All posts by admin5

25-0713 Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-1128M Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mhuri yaJesu Kristu,

Pane chinhu chiri kuitika zvisati zvakamboitika neMwenga waKristu pasi rose. Zvinhu zvatakanzwa nezvazvo uye tichishuvira kuzviona zvino zvave kuratidzwa pamberi pemeso edu.

Mweya Mutsvene uri kubatanidza Mwenga Wakesezvo Akataura kuti Achaita, nenzira YakeCHETE yaakapa kuzuva ranhasi, Inzwi raMwari pamatepi.

Ari kuzarura nekusimbisa Shoko Rake zvisina kumboitika kare. Kufanana nechitubu, Chizaruro chiri kutubuka mukati medu.

Kubatana kwepamweya kwaKristu neKereke yake zvino, apo nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rava kuva nyama, richiratidzwa, richisimbiswa. Izvo chaizvo zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, zviri kuitika, zuva nezuva. Sei, zviri kuwedzera nekukurumidza chaizvokunze uko, mumarenje, nezvinhu zviri kuitika, zvekuti handichatokwanisa kufambirana nazvo.

Zuva rega Chizaruro chakavedzerwa chiri kuzarurwa uye nekuratidzwa kwatiri. Sezvakaitika kumuporofita, zvinhu zviri kuitika uye zviri kuitika nekukurumidza, kusvikira tave kutadza kufambirana nazvo…KUBWINYA!!!

Nguva yedu yasvika. Magwaro ari kuzadzikiswa. Nyama iri kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Izvo chaizvo zvakataurwa nemuporofita kuti zvichaitika zviri kuitika zvino.

Sei isu?

Hapana mbiriso, kana ruzha rusinganzwisisike, hapana dudziro yemunhu inodiwa pakati pedu. Tiri kungoteerera kuShoko Rakachena Rakakwana kubva pamuromo waMwari apo Anotaura kwatiri muromo ku nzeve.

Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, dzimwe vimbiso dzose idzi kubva nhasi, raitwa nyama, richigara pakati pedu, ratakanzwa nenzeve dzedu; zvino tinoMuona (nemeso edu) achidudzira Shoko RakeAmene, hatidi dudziro yemunhu.

Mwenga, hazvaigona kujeka kupfuura izvozvo.  NdiMwari, akamira pamberi peMwenga wake munyama yemunhu, watinokwanisa kuona nemeso edu, achitaura nekududzira Shoko Rake, nekuriisa pamatepi. Shoko Rakakwana rakataurwa nekurekodhwa naMwari paChake, nokudaro haridi dudziro yemunhu.

  • • Mwari ari kutaura zvakananga kuMwenga wake, pamatepi.
  • • Mwari achidudzira Shoko Rake paChake, pamatepi.
  • • Mwari achiZvizarura, pamatepi.
  • • Mwari vachiudza Mwenga wavo, haudi dudziro yemunhu, Shoko Rangu pamatepi ndiro chete ZVINODIWA NEMWENGA WANGU.

Rangarira, paunobva pano, tanga kubuda muchikwande zvino; wave kupinda mumbeu, asi chigara muHupo hweMwanakomana. Usawedzera, zvandakataura; usabvisa, zvandakataura. Nokuti, ndinotaura Zvokwadi semaziviro andinoita, sokupiwa kwandakaitwa naBaba. Unoona?

Mwari vakagadzira NZIRA CHETE YAKAKWANA kuti Mwenga aite sezvaakatirayira kuti tiite. Izvi hazvina kubvira zvakwanisika, kusvikira nhasi. Hapana zvekufungidzira, hapana zvekushamisika, hapana mubvunzo wekuti pane chinhu chakawedzerwa, chakabviswa, kana kududzirwahere.  Mwenga wakapiwa Chizaruro chechokwadi: KURIDZA MATEPI NDIYO NZIRA YAMWARI YAKAKWANA.

Dzimwe nguva, regai ndizvitaure zvakare. Chizaruro changu ndechekuti Mwenga waJesu Kristu, kwete vamwe, MWENGA, haudi CHIMWECHINHU asi Inzwi raMwari pamatepi.  

Asi kana Mweya Mutsvene iwoyo wanyatso…Shoko rechokwadi rauya mauri (Shoko, Jesu), zvino, hama, Shoko reNguva harisisirichakavanzika kwauri ipapo; unoriziva, hama, Zvose zvajeka pamberi pako.

Shoko reNguva harisisiri chakavanzika kwandiri. Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.  Denga rose nenyika zvinonzi Jesu. Jesu iShoko.

Uye Zita riri muShoko nokuti Iye iShoko. Ameni! Zvino Iye chii? Shoko rakadudzirwa ndiko kuratidzwa kweZita raMwari.

Mwari ari kubatanidza Mwenga waKe ne’Nzwi Rake, raAkarekodha uye akarichengetera nhasi, kuti Akwanise kuunza Mwenga Wakepamwechete seChinhu Chimwe. Mwenga achazviona uye oZvicherechedza seNZIRA CHETE yaAnogona kuunza Mwenga wake pamwe chete.

Akazviita makore 60 apfuura kutiratidza kuti aizozviita sei nhasi. Isu tiri “imwe yekereke dzake dzakabatana parunhare”

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Taiva nadzo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yekereke dzangu.

Vashumiri vazhinji vanoudza makereke avo kuti “hook-up” kana “streaming”, “kuteerera kuMharidzo imwe chete panguva imwe chete”, hakusi kuenda kuchechi. ASI MUPOROFITA ATI KUENDA KUCHECHI IKOKO! Ivo havazivi Shoko kana kuti havagone kuverenga tsamba yerudo sezvinoita Mwenga.

Chechi chii? Ngationei zvakataurwa nehama Branham kuti chechi chii.

Vungano zhinji, zhinji dzakawana kaitiro aka katakaita pano patabhenakeri. Takabatanidzwawo parunhare kuPhoenix, kuti kwese kune masevhisi, zvinopinda mu…Vanoungana mumachechi nemudzimba, nezvimwe zvakadaro, kubudikidza nemasaisai erunhare akanaka kwazvo.

Hama Branham vanotaura zvakajeka kuti vanhu “mudzimba” dzavo uye “ne zvimwe zvakadaro” dzaive dzimwe dzemakereke avo parunhare.  Nokudaro misha, zviteshi zvepeturu, zvivakwa, mhuri dzakaungana pamwe chete kuteerera parunhare izvozvo zvakavaita chechi.

Ngativerengei zvimwe muTSAMBA ye RUDO. 

Tinonamatira machechi ose neungano dzakaungana pama ma—ma—zvimamicrophonezviduku kunze uko, munyika, kusvikira kuWest Coast, kumusoro kumakomo eArizona, zasi mumapani eTexas, kuEast Coast, munyika yose, Ishe, kwavakaungana. Takasiyana nema hour mazhinji, munguva, asi, Ishe, tiri pamwe chete manheru ano sechinhu chimwe, vatendi, takamirira Kuuya kwaMesia. 

Saka kuva paRunhare, vachiteerera Hama Branham VOSE PANGUVA IMWE CHETE; vaive pamwe chete sechinhu chimwe, vatendi, vakamirira Kuuya kwaMesiasi.

Asi iwe urikuti kana ukadaro nhasi, izvozvo hakusikuenda kuchechi, zvakaipa, hakusi kuungana pamwe chete zvikuru sei sezvatiri kuona zuva richiswedera, hakusi kuenda kuchechi?

Rega ndikubvunze mubvunzo uye iwe upindure ungano yako. Dai Hama Branham vanga vari pano nhasi, munyama, uye maikwanisa ku“streamer” kana kuvateerera parunharemangwanani eSvondo ega, panguva imwe cheteyo neMwenga pasi rose, vafundisi, maibatana nevamwe parunhare here kunzwa Hama Branham kana kuti maizoparidza muri imi?

Hama Branham vanotaura pachena kuti basa rako ikereke yako. Dai wanga uri pano makore 60apfuura uye Hama Branham vaine sevhisi, asi chechi yako yanga isiri kuenda asi iine sevhisi yayo (vashumiri vazhinji kumashure ndo zvavakaita), waienda ku“kereke yako” here, kana kuti waienda ku“Branham Tabernacle” kuti unonzwa Hama Branham?

Ndichakupa mhinduro yangu. Ndaitomira pamusuwo kuchinaya, mu chando kana mudutu remhepo kuti ndipinde muTabernakeri kuti ndinzwe muporofita waMwari. Kana NDAIENDA kuchechi ikoko, ndaitochinja chechi manheru iwayo.

Asi mudzimai uya, akange asingazivi kuti simba rakanga riri mutsvimbo here kana kuti kwete, asi aiziva kuti Mwari akanga ari muna Eria. Ndiko kwaiva naMwari: mumuporofita Wake. Akati, “NaJehovha mupenyu uye nomweya wenyu mupenyu, handisi kuzokusiyai.”

Ndinokukokai kuti mubatane nesu uye muve imwe yemachechi eHama Branham pamusi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitiunzira Mharidzo: Nzvimbo Chete Yakapihwa naMwari Yokunamatira  65-1128M.

Hama Joseph Branham

25-0706 Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

PDF

BranhamTabernacle.org

Wadiwa Mwenga Ari paRunhare,
 
Nhasi, Mashoko aya akataurwa naMwari kubudikidza neMutumwa wake wechinomwe ari kuzadziswa nematiri, MWENGA WAJESU KRISTU.

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Takange tinavo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yechechi dzangu. 

Vakange vari mumachechi, mudzimba, muzvivakwazviduku, uye pama service station; vakapararira muUnited States yose, vachiteerera, vose panguva imwe cheteyo apo Shoko raiparidzwa. 
 
Uye nhasi, tichiri IMWE YEKEREKE DZAKE.  Iye ACHIRI MUFUNDISI WEDU. Shoko Rake HARIDI DUDZIRO, uye TICHIRI takaungana pasi rose, PARUNHARE, tichiteerera IZWI raMwari richikwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
Nhasi, Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei vakaita izvozvo kumashure uko? Sei vafundisi vakavhara makereke avo kuti vanzwe Mharidzo nguva iyoyo? Vangadai vakangomirira kuwana matepi, voparidza Mharidzo ivo pachavo kuvanhu vavo nguva yaitevera; uye ndine chokwadi kuti vazhinji vakange vasina Chizaruro vakaita izvozvo.
 
Kana kuti vamwe vakaudza vungano dzavo kuti, “Zvino teererai, tinotenda kuti Hama Branham muporofita waMwari, asi havana kutaura kuti tinofanira kuvateerera mumachechi edu. Ndini ndiri kuparidza musi uno weSvondo, uye musi weShondo wega: wanai matepi moteerera mudzimba dzenyu.
 
Mwenga nguva iyoyo, seMwenga zvino, waive neChizaruro, uye waida kuzvinzwira Inzwi raMwari pachavo. Vaida kubatana neMwenga munyika yose kuti vanzwe Inzwi raMwari paraiparidzwa. Vaida kuzivikanwa seimwe yemachechi ake, kana dzimba, kana kupi zvako kwavakanga vari, kubatanidzwa neShoko reNguva, Inzwi, uye zvino, matepi.
 
Nhasi Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei ivo/isu takaZviona uye vamwe vasingazvioni? Nekufanozivikanwa, takagadzwa kuti tione Izvi. Asi imi musina kugadzwa, hamufe makaZviona. Gorosi riri kuZviona uye ratotanga kubva pamakwande.
 
Hazvirevi kuti unofanira kurega kuenda kuchechi kwako. Uyewo hazvirevi kuti mufundisi wako anofanira kurega kushumira.  Zvinongoreva kuti shumiro zhinji nevafundisi vakanganwa CHINHU CHIKURUSA, uye havaudzI vanhu vavo kuti Inzwi RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa IZWI raMwari pamatepi.
 
Kuenda kuchechi zuva rega revhiki rega hazvikuite Mwenga; izvozvo hazvisizvo zvinodiwa naMwari.  VaFarisi nevaSadhusi vaiva nedzidziso iyoyo. Vaiziva vara rose reShoko rose, asi Shoko Benyu rakanga rakamira PAMBERI PAVO munyama, asi chii chavakaita? Zvimwe chete zvinoitwa nevazhinji nhasi.
 
Vachati, “ndiwo masangano aaitaura nezvawo.Vairamba kutendera hama Branham kuti vaparidze mumachechi avo, asi tinoparidza Shoko tichitaura zvaakataura.”
 
Izvo zvinoshamisa. Ishe ngavarumbidzwe. Ndizvo zvaunofanira kuita. Asi wozoti, nhasi zvasiyana, zvakaipa kuridza matepi eHama Branham muchechi menyu. Hauna kusiyana nevaFarise nevaSadhusi, kana masangano.
 
Uri munyengeri.
 
Sezvazvaiva panguva iyoyo, ndiJesu, akamira pamusuwo achigogodza, achiedza kupinda kuti ataure zvakananga kuChechi yaKe, uye havavhuri mikova yavo, uye havafi vakaridza matepi mumachechi avo. “Haasi kuzouya kuchechi kwedu kuzoparidza”.
 
Muvengi achazvimonyanisa nekuzvitenderedzamunzira dzakawanda sezvo anovenga kuburitswa pachena, asi zvakadaro, zviri kuratidzwa pamberi pemeso edu uye vazhinji vari kukwachuka.  

Pakutanga kwakanga kune” [Ungano inoti, “Shoko”— Ed.] “uye Shoko rakange riri kuna” [“Mwari,”] “uye Shoko rakange riri” [“Mwari.”] “Zvino Shoko rakaitwa nyama rikagara pakati pedu.” Ndizvo here? Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, nedzimwe vimbiso dzose idzi dzanhasi, dzaitwa nyama, dzigere pakati pedu, dzatakanzwa nenzeve dzedu; zvino tave kuMona(nemeso edu) achidudzira Shoko Rake Amene, hatidi dudziro yemunhu. O Kereke yaMwari mupenyu, pano neparunhare, Mukai nekukurumidza, nguva isati yapera!

Zarurai mwoyo yenyu munzwe Mwari zvaachangotaura kwamuri, imi makereke ake ose. Zvino tave kuMuona, nemeso edu, ACHIDUDZIRA SHOKO RAKE AMENE. Hatidi dudziro yemunhukwete!!  PEPUKAI NGUVA ISATI YAPERA!!

Takanzwa nezvezvinhu izvi hupenyu hwedu hwese zvaizoitika munguva yekupedzisira. Zvino tave kuzviona nemeso edu zvichiitika.
 
Akatiudza, kune NZIRA IMWE CHETE, NDIYO NZIRA YAKAPIWA NAMWARI KUMWENGA WAKE.UNOFANIRA KUGARA NE’ZWI RAMWARI PAMATAPI.
 
Ndinokoka pasi rose kuti riuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti tinzwe Nzira yakapiwa naMwari kuzuva rino. Ipapo newewo unogona kuti, “Ndakanzwa neZvenyu, asi zvino ndinoKuonai”.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndavekuona
 
Magwaro
 
Genesisi 17
Eksodho 14:13-16
Jobho chitsauko 14 uye 42:1-5
Amosi 3:7
Mako. 11:22-26 uye 14:3-9
Ruka 17:28-30

25-0629 Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

Mharidzo: 65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga waKristu,

Ngativunganei pamwe chete musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, kuzonzwa 65-1127B – Kuedza Kuitira Mwari Basa Asi Kusiri Kuda kwaMwari.
 
Hama Joseph Branham

25-0622 Mabasa Kuratidzwa KweKutenda

Mharidzo: 65-1126 Mabasa Kuratidzwa KweKutenda

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Shoko Rakaitwa Nyama.
 
Hareruya! Nzvimbo yekudyara yemwoyo yedu yakafanogadzirwa kubudikidza nokunzwa Shoko uye Zvakazarura kwatiri, kuti TIRI Mwenga wakachena waKristu; anokosha, akachena, mwanakomana waMwari asina chivi, akamira neMwenga Shoko wakachena, usina kusvibiswa, wakashambidzwa neMvura yeRopa Rake Amene.
 
Tave zvino Shoko rakaratidzwa rakaitwa nyama, kuti Jesu agotitora, uyo Waakafanotemera nyika isati yavambwa, muchifuva chaBaba.
 
Nyika inogona kuona kuratidzwa kweKutenda kwedu pamaitiro ataiita, uye tichiratidza kuti tine Chizaruro chechokwadi kubva kuna Mwari cheShoko raKe rakasimbiswa, uye hatityi. Hatina hanyanezvinotaurwa kana kutendwa nenyika yose… HATITYE. Kudzwanya nokuridza ndiyo nzira yakapihwa naMwari kuMwenga waJesu Kristu.
 
Kune vazhinji vanoti vanotenda Shoko iri renguva yekupedzisira, vanotenda kuti Mwari akatuma muporofita, vanotenda kuti William Marrion Branham aive ngirozi mutumwa wechinomwe, vanotenda kuti akataura ZVANZI NAJEHOVHA, asi HAVATENDI kuti Inzwi ndiro izwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa. Havatendi kuti akataura Mashoko asingashanduki. Havatendi mukuridza matepi mumakereke avo.
 
Zvinorevei izvozvo? ZVINOREVA KUTI HAZVISATI ZVAZARURWA KWAVARI!

Chizaruro. Akazvizarura kwauri nenyasha dzake. Hachisi chinhu chawakaita. Hauna kuzvishandira kuti utende. Wagara une kutenda, zvinopiwa kwauri nenyasha dzaMwari. Uye Mwari vanozviratidza kwauri, naizvozvo kutenda chizaruro. Uye Chechi yose yaMwari yakavakirwa pachizaruro.

NeKUTENDA zvakazarurwa kwatiri kuti Shoko reNguva iri Inzwi raMwari pamatepi, rakarekodhwa, uye rikachengetwa, kuti chive chikafu chekudya nekukwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
KUTENDA kusina kusvibiswa, kwechokwadi mune zvakataurwa naMwari kuti ndicho Chokwadi. Uye kwakadzika midzi mumwoyo yedu nemumunhu wedu wemukati uye hapana chinokubvisa ipapo. Kucharambira kuri ipapo kusvikira muporofita Wakeatisuma kuna Ishe wedu.
 
Hatigoni kuzvibatsira. Akatigadzirira kuti tigamuchire nokutenda Izvozvo nyika isati yavambwa. Aiziva kuti taizogamuchira Inzwi raKe muzera rino. Akafanotiziva uye nekutigadza kuti tigamuchire.

Zvino, mabasa ari kuitwa noMweya Mutsvene nhasi, nezviratidzo izvi zvisingakundike, vimbiso dzisingakundiki, zviratidzo zvose zvavaapostora zvakavimbiswa muBhaibheri, zvaMaraki 4, uye, o, Zvakazarurwa 10:7, zvose zviri kuzadzikiswa; uye zvichiratidzwa nesainzi, nedzimwe nzira dzose. Zvino deno ndisina kukuudzai Chokwadi, zvinhu izvi hazvaiitika. Asi kana ndakuudzai Chokwadi, zvinopupura kuti ndakakuudzai Chokwadi. Achiri mumwe chete, zuro, nhasi, nokusingaperi, uye kuratidzwa kweMweya Wake kuri kutora Mwenga. Rega Kutenda ikoko, chizaruro chiwire mumwoyo mako, kuti, “Ino ndiyo nguva.”

Ino ndiyo nguva. Iri Ndiro Shoko reNguva. Iri ndiro Inzwi raMwari riri kudana Mwenga waJesu Kristu. O Kereke, dai Ishe vagadzirira nzvimbo dzokudyaradzemwoyo yenyu kuti muve neKutenda uye nokuzarura kwamuri kuti kunzwa Inzwi iri, pamatepi, ndiko kuchakwanisa nekubatanidza Mwenga waJesu Kristu.
 
Ndinokukokai zvakare kuti muuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti mutore KUTENDA kwenyu kunzvimbo dzakakwirira, mugogara pamwe chete nesu munzvimbo dzokudenga apo tichanzwa Inzwi raMwari richiita kuti tigadzirire kuuya Kwake kuri pedyo, pedyo.
 
Hama Joseph Branham
 
Tinamatireiwo maringe ne svondo rinouya apo tichatanga musasa wedu wekutanga weStill Waters.
 
Mharidzo: Mabasa Kutenda Kuri Kuratidzwa 65-1126
 
Magwaro ekuverenga:
Genesi 15:5-6, 22:1-12
Mabasa 2:17
VaRoma 4:1-8, 8:28-34
VaEfeso 1:1-5
Jakobho 2:21-23
Johane 1:26, 6:44-46

25-0615 Kubatana Kusingaoneki KweMwenga WaKristu

Mharidzo: 65-1125 Kubatana Kusingaoneki KweMwenga WaKristu

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waMwari Wakasanangurwa
 
Hapana nzira yekuzvinzvenga nayo, muri Chizenga cheMweya chaMwari, chiratidzo chehunhu hwepfungwa Dzake, uye makange muri Maari nyika isati yavambwa.
 
Hatikwanisi kupfuurira mberi pane zvatiri, takafanana netsanga imwe chete yakapinda muvhu. Tiri Jesu mumwe chete, muchimiro cheMwenga, tiine simba rimwe chete, Chechi imwe chete, Shoko rimwe chete richirarama uye richigara matiri richiumbika kufanana nemusoro, TAGADZIRIRA KUBVUTWA.
 
Akatiudza kuti takapatsanurwa kubva pamuchato wedu wepakutanga, kubudikidza nerufu pamweya, uye zvino tazvarwa patsva, kana kuti taroorwa zvakare, pamuchato wedu mutsva wepaMweya.  Hapasisina hupenyu hwedu hwekare hwepanyama nezvinhu zvenyika, asi zveHupenyu Husingaperi. Chizenga chaive matiri pakutanga, chatiwanikidza.
 
Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti bhuku redu rakare raenda nemuchato wedu wekare, raendeswa kumwe. RAVE ZVINO mu“Bhuku Idzva” raMwari; kwete bhuku rehupenyu… kwete, kwete, kwete…asi muBhuku reHupenyu reGwayana.  Izvo zvakadzikinurwa neGwayana.  Ndiro gwaro redu remuchato uko Chizenga chedu cheZiendanakuenda chinobatirira.
 
Wagadzirira here? Hezvo zvouya. Chitanga zvino kuzvitswinya nekugadzirira kusheedzera neku danidzira uchiti kubwinya, hareruyah, Mwari ngavakudzwe, ipfuti inorowa kaviri nembumburu dzekudenga.
 
“Unoreva here kundiudza kuti bhuku rangu rakare nekukanganisa kwangu kwose, kukundika kwangu kwose …”
 
Mwari akazviisa mugungwa rekukanganwa, uye hauna kungoregererwa chete, asi wakaruramiswa….Kubwinya! “Kururamiswa”
 
Uye izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti hauna kutombozviita muMaziso aMwari.
 
Unomira wakakwana pamberi paMwari. KUBWINYA!  Jesu, Shoko, akatora nzvimbo yako. Akava iwe, kuti iwe, mutadzi ane tsvina, uve Iye, SHOKO. Isu tiri SHOKO.
 
Zvinotiita Chizenga chake chiduku chakatemerwa kubva pakutanga. Tiri Shoko riri kuuya pamusoro peShoko, peShoko, peShoko, peShoko, uye tiri kusvika pachimiro chakazara chaKristu kuti Auye kuzotitora kuti tive Mwenga wake.
 
Chii chiri kuitika ZVINO?
 
Ndiko Kubatana Kusingaoneki kweMwenga waKristu urikuvungana paShoko, kubva pasi rose.

Izvi zvinoenda kunyika yose. MuNew York, ikozvino yave 11:25. Kumusoro uko kuPhiladelphianenzvimbo dziri ikoko, vatsvene vanodikanwa vagere ikoko vachiteerera, iko zvino, mumachechiakapoteredza. Kumusoro, zasi nzvimbo dzeku Mexico, kumusoro uko kuCanada nekumativi ose, mhiri. Mamaira 200, chero mukati menyika yeNorth America kuno, zvinenge, vanhu vari pazviri, vachiteerera iko zvino. Zviuru zvakapetwa kazviuru, zvirikuteerera.
 
Uye ndiyo Mharidzo yangu kwamuri, Kereke, imi muri mumuchato, muchato wemweya neShoko,

Akati Waiva muchato wepamweya waKristu neKereke yake, uye Zviri KUITIKA IKOZVINO. Nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Takaratidzwa, uye takasimbiswa; zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, uye Zviri kuitika ikozvino, zuva nezuva mune mumwe nemumwe wedu.  
 
Mwari vachava ne Kereke yakachena.  Mwenga wake wechokwadi, wakatendeka, Shoko Mwenga. TISU MADZIMAI WAKASANANGURWA waIshe wedu Jesu Kristu.
 
Inguvai, Changamire?

Tine chizaruro mumazuva ano ekupedzisira, cheShoko raShe Mwari kuvunganidza Mwenga Wake pamwe chete. Hapana rimwe zera pazvakavimbiswa. Zvakavimbiswa muzera rino: Maraki 4, Ruka 17:30, Johane 14:12, Joere 2:38. Vimbiso idzodzo dzakangofanana naJohane Mubapatidzi paakazvizivisa muMagwaro.

Ndiani akazadzika magwaro aya?
 
Mutumwa wake mukuru wechinomwe, William Marrion Branham. Aigara achizviita achitevedzera muenzaniso. Akazviita nguva dzose achitevedzera muenzaniso. Anozviita zvakare muzuva redu, achidana nekuunganidza Mwenga wake wakachenamuzuva rekupedzisira kubudikidza nemuprofita Wake.
 
Inguva inobwinya sei iyoMwenga ari kuvanayo. Kuvungana kwega kunowedzera kukura nekukura uye kunaka nekunaka. Hakuna kumbova nenguva yakadai. Kupokana kwese kwanyangarika.
 
Huya ubatane nesu apo tichange tichinzwa Shoko rakavimbiswa rezuva redu richitaura, uye richitiudzakuti tiri vanaani uye nezvirikuitika muzuva redu.Kubatana Kusingaoneki kweMwenga waKristu 65-1125.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro:
Mateo 24:24
Ruka. 17:30 / 23:27-31
Johane 14:12
Mabasa 2:38
VaRoma 5:1/7:1-6
2 Timotio 2:14
1 Johani 2:15
Genesisi 4:16-17 / 25-26
Dhanieri 5:12
Joere 2:28
Maraki 4

25-0608 Mutungamiriri

Mharidzo: 62-1014E Mutungamiriri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Uri Kuvungana,

Zvino Mwari vagara vachitumira vatungamiriri Vake, Havasati vakambogara vasina mutungamiriri, mumazera ose. Mwari vakagara vane mumwe munhu aiVamiririrapanyika pano, mumazera ose.  

Mwari havaadi kuti tivimbe nekunzwisisa kwedu kana chero pfungwa dzevanhu. Ndiko saka Achitumira Mwenga Wake Mutungamiri; nokuti iye anonzwisisa mafambiro uye nezvaanofanira kuita. Mwari Havana KUMBOCHINJA hurongwa Hwavo.  Havana kumbotadza kutumira Mutungamiri kuvanhu Vake, asi iwe unofanira kugamuchira Mutungamiri iyeye.
 
Unofanira kutenda Shoko rose raAnotaura kubudikidza neMutungamiriri Wake. Unofanira kufamba nenzira iyo Mutungamiriri Wake anoti ufambe nayo. Kana ukatanga kuteerera uye nekutenda mamwe manzwi semutungamiririwako, ucharasika zvirokwazvo.
 
Johane 16 inoti Aive nezvinhu zvakawanda zvaaida kutiudza nekutizarurira, nokudaro aizotuma MweyaMutsvene Wake kuti Utitungamirire nekutiudza. Akati Mweya Mutsvene ndiye muporofita mutungamiri wezera rega rega. Naizvozvo, vaporofita vake vakatumwa kuzomiririra Mweya Mutsvene kuti vatungamirire Mwenga Wake.

Mweya Mutsvene unotumwa kuzotungamirira kereke, kwete boka revanhu. Mweya Mutsvene ndiwo hungwaru hwose. Vanhu vanosvika paku womarara, nekushaya hanya.

Haasi munhu, asi Mweya Mutsvene MUmunhu iyeye.  Munhu Waakasarudza kumumiririra uye kuvamutungamiri wedu wepanyika anotungamirwa neMutungamiriri wedu weKudenga. Shoko rinotiudza kuti tinofanira kutevera Mutungamiri iyeye. Zvisinei zvatinofunga, kana zvinonzwika sezvine musoro, kana zvinotaurwa nevamwe vanhu, isu hatifaniri kunge tichipatsanura izvozvo, mutungamiri ndiye chete.

Mwari vanotumira Mutungamiri, uye Mwari vanoda kuti urangarire kuti ndiye Mutungamiri Wake waakagadza.Munofanira kumurangarira iye.

Mutungamiri muporofita wedu wakagadzwa naMwari kuti ataure Shoko Rake. Shoko rake ISHOKO RAMWARI. Muporofita mutungamiri, uye iye oga, ane dudziro yeMweya yeShoko raMwari.  Mwari akataura Shoko rake kwaari muromo kunzeve. Saka, haugoni kupikisa, kushandura, kana kushandisa njere pa Shoko reMutungamiri wako.
 
Unofanira kuMutevera, uye Iye oga. Ukasadaro, unorasika. Rangarira, paunoMusiya, Mutungamiriakagadzwa naMwari, wave kufamaba wega, saka tinoda kugara pedyo nemutungamiri waAkasarudza, nekunzwa nekuteerera Shoko rose raAnotaura kuburikidza naye.
 
Mutungamiri wedu akatidzidzisa kuti testamende yekare yaive mumvuri wetestamende itsva.

Israeri payakabuda muIjipita kuenda kunyika yechipikirwa, muna Ekisodho 13:21, Mwari aiziva kuti vakange vasina kumbofamba nenzira iyoyo. Yakange yakareba mamaira 40 chete, asi zvakadaro vaida chimwe chinofamba navo. Vaizorasika munzira yavo. Saka Iye, Mwari, akavatumira Mutungamiri. Eksodo 13:21, sezvizvi, “Ndinotuma Mutumwa Wangu pamberi pako, Shongwe yeMoto, kuti ikuchengete munzira,” kuvatungamirira kunyika iyi yechipikirwa. Zvino vana veIsraeri vakatevera Mutungamiriiyeye, Shongwe yeMoto (usiku), Gore masikati. Payakamira, vakamira. Payaifamba, vaifamba. Zvino paAkavasvitsa pedyo nenyika, ivo vasati vakodzera kuyambuka, Akavatungamirira kudzokera murenje zvakare.

Akati ndiyo kereke nhasi. Tingadai takatoenda dai takangozvigadzirisa nekuzviisa panzvimbo, asi Akatozotitungamira achitipoteredza nekutipoteredza nekupoteredza.
 
Vaifanira kungotevera mutungamiri seKUTEVERA nokunzwa kubva kuShongwe yeMoto kwaiita. Aivaudza zvaitaurwa naMwari zvino ivo vaifanira kuteerera Shoko rose raaitaura. Akange ari Inzwi reMutungamiri. Asi vaibvunzurudza nekupikisana nemutungamiri akagadzwa waMwari, nokudaro vakadzengerera murenje kwemakore 40.
 
Pakange pane vashumiri vakawanda mumazuva aMosesi. Mwari akanga avagadza kuti vabatsire vanhu, sezvo Mosesi aisagona kuzviita zvose. Asi basa ravo raive rekudzosera vanhu kune zvakataurwa naMosesi. Bhaibheri harina charinotaura zvakataurwa nevarume ava, rinongotaura zvakataurwa naMosesi seShoko rekutungamirira vanhu.
 
Mwari pavakabvisa Mosesi panyika, Joshua akagadzwa kuti atungamirire vanhu, izvo zvinomiririra Mweya Mutsvene nhasi.

Joshua haana kuparidza chinhu chitsva, kana kuedza kutora nzvimbo yaMosesi, kana kuedza kududzira zvakataurwa nemutungamiri; aingoverenga zvakataurwa naMosesi ndokuudza vanhu, “Garai neShoko. Garai nezvakataurwa naMosesi”. Aingoverenga zvakataurwa naMosesi.
 
Mufananidzo wakakwana wakadii kuzuva ranhasi. Mwari vakasimbisa Mosesi neShongwe yeGore reMoto. Muporofita wedu akasimbiswa neShongwe yeMoto imwe cheteyo. Mashoko akataurwa naMosesi rakanga riri Shoko raMwari uye rikaiswa muAreka. Muprofita waMwari wakataura muzuva redu uye Shoko rake rakaiswa pamatepi.
 
Mosesi paakabviswa panyika, Joshua akagadzwa kuti atungamirire vanhu nokuchengeta Mashoko akataurwa naMosesi pamberi pavo. Akavaudza kuti vatende uye vagare neShoko rose raitaurwa nenhungamiri yaMwari.
 
Joshua aigara achiverenga zvakanyorwa naMosesi Shoko neShoko kubva muzvinyorwa. Aiisa Shoko pamberi pavo nguva dzose. Shoko renguva yedu harina kunyorwa, asi raka rekodwa kuti Mweya Mutsvene agone kuita kuti Mwenga Wake anzwe Shoko neShoko zvaAkataura, kubudikidza neKudzvanya noKuridza.
 
Mwari haashanduri hurongwa hwaKe. Ndiye Mutungamiri wedu. Inzwi Rake ndiro riri kutungamira nekubatanidza Mwenga wake nhasi. Tinongoda chete kunzwa Inzwi reMutungamiriri wedu paRinotitungamirira neShongwe yeMoto. Ndiko kubatana kusingaoneki kweMwenga waKristu. Tinoziva Inzwi Rake.
 
Kana mutungamiri wedu auya papurupiti, Mweya Mutsvene unomuzodza, ipapo Anonga asisiri iye, asi Mutungamiri wedu. Anosimudza musoro wake mudenga achidanidzira, “Zvanzi naJehovha, Zvanzi naJehovha, zvanzi naJehovha!” Uye nhengo yese yeMwenga waKristu pasi rose inobva yauya kwaari. Sei? TINOZIVA MUTUNGAMIRI WEDU MATAURIRO AANOITA.

Mutungamiriri Wedu = Shoko
Shoko = Rinouya kumuporofita
Muporofita = Mududziri weMweya chete waMwari;Mutungamiri wake wepanyika.

Garai kuseri kweShoko! Oo, hongu, changamire! Gara neMutungamiri uyo. Gara kuseri Kwaro. Usaende mberi Kwaro, iwe gara kuseri Kwaro. Rega Rikutungamirire, usaRitungamirira. Siya rakadaro.

Kana usingade kurasika, huya uteerere kuMutungamiri wedu paAnotaura kubudikidza nemutungamiri wake wepanyika waakagadza musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo:  
62-1014E – Mutungamiri
 
Magwaro:
Mako 16:15-18
Johani 1:1/16:7-15
Mabasa 2:38
VaEfeso 4:11-13 / 4:30
VaHebheru 4:12
2 Petro 1:21
Ekisodho 13:21

25-0601 Chimiro Chemunhu Wakakwana

Mharidzo: 62-1014M Chimiro Chemunhu Wakakwana

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mifananidzo Mipenyu
 
Inzwi ratiri kunzwa pamatepi iUrimi neTumimi yaMwari kuMwenga wake. Iko zvino rabatanidza Mwenga Wakepamwe chete mumwoyo mumwe nokuwirirana kumwe kuti ive kereke chaiyo yakazadzwa noMweya, izere nesimba raMwari, igere pamwe chete munzvimbo dzeKudenga, ichipa zvipiriso zvepamweya, rumbidzo dzaMwari, noMweya Mutsvene uchifamba pakati pedu.
 
Kristu akatitumira Mweya Mutsvene Wake kuti utaure kubudikidza nomutumwa wake wechinomwe kuti utivake dungamunhu muchimiro chaJesu Kristu, kuti tive imba yesimba nenzvimbo yohugaro hwe Mweya Mutsvene, kubudikidza neShoko Rake.
 
Tiri vadyi venhaka kuzvinhu zvose. Ipfuma yedu pachedu, NDEZVEDU. Chipo chaMwari kwatiri, uye hapana anogona kuchitora kubva kwatiri. NDECHEDU.

“Zvamunokumbira Baba muzita rangu, ndizvo zvandichaita.” Ndiani angaramba chinhu ipapo? “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana ukati kugomo iri, ‘Ibva,’ usakapokana mumwoyo mako asi uchitenda kuti zvawataura zvichaitika, zvose zvawataura unogona kuvanazvo.” Zvipikirwa zvakadii! Hazvingogumiri pakupodzwa chete, asi kune chero.

Mwari ngavakudzwe…CHOSE CHATINOKUMBIRA!
 
Kubvira pakutanga kwenguva, zvisikwa zvose zvaMwari zvange zvichigomera uye zvakamirira zuva iro apo vanakomana vaMwari vakakwana pavacharatidzwa. Zuva iroro rasvika. Nhasi ndiro zuva racho. Ino ndiyo nguva yacho. TISU vanakomana nevanasikana vaMwari vacho vari kuratidzwa.
 
TIRI midziyo mipenyu yaMwari yaari kufamba mairi, yaari kuona mairi, yaari kutaura mairi, yaari kushanda mairi. NdiMwari, ari kufamba netsoka mbiri, MATIRI.
 
Tiri tsamba Dzake dzakanyorwa dzinoverengwa nevanhu vose. Vakasanangurwa, vakatemerwa, vanakomana nevanasikana vakagadzwa humwana vaari kuumba kava munhu mupenyu, mufananidzo mupenyu, chimiro chomunhu akakwana.

Kuzviwisira pamberi paMwari mupenyu, simba rinorarama, ruzivo runorarama, mwoyo murefu unorarama, humwari hunorarama, Simba rinorarama rinobva kuna Mwari mupenyu, rinoita kuti munhu mupenyu ave mufananidzo mupenyu muchimiro chaMwari.

NdiKristu, mumunhu weMweya Mutsvene ari pamusoro pedu, nerubhabhatidzo rwechokwadi rweMweya MutsveneWake, nehunaku Hwake hwose hwakasimbiswa matiri. Mwari, achigara matiri muTabernakeri inonzi Chivakwa. Tabernakeri mhenyu, yehugaro hwaMwari mupenyu; Chechi yakakwana, kuti Dombo Repamusoro rakakwana rigare pamusoro pedu.
 
Mwari akatuma muprofita kuzodana uye nekutungamirira Mwenga wake. Akange ari Adhamu Wake wokutanga akadzorerwa zvizere, chimiro chomunhu akakwana muzuva redu, kuti azarure Shoko Rake kuMwenga Wake.
 
Handigoni kubva ipapo. Hapana chingandibvisa. Handinei nezvinotaurwa nemunhu; hazvindizunguzi kana padiki. Ndichagara ipapo.  
 
Ndichamirira, kumirira, kumirira, kumirira. Hapana mutsauko. Zvinogara ipapo. Zvino, nerimwe zuva, ndichashevedzera nevamwe vatsvene vose muhumwe: “Takazorora nekugutsikana paShoko rose! Zvino IMI muchatiisa ISU kwaAri. Ipapo tichadzokera panyika zvakare, kuti tirarame nokusingaperi.”

Ndinotsidza, mangwanani ano, Kwaari, nomwoyo wangu wose, kuti, nerubatsiro Rwake uye nenyasha Dzake, ndinonamata kuti ndichatsvaka zuva nezuva, ndisingaregi, kusvikira ndanzwa chimwe nechimwe chezvinodikanwa izvi chichiyerera muchimiro changu chakare ichi, kusvikira ini ndave kuratidzwa kwaKristu mupenyu.

KWANDIRI, kuteerera Inzwi raMwari pamatepi chirongwa chaMwari chanhasi. Ndiro Shoko benyu raJesu Kristu. Ndiyo Mhedziso yangu maringe neShoko raMwari. Ndiyo nzira yakapiwa naMwari kuzuva ranhasi.
 
Naizvozvo, ndinoda kukukoka kuti ubatane neni musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville,  pandichange ndichiteerera kuna William Marrion Branham, wandinotenda kuti Inzwi raMwari rezuva redu, achidzidzisa Mwenga waKristu kuti ungasvika sei pa: Chimiro Chemhunhu Wakakwana 62-1014M.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Mateo 5:48
Ruka 6:19
Johani 1:1 / 3:3 / 3:16 / 5:14 / 14:12
Mabasa. 2:38 / 7:44–49 / 10th Chitsauko / 19:11 / 28:19
VaEfeso 4:11-13
VaKorose 3rd Chitsauko
VaHebheru 10:5/ 11:1/11:32-40
Jakobho 5:14
2 Petro 1: 1-7
Isaya 28:19

25-0525 Kugadzwa #4

Mharidzo: 60-0522E Kugadzwa #4

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Avo Vakatendeuka,
 
Patino Dzwanya Nokuridza, tiri kuteerera kuIzwi raMwari risingakundiki. Shoko rose iChokwadi, chikamu chose Charo. Takadanwa nokuchengetedzwa, takazadzwa nokuiswa padivi; takazadzwa noMweya Mutsvene, uye zvino tatove muNyika yeKenani. Hapana chinhu chatinotya … HAPANA, tinoziva kuti tiri vanaani.
 
Nokuti takagara neShoko Rake, sezvo akatirayira kuti tiite, achatiudza kuti akatisiyira nhaka.  Makazviita rinhi Baba? Pandakakusarudzai ndikaisa mazita enyu muBhuku reHupenyu reGwayana nyika isati yavambwa.
 
Pakasvika kuzara kwenguva, ndakatumira Jesu Gwayana, Uyo akauraiwa kubva pakuvambwa kwenyika, kuti mugamuchire nhaka yenyu kuti muve vanakomana nevanasikana Vangu, vamwari vaduku.
 
Ndaifanira kukuwongororai kuti ndione kuti hamuna pari kugwedagweda here uye kuti hapana nzvimbo dzisina kunyatso batana here mamuri ndisati ndakugadzai.

  • “Unotenda here kuti kuridza Inzwi Rangu pamatepi muchechi kwakaipa?”
  • “Hongu, haufaniri kuridza matepi muchechi.”
  •  “Une mhoswa. Uchiri kugwedagweda.
  • “Unotenda here kuti Shoko raNgu riri pamatepi rinoda kududzirwa?”
  • “Hongu, Rinoda mumwe munhu anoritsanangura.”
  • “Uchiri kugwedagweda. Kandirwa kunze. Hausati wakwana.”

Kana wakwana, uchati, “Ameni” kuShoko rose.

  • “Unotenda here kuti Ini ndini mumwe chete zuro, nhasi uye nokusingaperi?”
  • “Ameni.”
  • “Unotenda here kuti Inzwi Rangu pamatepi ndiro INZWI RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa?”
  • “Ameni.”
  • “Unotenda here kuti Inzwi raNgu pamatepi richabatanidza Mwenga?”
  • “Ameni”
  • “Unotenda here kuti ngirozi Yangu ine simba ichakusumai kwaNdiri?”
  • “Ameni”

Wave kubatana zvakanaka zvino. Ndakunzvera maringe nekugwedagweda kwako uye kuti hapana nzvimbo dzisina kunyatso batana here mauri.Ndagadzirira kuvhara mukova. Ndichaisa Chisimbiso Changu pauri. Wabudirira pakunzvera kwangu.
 
Zvino rega ndikuudzei chimwe chinhu, VadikanwaVangu vanhu vanokosha munyika dzematepi; imi muri pano munyika ino nevari mhiri kwemakungwa uye chero kwamunenge muri, musatya. Zvose zvakaringana. Ndakakuzivai nyika isati yavambwa. Ndaiziva zvose zvaizoitika.
 
Ndiri kuuya kuzokutorai nokukurumidza uye ndichikuendesai kuNzvimbo isina rufu, isina kusuwa, isina godo, isina chimwe chinhu; asi runako rwakanakisisa, rudo rwakakwana.
 
Kusvikira nguva iyoyo, usakanganwa, ndinokupa Shoko Rangu, URI SHOKO RANGU rakaitwa nyama. Kana une CHINHU CHAUNODA, Chitaure, uye Chitende; Ndiyo nhaka yako.
 
Ndichatumira Inzwi Rangu kwauri zvakare musi uno weSvondo ndigoritsanangura rose kwauri. Ndichakuudza zvakare kuti iwe ndiwe ani, kwauri kuenda, uye kuti zvakaita sei ikoko, izvezvi.
 
Huya ubatane neMwenga Wangu pandichaita kuti vagare pamwe chete munzvimbo dzeKudenga musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye Mundinzwe ndichikugadzai panzvimbo neShoko Rangu 60-0522E Kugadzwa Humwana #4
   
Hama Joseph Branham

25-0518 Kugadzwa #3

Mharidzo: 60-0522M Kugadzwa #3

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mhandara Yakachena

Patinodzvanya Nokuridza, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ihoko kumunhu wedu wemukati, itariro nehugaro hwedu, iDombo raRakare, izvose zvakanaka, iNzira yakapihwa naMwari kuzuva rino.

Nokuti tino Dzvanya Nokuridza, Inzwi raMwari ratidananisa: rativimbisa kuna Kristu; seMhandara Yakachena kuShoko Rake. Tine Mudzidzisi Mumwe chete, Inzwi Rimwe, muporofita Mumwe, ari kutitungamirira noMweya Mutsvene.

Asi iyi ndiyo kereke, ndiri kukudzidzisai. Izvi zvinoenda pamatepi. Ndinoda kuti vanhu vanoteerera matepi varangarire kuti izvi ndezve kuchechi yangu.

Kusimbiswa kwakadii kwatiri kuti tiri muKuda Kwake kwakakwana. Matepi ndeechechi yake. Ari kutidzidzisa. Ari kutiudza, teererai matepi.

Akatanga mharidzo idzi dzakateedzana dzeKugadzwa Humwana achitiudza zvakangezvaitika mazuva mashoma akange apfuura. Zvino, paMharidzo yega, anotaura nezvenguva apo akashandurwa. Zvinofanira kuve zvakakosha sei kuti Mwenga anzwe zvakaitika uye nezvakataurwa neMwenga kwaari.

Muporofita wedu achatongwa neShoko raakaparidza raakasiya pamatepi. Mwenga kune rumwe rutivi akamuudza kuti aizogamuchirwa naShe wedu. Ipapo achatiisa kwaAri sezvibereko zvehushumiri hwake, tobva tadzokera panyika zvakare kuti tirarame nokusingaperi.

Shoko rega rega ratinonzwa chimedu chedombo rinokosha. Tinoramba tichichikoronzveranekuchikoronzvera paanozarura zvakawanda uye tichi verenga pakati pemitsetse.

Tinofara sei kugoverana nehama nehanzvadzi dzedu tichiti, “Mazvinzwa here izvi?”

“Akatisarudza maAri nyika isati yavepo”? Ndiyo nhaka yedu. Mwari vakatisarudza, uye vakatendera Jesu kuti auye kuzobhadhara muripo. Kuti chii? Kudeura Kwake kweRopa Rake, kuti pasave nechivi chinoverengerwa kwatiri. Hachisi chinhu chaunogana kuita.

Zvino, mushure meizvozvo, wakabata here chinhu ichi?

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe.” Wakaisa maziso ako kuKarivhari, uye hapana chichakumisa! Mafambiro chaiwo ehupenyu hwako, uri kufamba uchidzika neMugwagwa Mukuru waMambo, wakazodzwa neMafuta anokosha ekuzodza, uchipinda muNzvimbo Tsvene-tsvene. Whew! Ameni.

Takange takaita setsvimbo yaAroni, chimuti chakaoma chaakafamba nacho kwemakore makumi mana murenje.  Asi zvino, nokuti tirimuNzvimbo Tsvene iyi nokunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri pamatepi, takabukira uye tavane maruva, tizere noMweya Wake Mutsvene, uye tiri Mwenga Wake tichidanidzira neruzha rukuru chaizvo:

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, matepi ndochinhu chekutanga mumwoyo yedu.  

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, Iye akatisarudza nyika isati yavambwa.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, tiri Mwenga waJesu Kristu.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, hapana mutsauko wazvinoita kuti mumwe munhu atikudini, hatisi kubvisa matepi, tiri kutowedzera kuridza akawanda.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, meso edu akatarira kuCalvary, uye hapana chichatimisa.

Ndinofara kubatana mumwoyo nevazhinji pano vanoziva kuti Iri iShoko raMwari risingakundiki. Zvino Iro, Shoko rose iChokwadi, Shoko rose Zvaro, chikamu chose Charo. Uye nenyasha dzaMwari, takaropafadzwa kuona Nyika, iyo nerimwe zuva tichaenda kwairi.

Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo muporofita achatora Shoko rose achiramba achirikoronzvera. Achatiendesa kuna Genesisi achirikoronzvera, oenda naro kuna Eksodo uye achirikoronzverazvakare, uye zvakare kusvika kuna Zvakazarurwa; uye Rose zvaro NdiJesu!

Hama Joseph Branham

Mharidzo:

Kugadzwa Humwana #3 60-0522M

Magwaro:

Mateu 28:19

Johani 17:7-19

Mabasa 9:1-6, Zvitsauko 18 ne19

VaRoma 8:14-19

1 VaKorinte 12:12-13

VaGaratia 1:8-18

VaEfeso Chitsauko 1

VaHebheru 6:4-6, 9:11-12

25-0511 Kugadzwa #2

Mharidzo: 60-0518 Kugadzwa #2

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Hupirisita hweHumambo,
 
Munhu wese ngaarume chigunwe, ngaatswinye munhu womukati, ngaatokonye moyo wake. Nhasi, Mwenga waJesu Kristu uri kudanidzira:
 
Nhasi, chiporofita ichi chazadzikiswa pamberi pemeso edu.

Ndinotenda kuti, rimwe remazuva aya anobwinya, apo mubatanidzwa wemachechi uyu wakabatana, uye papa mutsva achiuunzwa kubva kuUnited States oiswa apo maringe nechiporofita, zvino ipapo vachaumba mufananidzo wakafanana nechikara.

Inzwi remuporofita waMwari rakaZvitaura musi wa19 December, 1954, uye mushure memwedzi mipfumbamwe, Robert Prevost, uyo ava kuzivikanwa saPope Leo XIV, akaberekwa. Iye zvino ndiye ave papa mutsva weRoma. “Zvanzi naJehovha” yazadzikiswa.
 
Muna May musi wa 7, 1946, MWARI vakaisa muporofita wavo kunzvimbo inonzi Green’s Mill, Indiana, kuti vamupe basa rake uye kuti azivise pasi rose, kuti ndiye mutumwa Wangu mukuru wechinomwe, Inzwi Rangu kunyika. Munzwei Iye.

Mutumwa waJehovah paakasangana neni kunze uko kuGreen’s Mill, Indiana, makore masere apfuura, kubva ndichiri mudiki, achinditevera, achiratidza zviratidzo, pandakaenda kwaAri, Akati, “Kana ukaperera, ukaita kuti vanhu vakutende, hapana chingamira pamberi pemunamato.”

William Marrion Branham inzwi rakasarudzwa raMwari kunyika. Muprofita ane simba uyo kunouya Shoko raMwari. Maringe neShoko, ndiye CHETE mududziri weMweya weShoko raMwari.
 
Akasimbiswa naMwari pachaKe, neShongwe yeGore reMoto.
 
Musi wa May 7, 2025, SATAN akaisa Boka rake rema Cardinals muSistine Chapel kuRome kuti vasarudze Mumiriri waKristu wavo, kuti vazadzise Zvanzi naJehovah.
 
Akasimbiswa nevanhu uye NEUTSI UCHENA HWAIPFAKUKA
 
Mwenga waKristu pasi rose uri kufara, kupururudza, kudanidzira, nekurumbidza Ishe patiri kunzwa, uye nokuona nemaziso edu, chiporofita chemuprofita chichizadzikiswa.
 
Zvinoita sokunge tiri kuona Gungwa Dzvuku richivhurika pamberi pameso edu. Manna Itsva ichidonha kubva kudenga. Mamirioni ezvihuta kuitira chikafukuMwenga. Mvura ichibuda kubva muDombo. Moto uchiburuka pasi nekupisa chibayiro chaEria.
 
Chiporofita chiri kuzadzikiswa zuva nezuva. Shoko raMwari rakavimbiswa riri kuratidzwa muhupenyu hwedu. Zvinhu zviri kuitika kwose kwakatipoteredza. Mwenga Azvigadzirira nokunzwa nokutenda Shoko. Isu tisu Shoko rakaitwa nyama.
 
Zvirokwazvo tasvika. Nguva yave pedyo. Mwenga uri kufara uye nekubatana pamwechete pasi rose zvisina kumboitikakare. Muporofita arikusimbisa Mwenga nekutiudza kuti tiri hupirisita hwehumambo hwaMwari, rudzi rutsvene, vanhu vasinganzwisisike, avo vakadanwa, vakasarudzwa, vakasanangurwa, uye vakatsaurwa.
 
ZVINO TAVE Vanakomana neVanasikana vaMwari, tichitungamirirwa noMweya waMwari; kwete nomunhu, asi noMweya. Tinoziva, pasina kana mumvuri wekupokana, TIRI MWENGA WAKE. KUTENDA kwedu kuri kusimukira zuva nezuva. Hapana chingatimisa kana kutinonotsa, Mwari vakazvizarura uye nekuzvisimbisa mumwoyo nemumunhu wedu wemukati.
 
Mwenga wanyatso cherechedza zvakazara zvino kuti tiri vanaani. Tiri muNyika yedu yechipikirwa yemweya, zvinhu zvose zviri mumawoko edu. Tine rugare rweKudenga, maropafadzo eKudenga, Mweya weKudenga.  ZVINHU ZVOSE NDEZEDU. Tave  kungogadzirira zvaAchatipa zvinotevera.
 
 
Hwamanda yaShe icharira, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.
Mitumbi iyi yekudenga ichaburuka pasi uye ichapfeka mitumbi yakabwinyiswa yepasi, yoshandurwa kamwe, mukubwaira kweziso.  Tichatorwa pamwe chete navo, kuti tisangane naShe muchadenga.
 
Izuva rakadii. Inguva yakadii. Hapana nzira yekuti nditaure nemazwi evanhu zvatiri kunzwa tese mumweya yedu. Mwoyo yedu iri kutakwaira. Handisu tiri kuita kuti zviitike, Mweya Mutsvene wakafanana nechitubu chino kutubuka mukati medu. Mwenga wanga wakamirira nguva iyi kubva pamazuva aAdama…UYE TAVE PANO ZVINO.
 
Tinokugamuchirai. Tinokukokai. Tinokugombedzerai. Huya ubatane nesu kuitira nguva yakanakisisa isati yakambozivikanwa nenyika, patichanzwa Inzwi raMwari richizarura Shoko Rakekwatiri musi uno weSvondo na12:00masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 60-0518 Kugadzwa Humwana #2.
 
Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
 
Genesisi 1:26
VaEfeso Chitsauko Chekutanga
VaRoma 8:19
VaGaratia 1:6-9
VaHebheru Chitsauko chechitanhatu
Johani 1:17