Mharidzo: 64-0830E Mibvunzo neMhinduro #4
- 26-0215 Mibvunzo neMhinduro #4
- 24-0519 Mibvunzo ne Mhinduro #4
- 22-1023 Mibvunzo ne Mhinduro #4
- 18-0225 Mibvunzo ne Mhinduro #4
Vadiwa Mhuri yeHumambo,
Pane nzvimbo IMWE chete yakasimbiswa yaungaenda kunonzwa Ishe vachitaura nemutumwa Wake uye achikuudza kuti, “Rangarirai nguva dzose, kuti muri vana vaMwari, Mhuri yeHumambo ine Ropa reHumambo. Hapana Ropa riri nani munyika kupfuura renyu. Muri vana vangu, vakapararira pasi rose, vandakabereka kuna Kristu”
Tiri Mhuri yeHumambo yaMwari ine Ropa rehumambo rinoyerera mutsinga dzedu. Vana vakazvarwa kuna Kristu neInzwi raMwari richitaura nemuprofita wake mukuru. Hazvinganaki kupfuura ipapo shamwari dzangu.
Hama Branham, Mwenga unofanira kuendakuJeffersonville kana kuArizona here kuti apindemukubvutwa?
“Vaviri vachava panhovo imwe; ndichatora mumwe ndichisiya mumwe; uye vaviri mumunda, uye ndichatora mumwe ndichisiya mumwe.” Maona? Saka pamwe…Pasi pose, havazoungana panzvimbo imwe chete kuti vagoverane zvose. Asi mapoka maduku avo achange akapararira pasi rose.
Saka panyama, tichange tisiri panzvimbo imwe chete panguva imwe. Asi Mwari ngavakudze, Akange ane zano rakatokura rekuunza Mwenga wake pamwechete.
Tinonamatira machechi ose neungano dzakaungana dzakatenderedza ma—ma—mamaikorofoni maduku kunze uko, kubva kunyika, kusvika kuWest Coast, kumusoro kumakomo eArizona, zasi mumapani eTexas, kuEast Coast, munyika yose, Ishe, uko kwavakaungana.Takaparadzana ne mamaawa mazhinji, asi tiri munguva, Ishe, tiri pamwe chete manheru ano sechinhu chimwe,vatendi, takamirira Kuuya kwaMesia.
Nhasi, haasi kungounganidza Mwenga wake kubva munyika ino chete, asi ari kutiunganidza kubva kunyika huru nomwe dzepasi rose. Kubva kuAfrica kusvikakuAntarctica. North America neSouth America, Asia, Australia neEurope. Ari kuunganidza nekubatanidza Mwenga wake seCHINHU CHIMWE kuti anzwe Inzwi raMwari.
Akatiudza kuti tiende kuchechi; kunyangwe kwavanodzidzisa hafu yeShoko, KUSVIKIRA tawana kereke yavanodzidzisa SHOKO RAKAZARA. Mwari ngavarumbidzwe Mwenga wakawana nzvimbo iyoyo, Inzwi raMwari pamaTepi ndiro SHOKO RAKAZARA.
Kunyange uri mukereke yako yemaTepi Pamba, muchechi mako makaungana mhuri zhinji, kana muchitumba mumasango eAmazon kana kuAfrica, pose paunogona KUDZWANYA NOKURIDZA kuti unzwe Inzwi raMwari richitaura muromo kunzeve kwauri, unenge uri muKEREKE YESHOKO RAKAZARA.
Takawana kereke yeShoko rakazara uye tinokukokai kuti mubatane nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa: Mibvunzo Nemhinduro #4 64-0830E.
Hama Joseph Branham