All posts by admin5

26-0329 Merkisedheki Uyu Ndiani?

Mharidzo: 65-0221E Merkisedheki Uyu Ndiani?

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga, Hupenyu Husingaperi
 
Ndiani Inzwi riya riri kutaura nesu pamatepi?
Tinogona chete kuziva mhinduro kumubvunzo iwoyo neChizaruro chinobva kuna Mwari. Mwenga wake akafanotemerwa ndiye chete achava neChizaruro ichocho. Nokudaro, tinofanira kunzvera Shoko rake kuti tinzwisise kuti Iye akati aiva ani: Mududziri woga weShoko rake. Ndiani aizomedura nekuzarura Zvisimbiso Zvinomwe? Ndiani aizozarura zvakavanzika zvose zveBhaibheri? Ndiani achadana nokutungamirira Mwenga wake? Ndiani achava neInzwi risingakundiki?
 
Maringe neShoko, haasi mumwe kunze kwaMerikizedeki, paChake. Murume asina baba kana amai, Akange asina mavambo kana magumo emazuva. Mwari, akava nyama, akadya nyama nechingwa chezviyo, akanwa mukaka wakakora, akataura naAbhurahama. Aive Munhu aive nehunhu, airarama munyama yemunhu.
 
Shoko rimwe chete iroro rakati Merikisedheki, Munhu iyeye, hunhu ihwohwo, aizorarama nokuZvizarura zvakare munyama yemunhu sezvaAkaita kuna Abrahama, uye zvakare muna Jesu Kristu; asi nhasi, mumutumwa waKe wechinomwe waZvakazarurwa 10:7.
 
Mweya wake waizozadza tabhenakeri yepanyika kuti Ataure nokuzviratidza kuMwenga Wake. Mwari pachavo vachirarama nekutaura vari munyama yemunhu. Mbeu yavo yokutanga yakadzoreredzwa zvizere yakanga yaibva zvizere. Hurongwa hwaMwari hwakazarahwakange hwasvika; Mwari nemunhu vakange vaveMumwe. Mwari vaitaura muromo kunzeve kuMwenga wavo sezvaVakaita kuna Abrahama.

Vakapinda vakagara imomo, muMunhu waMerikizedeki, zvino kubva ipapo hatina kuzonzwa zvakare nezvaMerikizedeki, nokuti Akazova Jesu Kristu, Merikisedheki aive Muprista asi Akazova Jesu Kristu, zvino, iwe wakanyenyeredza izvozvo, nokuti muchimiro ichocho Aiziva zvinhu zvose, asi iwe hausati wavekukwanisa kuziva izvozvo.

ASI…!! Zvino isu ndisu vanaani?

Meso edu, chimiro chedu, chero zvataive, takange tiri mukufunga kwake pakutanga. Kusati kwave neNgirozi, nyeredzi, Kerubhi, kana chimwe chinhu. Akazvifunga, Akazvitaura, hezvo tiri pano.

Izvozvo hazvina mugumo. Hatikwanise kuzvinzwisisa mupfungwa dzedu, asi ndizvo zviri Mwari. Mwari, haana magumo!

Nokuti taive maAri pakutanga, chii chichaitika kwatiri mushure mekunge hupenyu hunofa pano panyika hwapera?

Kana nguwo iyi yenyama yabviswa, pane mutumbiwenyama, mutumbi weShoko, mutumbi usina kugadzirwa nemaoko, usina kuberekwa nemukadzi, watinoenda kwauri. Zvino mutumbi iwoyo unodzoka wotora mutumbi wakabwinyiswa.

Zvinhu zvinoshamisa sei zvakachengeterwa Mwenga wake. Tarirai zviri kuitika iye zvino paari kuzarura Shoko rake kwatiri zvisina kumboitika kare. Taura nezvetsamba yerudo kuMwenga wake! Izuva rakadii ratiri kurarama mariri.
 
Tave nechiChizaruro uye tave kuziva kuti ndiMerikizedeki, Inzwi raMwari, rinotaura kwatiri pama Tepi. Tine Chizaruro chekuti ndiyo nzira yakapihwa uye yakakwana yaMwari kuzuva ranhasi. Nokudaro, tinoZIVA KUTI IYE NDIANI UYE KUTI TIRI MWENGA WAKE.
 
Chizaruro ichocho chiri kuwedzera kukura zuva nezuva. Zuva rimwe nerimwe rinopfuura rinotiunzira mufaro wakawedzerwa, Chizaruro chakawedzerwa. Mwenga arikuzvigadzirira nekugara muhuvepo hweInzwi Rake, paanotiudza kuti Tiri Vanaani, uye kuti AnoTida sei, uye kuti zvave kuMunonokera kuti Ave Nesu!!!
 
Huya, uzvigadzirire na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, pane zvave kuda kuitika, paticha teerera kuInzwi raMerikizedeki.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0221E “Merikizedheki Uyu Ndiani?”
 
Magwaro ekuverenga:
Genesisi Chitsauko 18
Eksodho 33:12-23
Johane 1:1
VaRoma 8:1
2 VaKorinte 5:1
1 VaTesaronika 4:13-18
Timotio Wokutanga 3:16; 6:15
VaHebheru 7:1-3/13:8
Zvakazarurwa 10:1-7 / 21:16

26-0315 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-0220 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu
 
Nhasi ndiro zuva. Ino ndiyo nguva. Mwari vakatuma chapungu Chavo chine simba panyika kuzodana Mudzimai Wake, Mudzimai waJesu Kristu, kuti vataure uye vamuudze kuti, “Ndiwe wandakasarudza, ndiwewandinoda. Ndiwe Mhandara Mwenga weShoko Ranguwakakwana. Tiri MUMWE
 
Kungonzwa mashoko iwayo, mwoyo yedu inosvetuka nomufaro. Kufunga kuti, munyika yose, inemamiriyoni nemamiriyoni evanhu, kune Mudzimayi MUMWE chete Mudzimai waJesu Kristu, uye NDIWE IYE, UYO waari kuuya kuzotaora.   
 
Pane nzvimbo IMWE chete yakasarudzwa yekunamatira. Pane Shoko RIMWE chete rakasarudzwa rakakwana. Pane MWENGA MUMWE CHETE wakasarudzwa WAKAKWANA …UYE TISU IYE!!
 
Baba vane nzvimbo IMWE chete yokunamatira yakasarudzwa, Ishe Jesu Kristu; Ndiye Shoko. Nhasi, pane nzvimbo IMWE chete iyo rufu rwepamweya rusingagoni kubata: Shoko. Rufu harugoni kurova Shoko, nokuti iShoko Benyu raMwari.
 
Chizaruro chakazara cheShoko Benyu chakazarurwa chete kune Mudzimai waJesu Kristu. Pane nzvimbo iMWE chete yakasanangurwa iyo Mudzima waJesu Kristu anogona kuenda kunonzwa SHOKO RAKAKWANA RAKATAURWA. Pane muporofita MUMWE chete akasarudzwa kuti ave Inzwi raMwari. Pane nzvimbo IMWE chete iyo Mudzimai waJesu Kristu anogana kuenda kwairi uye nekunonzwa, ZVANZI naJEHOVHA: KURIDZA MATEPI. 

Kuchava neChiedza panguva dzemanheru, nzvimbo chete yakasarudzwa yaMwari yokunamatira. O, Mharidzo iyi yasvika kupi, chii chaAchaita? Uye muzuva raKe kuchava neChiedza panguva yamadekwana, uye (chii?) kugamuchira vana vaKe kumusha kuNyika yechokwadi yechipikirwa, nechiratidzo chimwe chete cheShongwe yeGore reMoto yakatungamirira vana vaIsraeri murenje. 

Mwenga waKe unofanira kungwarira sei kutevera nekunzwa Inzwi reMurume waKe richitaura kwaAri. Pane nzvimbo IMWE chete yatinogona kuenda uye kwatine chokwadi chakazara.  Pane Inzwi RIMWE chete ratakaisa mugumo wedu Usingaperi pariri.
 
Mudzimai waJesu Kristu unotenda kuti Mashoko aanonzwa pamatepi Mashoko eMurume wake. Anotenda kuti Shoko raKe haridi dudziro.  Nokudaro, Anotenda kuti pane nzvimbo IMWE chete yakapiwa yaAnogona kuenda kwairi achiti AMEN kuShoko rose, Inzwi reMurume Wake pamatepi. 
 
Zvakare, Mudzimai waJesu Kristu, kubva pasi rose, anogona kuti, “Nhasi, Shoko iri rakataurwa, riri kuzadzikiswa”.  

Mwari Vanodikanwa, zasi kuzasi kwerenje uko kuTucson, uko kuCalifornia, kumusoro uko kuNevada neIdaho, uko kuMabvazuva nezvimbo dzakapoteredza, zasi kuTexas; apo kokero iyi ichipiwa, vanhu vagere—mumachechi maduku, pama service station, mudzimba, vachiteerera.  

Munokokwa kuti muuye kuzoteerera pamwe cheteneBranham Tabernacle na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo patichanzwa Mwari vachitaura kuMwenga wavo waakasanangura, Mharidzo: “Nzvimbo Yakasanangurwa yaMwari Yekunamatira” 65-0220.  
 
Hama Joseph Branham 
 
Magwaro: Dhuteronomi 16:1-3

26-0308 Nhasi Uno Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa

Mharidzo: 65-0219 Nhasi Uno Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mbeu Yehumambo yePamusoro,
 
Nguva yatanga takamirira zvikuru yasvika. Tasvika. Tinozviona zvichibhedhenuka pamberi pemeso edu. Zuva rega rega pane chiporofita chiri kuzadzikiswa, uye tinogona kuti: NHASI RUGWARO URWU RWAZADZIKISWA PAMBERI PEMESO EDU.
 
Kutekenyedzwa kwakadini kubudikidza neChizaruro kuri kuitika muMwenga. NeMharidzo yega yega yatinonzwa, tinonzwa mukati memoyo yedu nemunhu wemukati wedu, “Zvinogona sei kukura nekushamisa zvakawedzerwa, Ishe? Zvino Anouya pakati pedu zvakare otizodza apo patinonzwa Inzwi Rake richidanidzira kwatiri richiti, “Uri Mudiwa Wangu.NdakaKusarudza kuti uve Mwenga Wangu. Sezvandakakuvimbisa, ndiri kuuya kuzokutora. Ndiri munzira. Nenguva pfupi tichange tave pamwe chete nekusingaperi. “
 
Tinodanidzira kubva pasi rose, tichizungunusa Denga nemahareruya edu, rukudzo, rumbidzo, nekushumira kwedu kwaAri. Satani akundwa. Baba vabvisa kwatirikupokana kwedu kwese, nekusagadzikana kwedu kwese, nekufungidzira kwese kure nesu. Tinogona kudanidzira nemoyo yedu yose nemunhu wemukatiwose, TIRI Mbeu yeHumambo yepaMusorosoroyaAbrahama. Mwenga weHumambo kuMwanakomana akavimbiswa weHumambo.
 
Hupo hwaJehovah huri kutinakira zvikuru patiri kumunzwa achizarura Shoko Rake kwatiri zvisina kumboitika kare. Akabatanidza Mwenga Wake pamwe chete neShoko Rake, ndokutiisa muPfungwa imwe uye mukuwirirana sechinhu chimwe, tichiteerera Inzwi raMwari richitaura nokutinatsa neShoko Rake.
 
Mharidzo imwe neimwe yatinonzwa yakaita sechitubu chiri kutubuka mukati memweya yedu; kupfachuka, kubuditsa, nekutubwida mvura itsva kubva paChigaro cheHumambo chaMwari. Tiri kunwa nekunwa nekunwa, tichitonodza mweya yedu.
 
Hama neHanzvadzi dzangu isu tiri kuzadzikiswa kweMagwaro anoti Achava neMwenga weShoko Mhandara. Tisu vanhu vacho: Nhasi Rugwaro urwu rwazadzikiswa.
 
Mwari Pachake akataura kubva Kudenga kumutumwa wake wechinomwe akati, “SaJohane Mubapatidzi akatumwa kuti atungamirire Kuuya kwaKristu kwekutanga, Mharidzo yako ichatungamirira Kuuya kwake kwechipiri, mupasi rose. Mwenga anogona kuti: Nhasi Gwaro iri razadzikiswa.
 
Tinganzwisise here kuti Inzwi chairo raMwari rakataurwa muzuva redu kuburikidza nemiromo yemunhu, rika rekodwa, kuchengetwa, uye nekuchengetedzwa kuti Agokwanisa kutaura kune mumwe nemumwe wedu, Zvanzi naJehovah? Akaita kuti zvikwanisike kuti hatifaniri kutora shoko reumwe munhu, hapana pfungwa dzemunhu, hapana njere dzemunhu, kungogara uye kuteerera kuInzwi Rake richitaura zvakananga kwatiri Shoko Rake Rakachena.
 
CHII CHIRIKUITIKA NHASI?

Uye Mwanakomana mumwe chete waMwari akauya kumabvazuva akaZvisimbisa saMwari achiratidzwa munyama, ndiye mumwe chete MwanakomanawaMwari kunyika dzekumadokero kuno, ari kuZviratidza pakati pechechi manheru ano, mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Chiedza chemanheru cheMwanakomana chasvika. Nhasi Rugwaro urwu rwazadzikiswa pamberi pedu.

TIRI MUKUDA KWAMWARI KWAKAKAKWANA HERE NEKUTAURA KUTI UYE NEKUTENDA KUTI: “KURIDZA MATEPI INZIRA YAKAKAPIWA NAMWARI KUMWENGA WAKE”?
 
PANE CHINHU CHAKAKURA KUPFUURA KUNZWA MATEPI HERE?

Mwari anomiririrwa muhutatu nguva dzose, sezvandakataura manheru apfuura, Kwaiva nevanhu vemuSodhoma, vanhu vekwaRoti, nevanhu vekwaAbrahamu. Nyika yave muchimiro chimwe chete manheru ano, nyika yamira saizvozvo.
 
Cherechedzai, Uyo akasara naAbrahama akange ari Mwari Pachake. Vamwe vaviri vaive ngirozi vatumwa.

SAKA NDIANI ARI KUTAURA NESU PAMATEPI?

Regai ndikubvunzei chimwe chinhu. Tarisa chimiro chanhasi. Abrahama akatumidza Murume waakataura naye, “Elohim.” Shoko rechiHebheru rokuti Elohim rinoreva “Uyo Akazvikwanira, Uyo Anogara Nokusingaperi,” Elohim, Mwari Pachake!

ZVINOKOSHA SEI KURIDZA MATEPI?

…“rimwe zuva Mweya Mutsvene uchauya uchiita chinhu chimwe chete, uye kutaura shoko rimwe rinopikisa Hazvinakanganwiro.” Ndiro zuva ranhasi, apo Shoko rose rinofanira kusungirirwa pamwe chete. “Kutaura shoko rinopesana naro; izvozvo hazviregererwi munyika ino kana munyika inouya.”

Ma Hareruya edu esvondo rapfuura nekurumbidza kwedu Jehovha kwaingove gadziriro yekuti tigadzirire zvichazoitika Svondo rino, apo Mwenga uchabatana zvakare nekuteerera MWARI vachitikurudzira nekutivimbisa kuti tiri Vasanangurwa vake, uye arikuuya nekukurumidza kuzotitora kuenda nesu kuMabiko eMuchato mukuru, uye kuMusha wedu Wamangwana.
 
Rino ndiro zuva rakaitwa naJehovha; tichafara nokufarisisa mariri.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0219 – “Nhasi Rugwaro urwu Rwazadzikiswa” 
 
Magwaro:
Johane Chitsauko 16
Isaya 61:1-2
Ruka 4:16 
 
Ndapota musakanganwe nezve shanduko yenguva muJeffersonville vhiki ino.

26-0301 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande

Mharidzo: 65-0218 Mbeu Haidye Nhaka Pamwe Chete NeChikwande

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mhandara Shoko Mwenga,

Ndakagara pano mangwanani ano ndichinzwa kuzodzwa kukuru pandinenge ndichiteerera, kuverenga nekudzidza Mharidzo iyi Mwenga achange achinzwa musi weSvondo. Muwiri wangu wose wakazodzwa. Mwoyo wangu uri kututuma nemufaro mukuru ndichiziva, TICHANGE TAKAVUNGANA TOSE KUBVA PASI ROSE NECHIZORO CHIMWE CHETE ICHOCHI. Tichange tichifara, tichirumbidza Ishe, tose panguva imwe chete, apo IYE achataura kunesu tose achizarura Shoko Rake.

Chizoro chichange chakakura zvikuru zvekuti pachava nekushevedzera nekudanidzira, “Hareruya, ameni, Zita raJehovha ngarirumbidzwe” kumativi ose enyika panguva imwe chete, apo tichazungunusa Denga nekurumbidza nekushumira kwedu.

Chii chichange chichiitika? Mwari achange achibatanidza achitaura kuMwenga wake. Tichange tiri Chinhu Chimwe Chete, mupfungwa imwe uye mukubvumirana paachange achizarura nekuzviratidza kwatiri.

Hakuna imwe nzvimbo huru yaungaenda kwairi, hapana Inzwi guru raunogona kunzwa; hakuna chizoro chakakura kudarika Inzwi raMwari richitaura newe dungamunhu pamatepi.

Mwari vakarinda Shoko Ravo kubva pakutanga uye vakapa nzvimbo vana Vake vose pavanogona kuenda nekumunzwa achitaura nekududzira Shoko Rake Pachake. Nzvimbo isina zvekufembera fembera, isina zvekuti pamwe ndizvo, kana kufungidzira; Inzvimbo yakapiwa naMwari kuti unzwe ZVANZI NAJEHOVHA.

Kana zvazarurwa kwauri, zvinoita sechiedza chikuru chakabatidzwa mumwoyo mako nemumunhu wakowemukati…unodanidzira uchiti, “Izvi ndizvo. Ndazviona. Ndiri MUMWE NESHOKO. NDIRI SHOKO. NDIRI MWENGA. NDASVIKA.

Zviri kuitika, uye havazvizivi. Maona, ndizvozvo. Maona? Hongu, changamire. “Nokuti pane Mutumbi, ndipo panoungana zvapungu,” ndoozvazviri chaizvo. Maona? Ndizvo zvaAkataura. Chii Mutumbi? Shoko. Iye iShoko, Mutumbi, Kristu! “Kristu mauri,” mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Ichokwadi sei!

Patichaungana kunzwa Shoko, zvinetswa zvedu zvese, kumanikidzwa kwedu kwese, matambudziko edu ese, zvinongopera. Tinofara patinoziva kuti hapana chokunetsekana pamusoro pacho; tiri Mwenga Wake. Haasi patiri chete, ASI ARI MATIRI. TIRI MBEU SHOKO MWENGA. Zvose zvakaringana. Nguva yake yakaringana. Isu takakwana.

Takagutsikana zvikuru uye tinotenda zvikuru kutaura kuti tiri Shoko Rake Mhandara riri kuratidzwa; Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi, achirarama nekugara matiri. Hareruya!

Hatigoni kurerutsa PASHOKO RIMWE. Tinofanira kunzwa Inzwi raMwari pamatepi.

Wakamboona Chapungu chichirerutsa here? Kwete, changamire. Hachigone kurerutsa. Uye muKristuwochaiye haadaro. Haana hutera. Achavhima kusvikira aZviwana. Ameni. Hongu, changamire. Achawana Zvokudya zvake. Anoda Manna itsva. Achadzika ipapo ochera kusvikira aZviwana. Achabhururuka achikwira kumusoro. Kana pasina mumupata uyu, achasimukira mudenga. Paunoenda kumusoro, ndipo paunonyanya kuona. Saka inguva yokuti zvapungu zvezuva rino zvisvike pakubhururuka kumusoro, nekuchera muzvipikirwa zvaMwari, kwete kurarama nezvokudya zvemagora zvakauraiwa makore akare; buda mazviri.

Gadzirirai Mwenga, tichange tichidya Manna itsva iyoyo, tigere pasi pechizoro chikurusa chiripo, musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 65-0218 Mbeu Haigari Nhaka Pamwe Chete NeMakwande.

Tinokoka Mwenga kubva pasi rose kuti abatane nesukuzodya paNzira yaMwari yakakwana yezuva ranhasi. Nzvimbo chete apo Mwenga anogona kuti ameni kuShoko rose. Apo chizoro chepamusoro-soro cheMweya Mutsvene chichataura nekunatsa Mwenga Wake kubudikidza nekuDzvanya nokuRidza nekunzwa nekugamuchira Shoko raKe.

Hama Joseph Branham

Magwaro:
Mateo 24:24
Ruka 17:30
Johani 5:24; 14:12
VaRoma 8:1
VaGaratiya 4:27-31
VaHebheru 13:8
1 Johani 5:7
Zvakazarurwa 10
Maraki 4

26-0222 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe

Mharidzo: 65-0217 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Makwayana.
 
Rukudzo neropafadzo zvakadini kutaura kuti, “Tiri makwayana aMwari, vaAkatuma mutumwa Wake wechinomwe kuzodana uye nekudyisa Mana Yake yakachengetwa yakavanzwa.”
 
Tinogutsikana uye tinotenda kuti Shoko reNguva iriInzwi raMwari rakatumwa kuzokwanisa Mwenga Wake. Tinotenda kuti makwande ave kubva pagorosi, uye zvino Mwenga Wake urikuzviyanika muHupo hweMwanakomana, ACHIDZWANYA NOKURIDZA kuti aibve.

Uye ndizvo zvatavinga pano, shamwari, kugara muHupo hweMwanakomana kusvikira kaboka kedu kaduku kevanhu pano, kusvikira kaibva kuna Kristu, kavechingwa patafura Yake. Ndizvo zvandinoda kuti kaite.

Ani nani asingatendi kuti KUDZWANYA NOKURIDZAuye kunzwa Inzwi raMwari rakasimbiswa richitaura ndiro Inzwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa, munhu ari kutiza kubva pamberi paJehovah.

Unofanira kutarisana nazvo, kana kuita chimwe chinhu pamusoro pazvo. Une basa rekuita, munhu wese anaro, uye unofanira kutarisana nezvinhu izvi.

Chitaurwa ichi ndechechokwadi uye chinokosha sei muzuva ranhasi. Pane kupesana kukuru chaizvo pakati peavo vakadanwa kubva kuna Mwari. Zvinonyanya kukosha here kuridza matepi muchechi kuti munzwe Inzwi raMwari, kana kuti zvakanyanya kukosha kunzwa vashumiri vachiparidza Shoko?
 
Mwari vakadana vakaisa vashumiri pano kuti vachengetedze Shoko pamberi pevanhu. Vafudzi. Shoko rinodzidzisa izvozvo. Vanofanira kuremekedzwa nokukudzwa savanhu vakadanwa uye vakagadzwanaMwari.
 
Hatigoni, uye hatifanire, kumbotaura kuti havasi Mwenga. Izvozvo SANDIZVO uye hazvienderani nezvatakadzidziswa nemuporofita. Ndakanzwa vanhu vachiti: “Kana vasiri kuridza matepi mumachechi avo, vanopesana neShoko.” Haufanire kutaura chinhu chakadaro. Zvinondiratidza kuti une mweya usinakunaka.
 
Ndakanzwa vamwe vachiti, “Vose vanofanira kustreama pamwe chete neBT, kana vakasadaro vari kunze kwekuda kwaMwari”. Haufanire kutaura chinhu chakadaro. Mwari chete ndiye anoziva kuti ndiani ari uye ndiani asiri Mwenga. Iwoyo hausi mweya weMwenga kutaura chinhu chakadaro.
 
Kunyangwe vamwe vevanhu vari kustreama neBT vari kuti, “kana ukaenda kuchechi kunonzwa matepi uye ukasa streama mumba mako wakarasika!” Izvozvo hazvina kururama hama nehanzvadzi. Kana uri kutaura izvozvo, REGEDZA KUDARO, urikukanganisa. Munhu wese anofanira kuita SEZVO ANONZWA KUTUNGAMIRIRWA NA JEHOVAH KUITA.
 
Vashumiri vazvinji vanonzwa kuti kuparidza ndiyo nzira yaMwari yaakapa nhasi. Apa tinongoona zvinhu zvakasiyana, ndizvozvo. Kangani hama Branham vachipa mufananidzo wakafanana? Takavanzwa pa Mibvunzo neMhinduro, apo vanhu vaitaura nezveHama Jackson kuti vanokanganisa, akavatsiura kuti vasataure chinhu chakaipa pamusoro pavo kana kereke yavo.
 
Ndiri kutoparidzawo kubudikidza netsamba iyi zvandinotenda kuti inzira yakapihwa naMwari kuBranham Tabhenakeri. Ihama nehanzvadzi dzedu. Vanoda Ishe neShoko reNguva iri. Ndiwo manzwiro avanoita kuti Ishe ari kuvatungamirira. Mwari ngavarumbidzwe.
 
Vanozviona neimwe nzira uye isu tinozviona neimwe, zvakanaka. Ini handigoni kuzviona nenzira yavo uye ivo havagoni kuzviona nenzira yangu. Kwandiri, kune nzira dzakawanda dzandakapihwa naMwari, asi kunongova neNZIRA IMWE CHETE YAKAKWANA, UYE KWANDIRI, KUDZWANYA NOKURIDZA.
 
Ndinonamata kuti murege kusandinzwisisa apa.Kuturika maoko uye kunamatira vanhu iShoko rakazara. Kuzodza nemafuta uye kunamatira vanorwara iShoko raMwari maringe neMagwaro. Hama Branham vakaparidza nekudzidzisa isu tose kuva Shoko. Asi ini ndinoda NZIRA YAMWARI YAKAKWANA YAAKAITA….CHINGOTENDA NOKUTI MWARI AKADARO. Ndizvo zvandiri kuvavarira kuita.

Asi zvino pakupodzwa, itsitsi dzaMwari kuti Iye, “Nemavanga Ake makaporeswa.” Zvino, chokutanga Shoko rinotaura kudaro, zvinofanira kukwana, asi kana usingazvitendi muShoko, zvino pane zvipo muChechi, zvakaita sevarume vakafemerwa kuziva madzidzisiro iwayo, vanojekesa kwauri, uye nekutenda kuti utende.

Ndinotenda hushumiri hwakapetwa kashanu. Ndinotenda muvarume vakadana naMwari kuti vaparidze nokudzidzisa Shoko. Asi, ndinotenda kuti kunzwa Inzwi raMwari pamatepi INZIRA yaMwari YAKAKWANA KWANDIRI.

Pakunzwa matepi, handitombofanire kunzwisisa, ASI KUNGOTENDA SHOKO ROSE RANDINONZWA. Hapana munhu, hapana mushumiri, hapana imwe nzvimbo yandinogona kuenda kwandinogona kutenda SHOKO ROSE nokuisa Ramangwana rangu rekusingaperi pazviri, asi bedzi pamatepi.
 
Kubva pakutanga kwenguva Mwari haana kumbopa vanhu Vake mukana uye nokukwanisa kwekuti vazvinzwire pachavo Inzwi Rake richitaura muromo kunzeve. Zvakavanzika zvose zvinozarurwa mumatepi. Mibvunzo yose inopindurwa pamatepi. Zvese zvinodiwaneMwenga kuti ukwane zviri pamatepi.
 
Shoko rose rakataurwa pamatepi iShoko raMwari. Ndinogona kusanzwisisa kana kusakwanisa kutsanangura zvese, uyewo handitofaniri kudaro.Anongoda kuti nditi AMEN KUSHOKO ROSE, uye PAMATEPI ndiyo NZVIMBO CHETE yandinogona kuita izvozvo.

Asi kana—kana uchifanira kuita chimwe chinhu chakasiyana, kana uchifanira kumira nezvaunotenda kuti iChokwadi, ndipo pakaoma, ndipo pane kukweshana, ipapo chaipo.

Ndinotenda nezvose zviri mandiri, tiri muKuda kwaMwari kwakakwana uye muchikepe chinoenda kuNinevhe. Ndingafara kuti nyika iuye tifambe tose nechikepe chedu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo tichanzwa Mwari achitaura kuMakwayana Ake.
 
Hama Joseph Branham 
 
Mharidzo: 65-0217 “Munhu Arikutiza Kubva Pamberi PaJehovah” 
 
Magwaro ekuverenga:
Jona 1:1-3
Maraki 4
Johane 14:12
Ruka 17:30

26-0215 Mibvunzo neMhinduro #4

Mharidzo: 64-0830E Mibvunzo neMhinduro #4

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mhuri yeHumambo,
 
Pane nzvimbo IMWE chete yakasimbiswa yaungaenda kunonzwa Ishe vachitaura nemutumwa Wake uye achikuudza kuti, “Rangarirai nguva dzose, kuti muri vana vaMwari, Mhuri yeHumambo ine Ropa reHumambo. Hapana Ropa riri nani munyika kupfuura renyu. Muri vana vangu, vakapararira pasi rose, vandakabereka kuna Kristu”
 
Tiri Mhuri yeHumambo yaMwari ine Ropa rehumambo rinoyerera mutsinga dzedu. Vana vakazvarwa kuna Kristu neInzwi raMwari richitaura nemuprofita wake mukuru. Hazvinganaki kupfuura ipapo shamwari dzangu.
 
Hama Branham, Mwenga unofanira kuendakuJeffersonville kana kuArizona here kuti apindemukubvutwa?

“Vaviri vachava panhovo imwe; ndichatora mumwe ndichisiya mumwe; uye vaviri mumunda, uye ndichatora mumwe ndichisiya mumwe.” Maona? Saka pamwe…Pasi pose, havazoungana panzvimbo imwe chete kuti vagoverane zvose. Asi mapoka maduku avo achange akapararira pasi rose.

Saka panyama, tichange tisiri panzvimbo imwe chete panguva imwe. Asi Mwari ngavakudze, Akange ane zano rakatokura rekuunza Mwenga wake pamwechete.

Tinonamatira machechi ose neungano dzakaungana dzakatenderedza ma—ma—mamaikorofoni maduku kunze uko, kubva kunyika, kusvika kuWest Coast, kumusoro kumakomo eArizona, zasi mumapani eTexas, kuEast Coast, munyika yose, Ishe, uko kwavakaungana.Takaparadzana ne mamaawa mazhinji, asi tiri munguva, Ishe, tiri pamwe chete manheru ano sechinhu chimwe,vatendi, takamirira Kuuya kwaMesia.

Nhasi, haasi kungounganidza Mwenga wake kubva munyika ino chete, asi ari kutiunganidza kubva kunyika huru nomwe dzepasi rose. Kubva kuAfrica kusvikakuAntarctica. North America neSouth America, Asia, Australia neEurope. Ari kuunganidza nekubatanidza Mwenga wake seCHINHU CHIMWE kuti anzwe Inzwi raMwari.
 
Akatiudza kuti tiende kuchechi; kunyangwe kwavanodzidzisa hafu yeShoko, KUSVIKIRA tawana kereke yavanodzidzisa SHOKO RAKAZARA. Mwari ngavarumbidzwe Mwenga wakawana nzvimbo iyoyo, Inzwi raMwari pamaTepi ndiro SHOKO RAKAZARA.
 
Kunyange uri mukereke yako yemaTepi Pamba, muchechi mako makaungana mhuri zhinji, kana muchitumba mumasango eAmazon kana kuAfrica, pose paunogona KUDZWANYA NOKURIDZA kuti unzwe Inzwi raMwari richitaura muromo kunzeve kwauri, unenge uri muKEREKE YESHOKO RAKAZARA.
 
Takawana kereke yeShoko rakazara uye tinokukokai kuti mubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: Mibvunzo Nemhinduro #4 64-0830E.

Hama Joseph Branham