25-0831 Unochemei? Taura!

Mharidzo: 63-0714M Unochemei? Taura!

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Kereke yaMwari,
 
Mwari akataura akati, “Handishandi panyika, kuburikidza nomunhu chete. Ini—ini—Ndini Muzambiringa; imi muri matavi. Uye NdichaZvizivisa Pachangu pandichawana munhu MUMWE chete. Uye ndakamusarudza, William Marrion Branham. Ndakamutuma kunodanaMwenga Wangu. Ndichaisa Shoko Rangumumuromo make. Shoko Rangu richaveShoko rake. Achataura Mashoko Angu nekutaura chete zvandinotaura.”
 
Inzwi reMagwaro rakataura kubudikidza neShongwe yeGore reMoto rikamuudza kuti, “Ndakakusarudza, William Branham. Ndiwe munhu wacho. Ndakakumutsira chinangwa ichochi. Ndichakuidzanezviratidzo nezvishamiso. Uchaenda kuzozarura Shoko Rangu nokutungamirira Mwenga Wangu. Shoko Rangu rinofanira kuzadzikiswa Newe.”
 
Muporofita wedu aiziva kuti akatumwa nechinangwa ichochi kuzarurazvakavanzika zvese zveBhaibheri uye nekutungamirira Mwenga waMwari kuNyika Yechipikirwa. Aiziva kuti zvaanotaura, Mwari aizviremekedza nokuita kuti zviitike. Ndinoda kuti musafa makakanganwa Shoko iroro. Zvakataurwa nemuporofita wedu, Mwari anozviremekedza, nokuti Shoko raMwari rakanga riri muna William Marrion Branham. Ndiye Inzwi raMwari kupasi rose.
 
Aiziva kuti akange ari mutumwa wechinomwe waMwari akazodzwa. Aiziva mumwoyo make zvinhu zvose zvakanga zvataurwa naMwari pamusoro pake muShoko rake. Zvaipisa mumoyo make zvave kuratidzwa. Akange akazodzwa uye aiziva kuti akange ane ZVANZI NAJEHOVHA. Hapana chaizomumisakuenda mberi kunotaura Shoko raMwari.
 
Mwari vakamuudza kuti, “Shoko Rangu, newe, mutumwa Wangu, chinhu chimwe chete.” Aiziva kuti ndiye akasarudzwa kutaura Shoko risingakundike. Ndizvo zvose zvaaida. AIZOTAURA, MWARI WOITA KUTI ZVIITIKE.
 
Chizaruro cheShoko reNguva irori UYE nemutumwa waMwari zvakazodza kutenda kwedu zvisina kumboitika kare. Zvatiendesa muzviyero zvemadenderedzwa makuru. Zvakatiparadzanisa nezvimwe zvose kunze kweMharidzo Yake, Shoko Rake, Inzwi Rake, Matepi Ake.
 
Hazvina mhosva kuti tiri vashoma zvakadii, tinosekwa zvakadii, tinoitwa dambe zvakadii, hazvina kana mutsauko wazvinoita. TINOZVIONA. TINOZVITENDA. Pane chimwe chiri matiri. Isu takafanotemerwa kuti tiZvione uye hapana chichatitadzisa kuZvitenda.
 
Tinorangarira zvakataurwa nechiratidzo chiya, “dzokera undochengeta Zvokudya”. Dura iroro raiva kupi? Ku Branham Tabernacle. Ndokupi kune chimwe chinhu munyika, kana pasi rose, chingaenzaniswa neShoko ratinaro? Ndiro Inzwi roga rakasimbiswa naMwari pachaKe kuti iZvanzi naJehovah. IRORO IZWI CHETE!
 
Ndokupi kumwe kwataigona, kana kwatingade kuenda, iye paakati;  

Apa ndipo pakachengetwa Chikafu…
 
Chakachengetwa pano. Chiri pamatepi. Zvichaenda pasi rose pamatepi, mune vanhu mudzimba dzavo. Iwo matepi achawira mumaoko evakatemerwa vaMwari. Anokwanisa kutungamirira Shoko, Anotungamira zvinhu zvose nenzira kwayo. Ndicho chikonzero Akandidzosera kuzoita izvi: “Chengeta Chikafu pano”.

Tisu Mwenga Wake weShoko Rakakwana avo vakagara neChikafu Chake Chakachengetedzwa. Hapasisina chikonzero chekuchema, tinongotaura Shoko toenda mberi, nokuti TIRI Shoko.
 
Hapana chekunetsekana nacho. Hapasisina chikonzero cheminamato yehusiku hwese yekuratidza kuti tiri vanaani, Shoko rakazarurwa kwatiri. Tinoziva zvatiri, kufanana nemuprofita waMwari, uye akatotiudza kuti ndiani airikuenda.
 
Mumwe nomumwe wedu! Ungave uri mudzimai wepamba, kana kuti uri—musikana webasa, kana kuti uri muchembere, kana murume wechidiki, kana harahwa, kana chipi zvacho chauri, tiri kuenda, zvakadaro. Hapana mumwe wedu achasara.” Ameni, “Mumwe nomumwe wedu ari kuenda, uye hapana chimwe chichatimisa.”
 
Taura pamusoro pezvichatipa KUTENDA kweKubvutwa!!!

Huya ubatane nechikamu cheMwenga waMwari apo patichaunganira Inzwi raMwari rakasimbiswa, Achitaura achiti kwatiri: Mudikani Wangu, MusanangurwaWangu, Mwenga Wangu, Unochemei, Taura, enda mberi.

Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 63-0714M Unochemei? Taura!
 
Nguva: 12:00 masikati, Nguva yeJeffersonville