro Mwari vaka sarudza kutungamirira Mwenga wake. NDINOZIVA Shoko iroro, ndiro Inzwi chete rinogona uye richa batanidza Mwenga. NDINOZIVA richange riri iro Inzwi randichanzwa richiti “Tarirai, Gwaiyana ra Mwari.”
NDINOFANIRA KUDZWANYA NDORIDZA kuti ndinzwe Inzwi iroro. Munokokwa kuuya kuzobatana nesu musi we Svondo iwo uno nenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa: 65-0418E Mwari Anoshandura Pfungwa Dzake Here Pamusoro Peshoko Rake?