26-0503 Chikafu ChepaMweya MuMwaka Wakafanira

Mharidzo: 65-0718E Chikafu ChepaMweya MuMwaka Wakafanira

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga

Inzwi ratinofarira kunzwa tose richataura musi uno we Svondo, richitiunzira Shoko reTsamba Yakatsaurwa yeRudo, ye Mwenga waJesu Kristu chete.

Inzwi iroro richangobva kutaura kupasi rose richivayambira, “Musaidza kundiitira basa zvisiri mukuda Kwangu. Ndine nzira yakakwana yandakapa yandakakuitirai, Mwenga Wangu. Rangarirai Mashoko Angu, ingotaurai zvandakataura pamaTepi Angu, nokuti mava kupinda mukutongwa. Vanhu vakaramba Tsisti. Asi farai, uye mutende, nokuki ndakakuunzirai uye nekukupai Chikafu Chakavigwa, Chikafu CheMweya, kuti murarame mukunaka netsitsi dzechiZaruro chaJesu Kristu.

Iko zvino kwave nenzara panyika yekunzwa Inzwi Rangu. Havakunzwisisei nokuti munoti muri vanhu vemaTepi, uye munongoda kunzwa Inzwi Rangu pamaTepi; asi ndaka kudanai ndikazarura kwamuri Nzira Yangu yakakwana yandakapa kuzuva ranhasi.

Hamuna kufambidzana nevasingatendi panguva yenzara. Ndakakupai Inzwi Rangu kuti rikuraramisei. Nokuridza Inzwi Rangu, dengu renyu hariperi, kana chinu chenyu chemafuta hachiperi, kusvikira zuva raNdichauya kuzokutorai seMwenga wangu.

Ndicho chikonzero chaicho ndakaita kuti Inzwi Rangu rirekodwe, kuti muve nenzvimbo yakakwana yekuenda kwairi, pasina kukanganisa, pasingadi dudziro, asi chete Inzwi Rakachena RaMwari. Nzvimbo yamunogona kuenda kuti munzwe chaizvo zvandakataura: Zvanzi naJehovah
Ndichataura zviripachenachena kwamuri musi uno weSvondo. Handidi kuti mufe makakanganwa zvandichataura kwamuri. MaTepi aya ndicho Chikafu chenyu CheMweya muMwaka uno. Zvakanyanyopfuma kune vamwe; havakwanisi kuzvitambira. Hazvina kuzarurwa kwavari, asi Ndaka Kusarudzai, ndikakupai Chizaruro chenzira Yangu yandakapa yakakwana.

Kwamuri, Chikafu chakavigwa, pamuri kurarama mukunaka netsitsi dze Shoko Benyu.

Pandakange ndichirarama munyama muMwanakomana wangu, vakatadza kugamuchira zvaNdaive: Mwari munhu. Zvino ndakavimbisa kuti ndaizodzoka zvakare mumazuva ekupedzisira ndigorarama zvakare munyama sezvo ndakaita pamberi paAbrahama, ndigoburuka ndichizviratidza munyama sezvo ndakaita paya.

Hezvino zvavakapotsa, ipapo uye nazvino, asi handidi kuti imi mukanganwe. Chikafu chakachengetwa chandiri kukupai, uye nemutumwa wangu, zvimwe chete. Haugone kuzvipatsanura. Shoko nemutumwa zvimwe chete. Ndakakuvudzai MuShoko Rangu zvandichaita muzuva rino. Ndoochikonzero kuri kuda Kwangu kuti Ndiise Inzwi Rangu mumachechi enyu, mudzimba dzenyu, kwese kwamunoenda; nokuti ndiro Inzwi rakakoshesesa ramunofanira kunzwa. Ndiro chete Inzwi rakasimbiswa rinotaura Zvanzi naJehovah.

Tsitsi dzakarambwa. Mave kurarama neShoko Rangu. Ndakakupai Chizaruro chekuti Ndiri Ani uye kuti IMI MURI VANAANI. Hapafaniri kuwanikwa kupokana kupi zvako mumwoyo nemupfungwa dzenyu. Muri Mwenga Wangu wakaSanangurwa, wakaSarudzwa, wakaTemerwa. Muri Shoko Rangu Rakataurwa rakange riri mandiri pakutanga.
Mune mukana wekuwana Chikafu, Chikafu cheMweya, chisingazivikanwi nenyika.

Mune mukana wekupodzwa kwemiviri yedu panokundika vanachiremba. Ndicho chimwe chikafu chandakavimbisa nekukupai mumazuva ekupedzisira.

Ndakavimbisa kuzarura zvakavanzika zvemwoyo yenyu nekuita zvinhu izvi. Ndiri mamuri. Imi muri chikamu Changu, uye Ini ndiri chikamu chenyu. Zviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda.

Musi uno weSvondo ndichange ndichibatanidza Mwenga Wangu kubva pasi rose neInzwi Rangu. Ndichakuudzai kuti muturikane mawoko. Usazvinamatira iwe, namatira uyo wawakaisa mawoko ako paari, nokuti ivo vari kukunamatira. Tichanamata pamwe chete, uye hapazovi nemunhu achasara anehutera kupi zvako pasi rose kana ukatenda.
Kana uchitenda, usina kupokana mumoyo wako, Ndichadanidzira:

Satan, wakundwa! Jesu Kristu akakukunda! Akamuka kubva kuvakafa uye amire pamberi pedu Manheru ano, achisimbisa Shoko iri remazuva ekuguma. Buda kubva muvanhu ava! Vasiye, Muzita raJesu Kristu! “NeZita Rangu vachadzinga mweya yetsvina,” uye wadzingwa. Muzita raJesu Kristu, ibva pavungano iyi!

Pachave nekupodzwa kuchaitika pasi rose zvisina kumboitika kare.

Ko tichamirirei zvakare, hama hangu inodiwa, hanzwadzi, hezvi, Mweya Mutsvene, Mwari, ipopano, Chinhu chaicho chataitaura nezvacho.

Ndinokoka pasi rose kubatana nesu musi uno weSvondo nenguva dza 12 masikati, nguva yeJeffersonville, kunzwa Shoko uye nemutumwa wake achitiunzira Chikafu cheMweya muMwaka wakaFanira, Chikafu chakaVigwa cheMwenga

Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: Chikafu cheMweya muMwaka wakaFanira 65-0718E

Mutumwa: Rev. William Marrion Branham

Magwaro: 1 Madzimambo 17:1-7 / Amosi 3:7 / Joere 2:28 / Maraki 4:4 / Ruka 17:30 / St. Johane 14:12