24-0707 Ko Mwari Vanomboshandura Pfungwa YaVo Here Pamusoro PeShoko RaVo?

Mharidzo: 65-0418E Ko Mwari Vanomboshandura Pfungwa YaVo Here Pamusoro PeShoko RaVo?

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Kuda KwaMwari Kwakakwana,

Zuva rave kunyura uye Kuuya kwaShe kwave pedyo. Suvo rave kuvharwa uye nguva yave kupera, pamwe yakatopera kare. Yaperesesa nguva kunge tichiri kudzungaira; kufanana nerutsanga runo pepereswa ne mhepo; kuva nenzeve dzino swinyira zwakawanda. Inguva yekuita sarudzo yakakwana. Ndoitei kuti ndiwe Mwenga wake?

Mwari anoshandura Pfungwa Yake here pamusoro pe Shoko Rake? HAZVIITE. Saka tinofanira kushingaira zuva nezuva, ne moyo yedu yose ne munhu wemukati wedu wose kunge tiri MUKUDA KWAKE KWAKAKWANA. Tinofanira kuzviisa pasi pekuda Kwake ne Shoko Rake.Tisingari bvunzurudze, asi kungoritenda nekuri gamuchira. Rega kutsvaga nzira yekurinyenyeredza. Ingo ritora sezvariri.

Muporofita anotiudza mu Mharidzo iyi kuti chinangwa chake chose ndeche kutiratidza kuti Mwari anofanira kuchengeta Shoko rake kuti arambe ari Mwari, asi vazhinji vanoda kuri nyenyeredza nekuwana imwe nzira. Kana vadaro, vanozviona vechifambira mberi, uye Mwari achivaropafadza, asi vari kushanda vari mukuda kwake kwekuregedzera, asi vasiri mukuda kwake kwakakwana, kuda kwaMwari.

Muporofita anotidzora kumashure kuShoko uye anotipa mifananidzo yekutarisa, nekunzwera, uye otiyeuchidza, Mwari haashandure pfungwa yake kana nzira Yake, Ndi Mwari uye Haashanduke.

Zvino, tinoona kuti vose vaviri ava vakange vari vanhu ve mweya, vose vakange vari va porofita, vose vakadanwa. Uye Moses, ari mugwara rebasa rake, ne Shongwe yeGore reMoto pamberi pake zuva nezuva, Mweya wa Mwari paari, mugwara rebasa. Hezvo pauya mumwe muranda wa Mwari, wakadanwa naMwari, wakagadzwa na Mwari, muporofita uyo kunouya Shoko raMwari. Heuno mutsara wenjodzi. Hakuna waigona kupikisa kuti munhu uyu ndewaMwari-waMwari, nokuti Baibheri rakati Mweya waMwari wakataura kwaari, uye wakange ari muporofita.

Ishe, zviri pedyo sei? Ndingaziva sei, ivo VAVIRI VOSE vari vaporofita? Vaviri vose varume vakazadzwa noMweya, vakadanwa naMwari, vakagadzwa naMwari; vaporofita vaMwari kuno uya Shoko raMwari. Vaviri vose vachiti Mweya M’tsvene uri kavatungamira.

Ngati verengei neku nzvera zvakanaka zvitaurwa zvishoma pamusoro pezvinotaurwa nengirozi yechinomwe mutumwa wa Mwari. Tinoda zvaanotaura; kwete zvinotaurwa ne kereke, zvinotaurwa na Doctor Jones, kana zvinotaurwa nemumwewo. Tinoda zvinotaurwa ne ZVANZI NA JEHOVAH kubudikidza nemuporofita wake.

Mosesi, ari muporofita wakagadzwa ne Shoko ra Jehovah, akasimbiswa kuti ndiye wakasarudzwa kuva mutungamiri wavo wenguva iyoyo, uye kuti Abrahama wakange avimbisa zvose izvi…..

Hakuna waigona kutora nzvimbo ya Mosesi. Zvisinei kuwanda kwavana Kora vaisimuka, uye kuwanda kwavana Datani; Moses ndiye, Mwari waakadana, zvakadaro.

Mosesi ndiye Mwari waakange adana kutungamira vanhu. Vamwe varume vakasimuka vachiti varume vakazodzwa neku zadwa no Mweya M’tsvene wo. Mwari akange avadanavo kutungamiravo. Asi Mosesi wakange ari mutungamiri we Kuda kwaMwari Kwakakwana kwepamavambo kuvatungamira.

Asi, uye kana vanhu vakasafamba mukuda kwake kwakakwana, Ane kuda kwekuregedzera kwaanokutendera kufamba makuri. Cherechedza, Ano zvitendera, ndizvoka, asi anoita kuti zvishande kubwinya kwake, mukuda kwake kwakakwana. Zvino kana uchida….

Hakuna anoda kunge ari mukuda kwake kwekuregedzera. Mwenga wechokwadi unoda kunge uri mukuda kwake kwakakwana, nguva dzose, zvisinei zvazvinotora.

Pane kusawirirana kuzhinji, pfungwa dzakawanda, nyonganyonga, nzira dzakasiyanasiyana, maringe nekukosha kwekuridza ma tepi.

Tose tinoziva kuti ndiyo nyaya chaiyo yaparadzanisa vatendi ve Shoko zuva ranhasi.Tinoziva kuti Mwenga UNOFANIRA, UYE UCHA, batanidzwa pamwe chete; iroro iShoko.

Kune varume vakazodzwa noMweya, vakadanwa naMwari muKereke nhasi. Vanhu vaMwari vakazodzwa, vaka danwa kuparidza Shoko iri. Asi hakuna mumwe wavo watinga bvumirana paari tose.  

Vangava ivo sei vachabatanidza Mwenga? Tinga batana pa shumiro yavo here? Ichokwadi vakadanwa kutungamira mapoka avo, asi kuva tungamira kudzoka pa HURONGWA HWAMWARI HWEPAMAVAMBO. MUTUNGAMIRI WAKE. MUPOROFITA WAKE. Kwete shumiro dzavo.

Kana vasikukudzidzisai kuti Inzwi riri pamatepi ndiro ramuno FANIRA kutevera, uye nokutenda kuti ndiro Inzwi rakakoshesesa ramunofanira kunzwa, vari mukuda kwake kwekuregedzera zvavo.

Kana vachikuudzai kuti ndiro Inzwi rakakoshesesa, uye vachinyatsotenda izvozvo, zvino vanorega sei kudzwanya nekuridza pose pamunenge muri pamwe chete?

Kana uchida kuva nechokwadi, NE CHOKWADI, kuti uri mukuda kwake kwakakwana, pane NZIRA YECHOKWADI imwe chete. Ndeye kunzwa Shoko ra Mwari rakasimbiswa pama tepi.

Chekutanga uno ziva, tepi ino pinda mumba mavo. Ipapo zvatoitika. Kana ari gwai, ano bva abatana nazvo. Kana ari mbudzi, anokavira tepi kunze.

Ndinofanira kuva NE CHOKWADI. Handigoni, uye handisi kuzo, tora mukana kunyange mudikisa pa musoro pe ramangwana rangu re Ziyenda na Kuenda. NDINOZIVA kuti Inzwi riri pama tepi Inzwi raMwari ku Mwenga. NDINOZIVA harikanganise. NDINOZIVA kuti raka simbiswa ne Shongwe ye Gore re Moto. NDINOZIVA kuti ndiro iro Mwari vaka sarudza kutungamirira Mwenga wake. NDINOZIVA Shoko iroro, ndiro Inzwi chete rinogona uye richa batanidza Mwenga. NDINOZIVA  richange riri iro Inzwi randichanzwa richiti “Tarirai, Gwaiyana ra Mwari.”

NDINOFANIRA KUDZWANYA NDORIDZA kuti ndinzwe Inzwi iroro. Munokokwa kuuya kuzobatana nesu musi we Svondo iwo uno nenguva dza 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa: 65-0418E Mwari Anoshandura Pfungwa Dzake Here Pamusoro Peshoko Rake?

Hama Joseph Branham

Tichatanga Mharidzo pa paragraph 61.

Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:

Eksodo 19 Chitsauko chose

Numeri 22:31

Mateu 28:19

Ruka 17:30

Zvakazarurwa 17 Chitsauko chose