Category Archives: Uncategorized

25-0504 Kugadzwa #1

Mharidzo: 60-0515E Kugadzwa #1

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vakagadzwa Humwana,
 
Tave kudya zvinhu zvakasimba zvaMwari uye tavenekunzwisisa kwakajeka kwe Shoko rake. Mwari vakatipa Chizaruro chechokwadi cheShoko ravo. Pfungwa yedu yomweya yacheneswa.
 
TINOZIVA chaizvo kuti Iye ndiani. TINOZIVA chaizvo zvaAri. TINOZIVA chaizvo uko kwatiri kuenda. TINOZIVA chaizvo zvatiri. TINOZIVA watakatenda maari uye tinotendeseka kuti Anokwanisa kuchengeta izvo zvatakaisa kwaAri kusvikira pazuva iroro.
 
Akataura uye akazarura zvakavanzika zvose zvakange zvakavanzwa kubva pakuvambwa kwenyika kwatiri. Akatiudza kuti vamwe vaigara vachiramba sei nzira Yake yaakapa uye vachida hutungamiri hwakasiyana, asi Aizova neboka duku rinoramba rakatendeka kuShoko Rake.

Mupasi rose, vachange vasina kuvungana panzvimbo imwe chete kuti vagoverane zvinhu zvose pamwe chete. Asi pakati pavo pachange pane mapoka maduku achange akapararira mupasi rose.

Kubwinya, takapararira pasi rose, asi Takabatana seMumwe nenzira yoKudzvanya nokuRidza uye nokuteerera kuInzwi raMwari richitaura kwatiri.
 
Regai tingodongorera uye tigofanoravira zvaAchange achititaurira kubudikidza nengirozi yake ine simba musi weSvondo.
 
Vadikanwa Vangu vakasanangurwa, iye zvino mugerepamwe chete munzvimbo dzeKudenga. Kwete kunzeuko kwese, asi munzvimbo “Dzokudenga”; ndiyo nzvimbo yako somutendi. Wanamata zvakakwana uye wagadzirira Mharidzo. Maungana pamwe chete sevatsvene, makabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, makazadzwa nemaropafadzo aMwari. Makadanwa, makasarudzwa, uye mweya yenyu yaunzwa muhupo hweKudenga.
 
Chii chingaitika. Mweya Mutsvene Wangu uchange uchifamba pamusoro pemwoyo wose. Makavandudzwauye mava chisikwa chitsva muna Kristu Jesu.  Zvivi zvenyu zvose zviri pasi peRopa. Muri mukushumirakwakakwana, maoko enyu nemwoyo yenyuyakasimudzwa kwaNdiri, muchiNdinamata pamwe chete munzvimbo dzoKudenga.
 
Makafanotemerwa, maka Sanangurwa, muKufanoziva Kwangu. Makasarudzwa, Makatsveneswa, Makaruramiswa nenzira yokuFanotemerwa. Hazvigoni kuti munyengerwe. Ndakakugadzai nyika isati yavambwa. Muri vamwari vaduku; makasimbiswa noMweya Mutsvene wevimbiso; kwete avo vakangozvarirwa mumhuri, asi vanaKomana nevanaSikana vakagadzwa humwana.
 
Ndichakuropafadzai nekupodzwa pahurwere,kufanozivikanwa, chizaruro, zviratidzo, masimba, ndimi, dudziro, njere, ruzivo, nemaropafadzo ose oKudenga, nemufaro mukurusa uzere noKubwinya.
Mwoyo wose uchazadzwa noMweya Wangu. Muchange muchifamba pamwe chete, mugere pamwe chete, munzvimbo dzoKudenga. Pasina kana pfungwa imwe yakaipa pakati penyu, kana mudzanga mumwe chete unoputwa, kana rokwe pfupi rimwe chete, kana ichi, kana icho, hapana kana pfungwa imwe yakaipa, hapana anechigumbu nomumwe, munhu wese achitaura murudo nemukuwirirana, munhu wese ari muhumwe panzvimbo imwe.
 
Zvino pakarepo kuchauya kubva kudenga ruzha sekutinhira kwemhepo inovhuvhuta nesimba uye ndichakuropafadzai namaropafadzo ose epamweya. Ipapo muchafanana naDavidi, muchitamba pamberi peAreka, muchiudza nyika kuti hamunyare, MURI MWENGA WANGU WEMATEPI! Muno dzvanya nokuridza uye munotenda SHOKO ROSE raNdinotaura. Hamuzikuzo, uye hazvigoni kuti muzungunuswe!  
 
Vamwe vanogona kuzviramba, kana kusazvinzwisisa, asi kwamuri, Ndiyo Nyembe yenyu yeKukudzwa. Sezvakataura Dhavhidhi kumukadzi wake; “Unofunga kuti ndizvo zvoga, mira kusvika mangwana, tichange tichiteerera mamwe matepi akawanda, tichirumbidza Ishe, takazadzwa noMweya waKe; nokuti tigeremuKenani, takananga kunyika yechipikirwa.
 
Ipapo ndichatarira pasi ndiri kudenga ndoti kwauri:
 
“Ndiwe Mwenga uri pamwoyo Wangu Chaipo.”
 
Maropafadzo aya anogona kuva akowo. Huya, ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye kuti uzonzwa hupo hwaShe zvisina kumboitika kare patichange tichiteerera Inzwi raMwari ranhasi richitaura kwatiri nokutiunzira Mharidzo: Kugadzwa Humwana #1 60-0515E.

Rangarirai, izvi ndezvekereke, kwete kune arikunze. Ichakavanzika chiri muzvirahwe kwaari, haambokwanisi kuzvinzwisisa, zvinopfuura nepamusoro wake, haana chaanomboziva pamusoro pazvo. Asi, kukereke, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ndiyo hoko yomunhu womukati, ndiyo tariro nohugaro hwedu, ndiro Dombo Rakare, ndoozvose zvakanaka.  Nokuti denga nenyika zvichapfuura, asi Shoko raMwari harifi rakapfuura.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga Mharidzo isati yauya:
Joere 2:28
VaEfeso 1:1-5
1 VaKorinte 12:13
1 Petro 1:20
Zvakazarurwa 17:8
Zvakazarurwa 13

25-0413 Chisimbiso Chechishanu

Mharidzo: 63-0322 Chisimbiso Chechishanu

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Avo Vaka Zorora.  
 
Tave pano. Tasvika. Kusimbiswa kweShoko kwakaratidza kuti Chizaruro chedu cheShoko reNguva Iri chinobva kuna Mwari. Tiri MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA kubikidza nekugara ne’Nzwi raMwari riri pamatepi.
 
Zvakakosha sei kuDzwanya nokuRidza? Mashoko atiri kunzwa pamatepi akakoshachaizvo, anoyera zvikuru, zvekuti Mwari Pachake haaigona kuzviisa mumawoko kunyangwe eNgirozi… kunyange kune imwe yeNgirosi yake yeKudenga. Zvaifanira ku zarurwa nekuunzwa kuMwenga Wake kubudikidza ne muporofita Wake, nokuti ndiye uko kunouya Shoko raMwari, muporofita Wake, CHETE.
 
Mwari akabvarura Zvisimbiso, akazvipa kumutumwa wake wepanyika wechinomwe, ndokuzarura Bhuku rose raZvakazarurwa kwaari. Zvino, Mwari akataura nemutumwa wake wepanyika uye ndokuzarura ZVINHU ZVOSE kuMwenga Wake.
 
Hudonongodzwa hwese hwakataurwa uye huka zarurwa kwatiri. Mwari akava nehanya nesu zvokuti haana kungotiudza zvakaitika panyika kubva pakutangakwenguva, asi akataura achishandisa ngirozi yake akatiudza zviri kuitika munzvimbo yakaita separadhiso iye zvino.
 
Akange asingadi kuti tinetsekane, kana kusagadzikana nezveramangwana redu patichabuda mutebhenekeri iyi yepanyika. Saka, Mwari Pachake akatora mutumwa wake mukuru wechinomwe seri kwechidzitiro chenguva, kuti Azvione, Azvinzwe, kunyange nokutaura navo Ikoko. Chakange chisiri chiratidzo, aitovePO.
 
Mwari akamutora ikoko kuitira kuti azodzoka achitiudza: “Ndakange ndiriko, ndakazviona. Zviri kutoitika IZVEZVI… Vanaamai vedu, vanababa vedu, hama, hanzvadzi, vanakomana, vanasikana, vakadzi, varume, madzisekuru, Mosesi, Eria, VATSVENE VOSE vakaenda ikoko vakapfeka Nguo Chena, vakazorora uye vakamirira paTiri”.
 
Hatichazochema zvakare, nokuti Uchange uri mufaro chete. Hatichazosuwi zvakare, nokuti Uchange uri mufaro chete. Hatisikuzofa, nokuti Hupenyu chete. Hatigone kuchembera, nokuti tose tichange tave vadiki nekusingaperi.  
 
Kwakanakisisa…nokunakisisa….nokunakisisa…, uye tiri kuenda ikoko!! Uye saMosesi, hatisikuzosiya kana hwanda, TOSE TIRI KUENDA… MHURI DZEDU DZOSE.

Zvinokosha sei KUMUDA iye mutumwa ane simba wechinomwe uyu?

Inzwi rakadanidzira, rikati, “Vose vawakamboda…” mubairo webasa rangu. Handidi hangu zvemubairo. Akati, “Vose vawakamboda, navose vakambokuda, Mwari vakupa.”

Ngativerengei izvozvo zvakare ndapota: Akati kudini?….Mwari vakupa IWE!!

Uye isu tichabatana navo uye tichidanidzira, “Taka Batirira Ipapo”

Chii chataka batirira ramangwana redu risingaperi pachiri? SHOKO ROSE RAKATAURWA PAMATEPI. Ndinotenda Ishe zvikuru kuti vakatipa Chizaruro Chechokwadi chekuti Kudzvanya nokuRidza ndicho chinhu CHINOKOSHESESA chinofanira kuitwa neMwenga.
 
Ungada kuzorora nesu here ipapo? Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa zvose pamusoro pezvineramangwana kwatiri uye kuti tinoenda sei ikoko, patichanzwa Inzwi raMwari richitaura nokuzarura: Chisimbiso CheChishanu 63-0322.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Dhanieri 9:20-27 Mabasa 15:13-14 VaRoma 11:25-26 Zvakazarurwa 6:9-11 / 11:7-8 / 22:8-9

25-0406 Chisimbiso Chechina

Mharidzo: 63-0321 Chisimbiso Chechina

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vatsvene Vakazvarwa Kubva kuDenga,
 
Baba vari kutiunganidza pamwe chete neShoko Ravo, uye kusimbiswa kweChizarurwa ichocho kuri kutipa manyavi. Akatisarudza nyika isati yavambwa, nokuti Aiziva kuti taizovimbika kuShoko raKe nekusarudza kwedu pachedu.
 
Regai ndizvitaure zvakare kuti zvinyatsonyura. Akatarisa munguva yose, kusvikira kumagumo kwenguva yose, AKATIONA ISU…munozvinzwa here izvozvo? AKAKUONA IWE, AKANDIONA INI, uye akatida, nokuti nokuda kwekusarudza kwedu, taizoGARA NESHOKO RAKE.  
 
Ipapo, Anofanira kunge akadana ngirozi Dzake dzose namakerubhi pamwe chete ndookunongedza kwatiri achiti: “NDIYE UYO,” “NDIYE MWENGA WANGU,” “NDIVO VANDANGA NDAKAMIRIRA!”
 
SaJohane, ndicho chikonzero tiri kuita ruzha rwose urwu nokudanidzira kwose uku, nokurumbidza Ishe, tirikutekenyedzwa neWaini Itsva uye tinoziva, ZVISINA MUBVUNZO, TIRI Mwenga Wake.
 
Zvakafanana nemvura yese nemabhanan’ana zvatange tinazvo muno muJeffersonville svondo rino…Nesuwo tave kutumira YAMBIRO kupasi rose.
 
Mwenga uri mukati mwemabhanan’ana eCHIZARURO, UYE ZVIRI KUUNZA MAFASHAMA ECHIZARURO. MWENGA WAZVIGADZIRIRA UYE WAVE KUZIVA KUTI IYE NDIANI. PINDA MUKUCHENGETEKA NOKUKURUMIDZA. DZWANYA RIDZA KUTI UREGE KUPARADZWA.
 
Hatisi kurarama muZera reShumba, kana Zera reNzombe, kana Zera reMunhu; tiri kurarama muZera reCHAPUNGU, uye Mwari akatitumira chapungu chine simba, Maraki 4, kuzodana nokutungamirira Mwenga Wake.
 
Zvichange zvakafanira sei musi uno weSvondo, apo tichange takabatana pamwe chete tichiteerera Chisimbiso cheChina. Richange riri zuva reKuberekwa kwechapungu chine simba muporofita waMwari.
 
Ngatipembererei zuva iri rakanaka uye titende Jehovha nekutitumira chapungu mutumwa wake, waakatuma kuzotidana kuti tibude nekuzarura Shoko Rake.  
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: Chisimbiso cheChina 63-0321
Nguva: 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville
Magwaro okuverenga mukugadzirira.
 
 
St. Mateo 4
Ruka 24:49
Johane 6:63
Mabasa 2:38
Zvakazarurwa 2:18-23, 6:7-8, 10:1-7, 12:13, 13:1-14, 16:12-16, 19:15-17
Genesisi 1:1
Mapisarema 16:8-11
2 Samueri 6:14
Jeremiya 32
Joere 2:28
Amosi 3:7
Maraki 4

25-0330 Chisimbiso Chechitatu

Mharidzo: 63-0320 Chisimbiso Chechitatu

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Eva weMweya,
 
Regai nditange tsamba yangu nhasi nebhomba raMwari reatomic; kwete pfuti .22 rifle, asi BHOMBA reATOMICreMwenga waJesu Kristu.

Zvino, kana muchida kuanyora pasi; hongu, imi mose munoaziva: Jesu, Johane 14:12; naJoere, Joere 2:38; Pauro, Timotio wechipiri 3; Maraki, chitsauko chechina; naJohane muzaruri, Zvakazarurwa 10:17, 1-17. Maona, chaizvo zvaizoitika zvino!

Chiziviso neyambiro: Chitaurwa chinotevera hachisi chako kana uchitenda.
 
“Tinopfuurira kutaura pamusoro pemuporofita waMwari.” “Haungave Mwenga kana uchingoteerera muprofitachete.” “Kuridza matepi muchechi kwakaipa.” “Tochi yapfuudzwa kuenda kune mumwe; chinhu chinonyanya kukosha nhasi kuteerera hushumiri.” “Kubzvanya nokuridza panguva imwe chete rave sangano.”

Kukereke, Chii?  Shoko mumunhu rakaitwa nyama pakati pevanhu Vake zvakare! Maona?

KABOOM…Saka nokudzvanya nokuridza, tinogona kunzwa Shoko mumunhu rakaitwa nyama, richitaura muromo kunzeve kwatiri apo Anozarura Shoko Rake.  
 
Uye mumwe munhu anogona kuti Hariziro Inzwi RAKAKOSHESESA RAUNOGONA KUNZWA?  Ichi chikamu chechitaurwa ndechako.

Uye havangozvitendi.

Kuwanda kwechizarura uko She vanotipa kwe Shoko Rake, uye nekuti tiri vanaani, ndiko kuenda kure kunoita munhu wese ari kunze kweChizaruro ichocho.

Regai nditaure izvozvo, chaizvo, kuti u…zvinyurepakadzika. Ndinoda kuti izvi uzvibate. Ndiro dambudzikonewe nhasi, waona, hauzive Shoko! Waona?

Mwari vakazodza vanhu kuparidza Shoko iri, asi pane Mhedziso imwe chete: Shoko.  Ukanzwa mushumiri, kana ani zvake achitaura, unofanira kuva nokutenda kuti utende kuti zvaari kutaura ndizvo chaizvo zvakataurwa nemuporofita waMwari. Shoko ravo, chizaruro chavo, dudziro yavo inogona kukundikana; Inzwi raMwari pamatepi HARIFI RAKAKUNDIKA.
 
Taura nezvaMwari muhunyoro kubudikidza nokungodzvanya nokuridza…Anozvitaura ZVAKARE.

Vano mupotsa IYE, Shoko Benyu rakaratidzwa munyama, neShoko rakavimbiswa. Shoko rakavimbisa kuita zvinhu izvi. Vimbiso yakaitwa, kuti zvichava saizvezvi mumazuva ekupedzisira.

Teerera Mutinhiro Wake. Mutinhiro iInzwi raMwari. William Marrion Branham ndiro Inzwi raMwari kuchizvarwa chino.

Mwe-Mwenga hausati wave nerumutsiriro. Maona? Hapasati pave nerumutsiriro ipapo, hapana kuratidzwa kwaMwari kuti amutsurudze Mwenga. Maona? Tichiri kuzvitsvaga ikozvino. Zvichatora Mitinhiro minomwe kumashure uko isati yave kuzivikana, kuMumutsa zvakare, maona. Ehe. Achaitumira. Akazvivimbisa. Zvino tarisai.

Unogona kuzvimonyorodza kana uchida, asi Mitinhiro Minomwe ichapa Mwenga kutekenyedzwa kunouya neChizaruro nekutenda kwekubvutwa, kunouya chete kubidikidza noMweya Mutsvene uchitaura arimumuporofita waMwari. Zviri kuitika IKO ZVINO pasi rose.  Mwari Vari kutekenyedzwa Mwenga Wavo neShoko ravo.
 
Kwete izvozvo zvoga, asi akatoudza muvengi wedu zvokuita.

Iwe bvisa maoko ako pavari. Vanoziva kwavari kuenda, nokuti vakazodzwa neMafuta Angu. Uye nokuzodzwa neMafuta Angu, vane waini yomufaro, nokuti vanoziva Shoko Rangu revimbiso, ‘Ndichavamutsa zvakare.’ Usavakuvadze! Usaedze kuvakanganisa.

Akaudza muvengi wedu kuti abvise maoko ake akaipa patiri.  Asi hurwere huchiri kugona kutirwisa here? Hongu. Tichine matambudziko here? Hongu. Asi akatiudzawo zvekuita.
 
Zvakadzika.  Zviverenge zvishoma nezvishoma uye uchidzokororazve.

Risati rave Shoko, yaive pfungwa. Uye pfungwa inofanira kusikwa. Zvakanaka. Saka, pfungwa dzaMwari dzinova chisikwa kana dzataurwa, neShoko. Ndipo paAnozviunza kwa-kwauri sepfungwa, pfungwa Yake, zvozozarurwa kwauri. Zvadaro, inoramba iri pfungwa kusvikira wazvitaura.

Pfungwa dzake dzakave chisikwa padzakataurwa. Zvino, pfungwa dzake dzakaunzwa nekuzarurwa kwatiri seShoko. Zvino dzinoramba dziri pfungwa kwatirikusvikira taZvitaura. SAKA TINOZVITAURA… UYE TINOZVITENDA.
 
Ndiri Mbeu yeHumambo yaAbrahama. Ndiri Mwenga waKristu. Ndakasarudzwa uye ndakatemerwa nyika isati yavambwa kuti ndive Mwenga Wake, uye hapana chinogona kushandura izvozvo. Vimbiso yese iri muBhaibheri ndeyangu. IShoko Rake kwandiri. Ndiri mugari wenhaka kuVimbiso chaiyo. Ndiye Jehovha Mwari anoporesa zvirwere zvangu zvose. Chero zvandinoda ndezvangu, Mwari vakadaro.
 
Mwari muHunyoro: Kutenda kunouya nokunzwa, kunzwa Shoko. Shoko rinouya kumuporofita.
 
Munhu wese anoda kushandisa “ZVITAURWA” kuratidza pfungwa dzavo, zvavanofunga, neshoko ravo.Ipapo vari raiti, neniwo ndinodaro, ndicho chikonzero zvose zvandinokupai zvitaurwa kukuudzai kuti: Garai neMatepi. Teerera kuInzwi iroro. Inzwi iroro Inzwi raMwari. Unofanira kutenda Shoko rose riri paMatepi, kwete zvinotaurwa nemumwe munhu. Inzwi Iroro ndiroInzwi RAKAKOSHESESA RAUNOFANIRA KUNZWA.
 
Vamwe vanoshandisa zvitaurwa kukuunzai kushumiro dzavo, kukereke dzavo, kududziro dzavo, chizaruro chavo. “Gara nemufundisi wako.” (Zvakanaka, neniwo ndinochifarira chitaurwa ichocho, nokuti ndizvo zvatinoitawo, kungoti inyaya yemufundisi wakasiyana.) “Haasi iye oga hurungudo pamhenderekedzo yegungwa.” “Haana kumboti ridzai matepi muchechi.”

Usaise dudziro yako wega kwaZviri. Anoda mudzimaiwakachena, asina kusvibiswa, asingaite zvechiramu.Handingadi kuti mukadzi wangu atambetambe nevamwe varume. Uye paunoenda kundoterera kunjere dzakasiyana siyana, kupfuura Izvi, urikuterera, urikutamba chiramu naSatani. Ameni! Hazvikupinzi mumweya here? Mwari vanoda kuti ugare usinakusvibiswa. Gara ipapo neShoko iroro. Gara Naro. Zvakanaka. 

Kana ndirini neimba yangu, tichadzwanya nokuridza tichitevera Shoko raMwari Munyama richitaura kubudikidza nemutumwa Wake wechinomwe. Hatisikuzo wedzera dudziro yedu pachedu kwaRiri; hatizikuzotamba chiramu kana kuteerera dzimwe njere.TichaGARA NESHOKO IRORO SEZVO RAKATAURWA PAMATEPI. NdiMwari Muhunyoro.
 
 
Inguva inobwinya sei yatichava nayo musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: Chisimbiso Chechitatu 63-0320. Ndinoda kukukokai kuti mubatane nesu apo tiri kubatana muShoko ranhasi.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Mateo 25:3-4
Johane 1:1, 1:14, 14:12, 17:17
Mabasa Chitsauko chechipiri
1 Timotio 3:16
VaHebheru 4:12; 13:8
1 Johane 5:7
Revhitiko 8:12
Jeremiya 32nd Chitsauko
Joere 2:28
Zekaria 4:12

Regai nditore mukana uno kuti ndijekese zvakare. Handipesani nehushumiri hwakapetwa kashanu. Ndinotenda muhushumiri hwakapetwa kashanu. Handioni chiri chiro chakaipa kuteerera mushumiri. Ndinotenda kuti unofanira kuteerera mufundisi wako kwawakaiswa naMwari. Pfungwa yangu ndeyekuti, ndinotenda kuti Mwari vakatumira muporofita muzuva redu. Mwari akazarura Shoko Rake kumuporofita wake. Ndinogona kukanganisa, mufundisi wenyu anogona kukanganisa, asi TINOFANIRA kubvumirana (kana tichiti tinotenda kuti SHOKO RENGUVA IRI ndicho chokwadi uye kuti Hama Branham muporofita waMwari) zvinotaurwa pamatepi iZvanzi naJehovah. Kana usingatendi izvozvo, saka hautendi SHOKO IRI. Naizvozvo, ndinotenda kuti ndiro IZWI RAKAKOSHESESA RAUNOFANIRA KUNZWA. Haufaniri kunzwa ini, haufaniri kunzwa mumwe munhu, asi UNOFANIRA KUNZWA INZWI IRORO PAMATEPI.

25-0323 Chisimbiso Chechipiri

Mharidzo: 63-0319 Chisimbiso Chechipiri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vateereri veMatepi,
 
Mubvunzo: Tiri muKuda Kwake kwakakwana here nekuteerera Matepi?
Mhinduro:   HONGU
 
Mubvunzo: Mwenga unoda zvinopfuura zvinotaurwa paMatepi here?
Mhinduro: KWETE.
 
Mubvunzo: Tiri kurasikirwa nechimwe chinhu here nekungo teerera Matepi CHETE?
Mhinduro: KWETE.
 
Mubvunzo: Tingava Mwenga here nekungoteerera Matepi CHETE?
Mhinduro:  HONGU, CHAIYO YAKASIMBA!

Zvino rangarirai, “Hapana chingazarurwa: Mwari haana chaanoita, zvachose, kusvikira chekutanga azvizarura kuvaranda vake, vaporofita.”

Saka, ZVOSE zvatinoda zvakataurwa uye zviri pamatepi; kana kuti, mutumwa wake wechinomwe paachadzoka panyika, ACHATIUDZA ipapo.
 
Haiwa Mwenga, ngationei mupfungwa dzedu zviri kuitika neMwenga waKristu pasi rose. Baba vari kuunganidza Mwenga Wavo pamwe chete neInzwi Ravo uye vari Kutinhira vachiti, “ZVANZI NAJEHOVHA.
 
Rangarirai, akatiudza kuti Mitinhiro chaive chiii: “ruzha rukuru rweKutinhira ndiro Inzwi raMwari”. Uye Inzwi raMwari chii kuMwenga? Ngirozi, mutumwa waMwari wechinomwe, William Marrion Branham.
 
Akati kuchauya mitinhiro minomwe isinganzwisisike isina kana kunyorwa zvachose. Uye kuti kubudikidza neMitinhiro Minomwe iyoyo, ichaunganidza Mwenga pamwe kuitira kutenda kwekubvutwa.
 
Shoko raJehova rinouya kuvaporofita Vake. Deno Aiva nehurongwa huri nani, Angadai akahushandisa. Akasarudza hurongwa hwakanakisisa pakutanga uye haakwanisi, uye haasikuzohushandura.
 
Naizvozvo, Inzwi raMwari, richitaura kubudikidza nengirozi yake yechinomwe, riri kuunganidza Mwenga Wake uye richitipa Kutenda kweKubvutwa.
 
Kereke haina kushamisika kubva muna 1933, uko parwizi zuva riya, kuti William Marrion Branham ndiye Inzwi raMwari, riri Kutinhira, “ZVANZI NAJEHOVHA,” uye kuti akatumwa kuzodana, kuunganidza, uye kuzotungamirira Mwenga.
 
Ndinoda kukukokai kuti muuye kuzoteerera nesu musi uno weSvondo na 12:00 masikai, nguva yeJeffersonville, Ishe wedu Jesu paachazarura Bhuku, achibvarura Chisimbiso, nokuRitumira pasi panyika, kumutumwa Wake wechinomwe, kuti arizarure KWATIRI!
 
 
Hama Joseph Branham
 
 
Zuva: Svondo, Kurume 23, 2025
Mharidzo: Chisimbiso Chechipiri 63-0319
Nguva: 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
 
Mateo 4:8 / 11:25-26 / 24:6
Mako. 16:16
Johane 14:12
2 VaTesaronika 2:3
VaHebheru 4:12
Zvakazarurwa 2:6 / 6:3-4 / 17th Chitsauko / 19:11-16
Joere 2:25
Amosi 3:6-7