26-0426 Kuedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

Mharidzo: 65-0718M Kuedza Kuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Anofarirwa

Nguva yapera. Nguva yasvika. Sarudzo inofanirwa kuitwa. Mwari vari kuyambira vana vavo. Ishe Mwari wedu vakataura vakasimbisa kwatiri kuti Chokwadi chavo ndechipi kubudikidza neShoko ravo, uye noMweya Wavo. Kwete nesimba, kana nehondo, asi noMweya Wangu, uye Shoko Renyu Izvokwadi.
 
Vakanyatso simbisa kuMwenga wavo nhasi kuti Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro, nhasi nekusingaperi. Akatiratidza nekuzarura kwatiri Shoko reNguva nemutumwa wenguva kuti zvimwe chete. Akazarura kwatiri zvakavanzika zvake zvose zvakange zvakavigwa muShoko. Akazviratidza kwatiri kubudikidza noMweya Wake Mutvsene. Hapasisina mubvunzo mupfungwa dzedu, mumwoyo kana mumunhu wemukati. Inzwi Rake pamatepi IZVANZI NAJEHOVHA KUMWENGA WAKE.

Mwari nguva dzose vagara vachitendera nzira dzakawanda dzekuuya nadzo kwaari. Vanoita kuti kuda kwavo kwekuregedzera kupinde muKuda kwavo Kwakakwana. Uyevo nguva dzose vagara vachipa KUDA KWAKAKWANA NENZIRA YAKAKWANA KUVANA VAVO. Vazhinji vanoedza kuuya nenzira yakasiyana nekuitira Mwari basa, asi kusiri kuda Kwake kwakakwana. Zvinogona kuratidzika nekunzwika sekuda kwake Kwakakwana, asi zvisiri maringe ne Shoko Rake.
 
Kunyange munhu mukuru, akange achangozodzwa, achibva muhupo chaihwo hwaMwarti, Akawana chizaruro chekuitira Mwari chimwe chinhu, uye aida kuzviitira Mwari; asi chizaruro chaakange anacho chakange chakatsveyama.

Mumwe nemumwe wedu anofanira Kuwana nzira YaMwari yakakwana yaakapa. Tichaziva sei kuti tiri muKuda Kwake Kwakakwana kana mumwe akazodzwa zvirokwazvo, achibva muhupo chaihwo hwaMwari, aine chizaruro, kuti arimukuda Kwakakwana kwaMwari?
 
Pane NZIRA IMWE CHETE ZVIROKWAZVO YEKUZIVA NAYO, uye Mwari vakapa nzira iyoyo kuMwenga wavo.
 
Inzwi raMwari Amene rakaudza kereke ino, nemi vanhu mose pamatepi, nevanhu vose vari parunhare pamasaisai, kune dzimwe nzvimbo pasi rose, nguva iyoyo NAZVINO. Akatiudza kuti tinyatso teererazvaaitaura, uye kuti TISAKUNDIKE.

Saka Ndinoti, muZita raJesu Kristu: Musa wedzera chinhu chimwe, musabvise, musaise pfungwa dzenyu paZviri, taurai chete izvo Zvakataurwa pamatepi iwayo, ingoitai izvo zvaka rairwa naShe Mwari kuti muite; musawedzera paZviri.

Haana kutaura kuti, uye hazvirevi kuti, vaparidzi havagoni kuparidza Shoko, kuti vadzidzisi havagoni kudzidzisa Shoko, kana kuti vafudzi kana vaporofita havachaiti zvavaka danirwa kana kugadzwa kuti vaite. Vanofanira, ini ndinofanira. Takadanwa uye takagadzwa kuita izvozvo. Tinofanira kunongedzera nekudoma Shoko irori nemutumwa kuvanhu, nokuti ndiro Shoko rezuva redu.
 
Asi anonyatso tiudza kuti tose tinogona kuzodzwa, nechizoro chechokwadi, kuzadzwa neMweya Wake Mutsvene, nechizaruro chitswa, asi tiri kunze kwekuda kwake. Muzuva redu, Akatipa NZIRA YAKAKWANA yekuziva kuti zvirokwazvo uri kunzwa Inzwi raMwari, kubva kunaMwari Pachake. Ndiyo nzira CHETE yakakwana.

Hushumira haufaniri kungo paridza nekudoma Shoko chete, tinofanira kuridza Inzwi raMwari pamatepi kuvanhu. Hapana CHIZORO CHIKURU kupfuura kunzwa Inzwi raMwari. Hapana imwe nzira yekuziva pasina kupokana kuti zvatiri kunzwa NDIZVO CHAIZVO Zvakataurwa naMwari.
 
Muzuva rino, kusiyana nemamwe mazuva ose munhorondo yenyika, Mwari vakapa nzira yekuti tirege kuZvipotsa zvachose, ndo kana uri Mwenga Wake wakatemerwa. Zvakasimbiswa uye zvikazarurwa neShongwe yeGore reMoto Amene kuti Inzwi raMwari Pachake riri kutaura zvakananga kuKereke Yake.

Muzviuru zvakawanda zvemakore, vana vaMwari vaishuvira nekunzwa nzara ye kuzvinzwira pachavo Inzwi raMwari. Vanoshuva sei kuti dai vaivepo zuva riya apo Jesu akaparidzira zviuru pagomo. Kunzwa matauriro ake paaitaura Shoko ne rudo netsistsi. Nekunzwa kutsinhira kwaaiita shoko rimwe nerimwe. Uye kuti zvaitaura sei nekusimudzira mwoyo yavo.
 
Tiri vapenyu zvino uye tiri Muhupo hwaMwari tichinzwa Inzwi raMwari.
 
Nerimwe zuva nekukurumidza hatizodzokeri kuhupenyu hwerudzi urwu zvakare. Tichadzoka tave vanhu vasingafi. Chivi chinonga chisisipo. Satani achasungwa kwemakore ane chiuru uye tichararama panyika ino yatakapihwa naIshe Mwari wedu.
 
Takakwana zvizere.

Hatina kumbofara sekufara kwatinako zvino kana kuva nemibvunzo muhupenyu hwedu. Tiri Mumwe Naye uye neShoko Rake. Tiri MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA KUBUDIKIDZA NEKUGARA NEINZWI RAKE, SHOKO RAKE. Achadzoka nerimwe zuva kuzotitora kuti Aende nesu.
Tinokutendai Ishe Jesu!

Jehovah  Mwari wenyu wakakuparidzirai kwamuriChokwadi. Jehovah  Mwari wenyu wakasimbisa Chokwadi, kubudikidza neShoko Rake uye noMweya Wake. “Kwete nesimba, kana nehondo, asi noMweya Wangu”. Uye, Mweya, “Mwari vanotsvaga vanoMunamata muMweya neMuzvokwadi” “Shoko Renyu iZvokwadi” Uye akanyatso simbisa kuti Jesu Kristu mumwe chete zuro nhasi, nekusingaperi, Akaratidza Mbeu dzemanheru kwamuri.  Akazvizarura kwamuri muShoko. Akazviratidza kwamuri, noMweya Wake.

Nemwoyo wangu wese, ndinokukokai mumwe nemumwe wenyu kuti mubatane nechikamu cheMwenga Wake patino batana kubva pasi rose na 12 masikati, nguva yeJeffersonville, kuzonzwa Inzwi Rake richitaura kubudikidza ne mutumwa wake ngirozi yechinomwe achitiunzira Shoko: Kuedza Kuitira Mwari Basa Asi Kusiri Kuda kwaMwari 65-0718M
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo
Dhuteronomi 4:1-4 / 4:25-26
1 Makoronike 13
1 Makoronike 15:15
Mapisarema 22
Mako 7:7
Joeri 2:28
Amosi 3:7
Maraki 3
Mateo 11:1-15
1 VaKorinte 13:1