Category Archives: Uncategorized

25-0601 Chimiro Chemunhu Wakakwana

Mharidzo: 62-1014M Chimiro Chemunhu Wakakwana

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mifananidzo Mipenyu
 
Inzwi ratiri kunzwa pamatepi iUrimi neTumimi yaMwari kuMwenga wake. Iko zvino rabatanidza Mwenga Wakepamwe chete mumwoyo mumwe nokuwirirana kumwe kuti ive kereke chaiyo yakazadzwa noMweya, izere nesimba raMwari, igere pamwe chete munzvimbo dzeKudenga, ichipa zvipiriso zvepamweya, rumbidzo dzaMwari, noMweya Mutsvene uchifamba pakati pedu.
 
Kristu akatitumira Mweya Mutsvene Wake kuti utaure kubudikidza nomutumwa wake wechinomwe kuti utivake dungamunhu muchimiro chaJesu Kristu, kuti tive imba yesimba nenzvimbo yohugaro hwe Mweya Mutsvene, kubudikidza neShoko Rake.
 
Tiri vadyi venhaka kuzvinhu zvose. Ipfuma yedu pachedu, NDEZVEDU. Chipo chaMwari kwatiri, uye hapana anogona kuchitora kubva kwatiri. NDECHEDU.

“Zvamunokumbira Baba muzita rangu, ndizvo zvandichaita.” Ndiani angaramba chinhu ipapo? “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana ukati kugomo iri, ‘Ibva,’ usakapokana mumwoyo mako asi uchitenda kuti zvawataura zvichaitika, zvose zvawataura unogona kuvanazvo.” Zvipikirwa zvakadii! Hazvingogumiri pakupodzwa chete, asi kune chero.

Mwari ngavakudzwe…CHOSE CHATINOKUMBIRA!
 
Kubvira pakutanga kwenguva, zvisikwa zvose zvaMwari zvange zvichigomera uye zvakamirira zuva iro apo vanakomana vaMwari vakakwana pavacharatidzwa. Zuva iroro rasvika. Nhasi ndiro zuva racho. Ino ndiyo nguva yacho. TISU vanakomana nevanasikana vaMwari vacho vari kuratidzwa.
 
TIRI midziyo mipenyu yaMwari yaari kufamba mairi, yaari kuona mairi, yaari kutaura mairi, yaari kushanda mairi. NdiMwari, ari kufamba netsoka mbiri, MATIRI.
 
Tiri tsamba Dzake dzakanyorwa dzinoverengwa nevanhu vose. Vakasanangurwa, vakatemerwa, vanakomana nevanasikana vakagadzwa humwana vaari kuumba kava munhu mupenyu, mufananidzo mupenyu, chimiro chomunhu akakwana.

Kuzviwisira pamberi paMwari mupenyu, simba rinorarama, ruzivo runorarama, mwoyo murefu unorarama, humwari hunorarama, Simba rinorarama rinobva kuna Mwari mupenyu, rinoita kuti munhu mupenyu ave mufananidzo mupenyu muchimiro chaMwari.

NdiKristu, mumunhu weMweya Mutsvene ari pamusoro pedu, nerubhabhatidzo rwechokwadi rweMweya MutsveneWake, nehunaku Hwake hwose hwakasimbiswa matiri. Mwari, achigara matiri muTabernakeri inonzi Chivakwa. Tabernakeri mhenyu, yehugaro hwaMwari mupenyu; Chechi yakakwana, kuti Dombo Repamusoro rakakwana rigare pamusoro pedu.
 
Mwari akatuma muprofita kuzodana uye nekutungamirira Mwenga wake. Akange ari Adhamu Wake wokutanga akadzorerwa zvizere, chimiro chomunhu akakwana muzuva redu, kuti azarure Shoko Rake kuMwenga Wake.
 
Handigoni kubva ipapo. Hapana chingandibvisa. Handinei nezvinotaurwa nemunhu; hazvindizunguzi kana padiki. Ndichagara ipapo.  
 
Ndichamirira, kumirira, kumirira, kumirira. Hapana mutsauko. Zvinogara ipapo. Zvino, nerimwe zuva, ndichashevedzera nevamwe vatsvene vose muhumwe: “Takazorora nekugutsikana paShoko rose! Zvino IMI muchatiisa ISU kwaAri. Ipapo tichadzokera panyika zvakare, kuti tirarame nokusingaperi.”

Ndinotsidza, mangwanani ano, Kwaari, nomwoyo wangu wose, kuti, nerubatsiro Rwake uye nenyasha Dzake, ndinonamata kuti ndichatsvaka zuva nezuva, ndisingaregi, kusvikira ndanzwa chimwe nechimwe chezvinodikanwa izvi chichiyerera muchimiro changu chakare ichi, kusvikira ini ndave kuratidzwa kwaKristu mupenyu.

KWANDIRI, kuteerera Inzwi raMwari pamatepi chirongwa chaMwari chanhasi. Ndiro Shoko benyu raJesu Kristu. Ndiyo Mhedziso yangu maringe neShoko raMwari. Ndiyo nzira yakapiwa naMwari kuzuva ranhasi.
 
Naizvozvo, ndinoda kukukoka kuti ubatane neni musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville,  pandichange ndichiteerera kuna William Marrion Branham, wandinotenda kuti Inzwi raMwari rezuva redu, achidzidzisa Mwenga waKristu kuti ungasvika sei pa: Chimiro Chemhunhu Wakakwana 62-1014M.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Mateo 5:48
Ruka 6:19
Johani 1:1 / 3:3 / 3:16 / 5:14 / 14:12
Mabasa. 2:38 / 7:44–49 / 10th Chitsauko / 19:11 / 28:19
VaEfeso 4:11-13
VaKorose 3rd Chitsauko
VaHebheru 10:5/ 11:1/11:32-40
Jakobho 5:14
2 Petro 1: 1-7
Isaya 28:19

25-0525 Kugadzwa #4

Mharidzo: 60-0522E Kugadzwa #4

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Avo Vakatendeuka,
 
Patino Dzwanya Nokuridza, tiri kuteerera kuIzwi raMwari risingakundiki. Shoko rose iChokwadi, chikamu chose Charo. Takadanwa nokuchengetedzwa, takazadzwa nokuiswa padivi; takazadzwa noMweya Mutsvene, uye zvino tatove muNyika yeKenani. Hapana chinhu chatinotya … HAPANA, tinoziva kuti tiri vanaani.
 
Nokuti takagara neShoko Rake, sezvo akatirayira kuti tiite, achatiudza kuti akatisiyira nhaka.  Makazviita rinhi Baba? Pandakakusarudzai ndikaisa mazita enyu muBhuku reHupenyu reGwayana nyika isati yavambwa.
 
Pakasvika kuzara kwenguva, ndakatumira Jesu Gwayana, Uyo akauraiwa kubva pakuvambwa kwenyika, kuti mugamuchire nhaka yenyu kuti muve vanakomana nevanasikana Vangu, vamwari vaduku.
 
Ndaifanira kukuwongororai kuti ndione kuti hamuna pari kugwedagweda here uye kuti hapana nzvimbo dzisina kunyatso batana here mamuri ndisati ndakugadzai.

  • “Unotenda here kuti kuridza Inzwi Rangu pamatepi muchechi kwakaipa?”
  • “Hongu, haufaniri kuridza matepi muchechi.”
  •  “Une mhoswa. Uchiri kugwedagweda.
  • “Unotenda here kuti Shoko raNgu riri pamatepi rinoda kududzirwa?”
  • “Hongu, Rinoda mumwe munhu anoritsanangura.”
  • “Uchiri kugwedagweda. Kandirwa kunze. Hausati wakwana.”

Kana wakwana, uchati, “Ameni” kuShoko rose.

  • “Unotenda here kuti Ini ndini mumwe chete zuro, nhasi uye nokusingaperi?”
  • “Ameni.”
  • “Unotenda here kuti Inzwi Rangu pamatepi ndiro INZWI RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa?”
  • “Ameni.”
  • “Unotenda here kuti Inzwi raNgu pamatepi richabatanidza Mwenga?”
  • “Ameni”
  • “Unotenda here kuti ngirozi Yangu ine simba ichakusumai kwaNdiri?”
  • “Ameni”

Wave kubatana zvakanaka zvino. Ndakunzvera maringe nekugwedagweda kwako uye kuti hapana nzvimbo dzisina kunyatso batana here mauri.Ndagadzirira kuvhara mukova. Ndichaisa Chisimbiso Changu pauri. Wabudirira pakunzvera kwangu.
 
Zvino rega ndikuudzei chimwe chinhu, VadikanwaVangu vanhu vanokosha munyika dzematepi; imi muri pano munyika ino nevari mhiri kwemakungwa uye chero kwamunenge muri, musatya. Zvose zvakaringana. Ndakakuzivai nyika isati yavambwa. Ndaiziva zvose zvaizoitika.
 
Ndiri kuuya kuzokutorai nokukurumidza uye ndichikuendesai kuNzvimbo isina rufu, isina kusuwa, isina godo, isina chimwe chinhu; asi runako rwakanakisisa, rudo rwakakwana.
 
Kusvikira nguva iyoyo, usakanganwa, ndinokupa Shoko Rangu, URI SHOKO RANGU rakaitwa nyama. Kana une CHINHU CHAUNODA, Chitaure, uye Chitende; Ndiyo nhaka yako.
 
Ndichatumira Inzwi Rangu kwauri zvakare musi uno weSvondo ndigoritsanangura rose kwauri. Ndichakuudza zvakare kuti iwe ndiwe ani, kwauri kuenda, uye kuti zvakaita sei ikoko, izvezvi.
 
Huya ubatane neMwenga Wangu pandichaita kuti vagare pamwe chete munzvimbo dzeKudenga musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye Mundinzwe ndichikugadzai panzvimbo neShoko Rangu 60-0522E Kugadzwa Humwana #4
   
Hama Joseph Branham

25-0518 Kugadzwa #3

Mharidzo: 60-0522M Kugadzwa #3

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mhandara Yakachena

Patinodzvanya Nokuridza, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ihoko kumunhu wedu wemukati, itariro nehugaro hwedu, iDombo raRakare, izvose zvakanaka, iNzira yakapihwa naMwari kuzuva rino.

Nokuti tino Dzvanya Nokuridza, Inzwi raMwari ratidananisa: rativimbisa kuna Kristu; seMhandara Yakachena kuShoko Rake. Tine Mudzidzisi Mumwe chete, Inzwi Rimwe, muporofita Mumwe, ari kutitungamirira noMweya Mutsvene.

Asi iyi ndiyo kereke, ndiri kukudzidzisai. Izvi zvinoenda pamatepi. Ndinoda kuti vanhu vanoteerera matepi varangarire kuti izvi ndezve kuchechi yangu.

Kusimbiswa kwakadii kwatiri kuti tiri muKuda Kwake kwakakwana. Matepi ndeechechi yake. Ari kutidzidzisa. Ari kutiudza, teererai matepi.

Akatanga mharidzo idzi dzakateedzana dzeKugadzwa Humwana achitiudza zvakangezvaitika mazuva mashoma akange apfuura. Zvino, paMharidzo yega, anotaura nezvenguva apo akashandurwa. Zvinofanira kuve zvakakosha sei kuti Mwenga anzwe zvakaitika uye nezvakataurwa neMwenga kwaari.

Muporofita wedu achatongwa neShoko raakaparidza raakasiya pamatepi. Mwenga kune rumwe rutivi akamuudza kuti aizogamuchirwa naShe wedu. Ipapo achatiisa kwaAri sezvibereko zvehushumiri hwake, tobva tadzokera panyika zvakare kuti tirarame nokusingaperi.

Shoko rega rega ratinonzwa chimedu chedombo rinokosha. Tinoramba tichichikoronzveranekuchikoronzvera paanozarura zvakawanda uye tichi verenga pakati pemitsetse.

Tinofara sei kugoverana nehama nehanzvadzi dzedu tichiti, “Mazvinzwa here izvi?”

“Akatisarudza maAri nyika isati yavepo”? Ndiyo nhaka yedu. Mwari vakatisarudza, uye vakatendera Jesu kuti auye kuzobhadhara muripo. Kuti chii? Kudeura Kwake kweRopa Rake, kuti pasave nechivi chinoverengerwa kwatiri. Hachisi chinhu chaunogana kuita.

Zvino, mushure meizvozvo, wakabata here chinhu ichi?

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe.” Wakaisa maziso ako kuKarivhari, uye hapana chichakumisa! Mafambiro chaiwo ehupenyu hwako, uri kufamba uchidzika neMugwagwa Mukuru waMambo, wakazodzwa neMafuta anokosha ekuzodza, uchipinda muNzvimbo Tsvene-tsvene. Whew! Ameni.

Takange takaita setsvimbo yaAroni, chimuti chakaoma chaakafamba nacho kwemakore makumi mana murenje.  Asi zvino, nokuti tirimuNzvimbo Tsvene iyi nokunzwa Inzwi raMwari richitaura kwatiri pamatepi, takabukira uye tavane maruva, tizere noMweya Wake Mutsvene, uye tiri Mwenga Wake tichidanidzira neruzha rukuru chaizvo:

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, matepi ndochinhu chekutanga mumwoyo yedu.  

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, Iye akatisarudza nyika isati yavambwa.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, tiri Mwenga waJesu Kristu.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, hapana mutsauko wazvinoita kuti mumwe munhu atikudini, hatisi kubvisa matepi, tiri kutowedzera kuridza akawanda.

Mutsvene, mutsvene, mutsvene, kuna Ishe, meso edu akatarira kuCalvary, uye hapana chichatimisa.

Ndinofara kubatana mumwoyo nevazhinji pano vanoziva kuti Iri iShoko raMwari risingakundiki. Zvino Iro, Shoko rose iChokwadi, Shoko rose Zvaro, chikamu chose Charo. Uye nenyasha dzaMwari, takaropafadzwa kuona Nyika, iyo nerimwe zuva tichaenda kwairi.

Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo muporofita achatora Shoko rose achiramba achirikoronzvera. Achatiendesa kuna Genesisi achirikoronzvera, oenda naro kuna Eksodo uye achirikoronzverazvakare, uye zvakare kusvika kuna Zvakazarurwa; uye Rose zvaro NdiJesu!

Hama Joseph Branham

Mharidzo:

Kugadzwa Humwana #3 60-0522M

Magwaro:

Mateu 28:19

Johani 17:7-19

Mabasa 9:1-6, Zvitsauko 18 ne19

VaRoma 8:14-19

1 VaKorinte 12:12-13

VaGaratia 1:8-18

VaEfeso Chitsauko 1

VaHebheru 6:4-6, 9:11-12

25-0511 Kugadzwa #2

Mharidzo: 60-0518 Kugadzwa #2

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Hupirisita hweHumambo,
 
Munhu wese ngaarume chigunwe, ngaatswinye munhu womukati, ngaatokonye moyo wake. Nhasi, Mwenga waJesu Kristu uri kudanidzira:
 
Nhasi, chiporofita ichi chazadzikiswa pamberi pemeso edu.

Ndinotenda kuti, rimwe remazuva aya anobwinya, apo mubatanidzwa wemachechi uyu wakabatana, uye papa mutsva achiuunzwa kubva kuUnited States oiswa apo maringe nechiporofita, zvino ipapo vachaumba mufananidzo wakafanana nechikara.

Inzwi remuporofita waMwari rakaZvitaura musi wa19 December, 1954, uye mushure memwedzi mipfumbamwe, Robert Prevost, uyo ava kuzivikanwa saPope Leo XIV, akaberekwa. Iye zvino ndiye ave papa mutsva weRoma. “Zvanzi naJehovha” yazadzikiswa.
 
Muna May musi wa 7, 1946, MWARI vakaisa muporofita wavo kunzvimbo inonzi Green’s Mill, Indiana, kuti vamupe basa rake uye kuti azivise pasi rose, kuti ndiye mutumwa Wangu mukuru wechinomwe, Inzwi Rangu kunyika. Munzwei Iye.

Mutumwa waJehovah paakasangana neni kunze uko kuGreen’s Mill, Indiana, makore masere apfuura, kubva ndichiri mudiki, achinditevera, achiratidza zviratidzo, pandakaenda kwaAri, Akati, “Kana ukaperera, ukaita kuti vanhu vakutende, hapana chingamira pamberi pemunamato.”

William Marrion Branham inzwi rakasarudzwa raMwari kunyika. Muprofita ane simba uyo kunouya Shoko raMwari. Maringe neShoko, ndiye CHETE mududziri weMweya weShoko raMwari.
 
Akasimbiswa naMwari pachaKe, neShongwe yeGore reMoto.
 
Musi wa May 7, 2025, SATAN akaisa Boka rake rema Cardinals muSistine Chapel kuRome kuti vasarudze Mumiriri waKristu wavo, kuti vazadzise Zvanzi naJehovah.
 
Akasimbiswa nevanhu uye NEUTSI UCHENA HWAIPFAKUKA
 
Mwenga waKristu pasi rose uri kufara, kupururudza, kudanidzira, nekurumbidza Ishe patiri kunzwa, uye nokuona nemaziso edu, chiporofita chemuprofita chichizadzikiswa.
 
Zvinoita sokunge tiri kuona Gungwa Dzvuku richivhurika pamberi pameso edu. Manna Itsva ichidonha kubva kudenga. Mamirioni ezvihuta kuitira chikafukuMwenga. Mvura ichibuda kubva muDombo. Moto uchiburuka pasi nekupisa chibayiro chaEria.
 
Chiporofita chiri kuzadzikiswa zuva nezuva. Shoko raMwari rakavimbiswa riri kuratidzwa muhupenyu hwedu. Zvinhu zviri kuitika kwose kwakatipoteredza. Mwenga Azvigadzirira nokunzwa nokutenda Shoko. Isu tisu Shoko rakaitwa nyama.
 
Zvirokwazvo tasvika. Nguva yave pedyo. Mwenga uri kufara uye nekubatana pamwechete pasi rose zvisina kumboitikakare. Muporofita arikusimbisa Mwenga nekutiudza kuti tiri hupirisita hwehumambo hwaMwari, rudzi rutsvene, vanhu vasinganzwisisike, avo vakadanwa, vakasarudzwa, vakasanangurwa, uye vakatsaurwa.
 
ZVINO TAVE Vanakomana neVanasikana vaMwari, tichitungamirirwa noMweya waMwari; kwete nomunhu, asi noMweya. Tinoziva, pasina kana mumvuri wekupokana, TIRI MWENGA WAKE. KUTENDA kwedu kuri kusimukira zuva nezuva. Hapana chingatimisa kana kutinonotsa, Mwari vakazvizarura uye nekuzvisimbisa mumwoyo nemumunhu wedu wemukati.
 
Mwenga wanyatso cherechedza zvakazara zvino kuti tiri vanaani. Tiri muNyika yedu yechipikirwa yemweya, zvinhu zvose zviri mumawoko edu. Tine rugare rweKudenga, maropafadzo eKudenga, Mweya weKudenga.  ZVINHU ZVOSE NDEZEDU. Tave  kungogadzirira zvaAchatipa zvinotevera.
 
 
Hwamanda yaShe icharira, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.
Mitumbi iyi yekudenga ichaburuka pasi uye ichapfeka mitumbi yakabwinyiswa yepasi, yoshandurwa kamwe, mukubwaira kweziso.  Tichatorwa pamwe chete navo, kuti tisangane naShe muchadenga.
 
Izuva rakadii. Inguva yakadii. Hapana nzira yekuti nditaure nemazwi evanhu zvatiri kunzwa tese mumweya yedu. Mwoyo yedu iri kutakwaira. Handisu tiri kuita kuti zviitike, Mweya Mutsvene wakafanana nechitubu chino kutubuka mukati medu. Mwenga wanga wakamirira nguva iyi kubva pamazuva aAdama…UYE TAVE PANO ZVINO.
 
Tinokugamuchirai. Tinokukokai. Tinokugombedzerai. Huya ubatane nesu kuitira nguva yakanakisisa isati yakambozivikanwa nenyika, patichanzwa Inzwi raMwari richizarura Shoko Rakekwatiri musi uno weSvondo na12:00masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: 60-0518 Kugadzwa Humwana #2.
 
Hama Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
 
Genesisi 1:26
VaEfeso Chitsauko Chekutanga
VaRoma 8:19
VaGaratia 1:6-9
VaHebheru Chitsauko chechitanhatu
Johani 1:17

25-0504 Kugadzwa #1

Mharidzo: 60-0515E Kugadzwa #1

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vakagadzwa Humwana,
 
Tave kudya zvinhu zvakasimba zvaMwari uye tavenekunzwisisa kwakajeka kwe Shoko rake. Mwari vakatipa Chizaruro chechokwadi cheShoko ravo. Pfungwa yedu yomweya yacheneswa.
 
TINOZIVA chaizvo kuti Iye ndiani. TINOZIVA chaizvo zvaAri. TINOZIVA chaizvo uko kwatiri kuenda. TINOZIVA chaizvo zvatiri. TINOZIVA watakatenda maari uye tinotendeseka kuti Anokwanisa kuchengeta izvo zvatakaisa kwaAri kusvikira pazuva iroro.
 
Akataura uye akazarura zvakavanzika zvose zvakange zvakavanzwa kubva pakuvambwa kwenyika kwatiri. Akatiudza kuti vamwe vaigara vachiramba sei nzira Yake yaakapa uye vachida hutungamiri hwakasiyana, asi Aizova neboka duku rinoramba rakatendeka kuShoko Rake.

Mupasi rose, vachange vasina kuvungana panzvimbo imwe chete kuti vagoverane zvinhu zvose pamwe chete. Asi pakati pavo pachange pane mapoka maduku achange akapararira mupasi rose.

Kubwinya, takapararira pasi rose, asi Takabatana seMumwe nenzira yoKudzvanya nokuRidza uye nokuteerera kuInzwi raMwari richitaura kwatiri.
 
Regai tingodongorera uye tigofanoravira zvaAchange achititaurira kubudikidza nengirozi yake ine simba musi weSvondo.
 
Vadikanwa Vangu vakasanangurwa, iye zvino mugerepamwe chete munzvimbo dzeKudenga. Kwete kunzeuko kwese, asi munzvimbo “Dzokudenga”; ndiyo nzvimbo yako somutendi. Wanamata zvakakwana uye wagadzirira Mharidzo. Maungana pamwe chete sevatsvene, makabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, makazadzwa nemaropafadzo aMwari. Makadanwa, makasarudzwa, uye mweya yenyu yaunzwa muhupo hweKudenga.
 
Chii chingaitika. Mweya Mutsvene Wangu uchange uchifamba pamusoro pemwoyo wose. Makavandudzwauye mava chisikwa chitsva muna Kristu Jesu.  Zvivi zvenyu zvose zviri pasi peRopa. Muri mukushumirakwakakwana, maoko enyu nemwoyo yenyuyakasimudzwa kwaNdiri, muchiNdinamata pamwe chete munzvimbo dzoKudenga.
 
Makafanotemerwa, maka Sanangurwa, muKufanoziva Kwangu. Makasarudzwa, Makatsveneswa, Makaruramiswa nenzira yokuFanotemerwa. Hazvigoni kuti munyengerwe. Ndakakugadzai nyika isati yavambwa. Muri vamwari vaduku; makasimbiswa noMweya Mutsvene wevimbiso; kwete avo vakangozvarirwa mumhuri, asi vanaKomana nevanaSikana vakagadzwa humwana.
 
Ndichakuropafadzai nekupodzwa pahurwere,kufanozivikanwa, chizaruro, zviratidzo, masimba, ndimi, dudziro, njere, ruzivo, nemaropafadzo ose oKudenga, nemufaro mukurusa uzere noKubwinya.
Mwoyo wose uchazadzwa noMweya Wangu. Muchange muchifamba pamwe chete, mugere pamwe chete, munzvimbo dzoKudenga. Pasina kana pfungwa imwe yakaipa pakati penyu, kana mudzanga mumwe chete unoputwa, kana rokwe pfupi rimwe chete, kana ichi, kana icho, hapana kana pfungwa imwe yakaipa, hapana anechigumbu nomumwe, munhu wese achitaura murudo nemukuwirirana, munhu wese ari muhumwe panzvimbo imwe.
 
Zvino pakarepo kuchauya kubva kudenga ruzha sekutinhira kwemhepo inovhuvhuta nesimba uye ndichakuropafadzai namaropafadzo ose epamweya. Ipapo muchafanana naDavidi, muchitamba pamberi peAreka, muchiudza nyika kuti hamunyare, MURI MWENGA WANGU WEMATEPI! Muno dzvanya nokuridza uye munotenda SHOKO ROSE raNdinotaura. Hamuzikuzo, uye hazvigoni kuti muzungunuswe!  
 
Vamwe vanogona kuzviramba, kana kusazvinzwisisa, asi kwamuri, Ndiyo Nyembe yenyu yeKukudzwa. Sezvakataura Dhavhidhi kumukadzi wake; “Unofunga kuti ndizvo zvoga, mira kusvika mangwana, tichange tichiteerera mamwe matepi akawanda, tichirumbidza Ishe, takazadzwa noMweya waKe; nokuti tigeremuKenani, takananga kunyika yechipikirwa.
 
Ipapo ndichatarira pasi ndiri kudenga ndoti kwauri:
 
“Ndiwe Mwenga uri pamwoyo Wangu Chaipo.”
 
Maropafadzo aya anogona kuva akowo. Huya, ubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye kuti uzonzwa hupo hwaShe zvisina kumboitika kare patichange tichiteerera Inzwi raMwari ranhasi richitaura kwatiri nokutiunzira Mharidzo: Kugadzwa Humwana #1 60-0515E.

Rangarirai, izvi ndezvekereke, kwete kune arikunze. Ichakavanzika chiri muzvirahwe kwaari, haambokwanisi kuzvinzwisisa, zvinopfuura nepamusoro wake, haana chaanomboziva pamusoro pazvo. Asi, kukereke, huchi huri mudombo, mufaro usingatauriki, ivimbiso yakaropafadzwa, ndiyo hoko yomunhu womukati, ndiyo tariro nohugaro hwedu, ndiro Dombo Rakare, ndoozvose zvakanaka.  Nokuti denga nenyika zvichapfuura, asi Shoko raMwari harifi rakapfuura.

Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga Mharidzo isati yauya:
Joere 2:28
VaEfeso 1:1-5
1 VaKorinte 12:13
1 Petro 1:20
Zvakazarurwa 17:8
Zvakazarurwa 13