26-0419 Kusarudzwa KweMwenga

Mharidzo: 65-0429E Kusarudzwa KweMwenga

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Wakasanangurwa,
 
Patinoteerera Mharidzo iyi, Kusarudzwa KweMwenga, vamwe vanofunga kuti muporofita ari kungotaura achitidzidzisa nezvehunhu nechimiro chinofanira kutariswa nemurume paanenge achisarudza munhukadzi waanoda kuti ave mudzimai wake. Ichocho ichokwadi, ndizvo zvaari kuita, asi pane tsamba yerudo yakavanzika yechokwadi muMazwi Ake. ZvaAri kuzarura kuMwenga wake zvakadzama kupfuura izvozvo. Mwari ari kutaura kwaari zvakananga, achiMuudza izvo zvaAkange achitsvaga maAri, uye kuti sei AkaMusarudza kubva pakutanga. Aida kuti azive kuti AkaMusarudza kuti ave MWENGA WAKE WAKANAKISA WEPAMOYO, waAida kugoverana naye Zienda naKuenda Rake.
 
Pakutanga, Mwari akange achitsvaka Mwenga aizova neHunhu hwakafanana neHwake. Mweya wake mumwe chete uchiratidzwa maAri. Aida Mwenga akangeakazvipira zvachose kwaAri, neShoko raKe rakavimbiswa, kusvikira Pfungwa chaiyo yaive maAri yave maAri. Anofanira kuumbwa sezvaAri.
Aida kuti Iye ave nyama yaKe imwe chete, mapfupa mamwe chete, Mweya mumwe chete, zvose zvakafanana, zvakangofanana naYe. Vaviri ava vaizova MUMWE.
 
Anenge asina katarisiro kekupenga mumaziso ake. Anenge asinga tambi zvechiramu nemamwe manzwi.Anenge ari pachokwadi uye akatendeka kwaAri, zvisinei zvinotaurwa nani. Anongomira neShoko raKe chete.Chero zvaAtaura, ANONGOTENDA SHOKO ROSE, zvisinei kuti zvaizotora nguva yakareba sei kuti zviitike, iye anongozvitenda chete. Anongogara neShoko raKe.
 
AizoMuda, uye kuda Iye chete. Haaifanira kumupa hupfumi hukuru, Atori neParera remutengo mukuru, Chizaruro chechokwadi chaIye. Aitoziva, kuti iye naye MUMWE chete, vakafanana. Mweya Wake waizogara maAri. Chero chaaida, Mwari Aimupa; Chaaifanira kungoita kukumbira nokutenda, Mwari wozviita.
 
Aiziva kuti Achaenda kwenguva yakareba kunomuvakira imba yaizove nezvose zvinomugutsa nekumufadza. Akange achiivaka nenzira yaanoda chaiyo. Aiziva kuti rimwe zuva Achadzoka kuzoMutora, sokuvimbisa kwaAkaita, zvino vozova neChirairo chikuru cheMuchato kwemakore ane chiuru. Zvino, vozoenda pamwe chete kuMusha uya wakaisvonaka waAkange aMuvakira kuti vagare vose nokusingaperi.
 
Hapana chimwe chaizokosha kwaAri. Hapana chimwe chaaizoda. Aizogutsikana nekugadzikana zvikurunekuve neChizaruro chekuziva kuti Chikomba ndiani, uye kuti Iye ndiani. Aizoziva kuti Aizochengeta Shoko raKe. AIZOSVIKA PAKUZADZIKISWA, ACHIZIVA KUTI NDIYE AKASARUDZWA KUVA MWENGA WAKE.
 
Hama nehanzwadzi dzangu, Mwari samasimbaweDenga nenyika akatarira Zienda naKuenda rose uyeAKAKUSARUDZAI…IMI KUTI MUVE MWENGAMUDIWA WAKE WAKASARUDZWA.
 
Ndinokukokai kuti muuye kuzobatana neni nechikamu cheMwenga wake musi uno weSvondo, paAchataura kubudikidza nemutumwa Wake mukuru achitiudza kuti tiri Mwenga Wake Wakasanangurwa.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0429E / Kusarudzwa KweMwenga
Nguva: 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville
Magwaro:
Genesisi 24:12-14
Isaya 53:2
Zvakazarurwa 21:9