Category Archives: Uncategorized

24-0915 Sefa YeMunhu Anofunga

Mharidzo: 65-0822E Sefa YeMunhu Anofunga

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu,
 
Mweya wa Mwari mupenyu, femerai pamusoro pedu, Ngatitorei Sefa  Yenyu uye tigare pasi Payo, Ishe.Femerai mhepo itsva ye Mweya Mutsvene muma papuedu uye mumunhu wedu wemukati zuva ne zuva. Tinogona chete kurarama ne Shoko Renyu, Shoko rose rinobuda kubva mumuromo Wenyu kuchizvarwa chino chatiri kurarama.
 
Takaravira zvinhu Zvenyu Zvekudenga uye tine Shoko Renyu mumoyo yedu.Takaona Shoko Renyurichiratidzwa pamberi pedu, uye munhu wedu wemukatiwaka putirwa mazviri. Nyika ino, uye nezvinhu zvosezve Nyika zvakafa kwatiri.
 
Tiri chizenga mbeu Shoko Renyu rakange riri mamurikubva pakutanga, timire pano, tichi kweva hupenyuHwenyu hwe mbeu. Mbeu Yenyu iri mukati meduNokufanoziva Kwenyu. Makatitemera kuti tisa kwevachimwe chinhu, asi chete Shoko Renyu, Inzwi Renyu, pama tepi.
 
Chizvarwa cheziso chasvika; hapana chimwe chasaraasi Kuuya Kwenyu ku Mwenga Wenyu. Sefa yedu iShoko Renyu, Maraki 4, Zvanzi Na Jehovah
 
Ngatidyarei Shoko Renyu mumoyo yedu, uye totsungakuti hatizi kuzo tendeukira kurudyi kana kuruboshwe, asikurarama zvakatendeka kwa Riri mazuva ose ehupenyuhwedu. Baba, burutsai patiri Mweya Mutsvene we Hupenyu, uye mumutsurudze Shoko Renyu kwatiri, kutitikuratidzei Imi.
 
Chishuvo chemoyo yedu kuva vanakomana ne vanasikana vechokwadi kwa Muri. Tigere muhupo hwe‘Nzwi Renyu, tichiibviswa, tichizvigadzirira maringeneMabiko edu eMuchato ave pedyo, pedyo.
 
Marudzi ave kupamuka. Pasi rose riri kupamuka. Kundengendeka kwenyika kuri kuzunguza California sezvo makatiudza kuti zvichaitika. Tinoziva nenguvapfupi chaizvo, chimedu chakareba mamaira mazanagumi nemashanu chazvo; chakapamhama mamairamazana matatu kana mana, chichanyura, dzimwe nguvatingati mamaira makumi mana kupinda mumutswemukurusa kunze uko. Masaisai achapfachuka kusvikakudunhu re Kentucky, uye kana zvaitika saizvozvo, zvichazungunusa pasi rose zvakaomarara kusvikirazvose zviri pamusoro penyika zvichazunzirwa pasi.
 
Yambiro yenyu yekupedzisira iri kuenda mberi. Pasirose riri munyonganyonga zvachose, asi panguva yoseiyi Mwenga Wenyu waka zorora ma Muri uye muShokoRenyu, ugere pamwe chete munzvimbo dzekudenga pa Munotaura nesu, uye nekutinyaradza munzira.
 
Tinotenda sei, Baba, kuti tinogona kungo ‘Dzwanya Ne Kuridza” uye nekunzwa Inzwi Renyu richitaura kwatiri, richitisimudzira uye nekutiudza:

Musatya Boka duku. Zvose zva Ndiri, nemivo muri vadyivenhakavo.  Simba Rangu rose nderenyuvo. Husamasimba hwangu hwose ndehwenyu pandinengendakamira pakati penyu. Handina kuuya kuzounzakutya kana kukundika, asi rudo uye kushinga uyekukwanisa. Simba rose rakapihwa Kwandiri uyenderenyu kuti mushandise. Mukataura Shoko Ndinoriita.Ndiyo sungano Yangu uye haifi yakakundika.

Haiwa Baba, hatina CHINHU chekutya. Munotipa rudoRwenyu, kushinga uye kukwanisa. Shoko Renyu ririmatiri kuti tishandise patinorida. Tinoritaura, uye Imimunoriita. Isungano Yenyu, uye haifi YAKAKUNDIKA. 
 
Manzwi emunhu anofa haagoni kuratidza manzwiro edu, Baba, asi tinoziva kuti munoona mukati memoyonemunhu wemukati medu; nokuti tiri chikamu Chenyu.  
Tinotenda sei kuti Makapa nzira yekuti nyika inzwe InzwiRenyu munguva ino yekuguma. Vhiki roga roga, Munokoka nyika kuuya kuzobatana kunzwa ngirozimutumwa Wenyu pa Munotipa Chikafu chema Kwayiicho chakachengetwa kuti chitiraramise kusvikaMuchidzoka kuzotitora.
 
 
Tinokudai Baba
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0822E Sefa Yemunhu Anofunga
 
Nguva: 12:00 Masikati, Nguva ye Jeffersonville
 
Magwaro: Numeri 19:9 / Vaefeso 5:22-26

24-0908 Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene

Mharidzo: 65-0822M Kristu Anozarurwa MuShoko RaKe Omene

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Branham Tabernacle,
 
Meso edu akaropafadzwa sei, nokuti anoona. Nzevedzedu dzakaropafadzwa sei; nokuti dzinonzwa. Vaporofita nevarume vakarurama vakashuva kuonanekunzwa izvo zvinhu zvatakaona nekunzwa, asihavana. Isu TAKAONA NEKUNZWA INZWI RA MWARI
 
Mwari Amene akasarudza kunyora Bhaibheri Rake kubudikidza neva porofita Vake. Mwari Amene zvakareakasarudza kuzarura zvakavanzika zvake munguva inoyekuguma ku Mwenga Wake kubudikidza nemu porofitawake. Zvizenga Zvake, Shoko Rake rakaratidzwa, zvose zvichiumba chikamu chake.
Zera redu parakasvika, Wakaita kuti muporofita Wake asvikewo panguva imwe chete. Akamufemera akataurakubudikidza naye. Ndiyo yakange iri nzira yakeyakatemerwa uye yaakapa yekuzviita. Sezviri Bhaibheri, Ishoko raMwari, kwete shoko remunhu.
 
Tinofanira kuva ne Mhedziso, pazvinoperera; Shoko rekupedzisira. Vamwe vanhu vanoti Bhaibheri ndiyoMhedziso yavo, kwete zvakataurwa pamatepi; sekungezvinotaura zvakasiyana. Zvinotoshamaisa kuti Mwariakaviga sei Chizaruro chechokwadi cheShoko Rake kune vazhinji, asi akazvizarura nekunyatso zviisapachena ku Mwenga Wake. Vamwe hapanazvavangaite, vaka pofomadzwa uye havana Chizarurochakazara che Shoko ra Mwari rakazarurwa.
 
Mwari wakataura mu Shoko (Bhaibheri) Rake kubudikidza nemuporofita akatiudza, “Mwari, munguvadzakasiyana uye nemitoo yakasiyana, akatauramunguva dzekare kumadzibaba edu kubudikidza nevaporofita” Naizvozvo, Vaporofita vaMwari vakanyoraBhabheri. Vakange vasi ivo, asi Mwari aitaura nemavari.
 
Akataura muzuva redu kuti aizo tumira Mweya Wake we zvokwadi kutitungamira muzvokwadi yose. Haataurinezvake iye; asi zvose zvaachanzwa, ndizvozvaachataura; uye achatiratidza zvinhu zvichauya
 
 
Shoko riri pama tepi zvinhu zvechokwadi zva Mwarizvakazarurwa. Hazvidi dudziro.  Ndi Mwarivarikududzira Shoko Ravo Vamene pavanori taurapamatepi.
 
Hapana kuenderera mberi mune zvinotaurwa nevamwevanhu, asi chete zvinotaurwa na Mwari. Zvinotaurwapamatepi ndiro chete Inzwi RISINGASHANDUKE ZVACHOSE. Vanhu vano shanduka, dudziro dzinoshanduka; Shoko ra Mwari harishanduke zvachose. Ndiyo Mhedziso ye Mwenga.
 
Muporofita anotipa muenzaniso wekuti muzvinapembendiye mhedziso pamutambo we ballgame. Shoko rake ndiyo mhedziso. Haugoni kuri pikisa. Zvaataurandizvozvo, nyaya yapera. Zvino muzvinapembe anebuku remitemo yaano shanda nayo. Rinomuudza pane zvimbo mumutambo we ballgame dzinonzi “ball” kana kuti “strike”, paunenge uri pazvimbo kwayo kana kunze; mitemo yacho yemutambo we ballgame.
 
Anoverenga nekunzvera buku iroro kuti kana otaura, achipa mutongo wake, watowe mutemo, ndiro shokorekupedzisira. Unotofanira kugara nezvaanotaura, hapana mubvunzo, hapana gakava, chipi chaataura, ndizvo zvazvinofanira kuva hazvigoni kushandurwa, Kubwinya.
 
Hama Branham havana kuti musaparidza, kana kudzidzisa; asi vakatoti paridzai, ne kuteerera vafudzivenyu, asi Inzwi riri pamatepi rinofanira kunge riri iyoMhedziso yenyu.
 
Panofanira kunge paine hoko; nemamwe manzwi, pazvinoperera. Munhu wese anofanira kunge ainepazvinoperera. Ndiro shoko rekupedzisira. Mwariwakapa nzvimbo imwe chete yekuwana izvozvo, Inzwira Mwari pama tepi. Ndiyo dudziro yemweya ye Shoko ra Mwari. Ndiro SHOKO REKUPEDZISIRA, AMENI, IYO ZVANZI NA JEHOVAH.
 
Jesu Amene wakati tinovaidza “vamwari” avo vakatauraShoko Rake; uye ndizvozvo kuti vamwari. Akativaporofita pavaka zodzwa ne Mweya wa Mwari, vakaunza chairo Shoko raMwari. Raive Shoko ra Mwariraitaura kubva mavari.
 
Ndoo chikonzero muporofita wedu akange akashingazvikuru. Aifambiswa ne Mweya Mtsvene kutaura Shoko ra Mwari risingakundike. Mwari wakamu sanangurirachizvarwa chedu. Waka sarudza Shoko raizo taura, kunyange hunhu hwemuporofita wedu, uyenezvaizoitika muchizvarwa chedu.
 
 
Mashoko aakataura, maitiro ake, anopofomadzavamwe, asi anovhura meso edu. Pamusoro pezvo, wakamupfekedza mhando yenguvo yaaipfeka. Hunhuhwake, zvinangwa zvake, zvose maringe nezvaaifanirakuva. Wakanyatso sarudzirwa isu zvakakwana, Mwengawa Mwari.

Ndosaka patino UYA PAMWE CHETE, Inzwiiroro ndiro ratinoda kuisa panzvimbo kutanga kunzwa. Tino tenda kuti tiri kunzwa Shoko Rakachenarakataurwa kubva kumutumwa wakasarudzwawakasanangurwa wa Mwari.
 
Tinoziva kuti vamwe havaoni kana kunzwisisa izvozvo, asi iye wakati ari kutaura kuungano yake chete. Rakange risi basa rake kuona nezvevamwe avo Mwariakapa kune vamwe vafudzi kufudza. Iye basa rake rakange riri rekuona mhando yeChikafu cheanotipa.
 
Ndosaka tichiti tiri Branham Tabernacle, nokuti wakatiShoko Renguva rakanangana nevanhu vake mu Tabernacle, kaboka kaduku kaida kutora nekuteererama tepi. Aitaura kune avo vaakapihwa na Mwarikutungamirira.
 
Akati, “kana vanhu vachida kusanganisa chikafunezvimwewo kunze uko, wanai chizaruro kubva kunaMwari, moita zvamunoudzwa na Mwari kuita. Inindichaita zvimwe chete. Asi Mharidzo idzi, pama tepi, ndezve kereke ino chete.
 
Wakazvirerutsa sei kuMwenga Wake kuona nekunzwaInzwi ra Mwari nekutevera kuraira Kwake.
 
Kana uchida kubatana nesu kunzwa Inzwi iroro, tichange tichiteerera panguva imwe chete musi uno we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, ku: 65-0822M “Kristo Anozarurwa Mu Shoko Rake Iye”
 
Kana ukatadza kubatana nesu, ndinokurudzira kutiuteerere Mharidzo iyoyo paunokwanisira.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga usati wanzwa Mharidzo
 
Ekisodo 4:10-12
Isaya 53:1-5
Jeremiya 1:4-9
Maraki 4:5
Ruka 17:30
Johane 1:1 / 1:14 / 7:1-3 / 14:12 / 15:24 / 16:13
Vagaratiya 1:8
2 Timotio 3:16-17
Vaheberu 1:1-3 / 4:12 / 13:8
2 Petros 1:20-21
Zvakazarurwa 1:1-3 / 10:1-7 / 22:18-19

24-0901 Uye Vasingazvizive

Mharidzo: 65-0815 Uye Vasingazvizive

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Hama Ne Hanzvadzi,

Garai pedyo na Kristo. Regai ndikuyambirei zvino, semushumiri we Ivangeri, ye izvi. Regai kutora hupenzi. Regai kufungidzira chinhu. Garai ipapo kusvikira umu mukati memukati manyatso batirira pa Shoko, kuti uri muna Kristo chaimo, nokuti ndicho chinhu choga chicha… Nokuti, tiri muchizvarwa chinonyengera kupfuura zvose zvatakambogara mazviri. “Chinotonyengera Vasanangurwa chaivo deno zvaigoneka”, nokuti vane chizoro, vanogona kuita chinhu chose se vamwe vose.

Baba, Makati yambira kuti tiri kurarama muchizvarwa chinonyengera kupfuura nguva dzose. Mweya miviri iri munyika ichange iri pedyo nepedyo zvikuru, igonyengera vasanangurwa chaivo, deno zvaigoneka. Asi kurumbidzwa ngakupihwe Ishe, hazvigoneki kuti nyengera isu, Mwenga Wenyu; tichagara ne Shoko Renyu.

Tiri Chisikwa Chenyu Chitsva, uye hatigoni kunyengerwa. Tichagara ne ‘Nzwi Renyu. Ticharitaura sezva riri ne kuzembera pa Shoko rega rega, zvisinei zvinotaurwa naani. Hapana imwe nzira kunze kwe Nzira Yenyu yamakapa. Zvanzi na Jehovah pama tepi.

Muporofita Wenyu paakange ari pano panyika, aiziva kuti zvakakosha sei kuti Mwenga unzwe Shoko rose rakataurwa, saka aka batanidza Mwenga Wenyu nenzira ye runhare. Wakatiunza pamwe chete pa Shoko Inzwi Renyu Rakataurwa rakasimbiswa.  

Aiziva kuti hakuna chimwe chizoro chikuru kupfuura Inzwi Renyu.

Kunze uko pamasaisai erunhare urwu, dai Mweya M’tsvene mukuru, wapinda muungano yega yega. Dai Chiyedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe.

Zvose zvingadikanwa ne Mwenga Wenyu kuitira Kuuya Kwenyu zvakataurwa, zvakachengetwa uye nekuzarurwa ku Mwenga wenyu ne ngirozi Yenyu; ndiro Shoko Renyu. Makatiudza kuti kana tine mibvunzo, endai kuma tepi. Makatiudza kuti William Branham ndiye Inzwi renyu kwatiri. Pangava nemubvunzo seiko mupfungwa ye Mwenga wenyu panyaya yekuisa Inzwi Renyu se Inzwi rakakoshesesa ra Anofanira kunzwa? Hapana Ishe, ku Mwenga Wenyu.

Muporofita wenyu akatiudza pamusoro pehope yaakarota achiti, “Ndichatasva muhwezva uyu zvakare” Hatizivi zvazvinoreva, asi zvirokwazvo Ishe, Inzwi Renyu riri kutasva muhwezva wemasaisai zvakare nhasi, richitaura, uye nekudana Mwenga wenyu kubva pasi rose.

Munokokwa kuuya kuzobatana nesu, Branham Tabernacle, musi we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa pamasaisai Inzwi ra Mwari richitiunzira Mharidzo: 65-0815 – “Uye Vasi Ngazvizive”

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga:

Zvakazarurwa 3:14-19

Vakorose 1:9-20

24-0825 Zviitiko Zvichijekeswa NeChiporofita

Mharidzo: 65-0801E Zviitiko Zvichijekeswa NeChiporofita

PDF

BranhamTabernacle.org

VadikanwaZvapungu,
 
Pane mutumbi, zvapungu zviri kuunganaipapo. Inguva yemadekwana, uye chiporofita chiri kuzadzikiswa pamberi pemeso edu. Moyo yedu iri kupisa mukati medu sezvo tamukoka muma chechi edu, mudzimba dzedu, nemudzimba dzedudzedhaga kunze uko mumasango. Achataura kwatiri uye nekuzarura Shoko Rake. Tine nzara ne nyota ya Mwari wakawanda.
 
Wakasarudza nzira ichauya nayo Shoko Rake kwatiri; ne Muporofita Wake, Waakatemera nokufanogadza. Wakasarudza William Marrion Branham kuti ave munhuwenguva ino kubata vanhu Vake vakasanangurwa venguva ino, ISU, Mwenga Wake.
 
Hakuna mumwe munhu anogona kutora nzvimbo yake. Tinofara nematauriro aanoita; hain’t, tote, carry, fetch, ndi MwariAri kutaura munzeve dzedu. MwariArikutaura nemuromo wemunhu, achiitachaizvo zvaakataura kuti achaita. Nyaya yapera!
 
Mwari Waifambisa mavoko nemaziso akemuzviratidzo. Haaigona kutaura zvimwe kunze kweizvo zvaakange akatarisa.Mwari Ndiye Akange Ane hutongihwakazara parurimi rwake, chigunwe, kunyange mitezo yose yemuviri wake yakange iri mukufambiswa kuzere na Mwari. Iye akange ari muromo chaiwo waMwari.
 
Mwari Wakafano ziva kuti muchizvarwa chino kereke yaizo vhiringidzwa. Naizvozvo, Akafano gadzirira muporofitaWake kuchizwarwa chedu, kudananekutungamira Mwenga Wake wakasanangurwa ne Shoko Rake rakasimbiswa.
 
Muhurongwa Hwake hukuru, Akazivavokuti Aizo tora muporofita Wake KumushaIye Asati Adzoka, saka Akaita kuti InzwiRake riiswe pamatepi nekuchengetwa, kuti Mwenga Wake wakasanangurwa uwane Zvanzi na Jehovah pamawoko awo. Ipapo havazovi nemubvunzo. Hapana dudziro inodikanwa, Shoko chete rakachena risina kusvibiswa ravanogona kunzwa nguva dzose.
 
Akaziva kuti pachazove nemanzwi mazhinji uye nenyonganyonga yakawanda muma zuva ekupedzisira.

Mavhiki matatu apera, wakataura nesu achigadza nguva yatiri kurarama, Akatiudza nezve vaporofita venhema vaizosimuka uye nekunyengera vasanangurwa, dai zvaigoneka.
 
Kutisei mwari wechizvarwa chino aka pofomadza moyo yevanhu. Uye kutiMwari Amene Wakataura kubudikidzanezviporofita kuti zvinhu izvi zvichaitika muchizvarwa chino che Raodikia. Akatiudza kuti hapana chakasiiwa chisina kuitwa.
 
Akazviratidza kwatiri nezvinhu zvakaporofitwa pamusoro pake kuti achazviita muzuva rino. Maiitiro Ake akaratidza kwatiri kuti Ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nekusingaperi. Inzwi ra Mwari, riri kutaura, uye nekurarama, mu Mwenga Wake.
 
Unotenda here kuti Shoko iri ndiro Vaheberu 13:8? Ishoko benyu here? Mwanakomana we Munhu here ari kuzviratidza munyama? Saka chiporofita chichaitika musi we Svondo uno kana ukatenda nekuteerera

Pane chichaitika pasi rose chisina kumbogoneka kumashure munhoroondo yepasi rose. Mwari achange achitaura ne muromo we munhu, achitaura ku Mwenga wake pasi rose zvose panguva imwe chete. Achaita kuti titurikane mavoko, nekunamatirana iye paachange achitinamatira tose.

Imi muri kunze uko parunhare, kana makatenda nemoyo wenyu wose, vashumiri pavachange vachikuturikai mavoko, vadikanwa venyu vachikuturikaivo mavoko, kana ukatenda nemoyo wako wose kuti zvapera, zvapera.

Chose chatinoda, Mwari vachatipa kana chete tikatenda…UYE TINOTENDA KUTI TIRI MWENGA WAKE WAKATENDEKA. Zvinotoitika. Shongwe ye Gore reMotoichange iri pose patakaungana uye igopamumwe nemumwe wedu chose chaanoda, I ZVANZI NA JEHOVAH.

 Dai Chiedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe, uye dai vakaporeswa panguva ino. Tinotsiura muvengi, dhiabhorosi, muhupo hwa Kristu; tinoti kumuvengi, kuti wakundwa ne – nekutambura kwake pamusana pedu, rufu rwa Tenzi Jesu uye kumuka kwake nesimba ne zuva retatu; uye nehuchapupu hwakaratidzwa kuti ari pakati pedu manheru ano, mupenyu, shure kwemakore mazana anegumi nepfumbamwe. Mweya wa Mwari mupenyu ngauzadze moyo wese nekutenda nesimba, nesimba rekupodza rinobva kuna Jesu wakamuka kuvakafa, Arikuratidzwa zvino ne Chiedza chikuru ichi chiri kukomberedza kereke, Muhupo Hwake. Muzita ra Jesu Kristo, gamuchidzai kuitira kubwinya kwa Mwari.

Uri Mwenga Wake. Hapana chinozvibvisa kwauri, HAPANA. Satani wakundwa. Ungangonzwa kuti Mwari waunaye anongo zadza chipunu chete, asi ndozvoga zvaunongoda, ZVINOTOBATIKA. NDIYE. IWE URI WAKE. SHOKO RAKE HARIKUNDIKE.
 
Ritende, rigamuchire, batirira kwariri, harikundike. Hauna simba asi une kodzero. Taura uchiti, “Ndino tora Ishe, ndezvangu, makazvipa kwandiri uye handitenderi kuti Satani azvitore.
 
Inguva yakadii yatichava nayo. Hapana imwe nzvimbo yandingada kuva pairi. Mweya M’tsvene uchange wakatipoteredza. Tichipiwa Chizaruro chakawedzerwa. Moyo yakaputsika ichibatanidzwa. Munhu wese achipodzwa. Tingatadza sei kutaura tichiti, “Moyo yedu haina kutswa here mukati medu, uye haisi kutswa here iko zvino, kuziva kuti ikozvino tave muHupo hwa Jesu Kristo akamutswa kuvafi, kwaari ngakuve nekubwinya neku rumbidzwa nekusingaperi.
 
Hama Joseph Branham.
 
Tinokoka pasi rose kubatana nesunenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville
Mharidzo: 65-0801E   Zviitiko Zvichijekeswa Ne Chiporofita
 
 
 
Magwaro ekuverenga musati manzwa Mharidzo:
Genesisi 22:17-18
Mapisarema 16:10
Mapisarema Chitsauko 22
Mapisarema 35:11
Mapisarema 41:9
Zakaria 11:12
Zakaria 13:7
Isaya 9:6
Isaya 40: 3-5
Isaya 50:6
Isaya 53:7-12
Maraki 3:1
Maraki Chitsauko 4
Johane 15:26
Ruka 17:30
Ruka 24:12-35
Varoma 8:5-13
Vahebheru 1:1
Vahebheru 13:8
Zvakazarurwa 1:1-3
Zvakazarurwa Chitsauko 10


 
 
Dai Chiedza Chitsvene chimwe chete chatinotarisa imo muno mukereke, dai chawira pane mumwe namumwe, uye dai vakaporeswa panguva ino. Tinotsiura muvengi, dhiabhorosi, muhupo hwa Kristu; tinoti kumuvengi, kuti wakundwa ne – nekutambura kwake pamusana pedu, rufu rwa Tenzi Jesu uye kumuka kwake nesimba ne zuva retatu; uye nehuchapupu hwakaratidzwa kuti ari pakati pedu manheru ano, mupenyu, shure kwemakore mazana anegumi nepfumbamwe. Mweya wa Mwari mupenyu ngauzadze moyo wese nekutenda nesimba, nesimba rekupodza rinobva kuna Jesu wakamuka kuvakafa, Arikuratidzwa zvino ne Chiedza chikuru ichi chiri kukomberedza kereke, Muhupo Hwake. Muzita ra Jesu Kristo, gamuchidzai kuitira kubwinya kwa Mwari.
 
Uri Mwenga Wake. Hapana chinozvibvisa kwauri, HAPANA.

24-0818 Mwari WeZera Rino Rakaipa

Mharidzo: 65-0801M Mwari WeZera Rino Rakaipa

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Ivo Vakakwana,

Inzwi ratinonzwa pamatepi ndiro Inzwi rimwe chete rakadanidzira Shoko Rake mubindu re Edeni, pa Gomo re Sinai, uye paGomo rekuShandurwa. Riri kudanidzira nhasi nechi Zaruro chakakwana chekupedzisira cha Jesu Kristu. Riri kudana Mwenga, nekuugadzirira Kubvutwa. Mwenga uri kurinzwa, kurigamuchira, kurirarama, uye wazvigadzirira nenzira yekuritenda.

Hakuna munhu angaritora kubva kwatiri. Hupenyu hwedu haunga tambwi nahwo. Mweya Wake uri kupfuta nekupenya mukati medu. Wakatipa hupenyu Hwake, Mweya Wake, uye ari kuratidza hupenyu hwake matiri. Takavigwa munaMwari uye tirikupihwa zvekudya zveShoko Rake. Satani haagoni kutibata. Hatigoni kuzungunuswa. Hapana chinotishandura. Nechizaruro, tave Shoko Mwenga Wake.

Apo Satani anoedza kuti deredza, tinongo muyeuchidza mawoerwe atinoitwa na Mwari. Paano titarisira pasi, choga chaanoona Indarama YAKACHENA. Kururama kwedu kururama Kwake. Hunhu hwedu ndihwo hunhu hwake hunobwinya. Zvatiri zvinowanikwa maari. Zvaari, ndizvo zvatave kujekesa, Zvaanazvo, ZVINO TAVE KUZVIRATIDZA.

Anofarira kuudza Satani achiti, “Handioni chakaipa maAri; WAKAKWANA. Kwandiri, Mwenga Wangu, unobwinya mukati nokunze. Kubvira pakutanga kusvikira pakuguma, i Basa Rangu, uye mabasa angu ose akakwana. Chokwadi chaicho ndechokuti, maari ndimo munopedziswa nekuratidzwa hungwaru ne chinangwa changu cheZiendanakuenda”. Mwenga wangu wakaisvonaka ndakumuona akakodzera. Sendarama inobvuma kushandwa, nayewo akatsungirira kutambudzika nokuda kwangu. Haana kurerutsa, kugwadama, kana kutyoka, asi anoumbwa sechinhu chehunaku. Miyedzo yake nekuyedzwa kwehupenyu huno kwakamuita mudiwa wepamoyo Mwenga Wangu.

Handizvo zviri Ishe here? Anonyatsoziva nzira yekutisimbisa nayo. Anotiudza, “Regai kuwodzwa moyo, asi simbiswai”. Anoona mabasa edu erudo kwaari. Anoona zvatinofanira kupfuura nemazviri. Anoona hondo dzemazuva ose dzatinofanira kutsungiria. Paanotida tichipfuura neimwe naimwe yadzo.

Muma Ziso Ake takakwana. Wakatimirira kubva pakutanga kwenguva. Haatenderi kuti chinhu chiitike kwatiri kunze kwekunge zviri zvekuti zvitinakire. Anoziva kuti tichakunda zvidziviso zvose zvinoiswa na Satani pamberi pedu. Anofarira kuratidza kwaari kuti tiri Mwenga wake. Hatizungunuswe. Tisu ivo vaakange akamirira kubvira pakutanga. Hapana chingatiparadzanise kubva kwaari ne Shoko Rake.

Wakatitumira Ngirozi Mutumwa wake une simba kuti agone kutaura muromo kunzeve kwatiri. Wakaita kuti zviiswe pamatepi kuti parege kuva nemibvunzo pane zvaakataura. Akaita kuti zvichengetwe kuti Mwenga uwane zvekudya kusvikira auya kuzotitora.

Hazvine mhoswa vamwe havatinzvisise kana kutitambudza nenyaya yokutaura kuti tiri “Vanhu vemaTepi”, tinofara, nokuti ndizvo zvaakazarura kwatiri kuti tiite. Vamwe ngavaite zvanonzwa kutungamirirwa kuita, asi kana tirisu, tinofanira kubatana pamwe chete pasi pe Inzwi rimwe chete, Inzwi raMwari rakasimbiswa pama tepi.

Hapana chimwe chatinga wedzera kufunga. Hapana chimwezve chatinganzwisia. Hapana chimwezve chatinga GAMUCHIRA.

Hatirwisani nezvinonzwa vamwe vatendi kutungamirwa na She kuita, asi izvi ndizvo Mwari ZVAATITUNGAMIRIRA kuita, uye ipapa ndipo paticharamba TIGERE. Takagutsikana. Tirikupihwa chikafu ne Inzwi ra Mwari. Tinogona kuti Ameni ku SHOKO ROSE ratinonzwa. Iyi ndiyo nzira yatakapihwa na Mwari. Hapana chimwe chatingaite.

Ndinongoda kukoka munhu wese kuuya kuzobatana nesu. Tiri kungoita ma services nenzira yaitwa ne Hama Branham pavakange vari panyika.

Kunyange vasiri pano panyama, chikuru ndeizvo Mwari zvavakataura kuMwenga Wake pama tepi. Vaikoka nyika kuti ive chikamu chevari kubatana parunhare, ndokunge ivo VACHITODAVO. Aita kuti vaungane kwavaigona kuti vanzwe Inzwi ra Mwari richitaura kwavari vose panguva imwe chete. Ndizvo zvakaitwa ne muporofita wa Mwari nguva iyoyo, saka ndiri kuedza kuita zvaakaita semuenzaniso wangu.

Naizvozvo, munokokwa kuuya kuzobatana nesu parunhare musi we Shondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichateerera mutumwa waMwari achiunza kwatiri Mharidzo: Mwari We Chizwarwa Chino Chakaipa 65-0801M

Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga musati manzwa Mharidzo:

:

Mateo 24/27:15-23

Ruka 17:30

Johane 1:1/14:12

Mabasa Eva Positori 10:47-48

1 Vakorinde 4:1-5/14

2 Vakorinde 4:1-6

Vagaratiya 1:1-4

Vaefeso 2:1-2/4:30

2 Vatesaronike 2:2-4/2:11

Vaheberu 7

1 Jahane 1/3:10/4:4-5

Zvakazarurwa 3:14/13:4/6-8/11-12/18:1-5

Zvirevo 3:5

Isaya 14:12-14

24-0721 Kuedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

Mharidzo: 65-0718M Kuedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga wa Kristu, ngativunganei pamwe chete musi we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, kuzonzwa: 65-0781M Kuitira Mwari Basa Kusiri Kuda kwa Mwari

Hama Joseph Branham

24-0714 Kunyara

Mharidzo: 65-0711 Kunyara

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Usinganyare,

Hakuna kumbowanika nguva kana vanhu sevaripo nhasi. Tiri maAri, vagari venhaka pane zvose zvaakatitengera. Ari kugoverana hutsvene hwake nesu, kusvikira maari, tave kururama kwaMwari chaiko.

Akafanotiziva nokutemera kwoMweya. kuti taizova Mwenga wake. Wakatisarudza, isu hatina kumusarudza kwete. Hatina kuuya nokuda kwedu, kwaive kusarudza kwake. Zvino waisa mumoyo yedu ne mu munhu wemukati wedu Chizaruro chakazara che Shoko Rake.

Zuva nezuva Ari kuzarura Shoko Rake kwatiri, achidurura Mweya Wake pamusoro pedu, achiratidza hupenyu hwake chaihwo matiri. Hakuna imwe nguva apo Mwenga wakanyatso dzikamiswa mumoyo, uchiziva kuti uri mukuda kwake kwakakwana, uye tiri muhurongwa hwake, nokugara ne Shoko Rake, nekunzwa Inzwi Rake.

Rudo rwaMwari uye Shoko iri zvino zadza moyo yedu kusvikira pakupfachukira. Hapana chimwe zve chatichada kunzwa, kutaura nezvacho, kuyanana nazvacho, kana kungogoverana chitaurwa chatichangonzwa neku rumbidza Mwari.

Takafanana na Mosesi kuseri kwerenje. Tafamba kutarisana chiso nechiso naMwari Samasimba, uye tinoona Inzwi richitaura nesu; maringe neShoko uye nevimbiso yenguva. Zvine chazvaita kwatiri. Hatinyari nazvo.Tinofara kuzvishambadzira pasi rose. Tinotenda kuti Ishe Jesu ndiro Shoko re nguva uye isu TIRI MWENGA WAKE.

Iye wakati dzivirira ne Shoko Rake. Hapana kana mumvuri wekupokana, iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari. Mwari haafi akashanduri pfungwa yake pamusoro pe Shoko rake. Wakasarudza Mutumwa wake we Chinomwe kudana Mwenga wake, uye kuuchengeta mugwara re Shoko Rake.

Hapana chimwe muhupenyu huno kunze kwake Iye ne Shoko Rake. Rinototi itira shoma. Zvino pfuurira hupenyu kwatiri. Ivangeri uye neSimba ra Mwari wemaSimba ose zvapararira pasi rose zvisati zvakamboitika kare. Shoko zvino rave mumawoko ne munzeve dzeMwenga. Nguva yekupatsaniswa yave kuitika iye zvino, apo Mwari ave kudana Mwenga, satani achidana kereke.

Tinokudai Imi uye ne Shoko renyu Ishe. Rino tiitira shoma. Tigere muhupo hwe Shoko Renyu zuva nezuva, tichiibva, nekugadzirira kuuya kwenyu uko kwave pedyo.

Baba, kunofanira kunge kwatove pedyo pedyo. Tave kutozvinzwa, Ishe. Takamirira ne taririsiro hombe. Baba, ngatipererei zvakavedzerwa uye tivandudze mhiko dzedu zvakare.Tinoziva Kutenda kwedu Mu Shoko Renyu kuri kubvira mumoyo yedu. Makabvisa kupokana kwose. Hapasina chimwe ipapo kunze kwe Shoko Renyu. Tine chokwadi, uye hatinyari kuudza pasi rose, tiri Mwenga Wenyu we ma Tepi. Ndinoda kukoka pasi rose  kuuya kuzo teerera nesu musi uno we Svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa Mharidzo Kunyara 65-0711

Hama Joseph Branham