Mharidzo: 64-0823M Mibvunzo neMhinduro #1
Mudiwa Branham Tabernacle,
Kwaziso kuMwenga waJesu Kristu kubva pasi rose, vanotenda kuti Branham Tabernacle, Inzwi raMwari, ndiyo kereke yavo yepamba pavari kudyiswa pamweya neManna yakavanzwa yakachengeterwa Mwenga waKristu.
Uyu ndiwo musha wangu; uyu ndiwo muzinda wangu; apa ndipo patakarongedza zvose. Saka, Chengeta izvozvo mupfungwa zvisinei kuti chii chingaitika. Zvino, kana wakachenjera, uchabata chimwe chinhu. Hazvinei kuti chii chinoitika, uno ndiyo muzinda wedu, ipo pano!
Vatendi vazhinji vanogara vasinganzwisisi kana kuisa pfungwa dzavo kana dudziro kune zvakataurwa nemuporofita pano, asi ari kuudza Mwenga zvakananga, “kana wakachenjera, uchabata chimwe chinhu, uno ndiwo muzinda wedu, ipo pano!”
Airevei nemashoko iwayo?
Hama Branham pavakange vari pano, vazhinji havana kuvanzwisisa vakafunga kuti Mwenga waifanira kuenda kuArizona kunomutevera ikoko, kuti vapinde muKubvutwa. Hama Branham vakavapindura zvakajeka: garai PANO, IYI NDIYO NZVIMBO YACHO.
Boka guru revanhu rakasimuka nenzira iyo, uye vaida kuenda uko kana kuita izvi kana izvo, mushure mekunge ndavaudza kuti vagare ipapo. Garai ipapo, garai pano; iyi ndiyo nzvimbo yacho.
Vanhu vakabva kwese kwese muUnited States vachienda kuArizona, asi akavaudza zvakajeka kuti: Garai pano chaipo, iyi ndiyo nzvimbo yacho!
Kugara muJeffersonville? Ndizvo zvaakataura!
Chizaruro changu ndechokuti, akanga ari Mwari, achitaura kubudikidza nomuprofita Wake achiudza vanhu, “GARAI NEMATEPI.” Ndiyo NZVIMBO yacho!
Akakanganisika uye akati aifanira kuita chimwe chinhu nevanhu vose ivavo. Chii chaanofanira kuita? Aizovaendesa kuchechi ipi? Vanofanira kuenda kupi? Hama Branham vakati chii chavanofanira kuita?
Saka zvino, ndinofanira kudzosa vana ava kuno kuti vawane chokudya. Vari zasi uko kurenje vachiziya nenzara.
Haana kutaura kuti vaifanira kuenda kune dzimwe chechi dzemunharaunda vachiwanawo zvimedu zvishoma zvavaigona kudya. Vakati vanofanira KUVADZOSA KUNO kuti vawane chokudya, kuti varege KUFA NENZARA.
CHIZARURO CHANGU, SHAMWARI.
Zvino, kuti tirege kusavanzwisisa zvakare, kana kutaura zvavasina kutaura, vachiti, “Hama Branham vaida kuti mutendi wose aende kuJeffersonville kuti ave Mwenga.” Hama Branham vaiziva vanhu vose ava, uye mutendi WESE kubva pasi rose, haaikwanisa kufamba kuti agare muJeffersonville. Izvozvo zvakange zvisingaite. Saka airevei? Akange ACHIBATANIDZA Mwenga waKristu PAMATEPI akange akarekodhwaakachengeterwa Mwenga kuti adye paari.
Shoko reNguva iri, Inzwi Iri, iShoko raMwari rakataurwa ranhasi uye Richabatanidza nekukwanisa Mwenga waJesu Kristu.
Mutumbi ndicho chikafu chezvapungu. Zvino, chapungu muBhaibheri, ndiye muporofita. Muporofita chapungu. Mwari—Mwari anozvitora seChapungu, uye isu tiri “zvapungu zvidiki” zvino, va—vatendi. Maona? Uye mutumbi wavari kudya chii? IShoko. Pose pane Shoko, hunhu hwechokwadi hweshiri hunoonekwa ipapo.
Ririkupi Shoko reZvanzi naJehovah ranhasi rakachena, rakasimbiswa, risina mibvunzo? Pane nzvimbo imwe chete, Matepi.
Ndinogona kuramba ndichienderera mberi, chitaurwa nechitaurwa, asi Shoko reNguva iri nezvakataurwa neHama Branham zvinotora Chizaruro kubva kuna Mwari. Tinofanira kuverenga pakati pemitsetse nechizaruro, asi taura zvaakataura. Nokuti ISHOKO RAKACHENA.
Mibvunzo neMhinduro zvanhasi uye zvaNDINOTENDA.
Nhasi uno, vashumiri vazhinji vari kutaura kuvanhu kuti nekuteerera matepi Mudzimba tabuda muShoko uye nekubva pane zvakataurwa nehama Branham kuti tiite. Vanonzwa kuti tinofanira kuenda kune yavanodaidza uye yavanofunga kuti ndiyo kereke.
Chokwadi inzvimbo dzakawanda, apo hama Branham vanotaura zvakajeka vachiti.
Zvino, enda hako kuchechi yakanaka yeFull Gospel wozviwanira yaunoti chechi yako.
Uye ndinozvitenda izvozvo nomwoyo wangu wose, nokuti vakadaro. Asi ndinotenda kuti tiri kuita izvozvoneKUTEERERA MATEPI TIRI MUDZIMBA. Nzvimbo yacho sandicho chinokosha kuna Ishe. Iyo chingori chivakwa. Asi basa redu kuna Jehovha nderekugara neShoko ravo, KWETE NZVIMBO KANA CHIVAKWA. Nzvimbo haiponesi kana kunatsa Mwenga, SHOKO NDIRO RINOITA IZVOZVO.
Kana ndikaenda kuchivakwa chechechi, asi vakanganwa CHINHU CHIKURU: kunzwa Inzwi raMwari kubudikidza noKudzwanya nokuRidza, uye varitsiva nekungonzwa vashumiri vachiparidza Mharidzo, izvozvozvinonyatsogutsa nekugutisa mweya wako here? Zvinogona kugutsa mweya wako, hama nehanzvadzi, yangu asi hazvigutsi Mwenga.
Rega ndipinze chimwe chinhu pano nditi kune zviuru nezviuru zvevanhu vasina chivakwa chechechi chekuenda. Vakarasika here? Kana vasina mufundisi kana chechi, zvinoreva here kuti havangave Mwenga? Kana ndichigara mukati mema maira100 kubva pachivakwa chechechi, ndinofanira kuenda kuchechi iyoyo here? Asi kana ndichigara kure kupfuura ipapo, handifanire kuenda ikoko? Ndinofanira kuteerera muparidzi pa internet, asi handifaniri kuteerera matepipa internet? Saka chivakwa chenyama ndicho chiri kutaurwa nemuporofita kuti ndicho chinhu chakakosha chatinofanira kuenda kwachiri?
Muprofita aida kuunza Mwenga kupi?
Kana usingakwanise kuuya pano patabhenakeri, enda kune imwe chehchi kune imwe nzvimbo; enda ikoko.
Zvakare, ndokupi kwavaida kuendesa vanhu kupfuura kumwe kwese? KuBranham Tabernacle, kuShoko, kumatepi. Ndizvo izvo Mwari akapa Mwenga wake kuti aite munguva ino yekupedzisira, uye tiri kuzviita mazuva ese Svondo yega yega.
Saka kuti mundinzwisise zvakanaka. HANDISI KUTI Munofanira kuteerera matepi pa internet pamwe chete neBranham Tabhenakeri kuti muve Mwenga. Handisi KUTI hamufanirwe kuenda kuchechi. Handisi KUTI hamufaniri kuteerera kuvashumiri. Kana uchitenda izvozvo, wabva paShoko. Ndiri kuti kunzwa Inzwi raMwari pamatepi ndiro Inzwi rakakoshesesa RAMUNOFANIRA KUNZWA, uye ndinotenda kuti mufundisi wese anofanira kuridza Inzwi iroro, matepi, mumachechi avo. Asi vakapa zvikonzero zvose zviripo KUSARIDZA MATEPI. Kana iriyo chechi yako, hausi kudya paShoko.
Zviri pachena kuti izvi ndizvo zvaakange asingadi kuti zviitike uye vanhu vachizviita.
Iwe enda kuchechi; usagara pamba, kana kunoredza, kunovhima, nezvimwe zvakadaro musi weSvondo.
Hatisi kudaro. Tiri kubatana pachinhu chimwe chete chichabatanidza Mwenga, Shoko reNguva iri, Inzwi Iri.
Nditaure zvakare, ndinotenda mukuenda kuchechi. Kune makereke mazhinji pasi rose ari kupa matepi nzvimbo yekutanga pama purupiti avo, Ishe ngavakudzwe. Ndinotenda kuti unofanira kugara kumba here kana ukasadaro toti hausi Mwenga? KWETE, KWETE, KWETE…. handina kumbofunga izvozvo, handina kumbotenda izvozvo. Ini ndinongoda kuti UTEERERE MATEPI zvisinei kuti urikupi kana kuti urikuenda ku chechi kupi.
Kana usina Chizaruro chezvaari kutaura, zvino unogona kutaura pachena uchiti, “Handifanire kuteerera kuHama Branham kana kuKUBVUMIRANA nezvose zvavanotaura. Ivo vakatozvitaurawo, kune vamwe vazhinji vanhu vakadanwa naMwari”
Enderera mberi. Tinoona pano, anoti, “Toenda here kune imwe chechi isingabvumirani nemi?” Hongu, handisi…ini handisi ndoga hurungudo pamhenderekedzo yegungwa, munoziva. Pane—kune vamwe vanhu vanotya Mwari kwose kwose; Ndinovimba ndiri mumwe wavo.
Inzwi raMwari pamatepi ndiyo HURUKUNGUDOYANGU, DOMBO RANGU. Inzwi randinoda kunzwa uye Inzwi randinoda kuti Branham Tabernacle inzwe.
Kana uchida kabatana nesu, tinokugamuchirai nomufaro hama nehanzwadzi dzangu. Sanganai nesu musi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo tichanzwa Inzwi raMwari richitaura nokupindura mibvunzo yakawanda yamungadaro munayo pamwoyo yenyu. Uye zvinzwirei pachenyu kana zvinhu zvandataura mutsamba iyi zviri kunze kweShoko uye kana ndisina kunzwisisa zviri kutaurwa naMwari kuMwenga wake.
Zvavanotaura pamatepi iZvanzi naJehovha. Kwete zvandinotaura kuti ari kutaura, kana zvandinotenda kuti ari kutaura, uye Mwari CHETE ndiye anogona kukupa Chizaruro chechokwadi.
Hama Joseph Branham
Zuva reTepi: 64-0823M Mibvunzo NeMhinduro #1