Category Archives: Uncategorized

24-1006 Chizaruro ChaJesu Kristu

Mharidzo: 60-1204M Chizaruro ChaJesu Kristu

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Hondo yaMwari Isingakundiki, Isu tisu avo vakasarudzwa naBaba uye nekupiwa CHIZARURO CHECHOKWADI chavo; CHURCH yavo imwe chete yeCHOKWADI. Avo vaakasarudza kuti vaite MABASA AVO MAKURU. Nokuti neMweya wavo, tinogona kunzvera uye nekurwisana nemweya waantikristu waSatani. Haana SIMBA pamberi pedu, nokuti tiri Hondo Yake Isingakundiki. Satani anovenga chizaruro chose, ASI TINOCHIDA; nokuti tiri vadi veShoko raMwari rakazarurwa. Nechizaruro chake chechokwadi muhupenyu hwedu, masuwo egehena haagone kutikunda; tinokunda muvengi. Dhiabhorosi wese ari pasi petsoka dzedu. Tiri Mumwe naYe uye tinokwanisa kutaura Shoko, nokuti tiri Shoko raKe. Ishe vakazviisa mumwoyo mangu kuti tidzidze uye tinzwe Mazera Manomwe eKereke. Achange ari Mavhiki anonzi “Red Letter” kana kuti akakosha zvikuru kune mumwe nemumwe wedu. Achange achizarura Shoko rake kwatiri kupfuura kare, nesimba rake risingakundike. Iye zvino ndiyo nguva. Iye zvino ndivo mwaka. Achange achitimutsurudza, achitikurudzira, nekutipa Kutekenyedzwa kweChizaruro, uye Zvichatungidza mweya yedu pamoto!! Zvakazarurwa zvaJesu Kristu iBhuku rechiporofita rinogona kunzwisiswa chete nerimwe boka revanhu vane muono wechiporofita, ISU, Mwenga wake. Zvinoda Chizaruro CHECHOKWADI kuziva kuti uri kuverenga nokunzwa Inzwi raMwari richibva kumutumwa Wake akasarudzwa, richitipa rairo yepamweya.    Ndicho Chizaruro chaJesu Kristu chakapihwa Johane kumaKristu emazera ose. Ndiro chete bhuku muBhaibheri rose rakanyorwa naJesu pachake, kuburikidza nekuzviratidza kumunyori pachake. Zvakazarurwa 1:1-2, “Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza; Akatuma nokusimbisa nomutumwa wake akazvizivisa kumuranda wake Johane: Iye akapupura Shoko raMwari, uye nouchapupu hwaJesu Kristu, uye nezvezvinhu zvose zvaakaona. Bhuku raZvakazarurwa ndidzo pfungwa chaidzo dzaMwari rakanyorwa naMwari pachake. Asi akatumira akazviratidza kumuranda wake Johane nomutumwa wake. Johane akange asingazivi zvazvaireva; aingonyora zvaakaona nekunzwa. Asi nhasi, Mwari akatuma mutumwa wake ane simba panyika kuzozivisa Chizaruro Chikuru ichi kuMwenga wake, kuti tiverenge nokunzwa zvakaitika mumazera ose emakereke. Tinogona kuona boka rake diki rakaramba riri muzvokwadi uye rakatendeka kuShoko muzera rega rega.

Mwari akataura kubudikidza nengirozi yake akati mumazuva ano ekupedzisira, apo Inzwi remutumwa wenguva yekereke yechinomwe parinotanga kunzwika, Achazarura zvakavanzika zvaMwari sezvazvakazarurwa kuna Pauro. Avo vanogamuchira muporofita iyeye muzita rake pachavo vachagamuchira mubairo wakanaka wehushumiri hwemuporofita iyeye. Kubwinya, isu tiri Mwenga waMwari we “Press Play”  uyo akagamuchira muprofita iyeye muzita rake, uye tiri kugamuchira makomborero acho. Tinotenda kuti iInzwi raMwari riri kutaura nekutungamirira Mwenga waKe. O Kereke, zvatichaverenga nekunzwa mumavhiki anotevera. KwaAri, tiri  Wake sendarama YAKACHENA. ZvaAri, ndizvo zvatiri. Tiri Muzambiringa Wake Wechokwadi. Takakunda. Tinoitwa vakakwana, kudzikamiswa, kusimbiswa. Takasarudzwa neRudo Rwake Rwunosanangura. Hapana chekutya. Isu tiri boka rakanzwa mutumwa neMharidzo yake ndokuItora ndokuIrarama. Vhiki yega yega tinenge tichiti, “Ko mwoyo yedu haipisi mukati medu here uye paano taura nokuratidza Shoko rake kwatiri munzira”. Kana uchida kunzwa kuzodzwa kweMweya wake Mutsvene, kugamushira Chizaruro chakawanda cheShoko raMwari, uye uchida kugara muHupo hweMwanakomana woibva, uye nokugamuchira kubvutwa muKutenda, huya ubatane nesu musi weSvondo na12:00 P.M., nguva yeJeffersonville. , patinotanga kudzidza kwedu kukuru pamusorope:  Zvakazarurwa zvaJesu Kristu 60-1204M. 

Hama Joseph Branham 

24-0929 Kiyi YepaMukova

Mharidzo: 62-1007 Kiyi YepaMukova

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vabati veKiyi YeKutenda,
 
“Ndini Mukova kudanga remakwai. Ndini Nzira, Nzira chete, Zvokwadi, uye Hupenyu, uye hakuna munhu anouya kuna Baba asi nokwandiri. Ndini Mukova kuzvinhu zvose, uye kutenda ndiyo kiyi inozarura Mukova kuti ugone kupinda.
 
Pane ruvoko rumwe chete runogona kubata kiyi iyi, ndirwo ruvoko rwe KUTENDA. KUTENDA ndiyo kiyi yoga ino zarura vimbiso dzose dza Mwari. KUTENDA mubasa rake rakapera zvinozarura masuvo ose ku hupfumi hwese huri mukati me Humambo hwa Mwari. KUTENDA ndiyo Kiyi inopinda pose ya Mwari iri kuzarura MASUVO OSE KU MWENGA WAKE uye isu takabata Kiyi iyoyo MURUVOKO RWEDU RWEKUTENDA.
 
Kiyi iyoyo iri mumwoyo yedu, uye tinoti, “I Shoko ra Mwari; I vimbiso dza Mwari kwatiri, uye takabata kiyi yacho”. Saka, nechikamu chose chokutenda chatinacho, tisingapokani kana chidimbu, tinozarura masuvo ose anomira pakati pedu nemaropafadzo ayo Mwari anavo kwatiri. Kutenda kuno dzima moto unovhuvhuta. Kunozarura kupodzwa kuvarwere. Kuno zarura ruponeso. Tauya paMukova uye zvose zvatinoita pa shoko kana pabasa, tinozviita muZita Rake, tichiziva kuti tine kiyi yekutenda; uye ikiyi yakagadzirwa nemagwaro.
 
Hatina hanya nezvinofungwa nani, pane chinhu chimwe chechokwadi: Mwari VAKATIDANA, VAKATITEMERA, vakazarura Shoko Ravo KWATIRI, vakatiudza zvatiri, uye takatsunga kutevera Shoko Ravo, nokuti vakatidana kuti tive Mwenga Wavo.
 
Baba vakabata nyeredzi dzavo nomwe, Nhume dzavo nomwe, kumazera manomwe muruvoko Rwavo. Vakadzibata muruvoko rwavo, naizvozvo dzine chekuita nesimba Ravo. Ndizvo zvinomiririrwa neruvoko. Runo miririra simba ra Mwari. Uye hutongi hwaMwari.
 
Takabata Shoko Ravo muruvoko rwedu rwe Kutenda, zvichiratidza simba ne hutongi hwaMwari kuti zviri MUMAVOKO EDU uye Vakatipa KIYI yeku zarura zvose zvatingade. Ndiyo Kiyi Inopinda Pose ino zarura MASUVO OSE.
 
Zvino ndave kuziva kuti sei Mwari vakatipa zvigunwe zvishanu muruvoko rumwe narumwe; kwete 4, kwete 6, asi 5, kuti nguva yose yatinotarisa mavoko edu tinorangarira, tine KUTENDA kunozarura suvo rega.
Chiratidzo chekusingaperi kurudzi rwavanhu kuti tirege kukanganwa; tirangarire nguva dzose uye nekutora hushingi, kuti takabata KUTENDA mumavoko edu.  Uye achasimudzira kutenda kwedu kwembeu ye masitadhi uye agotipa KUTENDA KWAKE KUKURU MUSHOKO RAKE RISINGA KUNDIKE, RISINGA GUMI IRO RISINGAKUNDIKE!!!    
 
Tinogona kusimudza mavoko edu kuDenga, totambanudza zvigunwe zvedu paruvoko rwega tichiti kwaari, “Baba, tinotenda uye tine KUTENDA muShoko rega Ramakataura.  I Vimbiso Yenyu, Shoko Renyu, uye muchatipa KUTENDA KWATINODA kana tikatenda chete….uye TINOTENDA.
 
Sezvo tisiri kuita Shumiro ye Chirairo chedu kusvikira husiku hwe musi we Shondo, Ndinoda kukukurudzirai kuti musarudze Mharidzo yamungada kunzwa ne Kereke yenyu, mhuri, kana dungamunhu, mangwanani emusi we Shondo, panguva inokuitirai zvakanaka.  Zvirokwazvo hapana imwe nzira yekuyera nayo Kutenda kwedu asi chete nenzira yekunzwa Shoko; Nokuti KUTENDA kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko, uye Shoko rakauya kumuporofita.
 
Ngatibatanei zvino pamwe chete na 5:00 p.m. zuva rovira (nguva dze munyika menyu imomo) kuteerera ku Mharidzo, 62-1007 Kiyi Ku Mukova. Sezvaka shambadzirwa, ndinoda kuti iyi ive Shumiro Ye Chirairo yakatsaurwa, ichange ichiridzwa pa Voice Radio na 5:00 pm zuva rovira. (Nguva ye Jeffersonville) Munogona ku downloader nekuridza shumiro muChirungu kana mune mimwe mitauro nenzira yekudzwanya apa: LINK HERE.
 
Zvichifanana nedzimwe Shumiro Dze Chirairo Dze Mudzimba dzakare, panopera tepi hama Branham vanonamatira chingwa ne waini. Pachange paine mumhanzi we piano kwemaminitsi akatikuti, kuti mukwanise kupedza chikamu cheChirairo. Ipapo, Hama Branham vachaverenga Gwaro rekugezana tsoka, kana vapedza kuverenga, Dzimbo dzeVangeri dzicharidzwa kwe maminitsi akatikuti, kuti mukwanise kupedza chikamu cheshumiro yekugezana tsoka.
 
Mukana wakanaka wakadini watinawo kukoka Ishe wedu Jesu kudya nesu mumwe namumwe mudzimba dzedu, mumachechi, kana kupi kwamuri. Ndinamatireiwo pamunotaura Naye, sezvo ndichange ndichikunamatiraiwo zvirokwazvo.

Mwari vakuropafadzei,
 
Hama Joseph Branham

24-0922 Edheni RaSatani

Mharidzo: 65-0829 Edheni RaSatani

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Chizenga cha Mwari,  
 
Tisu chizenga chaicho chaBaba veduveKudenga; nokuti takange tiri maVaripakutanga. Hatizvirangarire ikozvino, asitakange tiriko naVo, uye Vaitiziva.Vakatida zvikuru chaizvo vakatiumbanenyama kuti vagone kubatana nesu, kutaura nesu, kutida, kunyange kutikwazisa nemavoko.
 
Asi Satani akauya akatsveyamisa Shoko raMwari repamavambo, HumamboHwake, uye hurongwa hwake kwatiri. Akamonyorodza varume navakadzi uyeakabudirira pakutsveyamisa uyenepakubata ushe pamusoro penyikayatigere mairi. Akaita nyika ino humambohwake, bindu rake reEdeni.
 
Ndiyo nguva inonyengera nekufurirakupfuura nguva dzosedzakambovepo. Dhiabhorosi wakaisamiteyo yose yemanomano yaanogona: nokuti iye munyengeri mukuru. Mukristuanofanira kunge aka ngwarira zvikurunhasi kupfuura zvaive mune zvimwezvizvarwa zvose.
 
Asi panguva imwe cheteyo, ndiyo nguvainobwinya kupfuura zvizvarwa zvose, nokuti tatarisana nenguva huru inonziMireniamu. Bindu redu reEdeni rave pedyo, patichange tave nerudorwakakwana ne kunzwisisa kwakakwanakwe rudo rwaMwari. Tichange tiri vapenyutakachengeteka naye muEdeni redunekusingaperi.
 
Jesu vakatiudza kuna Mateu 24 kutitinofanira kuchenjera sei muzuva rino. Akatiyambira kuti zuva rino ndiro rinekunyengera kunopfuura mamwe mazuvaose atakamborarama, “pedyo nepedyochaizvo zvekuto nyengera vasanangurwadeno zvaigoneka”; nokuti manomanoadhiabhorosi anoita kuti vanhu vafungekuti ma Kristu ivo vasiri.
 
Asi chizvarwa chino chichaberekavoMwenga Wake wakachena weShokousinga, uye usingagoni, kunyengerwa; nokuti vano gara neShoko Rake repamavambo.
 
Sa Joshuwa na Karebhu, nyika yeduyechipikirwa yave kutooneka sezvakaitayavo. Muporofita wedu wakati Joshuwazvinoreva kuti, “Jehovah Muponesi”. Aimiririra mutungamiri wenguvayekuguma aizouya kukereke, sekuuyakwakaita Pauro semutungamiriwepakutanga.
 
Karebhu aimiririra vaya vakarambavakatendeka kuna Joshuwa. Sevana veIsiraeri, Mwari akatanga navosemhandara neShoko Rake; asi vaidazvimwe zvakasiyana. Muporofita weduwakati, “ndoo zvichaitavo kekere ye zuvarekupedzisira” Naizvozvo, Ndosaka, Mwari havana kutendera Isiraeri kupindamunyika yechipikirwa kusvikira yavenguva yake yaakatara.
 
Vanhu vakamanikidzira Joshuwa, mutungamiri wavo wavakapihwa naMwari, vakati, “Nyika ndeyedu, handeitinoitora. Joshuwa iwe wapererwa, warasikirwa nekutumwa kwako. Hausisinasimba rawakange unaro. Waisinzwakubva kuna Mwari ne kuziva kudakwaMwari nekukurumidza kuitazvinofanirwa kuitwa. Pane chisina kumiramushe pauri”
 
Joshuwa akange ari muporofitawakatumwa na Mwari, uye aiziva vimbisodzaMwari. Muporofita wedu akatiudza:

“Mwari vakaisa hutungamiriri hwakazaramumavoko a Joshuwa nokuti akangearamba akamira ne Shoko. Mwari aigonakuvimba na Joshuwa, asi kwetenevamwe. Saka zvichadzokorora muzuvarino rekuguma. Dambudziko rimwe chete, kumakidzwa kumwe chete.”

Sezvo Mwari akaita naJoshuwa, AkaisaHUTUNGAMIRIRI HWAKAZARA mumavoko engirozi muporofita Wake, William Marrion Branham; nokuti aizivakuti aigona kuvimba naye, asi kwetevamwe. Paifanira kuva Ne’nzwi Rimwe, Mutungamiri Mumwe, Shoko Rimwerekupedzisira, nguva iyoyo, uyeNAZVINO.  
 
Ndinoda matauriro akaita muporofitakwatiri achiti, pachave nezviuruzvakapetwa kazvuru zvevanhuvachanzwa matepi. Akataura kuti matepiISHUMIRO. Pachave nevamwe veduvachapinda mudzimba nemumachechinetepi (shumiro yake) kubata MbeuyaMwari yakatemerwa.
 
Patakadzoka tichiti, Ishe, tateerera kurairakwenyu, uye pane vanhu vatakaonapatakaridza matepi vakatenda. Zvinotakaparidza izvozvo, pasi rose, Mungazviremekedza here?
 
Iye uchati; “Ndizvo zvandakakutumai kutimuite.” 
 
Mwari anozviremekedza. Imba yakohaizungunusirwe pasi. Mwari paachapamucherechedzo weku paradza zvose, mhuri yako yose, zvinhu zvako zvose, zvichange zvakachengeteka mumbamako. Unogona kumira ipapo. Hausaifanira kana kutarisa kunze nepafafitera, ingo dzwanya nekuridza apohondo iri kuenderera mberi.

Mashoko enyu akawanikwa ndikaadya;uye shoko renyu rakave kwandiri mufaronekufadzwa kwemoyo wangu: nokutindakadanwa nezita renyu, O Ishe Mwariwe hondo.

Ndinokukokai kuti mubatane nesupatinenge tichidya shumiro, huru, mhenyu, yenguva yekupedzisira yaMwari, musi uno we svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichange tichinzwa zvose pamusoro pe: Edeni ra Satani 65-0829

Deno tararama kusvikira pakuuya kwaShe, kana zvaikwanisika. Deno taitazvose zviri musimba redu nerudo ne kunzwisisa, tichinzwisisa kuti Mwari arikutsvaga pasi rose, nhasi, kuwana gwairakarasika rose. Uye deno tataura navonemunamato wakaperera we rudoneShoko ra Mwari, kuti tiwane riyarekupedzisira, kuti tiende kumusha, uyekuti tibude kubva muno muEden rakareraSatani pano, Ishe.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwaMharidzo.
 
2 Timotio 3:1-9 
Zvakazarurwa 3:14 
2 Vatesaronike 2:1-4 
Isaya 14:12-14 
Mateo 24:24

24-0915 Sefa YeMunhu Anofunga

Mharidzo: 65-0822E Sefa YeMunhu Anofunga

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu,
 
Mweya wa Mwari mupenyu, femerai pamusoro pedu, Ngatitorei Sefa  Yenyu uye tigare pasi Payo, Ishe.Femerai mhepo itsva ye Mweya Mutsvene muma papuedu uye mumunhu wedu wemukati zuva ne zuva. Tinogona chete kurarama ne Shoko Renyu, Shoko rose rinobuda kubva mumuromo Wenyu kuchizvarwa chino chatiri kurarama.
 
Takaravira zvinhu Zvenyu Zvekudenga uye tine Shoko Renyu mumoyo yedu.Takaona Shoko Renyurichiratidzwa pamberi pedu, uye munhu wedu wemukatiwaka putirwa mazviri. Nyika ino, uye nezvinhu zvosezve Nyika zvakafa kwatiri.
 
Tiri chizenga mbeu Shoko Renyu rakange riri mamurikubva pakutanga, timire pano, tichi kweva hupenyuHwenyu hwe mbeu. Mbeu Yenyu iri mukati meduNokufanoziva Kwenyu. Makatitemera kuti tisa kwevachimwe chinhu, asi chete Shoko Renyu, Inzwi Renyu, pama tepi.
 
Chizvarwa cheziso chasvika; hapana chimwe chasaraasi Kuuya Kwenyu ku Mwenga Wenyu. Sefa yedu iShoko Renyu, Maraki 4, Zvanzi Na Jehovah
 
Ngatidyarei Shoko Renyu mumoyo yedu, uye totsungakuti hatizi kuzo tendeukira kurudyi kana kuruboshwe, asikurarama zvakatendeka kwa Riri mazuva ose ehupenyuhwedu. Baba, burutsai patiri Mweya Mutsvene we Hupenyu, uye mumutsurudze Shoko Renyu kwatiri, kutitikuratidzei Imi.
 
Chishuvo chemoyo yedu kuva vanakomana ne vanasikana vechokwadi kwa Muri. Tigere muhupo hwe‘Nzwi Renyu, tichiibviswa, tichizvigadzirira maringeneMabiko edu eMuchato ave pedyo, pedyo.
 
Marudzi ave kupamuka. Pasi rose riri kupamuka. Kundengendeka kwenyika kuri kuzunguza California sezvo makatiudza kuti zvichaitika. Tinoziva nenguvapfupi chaizvo, chimedu chakareba mamaira mazanagumi nemashanu chazvo; chakapamhama mamairamazana matatu kana mana, chichanyura, dzimwe nguvatingati mamaira makumi mana kupinda mumutswemukurusa kunze uko. Masaisai achapfachuka kusvikakudunhu re Kentucky, uye kana zvaitika saizvozvo, zvichazungunusa pasi rose zvakaomarara kusvikirazvose zviri pamusoro penyika zvichazunzirwa pasi.
 
Yambiro yenyu yekupedzisira iri kuenda mberi. Pasirose riri munyonganyonga zvachose, asi panguva yoseiyi Mwenga Wenyu waka zorora ma Muri uye muShokoRenyu, ugere pamwe chete munzvimbo dzekudenga pa Munotaura nesu, uye nekutinyaradza munzira.
 
Tinotenda sei, Baba, kuti tinogona kungo ‘Dzwanya Ne Kuridza” uye nekunzwa Inzwi Renyu richitaura kwatiri, richitisimudzira uye nekutiudza:

Musatya Boka duku. Zvose zva Ndiri, nemivo muri vadyivenhakavo.  Simba Rangu rose nderenyuvo. Husamasimba hwangu hwose ndehwenyu pandinengendakamira pakati penyu. Handina kuuya kuzounzakutya kana kukundika, asi rudo uye kushinga uyekukwanisa. Simba rose rakapihwa Kwandiri uyenderenyu kuti mushandise. Mukataura Shoko Ndinoriita.Ndiyo sungano Yangu uye haifi yakakundika.

Haiwa Baba, hatina CHINHU chekutya. Munotipa rudoRwenyu, kushinga uye kukwanisa. Shoko Renyu ririmatiri kuti tishandise patinorida. Tinoritaura, uye Imimunoriita. Isungano Yenyu, uye haifi YAKAKUNDIKA. 
 
Manzwi emunhu anofa haagoni kuratidza manzwiro edu, Baba, asi tinoziva kuti munoona mukati memoyonemunhu wemukati medu; nokuti tiri chikamu Chenyu.  
Tinotenda sei kuti Makapa nzira yekuti nyika inzwe InzwiRenyu munguva ino yekuguma. Vhiki roga roga, Munokoka nyika kuuya kuzobatana kunzwa ngirozimutumwa Wenyu pa Munotipa Chikafu chema Kwayiicho chakachengetwa kuti chitiraramise kusvikaMuchidzoka kuzotitora.
 
 
Tinokudai Baba
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0822E Sefa Yemunhu Anofunga
 
Nguva: 12:00 Masikati, Nguva ye Jeffersonville
 
Magwaro: Numeri 19:9 / Vaefeso 5:22-26

24-0908 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene

Mharidzo: 65-0822M Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Branham Tabernacle,
 
Meso edu akaropafadzwa sei, nokuti anoona. Nzevedzedu dzakaropafadzwa sei; nokuti dzinonzwa. Vaporofita nevarume vakarurama vakashuva kuonanekunzwa izvo zvinhu zvatakaona nekunzwa, asihavana. Isu TAKAONA NEKUNZWA INZWI RA MWARI
 
Mwari Amene akasarudza kunyora Bhaibheri Rake kubudikidza neva porofita Vake. Mwari Amene zvakareakasarudza kuzarura zvakavanzika zvake munguva inoyekuguma ku Mwenga Wake kubudikidza nemu porofitawake. Zvizenga Zvake, Shoko Rake rakaratidzwa, zvose zvichiumba chikamu chake.
Zera redu parakasvika, Wakaita kuti muporofita Wake asvikewo panguva imwe chete. Akamufemera akataurakubudikidza naye. Ndiyo yakange iri nzira yakeyakatemerwa uye yaakapa yekuzviita. Sezviri Bhaibheri, Ishoko raMwari, kwete shoko remunhu.
 
Tinofanira kuva ne Mhedziso, pazvinoperera; Shoko rekupedzisira. Vamwe vanhu vanoti Bhaibheri ndiyoMhedziso yavo, kwete zvakataurwa pamatepi; sekungezvinotaura zvakasiyana. Zvinotoshamaisa kuti Mwariakaviga sei Chizaruro chechokwadi cheShoko Rake kune vazhinji, asi akazvizarura nekunyatso zviisapachena ku Mwenga Wake. Vamwe hapanazvavangaite, vaka pofomadzwa uye havana Chizarurochakazara che Shoko ra Mwari rakazarurwa.
 
Mwari wakataura mu Shoko (Bhaibheri) Rake kubudikidza nemuporofita akatiudza, “Mwari, munguvadzakasiyana uye nemitoo yakasiyana, akatauramunguva dzekare kumadzibaba edu kubudikidza nevaporofita” Naizvozvo, Vaporofita vaMwari vakanyoraBhabheri. Vakange vasi ivo, asi Mwari aitaura nemavari.
 
Akataura muzuva redu kuti aizo tumira Mweya Wake we zvokwadi kutitungamira muzvokwadi yose. Haataurinezvake iye; asi zvose zvaachanzwa, ndizvozvaachataura; uye achatiratidza zvinhu zvichauya
 
 
Shoko riri pama tepi zvinhu zvechokwadi zva Mwarizvakazarurwa. Hazvidi dudziro.  Ndi Mwarivarikududzira Shoko Ravo Vamene pavanori taurapamatepi.
 
Hapana kuenderera mberi mune zvinotaurwa nevamwevanhu, asi chete zvinotaurwa na Mwari. Zvinotaurwapamatepi ndiro chete Inzwi RISINGASHANDUKE ZVACHOSE. Vanhu vano shanduka, dudziro dzinoshanduka; Shoko ra Mwari harishanduke zvachose. Ndiyo Mhedziso ye Mwenga.
 
Muporofita anotipa muenzaniso wekuti muzvinapembendiye mhedziso pamutambo we ballgame. Shoko rake ndiyo mhedziso. Haugoni kuri pikisa. Zvaataurandizvozvo, nyaya yapera. Zvino muzvinapembe anebuku remitemo yaano shanda nayo. Rinomuudza pane zvimbo mumutambo we ballgame dzinonzi “ball” kana kuti “strike”, paunenge uri pazvimbo kwayo kana kunze; mitemo yacho yemutambo we ballgame.
 
Anoverenga nekunzvera buku iroro kuti kana otaura, achipa mutongo wake, watowe mutemo, ndiro shokorekupedzisira. Unotofanira kugara nezvaanotaura, hapana mubvunzo, hapana gakava, chipi chaataura, ndizvo zvazvinofanira kuva hazvigoni kushandurwa, Kubwinya.
 
Hama Branham havana kuti musaparidza, kana kudzidzisa; asi vakatoti paridzai, ne kuteerera vafudzivenyu, asi Inzwi riri pamatepi rinofanira kunge riri iyoMhedziso yenyu.
 
Panofanira kunge paine hoko; nemamwe manzwi, pazvinoperera. Munhu wese anofanira kunge ainepazvinoperera. Ndiro shoko rekupedzisira. Mwariwakapa nzvimbo imwe chete yekuwana izvozvo, Inzwira Mwari pama tepi. Ndiyo dudziro yemweya ye Shoko ra Mwari. Ndiro SHOKO REKUPEDZISIRA, AMENI, IYO ZVANZI NA JEHOVAH.
 
Jesu Amene wakati tinovaidza “vamwari” avo vakatauraShoko Rake; uye ndizvozvo kuti vamwari. Akativaporofita pavaka zodzwa ne Mweya wa Mwari, vakaunza chairo Shoko raMwari. Raive Shoko ra Mwariraitaura kubva mavari.
 
Ndoo chikonzero muporofita wedu akange akashingazvikuru. Aifambiswa ne Mweya Mtsvene kutaura Shoko ra Mwari risingakundike. Mwari wakamu sanangurirachizvarwa chedu. Waka sarudza Shoko raizo taura, kunyange hunhu hwemuporofita wedu, uyenezvaizoitika muchizvarwa chedu.
 
 
Mashoko aakataura, maitiro ake, anopofomadzavamwe, asi anovhura meso edu. Pamusoro pezvo, wakamupfekedza mhando yenguvo yaaipfeka. Hunhuhwake, zvinangwa zvake, zvose maringe nezvaaifanirakuva. Wakanyatso sarudzirwa isu zvakakwana, Mwengawa Mwari.

Ndosaka patino UYA PAMWE CHETE, Inzwiiroro ndiro ratinoda kuisa panzvimbo kutanga kunzwa. Tino tenda kuti tiri kunzwa Shoko Rakachenarakataurwa kubva kumutumwa wakasarudzwawakasanangurwa wa Mwari.
 
Tinoziva kuti vamwe havaoni kana kunzwisisa izvozvo, asi iye wakati ari kutaura kuungano yake chete. Rakange risi basa rake kuona nezvevamwe avo Mwariakapa kune vamwe vafudzi kufudza. Iye basa rake rakange riri rekuona mhando yeChikafu cheanotipa.
 
Ndosaka tichiti tiri Branham Tabernacle, nokuti wakatiShoko Renguva rakanangana nevanhu vake mu Tabernacle, kaboka kaduku kaida kutora nekuteererama tepi. Aitaura kune avo vaakapihwa na Mwarikutungamirira.
 
Akati, “kana vanhu vachida kusanganisa chikafunezvimwewo kunze uko, wanai chizaruro kubva kunaMwari, moita zvamunoudzwa na Mwari kuita. Inindichaita zvimwe chete. Asi Mharidzo idzi, pama tepi, ndezve kereke ino chete.
 
Wakazvirerutsa sei kuMwenga Wake kuona nekunzwaInzwi ra Mwari nekutevera kuraira Kwake.
 
Kana uchida kubatana nesu kunzwa Inzwi iroro, tichange tichiteerera panguva imwe chete musi uno we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, ku: 65-0822M “Kristo Anozarurwa Mu Shoko Rake Iye”
 
Kana ukatadza kubatana nesu, ndinokurudzira kutiuteerere Mharidzo iyoyo paunokwanisira.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga usati wanzwa Mharidzo
 
Ekisodo 4:10-12
Isaya 53:1-5
Jeremiya 1:4-9
Maraki 4:5
Ruka 17:30
Johane 1:1 / 1:14 / 7:1-3 / 14:12 / 15:24 / 16:13
Vagaratiya 1:8
2 Timotio 3:16-17
Vaheberu 1:1-3 / 4:12 / 13:8
2 Petros 1:20-21
Zvakazarurwa 1:1-3 / 10:1-7 / 22:18-19

24-0901 Uye Vasingazvizive

Mharidzo: 65-0815 Uye Vasingazvizive

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Hama Ne Hanzvadzi,

Garai pedyo na Kristo. Regai ndikuyambirei zvino, semushumiri we Ivangeri, ye izvi. Regai kutora hupenzi. Regai kufungidzira chinhu. Garai ipapo kusvikira umu mukati memukati manyatso batirira pa Shoko, kuti uri muna Kristo chaimo, nokuti ndicho chinhu choga chicha… Nokuti, tiri muchizvarwa chinonyengera kupfuura zvose zvatakambogara mazviri. “Chinotonyengera Vasanangurwa chaivo deno zvaigoneka”, nokuti vane chizoro, vanogona kuita chinhu chose se vamwe vose.

Baba, Makati yambira kuti tiri kurarama muchizvarwa chinonyengera kupfuura nguva dzose. Mweya miviri iri munyika ichange iri pedyo nepedyo zvikuru, igonyengera vasanangurwa chaivo, deno zvaigoneka. Asi kurumbidzwa ngakupihwe Ishe, hazvigoneki kuti nyengera isu, Mwenga Wenyu; tichagara ne Shoko Renyu.

Tiri Chisikwa Chenyu Chitsva, uye hatigoni kunyengerwa. Tichagara ne ‘Nzwi Renyu. Ticharitaura sezva riri ne kuzembera pa Shoko rega rega, zvisinei zvinotaurwa naani. Hapana imwe nzira kunze kwe Nzira Yenyu yamakapa. Zvanzi na Jehovah pama tepi.

Muporofita Wenyu paakange ari pano panyika, aiziva kuti zvakakosha sei kuti Mwenga unzwe Shoko rose rakataurwa, saka aka batanidza Mwenga Wenyu nenzira ye runhare. Wakatiunza pamwe chete pa Shoko Inzwi Renyu Rakataurwa rakasimbiswa.  

Aiziva kuti hakuna chimwe chizoro chikuru kupfuura Inzwi Renyu.

Kunze uko pamasaisai erunhare urwu, dai Mweya M’tsvene mukuru, wapinda muungano yega yega. Dai Chiyedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe.

Zvose zvingadikanwa ne Mwenga Wenyu kuitira Kuuya Kwenyu zvakataurwa, zvakachengetwa uye nekuzarurwa ku Mwenga wenyu ne ngirozi Yenyu; ndiro Shoko Renyu. Makatiudza kuti kana tine mibvunzo, endai kuma tepi. Makatiudza kuti William Branham ndiye Inzwi renyu kwatiri. Pangava nemubvunzo seiko mupfungwa ye Mwenga wenyu panyaya yekuisa Inzwi Renyu se Inzwi rakakoshesesa ra Anofanira kunzwa? Hapana Ishe, ku Mwenga Wenyu.

Muporofita wenyu akatiudza pamusoro pehope yaakarota achiti, “Ndichatasva muhwezva uyu zvakare” Hatizivi zvazvinoreva, asi zvirokwazvo Ishe, Inzwi Renyu riri kutasva muhwezva wemasaisai zvakare nhasi, richitaura, uye nekudana Mwenga wenyu kubva pasi rose.

Munokokwa kuuya kuzobatana nesu, Branham Tabernacle, musi we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa pamasaisai Inzwi ra Mwari richitiunzira Mharidzo: 65-0815 – “Uye Vasi Ngazvizive”

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga:

Zvakazarurwa 3:14-19

Vakorose 1:9-20

24-0825 Zviitiko Zvichijekeswa NeChiporofita

Mharidzo: 65-0801E Zviitiko Zvichijekeswa NeChiporofita

PDF

BranhamTabernacle.org

VadikanwaZvapungu,
 
Pane mutumbi, zvapungu zviri kuunganaipapo. Inguva yemadekwana, uye chiporofita chiri kuzadzikiswa pamberi pemeso edu. Moyo yedu iri kupisa mukati medu sezvo tamukoka muma chechi edu, mudzimba dzedu, nemudzimba dzedudzedhaga kunze uko mumasango. Achataura kwatiri uye nekuzarura Shoko Rake. Tine nzara ne nyota ya Mwari wakawanda.
 
Wakasarudza nzira ichauya nayo Shoko Rake kwatiri; ne Muporofita Wake, Waakatemera nokufanogadza. Wakasarudza William Marrion Branham kuti ave munhuwenguva ino kubata vanhu Vake vakasanangurwa venguva ino, ISU, Mwenga Wake.
 
Hakuna mumwe munhu anogona kutora nzvimbo yake. Tinofara nematauriro aanoita; hain’t, tote, carry, fetch, ndi MwariAri kutaura munzeve dzedu. MwariArikutaura nemuromo wemunhu, achiitachaizvo zvaakataura kuti achaita. Nyaya yapera!
 
Mwari Waifambisa mavoko nemaziso akemuzviratidzo. Haaigona kutaura zvimwe kunze kweizvo zvaakange akatarisa.Mwari Ndiye Akange Ane hutongihwakazara parurimi rwake, chigunwe, kunyange mitezo yose yemuviri wake yakange iri mukufambiswa kuzere na Mwari. Iye akange ari muromo chaiwo waMwari.
 
Mwari Wakafano ziva kuti muchizvarwa chino kereke yaizo vhiringidzwa. Naizvozvo, Akafano gadzirira muporofitaWake kuchizwarwa chedu, kudananekutungamira Mwenga Wake wakasanangurwa ne Shoko Rake rakasimbiswa.
 
Muhurongwa Hwake hukuru, Akazivavokuti Aizo tora muporofita Wake KumushaIye Asati Adzoka, saka Akaita kuti InzwiRake riiswe pamatepi nekuchengetwa, kuti Mwenga Wake wakasanangurwa uwane Zvanzi na Jehovah pamawoko awo. Ipapo havazovi nemubvunzo. Hapana dudziro inodikanwa, Shoko chete rakachena risina kusvibiswa ravanogona kunzwa nguva dzose.
 
Akaziva kuti pachazove nemanzwi mazhinji uye nenyonganyonga yakawanda muma zuva ekupedzisira.

Mavhiki matatu apera, wakataura nesu achigadza nguva yatiri kurarama, Akatiudza nezve vaporofita venhema vaizosimuka uye nekunyengera vasanangurwa, dai zvaigoneka.
 
Kutisei mwari wechizvarwa chino aka pofomadza moyo yevanhu. Uye kutiMwari Amene Wakataura kubudikidzanezviporofita kuti zvinhu izvi zvichaitika muchizvarwa chino che Raodikia. Akatiudza kuti hapana chakasiiwa chisina kuitwa.
 
Akazviratidza kwatiri nezvinhu zvakaporofitwa pamusoro pake kuti achazviita muzuva rino. Maiitiro Ake akaratidza kwatiri kuti Ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nekusingaperi. Inzwi ra Mwari, riri kutaura, uye nekurarama, mu Mwenga Wake.
 
Unotenda here kuti Shoko iri ndiro Vaheberu 13:8? Ishoko benyu here? Mwanakomana we Munhu here ari kuzviratidza munyama? Saka chiporofita chichaitika musi we Svondo uno kana ukatenda nekuteerera

Pane chichaitika pasi rose chisina kumbogoneka kumashure munhoroondo yepasi rose. Mwari achange achitaura ne muromo we munhu, achitaura ku Mwenga wake pasi rose zvose panguva imwe chete. Achaita kuti titurikane mavoko, nekunamatirana iye paachange achitinamatira tose.

Imi muri kunze uko parunhare, kana makatenda nemoyo wenyu wose, vashumiri pavachange vachikuturikai mavoko, vadikanwa venyu vachikuturikaivo mavoko, kana ukatenda nemoyo wako wose kuti zvapera, zvapera.

Chose chatinoda, Mwari vachatipa kana chete tikatenda…UYE TINOTENDA KUTI TIRI MWENGA WAKE WAKATENDEKA. Zvinotoitika. Shongwe ye Gore reMotoichange iri pose patakaungana uye igopamumwe nemumwe wedu chose chaanoda, I ZVANZI NA JEHOVAH.

 Dai Chiedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe, uye dai vakaporeswa panguva ino. Tinotsiura muvengi, dhiabhorosi, muhupo hwa Kristu; tinoti kumuvengi, kuti wakundwa ne – nekutambura kwake pamusana pedu, rufu rwa Tenzi Jesu uye kumuka kwake nesimba ne zuva retatu; uye nehuchapupu hwakaratidzwa kuti ari pakati pedu manheru ano, mupenyu, shure kwemakore mazana anegumi nepfumbamwe. Mweya wa Mwari mupenyu ngauzadze moyo wese nekutenda nesimba, nesimba rekupodza rinobva kuna Jesu wakamuka kuvakafa, Arikuratidzwa zvino ne Chiedza chikuru ichi chiri kukomberedza kereke, Muhupo Hwake. Muzita ra Jesu Kristo, gamuchidzai kuitira kubwinya kwa Mwari.

Uri Mwenga Wake. Hapana chinozvibvisa kwauri, HAPANA. Satani wakundwa. Ungangonzwa kuti Mwari waunaye anongo zadza chipunu chete, asi ndozvoga zvaunongoda, ZVINOTOBATIKA. NDIYE. IWE URI WAKE. SHOKO RAKE HARIKUNDIKE.
 
Ritende, rigamuchire, batirira kwariri, harikundike. Hauna simba asi une kodzero. Taura uchiti, “Ndino tora Ishe, ndezvangu, makazvipa kwandiri uye handitenderi kuti Satani azvitore.
 
Inguva yakadii yatichava nayo. Hapana imwe nzvimbo yandingada kuva pairi. Mweya M’tsvene uchange wakatipoteredza. Tichipiwa Chizaruro chakawedzerwa. Moyo yakaputsika ichibatanidzwa. Munhu wese achipodzwa. Tingatadza sei kutaura tichiti, “Moyo yedu haina kutswa here mukati medu, uye haisi kutswa here iko zvino, kuziva kuti ikozvino tave muHupo hwa Jesu Kristo akamutswa kuvafi, kwaari ngakuve nekubwinya neku rumbidzwa nekusingaperi.
 
Hama Joseph Branham.
 
Tinokoka pasi rose kubatana nesunenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville
Mharidzo: 65-0801E   Zviitiko Zvichijekeswa Ne Chiporofita
 
 
 
Magwaro ekuverenga musati manzwa Mharidzo:
Genesisi 22:17-18
Mapisarema 16:10
Mapisarema Chitsauko 22
Mapisarema 35:11
Mapisarema 41:9
Zakaria 11:12
Zakaria 13:7
Isaya 9:6
Isaya 40: 3-5
Isaya 50:6
Isaya 53:7-12
Maraki 3:1
Maraki Chitsauko 4
Johane 15:26
Ruka 17:30
Ruka 24:12-35
Varoma 8:5-13
Vahebheru 1:1
Vahebheru 13:8
Zvakazarurwa 1:1-3
Zvakazarurwa Chitsauko 10


 
 
Dai Chiedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe, uye dai vakaporeswa panguva ino. Tinotsiura muvengi, dhiabhorosi, muhupo hwa Kristu; tinoti kumuvengi, kuti wakundwa ne – nekutambura kwake pamusana pedu, rufu rwa Tenzi Jesu uye kumuka kwake nesimba ne zuva retatu; uye nehuchapupu hwakaratidzwa kuti ari pakati pedu manheru ano, mupenyu, shure kwemakore mazana anegumi nepfumbamwe. Mweya wa Mwari mupenyu ngauzadze moyo wese nekutenda nesimba, nesimba rekupodza rinobva kuna Jesu wakamuka kuvakafa, Arikuratidzwa zvino ne Chiedza chikuru ichi chiri kukomberedza kereke, Muhupo Hwake. Muzita ra Jesu Kristo, gamuchidzai kuitira kubwinya kwa Mwari.
 
Uri Mwenga Wake. Hapana chinozvibvisa kwauri, HAPANA.

24-0818 Mwari WeZera Rino Rakaipa

Mharidzo: 65-0801M Mwari WeZera Rino Rakaipa

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Ivo Vakakwana,

Inzwi ratinonzwa pamatepi ndiro Inzwi rimwe chete rakadanidzira Shoko Rake mubindu re Edeni, pa Gomo re Sinai, uye paGomo rekuShandurwa. Riri kudanidzira nhasi nechi Zaruro chakakwana chekupedzisira cha Jesu Kristu. Riri kudana Mwenga, nekuugadzirira Kubvutwa. Mwenga uri kurinzwa, kurigamuchira, kurirarama, uye wazvigadzirira nenzira yekuritenda.

Hakuna munhu angaritora kubva kwatiri. Hupenyu hwedu haunga tambwi nahwo. Mweya Wake uri kupfuta nekupenya mukati medu. Wakatipa hupenyu Hwake, Mweya Wake, uye ari kuratidza hupenyu hwake matiri. Takavigwa munaMwari uye tirikupihwa zvekudya zveShoko Rake. Satani haagoni kutibata. Hatigoni kuzungunuswa. Hapana chinotishandura. Nechizaruro, tave Shoko Mwenga Wake.

Apo Satani anoedza kuti deredza, tinongo muyeuchidza mawoerwe atinoitwa na Mwari. Paano titarisira pasi, choga chaanoona Indarama YAKACHENA. Kururama kwedu kururama Kwake. Hunhu hwedu ndihwo hunhu hwake hunobwinya. Zvatiri zvinowanikwa maari. Zvaari, ndizvo zvatave kujekesa, Zvaanazvo, ZVINO TAVE KUZVIRATIDZA.

Anofarira kuudza Satani achiti, “Handioni chakaipa maAri; WAKAKWANA. Kwandiri, Mwenga Wangu, unobwinya mukati nokunze. Kubvira pakutanga kusvikira pakuguma, i Basa Rangu, uye mabasa angu ose akakwana. Chokwadi chaicho ndechokuti, maari ndimo munopedziswa nekuratidzwa hungwaru ne chinangwa changu cheZiendanakuenda”. Mwenga wangu wakaisvonaka ndakumuona akakodzera. Sendarama inobvuma kushandwa, nayewo akatsungirira kutambudzika nokuda kwangu. Haana kurerutsa, kugwadama, kana kutyoka, asi anoumbwa sechinhu chehunaku. Miyedzo yake nekuyedzwa kwehupenyu huno kwakamuita mudiwa wepamoyo Mwenga Wangu.

Handizvo zviri Ishe here? Anonyatsoziva nzira yekutisimbisa nayo. Anotiudza, “Regai kuwodzwa moyo, asi simbiswai”. Anoona mabasa edu erudo kwaari. Anoona zvatinofanira kupfuura nemazviri. Anoona hondo dzemazuva ose dzatinofanira kutsungiria. Paanotida tichipfuura neimwe naimwe yadzo.

Muma Ziso Ake takakwana. Wakatimirira kubva pakutanga kwenguva. Haatenderi kuti chinhu chiitike kwatiri kunze kwekunge zviri zvekuti zvitinakire. Anoziva kuti tichakunda zvidziviso zvose zvinoiswa na Satani pamberi pedu. Anofarira kuratidza kwaari kuti tiri Mwenga wake. Hatizungunuswe. Tisu ivo vaakange akamirira kubvira pakutanga. Hapana chingatiparadzanise kubva kwaari ne Shoko Rake.

Wakatitumira Ngirozi Mutumwa wake une simba kuti agone kutaura muromo kunzeve kwatiri. Wakaita kuti zviiswe pamatepi kuti parege kuva nemibvunzo pane zvaakataura. Akaita kuti zvichengetwe kuti Mwenga uwane zvekudya kusvikira auya kuzotitora.

Hazvine mhoswa vamwe havatinzvisise kana kutitambudza nenyaya yokutaura kuti tiri “Vanhu vemaTepi”, tinofara, nokuti ndizvo zvaakazarura kwatiri kuti tiite. Vamwe ngavaite zvanonzwa kutungamirirwa kuita, asi kana tirisu, tinofanira kubatana pamwe chete pasi pe Inzwi rimwe chete, Inzwi raMwari rakasimbiswa pama tepi.

Hapana chimwe chatinga wedzera kufunga. Hapana chimwezve chatinganzwisia. Hapana chimwezve chatinga GAMUCHIRA.

Hatirwisani nezvinonzwa vamwe vatendi kutungamirwa na She kuita, asi izvi ndizvo Mwari ZVAATITUNGAMIRIRA kuita, uye ipapa ndipo paticharamba TIGERE. Takagutsikana. Tirikupihwa chikafu ne Inzwi ra Mwari. Tinogona kuti Ameni ku SHOKO ROSE ratinonzwa. Iyi ndiyo nzira yatakapihwa na Mwari. Hapana chimwe chatingaite.

Ndinongoda kukoka munhu wese kuuya kuzobatana nesu. Tiri kungoita ma services nenzira yaitwa ne Hama Branham pavakange vari panyika.

Kunyange vasiri pano panyama, chikuru ndeizvo Mwari zvavakataura kuMwenga Wake pama tepi. Vaikoka nyika kuti ive chikamu chevari kubatana parunhare, ndokunge ivo VACHITODAVO. Aita kuti vaungane kwavaigona kuti vanzwe Inzwi ra Mwari richitaura kwavari vose panguva imwe chete. Ndizvo zvakaitwa ne muporofita wa Mwari nguva iyoyo, saka ndiri kuedza kuita zvaakaita semuenzaniso wangu.

Naizvozvo, munokokwa kuuya kuzobatana nesu parunhare musi we Shondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichateerera mutumwa waMwari achiunza kwatiri Mharidzo: Mwari We Chizwarwa Chino Chakaipa 65-0801M

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga musati manzwa Mharidzo:

:

Mateo 24/27:15-23

Ruka 17:30

Johane 1:1/14:12

Mabasa Eva Positori 10:47-48

1 Vakorinde 4:1-5/14

2 Vakorinde 4:1-6

Vagaratiya 1:1-4

Vaefeso 2:1-2/4:30

2 Vatesaronike 2:2-4/2:11

Vaheberu 7

1 Jahane 1/3:10/4:4-5

Zvakazarurwa 3:14/13:4/6-8/11-12/18:1-5

Zvirevo 3:5

Isaya 14:12-14