All posts by admin5

25-0803 Zvinhu Zvichazovapo

Mharidzo: 65-1205 Zvinhu Zvichazovapo

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Zvizenga zvaMwari
 
Shoko rimwe nerimwe rakataurwa muShoko rino reNguvaitsamba yerudo kuMwenga wake. Kufunga kuti Baba vedu voKudenga vanotida zvikuru kwazvo, zvokuti Havasati vachingoda bedzi kuti tiverenge Shoko Ravo, asi vaida kuti tinzwe Inzwi Ravo richitaura kumwoyo yedu kuti Vagotiudza kuti: “Ndimi chirevo changu chipenyu, chizenga changu chipenyu, chandinogona kuratidza kunyika.”
 
Zvino kufunga kuti mushure mekuzvipira kwose kwaakaita pano panyika, hupenyu hwaAkararama, nzira yaAkafamba, Akangokumbira chinhu chimwe chete:

“Kuti pandinenge ndiri, naivo vavepowo.” Akakumbira kuyanana kwedu, ndicho chinhu chega chaakakumbira Baba mumunamato, hushamwari hwako nayenokusingaperi.”

Kwandinenge ndiri, “Shoko raKe,” ndiko kwatinofanira kunge tiri, kuti tigamuchire kuyanana Naye, hushamwari naye, nokusingaperi. Naizvozvo, tinofanira kurarama neShoko rose raakataura kwatiri pamatepi kuti tiveMhandara Shoko Mwenga Wake, ndizvo zvinotiita chikamu cheChikomba.
 
Ndicho CHIZARURO chaJesu Kristu munguva ino. Kwete zvaAiva pane imwe nguva, zvaAri NHASI. Shoko ranhasi. Mwari pavari nhasi. Ndicho Chizaruro chanhasi. Iko zvino chirikukura muMwenga, chichitisvitsa muchimiro chakazara chevanakomana nevanasika.

Tinozviona tiri muShoko ravo. Tinoziva kuti tiri vanaani. Tinoziva kuti tiri muchirongwa Chake. Iyi ndiyo Nzira yakapiwa naMwari kuzuva ranhasi. Tinoziva kuti Kubvutwa kwave pedyo. Nenguva isipi vadiwa vedu vachaonekwa. Ipapo tichaziva: Kuti tasvika.  Tose tiri kuenda Kudenga…hongu, Kudenga, nzvimbo chaiyo inobatika seino.

Tiri kuenda kunzvimbo chaiyo kwatichaita zvinhu, kwatichagara. Tichange tichishanda. Tichinakidzwa. Tichararama. Tiri kuenda kuHupenyu, kuHupenyu Husingaperi chaihwo. Tiri kuenda kuDenga, kuparadhiso. Sekushanda kwaiita Adhama naEvha, nokurarama, nokudya, nokunakidzwa, mubindu reEdheni chivi chisati chapinda, tiri munzira yedu kudzokera ikoko zvakare, iko chaiko, kudzoka chaiko. Adamu wekutanga, kubudikidza nechivi, akatibudisa kunze. Adamu Wechipiri, kubudikidza nekururama, anotidzosa mukati zvakare; anotiruramisa uye otidzosera mukati.

Mumwe munhu angaise mamwe mashoko sei, ekuti izvi zvinorevei kwatiri? Mazvirikwazvo ekuti tiri kuenda kuparadhiso kwatichagara pamwechete nokusingaperi. Hapasisina kusuwa, kurwadziwa kana kusuwa, runakisiso pamusoro perunakisiso.
 
Mwoyo yedu iri kufara, mweya yedu iri kubvira mukati medu. Satani ari kuwedzera kumanikidzwa patiri zuva nezuva, asi tinongoramba tichifara. Sei:

  • TINOZIVA, KUTI TIRI VANA AANI.
  • TINOZIVA, HATINA, UYE HATISIKUZOMUKUNDIKA.
  • TINOZIVA, TIRI MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA.
  • TINOZIVA, AKATIPA CHIZARURO CHECHOKWADI CHESHOKO RAKE.

Hama Joseph, munonyora zvimwechetezvo svondo rega. KUBWINYA, ndichazvinyora svondo rega nokuti Anoda kuti uzive kuti anokuda sei. Kuti iwe uriani. Kuti uri kuenda kupi. Mumvuri wave kuva chinhu chinobatika. Uri Shoko rave kuva Shoko.

Mudiwa pasi rose, huyai mubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, parunhare, kwete nokuti “ini” ndinokukokai, asi nokuti “IYE” anokukokai.  Kwete nokuti “ini” ndasarudza tepi, asi kuti tinzwe Shoko nechikamu cheMwenga pasi rose panguva imwe chete.

Tingacherechedza here kuti zvinogoneka kuti Mwenga anzwe Inzwi raMwari pasi rose, vose panguva imwe chetechaiyo? Zvinogoneka chete nokuda kwaMwari. Mwari vakaita kuti muprofita azviite mutumwa wake achiri panyika. Akakurudzira Mwenga kuti vabatane mumunamato, VOSE PANGUVA IMWEYO YEJEFFERSONVILLE, 9:00, 12;00, 3:00; zvakakura sei zvino, kuti Mwenga anogona kubatana seCHINHU CHIMWE kuti anzwe Inzwi raMwari richitaura kwavari vose panguva imwe chete?

Hama Joseph Branham

Mharidzo: Zvinhu Zvinofanira Kuitika 65-1205
 
Magwaro:    
Mateo 22:1-14    
Johane 14:1-7
VaHebheru 7:1-10

25-0727 Kubvutwa

Mharidzo: 65-1204 Kubvutwa

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Usina Zvirango
 
Ishe vakatipa nguva yakanaka kwazvo paCampyakaitwa svondo rapfuura apo vaizarura Shoko ravo kwatiri. Vakaratidza, neShoko Ravo, kuti Mhedziso yedu ndeiyi: Shoko Ravo, Shoko reNguva irori, Inzwi raMwari pamatepi; zvose chinhu chimwe, Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. 
 
Takanzwa kuti dhiyabhorosi anoedza sei kupatsanura Shoko kubva kumutumwa, asi Ishe Jesu ngavarumbidzwe, Mwari pachake akataura nemutumwa wake mukuru akatiudza:

Tinoona kuti kana munhu akauya, akatumwa kubva kuna Mwari, akagadzwa naMwari, aine ZVANZI NAJEHOVHA yechokwadi, Shokonemutumwa chinhu chimwe chete. Nokuti akatumwa kuzomiririra ZVANZI NAJEHOVHA, Shoko neShoko, saka iye neShoko rake chinhuchimwe chete.

Haukwanise kupatsanura Shoko kubva kumutumwa, zvimwe chete, ZVANZI NAJEHOVHA. Hazvinei kuti muzodziwa upi wenhema anoti kudii, Mwari vakati zvakafanana uye hazvigone kupatsanurwa.
 
Zvino Akatiudza kuti hatidi sefa kuti tibate zvimbuyu kana tichiteerera kumatepi, nokuti hamuna zvimbuyu kana muto wezvimbuyumuShoko reNguva rino. Chitubu Chake chinoyerera mvura yakanaka yakachena nguva dzose. Chinotubuka nguva dzose, hachiperi mvura, chinogara chichi pfachuka nekupfachukachichitipa Chizaruro chakavedzerwa che Shoko Rake.
 
Akatiyeuchidza kuti TIREGE KUKANGANWA kuti sungano yake nesu Hairambike, Haina Hurukuro, asi kupfuura zvose, haina Zvirango.
 
Rungave rudo, kutsigira, kana kuzvipira, kana chinhu chichinzi hachina zvirango zvinoreva kuti NDIZVO ZVAZVIRI uye hachisi pasi pezvirango kana mimwe mitemo: zvichaitika saizvozvo zvisinei nezvimwe zvichaitika. 
 
Zvino akada kurovera mbambo ipapo, saka akatiudza kuti nhasi Magwaro Ake ari kuzadziswa pamberi pemeso edu.

Z-u-v-a rimwe chete rinosimuka kumabvazuva ndiro rimwe chete z-u-v-a rinodoka kumadokero. Uye Mwana-Komana mumwe chete waMwari akauya kumabvazuva akazviratidza saMwari munyama, ndiye Mwana-Komana waMwari mumwe chete kumadokero kuno, ari kuZviratidza pakati pekereke manheru ano, mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Chiedza chemanheru cheMwanakomana chauya. Nhasi Rugwaro urwu rwazadzikiswa pamberi pedu.

Mwanakomana woMunhu auya zvakare ari munyama yemunhu muzuva redu, sokuvimbisa kwaAkaita kuti Achaita, kuzodaidza Mwenga. NdiJesu Kristu ari kutaura zvakananga kwatiri, uye hazvidi dudziro yemunhu. Chatinongoda, chatinoda, Inzwi raMwari rinotaura pamatepi richibva kuna Mwari pachaKe.

Chizaruro chekuratidzwa kweShoko chirikuitwa mazvirokwazvo. Uye tiri kurarama muzuva iroro; Mwari ngavarumbidzwe; chizaruro chechakavanzika Chake Iye.

Inguva inobwinya sei iyo Mwenga ari kuva nayo, agere muHupo hweMwanakomana, achiibva. Gorosi radzokera kugorosi zvakare, uye hapana mbiriso pakati pedu. Inzwi rakachena raMwari rinongotaura kwatiri, richitiumba nokutiita mumufananidzo waKristu, Shoko.
 
Tiri vanakomana nevanasikana vaMwari, chizenga chake chaAkafanotemera kuti chiuyemuchizvarwa chino, zera gurusa munhoroondo yenyika.  Aiziva kuti hataizokundika, kana kurerutsa, asi taizova Mwenga waKe weShokowechokwadi uye wakatendeka, Mbeu YakeyaAbrahama Yepamusoro yeHumambo yaizouya. 
 
Kubvutwa kwave pedyo. Nguva yasvika pakuguma. Ari kuvinga Mwenga waKe akazvigadzirira uyo agere muHupo hweMwanakomana, achinzwa Inzwi raKe richishongedza Mwenga wake. Nenguva isipi tichatanga kuona vadikanwi vedu vari kunze kwechidzitiro chenguva, avo vakamirira uye varikushuva kuva nesu.
 
Matepi ndiyo nzira yakapiwa naMwari yekukwanisa Mwenga wake. Matepi aya ndicho chinhu chete chichabatanidza Mwenga wake. Matepi aya ndiro Inzwi raMwari kuMwenga wake.
 
Ndinokukokai kuti muuye kuzobatana nesu, chikamu cheMwenga waKe, musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo patichanzwa zvose pamusoro pezviri kuda kuitika munguva pfupi iri kutevera: Kubvutwa 65-1204.
 
Hama Joseph Branham

25-0720 PaMapapiro ENjiva Chena Sechando

Mharidzo: 65-1128E PaMapapiro ENjiva Chena Sechando

PDF

BranhamTabernacle.org

 Vadiwa Mwenga waKristu
 
Ngativunganei pamwe chete musi uno weShondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, kuti tinzwe 65-1128E Pamapapiro eNjiva Yakachena seChando.
 
Hama Joseph Branham

25-0713 Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-1128M Nzvimbo Yoga Yakapiwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mhuri yaJesu Kristu,

Pane chinhu chiri kuitika zvisati zvakamboitika neMwenga waKristu pasi rose. Zvinhu zvatakanzwa nezvazvo uye tichishuvira kuzviona zvino zvave kuratidzwa pamberi pemeso edu.

Mweya Mutsvene uri kubatanidza Mwenga Wakesezvo Akataura kuti Achaita, nenzira YakeCHETE yaakapa kuzuva ranhasi, Inzwi raMwari pamatepi.

Ari kuzarura nekusimbisa Shoko Rake zvisina kumboitika kare. Kufanana nechitubu, Chizaruro chiri kutubuka mukati medu.

Kubatana kwepamweya kwaKristu neKereke yake zvino, apo nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rava kuva nyama, richiratidzwa, richisimbiswa. Izvo chaizvo zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, zviri kuitika, zuva nezuva. Sei, zviri kuwedzera nekukurumidza chaizvokunze uko, mumarenje, nezvinhu zviri kuitika, zvekuti handichatokwanisa kufambirana nazvo.

Zuva rega Chizaruro chakavedzerwa chiri kuzarurwa uye nekuratidzwa kwatiri. Sezvakaitika kumuporofita, zvinhu zviri kuitika uye zviri kuitika nekukurumidza, kusvikira tave kutadza kufambirana nazvo…KUBWINYA!!!

Nguva yedu yasvika. Magwaro ari kuzadzikiswa. Nyama iri kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Izvo chaizvo zvakataurwa nemuporofita kuti zvichaitika zviri kuitika zvino.

Sei isu?

Hapana mbiriso, kana ruzha rusinganzwisisike, hapana dudziro yemunhu inodiwa pakati pedu. Tiri kungoteerera kuShoko Rakachena Rakakwana kubva pamuromo waMwari apo Anotaura kwatiri muromo ku nzeve.

Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, dzimwe vimbiso dzose idzi kubva nhasi, raitwa nyama, richigara pakati pedu, ratakanzwa nenzeve dzedu; zvino tinoMuona (nemeso edu) achidudzira Shoko RakeAmene, hatidi dudziro yemunhu.

Mwenga, hazvaigona kujeka kupfuura izvozvo.  NdiMwari, akamira pamberi peMwenga wake munyama yemunhu, watinokwanisa kuona nemeso edu, achitaura nekududzira Shoko Rake, nekuriisa pamatepi. Shoko Rakakwana rakataurwa nekurekodhwa naMwari paChake, nokudaro haridi dudziro yemunhu.

  • • Mwari ari kutaura zvakananga kuMwenga wake, pamatepi.
  • • Mwari achidudzira Shoko Rake paChake, pamatepi.
  • • Mwari achiZvizarura, pamatepi.
  • • Mwari vachiudza Mwenga wavo, haudi dudziro yemunhu, Shoko Rangu pamatepi ndiro chete ZVINODIWA NEMWENGA WANGU.

Rangarira, paunobva pano, tanga kubuda muchikwande zvino; wave kupinda mumbeu, asi chigara muHupo hweMwanakomana. Usawedzera, zvandakataura; usabvisa, zvandakataura. Nokuti, ndinotaura Zvokwadi semaziviro andinoita, sokupiwa kwandakaitwa naBaba. Unoona?

Mwari vakagadzira NZIRA CHETE YAKAKWANA kuti Mwenga aite sezvaakatirayira kuti tiite. Izvi hazvina kubvira zvakwanisika, kusvikira nhasi. Hapana zvekufungidzira, hapana zvekushamisika, hapana mubvunzo wekuti pane chinhu chakawedzerwa, chakabviswa, kana kududzirwahere.  Mwenga wakapiwa Chizaruro chechokwadi: KURIDZA MATEPI NDIYO NZIRA YAMWARI YAKAKWANA.

Dzimwe nguva, regai ndizvitaure zvakare. Chizaruro changu ndechekuti Mwenga waJesu Kristu, kwete vamwe, MWENGA, haudi CHIMWECHINHU asi Inzwi raMwari pamatepi.  

Asi kana Mweya Mutsvene iwoyo wanyatso…Shoko rechokwadi rauya mauri (Shoko, Jesu), zvino, hama, Shoko reNguva harisisirichakavanzika kwauri ipapo; unoriziva, hama, Zvose zvajeka pamberi pako.

Shoko reNguva harisisiri chakavanzika kwandiri. Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.  Denga rose nenyika zvinonzi Jesu. Jesu iShoko.

Uye Zita riri muShoko nokuti Iye iShoko. Ameni! Zvino Iye chii? Shoko rakadudzirwa ndiko kuratidzwa kweZita raMwari.

Mwari ari kubatanidza Mwenga waKe ne’Nzwi Rake, raAkarekodha uye akarichengetera nhasi, kuti Akwanise kuunza Mwenga Wakepamwechete seChinhu Chimwe. Mwenga achazviona uye oZvicherechedza seNZIRA CHETE yaAnogona kuunza Mwenga wake pamwe chete.

Akazviita makore 60 apfuura kutiratidza kuti aizozviita sei nhasi. Isu tiri “imwe yekereke dzake dzakabatana parunhare”

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Taiva nadzo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yekereke dzangu.

Vashumiri vazhinji vanoudza makereke avo kuti “hook-up” kana “streaming”, “kuteerera kuMharidzo imwe chete panguva imwe chete”, hakusi kuenda kuchechi. ASI MUPOROFITA ATI KUENDA KUCHECHI IKOKO! Ivo havazivi Shoko kana kuti havagone kuverenga tsamba yerudo sezvinoita Mwenga.

Chechi chii? Ngationei zvakataurwa nehama Branham kuti chechi chii.

Vungano zhinji, zhinji dzakawana kaitiro aka katakaita pano patabhenakeri. Takabatanidzwawo parunhare kuPhoenix, kuti kwese kune masevhisi, zvinopinda mu…Vanoungana mumachechi nemudzimba, nezvimwe zvakadaro, kubudikidza nemasaisai erunhare akanaka kwazvo.

Hama Branham vanotaura zvakajeka kuti vanhu “mudzimba” dzavo uye “ne zvimwe zvakadaro” dzaive dzimwe dzemakereke avo parunhare.  Nokudaro misha, zviteshi zvepeturu, zvivakwa, mhuri dzakaungana pamwe chete kuteerera parunhare izvozvo zvakavaita chechi.

Ngativerengei zvimwe muTSAMBA ye RUDO. 

Tinonamatira machechi ose neungano dzakaungana pama ma—ma—zvimamicrophonezviduku kunze uko, munyika, kusvikira kuWest Coast, kumusoro kumakomo eArizona, zasi mumapani eTexas, kuEast Coast, munyika yose, Ishe, kwavakaungana. Takasiyana nema hour mazhinji, munguva, asi, Ishe, tiri pamwe chete manheru ano sechinhu chimwe, vatendi, takamirira Kuuya kwaMesia. 

Saka kuva paRunhare, vachiteerera Hama Branham VOSE PANGUVA IMWE CHETE; vaive pamwe chete sechinhu chimwe, vatendi, vakamirira Kuuya kwaMesiasi.

Asi iwe urikuti kana ukadaro nhasi, izvozvo hakusikuenda kuchechi, zvakaipa, hakusi kuungana pamwe chete zvikuru sei sezvatiri kuona zuva richiswedera, hakusi kuenda kuchechi?

Rega ndikubvunze mubvunzo uye iwe upindure ungano yako. Dai Hama Branham vanga vari pano nhasi, munyama, uye maikwanisa ku“streamer” kana kuvateerera parunharemangwanani eSvondo ega, panguva imwe cheteyo neMwenga pasi rose, vafundisi, maibatana nevamwe parunhare here kunzwa Hama Branham kana kuti maizoparidza muri imi?

Hama Branham vanotaura pachena kuti basa rako ikereke yako. Dai wanga uri pano makore 60apfuura uye Hama Branham vaine sevhisi, asi chechi yako yanga isiri kuenda asi iine sevhisi yayo (vashumiri vazhinji kumashure ndo zvavakaita), waienda ku“kereke yako” here, kana kuti waienda ku“Branham Tabernacle” kuti unonzwa Hama Branham?

Ndichakupa mhinduro yangu. Ndaitomira pamusuwo kuchinaya, mu chando kana mudutu remhepo kuti ndipinde muTabernakeri kuti ndinzwe muporofita waMwari. Kana NDAIENDA kuchechi ikoko, ndaitochinja chechi manheru iwayo.

Asi mudzimai uya, akange asingazivi kuti simba rakanga riri mutsvimbo here kana kuti kwete, asi aiziva kuti Mwari akanga ari muna Eria. Ndiko kwaiva naMwari: mumuporofita Wake. Akati, “NaJehovha mupenyu uye nomweya wenyu mupenyu, handisi kuzokusiyai.”

Ndinokukokai kuti mubatane nesu uye muve imwe yemachechi eHama Branham pamusi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitiunzira Mharidzo: Nzvimbo Chete Yakapihwa naMwari Yokunamatira  65-1128M.

Hama Joseph Branham

25-0706 Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

PDF

BranhamTabernacle.org

Wadiwa Mwenga Ari paRunhare,
 
Nhasi, Mashoko aya akataurwa naMwari kubudikidza neMutumwa wake wechinomwe ari kuzadziswa nematiri, MWENGA WAJESU KRISTU.

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Takange tinavo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yechechi dzangu. 

Vakange vari mumachechi, mudzimba, muzvivakwazviduku, uye pama service station; vakapararira muUnited States yose, vachiteerera, vose panguva imwe cheteyo apo Shoko raiparidzwa. 
 
Uye nhasi, tichiri IMWE YEKEREKE DZAKE.  Iye ACHIRI MUFUNDISI WEDU. Shoko Rake HARIDI DUDZIRO, uye TICHIRI takaungana pasi rose, PARUNHARE, tichiteerera IZWI raMwari richikwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
Nhasi, Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei vakaita izvozvo kumashure uko? Sei vafundisi vakavhara makereke avo kuti vanzwe Mharidzo nguva iyoyo? Vangadai vakangomirira kuwana matepi, voparidza Mharidzo ivo pachavo kuvanhu vavo nguva yaitevera; uye ndine chokwadi kuti vazhinji vakange vasina Chizaruro vakaita izvozvo.
 
Kana kuti vamwe vakaudza vungano dzavo kuti, “Zvino teererai, tinotenda kuti Hama Branham muporofita waMwari, asi havana kutaura kuti tinofanira kuvateerera mumachechi edu. Ndini ndiri kuparidza musi uno weSvondo, uye musi weShondo wega: wanai matepi moteerera mudzimba dzenyu.
 
Mwenga nguva iyoyo, seMwenga zvino, waive neChizaruro, uye waida kuzvinzwira Inzwi raMwari pachavo. Vaida kubatana neMwenga munyika yose kuti vanzwe Inzwi raMwari paraiparidzwa. Vaida kuzivikanwa seimwe yemachechi ake, kana dzimba, kana kupi zvako kwavakanga vari, kubatanidzwa neShoko reNguva, Inzwi, uye zvino, matepi.
 
Nhasi Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei ivo/isu takaZviona uye vamwe vasingazvioni? Nekufanozivikanwa, takagadzwa kuti tione Izvi. Asi imi musina kugadzwa, hamufe makaZviona. Gorosi riri kuZviona uye ratotanga kubva pamakwande.
 
Hazvirevi kuti unofanira kurega kuenda kuchechi kwako. Uyewo hazvirevi kuti mufundisi wako anofanira kurega kushumira.  Zvinongoreva kuti shumiro zhinji nevafundisi vakanganwa CHINHU CHIKURUSA, uye havaudzI vanhu vavo kuti Inzwi RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa IZWI raMwari pamatepi.
 
Kuenda kuchechi zuva rega revhiki rega hazvikuite Mwenga; izvozvo hazvisizvo zvinodiwa naMwari.  VaFarisi nevaSadhusi vaiva nedzidziso iyoyo. Vaiziva vara rose reShoko rose, asi Shoko Benyu rakanga rakamira PAMBERI PAVO munyama, asi chii chavakaita? Zvimwe chete zvinoitwa nevazhinji nhasi.
 
Vachati, “ndiwo masangano aaitaura nezvawo.Vairamba kutendera hama Branham kuti vaparidze mumachechi avo, asi tinoparidza Shoko tichitaura zvaakataura.”
 
Izvo zvinoshamisa. Ishe ngavarumbidzwe. Ndizvo zvaunofanira kuita. Asi wozoti, nhasi zvasiyana, zvakaipa kuridza matepi eHama Branham muchechi menyu. Hauna kusiyana nevaFarise nevaSadhusi, kana masangano.
 
Uri munyengeri.
 
Sezvazvaiva panguva iyoyo, ndiJesu, akamira pamusuwo achigogodza, achiedza kupinda kuti ataure zvakananga kuChechi yaKe, uye havavhuri mikova yavo, uye havafi vakaridza matepi mumachechi avo. “Haasi kuzouya kuchechi kwedu kuzoparidza”.
 
Muvengi achazvimonyanisa nekuzvitenderedzamunzira dzakawanda sezvo anovenga kuburitswa pachena, asi zvakadaro, zviri kuratidzwa pamberi pemeso edu uye vazhinji vari kukwachuka.  

Pakutanga kwakanga kune” [Ungano inoti, “Shoko”— Ed.] “uye Shoko rakange riri kuna” [“Mwari,”] “uye Shoko rakange riri” [“Mwari.”] “Zvino Shoko rakaitwa nyama rikagara pakati pedu.” Ndizvo here? Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, nedzimwe vimbiso dzose idzi dzanhasi, dzaitwa nyama, dzigere pakati pedu, dzatakanzwa nenzeve dzedu; zvino tave kuMona(nemeso edu) achidudzira Shoko Rake Amene, hatidi dudziro yemunhu. O Kereke yaMwari mupenyu, pano neparunhare, Mukai nekukurumidza, nguva isati yapera!

Zarurai mwoyo yenyu munzwe Mwari zvaachangotaura kwamuri, imi makereke ake ose. Zvino tave kuMuona, nemeso edu, ACHIDUDZIRA SHOKO RAKE AMENE. Hatidi dudziro yemunhukwete!!  PEPUKAI NGUVA ISATI YAPERA!!

Takanzwa nezvezvinhu izvi hupenyu hwedu hwese zvaizoitika munguva yekupedzisira. Zvino tave kuzviona nemeso edu zvichiitika.
 
Akatiudza, kune NZIRA IMWE CHETE, NDIYO NZIRA YAKAPIWA NAMWARI KUMWENGA WAKE.UNOFANIRA KUGARA NE’ZWI RAMWARI PAMATAPI.
 
Ndinokoka pasi rose kuti riuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti tinzwe Nzira yakapiwa naMwari kuzuva rino. Ipapo newewo unogona kuti, “Ndakanzwa neZvenyu, asi zvino ndinoKuonai”.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndavekuona
 
Magwaro
 
Genesisi 17
Eksodho 14:13-16
Jobho chitsauko 14 uye 42:1-5
Amosi 3:7
Mako. 11:22-26 uye 14:3-9
Ruka 17:28-30

25-0629 Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

Mharidzo: 65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga waKristu,

Ngativunganei pamwe chete musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, kuzonzwa 65-1127B – Kuedza Kuitira Mwari Basa Asi Kusiri Kuda kwaMwari.
 
Hama Joseph Branham

25-0622 Mabasa Kuratidzwa KweKutenda

Mharidzo: 65-1126 Mabasa Kuratidzwa KweKutenda

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Shoko Rakaitwa Nyama.
 
Hareruya! Nzvimbo yekudyara yemwoyo yedu yakafanogadzirwa kubudikidza nokunzwa Shoko uye Zvakazarura kwatiri, kuti TIRI Mwenga wakachena waKristu; anokosha, akachena, mwanakomana waMwari asina chivi, akamira neMwenga Shoko wakachena, usina kusvibiswa, wakashambidzwa neMvura yeRopa Rake Amene.
 
Tave zvino Shoko rakaratidzwa rakaitwa nyama, kuti Jesu agotitora, uyo Waakafanotemera nyika isati yavambwa, muchifuva chaBaba.
 
Nyika inogona kuona kuratidzwa kweKutenda kwedu pamaitiro ataiita, uye tichiratidza kuti tine Chizaruro chechokwadi kubva kuna Mwari cheShoko raKe rakasimbiswa, uye hatityi. Hatina hanyanezvinotaurwa kana kutendwa nenyika yose… HATITYE. Kudzwanya nokuridza ndiyo nzira yakapihwa naMwari kuMwenga waJesu Kristu.
 
Kune vazhinji vanoti vanotenda Shoko iri renguva yekupedzisira, vanotenda kuti Mwari akatuma muporofita, vanotenda kuti William Marrion Branham aive ngirozi mutumwa wechinomwe, vanotenda kuti akataura ZVANZI NAJEHOVHA, asi HAVATENDI kuti Inzwi ndiro izwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa. Havatendi kuti akataura Mashoko asingashanduki. Havatendi mukuridza matepi mumakereke avo.
 
Zvinorevei izvozvo? ZVINOREVA KUTI HAZVISATI ZVAZARURWA KWAVARI!

Chizaruro. Akazvizarura kwauri nenyasha dzake. Hachisi chinhu chawakaita. Hauna kuzvishandira kuti utende. Wagara une kutenda, zvinopiwa kwauri nenyasha dzaMwari. Uye Mwari vanozviratidza kwauri, naizvozvo kutenda chizaruro. Uye Chechi yose yaMwari yakavakirwa pachizaruro.

NeKUTENDA zvakazarurwa kwatiri kuti Shoko reNguva iri Inzwi raMwari pamatepi, rakarekodhwa, uye rikachengetwa, kuti chive chikafu chekudya nekukwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
KUTENDA kusina kusvibiswa, kwechokwadi mune zvakataurwa naMwari kuti ndicho Chokwadi. Uye kwakadzika midzi mumwoyo yedu nemumunhu wedu wemukati uye hapana chinokubvisa ipapo. Kucharambira kuri ipapo kusvikira muporofita Wakeatisuma kuna Ishe wedu.
 
Hatigoni kuzvibatsira. Akatigadzirira kuti tigamuchire nokutenda Izvozvo nyika isati yavambwa. Aiziva kuti taizogamuchira Inzwi raKe muzera rino. Akafanotiziva uye nekutigadza kuti tigamuchire.

Zvino, mabasa ari kuitwa noMweya Mutsvene nhasi, nezviratidzo izvi zvisingakundike, vimbiso dzisingakundiki, zviratidzo zvose zvavaapostora zvakavimbiswa muBhaibheri, zvaMaraki 4, uye, o, Zvakazarurwa 10:7, zvose zviri kuzadzikiswa; uye zvichiratidzwa nesainzi, nedzimwe nzira dzose. Zvino deno ndisina kukuudzai Chokwadi, zvinhu izvi hazvaiitika. Asi kana ndakuudzai Chokwadi, zvinopupura kuti ndakakuudzai Chokwadi. Achiri mumwe chete, zuro, nhasi, nokusingaperi, uye kuratidzwa kweMweya Wake kuri kutora Mwenga. Rega Kutenda ikoko, chizaruro chiwire mumwoyo mako, kuti, “Ino ndiyo nguva.”

Ino ndiyo nguva. Iri Ndiro Shoko reNguva. Iri ndiro Inzwi raMwari riri kudana Mwenga waJesu Kristu. O Kereke, dai Ishe vagadzirira nzvimbo dzokudyaradzemwoyo yenyu kuti muve neKutenda uye nokuzarura kwamuri kuti kunzwa Inzwi iri, pamatepi, ndiko kuchakwanisa nekubatanidza Mwenga waJesu Kristu.
 
Ndinokukokai zvakare kuti muuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti mutore KUTENDA kwenyu kunzvimbo dzakakwirira, mugogara pamwe chete nesu munzvimbo dzokudenga apo tichanzwa Inzwi raMwari richiita kuti tigadzirire kuuya Kwake kuri pedyo, pedyo.
 
Hama Joseph Branham
 
Tinamatireiwo maringe ne svondo rinouya apo tichatanga musasa wedu wekutanga weStill Waters.
 
Mharidzo: Mabasa Kutenda Kuri Kuratidzwa 65-1126
 
Magwaro ekuverenga:
Genesi 15:5-6, 22:1-12
Mabasa 2:17
VaRoma 4:1-8, 8:28-34
VaEfeso 1:1-5
Jakobho 2:21-23
Johane 1:26, 6:44-46

25-0615 Kubatana Kusingaoneki KweMwenga WaKristu

Mharidzo: 65-1125 Kubatana Kusingaoneki KweMwenga WaKristu

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waMwari Wakasanangurwa
 
Hapana nzira yekuzvinzvenga nayo, muri Chizenga cheMweya chaMwari, chiratidzo chehunhu hwepfungwa Dzake, uye makange muri Maari nyika isati yavambwa.
 
Hatikwanisi kupfuurira mberi pane zvatiri, takafanana netsanga imwe chete yakapinda muvhu. Tiri Jesu mumwe chete, muchimiro cheMwenga, tiine simba rimwe chete, Chechi imwe chete, Shoko rimwe chete richirarama uye richigara matiri richiumbika kufanana nemusoro, TAGADZIRIRA KUBVUTWA.
 
Akatiudza kuti takapatsanurwa kubva pamuchato wedu wepakutanga, kubudikidza nerufu pamweya, uye zvino tazvarwa patsva, kana kuti taroorwa zvakare, pamuchato wedu mutsva wepaMweya.  Hapasisina hupenyu hwedu hwekare hwepanyama nezvinhu zvenyika, asi zveHupenyu Husingaperi. Chizenga chaive matiri pakutanga, chatiwanikidza.
 
Zvinorevei izvozvo? Zvinoreva kuti bhuku redu rakare raenda nemuchato wedu wekare, raendeswa kumwe. RAVE ZVINO mu“Bhuku Idzva” raMwari; kwete bhuku rehupenyu… kwete, kwete, kwete…asi muBhuku reHupenyu reGwayana.  Izvo zvakadzikinurwa neGwayana.  Ndiro gwaro redu remuchato uko Chizenga chedu cheZiendanakuenda chinobatirira.
 
Wagadzirira here? Hezvo zvouya. Chitanga zvino kuzvitswinya nekugadzirira kusheedzera neku danidzira uchiti kubwinya, hareruyah, Mwari ngavakudzwe, ipfuti inorowa kaviri nembumburu dzekudenga.
 
“Unoreva here kundiudza kuti bhuku rangu rakare nekukanganisa kwangu kwose, kukundika kwangu kwose …”
 
Mwari akazviisa mugungwa rekukanganwa, uye hauna kungoregererwa chete, asi wakaruramiswa….Kubwinya! “Kururamiswa”
 
Uye izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti hauna kutombozviita muMaziso aMwari.
 
Unomira wakakwana pamberi paMwari. KUBWINYA!  Jesu, Shoko, akatora nzvimbo yako. Akava iwe, kuti iwe, mutadzi ane tsvina, uve Iye, SHOKO. Isu tiri SHOKO.
 
Zvinotiita Chizenga chake chiduku chakatemerwa kubva pakutanga. Tiri Shoko riri kuuya pamusoro peShoko, peShoko, peShoko, peShoko, uye tiri kusvika pachimiro chakazara chaKristu kuti Auye kuzotitora kuti tive Mwenga wake.
 
Chii chiri kuitika ZVINO?
 
Ndiko Kubatana Kusingaoneki kweMwenga waKristu urikuvungana paShoko, kubva pasi rose.

Izvi zvinoenda kunyika yose. MuNew York, ikozvino yave 11:25. Kumusoro uko kuPhiladelphianenzvimbo dziri ikoko, vatsvene vanodikanwa vagere ikoko vachiteerera, iko zvino, mumachechiakapoteredza. Kumusoro, zasi nzvimbo dzeku Mexico, kumusoro uko kuCanada nekumativi ose, mhiri. Mamaira 200, chero mukati menyika yeNorth America kuno, zvinenge, vanhu vari pazviri, vachiteerera iko zvino. Zviuru zvakapetwa kazviuru, zvirikuteerera.
 
Uye ndiyo Mharidzo yangu kwamuri, Kereke, imi muri mumuchato, muchato wemweya neShoko,

Akati Waiva muchato wepamweya waKristu neKereke yake, uye Zviri KUITIKA IKOZVINO. Nyama yave kuva Shoko, uye Shoko rave kuva nyama. Takaratidzwa, uye takasimbiswa; zvakataurwa neBhaibheri kuti zvichaitika muzuva rino, uye Zviri kuitika ikozvino, zuva nezuva mune mumwe nemumwe wedu.  
 
Mwari vachava ne Kereke yakachena.  Mwenga wake wechokwadi, wakatendeka, Shoko Mwenga. TISU MADZIMAI WAKASANANGURWA waIshe wedu Jesu Kristu.
 
Inguvai, Changamire?

Tine chizaruro mumazuva ano ekupedzisira, cheShoko raShe Mwari kuvunganidza Mwenga Wake pamwe chete. Hapana rimwe zera pazvakavimbiswa. Zvakavimbiswa muzera rino: Maraki 4, Ruka 17:30, Johane 14:12, Joere 2:38. Vimbiso idzodzo dzakangofanana naJohane Mubapatidzi paakazvizivisa muMagwaro.

Ndiani akazadzika magwaro aya?
 
Mutumwa wake mukuru wechinomwe, William Marrion Branham. Aigara achizviita achitevedzera muenzaniso. Akazviita nguva dzose achitevedzera muenzaniso. Anozviita zvakare muzuva redu, achidana nekuunganidza Mwenga wake wakachenamuzuva rekupedzisira kubudikidza nemuprofita Wake.
 
Inguva inobwinya sei iyoMwenga ari kuvanayo. Kuvungana kwega kunowedzera kukura nekukura uye kunaka nekunaka. Hakuna kumbova nenguva yakadai. Kupokana kwese kwanyangarika.
 
Huya ubatane nesu apo tichange tichinzwa Shoko rakavimbiswa rezuva redu richitaura, uye richitiudzakuti tiri vanaani uye nezvirikuitika muzuva redu.Kubatana Kusingaoneki kweMwenga waKristu 65-1125.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro:
Mateo 24:24
Ruka. 17:30 / 23:27-31
Johane 14:12
Mabasa 2:38
VaRoma 5:1/7:1-6
2 Timotio 2:14
1 Johani 2:15
Genesisi 4:16-17 / 25-26
Dhanieri 5:12
Joere 2:28
Maraki 4

25-0608 Mutungamiriri

Mharidzo: 62-1014E Mutungamiriri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Uri Kuvungana,

Zvino Mwari vagara vachitumira vatungamiriri Vake, Havasati vakambogara vasina mutungamiriri, mumazera ose. Mwari vakagara vane mumwe munhu aiVamiririrapanyika pano, mumazera ose.  

Mwari havaadi kuti tivimbe nekunzwisisa kwedu kana chero pfungwa dzevanhu. Ndiko saka Achitumira Mwenga Wake Mutungamiri; nokuti iye anonzwisisa mafambiro uye nezvaanofanira kuita. Mwari Havana KUMBOCHINJA hurongwa Hwavo.  Havana kumbotadza kutumira Mutungamiri kuvanhu Vake, asi iwe unofanira kugamuchira Mutungamiri iyeye.
 
Unofanira kutenda Shoko rose raAnotaura kubudikidza neMutungamiriri Wake. Unofanira kufamba nenzira iyo Mutungamiriri Wake anoti ufambe nayo. Kana ukatanga kuteerera uye nekutenda mamwe manzwi semutungamiririwako, ucharasika zvirokwazvo.
 
Johane 16 inoti Aive nezvinhu zvakawanda zvaaida kutiudza nekutizarurira, nokudaro aizotuma MweyaMutsvene Wake kuti Utitungamirire nekutiudza. Akati Mweya Mutsvene ndiye muporofita mutungamiri wezera rega rega. Naizvozvo, vaporofita vake vakatumwa kuzomiririra Mweya Mutsvene kuti vatungamirire Mwenga Wake.

Mweya Mutsvene unotumwa kuzotungamirira kereke, kwete boka revanhu. Mweya Mutsvene ndiwo hungwaru hwose. Vanhu vanosvika paku womarara, nekushaya hanya.

Haasi munhu, asi Mweya Mutsvene MUmunhu iyeye.  Munhu Waakasarudza kumumiririra uye kuvamutungamiri wedu wepanyika anotungamirwa neMutungamiriri wedu weKudenga. Shoko rinotiudza kuti tinofanira kutevera Mutungamiri iyeye. Zvisinei zvatinofunga, kana zvinonzwika sezvine musoro, kana zvinotaurwa nevamwe vanhu, isu hatifaniri kunge tichipatsanura izvozvo, mutungamiri ndiye chete.

Mwari vanotumira Mutungamiri, uye Mwari vanoda kuti urangarire kuti ndiye Mutungamiri Wake waakagadza.Munofanira kumurangarira iye.

Mutungamiri muporofita wedu wakagadzwa naMwari kuti ataure Shoko Rake. Shoko rake ISHOKO RAMWARI. Muporofita mutungamiri, uye iye oga, ane dudziro yeMweya yeShoko raMwari.  Mwari akataura Shoko rake kwaari muromo kunzeve. Saka, haugoni kupikisa, kushandura, kana kushandisa njere pa Shoko reMutungamiri wako.
 
Unofanira kuMutevera, uye Iye oga. Ukasadaro, unorasika. Rangarira, paunoMusiya, Mutungamiriakagadzwa naMwari, wave kufamaba wega, saka tinoda kugara pedyo nemutungamiri waAkasarudza, nekunzwa nekuteerera Shoko rose raAnotaura kuburikidza naye.
 
Mutungamiri wedu akatidzidzisa kuti testamende yekare yaive mumvuri wetestamende itsva.

Israeri payakabuda muIjipita kuenda kunyika yechipikirwa, muna Ekisodho 13:21, Mwari aiziva kuti vakange vasina kumbofamba nenzira iyoyo. Yakange yakareba mamaira 40 chete, asi zvakadaro vaida chimwe chinofamba navo. Vaizorasika munzira yavo. Saka Iye, Mwari, akavatumira Mutungamiri. Eksodo 13:21, sezvizvi, “Ndinotuma Mutumwa Wangu pamberi pako, Shongwe yeMoto, kuti ikuchengete munzira,” kuvatungamirira kunyika iyi yechipikirwa. Zvino vana veIsraeri vakatevera Mutungamiriiyeye, Shongwe yeMoto (usiku), Gore masikati. Payakamira, vakamira. Payaifamba, vaifamba. Zvino paAkavasvitsa pedyo nenyika, ivo vasati vakodzera kuyambuka, Akavatungamirira kudzokera murenje zvakare.

Akati ndiyo kereke nhasi. Tingadai takatoenda dai takangozvigadzirisa nekuzviisa panzvimbo, asi Akatozotitungamira achitipoteredza nekutipoteredza nekupoteredza.
 
Vaifanira kungotevera mutungamiri seKUTEVERA nokunzwa kubva kuShongwe yeMoto kwaiita. Aivaudza zvaitaurwa naMwari zvino ivo vaifanira kuteerera Shoko rose raaitaura. Akange ari Inzwi reMutungamiri. Asi vaibvunzurudza nekupikisana nemutungamiri akagadzwa waMwari, nokudaro vakadzengerera murenje kwemakore 40.
 
Pakange pane vashumiri vakawanda mumazuva aMosesi. Mwari akanga avagadza kuti vabatsire vanhu, sezvo Mosesi aisagona kuzviita zvose. Asi basa ravo raive rekudzosera vanhu kune zvakataurwa naMosesi. Bhaibheri harina charinotaura zvakataurwa nevarume ava, rinongotaura zvakataurwa naMosesi seShoko rekutungamirira vanhu.
 
Mwari pavakabvisa Mosesi panyika, Joshua akagadzwa kuti atungamirire vanhu, izvo zvinomiririra Mweya Mutsvene nhasi.

Joshua haana kuparidza chinhu chitsva, kana kuedza kutora nzvimbo yaMosesi, kana kuedza kududzira zvakataurwa nemutungamiri; aingoverenga zvakataurwa naMosesi ndokuudza vanhu, “Garai neShoko. Garai nezvakataurwa naMosesi”. Aingoverenga zvakataurwa naMosesi.
 
Mufananidzo wakakwana wakadii kuzuva ranhasi. Mwari vakasimbisa Mosesi neShongwe yeGore reMoto. Muporofita wedu akasimbiswa neShongwe yeMoto imwe cheteyo. Mashoko akataurwa naMosesi rakanga riri Shoko raMwari uye rikaiswa muAreka. Muprofita waMwari wakataura muzuva redu uye Shoko rake rakaiswa pamatepi.
 
Mosesi paakabviswa panyika, Joshua akagadzwa kuti atungamirire vanhu nokuchengeta Mashoko akataurwa naMosesi pamberi pavo. Akavaudza kuti vatende uye vagare neShoko rose raitaurwa nenhungamiri yaMwari.
 
Joshua aigara achiverenga zvakanyorwa naMosesi Shoko neShoko kubva muzvinyorwa. Aiisa Shoko pamberi pavo nguva dzose. Shoko renguva yedu harina kunyorwa, asi raka rekodwa kuti Mweya Mutsvene agone kuita kuti Mwenga Wake anzwe Shoko neShoko zvaAkataura, kubudikidza neKudzvanya noKuridza.
 
Mwari haashanduri hurongwa hwaKe. Ndiye Mutungamiri wedu. Inzwi Rake ndiro riri kutungamira nekubatanidza Mwenga wake nhasi. Tinongoda chete kunzwa Inzwi reMutungamiriri wedu paRinotitungamirira neShongwe yeMoto. Ndiko kubatana kusingaoneki kweMwenga waKristu. Tinoziva Inzwi Rake.
 
Kana mutungamiri wedu auya papurupiti, Mweya Mutsvene unomuzodza, ipapo Anonga asisiri iye, asi Mutungamiri wedu. Anosimudza musoro wake mudenga achidanidzira, “Zvanzi naJehovha, Zvanzi naJehovha, zvanzi naJehovha!” Uye nhengo yese yeMwenga waKristu pasi rose inobva yauya kwaari. Sei? TINOZIVA MUTUNGAMIRI WEDU MATAURIRO AANOITA.

Mutungamiriri Wedu = Shoko
Shoko = Rinouya kumuporofita
Muporofita = Mududziri weMweya chete waMwari;Mutungamiri wake wepanyika.

Garai kuseri kweShoko! Oo, hongu, changamire! Gara neMutungamiri uyo. Gara kuseri Kwaro. Usaende mberi Kwaro, iwe gara kuseri Kwaro. Rega Rikutungamirire, usaRitungamirira. Siya rakadaro.

Kana usingade kurasika, huya uteerere kuMutungamiri wedu paAnotaura kubudikidza nemutungamiri wake wepanyika waakagadza musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo:  
62-1014E – Mutungamiri
 
Magwaro:
Mako 16:15-18
Johani 1:1/16:7-15
Mabasa 2:38
VaEfeso 4:11-13 / 4:30
VaHebheru 4:12
2 Petro 1:21
Ekisodho 13:21