26-0517 Vazodziwa Panguva Yokuguma

Mharidzo: 65-0725M Vazodziwa Panguva Yokuguma

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Zvapungu Zviri Kuvungana,
 
Musoro wega chete weMharidzo yevhiki rino unozarura kumwe kujekerwa kweMweya Mutsvene kuMwenga. Kufunga kuti kuchave nevarume vakazodzwa vechokwadi vachamuka muzuva rino, nechizoro chechokwadi cheMweya Mutsvene mumwe chete waiva pamuporofita wedu, asi vari venhema.
 
Shoko rinotiudza kuti vachaita zviratidzo nezvishamiso, vachigamuchira mvura imwe chete, maropafadzo mamwe chete semuporofita wechokwadi. Vanhu vachabva kuShoko rechokwadi rakasimbiswa rezuva ranhasi vachitevera ruchiva rwavo, vachizviunganidzira vadzidzisi, vane nzeve dzinowavarira kunzwa zvakawanda. Zvichange zviri pedyo zvikuru neShoko chairo kusvikira pedyo pekunyengera Vasanangurwa.
 
Kuzodzwa ikoko kunenge kuri pedyo sei? Zvichava nyore here kuziva chokwadi nenhema? Muporofita akatiudza kuti Mambo Davidi, murume aive pamwoyo waMwari pachake, aine chizoro paari, akawana chizaruro chechokwadi; asi zvakange zvisiri izvo.
 
CHII!! Rega izvozvo zvinyure mukati kwechinguva. Mambo waMwari akasarudzwa aive nechizoro chechokwadi uye chizaruro chechokwadi, asi zvakatsweyama! Makwayana aMwari anofanira kungwarira zvikuru kuti vazive kuti zvavari kunzwakuzodzwa kwechokwadi kana kwenhema; nokuti magumo avo ekusingaperi akazemberra pasarudzo idzodzo.
 
Tinoziva kuti Mwari akaisa vashumiri vazhinji vechokwadi vakazodzwa kuti vabatsire kutungamirira uye nekuchengeta Mwenga wake muShoko. Shoko rake rinotaura kudaro, uye Tinotenda zvikuru Jehovha nokuda kwomumwe nomumwe wavo. Vakadanwa kuti vave vafudzi vemapoka avo. Vanofanira kuachengeta muShoko. Mukuita kudaro, havafanire kutadza kuridza Inzwi raMwari CHETE rakasimbiswa kumakwai avo.
 
Sezvotichangonzwa kuti munhu wese anogona kukanganisa sei, kunyangwe aine chizoro chechokwadiuye nechizaruro chechokwadi. Asi Mwenga anogona kuzorora chaizvo, nokuti Mwari akavapa nzira yakakwana yokuti vagare vachinzwa CHIZORO CHECHOKWADI, CHIZARURO CHECHOKWADI, ZVANZI NAJEHOVHA YECHOKWADI; KUNGO DZWANYA NOKURIDZA.

“Pane Mutumbi”, ndipo pane Manna, ndipo pane Shoko, “ndipo pachaungana zvapungu.”

Pane Mutumbi ndipo isu, Zvapungu, patichaungana. Pane Nyama ichangobva kuurawa, Shoko remwakaiwoyo, Shoko renguva. Uye hapana nzvimbo itsva yokudyira Manna iyoyo kupfuura kunzwa Inzwi raMwari richitaura Iye paChake.

Ndiro Shoko Rake. “Munhu haangararami nechingwa chete, asi neShoko rose.” Maona? Vakatemerwa vanoziva izvi. “Shoko risinganzwisisike, kana izwi risinganzwisisike, havateveri.”

Chikonzero tisinga, uye tisingagoni kunyengerwa, ndechokuti tiri Shoko neChizaruro ichochi. Hatigoni kuva chimwe chinhu. Hatigoni kunzwa chimwe chinhu. Hapana chimwe chatinoziva.

“NDIRI!” Kwete “Ndakanga ndiri, kana kuti ndichave.” “NDIRI,” nguva yazvino, Shoko ikozvino. Kwete Shoko rakanga riripo, kana Shoko richauya; Izwi riripo nhasi. Maona? Mazvibata here? “NDIRI!” “NDIRI” iShoko. “Pakutanga Shoko rakange riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari.” Ndizvo here? “NDIRI.” “Mwari wakandituma semuporofita Wake, kuzosimbisa izvi kuti ichokwadi. Ndini mhinduro kuShoko iri, akandiudza kuti ndiuye nekuita izvi.

Uye paakazviita, Farao akati, “Zvakanaka, tine vakomana vakawanda muboka redu vanokwanisa kuzviitawo,” vaedzeseri.


Jesu akati, “Zvino, zvichadzokorora zvakare mumazuva okupedzisira,” maona, vachiita zvimwe chetezvo.

Rumbidzai Jehovha. Taura nezvesimbiso kuMwenga. Kana wave neChizaruro ichi, ipapo uchaziva kuti uri Mwenga Wake wakasanangurwa, akatemerwa, anodikanwa.
 
Nokuteerera Inzwi raMwari pamatepi, tirikuteerera kuMwanakomana woMunhu, uyo anova Kristu. Ndiyewatiri kudya paari. Hatisi kudya pamunhu; munhu, mashoko ake anokundika. Asi tiri kudya paMutumbi-Shoko risingakundike reMwanakomana weMunhu.
 
Kana uchida kuva nechokwadi chakazara chekuti urikuteerera ZVANZI NAJEHOVHA, huya ubatane nechikamu cheMwenga musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo patichanzwa Inzwi raMwari richizarura zvose kwatiri pamusoro pevazodziva munguva yekupedzisira.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: Vazodziwa Panguva Yokupedzisira 65-0725M


Magwaro:
Mateu 5:44-45 / 7:21 / 24:15-28
Ruka17:30 / 18:1-8
Johane 14:12
VaEfeso 1:5
2 Timotio 3:1-8
VaHebheru 6:1-8 / 11:4
Zvakazarurwa 10:1-7 / 16:13-14
Maraki 4:5
1 Madzimambo 22:1-28
Jeremiya: Chitsauko 27 ne2