Mharidzo: 65-0822E Sefa YeMunhu Anofunga
- 24-0915 Sefa YeMunhu Anofunga
- 23-0226 Sefa YeMunhu Anofunga
- 21-1031 Sefa YeMunhu Anofunga
- 21-0606 Sefa YeMunhu Anofunga
- 17-1119 Sefa YeMunhu Anofunga
Mudiwa Mudzimai waJesu Kristu,
Mweya wa Mwari mupenyu, femerai pamusoro pedu, Ngatitorei Sefa Yenyu uye tigare pasi Payo, Ishe.Femerai mhepo itsva ye Mweya Mutsvene muma papuedu uye mumunhu wedu wemukati zuva ne zuva. Tinogona chete kurarama ne Shoko Renyu, Shoko rose rinobuda kubva mumuromo Wenyu kuchizvarwa chino chatiri kurarama.
Takaravira zvinhu Zvenyu Zvekudenga uye tine Shoko Renyu mumoyo yedu.Takaona Shoko Renyurichiratidzwa pamberi pedu, uye munhu wedu wemukatiwaka putirwa mazviri. Nyika ino, uye nezvinhu zvosezve Nyika zvakafa kwatiri.
Tiri chizenga mbeu Shoko Renyu rakange riri mamurikubva pakutanga, timire pano, tichi kweva hupenyuHwenyu hwe mbeu. Mbeu Yenyu iri mukati meduNokufanoziva Kwenyu. Makatitemera kuti tisa kwevachimwe chinhu, asi chete Shoko Renyu, Inzwi Renyu, pama tepi.
Chizvarwa cheziso chasvika; hapana chimwe chasaraasi Kuuya Kwenyu ku Mwenga Wenyu. Sefa yedu iShoko Renyu, Maraki 4, Zvanzi Na Jehovah
Ngatidyarei Shoko Renyu mumoyo yedu, uye totsungakuti hatizi kuzo tendeukira kurudyi kana kuruboshwe, asikurarama zvakatendeka kwa Riri mazuva ose ehupenyuhwedu. Baba, burutsai patiri Mweya Mutsvene we Hupenyu, uye mumutsurudze Shoko Renyu kwatiri, kutitikuratidzei Imi.
Chishuvo chemoyo yedu kuva vanakomana ne vanasikana vechokwadi kwa Muri. Tigere muhupo hwe‘Nzwi Renyu, tichiibviswa, tichizvigadzirira maringeneMabiko edu eMuchato ave pedyo, pedyo.
Marudzi ave kupamuka. Pasi rose riri kupamuka. Kundengendeka kwenyika kuri kuzunguza California sezvo makatiudza kuti zvichaitika. Tinoziva nenguvapfupi chaizvo, chimedu chakareba mamaira mazanagumi nemashanu chazvo; chakapamhama mamairamazana matatu kana mana, chichanyura, dzimwe nguvatingati mamaira makumi mana kupinda mumutswemukurusa kunze uko. Masaisai achapfachuka kusvikakudunhu re Kentucky, uye kana zvaitika saizvozvo, zvichazungunusa pasi rose zvakaomarara kusvikirazvose zviri pamusoro penyika zvichazunzirwa pasi.
Yambiro yenyu yekupedzisira iri kuenda mberi. Pasirose riri munyonganyonga zvachose, asi panguva yoseiyi Mwenga Wenyu waka zorora ma Muri uye muShokoRenyu, ugere pamwe chete munzvimbo dzekudenga pa Munotaura nesu, uye nekutinyaradza munzira.
Tinotenda sei, Baba, kuti tinogona kungo ‘Dzwanya Ne Kuridza” uye nekunzwa Inzwi Renyu richitaura kwatiri, richitisimudzira uye nekutiudza:
Musatya Boka duku. Zvose zva Ndiri, nemivo muri vadyivenhakavo. Simba Rangu rose nderenyuvo. Husamasimba hwangu hwose ndehwenyu pandinengendakamira pakati penyu. Handina kuuya kuzounzakutya kana kukundika, asi rudo uye kushinga uyekukwanisa. Simba rose rakapihwa Kwandiri uyenderenyu kuti mushandise. Mukataura Shoko Ndinoriita.Ndiyo sungano Yangu uye haifi yakakundika.
Haiwa Baba, hatina CHINHU chekutya. Munotipa rudoRwenyu, kushinga uye kukwanisa. Shoko Renyu ririmatiri kuti tishandise patinorida. Tinoritaura, uye Imimunoriita. Isungano Yenyu, uye haifi YAKAKUNDIKA.
Manzwi emunhu anofa haagoni kuratidza manzwiro edu, Baba, asi tinoziva kuti munoona mukati memoyonemunhu wemukati medu; nokuti tiri chikamu Chenyu.
Tinotenda sei kuti Makapa nzira yekuti nyika inzwe InzwiRenyu munguva ino yekuguma. Vhiki roga roga, Munokoka nyika kuuya kuzobatana kunzwa ngirozimutumwa Wenyu pa Munotipa Chikafu chema Kwayiicho chakachengetwa kuti chitiraramise kusvikaMuchidzoka kuzotitora.
Tinokudai Baba
Hama Joseph Branham
Mharidzo: 65-0822E Sefa Yemunhu Anofunga
Nguva: 12:00 Masikati, Nguva ye Jeffersonville
Magwaro: Numeri 19:9 / Vaefeso 5:22-26