All posts by admin5

24-0616 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-0220 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai wa Jesu Kristu,

Kudai taibvunza mubvunzo pane chinhu chipi zvacho chemuhupenyu hwedu pano fanira kuwanika mhinduro yechokwadi. Panogona kuwanika chinhu chiripedyo, asi panofanira kunge paine mhinduro yechokwadi, yakananga kumubvunzo wega wega. Naizvozvo mubvumzo wega wega unouya muhupenyu hwedu, panofanira kuwanika mhinduro chaiyo, yechokwadi.

Kana tiine mubvunzo we Bhaibheri, pano fanira kuwanika mhinduro ye Bhaibheri. Hatidi kuti ibve pa boka revanhu, kana kuvungano ipi zvayo, kana kubva kune mumwewo mudzidzisi, kana kubva kusangano.Tinoda kuti ibve zvachose muma Gwaro. Tinofanira kuziva: ndeipi nzvimbo chaiyo yechokwadi yekuMushumira?

Mwari wakasarudza kusangana ne munhu; kwete muchechi, kwete musangano, kwete muchitendwa, asi muna Kristu. Ndiyo nzvimbo yoga iyo Mwari achasangana ne munhu, uye anogona kushumira Mwari, iri muna Kristu. Ndiyo nzvimbo yoga. Zvisinei uri mu Methodist, mu Baptist, mu Katorike, mu Protastant, zvisinei zvauri, pane nzvimbo imwe chete yaunogona kushumira Mwari zvakanaka, ndimo muna Kristu.

Nzvimbo chete ya Mwari chaiyo, uye yakasarudzwa yekumushumira iri muna Jesu Kristo, ndiyo Nzira Yake yoga yaakapa.

Bhaibheri rakativimbisa chapungu kuna Maraki 4; Shongwe ye Chiedza chatinofanira kutevera. Acharatidza kereke iri kukanganisa kuti iye ndi vaHeberu 13 :8, Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nekusingaperi. Takavimbiswawo zvakare kuna Ruka 17:30 kuti Mwanakomana wo Munhu (Chapungu) achange achizvizarura kuMwenga wake.

Kuna Zvakazarurwa 4:7, inotiudza kuti kwaive ne zvisikwa zvina, naicho chekutanga chiri shumba, chisikwa chaitevera chaive nzombe, zvino chaizoteverazve kuuya chaive munhu, munhu uyu ndivo vavandutsi, fundo yemunhu, fundo ye Bhaibheri, nezvakadaro.

Asi Bhaibheri rakati nenguva yemadekwana, chisikwa chekupedzisira chaizouya, chaive chapungu chinobhururuka. Mwari aizopa Mwenga wake we nguva yekupedzisira chapungu; mwanakomana we munhu Amene achizvizarura munyama kutungamirira Mwenga wake. Bhaibheri rinotiwo zvakare zvose, muTestamente yakare, zvaive mimvuri ye zvichauya. Mumvuri uyu pauno swedera pedyo, mumvuri uno medzwa nechirikonzera mumvuri. Zvakaitika kare ndiwo mumvuri we zvichaitika nhasi.

Kuna I Samueri 8, Testamente yakare inotiudza kuti Mwari vakange vapa muporofita Samueri kuti atungamirire vanhu. Vanhu vakauya kwaari wakamuudza kuti vanoda mambo. Samueri akashungurudzika zvikuru, zvekutoda kutadza kufema.

Mwari vakange vari kutungamirira vanhu vake kubudikidza nemu porofita uyu wakange akazvipira, akasimbiswa nema Gwaro, saka akanzwa kuti arambwa. Akavunganidza vanhu akavagombedzera kuti varege kubva pana Mwari akange avatakura sevana, akaita kuti vabudirire uye akavaropafadza.

Asi vakarambira nenyaya yavo.

Vakati kuna Samueri, “Hauna kana kumbokanganisa mukutungamirira kwako. Hauna kumboshaya kutendeka munyaya dzako dze zvemari. Wakaita nepawaigonesesa kuti chengeta tiri mumutsetse ne Shoko ra Jehova. Tino yemura zvishamiso, huchenjeri, kupa nekuchengetedza kwa Mwari.Tinozvitenda. Tinozvida. Uye zvakare hatidi kunge tisina zvinhu izvi. Nyaya ndeye kuti tinongoda mambo kuti atitungamire muhondo.

Zvino zvakadaro, kana toenda kuhondo chido chedu ndichocho, chekuti vapirisita vedu  vaende mberi, Juda achitevera, isu toridza hwamanda tichidanidzira nekuimba. Hatidi kurega kuita izvozvo. ASI TINODA MAMBO MUMWE WEDU KUTI ATITUNGAMIRE.” 

Ava vakange vasiri vanhu vemasangano ve zuva iroro. Ava vakange vatori vanhu vaitenda nekutaura kuti Samueri zvirokwazvo wakange ari muporofita wa Mwari akasarudzwa na Mwari kuvatungamira.

“Hongu uri muporofita. Tino tenda Shoko. Mwari anozarura Shoko rake kwauri, uye tinorida, hatidi kunge tisina Shoko irero, asi tinoda mumwe asiri Iwe kutitungamira; mumwe pakati pedu. Tinoda kuramba tichiti tinotenda Shoko rawakatiunzira. Ishoko. Iwe ndiwe muporofita, asi hausi iwe woga kana Inzwi rakakoshesesa.”

Kune vanhu vakaisvonaka munyika nhasi, machechi akaisvonaka. Asi kune mumwe chete Mudzimai wa Jesu Kristo, uye isu tisu Iye, uyo waari kuuya kwaari. Shoko Mwenga mhandara yakachena inogara ne Shoko ra Mwari, ROGA RAKASIMBISWA UYE RAKARATIDZWA KUTI NDIRO ZVANZI NA JEHOVAH.

Kana uchida hako kubatana nesu iwo musi uno we Svondo na 12:00 MASIKATI nguva ye Jeffersonville, tinonga takabatana parunhare pasi rose tichiteerera. Izvi ndizvo zvichaitika.

Fambai pahama dzangu, hanzvadzi, shamwari dzangu, pano munzvimbo ino manheru ano, uye nekwose kunze uko nenzira yerunhare. Madunhu akawanda akasiyanasiyana arikuteerera, nzira yose kubva ku Mabvazuva kusvikira kuma Dokero. Ndinonamata, Mwari wepaMoyo, nzira yose kupfuura marenje uko kuTucson, nzira yose kusvika ku California, kumusoro ku Nevada neku Idaho, nzira yose kuMabvazuva nekwakapoteredza, zasi kuTexas; apo kokero iyi ichipiwa, vanhu vachipinda mudzichechi diki, pama filling stations, mudzimba, vachiteerera. Haiwa Mwari, dai murume uyu, kana mukadzi wakarasika, mukomana kana musikana, panguva ino, auya kwaMuri. Gamuchidzai iko zvino. Tinozvikumbira ne Zita ra Jesu, kuti vaone iyi nzvimbo yakachengeteka pachine nguva.

Zvino, Ishe, mangange aya tatarisana navo, kuti Satan, munyengeri mukuru, haana kodzero yekusunga mwana wa Mwari. Satan chisikwa chakakundwa. Jesu Kristo, nzvimbo yoga yeku shumira, zita roga rechokwadi, wakamukunda pa Calvari. Uye tino suma Ropa Rake iko zvino, kuti wakakunda zvirwere zvose, matenda ose.

Uye ndinodana kuti Satan abve pavungano ino. Mu Zita ra Jesu Kristu, buda muvanhu ava, uye kuti vasunungurwe.

Aninani anogamuchira kupodzwa kwake maringe nezvakanyorwa mushoko, gadzira chapupu chako nekusimuka netsoka dzako woti “Ndinogamuchira kupodzwa kwangu ne muZita ra Jesu Kristu.” Simuka ne tsoka dzako.

Rumbidzo kuna Mwari! Hezvoka. Tarisa uko, zvirema nezvakadaro zvichisimuka. Rumbidzo kuna Mwari! Ndizvozvo. Tenda chete. Ari pano.

Hama Joseph Branham

Nzvimbo Yakasarudzwa Ya Mwari Ye Kushumira 65-0220

Magwaro ekuverenga usati wateerera Mharidzo:

Dhuteronomi 16:1-3

Ekisodasi 12:3-6

Maraki 3 & 4

Ruka 17:30

Varoma 8:1

Zvakazarurwa 4:7

24-0609 Nhasi Uno Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa

Mharidzo: 65-0219 Nhasi Uno Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Mbeu Mwenga ye Mweya ye Pamusorosoro ye Humambo
 
Hapachina zveku mirira, hapachina zveku shamisika, TASVIKA! Tisu Mbeu Mwenga ye Mweya ye Pamusorosoro ye Humambo. Mbeu ye Mweya ku Mwanakomana we Humamboakavimbiswa. Kwete rimwe boka pamberi apo; kwete chimwechizvarwa chichauya; tiri kurarama muzuva rekuguma, tisuchizvarwa chichaona Jesu Kristo achidzoka panyika.

Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Vangeri rimwe chete, Simba rimwe chete, MwanakomanaMUMWE CHETE akange ariko zuro, ariko nhasi, achange arikonekusingaperi.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Vadiwa shamwari ku Arizona, California, Texas, kwese kunyikaye United States uye PASI ROSE  vari kuteerera ku tepi iyi pa runhare; M-W-A-N-A-K-O-M-A-N-A waMwari mumwe cheteakauya kumabvazuva akazviratidza sa Mwari achiratidzwamunyama, ndiye mumwe chete  M-W-A-N-A-K-O-M-A-N-A wa Mwari kuchidimbu chenyika kuno kumadokero, arikuzviratidza pakati pekereke manheru ano, mumwe chetezuro, nhasi nekusingaperi. Chiedza chemanheru cheMwanakomana chauya.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Inzwi ra Mesiya, rakange rakamira richitaura pa platform mu zuva Rake, Achizvibatanidza ne Shoko re vimbiso re chizvarwaichocho, ndiro Inzwi rimwe chete ra Mesiya, riri kutaura kuMwenga Wake nhasi pasi rose pama tepi, richitiudza: Ndinimumwe chete zuro, nhasi nekusingaperi. NDINI Inzwi ra Mwarikwa Muri. Ndimi Mbeu Mwenga ye Mweya ye Humamboyangu yagara ne Shoko Rangu.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!

 
Pane kutenderera misoro pakati pevanhu nhasi zvekutivanotadza kuona Zvokwadi ya Mwari. Chikonzero ndechekutipane dudziro dzakawanda dzevanhu pamsoro pe Shoko raMwari. Mwari haadi munhu kududzira Shoko Rake. Iye ndiyeMuduzdiri. Wakatumira Mwenga wake Zvakazarurwa 10.7 wake mazuva Enzwi ngirosi muporofita kududzira Shoko Rake. I ZVANZI NA JEHOVAH.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Iwe unoti, “Deno ndakange ndiripo apo Jesu akange ari panyika, dingadai ndakaita ichi-ne-chocho” Ndizvozvoka, rakange risirizera rako. Asi, rino ndiro zera rako, ino ndiyo nguva yako.Nderipi Izwi raurikuti ndiro Inzwi ra Mwari? Nderipi Inzwirinokosheshesa kwauri?
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Diabhorosi ariku fambafamba achirwisa Mwenga zvaasinakumboita kare. Anogona kuti ufunge kuti une chirwere kana imwe mhando ye urwere kana kurwisa mhuri yako. Dzimwenguva Mwari anotendera kuti zvinhu zviipisise kusvikirausisaone kumusoro, kana pakaku poteredza, kana kumwe kwese. Ipapo ndipo paanouya kuzokugadzirira nzira yekupfuura nayo, kuti iwe ugone kuzoti, “Handizi mbeu ya Hagari, Handizi mbeuya Sara, Handizi kana mbeu ya Maria, Ndiri Mbeu yaMwari ye Mweya ye Pamusorosoro ye Humambo ya Abrahama. NdinotoraShoko raMwari randaka vimbiswa, kuti I Zvanzi na Jehovah. Handizungunuzwe. Zvisinei maratidzikire azvo, zvinotaurwa nadiabhorosi. Pane zvose zvandinoda, ndichatora Mwari pa Shoko Rake
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Inzwi ra Mwari rataura. Ndakaisa mudura Chifafu Chomweyachose chaunoda. Taura CHETE izvo zviri pama tepi. NdiniInzwi ra Mwari kwauri. Shoko rangu haridi dudziro. Musanetsane kana kurwa, dananai, ASI garai ne NE SHOKO RANGU.
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Musa derera. Musa wodzwa moyo. Musa tendera satan kutiakubirei mufaro wenyu. Rangarirai kuti muri vana ANI, kwamuri kuenda, uye zvazvichange zviri pa Mabiko makuru e Muchato. Uchigara mu Guta rakaisvo naka raakavakira iwechete. Uko kwauchange uri zienda nakuenda na Iye na avo vosevakaenda mberi kwedu.
 
Hakusisina urwere. Hakusisina kusuwa. Hakusisina rufu. Hakusisina hondo. Asi hupenyu Husingaperi Naye. Ipapotichati:
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!
 
Ngatirege kukwindimara tichiti, ‘Ndaneta nepano, ndave kudakubva. Ngatitaure tichiti: Anogona kusvika nguva ipi zvayozvino, ACHIVINGA INI……KUBWINYA! Handichatogonikumirira. Ndiri kuenda kundoona vadikanwa vangu vese. Ndichavaona vamire pamberi pangu, ipapo ndichaziva, ZVAPAERA, TASVIKA.
 
Ipapo, ziso risati rapedza kubwaira, tinonga tatove pamwe chetekune rimwe divi.

Ngatifarei tifarisise, nokuti Muchato we Gwaiyana wasvika, uyeMwenga wake….Mwenga wake wazvigadzirira.

Kana uchida kufara, nekunge uri pamuchato we Gwaiyana nesu, uya ugadzirire iwo musi we Shondo uno na 12:00 Masikai, nguva ye Jeffersonville, patinenge tichinzwa:
 
Nhasi, Rugwaro Urwu Rwazadzikiswa!  65-0219
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga:
Johane Chitsauko 16
Isaya 61: 1 – 2
Ruka 4:16

24-0526 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe

Mharidzo: 65-0217 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe

PDF

BranhamTabernacle.org

Baba, apo pane mutumbi wenyu, Zvapungu Zvenyu zviri kuungana pamwe chete. Muri kutipa zvekudya zve Mana Yenyu Yekudenga. Ipayi kumunhu wedu wemukati izvo zvatinonyatsoda. Tine nyota yekukudai, Baba. Tiri mumawoko enyu.

Tigere muhupo hwenyu, tichiibviswa nekunzwa Shoko renyu. Mwenga unofanira kufungisisa uye wotarisana nazvo. Nyaya ndeyekuti ndizvo kana kuti sandizvo. Kunzwa Shoko renyu rakasimbiswa, ndicho chinhu chinokoshesesa here chinofanirwa kuitwa ne Mwenga kana kuti kwete? Kana zvirizvo, ngatizviitei. Chirega kumbomira, tsvaga iko zvino icho chechokwadi, neicho chakarurama, uye wogara naichocho. Tinoziva kuti Ichokwadi, tinoziva kuti ndiyo nzira Yenyu yamakapa kuzuva rino.

Ndinofanira kudanidzira “Shumba yawomba, ndiani angarega kutya? Mwari wataura, ndiani unga rega ku porofita?” Tinozviona mu Shoko. Makazvivimbisa. Ndiani ungaramba akanyarara asingataure?

Hatidi pfungwa yoruzhinji. Tinoda Zvokwadi. Uye hatidi, isu (tinoda) hatidi ku – hatidi kutarisana nechimwe asi chete izvo zvakanzi na Mwari ndicho Chokwadi.

Nguva yasvika yekuti usarudze ngarava yaunoda kupinda mairi. Urikudya here pa Shoko rakaturwa richibva ku Mwanakomana wo Munhu amene, kana zvimwewo? Pane mumwe here arikukuudza kuti unofanira kunzwa mamwe manzwi kuti uwe Mwenga wake? Kuridza matepi mudzimba dzenyu kana muma chechi enyu hachizi chinhu chakakoshesesa chingaitwa no Mwenga?

Uri kuteerera inzwi raani? Inzwi iroro ririkukuudza kuti chii? Nderipi inzwi rauri kuisa mhuri yako neramangwana rezienda nakuenda remhuri yako mumawoko aro?

Handizi ini, akange asiri mutumwa wechinomwe, aiwa, kwete, Kwaive kuratidzwa kwe Mwanakomana we Munhu. Akange asiri mutumwa, shoko rake, chaive chakavanzika icho Mwari akabhedhenura. Haazi munhu; Ndi Mwari. Mutumwa akange asisiri Mwanakomana wo Munhu; akange ari nhume kubva ku Mwanakomana we Munhu; Mwanakomana wo Munhu ndiKristo; Ndiye Uyo wamuri kudya paari. Hamuzi kudya pamunhu; munhu, mashoko ake anokundika. Asi muri kudya paMutumbi-Shoko risinga kundike re Mwanakomana we Munhu.

Rega kuteerera ku inzwi ripi zvaro risingaisi Inzwi, Mutumbi–Shoko risingakundiki re Mwanakomana we Munhu, pamberi pako KUTANGA. Vanogona kuparidza, kudzidzisa, kana kuita zvose izvo Mwari akavadanira kuita, asi HAVAZI inzwi rinokoshesesa rauno FANIRA KUNZWA.

Kana vachitenda izvozvo, zvino vanofanira kuridza Inzwi iroropamunoungana pamwe chete vokuudza kuti “Inzwi iri

riri pamatepi, ndiro Inzwi rakakoshesesa kunzwa. Iroro, uye IRORO roga ndiro, ZVANZI NA JEHOVAH”

Nderipi Inzwi raunodisa? Seiko chikonzero akatapa inzwi rake pamatepi nekuri chengeta? Nderipi Inzwi iro Mwari akasarudza kutaura Shoko rake muzuva redu.

Nemuporofita waakapa, uyo waakagadza kuenda uko uye kunodanidzira shoko, zvino, zvakaita sekunge aigona kunge akatuma mumwe muporofita, asi akagadza Jona, uye kunyange Eria haigona kuzviita, Jeremia haigona kuita, Mosesi haigona kuita, akange ari Jona ndiye aifanira kuenda ku Ninivhe. Ndozvose zvazvakange zviri. Wakamutuma akamuudza kuti aende. Uye kana ati “Enda uko, Jona, enda ku Ninivhe” hakuna mumweba anogona kundozviita kunze kwa Jona.

Mwari wakatitemera kuhupenyu uhu. Inzwi Iri rinotaura ma Shoko Ehupenyu Husinga peri kwatiri. Kwatiri, ndiyo nzira yakapiwa na Mwari. Ndiyo ngarava yedu. Kana uri mungarava inoenda Tashishi buda imomo nguva isati yapera.

Kana wanga uri kunetsekana, kana uine mibvunzo pamoyo wako kuti woenda kupi kana kuti woitei, uya ubatane nesu. Pinda mungarava nesu. Tiri kuenda ku Ninivhe, kuno danidzira. Tiri kuregedza ngarava ye Tashishi ichinyura kana vachida kudaro. Tine basa pamberi pa Mwari, ndiro Shoko ratinebasa naro.

Handizi kuti kana uchienda ku chechi kusingaridzwi matepi, ingarava inoenda ku Tashishi, asi kana paine UMWE asiri kuisa Inzwi ra Mwari pama tepi seinzwi rinokoshesesa rauno fanira kunzwa, nyatso tarisisa kuti ndiani arikutungamirira ngara yako uye kuti iri kuenda kupi.

Ndinokukokai kuti mubatane nesu musi we Shondo na 12:00 masikati nguva ye Jeffersonville, apo mutungamiriri we ngarava yedu achange achitaura uye achiunza kwatiri Mharidzo: Murume arikutiza kubva pamberi pa Jehovah 65-0217

Ngatitangei rumutsiriro urwu zvakanaka. Ndizvoka! Makamirirei? Tinotenda kuti kuuya kwa She kwave pedyo, vachava neMwenga, uye wakagadzirira. Uye hatidi ngarava dzinoenda ku Tashishi ipi zvayo. Tiri kuenda ku Ninivhe. Huh! Tiri kuenda mukuBwinya. Amen. Ndizvozvo. Tiri kuenda uko Mwari acharopafadza, uye ndizvo zvatinoda kuita.

Hama Joseph Branham Magwaro ekuverenga:

Jona 1:1 – 3

Maraki 4

Johani 14:12

Ruka 17:30

24-0519 Mibvunzo ne Mhinduro #4

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Mhuri yema Tepi,

Ndinoreva imi, mhuri yangu, uye mhuri kunze uko munyika uko isu…uko ma tepi anoenda.

Tisu isu, mhuri yema tepi yemu porofita; vana vake vakapararira kunze uko pasi rose, avo vaaka bereka kuna Kristo. Ivo avo Baba vakapa chizaruro chavo kwavari muma zuva ano ekupedzisira.

Ndinoda kukuunganidzai pamwe chete rimwe remazuva, munoona, Baba vachadaro, uye ipapo ticha-tichawa ne Musha uko kwatisingazo famba famba zvakare.

NDINODA KUVAUNGANIDZA VOSE PAMWE CHETE.    Zviri kutoitika iko zvino. Shoko iri, Shoko Rake, ma Tepi aya ndizvo zvaari kutoita chaizvo: kuunza Mwenga wose pamwe chete, kuti batanidza se CHINHU CHIMWE kubva pasi rose. Hakuna chimwe asi Inzwi Rake; Inzwi ra Mwari pama tepi, rinogona kuunza Mwenga pamwe chete.

Zvino iwe, kana wazadzwa no Mweya M’tsvene, hechi chimwe chezviratidzo chakanakisisa chandino ziva: unopinda murudo zvakanyanya na Kristo uye unotenda Shoko rimwe ne rimwe ra Ano taura kuti Ichokwadi. Unoona? Ndicho chiratidzo chekuti une Mweya M’tsvene. Uye upenyu hwako hwakazara nemufaro, uye–uye ini zvangu, zvese zvinochinja (unoona?) kubva pane zvazvakange zviri. Ndiwo Mweya M’tsvene.

Moyo yedu, pfungwa nemunhu wemukati medu zvakazara nemufaro, rudo uye Chizaruro, tototadza kuzvibata. Shoko rimwe na rimwe ratinonzwa rinounza Chizaruro chakawedzerwa. Tinoona kuti tiri vana ani uye nezvatiri kuita kuti tinge tiri mu Kuda Kwake Kwakakwana. Hapana chinga tibvisa pane zvakaiswa na Mwari mumoyo yedu. Kubaya ne Kuridza ndiyo Nzira yakapihwa na Mwari muzuva redu. Hapana zvekufembera, hapana zveku fungidzira, hapana zvekubvunza Mweya M’tsvene “Izvi zvandichangonzwa, Ishoko rechokwadi here?” “Ndinofanira kuzvinzvera ne Shoko here?”

Kwete isu. Zvatinonzwa pama tepi ISHOKO. Iro Shoko ratinonzwa pama tepi ndiro SHOKO CHETE rakasimbiswa na Mweya M’tsvene Amene, Shongwe Ye Gore Re Moto, kuti ndiyo Zvanzi na Jehovah ku Mwenga.

Kana mumwe akati kwatiri, “Pane zvakawanda zvakataurwa pama tepi zvekuti ndi hama Branham vaingotaura, risiri Shoko rakazodzwa. Uyo waingove munhu. Mweya M’tsene wakatitungamirira kune chiri Shoko uye kune zvaingo taurwa ne Hama Branham.”

Kwete kwatiri. Tinongotenda zvinyoronyoro izvo mu porofita akatiudza kuti tirege kukanganwa.

Ndinoda kuti murege kufa makakaganwa Shoko iroro. Zvakataurwa na Mosesi, Mwari wakazviremekedza, nokuti Shoko ra Mwari rakange riri muna Mosesi.

Hatife takakanganwa zvakataurwa ne muporofita, uye tinozvitenda; nokuti zvakanyorwa nesimba pamoyo yedu nechinyoreso chesimbi. Zvaakataura pama tepi, Mwari wakazviremekedza, uye tino zvitenda.

Hapana kuremekedzwa kukuru kunopfuura kagara ne kunzwa Izwi ra Mwari richitaura kwatiri. Achange achitaura ku Mwenga Wake musi we Svondo uno nenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, uye achipindura mibvunzo: 64-0830E Mibvunzo ne Mhinduro #4. Ndingada kukukokai kuti mubatane nesu. Isarudzo yausingambozo demba pamusoro payo.

Hama Joseph Branham

24-0512 Mibvunzo neMhinduro #3

BranhamTabernacle.org

MhandaraYakachena,

Madiro andinoita kukukurudzirai svondo rega rega kuBaya neRidza uye kunzwa Inzwi raMwari rezuva redu. Nokuti ndinoziva ndicho Chirongwa chaMwari chakakwana chezuva redu.

Hazvisi izvo Joseph Branham anotaura kana kutenda. Ndeizvo zvatakaudzwa neInzwi raMwari rakasimbiswa:

Ndiri Inzwi raMwari kwauri.

Kana uine chizaruro cheMharidzo iyi zvachose,chitaurwa chimwechete chidiki ichocho chinofanira kunge chakakwana kuti uudze munhu wese waunosangana naye; mutendi wose, udzai machechi enyu, Izwi iroro ndiro Izwi rinokosheshesa raMUNOFANIRA KUNZWA.

Kufunga kuti, Iro Izwi chairo ratinonzwa patinobaya nekuRidza Izwi raMwari rinotaura zvakananga kwatiri. Baba vakaita kuti rirekodhwe ndokuchengetwa kuti tigogona Kubaya nekuRidza sekondi imwe neimwe yezuva rimwe nerimwe ; kuti tigomunzwa achitikurudzira, achitiropafadza, achitizodza, uye nekudzingira kutya kwedu kwese nekupokana kure, zvese nekungobaya nekuRidza.

Chero chatinoda ipapo ipapo, Baya Ridza, uye hezvo zviripo . Aripo kutirangaridza TIRI SHOKO. Anesu, akatitenderedza, MATIRI. Satani ibenzi. Akakundwa. Hapana chinogona kubvisa Shoko iri kubva kwatiri. Mwari akaripa kwatiri nokufanoziva kwaKe, achiziva kuti tiri Mwenga waKe. Taiva naye kubva pakutanga.

Nderipi Izwi rataigona kunzwa rinopfuura Izwi rimwe chete rakasimbiswa neShongwe yeMoto kuva Izwi raMwari?

Hakuna rimwe Izwi.

Izwi irori rakatiudzei svondo rapfuura?

Ndinogara ndichikutorai, uye sehama nehanzvadzi dzangu.Imi muri vana vangu; Ndi—ndini baba venyu muEvhangeri, kwete baba sezvazvingava muprisita, ndi—ndini baba venyu muEvhangeri sezvakataurwa naPauro apo. Ndakakuberekerai kuna Kristu, uye zvino, ndi—ndinokuwanisai kuna Kristu; ndiko kukubatanidzai na Kristu semhandara yakachena. Musandirasise! Musandirasise! Garai muri mhandara yakachena.

Tinofanira kugara tiri mhandara yakachena kuShoko, Izwi iroro. Kwatiri, pane NZIRA IMWE chete yekuve nechokwadi chekuti tiri kuita izvozvo: BAYA RIDZA.

“Kana uchinditenda kuti ndiri izvo zvaunotaura, muranda waMwari, muporofita, teerera kune zvandiri kukuudzai. Maona? Munogona kutadza kuzvinzwisisa, uye kana musingakwanise,zvino ingoitai zvandinokuudzai kuti muite.

Hongu, kune vamwe vanhu vakazodzwa veMweya Mutsvene, uye nenyasha netsitsi dzaMwari, ndinonamata ndiri mumwe wevanhu ivavo. Ndinotenda kuti ndakadanwa naYe kuti ndichengete Shoko raKe pamberi penyu nekukunongedzerai kuMharidzo iyi, Shoko raMwari, Izwi iroro.

Sezvakataurwa naPetro, handingaregi kukuyeuchidzai nguva dzose kuti kune Izwi RIMWE CHETE rakadanwa naMwari kuti rizivise Shoko rake. Izwi rimwe chete rakasimbiswa naMwari. Izwi rimwe chete iro Mwari akati, “Munzwei Iye.” Izwi rimwe rakanzi naMwari,Ndiri Izwi raMwari kwamuri.”

Rangarira izvi nemoyo wako wese: Gara neShoko iroro! Usasiye Shoko iroro! Chinhu chipi nechipi chinopesana naRo, chisiye choga, zvisinei kuti chii. Ipapo unoziva kuti Zvakanaka.

Ndinonzwisisa zvamazvirokwazvo chikonzero sei ndisinganzwisiswi kudaro uye kuti vamwe vanofunga kuti ndinopesana nevashumiri vose; kuti ndinotenda kuti hakuna munhu anofanira kuparidza. “Kana ukateerera kune mumwe mushumiri asiri Hama Branham, hausi Mwenga.” Sezvandakataura kakawanda, handina kumbozvitaura kana kuzvitenda.

Muporofita akazvitsanangura zvakakwana svondo rakapera chaizvo manzwiro andinoita uye zvandinotenda.

Paive nemamwe makereke matatu eMeseji munzvimbo yeJeffersonville panguva iyo hama Branham vaive pano. Mushumiro yeSvondo yapfuura, akataura kuti vafundisi vomunzvimbo iyoyo vakanga vasina kuuya kumunamato wamanheru. Vaiva nemasevhisi avo emanheru. Saka, havana kunzwa kuuya kuzonzwa Hama Branham pashumiro yemanheru, asi kuzova neshumiro mumakereke avo. Ndiyo yaive sarudzo yavo uye zvavakanzwa vachitungamirwa kuita, uye Hama Branham vakabvuma.

Nhasi kuchine makereke akati wandei munzvimbo yeJeffersonville. Naivowo vanofanira kuita zvavanonzwa vachitungamirirwa naShe kuti vaite.

Kana vasinganzwe kuridza matepi, Ishe ngaVarumbidzwe, vari kuita zvavanonzwa vachitungamirirwa kuita, uye ndizvo zvavanofanira kuita. Vachiri hama nehanzvadzi dzedu uye vanoda Meseji iyi. Asi isu tinofanira kuita zvatinonzwa tichitungamirwa kuita: Kubaya neKuridza. Tinoda kunzwa muprofita.

Sezvakaitwa neHama Branham musi waAugust 30, 1964, Ndinokukokai kuti muzobatana nesu na 12:00 masikati., nguva yekuJeffersonville, apo tinonzwa zvekare muporofita achitiunzira mharidzo: 64-0830M Mibvunzo neMhinduro #3.

Hama. Joseph Branham

24-0505 Mibvunzo neMhinduro #2

BranhamTabernacle.org

Wadiwa Mwenga Shoko Rakakwana,

Takangomirira Kuuya kwaShe. Kuchengeta marambi edu akagadzirwa, akazara neMafuta, tichinzwa Shoko rakazarurwa siku nesikati. muchinyengetera nguva dzose; kwete mazuva ose, nguva dzose. Tiri kugara takagadzirira nekuramba tichitenda,SHOKO ROSE.

Tiri kutarisira, nguva yega yega, kuti avo vakarara muguruva renyika vatange kumutswa. Nechinguva chidiki, tichavaona; vanababa, vanaamai, varume, madzimai, hama nehanzvadzi. Hezvo avo, vakamira pamberi pedu chaipo. Tichaziva ipapo, kuti tasvika, nguva yakwana . Kutenda kwekubvutwa kunozadza mwoyo yedu, pfungwa nemiviri. Ipapo miviri iyi inoora ichapfeka kusaora munyasha dzaShe dzokubvutwa.

Uye ipapo tinotanga kusangana. Isu vapenyu uye vakasara tichashandurwa. Miviri inofa iyi haizooni rufu. Kamwe kamwe, kuchaita sekamhepo kanopfuura nepamusoro pedu … isu tichashandurwa. Kubva kuharahwa kuenda kujaya, kubva kuchembere kuenda kumukadzi wechidiki.

Pasinanguva, tichange tavakuchifamba sezvinoita pfungwa neavo vakatomutswa. ZVINO…KUBWINYA…tichatorwa pamwe chete navo kunosangana naShe muchadenga.

Inguva yakadini iri kuuya kwatiri. Muvengi ANOEDZA kutigarisa takakundwa, takaderera mwoyo, uye takaora mwoyo, asi mbiri kuna Mwari, haabudirire. Tine Chizaruro chekuti Iye Ndiani; ndiani waakatuma kuzotidana; tisu vanaani , kwete zvatichazova, TIRI VANAANI. ZVINO Zvakaiswa hoko muMWEYA yedu, PFUNGWA NEMWEYA, uye hapana chinogona kutitorera izvozvo kubva kwatiri. Tinoziva sei? Mwari vakadaro!

UNO hausi musha wedu, ndewako wose, Satani, unogona kuva nawo. Hatidi chikamu chawo uye hatichachida zvakare. Tine Musha unouya watakavakirwa. Uye, dhiabhorosi, tine takaziviswa, WAKATOGADZIRIRWA. Kuvaka kwakapera. Zvese zvava munzvimbo. Uye ndine dzimwe nhau kwauri,PASINA NGUVA, Ari kuuya kuzotitora kuti tive nechiuru chemakore Naye eHoneymoon isina kukanganiswa, uye iwe Satani hauna kukokwa, uye unenge usipo.

Zvinhu zvinobwinya sei zvinoratidzwa neMharidzo iyi pese patinobaya Nekuridza . Mwari pachake akauya pasi, akataura kubudikidza nemiromo yemunhu kuti atiudze zvinhu zvose izvi. Akatisarudza akatipa Chizaruro chechokwadi uye CHAKAZARA chezvake.

Akanga ari Shoko rakaitwa nyama, kwete Shoko rezuva raMosesi, Mosesi aiva Shoko rezuva iroro; kwete Shoko remazuva aNowa, Nowa aive Shoko rezuva iroro; kwete zuva…Shoko rezuva raEria, Eria akanga ari Shoko rezuva iroro; asi uyuAkanga ari Shoko renguva yazvino, avo vakanga vari vekumashure.

Wagadzirira here?….Hezvo zvauya. Pfuti huru yakokwa zvakakwana., uye tinoida zvakanyanya !!

Chinhu chimwe chete chinodzokorora! Ndihwo humbowo hweMweya Mutsvene, kana Mwari vazvizarura kwauri wozviona, ZVANZI NAJEHOVHA wozvigamuchira. Kwete zvauri, zvawanga uri, kana chimwe chinhu pamusoro pazvo, ndizvo zvawakaitirwa naMwari zvino. Pane humbowo.

Hareruya, Akarovera mbambo. ZVINO ngatimunzwei Achiiroverera.

Akatipa humbowo hweMweya Mutsvene, Johane 14. Akati, “Ndine zvinhu zvizhinji zvokukuudzai. Handina nguva yekuzviita, asi kana Mweya Mutsvene wauya, Iye achakuudzai, achakuyeuchidzai zvinhu zvandakakuudzai, uye achakuratidzai zvinhu zvichauya.” Hausi kuona? Hewo humbowo. Ndiko kufanotaura uye kuva…kuva neDudziro Tsvene yeShoko rakanyorwa. Zvino, handiwo here humbowo hwemuporofita?

Mweya Mutsvene ndiye muporofita wezera rega rega. Ndiye muporofita wezera redu. Shoko rinouya chete kumuporofita iyeye. NdiMwari vari kutaura nekuzviratidza kubudikidza nemuprofita Wavo. Ndiye Shoko rezuva ranhasi. Mharidzo iyi, PATEPI, idudziro yakakwana yeShoko, nekusimbisa Kutsvene.

“Kana izvo zvakakwana zvasvika, izvo zvirimuchidimbu zvichagumiswa.” Saka zvinhu zvidiki zvese izvi zvekusvetuka-svetuka semwana, kuedza kutaura nendimi, nezvimwe zvinhu zvose izvi, kana izvo zvakakwana…Uye nhasi, tine nerubatsiro rwaMwari, dudziro yakakwana yeShoko rine kusimbiswa kune Humwari! Ipapo izvo zviri muchidimbu zvichabviswa. “Pandaiva mudiki, ndaitaura se mwana, ndaifunga somwana; asi pandakava Mujuru, ndakarasha zvoumwana. Ameni!

Chakakwana chasvika; dudziro yakakwana yeShoko. KUBAYA NEKURIDZA. Ndizvo zvose zvinodiwa neMwenga waKe, uye zvose zvaAnoda.

Huya Ubaye NeKuridza nesu Svondo rino na 12:00 masikati., nguva yeJeffersonville, uye unzwe SHOKO RAKAKWANA, RINE DUDZIRO YAKAKODZERA, NEKUSIMBISA KWAMWARI sezvatinonzwa:

Mibvunzo neMhinduro #2 – 64-0823E

Hama.Joseph Branham

24-0428 Mharidzo yeSvondo: Mibvunzo neMhinduro #1

BranhamTabernacle.org

Vadiwa vateereri veTepi,

◦ Handikwanisi kuzvitaura zvakakwana, hapana CHINHU chikuru kudarika kunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri kuburikidza nemutumwa waKe ngirozi yakasimbiswa yezuva redu. Chizaruro mushure meChizaruro Ishe Vari kuzarura kwatiri. Hapana magumo aZvo. Mharidzo imwe neimwe inoita setisati takamboInzwa. Ishoko Benyu, Manna Itsva, Mwari Akachengetera Mwenga Wake Zvokudya, uye chatinofanira kuita KUBAYA NEKURIDZA.

Tinonzwa zvese nezveKUBVUTWA KWEDU kuri kuuya. Tiri kuenda…KUBWINYA, TAVA KUENDA kuchirairo chemuchato. Akafanotitemera kuti tivepo nekufanoziva kwaKe, uye hapana chichazvimisa. Shoko pano rinobatana nemunhu, uye vaviri vanova Mumwe. Zvinoratidza Mwanakomana wemunhu. Shoko neChechi zvinova chinhu Chimwe. Chero zvakaitwa neMwanakomana wemunhu, Aive Shoko, Kereke inoita zvimwe chete.

Ndisati ndaenderera mberi, ungada kuverenga izvozvo zvakare !! Tingaregere sei Dhiyabhorosi achitiwisire pasi? Teerera kune zvatiri kutarisira. Teerera kuti tiri vanaani. Teerera kune zviri kutora nzvimbo ZVINO.

Tiri kuenda kupi? KuChirairo cheMuchato wedu icho chatakatemerwa nekufanoziva kwaKe, apo ISU, Shoko raKe neChechi yake, tinova MUMWE NAYE, uye chero chii chakaitwa neMwanakomana weMunhu, TINOITA ZVAKAFANANA!!

Zvino takanzwa zvese nezve Musha Weramangwana Redu. Mugadziri AnehuMwari akagadzira Guta REDU Idzva, kwaAchazogara nesu, Mwenga wake. AkaRivaka uye akaisa chinhu chidiki chese pakubata KWEDU; zvose zvatingade. Uko tichange tisingade mwenje , nokuti Gwayana ndiro richava Chiedza chedu. Uko muporofita achagara pedyo nesu; achava muvakidzani wedu. Tichadya zvemiti iyoyo, tichafamba nemigwagwa iyo yegoridhe inoenda pachitubu uye tonwa. Tichange tichifamba muParadhiso yaMwari, neNgirozi dzichifamba pamusoro penyika, dzichiimba nziyo. Kubwinya! Hareruya!

Achiratidza Shoko rake kwatiri; Iye, Shongwe yeMoto, akaita kuti mufananidzo waKe utorwe nengirozi mutumwa waKe, kuratidza uye kuti kunyika, “Munzwei Iye.” Hatifanire kupokana Shoko rimwe chete, nekuti harisi shoko remuprofita, iShoko raMwari rakataurwa kuMwenga wake. Akabva atiudza, tine chinomiririra kubva pakufanotemerwa, achitipa kugutsikana. Haaone isu, anongonzwa inzwi redu kuburikidza neRopa raJesu. Takakwana mumaziso ake.

Pakadzika parikudaidzira pakadzika zvisina kumboitika kare, uye Baba vari kutizadza neShoko ravo rakazarurwa. Zvese zvatinoda kuziva zvakanyorwa uye zvakapihwa kwaTiri. Hapana magumo kuMharidzo yeIzwi Benyu iri. Hapana chikuru kudarika kuziva kuti TIRI Mwenga wake. Kugutsikana nekuziva kuti kunzwa Inzwi iroro, Kubaya neKuridza, ndiko Kuda kwaShe kwakakwana; Hurongwa hwake hwaAkapa.

Pane zvakawanda zvichauya! Ishoko risingaperi reMvura mhenyu kuMwenga wake. Hatina kumbova nenyota yakadai muhupenyu hwedu hwese, asi hatina kumbozorodzwa zvakadai apotinonwa nekunwa zvese zvatinoda.

Svondo yega yega, Mwenga anonzwa kufara zvikuru kuunganidzwa nechikamu cheMwenga kubva pasi rose, kuti anzwe zvaAchazozivisa zvinotevera.Akatiudza kana tisingakwanisi kuuya pano paTabhenakeri, tisvike kune imwe chechi kune imwe nzvimbo; enda kwairi.

Hatingagoni kuungana tose pamusha wemuporofita; kumuzinda wake kwaakagadzwa, asi tinogona kushandura machechi edu, kana Dzimba dzedu kuva machechi, matinomuisa papurupiti. Kwatinogona kudyiswa SHOKO RAKAKWANA SEKUZARURWA KWARAKAITWA.

Hakuna kuungana kukuru, hakuna chizoro chikuru, hapana nzvimbo huru yokuva inopfuura kugara pamwe chete munzvimbo dzeKudenga, tichiteerera Inzwi raMwari.

Ndinokukokai kuti muuye kuzonzwa Inzwi raMwari rakasimbiswa pamwe nesu Svondo ino na12:00 P.M., nguva yeJeffersonville, paAnotaura kwatiri zvakare nengirozi mutumwq waKe, uye achipindura mibvunzo yose yatinayo pamwoyo yedu, uye achitivimbisa kuti
Ndinokukokai kuti muuye kuzonzwa nesu Inzwi raMwari rakasimbiswa Svondo ino na12:00 masikati., nguva yeJeffersonville, paAnotaura kwatiri zvakare nemutumwa waKe ngirozi, uye achipindura mibvunzo yose yatinayo pamwoyo yedu, uye achitipa kugutsikana kuti tiri Mwenga wake

Hama. Joseph Branham

Mharidzo yeSvondo: Mibvunzo neMhinduro #1 64-0823M

24-0421 Kuratidza Shoko Rake

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Kereke – Mwenga

Mwanakomana wemunhu akauya akazvizarura munyama yemunhu kuMwenga wake. AkaZvitaura, tinoZvitenda, uye AkaZvisimbisa. Isu tiri Mwenga-Kereke yake takazvigadzirira isu kuburikidza nekuteerera uye nekutenda Shoko rose rakabuda mumuromo Wake.

Kuchava nokumuka kwevakafa. Achazviratidza. Kuchava neKubvutwa kweKereke. Achazviratidza. Kuchava neMireniyamu. Achazviratidza. Kuchava neDenga idzva nenyika itsva. Achazviratidza, nokuti Shoko raKe rakataura kudaro.

Tisu tichange tiripo. Achazviratidza. Isu tisu takaitwa chikamu cheShoko iri. Akafanotitemera kuti tive Ikoko. Kuchava neKubvutwa kubudikidza. nekufanoziva kwaKe uye hapana chichazvimisa, tichange tiripo!

Satani akaedza kwenguva refu kuita kuti vanhu vapokane Shoko chero rimwe chete rakataurwa. Usaite izvozvo. Ingotenda Shoko Rose. Unofanira kutenda Shoko Rose kuti Ugovako. Harisi shoko remuprofita, iShoko raMwari rakarekodhwa rikachengetwa paMatepi.

Muprista mukuru, Bhishopi, Mukadhinari, Mufudzi? “Mwari! Shoko rose rinobuda mumuromo maMwari.” Tinoziva sei kuti iShoko raMwari? Anotaura kudaro, zvino AnozoZviratidza. Anoratidza Shoko raKe.

UNOFANIRA kutenda Shoko rose rinobuda mumuromo maMwari. Akaratidza kuti IShoko raKe paMatepi. Akaratidza kuti William Marrion Branham mutumwa wake wechinomwe; Izwi raMwari rezuva redu. Vese vasingatendi Meseji nemutumwa vachaparara.

Zvino, handisi kungotaura nevateereri ava. Izvi zvinoiswa pamatepi, maona, uye Zvinoenda pasi rose. Munonzwisisa here, vanhu venyika, Shoko rimwe chete iroro, Shoko rimwe chete, kwete mutsara mumwechete, kwete ndima imwe chete, Shoko rimwe chete, ndiro chete Evha asina kutenda.

Iye iShoko, uye isu taiva chikamu cheShoko raKe. Ndicho chikonzero tiri pano, kusimbisa nzvimbo yedu muhupenyu. Kutenda Shoko rose. Kugara neShoko. Kunongedzera Mwenga kuShoko rose riri paMatepi.

Muzuva redu, Mwanakomana womunhu akazarurwa. AKABATANIDZA Kereke neMusoro; akabatanidza kuwanikwa kweMwenga. Kudana kweChikomba kwasvika.Mwanakomana wemunhu akauya ari munyama kuti abatanidze vaviri ava. Iye iShoko. Tiri Shoko raKe, uye Vaviri Ava vanobatana pamwechete.

Zvichatora kuratidzwa kwekuzarurwa kweMwanakomana wemunhu…Kwete mufundisi…Jesu Kristu, achauya ari munyama pakati pedu, oita kuti Shoko raKe rive ramazvirokwazvo zvekuti richabatanidza Kereke naYe semumwe,Mwenga, zvino voenda Kumba kuChirairo cheMuchato. Ameni.

Kuratidzwa kweShoko kuchabatanidza Mwenga. Zvicharatidza Mwanakomana wemunhu zvakare, kwete vanamuzvinafundo vekereke. Mwanakomana womunhu! Shoko neKereke zvinova chinhu chimwe. Chero zvakaitwa neMwanakomana wemunhu raive Shoko. Isu, Mwenga waKe, tichaita zvimwechetezvo.

Takabatanidzwa neMweya Mutsvene, Shoko Rake, Inzwi Rake, uye tiri kugadzirira kuenda kuChirairo cheMuchato. Shoko rakatibatanidza, uye vaviri vakava MUMWE.

Tinoti MATEPI, MATEPI, MATEPI. Munofanira kuridza Matepi mudzimba dzenyu, mumakereke enyu. Isu tinoshoropodzwa pamusoro pekukomekedza zvakanyanya kuridzwa kweMatepi. Sei tichitaura kudaro? Ndiani ari kutaura NESU paMatepi?

Zvino, rangarirai, akanga asiri Jesu aitaura naAbrahama paya, aikwanisa kuona pfungwa dzaiva mumwoyo maSara shure kwaKe. Akanga asiri Jesu, Akanga asati aberekwa. Asi aive Munhu munyama, uyo Abrahama akamudana kuti “Elohim, Samasimba makuru.”

Kana muchitenda kuti Mwanakomana wemunhu akazarurwa muzuva redu; Mwari achitaura kubudikidza nemiromo yemunhu, ko munhu angatadza sei kuona Inzwi iroro seIZWI RAKAKOSHESESA RAUNOFANIRA KUNZWA?

Handisi kutsoropodza vamwe vasingaoni uye vasingatende zvatinotenda; ihama nehanzvadzi dzedu, asi NDAKAGUTSIKANA, ZVIZERE, NDINE CHOKWADI iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari kuMwenga wake.

Hapana chimwe chandinogona kuita. Kwandiri neimba yangu, Kubaya neKuridza ndiyo CHETE NZIRA.

Ndinokoka zvakare nyika kuti iuye kuzobatana nesu Svondo na12:00 masikati., nguva yeJeffersonville, apo tinonzwa: Kuratidza Shoko Rake 64-0816.

Hama. Joseph Branham

Magwaro ekuverenga shumiro isati yatanga
Mateo 24:24
Mako. 5:21-43 / 16:15
Ruka. 17:30; 24:49
Johani 1:1/5:19/14:12
VaRoma 4:20-22
1 VaTesaronika 5:21
VaHebheru 4:12-16 / 6:4-6/13:8
1 Madzimambo 10:1-3
Joere 2:28
Isaya 9:6
Maraki 4

24-0414 Musha weRamangwana weChikomba cheKudenga neMwenga Wepanyika

Anodikanwa Munyu Wenyika,

O Mwenga Unodikanwa, inguva yakadini yatinayo, takagara pamwe chete munzvimbo dzeKudenga, muhupo hweShoko, tichikura, tichiziva kuti tisu vanaani , kwatakabva, uye nekwatiri kuenda.

Kuziva, kubva mukati memoyo yedu, ZVINO tave vanakomana nevanasikana vaMwari. Kwete tichava, tave ZVINO. Isu tiri zvibereko hwepfungwa dzaMwari.

Apo Satani anotirwisa, uye achiedza kutiratidza kukanganisa kwedu, zvekare, nekukundikana kwedu kwezuva nezuva; paanoedza kutiparadza mupfungwa nomumweya nenhema dzake, tinongomuyeuchidza nokumuudza kuti, “Mwari, kubvira pakuvambwa kwenyika, akandiona; ndizvozvo Satani, INI, uye Akatuma Jesu kuzondidzikinura.” Tomurova!

“Zvino Satani, ndisiye, nokuti Ropa reMwanakomana waKe rinotaura neZVANGU. Handigoni kutadza. Kukanganisa kwangu, hongu, kukanganisa kwangu kuzhinji, hakugone kuonekwa naMwari. Chinhu chimwe chete chaAnonzwa inzwi RANGU ndichimunamata nokuMurumbidza, uye chinhu chimwe chete chaAnoona HUMIRIRI HWANGU.”

Mumiriri wedu ari kutiunganidza kubva kumabvazuva nekumadokero, kuchamhembe nekumaodzanyemba, achitibatanidza pasi peShoko raakapa Mwenga wake patepi. Ndizvo chete zvaAchakudza; nokuti iNzira yaKe yaakapa.

Chii chaAchazotiudza nekutizivisa kwatiri chinotevera? Takamunzwa achitaura kubudikidza nemuporofita wake kakawanda uye achitiudza nezve zvichange zvakaita Musha wedu mutsva, asi rwendo rwuno zvichaita sekuti hatina kumbonzwa chero chinhu pamusoro pawo kumashure.

Mugadziri aneHumwari akagadzirira izvi Mudiwa Wake. Maona? Oo, inofanira kuva nzvimbo yakadini, apo, Hunhu HweHumwari, Mugadziri anehuMwari akaigadzirira hunhu HweHumwari hwakatemerwa neHumwari naMwari Uyo—Uyo ari Muvambi weHupenyu HweHumwari ! Guta iroro richaratidzika sei! Funga nezvazvo.

Hatikwanise kuzvidzora. Mufaro wedu uye kutarisira zviri pamusorosoro. Mwoyo yedu inomhanyidzana kuti tinzwe Mwari achitaura zvakananga kwatiri uye achititaurira kuti Iye zvino Ari kugadzira nekuronga Imba yedu itsva kuti tigogara nekusingaperi pamwechete Naye.

Chii chimwe chatichanzwa, uye chii chichazarurwa kwatiri Svondo, sezvaAnotitaurira zvose pamusoro peKufanotemerwa, Kumiririrwa, Chizvarwa,Zuva Rechisere, Gomo Dzvene, Mapiramidhi, uye Kokorodzano Tsvene?

Tingaputira pfungwa dzedu pane zviri kuitika iye zvino? Mwari ari kuunganidza Mwenga wake kubva pasi rose kuti atiudze zvichange zvakaita Musha wedu mutsva. Iye achatiudza zvese kusvika pauudonongodzwa hwezvose zvishoma zvakadzama. Tichava nenguva ine mbiri sei.

Kune rimwewo divi,hondo dzedu hadzina kumbooma kusvika pakadai.Satani ari kutirova zvisina kumboitika kumashure. Kurwisa kwake hakumboratidzi kureruka kana kupera.

Asi Mwari ngaakudzwe, KUTENDA kwedu muShoko rake hakusati kumbokwirira kusvika pakadai..
KUTENDA kwedu mukuziva kuti tiri ani kwakadzika midzi muMweya wedu, zvekuti hatingazununguswi.

Hatina chatinotya; HAPANA chekushushikana nacho. Baba ndivo varikutitungamirira zvizere. Vanotitungamirira uye nokuraira Tsoka Dzedu Dzose.Vanotibata
muchanza cheRuoko Rwavo. Satani anongova munhu asina maturo ane mugumo wava pedyo, uye anozviziva. Ndiye ari kutya, anoziva kuti ari kushanda neMwenga weShoko Rakataurwa raMwari uye anokundwa nguva dzose.

TIRI SHOKO. Takanga tiri maari kubva pakutanga. Hatisi kuzove rimwe zuva, TIRI ZVINO. Kana tiri Shoko, saka tinogona KUTAURA SHOKO, KANA TIKATENDA CHETE…UYE TIKATENDA. Uri mutendi (SHOKO) kana kuti unopokana (HAUSI SHOKO). Hapana kana chikamu chimwechete mumuviri wedu chisingatendi Shoko rimwe chete. Hezvo iwe! Tangoratidza Satani: tiri Shoko. Tinogona kunge tiri ganda repasi petsoka, ASI TINORAMBA TIRI CHIKAMU CHEMUTUMBI!!!

Saka kana murevi wenhema uyu otevera mumwe memumwe wedu, Mwenga unouya pamwechete kubva pasi rose uye tomurova uye TOMUROVA neShoko.

Kana hurwere hukauya pane mumwe wedu, tinobatana pamwe chete uye tomurova! Kana mumwe wedu akanzwa kuderera uye akaderera, tose tinoita sei? TINOMUROVA !

Tiri kuenda Kumusha, Mwenga. Nguva yakwana. Mwenga azvigadzirira. Tiri muAreka. Avhara mukova uye takachengeta zvakanaka tiri mukati.

Tavakunzwa mimhanzi yekuti Mwenga auye achifamba munzira kuti abatanidzwe neChikomba.

Tichange tiri kuhoneymoon yedu kwemakore 1000, zvino tozoenda tose naYe kuMusha wedu Weramangwana.

Musazvipotsa shamwari. Pane nzira imwe chete yakapihwa nekusimbiswa naMwari: MATEPI. IShongwe yeMoto irikutaura ichitungamirira Mwenga wake. Chero chaunoita, isa Inzwi iri pamberi pako nemhuri yako musiwe Svondo ino. Kutenda kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko, uye Shoko rinouya kumuporofita. Mweya Mutsvene ndiye Muporofita wenguva yedu achitaura kuMwenga wake neMatepi.

Makasununguka kubatana nesu Svondo rino na 12:00 P.M., nguva yeJeffersonville, sechikamu cheMwenga tichibatanidzwa pamwe chete tichiteerera, zvose panguva imwe chete, kuna Mwari achitaura kubudikidza nemutumwa wake mukuru uye atiudze zvose pamusoro pe: Musha weRamangwana weChikomba cheKudenga neMwenga Wepanyika 64-0802.

HamaJoseph Branham