Category Archives: Uncategorized

25-0223 Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?

Mharidzo: 62-1230E Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Madzichangamire,
 
Ichi ndicho, Chiratidzo. Iyi ndiyo, nguva. Iri ndiro, Shoko reNguva. Iri, iShoko. Iri, Inzwi raMwari. Uyu ndiye Mwanakomana woMunhu. Iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari. Uku ndiko, kuguma kwenguva.  
 
Hakuna muporofita, kana muapostora, hapana, chero nguva ipi zvayo, akamborarama munguva yakadai yatiri kurarama zvino. Zvakanyorwa mumatenga. Zvakanyorwa pamusoro penyika. Zvakanyorwa mumapepanhau ose. Aya ndiwo magumo, kana uchikwanisa kuverenga zvinyorwa.
 
Uyo ane nzeve, ngaanzwe zvakataurwa naMwari, zvikarekodwa, saka harizovi shoko rangu, pfungwa dzangu, kafungiro kangu, asi Inzwi chairo raMwari richiraira Mwenga Wake iyo inzira Yake CHETE yakakwana yaakapa kuzuva ranhasi.  
 
Huyai muteerere apo Anotaura nekuzarura kwatiri nemagwaro, nezviratidzo, nekududzirwa kwezviroto, kuti tigare neShoko reNguva, nekugara nematepi. Ingotaura zviri pamatepiCHETE.  
 
Hapana nzira imwe irinani, kana imwe nzira yechokwadi, inopfuura kunzwa Inzwi raMwari kubva kuna Mwari paChake. Mwari vakaraira Mwenga wavo kubudikidza nekutaura ari mumuprofita wake achitiudza kuti, DZWANYA RIDZA, ndoo zvoga.  
 
Zvitaure, Zviparidze, Zvipupurire, uye uudze nyika pamusoro paZvo, asi Anotiudza kuti pane nzira imwe chete yakakwana yakapiwa yekukwanisa Mwenga: teerera kuInzwi raMwari pamatepi. Kana chimwe chinhu chiri kukunetsa, ridza tepi. Ndicho chinhu chinofanira KUTANGA, uye Inzwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa. IShoko raKe rakakwana raAkaisa pamatepi. 

Zvino enzanisa kunyange izvozvo nezvimwe, zviroto. Ichi chaiva chiratidzo. Chikafu, hechinoichi. Iyi ndiyo nzvimbo.

Teerera, kubudikidza nezviroto nezviratidzo, Chikafu cheMwenga chirikupi? Nzvimbo yacho irikupi? Shoko reNguva reMwenga riri pamatepi.

Apa ndinonzwa kuti ndiri pamusha. Iyi ndiyo nzvimbo yacho. Uye kana ukacherechedza, zviroto zvacho zvaitaura zvimwe chete, maona, apo pane Chikafu.

Kuti tive nechokwadi chokuti tazvibata, anotiudza zvakare, matepi ndicho Chikafu cheMwenga.

“Nguva hapasisina.” Kana zviriizvo, ngatizvigadzirirei, shamwari, kusangana naMwari wedu.  

Hongu, Ishe, ndicho chishuwo chemwoyo yedu, kugadzirira kusangana nemi, kuva Mwenga Wenyu. Chii chatinofanira kuita Ishe? Ndeipi nzira Yenyu yamakapa? Chirongwa chenyundechipi? Ndeipi nzira Yenyu yakakwana? Makatitumira muprofita waMaikwanisa kutaura naye kuti atiudze. Ndapota tirairei.

Pave neChikafu chakawanda chakachengetwa zvino. Ngatichishandisei. Ngatichishandisei.zvino.

Munhu angava bofu sei? Iye anotiudza zvokuita: pane chikafu chakawanda chakachengetwa pamatepi; chishandisei ZVINO. Uku ndiko kuraira kwaMwari kuMwenga wake.  
 
Kana uchiti unotenda Shoko reNguva iri, tenda kuti William Marrion Branham ndiye muprofita nhume yaMwari yakatumwa kuzodana Mwenga; hupenyu hwake hunozadzisa magwaro ose akataurwa pamusoro pake; tenda kuti Inzwi raMwari ranhasi, zvino IYE; Mwari, achitaura kubudikidza nemuporofita wake, anoudza Mwenga neChirungu chakajeka zvekuita.  
 
 Kunyangwe tichisekwa, tichitambudzwa, uye tichitarisirwa pasi nekuti tinongoteerera kumatepi chete, tiri kuita chaizvo zvaAkatiudza kuti tiite. Ndinokutendai Ishe nokuda kweChizaruro.  
 
Ndinoda kukoka nyika kuti mubatane nesu musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa “Ichi ndicho Chiratidzo Chekuguma here, Changamire? Tichange tichinzwa zvose pamusoro pe:  
 
Mitinhiro, Zvisimbiso Zvinomwe, Dombo rePiramidhi, Chikafu cheMweya, Zienda-naKuenda, Gungano reNgirozi, Muzinda Wangu, Chiratidzo, Zviroto, Chiporofita, Zvakavanzika Zvakavanzwa, Gwaro mushure mwerimwe Gwaro.
 
Hapana chikuru muhupenyu huno kupfuura kunzwa nekuteerera Inzwi raMwari.
 
 Hama Joseph Branham
 
Magwaro:
 
Maraki Chitsauko chechina
Mateu 13:3-50
VaRoma 9:33; 11:25; 16:25
1 VaKorinte 14:8/Chitsauko 15
VaGaratia 2:20
VaEfeso 3:1-11 / 6:19/ 5:28-32
VaKorose 4:3
1 VaTesaronika 4:14-17
1 Timotio 3:16
VaHebheru 13:8
2 Petro 2:6
Zvakazarurwa 1:20 / 3:14 / 5:1 / 6:1 / 10:1-7 / Chitsauko 17

25-0216 Vhiki Rechimakumi Manomwe RaDhanieri

Mharidzo: 61-0806 Vhiki Rechimakumi Manomwe RaDhanieri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vakatarira neKumirira,
 
Pane mufaro pakati peMwenga usati hwakambovepo kare. Tiri pasi pekutarisira kukuru; gore redu rejubheri rave kuda kuitika. Mwenga wakamirira nguva yakarebakuti zuva iri risvike. Kuguma kwenguva yeve maRudzikwasvika uye kutanga kwezienda-nakuenda naIshe wedu kuchakurumidza kutanga.
 
Tiri kunzwisisa nguva yatiri kurarama mairi nekunzwa Shoko. Nguva yapera. Nguva yeKubvutwa yave pedyo. Tasvika. Mweya Mutsvene wakauya ukazarurakuMwenga wake zvinhu zvose zvikuru, zvakadzika, zvakavanzika.
 
Tiri mukuperera, tichitsvaga Mwari; tichizvigadzirira. Takarasa zviro zvese zvenyika ino. Zvinetswazvehupenyu huno hazvina zvazvichareva kwatiri. Kutenda kwedu kwakwirira zvikuru kudarika zvazvaive kare. Mweya Mutsvene ari kupa Mudzimai Wake wakasanagurwa Kutenda kwokubvutwa, kuti Agouya kuzoMutora.

Mavhiki 69 akananga; kuenda kwemaJudha kwakananga; zera rekereke rakananga. Tave panguva yekuguma, nguva yekuguma, zera rekereke yeRaodhikia, kuguma kwaro. Nyeredzi vatumwa vose vakaparidza shoko ravo. Rakaenda. Tave kufamba zviri nyore.

Inguva yakadii yemanenji yatiri kurarama mairi. Inguva dzakaoma zvikuru sezvo muvengi ari kurwisa munhu wese zvisina kumbobvira zvaitika. Ari kukanda zvose zvaanazvo kwatiri. Ari pakaoma, nokuti anoziva kuti nguva yake yapera.
 
Asi panguva imwe cheteyo iyoyo, hatisati takambofara kudai muupenyu hwedu.

  • Hatina kumbova pedyo naShe kudai.
  • Mweya Mutsvene anozadza tsinga dzose dzemuviri wedu.
  • Kuda kwedu Shoko rake hakuna kumbova kukurukudai.
  • Chizaruro chedu cheShoko rake chinozadza mweya yedu.
  • Tiri kukunda muvengi wese neShoko.

UYE, hatina kumbova nechokwadi kudai chekuti tiri vanaani:

  • VAKATEMERWA
  • VAKASANANGURWA
  • VAKASARUDZWA
  • MBEU YEHUMAMBOVEPAMOYO
  • ZIENDA-NAKUENDA, AKAPFEKA NHUVO CHENA, MUDZIMAI WA JESU, ANOTEERERA MATEPI, AKAJEKERWA, MHANDARA YAKACHENA, AKAZADZWA NOMWEYA, ASINGAKUNDWE, AKAGADZWA HUMWANA, ASINA KUSVIBISWA, MHANDARA MWENGA WESHOKO.

Chii chiri kutevera? Dombo riri kuuya. Takatarisa, takamirira uye nekunamata miniti yegayega yezuva regarega. Hapana chimwe chinhu chichine basa asi kuzvigadzirira kuuya Kwake.
 
Haisi nyaya yekuti, “Tinotarisira kudaro”, TINOZIVA. Hapasisina kupokana. Nechinguvana, mukubwaira kweziso zvinenge zvapera, uye tichange tiri kune rimwe divi nevadikanwa vedu vose naIYE paMabiko eMuchato.
 
UYE UKU NDIKO KUTANGA…UYE HAZVINA MAGUMO!!
 
Huyai mugadzirire Mabiko eMuchato nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, Mwari paanotaura kubudikidza nemutumwa Wakemukuru, uyo waaAkatuma kuzotungamirira Mwenga Wake, paachatiudza, nokuzarura, zvose zvakavanzika zvaMwari.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 61-0806 – Vhiki reMakumi Manomwe raDanieri

25-0209 Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya KwaGabrieri Kuna Dhanieri

Mharidzo: 61-0730E Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya KwaGabrieri Kuna Dhanieri

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Arikufara,
 
Takaringira zviso zvedu kuDenga mumunamato nemukukumbira kuti tiwane zuva nenguva chaiyo yatiri kurarama mairi.  
 
Sezvisina kumboitika kare, tigere pamwe chete munzvimbo dzekudenga, kubva pasi rose, tichinzwa Mwari achitaura uye achizarura Shoko Rake kwatiri kuburikidza nemutumwa Wake ane simba guru. Ngirozi mutumwa wepanyika uyo Baba vakatuma kuMwenga wake muzuva rino rekupedzisira kuzarura Shoko rake.
 
Gabrieri ndiye ngirozi kuvanhu vakasarudzwa vaMwari, maJuda. Asi kuMwenga wake wemaRudzi, Merikizedeki paChake akauya ndokutaura ari munyama ari mungirozi yepanyika yainzi William Marrion Branham, kuti Akwanise kutaura nekuzarura Shoko Rake ROSE kuMwenga wake waanoda wepamoyo.
 
Akaita kuti rirekodwe, richengetwe, uye nekuchengetedzwa, kuti Mwenga ave neChikafu Chake chepamweya, Manna yakavanzika, pamawoko akeminiti yega yega yezuva rega rega kusvikira pakuguma kwenguva.  
 
Munhu wedu wemukati ari kuzadzwa nechizoro chikuru apo tiri kunzwa Inzwi raMwari richizarura Shoko rake kwatiri. Kuti ano bhedhenura sei Shoko rake kwatiri kuti tinyatsoona uye nokunzwisisa zvarinoreva. Riri kuzarura nguva chaiyo yatiri kurarama mairi, richitiudza kuti tiri vanaani uye nezvichaitika nokukurumidza; Kubvutwa kwedu uko kwave pedyo.  
 
Ari kutozarura kuMwenga wake zvichange zvichiitika panyika apo tichange tinaye paMabiko emuMuchato. Uye kuti achazarura sei meso akapofomadzwa evasanangurwa vake; avo Iye akapofomadza nokuda kweMwenga wake wemaRudzi.
 
Shamwari dzangu, ndinozviziva kuti taneta sei nenyikaino uye tinoshuvira kuuya Kwake kuti atitore, asi ngatifarewo nekutenda pane zviri kuitika izvozvi pamberi pemeso edu.  
 
Ngatisimudzei maoko edu, mwoyo yedu, manzwi edu, uye tifare. Hatisi kungotarisira chete kune zvaAchazotiitira munguva pfupi iri kutevera, asi ngatifarei pamusoro pezvaari kuratidza uye kutiitira iye ZVINO.  
 
Ari kutiudza kuti tiri Mwenga Wake waakafanotemeratichibatana Naye neShoko Rake. Ari kutivimbisa nguva nenguva, tiri muKuda Kwake kwakakwana nokugara neInzwi Rake, Shoko Rake, ngirozi Yake. Akatipa KUTENDA mukuziva nokucherechedza zvatiri:  
SHOKO RAKE RIRI KURARAMA MUNYAMA.
 
Hatina chekutya; Hapana chekunetsekana nacho; Hapana chekusuwa nacho. Ndinoziva sei izvozvo? MWARI AKATAURA KUDARO!  SAKA NGATIPEMBEREI, TIFARE, TITENDE; SHOKO BENYU RINORARAMA UYE RINOGARA MUKATI MEDU. TIRI MBEU YAKE YEHUMAMBO YEPAMUSOROSORO.
 
Ndinotenda chaizvo kuti naivo Ishe varikufarawomukuziva kuti nguva yasvika uye kuti isi tagadzirira kubidikidza nokugara takavimbikana nokutendeka kuShoko Ravo.  
 
Sekamukomana kadiki kakatarisa mugirazi kekutanga, tiri kutarisa muShoko raKe, tichiona kuti TIRI VANAANI. Ishe…NDINI. Ndiri Mwenga weShoko renyu rinorarama. Ndini wamakasarudza. Ndiri maMuri, Imi muri mandiri, tiri Mumwe.  
 
Tingarega sei kupembera nekuva vanhu vanofarakupfuura vose vakambogara pamusoro penyika? Vatsvene vose nevaporofita vakatitangira vaida kurarama muzuva ranhasi vachiona zvipikirwa izvi zvichiitika. Asi neNYASHA dzaMwari, akatiisa pano ISU.
 
Tanonokerwa:

Brrrr! Ini zvangu! Whew! Nemamwe manzwi, kana muvengi abviswa, kuguma kwechivi kwasvika, kuunzwa kwekururama kusingaperi kwasvika, Satani avharirwa mugomba rakadzika-dzika, uye ruzivo rwaIshe ruchifukidza nyika sekufukidza kunoita mvura gungwa. Ameni! Mwari ngavakudzwe! Zviri kuuya, hama, zviri kuuya!

Chizoro chakadii chichaitika musi weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo tichaungana pamwe chete kubva pasi rose kuti tinzwe mutumwa waMwari, Inzwi raMwari kuMwenga, richitiunzira Mharidzo: Chinangwa Chakapetwa Katanhatu Chekushanya kwaGabrieri Kuna Danieri 61-0730E.
 
Hama Joseph Branham

25-0202 Rairo DzaGabrieri Kuna Dhanieri

Mharidzo: 61-0730M Rairo DzaGabrieri Kuna Dhanieri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadikanwa Vanhu veChinangwa.
 
Inguva yeChando yakanakisa sei yatange tinayo apo takange tichidzidza zve maZera Manomwe emaKereke, uyezve Mwari vachitizarurira zvakawanda zve Buku raZvakazarurwa zvaJesu Kristu. Zvitsauko zvitatu zvekutanga zvekuna Zvakazarurwa ndiwo maZera eKereke, uyezve kuti Johane akatorwa kumusoro sei muchitsauko 4 ne 5 achitiratidza zvinhu zvaizouya.
 
Muchitsauko chechitanhatu, Akazarura kuti Johane akaburuka pasi sei zvakare kuti aone zvinhu zvichiitika zvichibva pachitsauko 6 kusvika kuchitsauko 19 chebuku raZvakazarurwa.
 
Mwenga ucharopafadzwa sei musi weSvondo apo tichanzwa Inzwi raMwari richitaura kuburikidza nemutumwa wake mukuru wechinomwe uye achitiudza zvichazarurwa zvinotevera.
 
Ndiri kufara zvikuru kushambadzira kuti tichatanga chidzidzo chikuru cheMavhiki Makumi Manomwe aDanieri. Muporofita akataura kuti zvichabatana neShoko rose tisati tapinda muZvisimbiso Zvinomwe; Hwamanda Nomwe; Nhamo nhatu; mukadzi ari muzuva; kudzinga dimoni dsvuku; kusimbiswa kwe zviuru zvine zana namakumi mana nezvina: zvose zvinoitika pakati penguva iyoyi.
 
Bhuku raDanieri ndiro karenda chairo rezera nenguva yatiri kurarama mairi, uye zvisinei kuti zvakaoma kunzwisisa sei, Mwari vachazvipatsanura voita kuti zvive nyore kwatiri.

Uye Mwari vanoziva kuti ndizvo zvandiri kutsvaga iko zvino, kuti ndinyaradze vanhu vaKe uye ndigovaudza zvinhu zvave pedyo, pano mangwanani ano, uye nokune dzimwe nyika dzichaenda matepi aya, pasi rose, kuti tasvika kumagumo enguva.

Tiri vanhu vakasarudzwa vaMwari vanoshuva uye vachinyengeterera zuva iroro nenguva iyoyo. Uye mesoedu akatarira kuDenga, uye takatarisira Kuuya kwaKe.
 
Ngativei tose saDanieri uye tiringire zviso zvedu kuDenga, mumunamato nemukukumbira, sezvatinoziva nokuverenga Shoko uye nokunzwa Inzwi raKe, kuti Kuuya kwaShe kuri kukurumidza kusvika; tasvika kumagumo.
 
Tibatsirei Baba kuti tiise padivi zvinoremedza zvose, chivi chose, kusatenda kwose kuduku kunotikanganisa nyore nyore. Ngatishingairei takatarisa mucherechedzo wekudanwa kwepamusoro, tichiziva kuti nguva yedu yave shoma.
 
Shoko reNguva rakaenda mberi. Zvinhu zvose zvagadzirwa zvino; takamirira uye takazorora. Kereke yakasimbiswa. Vakaipa vari kuwedzera kuita zvakaipa. Machechi ari kuramba achiwedzera kuita zvemachechi, asi vatsvene Venyu vari kuswedera pedyo nemi.
 
Tine Inzwi rinodanidzira kubva murenje, richidana vanhu kudzokera kuShoko repakutanga; kudzokera kuzvinhu zvaMwari. Tinonzwisisa neChizaruro zvinhu izvi zvirikuitika.
 
Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na 12:00masikati, nguva yeJeffersonville, apo Mwari achazarura Shoko Rake kwatiri, apo tichatanga chidzidzo chedu chikuru cheBhuku raDanieri.
 
Hama Joseph Branham
61-0730M – Rairo yaGabrieri kuna Danieri

25-0126 Zvakazarurwa, Chitsaukochechishanu Part II

Vadiwa Avo Vakazorora,
 
Chokwadi uyu ndiwo mwaka wechandowakanakisisa muupenyu hwedu. KuuyakwaShe kwave pedyo zvikuru. Takasimbiswano Mweya Mutsvene; Chisimbiso chaMwarichekubvumira kuti zvose izvo Kristo akafirandezvedu.
 
Zvino tava nerubatso rwenhaka yedu, Mweya Mutsvene. Ndiyo vimbiso, rubatso, kutitakagamuchirwa muna Kristu. Takazororamuvimbiso dzaMwari, tirere mukudziyakweKupenya kweZuva Rake; Shoko raKerakasimbiswa, tichiteerera Inzwi raKe.
 
Ndirwo rubatso rweruponeso rwedu. Hatisikunetsekana kuti tiri kuenda Ikoko here kana kuti kwete, TIRI KUENDA! Tinozviziva sei izvozvo? Mwari vakadaro! Mwariakazvivimbisa uye isu tine rubatso rwacho.Taka zvigamuchira uye Kristu akatigamuchira.
 
Hapana nzira yekubva nayo  pazviri … kutaurasezvazviri, tiripo! Chatinofanira kuitakungomirira; Ari pasi achiita basareMudzikinuri weHama iko zvino. Tine rubatso rwacho izvezvi. Takangomirira nguvaapo achauya kuzotitora. Zvino, muchinguvana, mukubwaira kweziso tosetinenge taenda kuMabiko eMuchato.
 
Kungofunga zvose zvakatimirira mberi. Pfungwa dzedu hadzigoni kuzvigamuchirazvose. Zuva nezuva Ari kuzarura zvakawandazveShoko rake, achisimbisa kuti zvipikirwazvikuru izvi ndezvedu.
 
Nyika iri kupamuka; mwoto, kudengenyekakwenyika, uye nyonganyonga kwese kwese, asi ivo vanotenda kuti vane muponesi mutsvaachaponesa nyika, uye nekuunza chizvarwachavo chendarama. Isu takatogamuchiraMuponesi wedu uye tanga tichitoraramamuZera redu reNdarama.
 
Zvino Ari kutigadzirira kuitira Chizarurochakavedzerwa patirikupinda muchitsaukochechishanu chaZvakazarurwa. Ari kufanogadzira pano chimiro chekuzarurwakweZvisimbiso Zvinomwe. Sezvaakaitapachitsauko chekutanga chaZvakazarurwa, achikura nzira yeMazera Manomwe eKereke.
 
Ko imwe nguva yeMwaka we Chando yasaraichange yakaita sei kuMwenga? Ngatifanowonai zvichatevera zvishoma:
 
Zvino, handina nguva. Ndinazvo ndazvinyora, zvimwe zvacho pano, asi musangano weduunotevera tisati tapinda mune izvi… ..Dzimwenguva kana ndabva kuzororo rangu kana imwenguva, ndinoda kutora mavhiki makumimanomwe a Danieri, ndozvibatanidza pamwechete pano, ndozviratidza pazvinosvitsakuJubhiri rePentekosti, zvodzoka zvakarenemate….manomwe izvo zvisimbisozvinomwe kuti zvizarurwe pano tisati taenda, uye ndoratidza kuti zvinoitita pakuguma, izvi…
 
Inguva inofadza zvakadini iyo Jehovhaakachengetera Mwenga wake. AchizvizaruramuShoko rake kwatiri zvisina kumboitikakare. Achitikurudzira kuti tiri vasanangurwavake vaari kuvinga. Achitiudza kuti tirimukuda Kwake Kwakakwana nekugaraneInzwi Rake, uye neShoko Rake.
 
Chii chatiri kuita? Hapana chimwe chinhu, Kungozorora! Kumirira! Hapasisinakushingaira, hapasisina kushushikana, TAKA ZORORA IPAPO!
 
Huya uzorore nesu musi uno weSvondona12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwariRAKASIMBISWA richitiunzira Mharidzo:61-0618 – “Zvakazarurwa, Chitsaukochechishanu Part II”.
 
Hama Joseph Branham

25-0112 Zvakazarurwa, Chitsauko Chechina Chikamu III

Mharidzo: 61-0108 Zvakazarurwa, Chitsauko Chechina Chikamu III

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa veZienda naKuenda
 
Yave nguva yekubvisa ngovani dzedu dzekurwanadzo mopheka mafungiro enyu omweya, nokuti Mwari arikugadzirira kupa Mwengawake Chizaruro chakawedzerwa che Shoko Rake.
 
Achange achi bhedhenura kwatiri zvakavanzikazvose zvekumashure. Achatiudza zvichaitikapane ramangwana. Izvo zvaka wonekwa kana kunzwika nevamwe vose muBhaibheri, achazarura hudonongodzwa hwese hweShokoRake uye nezvazvinoreva kwatiri.
 
Tichanzwa uye nekunzwisisa zvinorehwanemifananidzo yemuBhaibheri:
Zvisikwa zvipenyu, Gungwa re Girazi, Shumba, Mhuru, Munhu, Chapungu, Chigaro cheNyasha, Varindi, Vakuru, Manzwi, Chikara cheSango, Chisikwa Chipenyu.
 
Tichanzwa nokunzwisisa zvose pamusoropevarindi vemu Testamente yaKare. Judah: Murindi weKumabvazuva; Ephraimi: MurindiweKumadokero; Rubeni: MurindiweKuchamhembe; uye Dani: MurindiweKumawodzanyemba.
 
Hapana chaiswedera pedyo ne chigarochenyasha chisina kupfuura nepamarudzi avo.Shumba, ungwaru hwe munhu; Nzombe: bhizarebasa; Chapungu: Kumhanya Kwacho.
 
Kuti Kudenga, panyika, nepakati, uye nekwosekwakapoteredza, kwaive nevarindi. Uyepamusoro paive neShongwe yeGore reMoto. Hapana chaibata chigaro che nyasha chisinakupinda nepamarudzi.
 
Zvino kune varindi veTestamente Itsva:Matewo, Mako, Ruka, naJohane, vachiendamberi chete. Suvo rekuMabvazuvarakachengetwa neShumba, suvorekumawodzanyemba rakachengetwa ne Chapungu chinobhururuka, Johane, muVangeri, zvino Murapi kudivi iri, Ruka, munhu.

Ivhangeri ina, dzino chengetedza RopafadzorePentekosti nemagwaro ose achitsigira chaizvozvaakataura. Zvino Mabasa evapostorianosimbisa pamwe chete neIvhangeri ina kutiJesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasinekusingaperi.

Kana muzodziwa we chokwadi waMwariataura, Ndiro Inzwi raMwari! Tinongodakudanidzira, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Jehovha!”
 
Hapana kana nzira yekubva pazviri. Mukutaurachaiko, hatigoni kubva pazviri, nokuti Izvohazvigoni kubva patiri. Takasimbiswa kusvikirapazuva reku dzikinurwa. Hapana chirikumberi, hapana chazvino, njodzi, nzara, nyota, rufu, kana CHIPI ZVACHO, chingatiparadzanise ne rudo rwaMwari rwuri muna Kristo Jesu.
 
Nyika isati yavambwa mazita edu akaiswamuBuku reGwaiyana reHupenyu kuti tiwoneChiedza ICHI, kugamuchira Inzwi Iri, kutendaShoko Iri, kugamuchira Mweya Mutsvene we zuva redu nekufamba mauri. Apo Gwaiyanarakaurawa, MAZITA EDU akaiswa mu Bukupanguva imwe chete yakaiswa Zita reGwaiyanaipapo. KUBWINYA!
 
Saka, hapana chingati paradzanise ne Shoko iri.Hapana chingati paradzanise ne Inzwi iroro. Hapana chingatora Chizaruro cheShoko Irikubva kwatiri. Ndechedu. Mwari akatidana uyeakatisarudza uye akatitemera. Zvese ngezvedu, Ngezvedu.
 
Pane nzira imwe chete yekuwana zvose izvi. Unofanira kusukwa ne mvura yeShoko. Uno fanira kunzwa Shoko usati wapinda mukatiUMO. Uye pane nzira imwe chete yaunogonakuswedera panaMwari nayo, inzira yeKutenda.Uye Kutenda kunouya nokunzwa, kunzwaShoko raMwari, riri kuratidzwa kubvakunzvimbo Tsvene tsvene kupinda mumutumwawe chizvarwa.

Saka, apa, ngirozi yechizvarwa iri kuratidzamumvura umo kuti Muchinda Uyu ndiani, arikuratidza tsitsi dzake, maShoko Ake, kutongaKwake, Zita Rake. Zvose zviri kuratidzwa umumauno patsanurwa no kuzvitenda. Unozvibatahere?

Usa mira kuteerera ma tepi, ramba unazvo. Zvinzvere neShoko uwone kuti Ndizvo here. Ndiyo Nzira yakapihwa naMwari kuzuva rino.
 
Uya ubatatne nesu Mwaka uno weChando apotichabatana kubva pasi rose, kuzonzwa Inzwi raMwari richizarura Shoko Rake kuMwengazvisina kumboitika kare. Hapana chizorochinopfuura kuDzvanya noKuridza nokuteereraInzwi Rake.
 
Kubva pakadzika pemoyo wangu, Ndinoti: Ndinofara zvikuru kuti ndiri Mumwe Wavopamwe chete nemumwe nemumwe wenyu.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 61-0108 – Zvakazarurwa, ChitsaukocheChina, Part III” Nguva 12:00 masikati. Nguva yeJeffersonville

24-1231 Mangange

Mharidzo: 62-1231 Mangange

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga,
 
Ndinovimba kuti mumwe nemumwe wenyumakava ne Kisimusi yakanaka ne shamwari ne mhuri dzenyu. Ndinotenda sei nhasi kuziva kutiIshe wedu Jesu havasi mudanga semawoneroanoita nyika nhasi, asi vapenyu uye vari pakatipe Mwenga, vachizvizarura vamenekubudikidza ne Inzwi Ravo sezvisatizvakambotika kare, MWARI NGAVAKUDZWE.
 
Sezvo ndakatozivisa kare, ndinoda kuva ne Chirairo mudzimba/mukereke pahusiku hweGore Idzwa, Zvita 31. Kune avo vanodaizvozvo, tichateerera Mharidzo, 62-1231 Mangange, tobva tapinda mu ShumiroyeChirairo, inoziviswa neHama Branham panopera Mharidzo
 
Kune vatendi vekuno tichatanga kuridza tepi na7:00 manheru.  Zvisinei, kune avo vari munguvadzasiyana siyana, tangai tepi panguva inokuitiraizvakanaka. Shure kwekunge Hama Branham  vaunza Mharidzo yavo ye Gore Idzwa, tichamisa tepi panopera paragraph 59, tichaitama minutes angaita 10 emumhanzi we piano tichitora Chirairo cha’She. Tozoenderera mberine tepi apo Hama Branham vachivharaShumiro. Pa tepi iyi, vanochirika chikamucheshumiro yekugezana tsoka, nesuvotichaichirika.
 
Zvinofanira kuitwa pakuwana waini, uye ne nzira yekubika chingwa cheCommunionzvinowanika pama links ari pasi. Unogonakuridza kana ku downloader audio yacho kubvaku Website, kana kungo ridza Shumiro yachokubva kuVoice Radio pa Lifeline app (ichangeichirira muchirungu na 7:00 pm manheru nguvaye Jeffersonville.)
 
Patiri kuswedera pane rimwe gore rekushumiraIshe wedu, ngatiratidzei rudo rwedu kwaarinekutanga tanzwa Inzwi Rake, tevere totora Chirairo Chake. Ichave nguva  inobwinyanekuyera sei patichange tichikukumudzahupenyu hwedu ku Basa Rake.
Mwari vakuropafadzei,
Hama Joseph

24-1231 Zvakazarurwa, Chitsauko Chechina, Part 1

Vadiwa, Mwenga Wakapfeka Nguvo Chena

Patinonzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri, panechinoitika pakadzika pemunhu wemukati wedu. Zvatiri zvose zvinoshandurwa uye nyika yakatipoteredza inoita sekunyangarika kubva patiri.

Munhu angatsanangura sei zvirikuitika mukati memwoyo yedu, mupfungwa dzedu, uye nemumunhu wedu wemukati, apo Inzwi raMwari richiisa pachena kubudikidza ne Mharidzo imwe naimwe yatinonzwa?

Semuporofita wedu, tinonzwa setatorwa kupinda mudenga rechitatu, mweya yedu yoita seyave kubuda kubva mumiviri yedu inofa. Hapana mashoko anogona kutsanangura manzwiro edu apo Mwari anozarura Shoko rake kwatiri zvisina kumboitika kare.

Johane akaiswa pachitsuva che Patmos uye akakumbirwa kuti anyore zvaakaona nekuzviisa mubuku rinonzi Zvakazarurwa, kuti zvigopinda mumazera.

Zvakavanzika izvozvo zvakange zvakavigwa kusvikira zvazarurwa kwatiri kubudikidza nengirosi mutumwa wake akasarudzwa.

Ipapo Johane akanzwa Inzwi rimwe chete iroro kumusoro akabatwa kupinda mudenga rechitatu.

Inzwi iroro rakamuratidza mazera manomwe emakereke, kuuya kwemaJudha, kudururwa kwematenda, Kubvutwa, Kudzoka kwechipiri, Nguva yeChiuru Chemakore, uye nemusha usingaperi weavo vakaponeswa vake. Akamutora kumusoro akaratidza maitikire azvichaita kuna Johane sezvo akati achaita.

Asi ndiani akawonekwa na Johane pakufanowonekwa kwemutambo uyu? Hapana ainyatso ziva kusvikira nhasi.

Wekutanga waakaona mukuuya ndiMosesi. Aimirira vatsvene vakafa vaizo mutswa; zvizvarwa zvitanhatu zvose zvakavata. Asi haasi Mosesi woga akange amire ipapo, asi Eria aivepovo zvakare.

Ndiani Eria uyo akange akamira?

Asi Eria wakange aripo; nhume yezuva rekupedzisira, neboka rake, revakashandurwa, vakaBvutwa.

KUBWINYA…

HARERUYAH…ndiani akawonekwa naJohane amire ipapo?

Haasi mumwe kunze kwe mutumwa wechinomwe waMwari, William Marrion Branham, ne VAKE VAKASHANDURWA, BOKA REVAKABVUTWA…MUMWE NAUMWE WEDU!!

Eria aimirira boka revakashandurwa. Rangarirai, Mosesi ndiye akatanga, tevere Eria. Eria ndiye aifanira kuva nhume ye zuva rekupedzisira, kuti naiye neboka rake paizouya kumutswa…

ndizvo, paizouya kubvutwa, ndozvandinoreva. Mosesi akaunza kumutswa kubva kuvakafa uye Eria akaunza boka Rakabvutwa. Uye, ipapo, vose vari vaviri vakamiririrwa ipapo chaipo.

Taura nezve kubhedhenurwa, kuzarurwa, uye Chizaruro.

Hezvi! Tavenazvo pano ikozvino, Mweya Mutvsene, Jesu Kristu, mumwe chete zuro nhasi nekusingaperi. Uri…Zviri kukuparidzira, Idzidziso kwauri, zvirikuedza kukuratidza zvakanaka ne zvisina kunaka. Mweya Mutvsene Amene arikutaura kubudikidza nemiromo yemunhu, kushanda pakati pevanhu, achiedza kuratidza tsitsi ne nyasha.

Tisu Vatvsene Vakapfeka Nguvo Chena avo ngirosi yaakaona vachibva pasi rose kuzodya Chingwa Cheupenyu. Taka vimbisana naye uye takaroorwa kwaari zvakare takanzwa kusvepura kwake kwesvitsa tsvene mumwoyo yedu. Takazvipira kwaari, neku Inzwi Rake chete, Hatina, uye hatisikuzozvisvibisa rerimwewo inzwi.

Mwenga uri kugadzirira kuenda mudenga sezvakaita Johane; muhupo hwaMwari. Tichabatwa kuenda mudenga pa Kubvutwa kwe Kereke. Izvozvo zvinotenderedza munhu wedu wemukati!

Chii chinotevera chaachazarura kwatiri?

Kutongwa; dombo resardio, nezvarinomiririra; nechikamu charaka shanda. Jaspisi, nemamwe matombo akasiyanasiyana. Achatora zvose izvi kubva kuna Ezekieri, kudzoka kuna Genesisi, odzoka zvakare kuna Zvakazarurwa, opinda pakati peBaiberi, ozvibatanidza zvose; ose matombo nemavara  akasiyanasiyana.

Mweya Mutvsene mumwe chete, Mwari mumwe chete, achiratidza zviratidzo zvimwe chete, zvishamiso zvimwe chete, achiita zvimwe chete zvaakavimbisa. Mwenga wa Jesu Kristu achizvigadzirira nekunzwa Inzwi Rake.

Tinokugamuchirai kuti mubatane nesu patinopinda munzvimbo dzekudenga na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kunzwa Eria, mutumwa waMwari kuzera rekupedzisira, achizarura zvakange zvakavanzika mumazera ose.

Hama Joseph Branham

Mharidzo: 60-1231 Zvakazarurwa, Chitsauko Chechina, Part 1

Ndapota rangarirai Mharidzo Yedu Ye Gore Idzwa, Husiku hweChipri: Mangange 62-1231 Hapana nzira irinane yekutanga nayo Gore Idzwa

Chiziviso Chinokosha

Vadiwa Mwenga,
 
Ishe vakazviisa pamwoyo wangu kuti tive neShokorakakosha neShumiro ye Chirairo husiku hweGore Idzvazvakare gore rino. Ndechipi chinhu chikuru chatingaite, shamwari, chinopfuura kunzwa Inzwi raMwari richitaurakwatiri, kutora Chirairo chaShe, uye kutsaurirazvehupenyu hwedu kubasa Rake pakutanga kweGoreIdzva.
Ichava nguva inoera sei yekupfigira nyika kunze, tobatana neMwenga pakuungana KwakakoshamuShoko, patinoti kubva mumwoyo yedu, “Ishe, tiregererei pakukanganisa kwedu kwose kwatakaitagore rose; zvino tave kuuya kwaMuri, tichikumbira kutidai Matora ruoko rwedu nekutitungamirira mugore rinoriri kuuya. Dai taKushumirai zvakanyanya kudarikazvatakamboita, uye kana zviri muKuda Kwenyu, dairikava gore reKubvutwa kukuru kuchaitika. Ishe, tinongoda kuenda kuMusha kuti tinogara neMinekusingaperi.” Nguva yandinonokera kuti tiunganepaChigaro Chake Chehushe kuitira shumiro iyiyakakosha ye kuzvikukumidza zvakare kuna She, Mwaringavarumbidzwe.
 
 
Kuvatendi vari munharaunda yeJeffersonville, ndinodakutanga tepi na7:00 pm nguva yenzvimbo yedu kuno. Mharidzo yakazara neShumiro yeChirairo zvichangezviri paVoice Radio panguva iyoyo, sezvatakaitakumashure. Tichava nemapacks ewaini yeChirairoachiwanikwa neChitatu, Zvita 18, kubva 1:00 – 5:00 pm, kuti mutore kubva ku imba ye YFYC.
 
Kune avo vanogara kunze kwenzvimbo yeJeffersonville, ndapota ivai nesevhisi iyi panguva yakakunakirai. Tichange tine link yamunogona ku downloader Mharidzouye nesevhisi yeChirairo munguva pfupi iri kutevera.
 
Patave kuswedera paZororo reKirisimasi, ndinodakukushuvira imi nemhuri dzenyu Mwaka weZororoWAKANAKISISA UYE WAKACHENGETEKA, uyeneKirisimasi inofadza, izere nerufaro rwaIshe Jesu akamuka kuvakafa…SHOKO.
 
Mwari vakuropafadzei,
 
Hama Joseph