24-0616 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

Mharidzo: 65-0220 Nzvimbo Yakasarudzwa NaMwari Yokunamatira

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mudzimai wa Jesu Kristu,

Kudai taibvunza mubvunzo pane chinhu chipi zvacho chemuhupenyu hwedu pano fanira kuwanika mhinduro yechokwadi. Panogona kuwanika chinhu chiripedyo, asi panofanira kunge paine mhinduro yechokwadi, yakananga kumubvunzo wega wega. Naizvozvo mubvumzo wega wega unouya muhupenyu hwedu, panofanira kuwanika mhinduro chaiyo, yechokwadi.

Kana tiine mubvunzo we Bhaibheri, pano fanira kuwanika mhinduro ye Bhaibheri. Hatidi kuti ibve pa boka revanhu, kana kuvungano ipi zvayo, kana kubva kune mumwewo mudzidzisi, kana kubva kusangano.Tinoda kuti ibve zvachose muma Gwaro. Tinofanira kuziva: ndeipi nzvimbo chaiyo yechokwadi yekuMushumira?

Mwari wakasarudza kusangana ne munhu; kwete muchechi, kwete musangano, kwete muchitendwa, asi muna Kristu. Ndiyo nzvimbo yoga iyo Mwari achasangana ne munhu, uye anogona kushumira Mwari, iri muna Kristu. Ndiyo nzvimbo yoga. Zvisinei uri mu Methodist, mu Baptist, mu Katorike, mu Protastant, zvisinei zvauri, pane nzvimbo imwe chete yaunogona kushumira Mwari zvakanaka, ndimo muna Kristu.

Nzvimbo chete ya Mwari chaiyo, uye yakasarudzwa yekumushumira iri muna Jesu Kristo, ndiyo Nzira Yake yoga yaakapa.

Bhaibheri rakativimbisa chapungu kuna Maraki 4; Shongwe ye Chiedza chatinofanira kutevera. Acharatidza kereke iri kukanganisa kuti iye ndi vaHeberu 13 :8, Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi, nekusingaperi. Takavimbiswawo zvakare kuna Ruka 17:30 kuti Mwanakomana wo Munhu (Chapungu) achange achizvizarura kuMwenga wake.

Kuna Zvakazarurwa 4:7, inotiudza kuti kwaive ne zvisikwa zvina, naicho chekutanga chiri shumba, chisikwa chaitevera chaive nzombe, zvino chaizoteverazve kuuya chaive munhu, munhu uyu ndivo vavandutsi, fundo yemunhu, fundo ye Bhaibheri, nezvakadaro.

Asi Bhaibheri rakati nenguva yemadekwana, chisikwa chekupedzisira chaizouya, chaive chapungu chinobhururuka. Mwari aizopa Mwenga wake we nguva yekupedzisira chapungu; mwanakomana we munhu Amene achizvizarura munyama kutungamirira Mwenga wake. Bhaibheri rinotiwo zvakare zvose, muTestamente yakare, zvaive mimvuri ye zvichauya. Mumvuri uyu pauno swedera pedyo, mumvuri uno medzwa nechirikonzera mumvuri. Zvakaitika kare ndiwo mumvuri we zvichaitika nhasi.

Kuna I Samueri 8, Testamente yakare inotiudza kuti Mwari vakange vapa muporofita Samueri kuti atungamirire vanhu. Vanhu vakauya kwaari wakamuudza kuti vanoda mambo. Samueri akashungurudzika zvikuru, zvekutoda kutadza kufema.

Mwari vakange vari kutungamirira vanhu vake kubudikidza nemu porofita uyu wakange akazvipira, akasimbiswa nema Gwaro, saka akanzwa kuti arambwa. Akavunganidza vanhu akavagombedzera kuti varege kubva pana Mwari akange avatakura sevana, akaita kuti vabudirire uye akavaropafadza.

Asi vakarambira nenyaya yavo.

Vakati kuna Samueri, “Hauna kana kumbokanganisa mukutungamirira kwako. Hauna kumboshaya kutendeka munyaya dzako dze zvemari. Wakaita nepawaigonesesa kuti chengeta tiri mumutsetse ne Shoko ra Jehova. Tino yemura zvishamiso, huchenjeri, kupa nekuchengetedza kwa Mwari.Tinozvitenda. Tinozvida. Uye zvakare hatidi kunge tisina zvinhu izvi. Nyaya ndeye kuti tinongoda mambo kuti atitungamire muhondo.

Zvino zvakadaro, kana toenda kuhondo chido chedu ndichocho, chekuti vapirisita vedu  vaende mberi, Juda achitevera, isu toridza hwamanda tichidanidzira nekuimba. Hatidi kurega kuita izvozvo. ASI TINODA MAMBO MUMWE WEDU KUTI ATITUNGAMIRE.” 

Ava vakange vasiri vanhu vemasangano ve zuva iroro. Ava vakange vatori vanhu vaitenda nekutaura kuti Samueri zvirokwazvo wakange ari muporofita wa Mwari akasarudzwa na Mwari kuvatungamira.

“Hongu uri muporofita. Tino tenda Shoko. Mwari anozarura Shoko rake kwauri, uye tinorida, hatidi kunge tisina Shoko irero, asi tinoda mumwe asiri Iwe kutitungamira; mumwe pakati pedu. Tinoda kuramba tichiti tinotenda Shoko rawakatiunzira. Ishoko. Iwe ndiwe muporofita, asi hausi iwe woga kana Inzwi rakakoshesesa.”

Kune vanhu vakaisvonaka munyika nhasi, machechi akaisvonaka. Asi kune mumwe chete Mudzimai wa Jesu Kristo, uye isu tisu Iye, uyo waari kuuya kwaari. Shoko Mwenga mhandara yakachena inogara ne Shoko ra Mwari, ROGA RAKASIMBISWA UYE RAKARATIDZWA KUTI NDIRO ZVANZI NA JEHOVAH.

Kana uchida hako kubatana nesu iwo musi uno we Svondo na 12:00 MASIKATI nguva ye Jeffersonville, tinonga takabatana parunhare pasi rose tichiteerera. Izvi ndizvo zvichaitika.

Fambai pahama dzangu, hanzvadzi, shamwari dzangu, pano munzvimbo ino manheru ano, uye nekwose kunze uko nenzira yerunhare. Madunhu akawanda akasiyanasiyana arikuteerera, nzira yose kubva ku Mabvazuva kusvikira kuma Dokero. Ndinonamata, Mwari wepaMoyo, nzira yose kupfuura marenje uko kuTucson, nzira yose kusvika ku California, kumusoro ku Nevada neku Idaho, nzira yose kuMabvazuva nekwakapoteredza, zasi kuTexas; apo kokero iyi ichipiwa, vanhu vachipinda mudzichechi diki, pama filling stations, mudzimba, vachiteerera. Haiwa Mwari, dai murume uyu, kana mukadzi wakarasika, mukomana kana musikana, panguva ino, auya kwaMuri. Gamuchidzai iko zvino. Tinozvikumbira ne Zita ra Jesu, kuti vaone iyi nzvimbo yakachengeteka pachine nguva.

Zvino, Ishe, mangange aya tatarisana navo, kuti Satan, munyengeri mukuru, haana kodzero yekusunga mwana wa Mwari. Satan chisikwa chakakundwa. Jesu Kristo, nzvimbo yoga yeku shumira, zita roga rechokwadi, wakamukunda pa Calvari. Uye tino suma Ropa Rake iko zvino, kuti wakakunda zvirwere zvose, matenda ose.

Uye ndinodana kuti Satan abve pavungano ino. Mu Zita ra Jesu Kristu, buda muvanhu ava, uye kuti vasunungurwe.

Aninani anogamuchira kupodzwa kwake maringe nezvakanyorwa mushoko, gadzira chapupu chako nekusimuka netsoka dzako woti “Ndinogamuchira kupodzwa kwangu ne muZita ra Jesu Kristu.” Simuka ne tsoka dzako.

Rumbidzo kuna Mwari! Hezvoka. Tarisa uko, zvirema nezvakadaro zvichisimuka. Rumbidzo kuna Mwari! Ndizvozvo. Tenda chete. Ari pano.

Hama Joseph Branham

Nzvimbo Yakasarudzwa Ya Mwari Ye Kushumira 65-0220

Magwaro ekuverenga usati wateerera Mharidzo:

Dhuteronomi 16:1-3

Ekisodasi 12:3-6

Maraki 3 & 4

Ruka 17:30

Varoma 8:1

Zvakazarurwa 4:7