26-0524 Chii Chiri Kukwezva Meso PaGomo?

Mharidzo: 65-0725E Chii Chiri Kukwezva Meso PaGomo?

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Zvapungu zviriKuvungana

Chii ichi chinokwezva zvikuru chiri kuitika pasi rose? Vanhu vanobva kumativi ose enyika vachiungana na12:00 masikati nguva yeJeffersonville, vakagara mudzimba dzavo nemachechi avo netarisiro huru, vakamirira kunzwa Inzwi raMwari richitaura kwavari.
 
Zvinoshamisa uye zvinoita sezvisina musoro kunyika kungoteerera matepi. Vanoti tinogona kunzwa matepi chero nguva. Hapana Nyaya iripo pakuteerera panguva imwe chete. Unofanira kuteerera kushumiro mhenyu, muparidzi, kwete matepi chete. Vakarambira mutsika dzavo.
 
Hakuna zvakadai zvakamboitika munhoroondo yepasi rose. Chii chiri kukwezva vanhu ava kuti vabatane panguva imwe chete kuti vanzwe Inzwi iri richidana kuMwenga wake? NdiMwari vari kuzadzikisa Ruka 17:30. NdiMwari vari kuzadzikisa Zvakazarurwa 10:7. NdiMwari vachizarura VaHebheru 13:8, Merikizedheki munyama yemunhu, sezvaAkaita kuna Abrahama.
 
Vakamirira uye vachishamisika, kuti Achati kudii? Chii chichaitika paAnotanga kutaura? Vanoda kuvapo parunhare kuti vawane chero chaAnotaura. VanoZvida. Vanoda kuZvinzwa zvose panguva imwe chete neMwenga pasi rose. Nokuti vanotenda kuti iye inzwi rakasarudzwa naMwari kuti rive Inzwi Rake kuti ridanenokutungamirira Mwenga Wake.
 
Kunyange vakaparadzana maawa akawanda munguva, asi vose vari pamwe chete seCHINHU CHIMWE, vakateya nzeve, vachiteerera kuInzwi iroro richitaura kwavari kubva kuHome Chechi. Vakagara muhupo hweMwanakomana, vachiibva uye vakamirira Kuuya kwaMesia.
 
Mwoyo yavo iri kutakwaira. Mweya Mutsvene uri kuzarura kwavari zviri kuitika. Mwari akamirira kusvika zuva ranhasi kuti aratidze Shoko Rake nekuunganidza Mwenga Wake. Zviri kuitika, uye ivo chikamu chaZvo. Chokwadi chezviri kuitika chiri kupinda mumwoyo yavo. Vakaverenga nezvazvo muMagwaro kwemazana emakore, asi zvino zvave kuitika. Chizaruro cheShoko chave kuratidzwa kubudikidza navo. Zvakaporofitwa nemuprofita zvave kuzadzikiswa.
 
Pavanenge vagere pasi pechizoro chikuru cheInzwi Rake guru, Anodanidzira kwavari kuti vagadzirire….nokuti manheru ano Achanamatira mumwe nomumwe wavo. Anotiudza paAnotanga kunamata, endai munoisa maoko pamusoro pevanorwara, nokuti Hupo hwaMwarihukuru, huri kwese-kwese kwavari, zvisinei kuti varikupi…Texas, uko kuCalifornia, uko kuArizona, South America, kunyange mutumba turi mumasango ari kune rimwe divi renyika. Pose pavanenge vachiteerera parunhare, isai maoko pamusoro pomumwe nomumwe patinotanga kunamata uye Mwari achapodza mumwe nomumwe wavo… kana vakatenda, nokuti  iZVANZI NAJEHOVHA.
 
Vavekunzwisisa zvino kuti muzera rega-rega uye nemuprofita wese akambovepo kana kuti achazovepo, pachave nechitsama chevanhu vakafanotemerwa kuti vanzwe Shoko irori, uye vachaRitevera. Vachafuratira mhomho. Vachafuratira kutsoropodza kwemunhu asingatendi anoti zvakaipa kana anoti haisi nzira yakapihwa naMwari. Havana nharo navo. Vane chinhu chimwe chete chavaNOFANIRA KUITA, kutenda uye kuti vawane chese chaVanogona, kuzvimedza mukati saMaria akagara patsoka dzaJesu. Havanyare, vanodada kutaura kuti ndiri mukomana wematepi kana musikana wematepi anodzwanya nokuridza.
 
Inzwi iroro rakatovayambira kare kuti kuchava nevazodziwa munguva yekupedzisira vachange vaine chizoro chikuru, Mweya Mutsvene. Vanotora Zvakataurwa nemuporofita neShoko renguva; vanozviti vatendi, asi vari vazodziwa venhema.
 
Vanenge vari pedyo nechizoro chechokwadi zvekuti dai zvaigoneka zvaitonyengera vasanangurwa chaivo, asi vanoziva kuti havanyengedzeki, nokuti IVO ISHOKO. Ndivo Mwenga wechokwadi vakagara neInzwi raMwari.
 
Inzwi iroro rinozivisa kwavari kuti muzuva rino hazvifanani nemuchero weremani, kana grapefruit. Izvozvo zviri nyore kuona mutsauko. Asi uchange uri michero wakaita setanjelo, hafu remani, hafu orenji, zvakasanga. Zvicharatidzika seranjisi, asi zvisiri, nokuti bazi idzva richange rakaita serepakutanga zvachose. VachaGARA ne’Nzwi Shoko repakutanga. Havatore mukana. Vachagara naiye, uyo Mwari pachaKe akadanidzira kuti ndiye INZWI RAKE, SHOKO RAKE, rakasimbiswa neShongwe yeGore reMoto.
 
Chii chiri kuitika?

Mbeu yakatemerwa yaMwari haigoni kuita chimwe chinhu kunze kwekutevera nokuteerera kuInzwi iroro, nokuti Rinoreva zvinopfuura hupenyu kwavari. Unogona kutora hupenyu hwavo, asi haukwanise kutora Inzwi iroro.
 
Chii chiri kukwezva?
 
Mwari, semazuva ose, vachizadzisa Shoko ravo.
Huya ubatane nesu uye uve chikamu chechiporofita chemuporofita chiri kuzadzikiswa musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Magwaro achiratidzwa.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0725E “Chii Chinokwezva Pagomo?”
 
Magwaro:
Mateo 21:1-4
Zekaria 9:9 / 14:4-9
Isaya 29:6
Zvakazarurwa 16:9
Maraki 3:1 / Chitsauko 4
Johani 14:12 / 15:1-8
Ruka 17:22-