26-0329 Merkisedheki Uyu Ndiani?

Mharidzo: 65-0221E Merkisedheki Uyu Ndiani?

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga, Hupenyu Husingaperi
 
Ndiani Inzwi riya riri kutaura nesu pamatepi?
Tinogona chete kuziva mhinduro kumubvunzo iwoyo neChizaruro chinobva kuna Mwari. Mwenga wake akafanotemerwa ndiye chete achava neChizaruro ichocho. Nokudaro, tinofanira kunzvera Shoko rake kuti tinzwisise kuti Iye akati aiva ani: Mududziri woga weShoko rake. Ndiani aizomedura nekuzarura Zvisimbiso Zvinomwe? Ndiani aizozarura zvakavanzika zvose zveBhaibheri? Ndiani achadana nokutungamirira Mwenga wake? Ndiani achava neInzwi risingakundiki?
 
Maringe neShoko, haasi mumwe kunze kwaMerikizedeki, paChake. Murume asina baba kana amai, Akange asina mavambo kana magumo emazuva. Mwari, akava nyama, akadya nyama nechingwa chezviyo, akanwa mukaka wakakora, akataura naAbhurahama. Aive Munhu aive nehunhu, airarama munyama yemunhu.
 
Shoko rimwe chete iroro rakati Merikisedheki, Munhu iyeye, hunhu ihwohwo, aizorarama nokuZvizarura zvakare munyama yemunhu sezvaAkaita kuna Abrahama, uye zvakare muna Jesu Kristu; asi nhasi, mumutumwa waKe wechinomwe waZvakazarurwa 10:7.
 
Mweya wake waizozadza tabhenakeri yepanyika kuti Ataure nokuzviratidza kuMwenga Wake. Mwari pachavo vachirarama nekutaura vari munyama yemunhu. Mbeu yavo yokutanga yakadzoreredzwa zvizere yakanga yaibva zvizere. Hurongwa hwaMwari hwakazarahwakange hwasvika; Mwari nemunhu vakange vaveMumwe. Mwari vaitaura muromo kunzeve kuMwenga wavo sezvaVakaita kuna Abrahama.

Vakapinda vakagara imomo, muMunhu waMerikizedeki, zvino kubva ipapo hatina kuzonzwa zvakare nezvaMerikizedeki, nokuti Akazova Jesu Kristu, Merikisedheki aive Muprista asi Akazova Jesu Kristu, zvino, iwe wakanyenyeredza izvozvo, nokuti muchimiro ichocho Aiziva zvinhu zvose, asi iwe hausati wavekukwanisa kuziva izvozvo.

ASI…!! Zvino isu ndisu vanaani?

Meso edu, chimiro chedu, chero zvataive, takange tiri mukufunga kwake pakutanga. Kusati kwave neNgirozi, nyeredzi, Kerubhi, kana chimwe chinhu. Akazvifunga, Akazvitaura, hezvo tiri pano.

Izvozvo hazvina mugumo. Hatikwanise kuzvinzwisisa mupfungwa dzedu, asi ndizvo zviri Mwari. Mwari, haana magumo!

Nokuti taive maAri pakutanga, chii chichaitika kwatiri mushure mekunge hupenyu hunofa pano panyika hwapera?

Kana nguwo iyi yenyama yabviswa, pane mutumbiwenyama, mutumbi weShoko, mutumbi usina kugadzirwa nemaoko, usina kuberekwa nemukadzi, watinoenda kwauri. Zvino mutumbi iwoyo unodzoka wotora mutumbi wakabwinyiswa.

Zvinhu zvinoshamisa sei zvakachengeterwa Mwenga wake. Tarirai zviri kuitika iye zvino paari kuzarura Shoko rake kwatiri zvisina kumboitika kare. Taura nezvetsamba yerudo kuMwenga wake! Izuva rakadii ratiri kurarama mariri.
 
Tave nechiChizaruro uye tave kuziva kuti ndiMerikizedeki, Inzwi raMwari, rinotaura kwatiri pama Tepi. Tine Chizaruro chekuti ndiyo nzira yakapihwa uye yakakwana yaMwari kuzuva ranhasi. Nokudaro, tinoZIVA KUTI IYE NDIANI UYE KUTI TIRI MWENGA WAKE.
 
Chizaruro ichocho chiri kuwedzera kukura zuva nezuva. Zuva rimwe nerimwe rinopfuura rinotiunzira mufaro wakawedzerwa, Chizaruro chakawedzerwa. Mwenga arikuzvigadzirira nekugara muhuvepo hweInzwi Rake, paanotiudza kuti Tiri Vanaani, uye kuti AnoTida sei, uye kuti zvave kuMunonokera kuti Ave Nesu!!!
 
Huya, uzvigadzirire na 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, pane zvave kuda kuitika, paticha teerera kuInzwi raMerikizedeki.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-0221E “Merikizedheki Uyu Ndiani?”
 
Magwaro ekuverenga:
Genesisi Chitsauko 18
Eksodho 33:12-23
Johane 1:1
VaRoma 8:1
2 VaKorinte 5:1
1 VaTesaronika 4:13-18
Timotio Wokutanga 3:16; 6:15
VaHebheru 7:1-3/13:8
Zvakazarurwa 10:1-7 / 21:16