25-1207 Zvino Jesu Akauya Akadana

Mharidzo: 64-0213 Zvino Jesu Akauya Akadana

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Shoko,
 
Tiri kurarama munguva dzerima guru chaizvo, asiHATINA CHATINOTYA, Tenzi vauya. Vauya kuzozadzisaShoko ravo muzuva rokupedzisira. Zvavaiva ipapo, Ndizvo zvavari nhasi. Kuratidzwa Kwavo nekuziviswaKwavo ipapo, ndizvo zvazviri nhasi. Vachiri Shoko raMwari, vachiZviratidza munyama yemunhu mungiroziYavo yechinomwe ine simba uye vakazivisa kwatiri, kutitiri Mwenga Shoko Rake rinorarama.
 
Hatina nguva yekukakavadzana kana kunetsana; tapfuura zuva iroro; tiri kuenda mberi, tinofanira kusvikaikoko. Mweya Mutsvene wakauya pakati pedu. IsheJesu muchimiro cheMweya vakazvizivisa nekuzviratidzakubudikidza nemuprofita Wake kuti ndiye Inzwi raMwarikuMwenga wake.
 
Akati Achauya. Akati Achaita izvi. Akati Achasimukanemazuva okupedzisira oita zvinhu izvi sezvaAkaitapaAkauya munyama kekutanga, uye Heuno Ari kuzviita. Chii chauri kutya? HAPANA CHEKUTYA!!!
 
Tiri munzira yedu inoenda muKubwinya! Hapanachichatimisa. Mwari vachasimbisa Shoko ravo. Hazvineichichaitika. Yasvika nguva yekuita chimwe chinhu. Nguva yasvika yekutenda kana kusatenda. Mutsara uyawekuparadzanisa unouya kumunhu wese wasvika.
 
Wakabekerwa chinangwa. Chiedza pachakasvikakwauri, Chakabvisa rima rose kwauri. PawakanzwaInzwi Rake richitaura kwauri pamatepi, pane chinhuchakaitika. Rakataura kumunhu wako wemukati. Rikati, “Tenzi vauya vanokudana. Usaneta, usatya, ndinokudana. Uri Mwenga Wangu”.
 
O vanhu, ivai nechokwadi! Musatora mukana pazviri. Mwari ane hurongwa: Shoko rake Akariisa pamatepi. Tenzi auya uye anokudana. Huya nenzira yakapiwanaMwari.
 
Tenzi achabatanidza Mwenga wake zvakare pasi rose neInzwi Rake. Achatikurudzira, achatisimbisa, achatipodza, nekutiunza muHupo Hwake hune simbauye otiudza:

Tenzi vauya uye vanokudana. O, mutadzi, o iweunorwara, hauoni here Tenzi vachiratidzwa muvanhu, pakati pevatendi? Vauya kuzodaidza vana vakevanotenda kuhutano. Vauya kuzodana mutadzi kutiatendeuke. Iwe wakadzokera kumashure, iwe nhengoyechechi, Tenzi vauya uye vanokudana.

Kudururwa kwakadini kweMweya wake Mutsvenekuchange kuri muMwenga musi uno weSvondo apoMwari achaunganidza vana Vake pamwe chete zvakareuye achipinda mudzimba dzedu, makereke edu, unganodzedu, uye achidanidzira kwatiri achiti, “Tenzi vauya, vari kudana. Chose chaunoda, ndechako”
 
Mashoko iwayo ngaanyure mukati memoyo yenyu hamanehanzvadzi. CHESE CHAUNODA, TENZI VAUYA UYE VANOKUPA.

Baba veKudenga, O Ishe, ngazviitike zvakare. Zvinhuzvose izvi zvandakataura, “Jesu auya uye anokudana.” Chii chaAnoita kana Auya? Anodana. Uye ngazviitikezvakare, Ishe. Deno Mweya Wenyu Mutsvene wauyapakati pevanhu manheru ano, Ishe Jesu muchimiro che-cheMweya. Ngaauye manheru ano aZvizarure, uyeneku Zviratidza.

Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 64-0213 Ipapo Jesu Akauya Akadana
Nguva: 12:00 masikati, nguva ye Jeffersonville
Magwaro: Johane 11:18-28