All posts by admin5

25-0518 Kugadzwa #3

Mharidzo: 60-0522M Kugadzwa #3

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mhandara Yakachena

Patinodzvanya Nokuridza, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ihoko kumunhu wedu wemukati, itariro nehugaro hwedu, iDombo raRakare, izvose zvakanaka, iNzira yakapihwa naMwari kuzuva rino.

Nokuti tino Dzvanya Nokuridza, Inzwi raMwari ratidananisa: rativimbisa kuna Kristu; seMhandara Yakachena kuShoko Rake. Tine Mudzidzisi Mumwe chete, Inzwi Rimwe, muporofita Mumwe, ari kutitungamirira noMweya Mutsvene.

Asi iyi ndiyo kereke, ndiri kukudzidzisai. Izvi zvinoenda pamatepi. Ndinoda kuti vanhu vanoteerera matepi varangarire kuti izvi ndezve kuchechi yangu.

Kusimbiswa kwakadii kwatiri kuti tiri muKuda Kwake kwakakwana. Matepi ndeechechi yake. Ari kutidzidzisa. Ari kutiudza, teererai matepi.

Akatanga mharidzo idzi dzakateedzana dzeKugadzwa Humwana achitiudza zvakangezvaitika mazuva mashoma akange apfuura. Zvino, paMharidzo yega, anotaura nezvenguva apo akashandurwa. Zvinofanira kuve zvakakosha sei kuti Mwenga anzwe zvakaitika uye nezvakataurwa neMwenga kwaari.

Muporofita wedu achatongwa neShoko raakaparidza raakasiya pamatepi. Mwenga kune rumwe rutivi akamuudza kuti aizogamuchirwa naShe wedu. Ipapo achatiisa kwaAri sezvibereko zvehushumiri hwake, tobva tadzokera panyika zvakare kuti tirarame nokusingaperi.

Shoko rega rega ratinonzwa chimedu chedombo rinokosha. Tinoramba tichichikoronzveranekuchikoronzvera paanozarura zvakawanda uye tichi verenga pakati pemitsetse.

Tinofara sei kugoverana nehama nehanzvadzi dzedu tichiti, “Mazvinzwa here izvi?”

“Akatisarudza maAri nyika isati yavepo”? Ndiyo nhaka yedu. Mwari vakatisarudza, uye vakatendera Jesu kuti auye kuzobhadhara muripo. Kuti chii? Kudeura Kwake kweRopa Rake, kuti pasave nechivi chinoverengerwa kwatiri. Hachisi chinhu chaunogana kuita.

Zvino, mushure meizvozvo, wakabata here chinhu ichi?

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe.” Wakaisa maziso ako kuKarivhari, uye hapana chichakumisa! Mafambiro chaiwo ehupenyu hwako, uri kufamba uchidzika neMugwagwa Mukuru waMambo, wakazodzwa neMafuta anokosha ekuzodza, uchipinda muNzvimbo Tsvene-tsvene. Whew! Ameni.

Takange takaita setsvimbo yaAroni, chimuti chakaoma chaakafamba nacho kwemakore makumi mana murenje.  Asi zvino, nokuti tirimuNzvimbo Tsvene iyi nokunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri pamatepi, takabukira uye tavane maruva, tizere noMweya Wake Mutsvene, uye tiri Mwenga Wake tichidanidzira neruzha rukuru chaizvo:

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, matepi ndochinhu chekutanga mumwoyo yedu.  

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, Iye akatisarudza nyika isati yavambwa.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, tiri Mwenga waJesu Kristu.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, hapana mutsauko wazvinoita kuti mumwe munhu atikudini, hatisi kubvisa matepi, tiri kutowedzera kuridza akawanda.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, meso edu akatarira kuCalvary, uye hapana chichatimisa.

Ndinofara kubatana mumwoyo nevazhinji pano vanoziva kuti Iri iShoko raMwari risingakundiki. Zvino Iro, Shoko rose iChokwadi, Shoko rose Zvaro, chikamu chose Charo. Uye nenyasha dzaMwari, takaropafadzwa kuona Nyika, iyo nerimwe zuva tichaenda kwairi.

Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo muporofita achatora Shoko rose achiramba achirikoronzvera. Achatiendesa kuna Genesisi achirikoronzvera, oenda naro kuna Eksodo uye achirikoronzverazvakare, uye zvakare kusvika kuna Zvakazarurwa; uye Rose zvaro NdiJesu!

Hama Joseph Branham

Mharidzo:

Kugadzwa Humwana #3 60-0522M

Magwaro:

Mateu 28:19

Johani 17:7-19

Mabasa 9:1-6, Zvitsauko 18 ne19

VaRoma 8:14-19

1 VaKorinte 12:12-13

VaGaratia 1:8-18

VaEfeso Chitsauko 1

VaHebheru 6:4-6, 9:11-12

25-0511 Kugadzwa #2

Mharidzo: 60-0518 Kugadzwa #2

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Hupirisita hweHumambo,
 
Munhu wese ngaarume chigunwe, ngaatswinye munhu womukati, ngaatokonye moyo wake. Nhasi, Mwenga waJesu Kristu uri kudanidzira:
 
Nhasi, chiporofita ichi chazadzikiswa pamberi pemeso edu.

Ndinotenda kuti, rimwe remazuva aya anobwinya, apo mubatanidzwa wemachechi uyu wakabatana, uye papa mutsva achiuunzwa kubva kuUnited States oiswa apo maringe nechiporofita, zvino ipapo vachaumba mufananidzo wakafanana nechikara.

Inzwi remuporofita waMwari rakaZvitaura musi wa19 December, 1954, uye mushure memwedzi mipfumbamwe, Robert Prevost, uyo ava kuzivikanwa saPope Leo XIV, akaberekwa. Iye zvino ndiye ave papa mutsva weRoma. “Zvanzi naJehovha” yazadzikiswa.
 
Muna May musi wa 7, 1946, MWARI vakaisa muporofita wavo kunzvimbo inonzi Green’s Mill, Indiana, kuti vamupe basa rake uye kuti azivise pasi rose, kuti ndiye mutumwa Wangu mukuru wechinomwe, Inzwi Rangu kunyika. Munzwei Iye.

Mutumwa waJehovah paakasangana neni kunze uko kuGreen’s Mill, Indiana, makore masere apfuura, kubva ndichiri mudiki, achinditevera, achiratidza zviratidzo, pandakaenda kwaAri, Akati, “Kana ukaperera, ukaita kuti vanhu vakutende, hapana chingamira pamberi pemunamato.”

William Marrion Branham inzwi rakasarudzwa raMwari kunyika. Muprofita ane simba uyo kunouya Shoko raMwari. Maringe neShoko, ndiye CHETE mududziri weMweya weShoko raMwari.
 
Akasimbiswa naMwari pachaKe, neShongwe yeGore reMoto.
 
Musi wa May 7, 2025, SATAN akaisa Boka rake rema Cardinals muSistine Chapel kuRome kuti vasarudze Mumiriri waKristu wavo, kuti vazadzise Zvanzi naJehovah.
 
Akasimbiswa nevanhu uye NEUTSI UCHENA HWAIPFAKUKA
 
Mwenga waKristu pasi rose uri kufara, kupururudza, kudanidzira, nekurumbidza Ishe patiri kunzwa, uye nokuona nemaziso edu, chiporofita chemuprofita chichizadzikiswa.
 
Zvinoita sokunge tiri kuona Gungwa Dzvuku richivhurika pamberi pameso edu. Manna Itsva ichidonha kubva kudenga. Mamirioni ezvihuta kuitira chikafukuMwenga. Mvura ichibuda kubva muDombo. Moto uchiburuka pasi nekupisa chibayiro chaEria.
 
Chiporofita chiri kuzadzikiswa zuva nezuva. Shoko raMwari rakavimbiswa riri kuratidzwa muhupenyu hwedu. Zvinhu zviri kuitika kwose kwakatipoteredza. Mwenga Azvigadzirira nokunzwa nokutenda Shoko. Isu tisu Shoko rakaitwa nyama.
 
Zvirokwazvo tasvika. Nguva yave pedyo. Mwenga uri kufara uye nekubatana pamwechete pasi rose zvisina kumboitikakare. Muporofita arikusimbisa Mwenga nekutiudza kuti tiri hupirisita hwehumambo hwaMwari, rudzi rutsvene, vanhu vasinganzwisisike, avo vakadanwa, vakasarudzwa, vakasanangurwa, uye vakatsaurwa.
 
ZVINO TAVE Vanakomana neVanasikana vaMwari, tichitungamirirwa noMweya waMwari; kwete nomunhu, asi noMweya. Tinoziva, pasina kana mumvuri wekupokana, TIRI MWENGA WAKE. KUTENDA kwedu kuri kusimukira zuva nezuva. Hapana chingatimisa kana kutinonotsa, Mwari vakazvizarura uye nekuzvisimbisa mumwoyo nemumunhu wedu wemukati.
 
Mwenga wanyatso cherechedza zvakazara zvino kuti tiri vanaani. Tiri muNyika yedu yechipikirwa yemweya, zvinhu zvose zviri mumawoko edu. Tine rugare rweKudenga, maropafadzo eKudenga, Mweya weKudenga.  ZVINHU ZVOSE NDEZEDU. Tave  kungogadzirira zvaAchatipa zvinotevera.
 
 
Hwamanda yaShe icharira, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.
Mitumbi iyi yekudenga ichaburuka pasi uye ichapfeka mitumbi yakabwinyiswa yepasi, yoshandurwa kamwe, mukubwaira kweziso.  Tichatorwa pamwe chete navo, kuti tisangane naShe muchadenga.
 
Izuva rakadii. Inguva yakadii. Hapana nzira yekuti nditaure nemazwi evanhu zvatiri kunzwa tese mumweya yedu. Mwoyo yedu iri kutakwaira. Handisu tiri kuita kuti zviitike, Mweya Mutsvene wakafanana nechitubu chino kutubuka mukati medu. Mwenga wanga wakamirira nguva iyi kubva pamazuva aAdama…UYE TAVE PANO ZVINO.
 
Tinokugamuchirai. Tinokukokai. Tinokugombedzerai. Huya ubatane nesu kuitira nguva yakanakisisa isati yakambozivikanwa nenyika, patichanzwa Inzwi raMwari richizarura Shoko Rakekwatiri musi uno weSvondo na12:00masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 60-0518 Kugadzwa Humwana #2.
 
Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
 
Genesisi 1:26
VaEfeso Chitsauko Chekutanga
VaRoma 8:19
VaGaratia 1:6-9
VaHebheru Chitsauko chechitanhatu
Johani 1:17

25-0504 Kugadzwa #1

Mharidzo: 60-0515E Kugadzwa #1

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vakagadzwa Humwana,
 
Tave kudya zvinhu zvakasimba zvaMwari uye tavenekunzwisisa kwakajeka kwe Shoko rake. Mwari vakatipa Chizaruro chechokwadi cheShoko ravo. Pfungwa yedu yomweya yacheneswa.
 
TINOZIVA chaizvo kuti Iye ndiani. TINOZIVA chaizvo zvaAri. TINOZIVA chaizvo uko kwatiri kuenda. TINOZIVA chaizvo zvatiri. TINOZIVA watakatenda maari uye tinotendeseka kuti Anokwanisa kuchengeta izvo zvatakaisa kwaAri kusvikira pazuva iroro.
 
Akataura uye akazarura zvakavanzika zvose zvakange zvakavanzwa kubva pakuvambwa kwenyika kwatiri. Akatiudza kuti vamwe vaigara vachiramba sei nzira Yake yaakapa uye vachida hutungamiri hwakasiyana, asi Aizova neboka duku rinoramba rakatendeka kuShoko Rake.

Mupasi rose, vachange vasina kuvungana panzvimbo imwe chete kuti vagoverane zvinhu zvose pamwe chete. Asi pakati pavo pachange pane mapoka maduku achange akapararira mupasi rose.

Kubwinya, takapararira pasi rose, asi Takabatana seMumwe nenzira yoKudzvanya nokuRidza uye nokuteerera kuInzwi raMwari richitaura kwatiri.
 
Regai tingodongorera uye tigofanoravira zvaAchange achititaurira kubudikidza nengirozi yake ine simba musi weSvondo.
 
Vadikanwa Vangu vakasanangurwa, iye zvino mugerepamwe chete munzvimbo dzeKudenga. Kwete kunzeuko kwese, asi munzvimbo “Dzokudenga”; ndiyo nzvimbo yako somutendi. Wanamata zvakakwana uye wagadzirira Mharidzo. Maungana pamwe chete sevatsvene, makabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, makazadzwa nemaropafadzo aMwari. Makadanwa, makasarudzwa, uye mweya yenyu yaunzwa muhupo hweKudenga.
 
Chii chingaitika. Mweya Mutsvene Wangu uchange uchifamba pamusoro pemwoyo wose. Makavandudzwauye mava chisikwa chitsva muna Kristu Jesu.  Zvivi zvenyu zvose zviri pasi peRopa. Muri mukushumirakwakakwana, maoko enyu nemwoyo yenyuyakasimudzwa kwaNdiri, muchiNdinamata pamwe chete munzvimbo dzoKudenga.
 
Makafanotemerwa, maka Sanangurwa, muKufanoziva Kwangu. Makasarudzwa, Makatsveneswa, Makaruramiswa nenzira yokuFanotemerwa. Hazvigoni kuti munyengerwe. Ndakakugadzai nyika isati yavambwa. Muri vamwari vaduku; makasimbiswa noMweya Mutsvene wevimbiso; kwete avo vakangozvarirwa mumhuri, asi vanaKomana nevanaSikana vakagadzwa humwana.
 
Ndichakuropafadzai nekupodzwa pahurwere,kufanozivikanwa, chizaruro, zviratidzo, masimba, ndimi, dudziro, njere, ruzivo, nemaropafadzo ose oKudenga, nemufaro mukurusa uzere noKubwinya.
Mwoyo wose uchazadzwa noMweya Wangu. Muchange muchifamba pamwe chete, mugere pamwe chete, munzvimbo dzoKudenga. Pasina kana pfungwa imwe yakaipa pakati penyu, kana mudzanga mumwe chete unoputwa, kana rokwe pfupi rimwe chete, kana ichi, kana icho, hapana kana pfungwa imwe yakaipa, hapana anechigumbu nomumwe, munhu wese achitaura murudo nemukuwirirana, munhu wese ari muhumwe panzvimbo imwe.
 
Zvino pakarepo kuchauya kubva kudenga ruzha sekutinhira kwemhepo inovhuvhuta nesimba uye ndichakuropafadzai namaropafadzo ose epamweya. Ipapo muchafanana naDavidi, muchitamba pamberi peAreka, muchiudza nyika kuti hamunyare, MURI MWENGA WANGU WEMATEPI! Muno dzvanya nokuridza uye munotenda SHOKO ROSE raNdinotaura. Hamuzikuzo, uye hazvigoni kuti muzungunuswe!  
 
Vamwe vanogona kuzviramba, kana kusazvinzwisisa, asi kwamuri, Ndiyo Nyembe yenyu yeKukudzwa. Sezvakataura Dhavhidhi kumukadzi wake; “Unofunga kuti ndizvo zvoga, mira kusvika mangwana, tichange tichiteerera mamwe matepi akawanda, tichirumbidza Ishe, takazadzwa noMweya waKe; nokuti tigeremuKenani, takananga kunyika yechipikirwa.
 
Ipapo ndichatarira pasi ndiri kudenga ndoti kwauri:
 
“Ndiwe Mwenga uri pamwoyo Wangu Chaipo.”
 
Maropafadzo aya anogona kuva akowo. Huya, ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye kuti uzonzwa hupo hwaShe zvisina kumboitika kare patichange tichiteerera Inzwi raMwari ranhasi richitaura kwatiri nokutiunzira Mharidzo: Kugadzwa Humwana #1 60-0515E.

Rangarirai, izvi ndezvekereke, kwete kune arikunze. Ichakavanzika chiri muzvirahwe kwaari, haambokwanisi kuzvinzwisisa, zvinopfuura nepamusoro wake, haana chaanomboziva pamusoro pazvo. Asi, kukereke, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ndiyo hoko yomunhu womukati, ndiyo tariro nohugaro hwedu, ndiro Dombo Rakare, ndoozvose zvakanaka.  Nokuti denga nenyika zvichapfuura, asi Shoko raMwari harifi rakapfuura.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga Mharidzo isati yauya:
Joere 2:28
VaEfeso 1:1-5
1 VaKorinte 12:13
1 Petro 1:20
Zvakazarurwa 17:8
Zvakazarurwa 13

25-0413 Chisimbiso Chechishanu

Mharidzo: 63-0322 Chisimbiso Chechishanu

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Avo Vaka Zorora.  
 
Tave pano. Tasvika. Kusimbiswa kweShoko kwakaratidza kuti Chizaruro chedu cheShoko reNguva Iri chinobva kuna Mwari. Tiri MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA kubikidza nekugara ne’Nzwi raMwari riri pamatepi.
 
Zvakakosha sei kuDzwanya nokuRidza? Mashoko atiri kunzwa pamatepi akakoshachaizvo, anoyera zvikuru, zvekuti Mwari Pachake haaigona kuzviisa mumawoko kunyangwe eNgirozi… kunyange kune imwe yeNgirosi yake yeKudenga. Zvaifanira ku zarurwa nekuunzwa kuMwenga Wake kubudikidza ne muporofita Wake, nokuti ndiye uko kunouya Shoko raMwari, muporofita Wake, CHETE.
 
Mwari akabvarura Zvisimbiso, akazvipa kumutumwa wake wepanyika wechinomwe, ndokuzarura Bhuku rose raZvakazarurwa kwaari. Zvino, Mwari akataura nemutumwa wake wepanyika uye ndokuzarura ZVINHU ZVOSE kuMwenga Wake.
 
Hudonongodzwa hwese hwakataurwa uye huka zarurwa kwatiri. Mwari akava nehanya nesu zvokuti haana kungotiudza zvakaitika panyika kubva pakutangakwenguva, asi akataura achishandisa ngirozi yake akatiudza zviri kuitika munzvimbo yakaita separadhiso iye zvino.
 
Akange asingadi kuti tinetsekane, kana kusagadzikana nezveramangwana redu patichabuda mutebhenekeri iyi yepanyika. Saka, Mwari Pachake akatora mutumwa wake mukuru wechinomwe seri kwechidzitiro chenguva, kuti Azvione, Azvinzwe, kunyange nokutaura navo Ikoko. Chakange chisiri chiratidzo, aitovePO.
 
Mwari akamutora ikoko kuitira kuti azodzoka achitiudza: “Ndakange ndiriko, ndakazviona. Zviri kutoitika IZVEZVI… Vanaamai vedu, vanababa vedu, hama, hanzvadzi, vanakomana, vanasikana, vakadzi, varume, madzisekuru, Mosesi, Eria, VATSVENE VOSE vakaenda ikoko vakapfeka Nguo Chena, vakazorora uye vakamirira paTiri”.
 
Hatichazochema zvakare, nokuti Uchange uri mufaro chete. Hatichazosuwi zvakare, nokuti Uchange uri mufaro chete. Hatisikuzofa, nokuti Hupenyu chete. Hatigone kuchembera, nokuti tose tichange tave vadiki nekusingaperi.  
 
Kwakanakisisa…nokunakisisa….nokunakisisa…, uye tiri kuenda ikoko!! Uye saMosesi, hatisikuzosiya kana hwanda, TOSE TIRI KUENDA… MHURI DZEDU DZOSE.

Zvinokosha sei KUMUDA iye mutumwa ane simba wechinomwe uyu?

Inzwi rakadanidzira, rikati, “Vose vawakamboda…” mubairo webasa rangu. Handidi hangu zvemubairo. Akati, “Vose vawakamboda, navose vakambokuda, Mwari vakupa.”

Ngativerengei izvozvo zvakare ndapota: Akati kudini?….Mwari vakupa IWE!!

Uye isu tichabatana navo uye tichidanidzira, “Taka Batirira Ipapo”

Chii chataka batirira ramangwana redu risingaperi pachiri? SHOKO ROSE RAKATAURWA PAMATEPI. Ndinotenda Ishe zvikuru kuti vakatipa Chizaruro Chechokwadi chekuti Kudzvanya nokuRidza ndicho chinhu CHINOKOSHESESA chinofanira kuitwa neMwenga.
 
Ungada kuzorora nesu here ipapo? Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa zvose pamusoro pezvineramangwana kwatiri uye kuti tinoenda sei ikoko, patichanzwa Inzwi raMwari richitaura nokuzarura: Chisimbiso CheChishanu 63-0322.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Dhanieri 9:20-27 Mabasa 15:13-14 VaRoma 11:25-26 Zvakazarurwa 6:9-11 / 11:7-8 / 22:8-9

25-0406 Chisimbiso Chechina

Mharidzo: 63-0321 Chisimbiso Chechina

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vatsvene Vakazvarwa Kubva kuDenga,
 
Baba vari kutiunganidza pamwe chete neShoko Ravo, uye kusimbiswa kweChizarurwa ichocho kuri kutipa manyavi. Akatisarudza nyika isati yavambwa, nokuti Aiziva kuti taizovimbika kuShoko raKe nekusarudza kwedu pachedu.
 
Regai ndizvitaure zvakare kuti zvinyatsonyura. Akatarisa munguva yose, kusvikira kumagumo kwenguva yose, AKATIONA ISU…munozvinzwa here izvozvo? AKAKUONA IWE, AKANDIONA INI, uye akatida, nokuti nokuda kwekusarudza kwedu, taizoGARA NESHOKO RAKE.  
 
Ipapo, Anofanira kunge akadana ngirozi Dzake dzose namakerubhi pamwe chete ndookunongedza kwatiri achiti: “NDIYE UYO,” “NDIYE MWENGA WANGU,” “NDIVO VANDANGA NDAKAMIRIRA!”
 
SaJohane, ndicho chikonzero tiri kuita ruzha rwose urwu nokudanidzira kwose uku, nokurumbidza Ishe, tirikutekenyedzwa neWaini Itsva uye tinoziva, ZVISINA MUBVUNZO, TIRI Mwenga Wake.
 
Zvakafanana nemvura yese nemabhanan’ana zvatange tinazvo muno muJeffersonville svondo rino…Nesuwo tave kutumira YAMBIRO kupasi rose.
 
Mwenga uri mukati mwemabhanan’ana eCHIZARURO, UYE ZVIRI KUUNZA MAFASHAMA ECHIZARURO. MWENGA WAZVIGADZIRIRA UYE WAVE KUZIVA KUTI IYE NDIANI. PINDA MUKUCHENGETEKA NOKUKURUMIDZA. DZWANYA RIDZA KUTI UREGE KUPARADZWA.
 
Hatisi kurarama muZera reShumba, kana Zera reNzombe, kana Zera reMunhu; tiri kurarama muZera reCHAPUNGU, uye Mwari akatitumira chapungu chine simba, Maraki 4, kuzodana nokutungamirira Mwenga Wake.
 
Zvichange zvakafanira sei musi uno weSvondo, apo tichange takabatana pamwe chete tichiteerera Chisimbiso cheChina. Richange riri zuva reKuberekwa kwechapungu chine simba muporofita waMwari.
 
Ngatipembererei zuva iri rakanaka uye titende Jehovha nekutitumira chapungu mutumwa wake, waakatuma kuzotidana kuti tibude nekuzarura Shoko Rake.  
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: Chisimbiso cheChina 63-0321
Nguva: 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville
Magwaro okuverenga mukugadzirira.
 
 
St. Mateo 4
Ruka 24:49
Johane 6:63
Mabasa 2:38
Zvakazarurwa 2:18-23, 6:7-8, 10:1-7, 12:13, 13:1-14, 16:12-16, 19:15-17
Genesisi 1:1
Mapisarema 16:8-11
2 Samueri 6:14
Jeremiya 32
Joere 2:28
Amosi 3:7
Maraki 4