24-1013 Chiratidzo ChepaPatimosi

Mharidzo: 60-1204E Chiratidzo ChepaPatimosi

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Shoko Rakakwana,
 
Chii chiri kuitika mu Mwenga pasi rose? Tiri kupindamuMweya, tichisimuka tichidanidzira, “Kubwinya! Hareruya! Mwari ngavakudzwe” Mwari varikutiendesa kune dzimwenzvimbo nekuzarura Shoko Rake kuMwenga Wake.
 
Zvinhu zvataka verenga nokunzwa muhupenyu hwedu hwosezvino zvave kuratidzwa. Kumutsurudzwa kukuru kwave kuitika. Tiri kuvhenekerwa ne Shoko zvisina kumboitika kare.
 
Tinozvinzwa pakadzika chaipo mumunhu wedu wemukati. Pane chakasiyana, pane chiri kuitika. Tinonzwa Mweya Mtsveneuchitizodza, uchizadza mwoyo ne pfungwa dzedu neShokoRake.
 
Tinogona kumunzwa Iye achitaura kwatiri: Ndinoziva muvengiari kukurwisa zvisina kumboitika kare, asi musatya imi vadiki, MURI VANGU. Ndinokupai rudo Rwangu, kushinganokukwanisa. Ingotaura Shoko, uye Ini ndichariita. Ndinewenguva dzose.
 
Muchidzidzo chedu chikuru pane Zvakazarurwa zva Jesu Kristu, tiri pasi pekutarisura kukuru vhiki nevhiki izvo zvaarikuzotizarurira zvakare. Shoko Rake ndihwo hutiziro hweduhwega, runyararo neku nyaradzwa. Tinonyatso teererazvakanyanya, uye zvakanyanya uye zvakanyanya. Paragraph yoga yoga yatinoverenga tinonzwa kushevedzera nokudanidziraapo Shoko rinobhedhenuka pamberi pemeso edu. KutendakwekuBvutwa kuri kuuya pamusoro peMwenga kuchizadzamunhu wedu wemukati.
 
Funga, hakuna imwe nzvimbo munyika kwaungaende, asi kutipazvigunwe zvako chaipo, kunzwa Inzwi raMwari richitaurakwauri nokuzarura Shoko Rake.
 
Kuti Mwari wakabvisa sei chidzitiro, akachidhonzerakumashure, akatendera Johane kuti atarise mukati nokuonazvaizoitwa nechizvarwa choga choga chekereke, akazvinyoramuBuku akazvitumira kwatiri. Zvino, kuzara kwenguva kwakatikwasvika, Mwari wakatumira mutumwa wake unesimbakuzvitaura, nekuzarura zvazvaireva.
 
Johane akanyora zvaakaona, asi asingazivi zvazvaireva. Jesuakange asingazvizivevo paakange ari panyika. Hapanamumazera ose aiziva, kusvikira zuva ranhasi, nguva ino, vanhuava, ISU, Mwenga Wake.
 
Kuti akazarura sei kwatiri marambi manomwe achikwevahupenyu nechiedza kubva mune zvakange zviri mumudziyomukuru. Akatiudza kuti mishinda yemarambi aya yakangeyakanyudzwa sei mumudziyo umu. Mutumwa wekereke wegawega akange achibvira nomoto we  Mweya Mtsvene mushindawake wakanyudzwa muna Kristu, achikweva hupenyu chaihwoHwa Kristu achipa chiedza ichocho kukereke. Uye zvino, mutumwa wedu wezuva rekuguma, mukuru pavatumwa vose, wakange aine hupenyu humwe chete uye chiedza chimwe chetechichi ratidzwa nehupenyu hwaka vigwa naKristu muna Mwari.
 
Zvino mutumwa wedu anesimba anotiudzavo kuti haazimutumwa wega wega anoratidzwa ipapo chete, asi MUMWE NEMUNWE WEDU TINORATIDZWAVO IPAPO, vatendivechokwadi vaMwari. Mumwe nemumwe wedutakamiririrwavo mumufananidzo ipapo. Mumwe nemumwewedu tiri kukweva kubva panzvimbo imwe chete se vatumwa. Isu tose takanyudzwa mumudziyo mumwe chete. Takafa kunezvatakange tiri uye hupenyu HWEDU hwakavigwa na, uyemuna, Kristu Jesu Ishe wedu.

Anotikurudzira sei nokutaura kuti hakuna munhu anogonakutibvisa Muruoko rwaMwari. Hupenyu hwedu haugonikutambwa nahwo. Hupenyu hwedu hunooneka huri kubviranokupenya, huchipa chiedza noku ratidzwa kwe MweyaMtsvene. Hupenyu hwedu hwemukati husingaonekwi hwakavigwa muna Mwari huchi pihwa chikafu neShoko raShe. Hondo dzacho dzino tyisa. Muvengi arikupenga sezvisina kumboitikakare, achiedza zvikuru kuti wodza mwoyo, kuti rovera pasi, asihaagoni kuzviita. Mwari amene anotaura kwatiri nemiromoyemunhu achitiudza, TIRI MWENGA WAKE, WAAKA SARUDZA, uye zvinokunda dhiabhorosi NGUVA DZOSE. Ishevedu vakakwana, vachitaura Shoko Ravo Rakakwana, richitipaRugare Rwakakwana, kuMwenga Wake Wakakwana.
 
Senguvava dzose, tinokoka pasi rose kuuya kuzonyudzamishinda yavo MUMUDZIYO MUKURU, Shoko iri, rakachengetwa noku chengetedzerwa Mwenga. Tichangetichishevedzera noku danidzira na 12:00 ,masikati, nguva ye Jeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwari richitaura nokuzarurazvakaitika pa: Chiratidzo Chepa Patmos 60-1204E.
 
Hama Joseph Branham