Mharidzo: 59-0510M Zuva RaAmai
Mudiwa Mwenga,
Zvino, ndino funga kuti hapana rumekedzo rwakakura rwatingapa kuna amai.
Amai vedu ndivo vekutanga nesu, uye vakapihwa basa guru rekuti tizove zvatichava uye nenzira yatinofanira kufamba. Vakapihwa mutoro kubva kuna Mwari wekutiisa panzira kwayo. Ndosaka vana amai vaine kabatiro kakatsaurwa, kavakapihwa kubva kuna Mwari.
Maropafadzo akatsaurwa sei atakachengeterwa musi uno we Svondo, paticharemekedza vana Amai vose, patichanzwa mutumwa waMwari wechinomwe achitsanangura rudo nerukudzo urwo vana amai vedu vanarwo mumwoyo yedu.
Tinoziva kuti zuva rega rega iZuva raAmai, asi musi uno weSvondo tichapa ruremekedzo rwakatsaurwa kuna vana amai vose patichanzwa muporofita achivaremekedzapaakataura makore 67 apfuura musi mumwe chete sanhasi Chivabvu 10, 1959.
Hama Joseph Branham.
Mharidzo: Zuva raAmai 59-0510M
Nguva: 12 masikati, nguva yeJeffersonville
Magwaro: I Vakorinde 15:1 – 4