Vadiwa Mwenga,
Ishe vakazviisa pamwoyo wangu kuti tive neShokorakakosha neShumiro ye Chirairo husiku hweGore Idzvazvakare gore rino. Ndechipi chinhu chikuru chatingaite, shamwari, chinopfuura kunzwa Inzwi raMwari richitaurakwatiri, kutora Chirairo chaShe, uye kutsaurirazvehupenyu hwedu kubasa Rake pakutanga kweGoreIdzva.
Ichava nguva inoera sei yekupfigira nyika kunze, tobatana neMwenga pakuungana KwakakoshamuShoko, patinoti kubva mumwoyo yedu, “Ishe, tiregererei pakukanganisa kwedu kwose kwatakaitagore rose; zvino tave kuuya kwaMuri, tichikumbira kutidai Matora ruoko rwedu nekutitungamirira mugore rinoriri kuuya. Dai taKushumirai zvakanyanya kudarikazvatakamboita, uye kana zviri muKuda Kwenyu, dairikava gore reKubvutwa kukuru kuchaitika. Ishe, tinongoda kuenda kuMusha kuti tinogara neMinekusingaperi.” Nguva yandinonokera kuti tiunganepaChigaro Chake Chehushe kuitira shumiro iyiyakakosha ye kuzvikukumidza zvakare kuna She, Mwaringavarumbidzwe.
Kuvatendi vari munharaunda yeJeffersonville, ndinodakutanga tepi na7:00 pm nguva yenzvimbo yedu kuno. Mharidzo yakazara neShumiro yeChirairo zvichangezviri paVoice Radio panguva iyoyo, sezvatakaitakumashure. Tichava nemapacks ewaini yeChirairoachiwanikwa neChitatu, Zvita 18, kubva 1:00 – 5:00 pm, kuti mutore kubva ku imba ye YFYC.
Kune avo vanogara kunze kwenzvimbo yeJeffersonville, ndapota ivai nesevhisi iyi panguva yakakunakirai. Tichange tine link yamunogona ku downloader Mharidzouye nesevhisi yeChirairo munguva pfupi iri kutevera.
Patave kuswedera paZororo reKirisimasi, ndinodakukushuvira imi nemhuri dzenyu Mwaka weZororoWAKANAKISISA UYE WAKACHENGETEKA, uyeneKirisimasi inofadza, izere nerufaro rwaIshe Jesu akamuka kuvakafa…SHOKO.
Mwari vakuropafadzei,
Hama Joseph