Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu.
Musi uno weSvondo chii chakachengeterwa MwengawaJesu Kristu? Ndezvipi zvose zvichazarurwa ne Mweya Mutsvene kwatiri? Kubengenuka Kwakakwana. Iye zvino tichanzwisisa zvizere ne Chizaruro, mufananidzo uchiyenzaniswa ne chaimiriramufananidzo, mumvuri uchiyenzaniswa nechinopamumvuri. Jesu ndiye Chingwa cheHupenyuchechokwadi. Ndiye Zvose Zvazvo. NdiMwari Mumwechete. Ndiye VaHebheru 13:8. Ndiye NDIRI.
Kristu, nokuzviratidza munyama uye nokudeura Roparake pachake, akabvisa zvitadzo zvedu zvachosenechipiriso chake chaakapa iye amene: naizvozvowakati KWANISA. Hupenyu hwake chaihwo huri matiri. Ropa rake rakatinatsa. Mweya wake unotizadza. Mavanga ake AKATOTIPODZA. Shoko rake ririmumwoyo nemumiromo yedu. NdiKristu muhupenyuhwedu uye hapana chimwe chinhu, sezvo zvimwe zvosemuhupenyu hwedu zvinonyangadika kushaya basa, pamberi pake Iye neShoko rake.
Mwoyo yedu ichazadzwa nemufaro paAchatiudza kutinechirevo Chake chomweya, Aitoziva chaizvo kutindiani aizova Mwenga Wake. Kuti akatisarudza sei. Akatidana. Akatifira. Akabhadhara muripo wedu uye isutiri Wake, Iye chete. Anotaura, uye tinoteerera, nokutindizvo zvinotifadza. Isu chete tisu pfuma Yake Haanavamwe kunze kweDU. Ndiye Mambo weduweMadzimambo uye isu tiri humambo Hwake. Tiri Wake nekusingaperi.
Achatisimbisa nekutivhenekera neIzwi Shoko rake. Achanyatso tsanangura uye nekuzarura kuti Iye ndiyeMukova wemakwai. Ndiye zvose Alfa naOmega. NdiyeBaba, Ndiye Mwanakomana, uye Ndiye MweyaMutsvene. Ndiye Mumwe, uye isu tiri Mumwe naYe uyetiri maAri.
Achatidzidzisa kutsungirira, sezvaakaita Abrahamu, nekutsanangura kuti tinofanira kumirira uyenekutsungirira sei kana tichida kuwana chero chipikirwachipi nechipi.
Achatiratidza zvakajeka zuva chairo ratiri kuraramamariri. Kuti hurongwa hwemachechi huchasimba seimune zvematongerwo enyika, uye nekuisa kumanikidzakuhurumende kuti vanhu vese vabatane nayokubudikidza nekutevedzera zviga zvakaiswamumutemo, kuti pasave nevanhu vanozivikanwasemachechi kunze kwekunge vari pasi pekutongwazvizere kana muchidimbu nekanzuru yavo.
Acharatidza kuti vangani vachaenderera mberi,vachifunga kuti vari kushumira Mwari vari muhurongwahwemasangano. Asi Anotiudza kuti, “Musatya, nokutiMwenga haunganyengerwi, tichagara neShoko Rake, Inzwi Rake”
Zvichatisimudzira sei kuMunzwa achitiudza: “Batisisa, chengetedza. Usakanda mapfumo pasi, asi pfekainhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, chombochose, chipo chose chandakakupai chiripamberi penyu. Usafa wakaora moyo mudiwa, ramba wakatarira mberinemufaro nokuti uchagadzwa korona Neni, Mambo wako weMadzimambo naIshe weMadzishe, Murumewako.”
Uri kereke Yangu yechokwadi; temberi chaiyo yaMwarikubudikidza noMweya Wangu Mutsvene unogara mukatimako. Muchava mbiru mutemberi itsva;
hwaro chaihwo huchasimudza nekubata chivakwa. Ndichakuisai sevakundi pamwe chete neva apositorineva porofita, nokuti ndakupai Chizaruro cheShokoRangu, changu Ini.
Achanyatso tizarurira kuti mazita edu akanyorwamuBhuku reHupenyu reGwayana Rake nyika isatiyavambwa. Naizvozvo tichange tiri pachigaro ChakeChokutonga masikati nousiku kumushumira mutemberiYake. Tisu vakatsaurwa vanochengetwa naShe; tiriMwenga Wake.
Tichava nezita idzva kubudikidza nekutora zita Rake. Richava zita ratichapihwa paachatitora Kwaari. Tichawawake Mudzimai wa Jesu Kristu.
Jerusarema idzva rinoburuka richibva kuna Mwaririchibva kudenga, Mwenga akashongedzerwa Murumewake. Rufu haruchazovipo, kusuwa, kana kuchema. Uye hapachazovi nokurwadziwa, nokuti zvakarezvapfuura. Zvipikirwa zvose zvaMwari zvinoshamisazvichazadzikiswa. Kushandurwa kuchapedziswa. Gwayana neMwenga waro vachagara zvakanakanokusingaperi muhunaku hwose hwaMwari.
Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu, ROTA NEZVAZVO. Zvichava zvinoshamisa kupfuura zvaungafungidzira.
Ndinokoka munhu wose kuti auye kuzobatana nesumusi weSvondo uno na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo Murume wedu, Jesu Kristu, achataura kubudikidza nemutumwa Wake mukuruwechinomwe uye achitiudza zvinhu zvose izvi.
Hama Joseph Branham
Category Archives: Uncategorized
24-1117 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
Mharidzo: 60-1209 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
- 24-1117 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
- 23-0528 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
- 20-1206 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
- 19-0217 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
- 16-0401 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi
Vadiwa Vanhu veMatepi,
Tinodada sei kudanwa kunzi “Vanhu ve Matepi”. Mwoyo yedu inomhanya nemanyawi svondorega rega tichiziva kuti tichabatanidzwapamwechete pasi rose nekunzwa Inzwi raMwaririchitaura kwatiri.
Tinoziva, pasina mumvuri kana umwe chetewekupokana, kuti tiri muKuda kwaMwarikwakakwana nekugara neShoko rake; kuteereraku Inzwi Rake nenzira yemutumwa wake mukuru wechinomwe.
Mutumwa Waakasarudza kuzuva redu ndiWilliam Marrion Branham. Ndiye mwenjewaMwari kunyika, unoratidza chiedza chaMwari. Ari kudana Wake waakasarudzwa MwengaShoko Rakachena kubudikidza nemutumwawake.
Nekunyatsonzvera Shoko Rake, Akazarurakwatiri noMweya Mutsvene Wake kuti William Marrion Branham ndiye ngirozi ya Akasarudzakupa Chizaruro neShumiro yezuva rino kwaari.Tinoona ngirozi Yake, NYEREDZI YEDU, muruvoko Rwake rworudyi apo Ari kumupasimba Rake kuti azarure Shoko Rake uyenokudana Mwenga wake.
Akatipa Chizaruro chakazara chake Iye Amene.Mweya Mutsvene achizvizivisa kwatirikubudikidza nehupenyu hwemutumwa Wake wechinomwe; ngirozi Yaakasarudza kuti ivemeso Ake ezuva redu.
Mwoyo yedu inopisa sei matiri apo AnotiudzaneMharidzo imwe neimwe kuti chinangwaChake kutiburitsa nekutiunza kwaAri; kuti tiriMwenga Shoko Rake.
Anoda kutiudza achipamhidza kuti akatisarudzasei nyika isati yavambwa MAARI. Kuti isutakafanozivikanwa nekudiwa Naye.
Tinoda sei kuMunzwa achitaura nokutiudza kutitakadzikinurwa neRopa Rake uye HATIFI takapinda mukutukwa. Hatifi takapindamukutongwa, nokuti chivi hachigonikuverengerwa kwatiri.
Tichagara sei Naye paachatora chigaro Chakechepanyika chaDhavhidha, uye tichitonga Naye; sezvaakaita kudenga, aine simba nehushepamusoro penyika yose. Miedzo nezvinonetsazvehupenyu huno zvichaita sepasina chinhunenguva iyoyo.
Asi akatiyambirawo kuti tinofanira kungwarirasei. Kuti mumazera ose mizambiringa miviriyakakura iri padivi nepadivi. Kuti muvengi agaraari pedyo sei; achinyengera kudaro. Kunyangevo naJudhasi akanga asarudzwanaMwari, uye akarairwa muzvokwadi. Akagoverwavo ruzivo rwezvakavanzika. Aiveneshumiro yesimba yaakapihwa uye akaporesavarwere nekudzinga madhimoni nemuZitaraJesu. Asi haana kukwanisa kuenda nzirayose.
Hazvigone kuti ungofamba nechikamucheShoko, unofanira kutora Shoko ROSE. Kunevanhu vanoita sevakabatikana muzvinhuzvaMwari zvachose, asi vasiri.
Akati zvakanga zvisina kukwana kutiAkazvibatanidza nekereke yose, kana kunyangenehushumiri hwakapetwa kashanu huri kunavaEfeso 4. Akatinyevera kuti muzera rimwenerimwe kereke inorasika, uye haisi unganochete asi nairo boka revafundisi — vafudzivanorasika zvimwe chete semakwai.
Naizvozvo nezano rakatemwa rokuda Kwakeamene, Akazviunza Iye amene panzvimbomuzera redu soMufudzi Mukuru muushumirihwengirozi, nhume Yake yechinomwekutungamirira vanhu Vake kudzokerakuzvokwadi uye nekusimba guru rezvokwadiiyoyo.
Ari mukati menhume yake uye uyo achavanehuzaro hwaMwari achatevera mutumwasezvo mutumwa ari muteveri waShekubudikidza neShoko Rake.
Ndinoda kuva nehuzaro hwaMwari nekuteveramutumwa Wake. Saka, kwatiri, Branham Tabernacle, nzira chete yekutevera mutumwasezvaanotevera Ishe neShoko Rake, ndeyeKUDZWANYA NOKURIDZA uye kunzwa InzwiRakachena raMwari richitaura kwatiri mashokoasingakundiki.
Hatifaniri kufungidzira kana kuongorora zvatirikunzwa, tinongo Dzvanya Toridza uye totendaShoko rose ratiri kunzwa.
Ndakanzwa Hama Branham vachitauramashoko anotevera mamwe mangwanani paVoice Radio. Pandakazvinzwa, zvakauyamumoyo mangu kuti ndizvo chaizvozvandinonzwa/zvatinonzwa kana tichiti:
TINONGODZWANYA TORIDZA TONZWA MATEPI.
Zvakaita sekutaura kwemaTendero edukwandiri.
Ndicho chikonzero ndichitenda Shoko rinoRenguva, nokuti Rinobva muShoko raMwari. Uye chose chiri kunze kweShoko raMwari, handichitendi. Zvinogona kudaro, asi zvakadarondichagara nezvakataurwa naMwari, uye ndovanekugutsikana kuti ndiri muchokwadi. Zvino, Mwari vanogona kuita zvavanoda. Iye ndiMwari. Asi kana ndichigara neShoko Rake, ipapondinobva ndaziva kuti zvose zvakanaka. Ndizvozvandinotenda.
Kubwinya, akazvitaura ZVAKANAKISISA. Humwe hushumiri hwose hunogona kuvapo, nokuti Mwari vanokwanisa kuita zvaVanoda, neavo vaAnoda, ndiMwari. Asi chero ndichigaraneShoko raKe, Inzwi Rake, Matepi, ipapondinoziva kuti zvose zvanaka. Ndinotendaizvozvo.
Ndinoziva kuti vazhinji vanoverenga tsambadzangu uye vachitadza kunzwisisazvandinotaura uye nezvandinotenda kuti ndikoKuda kwaShe kukereke yedu. Regai nditaurezvakare nekuzvininipisa sekutaura kwakaitamuporofita: “Matsamba aya akanyorerwa kerekeyangu chete. Avo vanoda kudaidza Branham Tabhenacle sekereke yavo. Vaya VANODA KUBATANIDZWA NEKUDANWA KUNZI VANHU VEMATEPI”.
Kana usingabvumirani nezvandinotaura kana kutenda, zvakanaka zvachose hamanehanzwadzi dzangu. Tsamba dzangu hadzinakunyorerwa imi kana kupikisa imi kana makereke enyu. Kereke yenyu ine kuzvitongakuzere uye munofanira kuita sezvamunonzwakutungamirirwa kuita, asi maererano neShoko, ndozvatiriwo, uye izvi ndozvatinotenda kutindiyo nzira yatakapiwa naMwari.
Mose munogamuchirwa nguva dzose kubatananesu Svondo rega rega na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville. Viki rino, NyeredziyaMwari yezera redu, William Marrion Branham, achange achitiunzira Mharidzo, 60-1209 Chizvarwa che Kereke ye Sardisi.
Hama Joseph Branham
24-1110 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
Mharidzo: 60-1208 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
- 24-1110 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
- 23-0521 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
- 20-1129 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
- 19-0210 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
- 16-0323 Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira
Mudiwa Mwenga Waka Vhenekerwa,
Ishe vari kutizarurira sei kuti mumazeraose kwagara kuine boka duku raigaraneShoko Rake. Havana kuwiramumusungo unonyengera wemuvengi, asivakaramba vakatendeka uye vakatendekakuShoko rezuva ravo.
Asi hapasati pambova nenguva, kana boka revanhu, iro Ishe vanga vachidadanaro, kana kuva nekugutsikana mariri, kupfuura isu. Tiri Mudzima Mwenga Wake wakasanangurwa uyo usinga, uyezvakatonyanya kukosha, USINGAGONI, kunyengerwa; nokuti tinonzwa InzwireMufudzi uye tinomutevera.
Ari kutiratidza kuti mukati memazera osekwagara kune mapoka maviri evanhu, vose vachitaura chizaruro chavo kubvakuna Mwari uye nehukama hwavonaMwari. Asi akatiudza kuti, Ishe vanozivaavo vari Vake. Anoronda pfungwa dzedu. Anoziva zviri mumwoyo yedu. Anoonamabasa edu nekugara nemuporofitaneShoko rake, zvinova chiratidzochechokwadi chezviri matiri. Vavarirodzedu, zvinangwa zvedu zvinozivikanwakwaAri apo Anotarisa zvatinoita zvese.
Anotiudza kuti vimbiso dzose dzaakapakuzera rega rega, ndeDzedu. Anotiona isutinoramba tichiita mabasa aketakatendeka kusvika kumagumo. AKATIPA simba pamusoro pemarudzi. Anotiudza kuti tiri vatongi vakasimba, vanokwanisa, vasingashanduke vanogonakurarama nesimba guru mumamiriro oseezvinhu. Kunyange muvengi ane shunguchaizvo achaputswa kana achifanirakuputswa saizvozvo. Kuratidzwakwekukutonga kwedu nesimba Rake kuchafanana nekweMwanakomanachaiye. KUBWINYA!!
Takaona hudzamu hwaMwari muhupenyuhwedu. Chiitiko chepauzima cheMweyawaMwari uchigara matiri. Pfungwa dzedudzinovhenekerwa neuchenjeri neruzivorwaMwari kubudikidza neShoko rake.
Tinoenda chero kune Chikomba. Hatifitakasiiwa Naye. Hatifi takasiya divi rake. Tichagoverana chigaro cheushe naye. Tichapfekedzwa korona yekubwinyanekukudzwa kwake.
Akatiratidza kuti muvengi angaachinyengera sei muzera rega rega uyenekukosha kwazvakaita KUGARA NESHOKO RAKE REPAMAVAMBO. Hapana Shoko rimwecheteringashandurwa. Zera rimwe nerimwerakawedzera nokubvisa, vachiisa dudziroyavo kuShoko repakutanga; uyevakarasika zvachose kusingaperi nokuitaizvozvo.
MuZera reChechi yeTiatira, mweyaunonyengera uya wakataura kubudikidzanapapa weRoma ukashandura Shoko Rake. Akariita “murevereri mumwe chetepakati paMwari nomunhu (kwete vanhu).” Saka zvino ave murevereri pakatipemurevereri nevanhu. Nokudaro, hurongwa hwose hwaMwarihwakashandurwa; kwete nekushandurashoko rimwe, asi nekushandura VARA RIMWE. Satani akanga ashandura “E” kuita “A”.
Shoko roga roga richatongwa neShokoraKe repamavambo rakataurwa pamatepi. Nokudaro, Mwenga wake UNOFANIRA kugara nematepi. Nepo muvengi achiedzakuodza mwoyo yevanhu nekuvapahurongwa hwakasiyana, pfungwayakasiyana, vara rakasiyana, MwengaUCHAGARA NESHOKO REPAMAVAMBO.
Muchizvarwa chega-chega Jesu anozviratidza nemutumwa wechizvarwaichocho. Vanogamuchira kubva kwaArichizaruro cheShoko chezera ravo. Chizaruro cheShoko ichi chinounzavasanangurwa vaMwari kubva munyikauye kupinda mukubatana kuzere naJesuKristu.
Akadana uye akagadza varume vazhinjikuti vave chikomborero kukereke, asi IyeCHETE Anongova neMUTUMWAMUMWE waakadana kuti Atungamirirekereke yake neMweya wake Mutsvene. Kune IZWI RIMWE rine ZVANZI NAJEHOVA. Pane IZWI RIMWE cheteraakati achatitonga naro. Pane IZWI RIMWE Mwenga wake raari kuisaramangwana rake rekusingaperi mariri. IZWI IRORO IZWI RAMWARI PAMATEPI.
Mwenga, kuda kwaMwari kwatiriKukwaniswa, uye pamberi paKe, TAKAKWANISWA. Uye kukwaniswaikoko kutsungirira, kumirira pana Mwari… uye kumirira Mwari. Anotiudza kuti ndiyonzira yekuumbwa kwehunhu hwedu. Tinogona kuva nemiedzo yakawanda, miedzo nematambudziko, asi kutendekakwenyu kuShoko rake kuri kushandakutsungirira matiri kuti tive vakakwana uyepazvose, pasina chisipo.
Hatife takakanganwa KUTENDA kunouyanokunzwa, kunzwa Shoko, uye Shoko rinouya kumuporofita.
Huya unzwe mufaro mukurusawehupenyu hwako apo pauchagara nesumunzvimbo dzeKudenga patichangetichinzwa Inzwi raMwari richitiunziraShoko pamusoro pe: Chizvarwa CheKereke Ye Tiatira 60-1208, nenguva dza12:00 masikati, nguva yeJeffersonville.
Hama Joseph Branham
24-1103 Chizvarwa che Kereke yePergamosi
Mudiwa Mwenga Mhandara Yakachena,
Wanga uchifadzwa here neMazera ManomweeMakereke? Mwari ari kupa Mwenga wake rumutsirorusati rwakambovepo. Ari kutipa Chizarurochakawedzerwa, Kutenda kwakawedzerwa, nekusimbiswa kwakawedzerwa kuziva kuti tiri vanaani, uye kuti chii chatiri kuita patiri kugara neShoko, NziraYake yaakapa muzuva rino.
Zvino Anotiudza kuti: “Kubva pa Service ye musiweSvondo kuenda mberi, chipfekai kufunga kwenyukwomweya. Rega Mweya Mutsvene ungozvinyudzamukati uye mubate zvazvinoreva pamweya pane zvesezvandichaita. IShoko Rangu rakamutswa noMweyarakataurwa nemuporofita Wangu kuna Maraki 4”.
Ngativerengei uye tibate mashoma eMashoko Ake toshandisa kufunga kwedu kwemweya pazviri.
Mwari akagadza mutungamiri wake akazadzwanoMweya weboka rake rakazadzwa noMweya; Ngiroziyake; uye Akaisa paari chisimbiso chezita, asi haafanirekuzvizivisa. Anofanira kuzvichengeta kwaari chete, maona. “Hapana munhu anoziva kunze kwake iye.”
Saka Mwari akapa Mwenga Wake mutungamiriakazadzwa neMweya kuboka rake rakazadzwanoMweya. MUTUNGAMIRI, KWETE VATUNGAMIRI kuboka rake rakazadzwa noMweya.
Ichakurumidza kuuya munyika, ngirozi huru yeChiedzaichauya kwatiri, ichatitungamirira kubuda, MweyaMutsvene mukuru, unouya nesimba, uyeuchatitungamirira kuna Ishe Jesu Kristu.
Ngirozi huru yeChiedza. Ndiani ngirozi huru yeChiedzakuzera rino rokupedzisira? William Marrion Branham. Haasi kutaura nezve Mweya Mutsvene. Yakatouya uyeanoti ichauya.
Ndiye ACHATITUNGAMIRIRA KUBUDA. Tinozivazvechokwadi uye tinotenda kuti Mweya Mutsvene ndiyeari kutitungamirira, asi anoisa pachena ngirozi YakeneMweya Mutsvene pamwe chete uye oti Iye (MweyaWake Mutsvene) achange achititungamirira(KUBUDIKIDZA) nengirozi yake huru yeChiedza.
Anoramba achizvibatanidza pamwe chete achiti:
Zvichida haazvizivi,
Haasi kuti Mweya Mutsvene haazozivi kuti ndiani, asingirozi mutumwa wake wepanyika uyo waakasarudzakuti ATITUNGAMIRIRE KUBUDA.
Asi achange ari pano nerimwe remazuva ano. Achaita…Mwari achamuzivisa. Haafanire kuzvizivisa iye amene, Mwari achamuzivisa. Mwari acharatidza kuti wake ndoupi.
Zvakare, haarevi kuti Mweya Mutsvene uchange uripano MAMWE MAZUVA ANO, asi ngirozi yake huruyeChiedza kutungamirira Mwenga Wake. Haafanirekuzvizivisa, Mwari achaita kuti mutungamiri wake mukuru azivikanwe kuMwenga wake pachakeneCHIZARURO.
Uri kubata zvazvinoreva here pamweya? Unoona here kuti ngirozi yeChiedza ndiani akasarudzwa naMwari kutiatungamirire Mwenga wake? Zvinonzi here panochitanda chokumhanyisa chakatambidzwa kune vamwevatungamiri?
Haufe wakararama pamusoro kudarika mufudzi wako. Ingorangarirai izvozvo, waona.
Nepo vamwe vangasanzwisisa uye nekutiseka, tinofarasei nekutenda pachokwadi nokuda kweCHIZARUROchinoti, WILLIAM MARRION BRANHAM NDIYE NDIMUFUNDISI WEDU.
Zvino sezvo rimwe nerimwe remashoko ayarakananganidzwa ku “ngirozi” — (nhume yepanyama) basa guru chairo pamwe chete neropafadzorinoshamisa ndiwo mugove wake.
Shoko rakaendeswa kungirozi Yake, ipapo ngirozi YakeinorIpa kuMwenga; kwete kuvashumiri chete, asikuMWENGA WAKE WOSE uye riri pamatepi kuti vosevanzwe. Harikwanisi kuwedzerwa kana kutapudzwa, uye HARIDI DUDZIRO.
Ari kuuya nokukurumidza, uye pa Achadaro achatangakuuya kwauri, uye uchatongwa maringe neEvhangeriyawakaparidza, uye isu tichava vanhu vako.” Ndikati, “Munoreva here kuti vose ava vari mumawoko angu?” Akati, “Vose. Wakazvarwa uri mutungamiri.
Kana zuva guru rokutonga rasvika, iye anotanga kuuyakungirozi yake yeChiedza uye omutonga kutangamaringe neivhangeri yaakaparidza. Tiri VANHU VAKE. Ndiye achadavira pamusoro pe mumwe nemumwewedu sezvo aive MUTUNGAMIRI akasarudzwanaMwari.
Isa mashandire ako epamweya pana izvozvo. Tichatongwa nezvakataurwa nengirozi yaMwari. Saka, iwe unoda kutora mukana nehupenyu hwakohusingagumi pane zvakataurwa nemumwe munhuACHIDUDZIRA ZVAKATAURWA, iwe achigona kunzwakubva kwaari mbune?
Ko munhu angatenda sei kuti kune HushumiriHwakakosha KUPFUURA HURI PAMATEPI. Kana uchitenda izvozvo, kana wakanyengetedzwa kutendaizvozvo nenjere dzavanhu, zviri nani udzokerekuSHOKO REPAKUTANGA; nokuti uchatongwanemashoko ari pamatepi. Gara neShoko sekutaurwakwarakaitwa.
Asi muporofita uyu uchauya, uye sekudanidzirakwakaita munyai wekutanga, “Tarirai Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika,” saizvozvowo pasina kupokanaachadanidzira, “Tarirai Gwayana raMwari, richiuyamukubwinya.” Achaita izvi, nokuti sezvo Johane aivemutumwa wechokwadi kune vasanangurwa, saka uyundiye mutumwa wekupedzisira kuvasanangurwanekumwenga wakaberekwa neShoko.
Ndiani achatisuma kuna Ishe Jesu? Ngirozi yake huruyeChiedza, William Marrion Branham.
Huya uve Mwenga Mhandara Yakachena nesu apopatichanzwa ngirozi yake huru ichitiunzira Chizarurochakawedzerwa, musi weSvondo na12:00 masikati,nguva yeJeffersonville, patichanzwa Mharidzo 60-1207 – “Chizvarwa che Kereke yePergamosi”.
Hama Joseph Branham
24-1027 Zera ReChechi YeSmirna
Mharidzo: 60-1206 Zera ReChechi YeSmirna
- 24-1027 Zera ReChechi YeSmirna
- 23-0507 Zera ReChechi YeSmirna
- 20-1115 Zera ReChechi YeSmirna
- 19-0127 Zera ReChechi YeSmirna
- 16-0316 Zera ReChechi YeSmirna
Mudiwa Mwenga Wakazadzwa noMweya,
Pane boka rimwe chete revanhu; bokarakakosha kwazvo revanhu, vanokwanisakunzwa zviri kutaurwa noMweya muzerarino rekupedzisira. Iboka rakakosharakagamuchira Chizaruro chezera rino.Boka iroro nderaMwari. Boka risingagonikunzwa, harisi raMwari.
Boka iroro rinogona, uye rinonzwa zvirikutaurwa noMweya, ndiro rinogamuchiraChizaruro cheChokwadi. Isu tisu tine Mweya waMwari. Isu tisu takazvarwanaMwari uye takabhabhatidzwa noMweyaMutsvene. Tiri Mwenga wake Wakazadzwa noMweya uyowakagamuchira Chizaruro chezera redu.
Zvinorevei kwatiri kuti Press Play? CHIZARURO! Kunzwa, kugamuchira uyenekugara neNzira yakapihwa naMwariyanhasi. Inzwi chairo raMwari richitauramuromo kunzeve kuMwenga Wake. Mweya Mutsvene urikutaura kumwoyoyedu nekumunhu wedu wemukati.
Tinoziva kuti Mwari anoshandisa vanhuvakazodzwa noMweya wake kuti vataure, asi hapana imwe nzvimbo yekunzwaZvanzi naJehovah kunze kweKudzvanyanokuRidza uye nokunzwa IZWI remutumwa wake wechinomwe, William Marrion Branham. Ndiro Inzwi rogarakasimbiswa noMweya Mutsvenepachawo. Iye Inzwi raMwari, muporofitawaMwari, mufudzi waMwari, kwatiri, nokupasi rose.
Kana achitaura, tinoti AMEN kuShokorose; nokuti ndiMwari pachake ari kutaurakwatiri. Shoko ravo ndiro chete Shoko risingadi kududzirwa. NdiMwari varikushandisa izwi ravo kutaura kuMwengawavo.
NdiMwari Pachavo vari kutiudza kuti, “Vaduku vangu, hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai. Pasati pavenekachimedu keguruva renyeredzi; ndisatindazivikanwa kwamuri kuti ndini Mwariwenyu, ndakakuzivai. Makange murimupfungwa Yangu, murimomuMupfungwa dzangu dzeziendanakuenda. Muri Mbeu Mwenga WanguShoko Rakataurwa chaiwo.
Kunyange wakange uri muPfungwaDzangu dzekusingaperi, handinakukuratidzai kusvika mwaka Wanguwakatarwa uye wandakatemera. Nokutindaiziva kuti Muchava boka Rangurinokosha rinogara neShoko Rangu. Vamwe vose vakakundikana, asi ndaizivakuti imi hamungadaro.
Ndinoziva kuti munotambudzwanokusekwa nokuti munogaranemuporofita Wangu, asi muriMuzambiringa Wangu Wechokwadi usinakutsauka paShoko Rangu, asimakaramba muri pachokwadi uyemakatendeka kumuporofita Wanguanotaura Mashoko Angu.
Kune vamwe vazhinji vakadzidziswanokutendeka kwose, asi havadzidzi nguvadzose kuti zvakafanira sei kutaura izvochete zvandakataura kubudikidzanenhume yangu.”
Tinofanira kungwarira sei kuti tinzwe inzwiRIMWE chete, nokuti Mweya unongovaneinzwi rimwe chete rinova inzwi raMwari.
O, zvakakosha sei kunzwa inzwi raMwarinenzira yevatumwa Vake, uye nokutaurazvavakapihwa kuti vataure kumakereke.
“Shoko Rangu ragara richiuyakumuporofita Wangu, asi muzuva rino, ndakaita kuti Inzwi Rangu riiswe pamatepikuti PASAVE NOKUKANGANISA pane zvandakataura kuMwenga. Pane tamboimwe chete yekuyeresa, tsvimbo imwechete, uye ndiro SHOKO randakataurakubudikidza nengirozi Yangu. Sezvazvirimuzera roga-roga, muporofita Wangundiro Shoko rezuva.”
Matepi, Inzwi Rake, itsamba yerudokwatiri. Nepo muvengi achigaraachitirovera pasi kubudikidza nemiedzoyedu nematambudziko nezvakaoma, Akatumira ngirozi yake ine simba kutiitiudze kuti hachisi chimwe chinhu asirudo rwaMwari rwekusarudza kwatiri, zvichiratidza kwatiri kuti akatisarudza isusezvo tisingazobvi paari.
Chinangwa chake chikuru ndechekutimushure mekunge tatamburakwekanguva, aizotikwanisa, kutidzikamisanekutisimbisa. Akatiudza kuti kunyangeIshe wedu Jesu akakwaniswanokutambura kwake. Iropafadzo rakadiniraakasiira kwatiri. Nokuti nokutambudzikakwedu aizotisvitsawo pakukwaniswa.
Ari kutivaka hunhu kuburikidza nemiedzonematambudziko edu. Nokuti hunhuhwedu hauumbwi pasina kutambura. Nokudaro, kutambura kwedu KUKUNDA kwatiri, kwete chipo.
Tingaratidza sei rudo rwedu kwaari?
- Nokutenda zvaanotaura.
- Kugara neShoko Rake.
- Kuzvibata isu nemufaro kubudikidzanemiedzo nematambudziko edu, izvo Iye, muuchenjeri Hwake hukuru, anotenderakuti zviitike.
Anosimudzira sei mweya yedu nekunzwaShoko rake. Inzwi Rake rinonyaradzamweya yedu. Patino Dzwanya Nokuridzatichimunzwa achitaura, mitoro yedu yoseinosimudzwa.
Hatigoni kana kutangakufunga nezve pfuma yatakachengeterwaisu kubudikidza nematambudziko eduose.
O, Mwenga waJesu Kristu, ndinofara seikuva Mumwe Wavo nomumwe nomumwewenyu. Mufaro wakadii unozadza mwoyowangu kuziva kuti akatipa ChizarurocheShoko Rake. Paanotiudza kutizvichange zviri pedyo zvikuru kusvikirapakunyengera vasanangurwa chaivo daizvaigoneka, Akatipa CHIZARURO CHECHOKWADI.
Huyai, pindai muMweya nesu musi unoweSvondo na12:00 masikati, nguvayeJeffersonville, apo patichanzwa Shoko rakakwana: 60-1206—Chizvarwa cheKereke yeSimirina.
Bro. Joseph Branham
24-1020 Zera ReChechi YeEfeso
Mharidzo: 60-1205 Zera ReChechi YeEfeso
- 24-1020 Zera ReChechi YeEfeso
- 23-0430 Zera ReChechi YeEfeso
- 20-1108 Zera ReChechi YeEfeso
- 19-0120 Zera ReChechi YeEfeso
- 16-0313 Zera ReChechi YeEfeso
Mudiwa Mwenga weChokwadi,
Inguva inofadza zvakadini yatiri kuva nayoapo Hupenyu Hwake huri kuyerera uyehuchifamba mukati uye nematiri, huchitipahupenyu. Pasina Iye, pangadai pasinahupenyu. Shoko Rake ndiwo mweyawatinofema chaiwo.
Muzuva rino rakaipisisa rerima, tisu bokarake rezera rekupedzisira rasimuka; Mwenga wake wechokwadi wezuvarekupedzisira uyo uchateerera chetekuMweya, Inzwi raMwari rezuva redu.
Tinoda sei kuMunzwa achitiudza kuti, “Kwandiri makafananidzwa negoridherakanatswa. Kururama kwenyu ndikokururama kwangu. Zvizenga zvenyuzvizenga zvangu zvino bwinya. MuriMwenga Wangu Wechokwadiwakaisvonaka”
Sezvo hondo dzedu dzichiita sedzirikuramba dzichiwedzera kuoma svondorega rega, tinongo Dzvanya Toridza kutitimunzwe Achitaura kwatiri zvinotapirauye achitiudza kuti, “Musazvinetse, makakodzera ivhangeri Yangu. Imi urichinhu chehunaku nemufaro. Ndinofarirakumuona pamunokunda muvenginemiedzo nemiedzo yeupenyu huno.”
Ndinoona kushingaira kwenyu kworudo; ndiko kudanwa kwepamusorokwehupenyu hwenyu kuti mundishumire. Ndakaziva nyika isati yavambwa kutimuchaziva mutumwa Wangu ane simbawaNdichatuma kuti ave Inzwi Rangukwamuri; uye kuti hamaizonyengerwa apomhumi dzinoparadza dzaizouyadzichiedza kutaura kuti dzine chizarurochakafanana. Hamaizotsaura pa Shoko rangu, kwete kana nguva ipi zvayo, KUNYANGE NEPADIKIDIKI. MaizogaraneShoko Rangu, Inzwi Rangu.
Maizoona pandinozarura Shoko Rangukwamuri kuti Muzambiringa weChokwadine muzambiringa wenhema zvakatangiramuBindu reEdheni kuti zvaizo kurapamwe chete sei mumazera ose.
Zviya zvakatangira mukerekeyepakutanga zvaizoenderera mberimumazera ose. Kuti sei muzerarekutanga, muzambiringa wenhemawaSatani waizotanga kupinda, uyenekukunda wungano ne mweyawechinikoraiti. Asi ndinofara sei kuti imichete, Mwenga wangu wandakasarudza, hamuzonyengerwi.
Vhiki rino, ndichajekesa Shoko Rangumamuri nekuburitsa pachenachakavanzika chikuru chembeu yenyoka. Ndichakuzarurirai muzvinhu zvosezvakaitika mubindu reEdheni; kuti Sataniakapinda sei kuzvisanganisa murudzirwevanhu.
Ichange iri pfungwa inofadza zvikuru, pamucharangarira kuti Ini, MutiweHupenyu muBindu reEdeni, uyowakange usingagoni kusvikwa kwaurinokuda kwekupunzika kwa Adamu, zvinowapihwa kwamuri, Vakundi vangu.
Uyu ndiwo uchave mubairo wenyu. Ndichakupai maropafadzo eparadisoyaMwari. Kuyanana nguva dzose Neni. Hamuchazofi makaparadzaniswa Neni. Kwandichaenda, imi, Mwenga wangumuchaendawo. Zviri zvangu, ndichagoverana nemi, Mudikani wangu.
Mwoyo yedu inotakwaira sei mukati medupatinoverenga mashoko aya. Tinoziva kutikuzadzikiswa kwevimbiso Dzake kwavekukurumidza kuswika, uye zvotonetsakumirira. Deno takurumidza kuteereraShoko Rake kuti tiratidze kukodzerakwedu kugoverwa kubwinya Kwake.
Ndinoda kukukokai kuti muuyekuzobatana nesu apo tinoenderera mberinekudzidza kwedu kukuru kweMazeraManomwe eKereke, apo Mwari arikuzarura Shoko Rake kwatiri nenzira Yakeyaakapa, mutumwa Wake wechinomwe.
Hama Joseph Branham
Svondo 12:00 P.M., nguvayeJeffersonville.
60-1205 Chizvarwa cheKereke yeEfeso
24-1013 Chiratidzo ChepaPatimosi
Mharidzo: 60-1204E Chiratidzo ChepaPatimosi
- 24-1013 Chiratidzo ChepaPatimosi
- 23-0423 Chiratidzo ChepaPatimosi
- 20-1101 Chiratidzo ChepaPatimosi
- 19-0113 Chiratidzo ChepaPatimosi
- 16-0312 Chiratidzo ChepaPatimosi
Vadiwa Mwenga Shoko Rakakwana,
Chii chiri kuitika mu Mwenga pasi rose? Tiri kupindamuMweya, tichisimuka tichidanidzira, “Kubwinya! Hareruya! Mwari ngavakudzwe” Mwari varikutiendesa kune dzimwenzvimbo nekuzarura Shoko Rake kuMwenga Wake.
Zvinhu zvataka verenga nokunzwa muhupenyu hwedu hwosezvino zvave kuratidzwa. Kumutsurudzwa kukuru kwave kuitika. Tiri kuvhenekerwa ne Shoko zvisina kumboitika kare.
Tinozvinzwa pakadzika chaipo mumunhu wedu wemukati. Pane chakasiyana, pane chiri kuitika. Tinonzwa Mweya Mtsveneuchitizodza, uchizadza mwoyo ne pfungwa dzedu neShokoRake.
Tinogona kumunzwa Iye achitaura kwatiri: Ndinoziva muvengiari kukurwisa zvisina kumboitika kare, asi musatya imi vadiki, MURI VANGU. Ndinokupai rudo Rwangu, kushinganokukwanisa. Ingotaura Shoko, uye Ini ndichariita. Ndinewenguva dzose.
Muchidzidzo chedu chikuru pane Zvakazarurwa zva Jesu Kristu, tiri pasi pekutarisura kukuru vhiki nevhiki izvo zvaarikuzotizarurira zvakare. Shoko Rake ndihwo hutiziro hweduhwega, runyararo neku nyaradzwa. Tinonyatso teererazvakanyanya, uye zvakanyanya uye zvakanyanya. Paragraph yoga yoga yatinoverenga tinonzwa kushevedzera nokudanidziraapo Shoko rinobhedhenuka pamberi pemeso edu. KutendakwekuBvutwa kuri kuuya pamusoro peMwenga kuchizadzamunhu wedu wemukati.
Funga, hakuna imwe nzvimbo munyika kwaungaende, asi kutipazvigunwe zvako chaipo, kunzwa Inzwi raMwari richitaurakwauri nokuzarura Shoko Rake.
Kuti Mwari wakabvisa sei chidzitiro, akachidhonzerakumashure, akatendera Johane kuti atarise mukati nokuonazvaizoitwa nechizvarwa choga choga chekereke, akazvinyoramuBuku akazvitumira kwatiri. Zvino, kuzara kwenguva kwakatikwasvika, Mwari wakatumira mutumwa wake unesimbakuzvitaura, nekuzarura zvazvaireva.
Johane akanyora zvaakaona, asi asingazivi zvazvaireva. Jesuakange asingazvizivevo paakange ari panyika. Hapanamumazera ose aiziva, kusvikira zuva ranhasi, nguva ino, vanhuava, ISU, Mwenga Wake.
Kuti akazarura sei kwatiri marambi manomwe achikwevahupenyu nechiedza kubva mune zvakange zviri mumudziyomukuru. Akatiudza kuti mishinda yemarambi aya yakangeyakanyudzwa sei mumudziyo umu. Mutumwa wekereke wegawega akange achibvira nomoto we Mweya Mtsvene mushindawake wakanyudzwa muna Kristu, achikweva hupenyu chaihwoHwa Kristu achipa chiedza ichocho kukereke. Uye zvino, mutumwa wedu wezuva rekuguma, mukuru pavatumwa vose, wakange aine hupenyu humwe chete uye chiedza chimwe chetechichi ratidzwa nehupenyu hwaka vigwa naKristu muna Mwari.
Zvino mutumwa wedu anesimba anotiudzavo kuti haazimutumwa wega wega anoratidzwa ipapo chete, asi MUMWE NEMUNWE WEDU TINORATIDZWAVO IPAPO, vatendivechokwadi vaMwari. Mumwe nemumwe wedutakamiririrwavo mumufananidzo ipapo. Mumwe nemumwewedu tiri kukweva kubva panzvimbo imwe chete se vatumwa. Isu tose takanyudzwa mumudziyo mumwe chete. Takafa kunezvatakange tiri uye hupenyu HWEDU hwakavigwa na, uyemuna, Kristu Jesu Ishe wedu.
Anotikurudzira sei nokutaura kuti hakuna munhu anogonakutibvisa Muruoko rwaMwari. Hupenyu hwedu haugonikutambwa nahwo. Hupenyu hwedu hunooneka huri kubviranokupenya, huchipa chiedza noku ratidzwa kwe MweyaMtsvene. Hupenyu hwedu hwemukati husingaonekwi hwakavigwa muna Mwari huchi pihwa chikafu neShoko raShe. Hondo dzacho dzino tyisa. Muvengi arikupenga sezvisina kumboitikakare, achiedza zvikuru kuti wodza mwoyo, kuti rovera pasi, asihaagoni kuzviita. Mwari amene anotaura kwatiri nemiromoyemunhu achitiudza, TIRI MWENGA WAKE, WAAKA SARUDZA, uye zvinokunda dhiabhorosi NGUVA DZOSE. Ishevedu vakakwana, vachitaura Shoko Ravo Rakakwana, richitipaRugare Rwakakwana, kuMwenga Wake Wakakwana.
Senguvava dzose, tinokoka pasi rose kuuya kuzonyudzamishinda yavo MUMUDZIYO MUKURU, Shoko iri, rakachengetwa noku chengetedzerwa Mwenga. Tichangetichishevedzera noku danidzira na 12:00 ,masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitaura nokuzarurazvakaitika pa: Chiratidzo Chepa Patmos 60-1204E.
Hama Joseph Branham
24-1006 Chizaruro ChaJesu Kristu
Mharidzo: 60-1204M Chizaruro ChaJesu Kristu
- 24-1006 Chizaruro ChaJesu Kristu
- 23-0416 Chizaruro ChaJesu Kristu
- 20-1025 Chizaruro ChaJesu Kristu
- 19-0106 Chizaruro ChaJesu Kristu
- 16-0306 Chizaruro ChaJesu Kristu
Vadiwa Hondo yaMwari Isingakundiki, Isu tisu avo vakasarudzwa naBaba uye nekupiwa CHIZARURO CHECHOKWADI chavo; CHURCH yavo imwe chete yeCHOKWADI. Avo vaakasarudza kuti vaite MABASA AVO MAKURU. Nokuti neMweya wavo, tinogona kunzvera uye nekurwisana nemweya waantikristu waSatani. Haana SIMBA pamberi pedu, nokuti tiri Hondo Yake Isingakundiki. Satani anovenga chizaruro chose, ASI TINOCHIDA; nokuti tiri vadi veShoko raMwari rakazarurwa. Nechizaruro chake chechokwadi muhupenyu hwedu, masuwo egehena haagone kutikunda; tinokunda muvengi. Dhiabhorosi wese ari pasi petsoka dzedu. Tiri Mumwe naYe uye tinokwanisa kutaura Shoko, nokuti tiri Shoko raKe. Ishe vakazviisa mumwoyo mangu kuti tidzidze uye tinzwe Mazera Manomwe eKereke. Achange ari Mavhiki anonzi “Red Letter” kana kuti akakosha zvikuru kune mumwe nemumwe wedu. Achange achizarura Shoko rake kwatiri kupfuura kare, nesimba rake risingakundike. Iye zvino ndiyo nguva. Iye zvino ndivo mwaka. Achange achitimutsurudza, achitikurudzira, nekutipa Kutekenyedzwa kweChizaruro, uye Zvichatungidza mweya yedu pamoto!! Zvakazarurwa zvaJesu Kristu iBhuku rechiporofita rinogona kunzwisiswa chete nerimwe boka revanhu vane muono wechiporofita, ISU, Mwenga wake. Zvinoda Chizaruro CHECHOKWADI kuziva kuti uri kuverenga nokunzwa Inzwi raMwari richibva kumutumwa Wake akasarudzwa, richitipa rairo yepamweya. Ndicho Chizaruro chaJesu Kristu chakapihwa Johane kumaKristu emazera ose. Ndiro chete bhuku muBhaibheri rose rakanyorwa naJesu pachake, kuburikidza nekuzviratidza kumunyori pachake. Zvakazarurwa 1:1-2, “Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza; Akatuma nokusimbisa nomutumwa wake akazvizivisa kumuranda wake Johane: Iye akapupura Shoko raMwari, uye nouchapupu hwaJesu Kristu, uye nezvezvinhu zvose zvaakaona. Bhuku raZvakazarurwa ndidzo pfungwa chaidzo dzaMwari rakanyorwa naMwari pachake. Asi akatumira akazviratidza kumuranda wake Johane nomutumwa wake. Johane akange asingazivi zvazvaireva; aingonyora zvaakaona nekunzwa. Asi nhasi, Mwari akatuma mutumwa wake ane simba panyika kuzozivisa Chizaruro Chikuru ichi kuMwenga wake, kuti tiverenge nokunzwa zvakaitika mumazera ose emakereke. Tinogona kuona boka rake diki rakaramba riri muzvokwadi uye rakatendeka kuShoko muzera rega rega.
Mwari akataura kubudikidza nengirozi yake akati mumazuva ano ekupedzisira, apo Inzwi remutumwa wenguva yekereke yechinomwe parinotanga kunzwika, Achazarura zvakavanzika zvaMwari sezvazvakazarurwa kuna Pauro. Avo vanogamuchira muporofita iyeye muzita rake pachavo vachagamuchira mubairo wakanaka wehushumiri hwemuporofita iyeye. Kubwinya, isu tiri Mwenga waMwari we “Press Play” uyo akagamuchira muprofita iyeye muzita rake, uye tiri kugamuchira makomborero acho. Tinotenda kuti iInzwi raMwari riri kutaura nekutungamirira Mwenga waKe. O Kereke, zvatichaverenga nekunzwa mumavhiki anotevera. KwaAri, tiri Wake sendarama YAKACHENA. ZvaAri, ndizvo zvatiri. Tiri Muzambiringa Wake Wechokwadi. Takakunda. Tinoitwa vakakwana, kudzikamiswa, kusimbiswa. Takasarudzwa neRudo Rwake Rwunosanangura. Hapana chekutya. Isu tiri boka rakanzwa mutumwa neMharidzo yake ndokuItora ndokuIrarama. Vhiki yega yega tinenge tichiti, “Ko mwoyo yedu haipisi mukati medu here uye paano taura nokuratidza Shoko rake kwatiri munzira”. Kana uchida kunzwa kuzodzwa kweMweya wake Mutsvene, kugamushira Chizaruro chakawanda cheShoko raMwari, uye uchida kugara muHupo hweMwanakomana woibva, uye nokugamuchira kubvutwa muKutenda, huya ubatane nesu musi weSvondo na12:00 P.M., nguva yeJeffersonville. , patinotanga kudzidza kwedu kukuru pamusorope: Zvakazarurwa zvaJesu Kristu 60-1204M.
Hama Joseph Branham
24-0929 Kiyi YepaMukova
Mharidzo: 62-1007 Kiyi YepaMukova
Vadiwa Vabati veKiyi YeKutenda,
“Ndini Mukova kudanga remakwai. Ndini Nzira, Nzira chete, Zvokwadi, uye Hupenyu, uye hakuna munhu anouya kuna Baba asi nokwandiri. Ndini Mukova kuzvinhu zvose, uye kutenda ndiyo kiyi inozarura Mukova kuti ugone kupinda.
Pane ruvoko rumwe chete runogona kubata kiyi iyi, ndirwo ruvoko rwe KUTENDA. KUTENDA ndiyo kiyi yoga ino zarura vimbiso dzose dza Mwari. KUTENDA mubasa rake rakapera zvinozarura masuvo ose ku hupfumi hwese huri mukati me Humambo hwa Mwari. KUTENDA ndiyo Kiyi inopinda pose ya Mwari iri kuzarura MASUVO OSE KU MWENGA WAKE uye isu takabata Kiyi iyoyo MURUVOKO RWEDU RWEKUTENDA.
Kiyi iyoyo iri mumwoyo yedu, uye tinoti, “I Shoko ra Mwari; I vimbiso dza Mwari kwatiri, uye takabata kiyi yacho”. Saka, nechikamu chose chokutenda chatinacho, tisingapokani kana chidimbu, tinozarura masuvo ose anomira pakati pedu nemaropafadzo ayo Mwari anavo kwatiri. Kutenda kuno dzima moto unovhuvhuta. Kunozarura kupodzwa kuvarwere. Kuno zarura ruponeso. Tauya paMukova uye zvose zvatinoita pa shoko kana pabasa, tinozviita muZita Rake, tichiziva kuti tine kiyi yekutenda; uye ikiyi yakagadzirwa nemagwaro.
Hatina hanya nezvinofungwa nani, pane chinhu chimwe chechokwadi: Mwari VAKATIDANA, VAKATITEMERA, vakazarura Shoko Ravo KWATIRI, vakatiudza zvatiri, uye takatsunga kutevera Shoko Ravo, nokuti vakatidana kuti tive Mwenga Wavo.
Baba vakabata nyeredzi dzavo nomwe, Nhume dzavo nomwe, kumazera manomwe muruvoko Rwavo. Vakadzibata muruvoko rwavo, naizvozvo dzine chekuita nesimba Ravo. Ndizvo zvinomiririrwa neruvoko. Runo miririra simba ra Mwari. Uye hutongi hwaMwari.
Takabata Shoko Ravo muruvoko rwedu rwe Kutenda, zvichiratidza simba ne hutongi hwaMwari kuti zviri MUMAVOKO EDU uye Vakatipa KIYI yeku zarura zvose zvatingade. Ndiyo Kiyi Inopinda Pose ino zarura MASUVO OSE.
Zvino ndave kuziva kuti sei Mwari vakatipa zvigunwe zvishanu muruvoko rumwe narumwe; kwete 4, kwete 6, asi 5, kuti nguva yose yatinotarisa mavoko edu tinorangarira, tine KUTENDA kunozarura suvo rega.
Chiratidzo chekusingaperi kurudzi rwavanhu kuti tirege kukanganwa; tirangarire nguva dzose uye nekutora hushingi, kuti takabata KUTENDA mumavoko edu. Uye achasimudzira kutenda kwedu kwembeu ye masitadhi uye agotipa KUTENDA KWAKE KUKURU MUSHOKO RAKE RISINGA KUNDIKE, RISINGA GUMI IRO RISINGAKUNDIKE!!!
Tinogona kusimudza mavoko edu kuDenga, totambanudza zvigunwe zvedu paruvoko rwega tichiti kwaari, “Baba, tinotenda uye tine KUTENDA muShoko rega Ramakataura. I Vimbiso Yenyu, Shoko Renyu, uye muchatipa KUTENDA KWATINODA kana tikatenda chete….uye TINOTENDA.
Sezvo tisiri kuita Shumiro ye Chirairo chedu kusvikira husiku hwe musi we Shondo, Ndinoda kukukurudzirai kuti musarudze Mharidzo yamungada kunzwa ne Kereke yenyu, mhuri, kana dungamunhu, mangwanani emusi we Shondo, panguva inokuitirai zvakanaka. Zvirokwazvo hapana imwe nzira yekuyera nayo Kutenda kwedu asi chete nenzira yekunzwa Shoko; Nokuti KUTENDA kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko, uye Shoko rakauya kumuporofita.
Ngatibatanei zvino pamwe chete na 5:00 p.m. zuva rovira (nguva dze munyika menyu imomo) kuteerera ku Mharidzo, 62-1007 Kiyi Ku Mukova. Sezvaka shambadzirwa, ndinoda kuti iyi ive Shumiro Ye Chirairo yakatsaurwa, ichange ichiridzwa pa Voice Radio na 5:00 pm zuva rovira. (Nguva ye Jeffersonville) Munogona ku downloader nekuridza shumiro muChirungu kana mune mimwe mitauro nenzira yekudzwanya apa: LINK HERE.
Zvichifanana nedzimwe Shumiro Dze Chirairo Dze Mudzimba dzakare, panopera tepi hama Branham vanonamatira chingwa ne waini. Pachange paine mumhanzi we piano kwemaminitsi akatikuti, kuti mukwanise kupedza chikamu cheChirairo. Ipapo, Hama Branham vachaverenga Gwaro rekugezana tsoka, kana vapedza kuverenga, Dzimbo dzeVangeri dzicharidzwa kwe maminitsi akatikuti, kuti mukwanise kupedza chikamu cheshumiro yekugezana tsoka.
Mukana wakanaka wakadini watinawo kukoka Ishe wedu Jesu kudya nesu mumwe namumwe mudzimba dzedu, mumachechi, kana kupi kwamuri. Ndinamatireiwo pamunotaura Naye, sezvo ndichange ndichikunamatiraiwo zvirokwazvo.
Mwari vakuropafadzei,
Hama Joseph Branham
24-0922 Edheni RaSatani
Mharidzo: 65-0829 Edheni RaSatani
Mudiwa Chizenga cha Mwari,
Tisu chizenga chaicho chaBaba veduveKudenga; nokuti takange tiri maVaripakutanga. Hatizvirangarire ikozvino, asitakange tiriko naVo, uye Vaitiziva.Vakatida zvikuru chaizvo vakatiumbanenyama kuti vagone kubatana nesu, kutaura nesu, kutida, kunyange kutikwazisa nemavoko.
Asi Satani akauya akatsveyamisa Shoko raMwari repamavambo, HumamboHwake, uye hurongwa hwake kwatiri. Akamonyorodza varume navakadzi uyeakabudirira pakutsveyamisa uyenepakubata ushe pamusoro penyikayatigere mairi. Akaita nyika ino humambohwake, bindu rake reEdeni.
Ndiyo nguva inonyengera nekufurirakupfuura nguva dzosedzakambovepo. Dhiabhorosi wakaisamiteyo yose yemanomano yaanogona: nokuti iye munyengeri mukuru. Mukristuanofanira kunge aka ngwarira zvikurunhasi kupfuura zvaive mune zvimwezvizvarwa zvose.
Asi panguva imwe cheteyo, ndiyo nguvainobwinya kupfuura zvizvarwa zvose, nokuti tatarisana nenguva huru inonziMireniamu. Bindu redu reEdeni rave pedyo, patichange tave nerudorwakakwana ne kunzwisisa kwakakwanakwe rudo rwaMwari. Tichange tiri vapenyutakachengeteka naye muEdeni redunekusingaperi.
Jesu vakatiudza kuna Mateu 24 kutitinofanira kuchenjera sei muzuva rino. Akatiyambira kuti zuva rino ndiro rinekunyengera kunopfuura mamwe mazuvaose atakamborarama, “pedyo nepedyochaizvo zvekuto nyengera vasanangurwadeno zvaigoneka”; nokuti manomanoadhiabhorosi anoita kuti vanhu vafungekuti ma Kristu ivo vasiri.
Asi chizvarwa chino chichaberekavoMwenga Wake wakachena weShokousinga, uye usingagoni, kunyengerwa; nokuti vano gara neShoko Rake repamavambo.
Sa Joshuwa na Karebhu, nyika yeduyechipikirwa yave kutooneka sezvakaitayavo. Muporofita wedu wakati Joshuwazvinoreva kuti, “Jehovah Muponesi”. Aimiririra mutungamiri wenguvayekuguma aizouya kukereke, sekuuyakwakaita Pauro semutungamiriwepakutanga.
Karebhu aimiririra vaya vakarambavakatendeka kuna Joshuwa. Sevana veIsiraeri, Mwari akatanga navosemhandara neShoko Rake; asi vaidazvimwe zvakasiyana. Muporofita weduwakati, “ndoo zvichaitavo kekere ye zuvarekupedzisira” Naizvozvo, Ndosaka, Mwari havana kutendera Isiraeri kupindamunyika yechipikirwa kusvikira yavenguva yake yaakatara.
Vanhu vakamanikidzira Joshuwa, mutungamiri wavo wavakapihwa naMwari, vakati, “Nyika ndeyedu, handeitinoitora. Joshuwa iwe wapererwa, warasikirwa nekutumwa kwako. Hausisinasimba rawakange unaro. Waisinzwakubva kuna Mwari ne kuziva kudakwaMwari nekukurumidza kuitazvinofanirwa kuitwa. Pane chisina kumiramushe pauri”
Joshuwa akange ari muporofitawakatumwa na Mwari, uye aiziva vimbisodzaMwari. Muporofita wedu akatiudza:
“Mwari vakaisa hutungamiriri hwakazaramumavoko a Joshuwa nokuti akangearamba akamira ne Shoko. Mwari aigonakuvimba na Joshuwa, asi kwetenevamwe. Saka zvichadzokorora muzuvarino rekuguma. Dambudziko rimwe chete, kumakidzwa kumwe chete.”
Sezvo Mwari akaita naJoshuwa, AkaisaHUTUNGAMIRIRI HWAKAZARA mumavoko engirozi muporofita Wake, William Marrion Branham; nokuti aizivakuti aigona kuvimba naye, asi kwetevamwe. Paifanira kuva Ne’nzwi Rimwe, Mutungamiri Mumwe, Shoko Rimwerekupedzisira, nguva iyoyo, uyeNAZVINO.
Ndinoda matauriro akaita muporofitakwatiri achiti, pachave nezviuruzvakapetwa kazvuru zvevanhuvachanzwa matepi. Akataura kuti matepiISHUMIRO. Pachave nevamwe veduvachapinda mudzimba nemumachechinetepi (shumiro yake) kubata MbeuyaMwari yakatemerwa.
Patakadzoka tichiti, Ishe, tateerera kurairakwenyu, uye pane vanhu vatakaonapatakaridza matepi vakatenda. Zvinotakaparidza izvozvo, pasi rose, Mungazviremekedza here?
Iye uchati; “Ndizvo zvandakakutumai kutimuite.”
Mwari anozviremekedza. Imba yakohaizungunusirwe pasi. Mwari paachapamucherechedzo weku paradza zvose, mhuri yako yose, zvinhu zvako zvose, zvichange zvakachengeteka mumbamako. Unogona kumira ipapo. Hausaifanira kana kutarisa kunze nepafafitera, ingo dzwanya nekuridza apohondo iri kuenderera mberi.
Mashoko enyu akawanikwa ndikaadya;uye shoko renyu rakave kwandiri mufaronekufadzwa kwemoyo wangu: nokutindakadanwa nezita renyu, O Ishe Mwariwe hondo.
Ndinokukokai kuti mubatane nesupatinenge tichidya shumiro, huru, mhenyu, yenguva yekupedzisira yaMwari, musi uno we svondo na 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichange tichinzwa zvose pamusoro pe: Edeni ra Satani 65-0829
Deno tararama kusvikira pakuuya kwaShe, kana zvaikwanisika. Deno taitazvose zviri musimba redu nerudo ne kunzwisisa, tichinzwisisa kuti Mwari arikutsvaga pasi rose, nhasi, kuwana gwairakarasika rose. Uye deno tataura navonemunamato wakaperera we rudoneShoko ra Mwari, kuti tiwane riyarekupedzisira, kuti tiende kumusha, uyekuti tibude kubva muno muEden rakareraSatani pano, Ishe.
Hama Joseph Branham
Magwaro ekuverenga tisati tanzwaMharidzo.
2 Timotio 3:1-9
Zvakazarurwa 3:14
2 Vatesaronike 2:1-4
Isaya 14:12-14
Mateo 24:24