Category Archives: Uncategorized

24-1215 Ruzha Rwusina Tsarukano

MudiwaMwenga Kereke yePamusha
 
Mudiwa Mwenga Kereke yePamusha,ngatiunganei tose pamwe chete kuti tinzweMharidzo 60-1218 Ruzha Rwusina Tsarukano, musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville.
 
Hama Joseph Branham

24-1208 Chizvarwa cheKereke yeRaodhikia

Vadiwa Vasanangurwa.

Tarirai, ndimire pamukova, ndichigogodza: kana munhuakanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapindamaari, uye ndicharayira naye, naiye neni.

Vashumiri, vhurai mikova yenyu kungirozi yaMwaringuva isati yapera. Dzorerai Inzwi raMwari mumapurupiti enyu kubudikidza nekuridza matepi. Ndiro cheteInzwi raMwari rakasimbiswa rezuva redu rine maShokoasingakundike. Ndiro Inzwi roga rine Zvanzi naJehovha. Ndiro Inzwi roga Mwenga wose raanogona kuti AMEN kwariri.  

Ichi ndicho chizvarwa chikurasa chenguva yose. Jesu ari kutipa tsananguro yezvaAri apo mazuva enyashaDzake ave kupera. Nguva yasvika pakupera. Akatizarurira hunhu hwake chaihwo muzera rinorekupedzisira. Akatipa maonero ekupedzisirapahuMwari Hwake hwenyasha uye hwepamusorosoro. Chizvarwa chino chizaruro Chake iye chedomborepamusoro.

Mwari akauya munguva ino yeRaodikia akataurakubudikidza nemunhu wenyama. Inzwi Rake rakaiswapamatepi uye rikachengetwa kuti ritungamirirenekukwanisa Mwenga Wake weShoko. Hapana rimweInzwi ringakwanisa Mwenga Wake kunze kweInzwiRake Iye Pachake.

Muzera rino rokupedzisira, Inzwi Rake pamatepirakasendekwa parutivi; rikabviswa mumakereke. Ivo havasikuzoridza matepi. Saka Mwari vanoti, “Ndirikukurwisai mose. Ndichakusvipai mumuromo Mangu. Uku ndiko kuguma.”

“Mumazera manomwe kubva pamanomwe, hapanachandaona kunze kwevanhu vanokoshesa shoko ravopamusoro perangu. Saka pakupera kwezera rino, ndirikukusvipai mumuromo mangu. Zvapera. Ndichataurandizvozvo. Hongu, ndiri pano pakati peKereke. AmeniwaMwari, akatendeka uye wechokwadi achazviratidzapachaKe uye zvichaitwa kubudikidza NEMUPOROFITA WANGU.”

Sezvazvaiva kare, vari kumhanya sezvakaitamadzitateguru avo mumazuva aAhabhi. Vaiva mazanamana uye vose vaibvumirana; uye kubudikidza navovose vachitaura chinhu chimwe, vakanyengera vanhu. Asi muporofita MUMWE, MUMWE CHETE, akangeanechokwadi uye vamwe vose vakange vasinachokwadi nokuti Mwari akanga apa chizaruro kuneMUMWE CHETE.

Izvi hazvireve kuti hushumiri hwese ndehwenhema uyekuti huri kunyengedza vanhu. Uye handisi kuti munhuane kudanwa kwekushumira haagone kuparidza kana kudzidzisa.  Ndiri kuti shumiro yeCHOKWADIyakapetwa kashanu ichaisa MATEPI, Inzwi raMwarikuMwenga, seInzwi rakakoshesesa raUNOFANIRAKUNZWA. Inzwi riri pamatepi ndiro Inzwi CHETE rakasimbiswa naMwari pachaKe kuti iZVANZINAJEHOVHA.

Chenjerai vaporofita venhema nokuti mapereanoparadza.

Uchaziva sei zvirokwazvo nzira yechokwadi yanhasi? Pane kupatsanurana kwakadaro pakati pevatendi. Rimwe boka revanhu rinoti hushumiri hwakapetwakashanu huchakwanisa Mwenga, asi mumwe achitiDzwanya Ridza. Hatifaniri kuparadzaniswa; tinofanirakubatana seMWENGA MUMWE. Mhinduro yechokwadindeipi?
 
Ngatizarurei mwoyo yenyu pamwe chete tinzwe zvirikutaurwa naMwari kubudikidza nemuporofita wake kuMwenga. Nokuti tose tinobvumirana kuti Hama Branham ndiye mutumwa Wavo wechinomwe.

Tichingotarisa maitiro evanhu chete, munhu upi noupianoziva kuti pane vanhu vakawanda panotovanepfungwa dzakasiyana siyana panyaya diki pamusoro  pedzidziso huru yavano bvumirana. Ndianizvino achava nesimba rekusakundika richadzoreredzwamuzera rino rekupedzisira, nokuti zera rinorokupedzisira richadzokera pakuratidza MwengaweShoko Rakachena? Izvi zvinoreva kuti tichavaneShoko zvakare sezvarakapiwa zvakakwana, uyesezvo rakanzwisiswa zvakakwana mumazuva aPauro. Ndichakuudza kuti ndiani achava nazvo. Achange arimuporofita akanyatsosimbiswa, kana kutiakanyatsosimbiswa kupfuura chero muporofita upizvake mumazera ose kubva kuna Enoki kusvika nhasi, nokuti murume uyu anofanira kunge aine shumiroyechiporofita yedombo repamusoro, uye Mwarivachamuratidza. Haafanire zvake kuti azvitaurirepachake, Mwari achataura panzvimbo yake nenzwirechiratidzo. Ameni.

Naizvozvo, Shoko iri rakataurwa nemutumwa wake rakapiwa zvakanakisisa, uye rinonzwisiswazvakanakisisa.
 
Chii chimwe chakataurwa naMwari pamusoropemutumwa wake wechinomwe neShoko rake?

  • Achanzwa kubva kuna Mwari chete.
  • Achange ane “zvanzi naJehovah” uye achatauraachimiririra Mwari.
  • Achave muromo waMwari.
  • IYE, SEZVAZVINOTAURWA KUNA MARAKI 4:6, ACHADZORERA MWOYO YEVANA KUMADZIBABA.
  • Achadzorera vasanangurwa vezuva rokupedzisira uyevachanzwa muporofita akasimbiswa achipa zvokwadichaiyo sezvozvaiva naPauro.
  • Achadzorera zvokwadi sezvo vaiva nayo.

Zvino akati chii pamusoro pedu?

Uye avo vakasanangurwa pamwe chete naye muzuvairoro vachave ndivo vacharatidza Ishe zvechokwadivova Mutumbi Wake uye vova inzwi raKe nokuitamabasa Ake. Hareruya! Unozviona here?

Kana uchiri mukupokana kupi zvako, kumbira MwarineMweya wavo kuti vakuzadze uye vakutungamirire, nokuti Shoko rinoti, “VASANANGURWA CHAIVO HAVANGA NYENGERWI”. Hapana munhu anogonakukunyengera kana uri Mwenga.

Pakakundikana maMethodist, Mwari akamutsa vamweuye zvakaramba zvichienderera mberi mumakorekusvika muzuva rino rekupedzisira mavazve nevamwevanhu munyika, avo pasi pemutumwa wavo vachaveizwi rekupedzisira kuchizvarwa chekupedzisira.
 
Hongu changamire. Kereke haichisiri “muromo” waMwari. Yave muromo wayo. Saka Mwari avekuifuratira. Achaivhiringidza kubudikidza nemuporofitanemwenga, nekuti inzwi raMwari richange riri maari. Hongu, nokuti rinoti muchaputa yekupedzisira yemunaZvakazarurwa ndima 17, “Mweya nomwenga zvinoti, Uya.” Zvakare nyika ichanzwa zvakananga kubva kunaMwari sepaPentekosti; asi zvamazvirokwazvo Mwengauyu weShoko ucharambwa sezvakaitika pazerarepakutanga.

Mwenga une inzwi, asi unongotaura chete zviripamatepi. Nokuti Inzwi iroro RINOBVA KUNA MWARI, nokudaro haridi dudziro sezvo rakanyatsopiwazvakakwana uye rinonzwisiswa zvakakwana.
 
Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patinonzwa Inzwi irororichizarura kwatiri: Chizvarwa cheKereke yeRaodhikia 60-1211E.

Hama Joseph Branham

24-1201 Mhandara Gumi, Nezviuru Zana Nemakumi Mana Nezvina zveMaJuda

Mangwanani Akanaka Shamwari,

Hazvisati zvakamboitika munhoroondo yepasi rose kuwanikwa nguva apo Mwenga waKristu kubva pasi rose pawaizokwanisa kubatanidzwa pamwe chete muhumwe, apo ruzha runobva Kudenga, Inzwi chairo raMwari, paraigona kuuya richimhanya mukati.

Magwaro ari kuzadzikiswa. Ndiyo nguva yekubatana chiratidzo Chembeu. Kubatana kusingaoneki kweMwenga waKristu kuri kuitika patinenge takagara muhupo hweMwanakomana, tichiibviswa, tichiZvigadzirira nekunzwa Inzwi chairo raMwari.

Tiri kukwaniswa nehushumiri Hwake hwakapetwa kashanu.

Vangani vanotenda kuti zvipo uye nekudanwa hazviuyi nekutendeuka? Bhaibheri rakati kune zvipo zvishanu muchechi. Mwari akagadza mukereke Vaapostora, kana kuti mamishinari, vaapostori, vaporofita, vadzidzisi, vaevhangeri, vafudzi.

  • Muparidzi: Ndaigona kufamba ndichidzika ne nzira. Mumwe munhu oti, “Uri muparidzi here?” Ndinoti, “Hongu changamire. Oh Hongu, Ndiri muparidzi.”
  • Mudzidzisi: Uye zvino chikonzero chandisina kuparidza mangwanani ano, ndechokuti, ndaifunga, mukudzidzisa, taizozvinzwisisa zviri nani pane kungotora chinyorwa tongo svetukasvetuka pachiri. Taizongozvidzidzisa.
  • Muapostori: Shoko rokuti “mumishinari” rinoreva kuti “akatumwa.” “Muapostori” zvinoreva kuti “mumwe akatumwa.” Mumishinari muapostori. Ini—ini, ndiri mumishinari, sezvamunoziva, ndinoita basa remuevhangeri, basa roumishinari, kanokwana kanomwe mhiri kwamakungwa, pasi rose.
  • Muporofita: Unonditenda here kuti ndiri muprofita waMwari? Saka chienda enda undoita zvandinokuudza.
  • Mufudzi: Munoziva here zvandaita kwamuri? Munondidaidza kuti mufudzi wenyu, uye munotaura zvakanaka, nokuti ndizvo zvandiri.

Zvino ndakaona mamiriyoni evanhu iwayo akamira ipapo, ndikati, “Vose ndevekwaBranham here?” Akati, “Kwete.” Akati, “Ndivo wavakatendeutsa.” Zvino ndakati, nda—ndikati, “Ndinoda kuona Jesu.”  Akati, “Kwete zvino. Pachatora nguva Asati auya. Asi achatanga auya kwauri uye iwe uchatongwa neShoko rawakaparidza,

Ipapo tose takasimudza maoko edu tikati, “Takabatirira ipapo!”

Pane chava kuda kuitika. Chii chiri kuitika? Vakafa muna Kristu vava kutanga kumuka zvino vachitipoteredza. Ndiri kunzwa shanduko yavekuya mumuviri wangu. Bvudzi rangu jena, raenda. Tarisa chiso changu…makwinya angu ese anyangarika. Marwadzo angu nekurwadziwa… .ZVAENDA.

Manzwiro angu ekuderera anyangarika pakarepo. Ndashandurwa kamwe kamwe, mukubwaira kweziso.

Ipapo tichatanga kutarisa pakatipoteredza uye toona vadikanwa vedu. Maiwe, Amai avo naBaba…Kubwinya, mwanakomana wangu…mwanasikana wangu. Sekuru, mbuya, oh ndange ndakusuwai mose zvikuru. Hei … heyo shamwari yangu yakare. O TARIRA, ndiHama Branham, muporofita wedu, Hareruya!! Zvatove pano. Zviri kutoitika!

Zvino pamwe chete, kamwe kamwe, tichabvutwa kuenda kure kumusoro uko muchadenga kure nenyika. Tichasangana naShe munzira Yake Achiburuka. Tichamirapo naYe pamadenderedzwa enyika ino tichiimba nziyo dzekudzikinurwa. Tichaimba nekumurumbidza nekuda kwenyasha dzake dzinodzikinura dzaAkatipa.

Zvose zvakachengeterwa Mwenga wake. Inguva yakadini yatichava nayo mumwe nemumwe wedu nekusingaperi, naIshe wedu Jesu. Mazwi emunhu anofa haakwanisi kuzvitaura, Ishe, manzwiro atinoita mumwoyo yedu.

Kana uchida kuMunzwa achikudaidzai kuti Mwenga waKe, uye achikuudzai zvazvichange zvakaita Naye, huyai mubatane nesu musi we Svondo uno na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye mucharopafadzwa zvakanyanyisa.

Hama Joseph Branham

60-1211M Mhandara Gumi, Nezviuru Zana Nemakumi Mana Nezvina zveMaJuda

24-1124

Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu.
 
Musi uno weSvondo chii chakachengeterwa MwengawaJesu Kristu? Ndezvipi zvose zvichazarurwa ne Mweya Mutsvene kwatiri? Kubengenuka Kwakakwana. Iye zvino tichanzwisisa zvizere ne Chizaruro, mufananidzo uchiyenzaniswa ne chaimiriramufananidzo, mumvuri uchiyenzaniswa nechinopamumvuri. Jesu ndiye Chingwa cheHupenyuchechokwadi. Ndiye Zvose Zvazvo. NdiMwari Mumwechete. Ndiye VaHebheru 13:8. Ndiye NDIRI.
 
Kristu, nokuzviratidza munyama uye nokudeura Roparake pachake, akabvisa zvitadzo zvedu zvachosenechipiriso chake chaakapa iye amene: naizvozvowakati KWANISA. Hupenyu hwake chaihwo huri matiri. Ropa rake rakatinatsa.  Mweya wake unotizadza. Mavanga ake AKATOTIPODZA. Shoko rake ririmumwoyo nemumiromo yedu. NdiKristu muhupenyuhwedu uye hapana chimwe chinhu, sezvo zvimwe zvosemuhupenyu hwedu zvinonyangadika kushaya basa, pamberi pake Iye neShoko rake.
 
Mwoyo yedu ichazadzwa nemufaro paAchatiudza kutinechirevo Chake chomweya, Aitoziva chaizvo kutindiani aizova Mwenga Wake. Kuti akatisarudza sei. Akatidana. Akatifira. Akabhadhara muripo wedu uye isutiri Wake, Iye chete.  Anotaura, uye tinoteerera, nokutindizvo zvinotifadza. Isu chete tisu pfuma Yake Haanavamwe kunze kweDU. Ndiye Mambo weduweMadzimambo uye isu tiri humambo Hwake. Tiri Wake nekusingaperi.
 
Achatisimbisa nekutivhenekera neIzwi Shoko rake. Achanyatso tsanangura uye nekuzarura kuti Iye ndiyeMukova wemakwai. Ndiye zvose Alfa naOmega. NdiyeBaba, Ndiye Mwanakomana, uye Ndiye MweyaMutsvene. Ndiye Mumwe, uye isu tiri Mumwe naYe uyetiri maAri.
 
Achatidzidzisa kutsungirira, sezvaakaita Abrahamu, nekutsanangura kuti tinofanira kumirira uyenekutsungirira sei kana tichida kuwana chero chipikirwachipi nechipi.
 
Achatiratidza zvakajeka zuva chairo ratiri kuraramamariri. Kuti hurongwa hwemachechi huchasimba seimune zvematongerwo enyika, uye nekuisa kumanikidzakuhurumende kuti vanhu vese vabatane nayokubudikidza nekutevedzera zviga zvakaiswamumutemo, kuti pasave nevanhu vanozivikanwasemachechi kunze kwekunge vari pasi pekutongwazvizere kana muchidimbu nekanzuru yavo.
Acharatidza kuti vangani vachaenderera mberi,vachifunga kuti vari kushumira Mwari vari muhurongwahwemasangano. Asi Anotiudza kuti, “Musatya, nokutiMwenga haunganyengerwi, tichagara neShoko Rake, Inzwi Rake”
 
Zvichatisimudzira sei kuMunzwa achitiudza: “Batisisa, chengetedza. Usakanda mapfumo pasi, asi pfekainhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, chombochose, chipo chose chandakakupai chiripamberi penyu. Usafa wakaora moyo mudiwa, ramba wakatarira mberinemufaro nokuti uchagadzwa korona Neni, Mambo wako weMadzimambo naIshe weMadzishe, Murumewako.”
 
Uri kereke Yangu yechokwadi; temberi chaiyo yaMwarikubudikidza noMweya Wangu Mutsvene unogara mukatimako. Muchava mbiru mutemberi itsva;
hwaro chaihwo huchasimudza nekubata chivakwa. Ndichakuisai sevakundi pamwe chete neva apositorineva porofita, nokuti ndakupai Chizaruro cheShokoRangu, changu Ini.
 
Achanyatso tizarurira kuti mazita edu akanyorwamuBhuku reHupenyu reGwayana Rake nyika isatiyavambwa. Naizvozvo tichange tiri pachigaro ChakeChokutonga masikati nousiku kumushumira mutemberiYake. Tisu vakatsaurwa vanochengetwa naShe; tiriMwenga Wake.
 
Tichava nezita idzva kubudikidza nekutora zita Rake. Richava zita ratichapihwa paachatitora Kwaari. Tichawawake Mudzimai wa Jesu Kristu.
  
Jerusarema idzva rinoburuka richibva kuna Mwaririchibva kudenga, Mwenga akashongedzerwa Murumewake. Rufu haruchazovipo, kusuwa, kana kuchema. Uye hapachazovi nokurwadziwa, nokuti zvakarezvapfuura. Zvipikirwa zvose zvaMwari zvinoshamisazvichazadzikiswa. Kushandurwa kuchapedziswa. Gwayana neMwenga waro vachagara zvakanakanokusingaperi muhunaku hwose hwaMwari.
 
Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu, ROTA NEZVAZVO. Zvichava zvinoshamisa kupfuura zvaungafungidzira.
 
Ndinokoka munhu wose kuti auye kuzobatana nesumusi weSvondo uno na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo Murume wedu, Jesu Kristu, achataura kubudikidza nemutumwa Wake mukuruwechinomwe uye achitiudza zvinhu zvose izvi. 
 
 
Hama Joseph Branham

24-1117 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi

Mharidzo: 60-1209 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vanhu veMatepi,
 
Tinodada sei kudanwa kunzi “Vanhu ve Matepi”. Mwoyo yedu inomhanya nemanyawi svondorega rega tichiziva kuti tichabatanidzwapamwechete pasi rose nekunzwa Inzwi raMwaririchitaura kwatiri.
 
Tinoziva, pasina mumvuri kana umwe chetewekupokana, kuti tiri muKuda kwaMwarikwakakwana nekugara neShoko rake; kuteereraku Inzwi Rake nenzira yemutumwa wake mukuru wechinomwe.

Mutumwa Waakasarudza kuzuva redu ndiWilliam Marrion Branham. Ndiye mwenjewaMwari kunyika, unoratidza chiedza chaMwari. Ari kudana Wake waakasarudzwa MwengaShoko Rakachena kubudikidza nemutumwawake.

Nekunyatsonzvera Shoko Rake, Akazarurakwatiri noMweya Mutsvene Wake kuti William Marrion Branham ndiye ngirozi ya Akasarudzakupa Chizaruro neShumiro yezuva rino kwaari.Tinoona ngirozi Yake, NYEREDZI YEDU, muruvoko Rwake rworudyi apo Ari kumupasimba Rake kuti azarure Shoko Rake uyenokudana Mwenga wake.
 
Akatipa Chizaruro chakazara chake Iye Amene.Mweya Mutsvene achizvizivisa kwatirikubudikidza nehupenyu hwemutumwa Wake wechinomwe; ngirozi Yaakasarudza kuti ivemeso Ake ezuva redu.

Mwoyo yedu inopisa sei matiri apo AnotiudzaneMharidzo imwe neimwe kuti chinangwaChake kutiburitsa nekutiunza kwaAri; kuti tiriMwenga Shoko Rake.

Anoda kutiudza achipamhidza kuti akatisarudzasei nyika isati yavambwa MAARI. Kuti isutakafanozivikanwa nekudiwa Naye.

Tinoda sei kuMunzwa achitaura nokutiudza kutitakadzikinurwa neRopa Rake uye HATIFI takapinda mukutukwa. Hatifi takapindamukutongwa, nokuti chivi hachigonikuverengerwa kwatiri.

Tichagara sei Naye paachatora chigaro Chakechepanyika chaDhavhidha, uye tichitonga Naye; sezvaakaita kudenga, aine simba nehushepamusoro penyika yose. Miedzo nezvinonetsazvehupenyu huno zvichaita sepasina chinhunenguva iyoyo.

Asi akatiyambirawo kuti tinofanira kungwarirasei. Kuti mumazera ose mizambiringa miviriyakakura iri padivi nepadivi. Kuti muvengi agaraari pedyo sei; achinyengera kudaro. Kunyangevo naJudhasi akanga asarudzwanaMwari, uye akarairwa muzvokwadi. Akagoverwavo ruzivo rwezvakavanzika. Aiveneshumiro yesimba yaakapihwa uye akaporesavarwere nekudzinga madhimoni nemuZitaraJesu. Asi haana kukwanisa kuenda nzirayose.
 
Hazvigone kuti ungofamba nechikamucheShoko, unofanira kutora Shoko ROSE. Kunevanhu vanoita sevakabatikana muzvinhuzvaMwari zvachose, asi vasiri.

Akati zvakanga zvisina kukwana kutiAkazvibatanidza nekereke yose, kana kunyangenehushumiri hwakapetwa kashanu huri kunavaEfeso 4. Akatinyevera kuti muzera rimwenerimwe kereke inorasika, uye haisi unganochete asi nairo boka revafundisi — vafudzivanorasika zvimwe chete semakwai.

Naizvozvo nezano rakatemwa rokuda Kwakeamene, Akazviunza Iye amene panzvimbomuzera redu soMufudzi Mukuru muushumirihwengirozi, nhume Yake yechinomwekutungamirira vanhu Vake kudzokerakuzvokwadi uye nekusimba guru rezvokwadiiyoyo.

Ari mukati menhume yake uye uyo achavanehuzaro hwaMwari achatevera mutumwasezvo mutumwa ari muteveri waShekubudikidza neShoko Rake.

Ndinoda kuva nehuzaro hwaMwari nekuteveramutumwa Wake. Saka, kwatiri, Branham Tabernacle, nzira chete yekutevera mutumwasezvaanotevera Ishe neShoko Rake, ndeyeKUDZWANYA NOKURIDZA uye kunzwa InzwiRakachena raMwari richitaura kwatiri mashokoasingakundiki.

Hatifaniri kufungidzira kana kuongorora zvatirikunzwa, tinongo Dzvanya Toridza uye totendaShoko rose ratiri kunzwa.

Ndakanzwa Hama Branham vachitauramashoko anotevera mamwe mangwanani paVoice Radio. Pandakazvinzwa, zvakauyamumoyo mangu kuti ndizvo chaizvozvandinonzwa/zvatinonzwa kana tichiti:

TINONGODZWANYA TORIDZA TONZWA MATEPI.

Zvakaita sekutaura kwemaTendero edukwandiri.

Ndicho chikonzero ndichitenda Shoko rinoRenguva, nokuti Rinobva muShoko raMwari. Uye chose chiri kunze kweShoko raMwari, handichitendi. Zvinogona kudaro, asi zvakadarondichagara nezvakataurwa naMwari, uye ndovanekugutsikana kuti ndiri muchokwadi. Zvino, Mwari vanogona kuita zvavanoda. Iye ndiMwari. Asi kana ndichigara neShoko Rake, ipapondinobva ndaziva kuti zvose zvakanaka. Ndizvozvandinotenda.

Kubwinya, akazvitaura ZVAKANAKISISA. Humwe hushumiri hwose hunogona kuvapo, nokuti Mwari vanokwanisa kuita zvaVanoda, neavo vaAnoda, ndiMwari. Asi chero ndichigaraneShoko raKe, Inzwi Rake, Matepi, ipapondinoziva kuti zvose zvanaka. Ndinotendaizvozvo.

Ndinoziva kuti vazhinji vanoverenga tsambadzangu uye vachitadza kunzwisisazvandinotaura uye nezvandinotenda kuti ndikoKuda kwaShe kukereke yedu. Regai nditaurezvakare nekuzvininipisa sekutaura kwakaitamuporofita: “Matsamba aya akanyorerwa kerekeyangu chete. Avo vanoda kudaidza Branham Tabhenacle sekereke yavo. Vaya VANODA KUBATANIDZWA NEKUDANWA KUNZI VANHU VEMATEPI”.

Kana usingabvumirani nezvandinotaura kana kutenda, zvakanaka zvachose hamanehanzwadzi dzangu. Tsamba dzangu hadzinakunyorerwa imi kana kupikisa imi kana makereke enyu. Kereke yenyu ine kuzvitongakuzere uye munofanira kuita sezvamunonzwakutungamirirwa kuita, asi maererano neShoko, ndozvatiriwo, uye izvi ndozvatinotenda kutindiyo nzira yatakapiwa naMwari.

Mose munogamuchirwa nguva dzose kubatananesu Svondo rega rega na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville. Viki rino, NyeredziyaMwari yezera redu, William Marrion Branham, achange achitiunzira Mharidzo, 60-1209 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi.

Hama Joseph Branham

24-1110 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira

Mharidzo: 60-1208 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Waka Vhenekerwa,

 Ishe vari kutizarurira sei kuti mumazeraose kwagara kuine boka duku raigaraneShoko Rake. Havana kuwiramumusungo unonyengera wemuvengi, asivakaramba vakatendeka uye vakatendekakuShoko rezuva ravo. 
 
Asi hapasati pambova nenguva, kana boka revanhu, iro Ishe vanga vachidadanaro, kana kuva nekugutsikana mariri, kupfuura isu. Tiri Mudzima Mwenga Wake wakasanangurwa uyo usinga, uyezvakatonyanya kukosha, USINGAGONI, kunyengerwa; nokuti tinonzwa InzwireMufudzi uye tinomutevera. 
 
Ari kutiratidza kuti mukati memazera osekwagara kune mapoka maviri evanhu, vose vachitaura chizaruro chavo kubvakuna Mwari uye nehukama hwavonaMwari. Asi akatiudza kuti, Ishe vanozivaavo vari Vake. Anoronda pfungwa dzedu.  Anoziva zviri mumwoyo yedu. Anoonamabasa edu nekugara nemuporofitaneShoko rake, zvinova chiratidzochechokwadi chezviri matiri. Vavarirodzedu, zvinangwa zvedu zvinozivikanwakwaAri apo Anotarisa zvatinoita zvese.
 
Anotiudza kuti vimbiso dzose dzaakapakuzera rega rega, ndeDzedu. Anotiona isutinoramba tichiita mabasa aketakatendeka kusvika kumagumo.  AKATIPA simba pamusoro pemarudzi.  Anotiudza kuti tiri vatongi vakasimba, vanokwanisa, vasingashanduke vanogonakurarama nesimba guru mumamiriro oseezvinhu. Kunyange muvengi ane shunguchaizvo achaputswa kana achifanirakuputswa saizvozvo. Kuratidzwakwekukutonga kwedu nesimba Rake kuchafanana nekweMwanakomanachaiye. KUBWINYA!!
 
Takaona hudzamu hwaMwari muhupenyuhwedu. Chiitiko chepauzima cheMweyawaMwari uchigara matiri. Pfungwa dzedudzinovhenekerwa neuchenjeri neruzivorwaMwari kubudikidza neShoko rake.  
 
Tinoenda chero kune Chikomba. Hatifitakasiiwa Naye. Hatifi takasiya divi rake. Tichagoverana chigaro cheushe naye. Tichapfekedzwa korona yekubwinyanekukudzwa kwake.
 
Akatiratidza kuti muvengi angaachinyengera sei muzera rega rega uyenekukosha kwazvakaita KUGARA NESHOKO RAKE REPAMAVAMBO. Hapana Shoko rimwecheteringashandurwa. Zera rimwe nerimwerakawedzera nokubvisa, vachiisa dudziroyavo kuShoko repakutanga; uyevakarasika zvachose kusingaperi nokuitaizvozvo. 
 
MuZera reChechi yeTiatira, mweyaunonyengera uya wakataura kubudikidzanapapa weRoma ukashandura Shoko Rake. Akariita “murevereri mumwe chetepakati paMwari nomunhu (kwete vanhu).” Saka zvino ave murevereri pakatipemurevereri nevanhu. Nokudaro, hurongwa hwose hwaMwarihwakashandurwa; kwete nekushandurashoko rimwe, asi nekushandura VARA RIMWE. Satani akanga ashandura “E” kuita “A”.  
 
Shoko roga roga richatongwa neShokoraKe repamavambo rakataurwa pamatepi. Nokudaro, Mwenga wake UNOFANIRA kugara nematepi. Nepo muvengi achiedzakuodza mwoyo yevanhu nekuvapahurongwa hwakasiyana, pfungwayakasiyana, vara rakasiyana, MwengaUCHAGARA NESHOKO REPAMAVAMBO.
 
Muchizvarwa chega-chega Jesu anozviratidza nemutumwa wechizvarwaichocho. Vanogamuchira kubva kwaArichizaruro cheShoko chezera ravo. Chizaruro cheShoko ichi chinounzavasanangurwa vaMwari kubva munyikauye kupinda mukubatana kuzere naJesuKristu.  
 
Akadana uye akagadza varume vazhinjikuti vave chikomborero kukereke, asi IyeCHETE Anongova neMUTUMWAMUMWE waakadana kuti Atungamirirekereke yake neMweya wake Mutsvene. Kune IZWI RIMWE rine ZVANZI NAJEHOVA. Pane IZWI RIMWE cheteraakati achatitonga naro. Pane IZWI RIMWE Mwenga wake raari kuisaramangwana rake rekusingaperi mariri. IZWI IRORO IZWI RAMWARI PAMATEPI. 
 
Mwenga, kuda kwaMwari kwatiriKukwaniswa, uye pamberi paKe, TAKAKWANISWA.  Uye kukwaniswaikoko kutsungirira, kumirira pana Mwari… uye kumirira Mwari. Anotiudza kuti ndiyonzira yekuumbwa kwehunhu hwedu. Tinogona kuva nemiedzo yakawanda, miedzo nematambudziko, asi kutendekakwenyu kuShoko rake kuri kushandakutsungirira matiri kuti tive vakakwana uyepazvose, pasina chisipo.  
 
Hatife takakanganwa KUTENDA kunouyanokunzwa, kunzwa Shoko, uye Shoko rinouya kumuporofita.  
 
Huya unzwe mufaro mukurusawehupenyu hwako apo pauchagara nesumunzvimbo dzeKudenga patichangetichinzwa Inzwi raMwari richitiunziraShoko pamusoro pe: Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira 60-1208, nenguva dza12:00 masikati, nguva yeJeffersonville.
 
Hama Joseph Branham

24-1103 Chizvarwa che Kereke yePergamosi

Mudiwa Mwenga Mhandara Yakachena,

Wanga uchifadzwa here neMazera ManomweeMakereke? Mwari ari kupa Mwenga wake rumutsirorusati rwakambovepo. Ari kutipa Chizarurochakawedzerwa, Kutenda kwakawedzerwa, nekusimbiswa kwakawedzerwa kuziva kuti tiri vanaani, uye kuti chii chatiri kuita patiri kugara neShoko, NziraYake yaakapa muzuva rino.
 
Zvino Anotiudza kuti: “Kubva pa Service ye musiweSvondo kuenda mberi, chipfekai kufunga kwenyukwomweya. Rega Mweya Mutsvene ungozvinyudzamukati uye mubate zvazvinoreva pamweya pane zvesezvandichaita.  IShoko Rangu rakamutswa noMweyarakataurwa nemuporofita Wangu kuna Maraki 4”.
 
Ngativerengei uye tibate mashoma eMashoko Ake toshandisa kufunga kwedu kwemweya pazviri.

Mwari akagadza mutungamiri wake akazadzwanoMweya weboka rake rakazadzwa noMweya; Ngiroziyake; uye Akaisa paari chisimbiso chezita, asi haafanirekuzvizivisa. Anofanira kuzvichengeta kwaari chete, maona. “Hapana munhu anoziva kunze kwake iye.”

Saka Mwari akapa Mwenga Wake mutungamiriakazadzwa neMweya kuboka rake rakazadzwanoMweya. MUTUNGAMIRI, KWETE VATUNGAMIRI kuboka rake rakazadzwa noMweya.

Ichakurumidza kuuya munyika, ngirozi huru yeChiedzaichauya kwatiri, ichatitungamirira kubuda, MweyaMutsvene mukuru, unouya nesimba, uyeuchatitungamirira kuna Ishe Jesu Kristu.

Ngirozi huru yeChiedza. Ndiani ngirozi huru yeChiedzakuzera rino rokupedzisira? William Marrion Branham. Haasi kutaura nezve Mweya Mutsvene. Yakatouya uyeanoti ichauya.
 
Ndiye ACHATITUNGAMIRIRA KUBUDA. Tinozivazvechokwadi uye tinotenda kuti Mweya Mutsvene ndiyeari kutitungamirira, asi anoisa pachena ngirozi YakeneMweya Mutsvene pamwe chete uye oti Iye (MweyaWake Mutsvene) achange achititungamirira(KUBUDIKIDZA) nengirozi yake huru yeChiedza.
 
Anoramba achizvibatanidza pamwe chete achiti:

Zvichida haazvizivi,

Haasi kuti Mweya Mutsvene haazozivi kuti ndiani, asingirozi mutumwa wake wepanyika uyo waakasarudzakuti ATITUNGAMIRIRE KUBUDA.

Asi achange ari pano nerimwe remazuva ano. Achaita…Mwari achamuzivisa. Haafanire kuzvizivisa iye amene, Mwari achamuzivisa. Mwari acharatidza kuti wake ndoupi.

Zvakare, haarevi kuti Mweya Mutsvene uchange uripano MAMWE MAZUVA ANO, asi ngirozi yake huruyeChiedza kutungamirira Mwenga Wake. Haafanirekuzvizivisa, Mwari achaita kuti mutungamiri wake mukuru azivikanwe kuMwenga wake pachakeneCHIZARURO.
 
Uri kubata zvazvinoreva here pamweya? Unoona here kuti ngirozi yeChiedza ndiani akasarudzwa naMwari kutiatungamirire Mwenga wake? Zvinonzi here panochitanda chokumhanyisa chakatambidzwa kune vamwevatungamiri?

Haufe wakararama pamusoro kudarika mufudzi wako. Ingorangarirai izvozvo, waona.

Nepo vamwe vangasanzwisisa uye nekutiseka, tinofarasei nekutenda pachokwadi nokuda kweCHIZARUROchinoti, WILLIAM MARRION BRANHAM NDIYE NDIMUFUNDISI WEDU.

Zvino sezvo rimwe nerimwe remashoko ayarakananganidzwa ku “ngirozi” — (nhume yepanyama) basa guru chairo pamwe chete neropafadzorinoshamisa ndiwo mugove wake.

Shoko rakaendeswa kungirozi Yake, ipapo ngirozi YakeinorIpa kuMwenga; kwete kuvashumiri chete, asikuMWENGA WAKE WOSE uye riri pamatepi kuti vosevanzwe. Harikwanisi kuwedzerwa kana kutapudzwa, uye HARIDI DUDZIRO.

Ari kuuya nokukurumidza, uye pa Achadaro achatangakuuya kwauri, uye uchatongwa maringe neEvhangeriyawakaparidza, uye isu tichava vanhu vako.” Ndikati, “Munoreva here kuti vose ava vari mumawoko angu?” Akati, “Vose. Wakazvarwa uri mutungamiri.

Kana zuva guru rokutonga rasvika, iye anotanga kuuyakungirozi yake yeChiedza uye omutonga kutangamaringe neivhangeri yaakaparidza. Tiri VANHU VAKE. Ndiye achadavira pamusoro pe mumwe nemumwewedu sezvo aive MUTUNGAMIRI akasarudzwanaMwari.

Isa mashandire ako epamweya pana izvozvo. Tichatongwa nezvakataurwa nengirozi yaMwari. Saka, iwe unoda kutora mukana nehupenyu hwakohusingagumi pane zvakataurwa nemumwe munhuACHIDUDZIRA ZVAKATAURWA, iwe achigona kunzwakubva kwaari mbune?

Ko munhu angatenda sei kuti kune HushumiriHwakakosha KUPFUURA HURI PAMATEPI. Kana uchitenda izvozvo, kana wakanyengetedzwa kutendaizvozvo nenjere dzavanhu, zviri nani udzokerekuSHOKO REPAKUTANGA; nokuti uchatongwanemashoko ari pamatepi. Gara neShoko sekutaurwakwarakaitwa.

Asi muporofita uyu uchauya, uye sekudanidzirakwakaita munyai wekutanga, “Tarirai Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika,” saizvozvowo pasina kupokanaachadanidzira, “Tarirai Gwayana raMwari, richiuyamukubwinya.” Achaita izvi, nokuti sezvo Johane aivemutumwa wechokwadi kune vasanangurwa, saka uyundiye mutumwa wekupedzisira kuvasanangurwanekumwenga wakaberekwa neShoko.

Ndiani achatisuma kuna Ishe Jesu?  Ngirozi yake huruyeChiedza, William Marrion Branham.
 
Huya uve Mwenga Mhandara Yakachena nesu apopatichanzwa ngirozi yake huru ichitiunzira Chizarurochakawedzerwa, musi weSvondo na12:00 masikati,nguva yeJeffersonville, patichanzwa Mharidzo 60-1207 – “Chizvarwa che Kereke yePergamosi”.
 
Hama Joseph Branham

24-1027 Zera ReChechi YeSmirna

Mharidzo: 60-1206 Zera ReChechi YeSmirna

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Wakazadzwa noMweya,

Pane boka rimwe chete revanhu; bokarakakosha kwazvo revanhu, vanokwanisakunzwa zviri kutaurwa noMweya muzerarino rekupedzisira. Iboka rakakosharakagamuchira Chizaruro chezera rino.Boka iroro nderaMwari. Boka risingagonikunzwa, harisi raMwari.  
 
Boka iroro rinogona, uye rinonzwa zvirikutaurwa noMweya, ndiro rinogamuchiraChizaruro cheChokwadi. Isu tisu tine Mweya waMwari. Isu tisu takazvarwanaMwari uye takabhabhatidzwa noMweyaMutsvene. Tiri Mwenga wake Wakazadzwa noMweya uyowakagamuchira Chizaruro chezera redu.
 
Zvinorevei kwatiri kuti Press Play? CHIZARURO!  Kunzwa, kugamuchira uyenekugara neNzira yakapihwa naMwariyanhasi. Inzwi chairo raMwari richitauramuromo kunzeve kuMwenga Wake. Mweya Mutsvene urikutaura kumwoyoyedu nekumunhu wedu wemukati.
 
Tinoziva kuti Mwari anoshandisa vanhuvakazodzwa noMweya wake kuti vataure, asi hapana imwe nzvimbo yekunzwaZvanzi naJehovah kunze kweKudzvanyanokuRidza uye nokunzwa IZWI remutumwa wake wechinomwe, William Marrion Branham. Ndiro Inzwi rogarakasimbiswa noMweya Mutsvenepachawo. Iye Inzwi raMwari, muporofitawaMwari, mufudzi waMwari, kwatiri, nokupasi rose.
 
Kana achitaura, tinoti AMEN kuShokorose; nokuti ndiMwari pachake ari kutaurakwatiri. Shoko ravo ndiro chete Shoko risingadi kududzirwa. NdiMwari varikushandisa izwi ravo kutaura kuMwengawavo.
 
NdiMwari Pachavo vari kutiudza kuti, “Vaduku vangu, hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai. Pasati pavenekachimedu keguruva renyeredzi; ndisatindazivikanwa kwamuri kuti ndini Mwariwenyu, ndakakuzivai. Makange murimupfungwa Yangu, murimomuMupfungwa dzangu dzeziendanakuenda. Muri Mbeu Mwenga WanguShoko Rakataurwa chaiwo.
 
Kunyange wakange uri muPfungwaDzangu dzekusingaperi, handinakukuratidzai kusvika mwaka Wanguwakatarwa uye wandakatemera. Nokutindaiziva kuti Muchava boka Rangurinokosha rinogara neShoko Rangu. Vamwe vose vakakundikana, asi ndaizivakuti imi hamungadaro.
 
Ndinoziva kuti munotambudzwanokusekwa nokuti munogaranemuporofita Wangu, asi muriMuzambiringa Wangu Wechokwadi usinakutsauka paShoko Rangu, asimakaramba muri pachokwadi uyemakatendeka kumuporofita Wanguanotaura Mashoko Angu.
 
Kune vamwe vazhinji vakadzidziswanokutendeka kwose, asi havadzidzi nguvadzose kuti zvakafanira sei kutaura izvochete zvandakataura kubudikidzanenhume yangu.”

Tinofanira kungwarira sei kuti tinzwe inzwiRIMWE chete, nokuti Mweya unongovaneinzwi rimwe chete rinova inzwi raMwari.
 
O, zvakakosha sei kunzwa inzwi raMwarinenzira yevatumwa Vake, uye nokutaurazvavakapihwa kuti vataure kumakereke.

“Shoko Rangu ragara richiuyakumuporofita Wangu, asi muzuva rino, ndakaita kuti Inzwi Rangu riiswe pamatepikuti PASAVE NOKUKANGANISA pane zvandakataura kuMwenga. Pane tamboimwe chete yekuyeresa, tsvimbo imwechete, uye ndiro SHOKO randakataurakubudikidza nengirozi Yangu. Sezvazvirimuzera roga-roga, muporofita Wangundiro Shoko rezuva.”
 
Matepi, Inzwi Rake, itsamba yerudokwatiri. Nepo muvengi achigaraachitirovera pasi kubudikidza nemiedzoyedu nematambudziko nezvakaoma, Akatumira ngirozi yake ine simba kutiitiudze kuti hachisi chimwe chinhu asirudo rwaMwari rwekusarudza kwatiri, zvichiratidza kwatiri kuti akatisarudza isusezvo tisingazobvi paari.  
 
Chinangwa chake chikuru ndechekutimushure mekunge tatamburakwekanguva, aizotikwanisa, kutidzikamisanekutisimbisa. Akatiudza kuti kunyangeIshe wedu Jesu akakwaniswanokutambura kwake.  Iropafadzo rakadiniraakasiira kwatiri. Nokuti nokutambudzikakwedu aizotisvitsawo pakukwaniswa.
 
Ari kutivaka hunhu kuburikidza nemiedzonematambudziko edu. Nokuti hunhuhwedu hauumbwi pasina kutambura. Nokudaro, kutambura kwedu KUKUNDA kwatiri, kwete chipo.
 
Tingaratidza sei rudo rwedu kwaari?
 

  • Nokutenda zvaanotaura.
  • Kugara neShoko Rake.  
  • Kuzvibata isu nemufaro kubudikidzanemiedzo nematambudziko edu, izvo Iye, muuchenjeri Hwake hukuru, anotenderakuti zviitike.
     
    Anosimudzira sei mweya yedu nekunzwaShoko rake. Inzwi Rake rinonyaradzamweya yedu. Patino Dzwanya Nokuridzatichimunzwa achitaura, mitoro yedu yoseinosimudzwa.

Hatigoni kana kutangakufunga nezve pfuma yatakachengeterwaisu kubudikidza nematambudziko eduose.
 
O, Mwenga waJesu Kristu, ndinofara seikuva Mumwe Wavo nomumwe nomumwewenyu. Mufaro wakadii unozadza mwoyowangu kuziva kuti akatipa ChizarurocheShoko Rake. Paanotiudza kutizvichange zviri pedyo zvikuru kusvikirapakunyengera vasanangurwa chaivo daizvaigoneka, Akatipa CHIZARURO CHECHOKWADI.
 
Huyai, pindai muMweya nesu musi unoweSvondo na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo patichanzwa Shoko rakakwana: 60-1206—Chizvarwa cheKereke yeSimirina.
   
Bro. Joseph Branham

24-1020 Zera ReChechi YeEfeso

Mharidzo: 60-1205 Zera ReChechi YeEfeso

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga weChokwadi,
 

Inguva inofadza zvakadini yatiri kuva nayoapo Hupenyu Hwake huri kuyerera uyehuchifamba mukati uye nematiri, huchitipahupenyu. Pasina Iye, pangadai pasinahupenyu. Shoko Rake ndiwo mweyawatinofema chaiwo.
 
Muzuva rino rakaipisisa rerima, tisu bokarake rezera rekupedzisira rasimuka; Mwenga wake wechokwadi wezuvarekupedzisira uyo uchateerera chetekuMweya, Inzwi raMwari rezuva redu.  
 
Tinoda sei kuMunzwa achitiudza kuti, “Kwandiri makafananidzwa negoridherakanatswa. Kururama kwenyu ndikokururama kwangu. Zvizenga zvenyuzvizenga zvangu zvino bwinya. MuriMwenga Wangu Wechokwadiwakaisvonaka”
 
Sezvo hondo dzedu dzichiita sedzirikuramba dzichiwedzera kuoma svondorega rega, tinongo Dzvanya Toridza kutitimunzwe Achitaura kwatiri zvinotapirauye achitiudza kuti, “Musazvinetse, makakodzera ivhangeri Yangu. Imi urichinhu chehunaku nemufaro. Ndinofarirakumuona pamunokunda muvenginemiedzo nemiedzo yeupenyu huno.”
 
Ndinoona kushingaira kwenyu kworudo; ndiko kudanwa kwepamusorokwehupenyu hwenyu kuti mundishumire. Ndakaziva nyika isati yavambwa kutimuchaziva mutumwa Wangu ane simbawaNdichatuma kuti ave Inzwi Rangukwamuri; uye kuti hamaizonyengerwa apomhumi dzinoparadza dzaizouyadzichiedza kutaura kuti dzine chizarurochakafanana. Hamaizotsaura pa Shoko rangu, kwete kana nguva ipi zvayo, KUNYANGE NEPADIKIDIKI. MaizogaraneShoko Rangu, Inzwi Rangu.
 
Maizoona pandinozarura Shoko Rangukwamuri kuti Muzambiringa weChokwadine muzambiringa wenhema zvakatangiramuBindu reEdheni kuti zvaizo kurapamwe chete sei mumazera ose. 
 
Zviya zvakatangira mukerekeyepakutanga zvaizoenderera mberimumazera ose. Kuti sei muzerarekutanga, muzambiringa wenhemawaSatani waizotanga kupinda, uyenekukunda wungano ne mweyawechinikoraiti. Asi ndinofara sei kuti imichete, Mwenga wangu wandakasarudza, hamuzonyengerwi.
 
Vhiki rino, ndichajekesa Shoko Rangumamuri nekuburitsa pachenachakavanzika chikuru chembeu yenyoka. Ndichakuzarurirai muzvinhu zvosezvakaitika mubindu reEdheni; kuti Sataniakapinda sei kuzvisanganisa murudzirwevanhu.
 
Ichange iri pfungwa inofadza zvikuru, pamucharangarira kuti Ini, MutiweHupenyu muBindu reEdeni, uyowakange usingagoni kusvikwa kwaurinokuda kwekupunzika kwa Adamu, zvinowapihwa kwamuri, Vakundi vangu.
 
 
Uyu ndiwo uchave mubairo wenyu. Ndichakupai maropafadzo eparadisoyaMwari. Kuyanana nguva dzose Neni. Hamuchazofi makaparadzaniswa Neni. Kwandichaenda, imi, Mwenga wangumuchaendawo. Zviri zvangu, ndichagoverana nemi, Mudikani wangu.
 
Mwoyo yedu inotakwaira sei mukati medupatinoverenga mashoko aya. Tinoziva kutikuzadzikiswa kwevimbiso Dzake kwavekukurumidza kuswika, uye zvotonetsakumirira. Deno takurumidza kuteereraShoko Rake kuti tiratidze kukodzerakwedu kugoverwa kubwinya Kwake.
 
 
Ndinoda kukukokai kuti muuyekuzobatana nesu apo tinoenderera mberinekudzidza kwedu kukuru kweMazeraManomwe eKereke, apo Mwari arikuzarura Shoko Rake kwatiri nenzira Yakeyaakapa, mutumwa Wake wechinomwe.  
 
Hama Joseph Branham
 
Svondo 12:00 P.M., nguvayeJeffersonville.
60-1205 Chizvarwa cheKereke yeEfeso

24-1013 Chiratidzo ChepaPatimosi

Mharidzo: 60-1204E Chiratidzo ChepaPatimosi

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Shoko Rakakwana,
 
Chii chiri kuitika mu Mwenga pasi rose? Tiri kupindamuMweya, tichisimuka tichidanidzira, “Kubwinya! Hareruya! Mwari ngavakudzwe” Mwari varikutiendesa kune dzimwenzvimbo nekuzarura Shoko Rake kuMwenga Wake.
 
Zvinhu zvataka verenga nokunzwa muhupenyu hwedu hwosezvino zvave kuratidzwa. Kumutsurudzwa kukuru kwave kuitika. Tiri kuvhenekerwa ne Shoko zvisina kumboitika kare.
 
Tinozvinzwa pakadzika chaipo mumunhu wedu wemukati. Pane chakasiyana, pane chiri kuitika. Tinonzwa Mweya Mtsveneuchitizodza, uchizadza mwoyo ne pfungwa dzedu neShokoRake.
 
Tinogona kumunzwa Iye achitaura kwatiri: Ndinoziva muvengiari kukurwisa zvisina kumboitika kare, asi musatya imi vadiki, MURI VANGU. Ndinokupai rudo Rwangu, kushinganokukwanisa. Ingotaura Shoko, uye Ini ndichariita. Ndinewenguva dzose.
 
Muchidzidzo chedu chikuru pane Zvakazarurwa zva Jesu Kristu, tiri pasi pekutarisura kukuru vhiki nevhiki izvo zvaarikuzotizarurira zvakare. Shoko Rake ndihwo hutiziro hweduhwega, runyararo neku nyaradzwa. Tinonyatso teererazvakanyanya, uye zvakanyanya uye zvakanyanya. Paragraph yoga yoga yatinoverenga tinonzwa kushevedzera nokudanidziraapo Shoko rinobhedhenuka pamberi pemeso edu. KutendakwekuBvutwa kuri kuuya pamusoro peMwenga kuchizadzamunhu wedu wemukati.
 
Funga, hakuna imwe nzvimbo munyika kwaungaende, asi kutipazvigunwe zvako chaipo, kunzwa Inzwi raMwari richitaurakwauri nokuzarura Shoko Rake.
 
Kuti Mwari wakabvisa sei chidzitiro, akachidhonzerakumashure, akatendera Johane kuti atarise mukati nokuonazvaizoitwa nechizvarwa choga choga chekereke, akazvinyoramuBuku akazvitumira kwatiri. Zvino, kuzara kwenguva kwakatikwasvika, Mwari wakatumira mutumwa wake unesimbakuzvitaura, nekuzarura zvazvaireva.
 
Johane akanyora zvaakaona, asi asingazivi zvazvaireva. Jesuakange asingazvizivevo paakange ari panyika. Hapanamumazera ose aiziva, kusvikira zuva ranhasi, nguva ino, vanhuava, ISU, Mwenga Wake.
 
Kuti akazarura sei kwatiri marambi manomwe achikwevahupenyu nechiedza kubva mune zvakange zviri mumudziyomukuru. Akatiudza kuti mishinda yemarambi aya yakangeyakanyudzwa sei mumudziyo umu. Mutumwa wekereke wegawega akange achibvira nomoto we  Mweya Mtsvene mushindawake wakanyudzwa muna Kristu, achikweva hupenyu chaihwoHwa Kristu achipa chiedza ichocho kukereke. Uye zvino, mutumwa wedu wezuva rekuguma, mukuru pavatumwa vose, wakange aine hupenyu humwe chete uye chiedza chimwe chetechichi ratidzwa nehupenyu hwaka vigwa naKristu muna Mwari.
 
Zvino mutumwa wedu anesimba anotiudzavo kuti haazimutumwa wega wega anoratidzwa ipapo chete, asi MUMWE NEMUNWE WEDU TINORATIDZWAVO IPAPO, vatendivechokwadi vaMwari. Mumwe nemumwe wedutakamiririrwavo mumufananidzo ipapo. Mumwe nemumwewedu tiri kukweva kubva panzvimbo imwe chete se vatumwa. Isu tose takanyudzwa mumudziyo mumwe chete. Takafa kunezvatakange tiri uye hupenyu HWEDU hwakavigwa na, uyemuna, Kristu Jesu Ishe wedu.

Anotikurudzira sei nokutaura kuti hakuna munhu anogonakutibvisa Muruoko rwaMwari. Hupenyu hwedu haugonikutambwa nahwo. Hupenyu hwedu hunooneka huri kubviranokupenya, huchipa chiedza noku ratidzwa kwe MweyaMtsvene. Hupenyu hwedu hwemukati husingaonekwi hwakavigwa muna Mwari huchi pihwa chikafu neShoko raShe. Hondo dzacho dzino tyisa. Muvengi arikupenga sezvisina kumboitikakare, achiedza zvikuru kuti wodza mwoyo, kuti rovera pasi, asihaagoni kuzviita. Mwari amene anotaura kwatiri nemiromoyemunhu achitiudza, TIRI MWENGA WAKE, WAAKA SARUDZA, uye zvinokunda dhiabhorosi NGUVA DZOSE. Ishevedu vakakwana, vachitaura Shoko Ravo Rakakwana, richitipaRugare Rwakakwana, kuMwenga Wake Wakakwana.
 
Senguvava dzose, tinokoka pasi rose kuuya kuzonyudzamishinda yavo MUMUDZIYO MUKURU, Shoko iri, rakachengetwa noku chengetedzerwa Mwenga. Tichangetichishevedzera noku danidzira na 12:00 ,masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitaura nokuzarurazvakaitika pa: Chiratidzo Chepa Patmos 60-1204E.
 
Hama Joseph Branham