24-0407 Matangi Akatsemuka

Mharidzo: 64-0726E Matangi Akatsemuka

PDF

BranhamTabernacle.org

Vanodiwa Vanwi kubva Muchitubu,

Mwenga hauzofi wakafanana mushure meRed Letter Easter weekend yatakapiwa naIshe. Takanga takavharirwa Naye, tichikurukura uye tichimunamata kupera kwevhiki kwese.Huvepo hwake hwakazadza dzimba dzedu nemakereke edu.

Takanga takatarisira zvikuru kudaro. Taiziva kuti uku kwaiva Kuda kwaShe kwataiva makuri. Mwari vakanga vachigadzirira kuita chimwe chinhu. Isu tinopfigira kunze nyika nezvose zvayo zvinotsausa. Takabatana kubva kumativi ose enyika muhumwe. Takanga takagara tose munzvimbo dzekudenga, tichizvigadzirira sezvaaizoTAURA NESU munzira.

Mwoyo yedu yaidaidzira ichiti, “Ishe, itai kuti ndifanane nemi. Ndigadzirirei kuuya Kwenyu kwava pedyo. Ndipei Chizaruro chakawedzerwa.Dai Mweya Mutsvene wenyu wazadza tsinga dzese dzehunhu hwangu.”

Apo sevhisi yega yega yaitanga, taiti mumwoyo medu, “Zvingave sei? Ndakanzwa Mharidzo idzi kweupenyu hwangu hwese, asi iye zvino dzose dzava kuita seitsva, sekunge handisati ndakambodzinzwa. Akanga achizarura Shoko rake kumwoyo yedu nemweya yedu zvisina kumboitika kare”.

Chizaruro chinokatyamadza chinouya zvakare mumwoyo yedu… NdiYe…IYE. NdiMweya Mutsvene pachake ANOTAURA ZVAKANANGA KWATIRI.

Kwete ini! Iye! Iye Ndiye! Ndangokuudzai kuti, Akangotora mutumbi wangu. Anongotora rurimi rwangu, otora maziso angu, nokuti Aiziva kuti ndichazvipa kwaAri, saka Akangouya ndokundiita kuti ndiite saizvozvo. Saka handisi ini! NdiYe! Uye kwete ini kunze uko nemi, ndiYe kunze uko nemi. Ndiye Kumuka neHupenyu. O, Mwari, Mwari; zvitendei. O, vanhu: Mutendei. Mutendei Ari pano.

Akatipa Chizaruro kuti tizive kuti MATEPI Inzwi raMwari rinotaura kwatiri nhasi. Ndiwo Mashoko aKe, Inzwi Rake…IZWI RAKE, rakarekodhwa uye RAKACHENGETWA kuti TINZWE Achitaura kwatiri maShoko oHupenyu Husingaperi. Ndiwo nzira yaKe yaakapa kuMwenga wake.

Itsva, yakachena, Mvura yeChitubu inotubwida uye kutubuka. Patainyanya kunwa, ndipo patainyanya Kutaura, “Imwe zvekare Ishe Imwe zvekare.Zadzai mukombe wangu Ishe, uzadzei Ishe”. Uye Akazviita! Patinonwa yakawanda ndipoPAANOTIPA YAKAWANDA.

Ipapo Satani akanzi akundwa nesimba reVhangeri. NaMwari weKudenga Uyo akagadza nokutuma mutumwa wake kuzoparidza Evhangeri kwatiri. NaMwari Akanyora Shoko uye Akatuma Mutumwa Wake Aivepo kuzosimbisa Shoko Rake. “Buda muvanhu, nemuZita raJesu Kristu”.

Dhiabhorosi AIFANIRA kusiya munhu wose airwara, munhu wose aitambudzika. Zvino simba raMwari ratisimudza kuti tive nehutano hwakanaka uye simba zvakare.

Ipapo, kubva mukati memwoyo yedu takati:

Ini zvino ndinobvuma kuti Jesu Kristu, Mwanakomana akamutswa waMwari, Ndiye Muponesi wangu, Ndiye Mambo wangu, Ndiye Mupodzi wangu. Ndapora. Ndakaponeswa. Ndichararamira Iye Akandifira. Ndichasimuka kubva pano muhupenyu hutsva, kuti ndiende kuzoita zvakanakisisa zvandinogona. Uyo…kuna Iye Akandimukira. Hareruya!”

Iyi ndiyo Mvura yeChitubu yatinonwa mazuva ese. Ndiro chete tsime rinouya rakananga kubva Kudenga rinoyerera nguva dzese. Rinozviriritira. Nguva dzose itsva uye yakachena. Haina kumbogarira. IMvura mhenyu dziri kugara dzichishanduka, dzichiratidza chimwe chinhu chitsva kuMwenga nguva dzose.

Inogara ichitubuka. Hatifanirwe kuipomba, kuitenderedza, kumonyorora, kana kuibatanidza. Itsime raMwari reMvura mhenyu, uye hatigoni kufungidzira kunwa chimwe chinhu.
Nhasi tinonzwa kuti, “Mvura yedu ndiyo mvura yakanakisisa yaunganwa. Isu takaiisa kuburikidza nenhanho dzedu nomwe dzekusefa.

Takabva tadzosera zvese zvaKASEFIWA mumvura zvatinofunga kuti tinofanira kugara nazvo kuti muviri iwane mvura.

“Kubwinya kunaMwari” , hatifanirwe kutora mukana kana kubvunza zvatiri kunwa kana zvakawedzerwa kana kusefa. ZVOSE zvatinoda zviri muMvura yedu. Chatinofanira kuita KUBAYA NEKURIDZA nekunwa paIri kuyerera.

Zvinonyaradza sei kunwa Mvura iyi. Taienda mamaira kubva munzira yedu kuti tingonwa kubva kwaRiri, asi hatifanirwe kudaro. TinoRitakura kwese kwatinoenda. Mudzimba dzedu, mumakereke, kubasa, kufamba nemotokari dzedu, kufamba-famba…TINONWA, UYE TINONWA, UYE TINONWA.

O nyika, huya unwe kubva muTsime rakapiwa naMwari. Ndiyo IMWE nzvimbo yausingafaniri kunetseka uye woti, “Ndinonamata kuti Mweya Mutsvene undidzivirire kuti ndisanwe chero chinhu chandisingafanire.” NDIRO SHOKO ROSE RAKACHENA RAKASIMBISWA RIRIKUYERERA KUBVA KUZVITUBU ZVEKUDENGA.

Hapana imwe nzvimbo yekuti Mwenga wake anwe!

Huyai Munwe nesu paTsime redu reArtesian Svondo rino na12:00 P.M., nguva yeJeffersonville, sezvatinonzwa: Zvirongo Zvkaputsika 64-0726E.

Bro. Joseph Branham

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Mapisarema 36:9
Jeremia 2:12-13
Johane 3:16
Zvakazarurwa, Chitsauko 13