26-0412 Ko Mwari Vanomboshandura Pfungwa YaVo Here Pamusoro PeShoko RaVo?

Mharidzo: 65-0418E Ko Mwari Vanomboshandura Pfungwa YaVo Here Pamusoro PeShoko RaVo?

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Avo VakaMutsurudzwa,
 
Mwoyo yedu yakabhururuka sei mudenga se zvaChapungu pawikendi yeEaster iyi. Zuva nezuva chizoro Chake chaiwedzera kukura. Chirairo, Kuvigwa, Kukwaniswa, zvino nhongonya huru yaanga atigadzirira: Uku Ndiko Kubuda Kwezuva…KUBWINYA, AKAMUKA uye mupenyu mune mumwe nemumwe wedu. Aizarura Shoko rake kune mumwe nomumwe wedu zvatisati takambonzwa kumashure. Chizoro chakazadza mwoyo yedu, Hupo hwake hwakazadza nzvimbo; zvakaita sokunge Kubvutwa kwatosvika.
 
Akatiudza zvakange zvaitika makore 2000 akapfuura, uyezve zvino zvakange zvave kuitika muna 2026. Jesu akange ari Chisote chekutanga cheGorosi raMwari chakange chamutswa kubva kuvakafa. Akangeamutswa neSimba raMwari rekumutsurudza. Mwari akange amutsurudza Hupenyu hwake, akamumutsa kubva kuvakafa, uye akave chibereko chokutanga cheavo vavete. Ndiye wekutanga kusvika pakuibva, Chisote chaMwari chakazunguzirwa semurangaridzo wekutenda kuna Mwari, tichitenda kuti nesu tose tichauyawo. Chaive chiratidzo.
 
ZVINO WAKAZARURA KWATIRI ZVIRI KUITIKA NHASI. Sokuzunguzirwa kwaAkaitwa paZuva rePentekosti pakauya ruzha kubva Kudenga semhepo inozunguzwa, mhepo inovhuvhuta nesimbaichizunguzwa pamusoro pavanhu. Yakangeichizunguzwa zvakare pamberi pevanhu sekuvimbisa kwaAkaita muna Ruka 17:30 naMaraki 4, apo Mwanakomana wemunhu (S-o-n) achazarurwanekuzunguzirwa zvakare pamusoro pevanhu.

Zvino, ndiani Mwanakomana wemunhu uyu? “Pakutanga Shoko rakange riripo, uye Shoko rakangeriri kuna Mwari, uye Shoko rakange riri Mwari. Shoko rakazove nyama, rikagara pakati pedu. Uye kana dzidziso yose yatinayo, nekusimbiswa kweShoko raMwari; kubudikidza neShoko raMwari, nezviratidzo, nezvishamiso, tinoona nhasi, kuti muBhuku ra—raRuka pano, kuti sezvatichangobva kutaura kubva kwariri, kana—kuna Ruka chitsauko 17 nendima 30; naMaraki 4, neMagwaro akasiyana atinoziva, kuti Shoko irorozvakare rinozunguzirwa pamusoro pevanhu, kuti tsika dzakafa dzevanhu dzafa, uye Mwanakomana waMwari mupenyu zvakare nerubhabhatidzo rweMweya Mutsvene pakati pedu, uye ari kutipa Hupenyu.

Mweya Mutsvene wakaramba uchingozunguzwa nekuzunguzwa pamusoro pedu, uchizarura nekuzarura Shoko Rake…..Moto, hurongwa, Simba rekumutsurudza…

Zvino, pazvakaita sokunge Hazvichagoni kukurakupfuura ipapo, Akatiudza:

Akanditendera kuti nditarise kuseri kwechidzitiro, ndikakuonai imi mose ikoko…“Vose vawakamboda, uye vose vakambokuda, vapihwa  kwauri.” Waona? Ndakavaona vese ikoko saizvozvo. Chaiva chii? Simba Rinomutsurudza.

AKATIONA IKOKO!! Kuseri kwechidzitiro chenguva….taive IKOKO naye; vadikanwa vedu vese vakaenda mberi kwedu … vanababa, vanamai, vana. Takange tiriko navo uye navose vatisina kumboonana navo: Mosesi, Eria, Petro, Pauro….taivepo tose pamwe chete.
 
Zvino, seMweya Mutsvene wakanaka sezvo Ari, Haana kuda kutikanganwa isu tinorwara, takaora mwoyo uye vakarohwerwa pasi, saka Akazvizunguza zvakarepamusoro pedu kuti munhu wese aporeswe pane zvese zvataida.

Vanhu ava, vagari pamwe chete veHumambo, avo vane Simba rekumutsurudzwa, rimutsurudzei kwavari, Ishe, iko zvino. Deno Mweya wabva pachapungu uchienda kune chimwe chapungu, kubva paShoko uchienda kuShoko, kusvikira kuzara kwaJesu Kristu kwaratidzwa mumutumbi mumwe nomumwe, kuitira zvavanoshuva panyama, pamweya, kana chipi nechipi chavanoda, patinoisa maoko edu pamusoro pomumwe nomumwe. Muzita raJesu Kristu.

Shoko iroro. Inzwi iroro. ZVOSE zvatinoda zviri pamatepi, Mwenga. Mwari havashandure pfungwa dzavo pamusoro peShoko ravo. Hapana kana donhwerimwe chete kana vara rimwechete rinogona kushandurwa, saka Akaita nzira yekuti Mwenga Wakeanzwe nenzeve dzavo IZVO CHAIZVO zvaAida kutaura kwavari.
 
Mwari vakataura kuMwenga wavo vakazarura ZVINHU ZVOSE. Zvakaiswa pamatepi. Mwenga anofanira kuuya kuChikomba; ndiyo Nzira Yake yakakwana yakaitwa kuzuva ranhasi. IZVANZI NAJEHOVHA.
 
Mwari anomboshandura pfungwa dzake pamusoro peShoko rake here? KWETE. Ane KUDA KWAKAKWANA UYE KUDA KWEKUREGEDZERA. Mwenga anofanira kunge ari muKUDA kwake KWAKAKWANA.

Hapana Kuda kwakakwana, kana nzvimbo yakakwana, inopfuura kunzwa Inzwi raMwari richibva kuna Mwari Pachake.
 
Kokero yangu kwamuri ndeyekuti mubatane nesu mumwe nemumwe wenyu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti tinzwe Inzwi raMwari richitiunzira Shoko Rakachena. Hapana zvekufembera zvinodiwa, kungogara zvako uchiti AMEN KUSHOKO ROSE….hapana imwe nzvimbo kwazvingaitwe, asi chete kungo Dzwanya nokuRidza.
 
Hama Joseph Branham.
 
Mharidzo: 65-0418E — Mwari Anoshandura Pfungwa Dzake Pamusoro peShoko Rake Here?
 
Tichatangira pandima 61. 
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
 
Ekisodho 19 chitsauko
Numeri 22:31
Mateo 28:19
Ruka 17:30
Zvakazarurwa chitsauko 17