Mharidzo: 65-0217 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe
- 26-0222 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe
- 24-0526 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe
- 22-1030 Munhu Ari Kutiza Kubva MuHupo HwaShe
Vadiwa Makwayana.
Rukudzo neropafadzo zvakadini kutaura kuti, “Tiri makwayana aMwari, vaAkatuma mutumwa Wake wechinomwe kuzodana uye nekudyisa Mana Yake yakachengetwa yakavanzwa.”
Tinogutsikana uye tinotenda kuti Shoko reNguva iriInzwi raMwari rakatumwa kuzokwanisa Mwenga Wake. Tinotenda kuti makwande ave kubva pagorosi, uye zvino Mwenga Wake urikuzviyanika muHupo hweMwanakomana, ACHIDZWANYA NOKURIDZA kuti aibve.
Uye ndizvo zvatavinga pano, shamwari, kugara muHupo hweMwanakomana kusvikira kaboka kedu kaduku kevanhu pano, kusvikira kaibva kuna Kristu, kavechingwa patafura Yake. Ndizvo zvandinoda kuti kaite.
Ani nani asingatendi kuti KUDZWANYA NOKURIDZAuye kunzwa Inzwi raMwari rakasimbiswa richitaura ndiro Inzwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa, munhu ari kutiza kubva pamberi paJehovah.
Unofanira kutarisana nazvo, kana kuita chimwe chinhu pamusoro pazvo. Une basa rekuita, munhu wese anaro, uye unofanira kutarisana nezvinhu izvi.
Chitaurwa ichi ndechechokwadi uye chinokosha sei muzuva ranhasi. Pane kupesana kukuru chaizvo pakati peavo vakadanwa kubva kuna Mwari. Zvinonyanya kukosha here kuridza matepi muchechi kuti munzwe Inzwi raMwari, kana kuti zvakanyanya kukosha kunzwa vashumiri vachiparidza Shoko?
Mwari vakadana vakaisa vashumiri pano kuti vachengetedze Shoko pamberi pevanhu. Vafudzi. Shoko rinodzidzisa izvozvo. Vanofanira kuremekedzwa nokukudzwa savanhu vakadanwa uye vakagadzwanaMwari.
Hatigoni, uye hatifanire, kumbotaura kuti havasi Mwenga. Izvozvo SANDIZVO uye hazvienderani nezvatakadzidziswa nemuporofita. Ndakanzwa vanhu vachiti: “Kana vasiri kuridza matepi mumachechi avo, vanopesana neShoko.” Haufanire kutaura chinhu chakadaro. Zvinondiratidza kuti une mweya usinakunaka.
Ndakanzwa vamwe vachiti, “Vose vanofanira kustreama pamwe chete neBT, kana vakasadaro vari kunze kwekuda kwaMwari”. Haufanire kutaura chinhu chakadaro. Mwari chete ndiye anoziva kuti ndiani ari uye ndiani asiri Mwenga. Iwoyo hausi mweya weMwenga kutaura chinhu chakadaro.
Kunyangwe vamwe vevanhu vari kustreama neBT vari kuti, “kana ukaenda kuchechi kunonzwa matepi uye ukasa streama mumba mako wakarasika!” Izvozvo hazvina kururama hama nehanzvadzi. Kana uri kutaura izvozvo, REGEDZA KUDARO, urikukanganisa. Munhu wese anofanira kuita SEZVO ANONZWA KUTUNGAMIRIRWA NA JEHOVAH KUITA.
Vashumiri vazvinji vanonzwa kuti kuparidza ndiyo nzira yaMwari yaakapa nhasi. Apa tinongoona zvinhu zvakasiyana, ndizvozvo. Kangani hama Branham vachipa mufananidzo wakafanana? Takavanzwa pa Mibvunzo neMhinduro, apo vanhu vaitaura nezveHama Jackson kuti vanokanganisa, akavatsiura kuti vasataure chinhu chakaipa pamusoro pavo kana kereke yavo.
Ndiri kutoparidzawo kubudikidza netsamba iyi zvandinotenda kuti inzira yakapihwa naMwari kuBranham Tabhenakeri. Ihama nehanzvadzi dzedu. Vanoda Ishe neShoko reNguva iri. Ndiwo manzwiro avanoita kuti Ishe ari kuvatungamirira. Mwari ngavarumbidzwe.
Vanozviona neimwe nzira uye isu tinozviona neimwe, zvakanaka. Ini handigoni kuzviona nenzira yavo uye ivo havagoni kuzviona nenzira yangu. Kwandiri, kune nzira dzakawanda dzandakapihwa naMwari, asi kunongova neNZIRA IMWE CHETE YAKAKWANA, UYE KWANDIRI, KUDZWANYA NOKURIDZA.
Ndinonamata kuti murege kusandinzwisisa apa.Kuturika maoko uye kunamatira vanhu iShoko rakazara. Kuzodza nemafuta uye kunamatira vanorwara iShoko raMwari maringe neMagwaro. Hama Branham vakaparidza nekudzidzisa isu tose kuva Shoko. Asi ini ndinoda NZIRA YAMWARI YAKAKWANA YAAKAITA….CHINGOTENDA NOKUTI MWARI AKADARO. Ndizvo zvandiri kuvavarira kuita.
Asi zvino pakupodzwa, itsitsi dzaMwari kuti Iye, “Nemavanga Ake makaporeswa.” Zvino, chokutanga Shoko rinotaura kudaro, zvinofanira kukwana, asi kana usingazvitendi muShoko, zvino pane zvipo muChechi, zvakaita sevarume vakafemerwa kuziva madzidzisiro iwayo, vanojekesa kwauri, uye nekutenda kuti utende.
Ndinotenda hushumiri hwakapetwa kashanu. Ndinotenda muvarume vakadana naMwari kuti vaparidze nokudzidzisa Shoko. Asi, ndinotenda kuti kunzwa Inzwi raMwari pamatepi INZIRA yaMwari YAKAKWANA KWANDIRI.
Pakunzwa matepi, handitombofanire kunzwisisa, ASI KUNGOTENDA SHOKO ROSE RANDINONZWA. Hapana munhu, hapana mushumiri, hapana imwe nzvimbo yandinogona kuenda kwandinogona kutenda SHOKO ROSE nokuisa Ramangwana rangu rekusingaperi pazviri, asi bedzi pamatepi.
Kubva pakutanga kwenguva Mwari haana kumbopa vanhu Vake mukana uye nokukwanisa kwekuti vazvinzwire pachavo Inzwi Rake richitaura muromo kunzeve. Zvakavanzika zvose zvinozarurwa mumatepi. Mibvunzo yose inopindurwa pamatepi. Zvese zvinodiwaneMwenga kuti ukwane zviri pamatepi.
Shoko rose rakataurwa pamatepi iShoko raMwari. Ndinogona kusanzwisisa kana kusakwanisa kutsanangura zvese, uyewo handitofaniri kudaro.Anongoda kuti nditi AMEN KUSHOKO ROSE, uye PAMATEPI ndiyo NZVIMBO CHETE yandinogona kuita izvozvo.
Asi kana—kana uchifanira kuita chimwe chinhu chakasiyana, kana uchifanira kumira nezvaunotenda kuti iChokwadi, ndipo pakaoma, ndipo pane kukweshana, ipapo chaipo.
Ndinotenda nezvose zviri mandiri, tiri muKuda kwaMwari kwakakwana uye muchikepe chinoenda kuNinevhe. Ndingafara kuti nyika iuye tifambe tose nechikepe chedu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, apo tichanzwa Mwari achitaura kuMakwayana Ake.
Hama Joseph Branham
Mharidzo: 65-0217 “Munhu Arikutiza Kubva Pamberi PaJehovah”
Magwaro ekuverenga:
Jona 1:1-3
Maraki 4
Johane 14:12
Ruka 17:30