25-1005 Chiratidzo

Mharidzo: 63-0901M Chiratidzo

PDF

BranhamTabernacle.org

Mudiwa Mwenga Chiratidzo,
 
Kana tauya pamwe chete, hatingotauri nezve Mharidzo, tinoungana kuzoisa Ropa, kuzoisa Chiratidzo; uye Chiratidzo iShoko reNguva! Ndiro Shoko rezuva rino! Ndiro Shoko renguva ino.
 
Takaisa Chiratidzo ichocho kwatiri, kudzimba dzedu, uye nekumhuri dzedu. Hatinyare. Hatina  hanya kutindiani anozviziva. Tinoda kuti munhu wese azvizive, nemupfuuriwese kuti azvione nekuziva: Tiri Vanhu vemaTepi. Tiridzimba dzemaTepi. Tiri Mwenga waMwari wemaTepi.

Mweya Mutsvene = Chiratidzo = Shoko reNguva. Zvosezvakafanana.
Haugoni kuzvipatsanisa. Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene = Ishe
Jesu Kristu. Haugoni kuzvipatsanisa. Shoko reNguva = Mutumwa. Hazvinei kuti vatsoropodzi vanoti kudii, MUPOROFITA AKATI, haukwanise kuzviparadzanisa.

Mwari ndiye mufaro wako. Mwari ndiye simba rako. Kuziva Shoko Iri, kuziva kuti ndicho Chokwadi choga, kuziva kuti Ndicho Chiratidzo, ndiko kukwaniswakwedu. Vamwe vangati, “Ini ndinozvitenda. NdinoZvitenda. Ndinotenda kuti iChokwadi. Ndinozvibvuma se Chokwadi.” Zvose zvakanaka, asi zvakadaro Zvinofanira kushandiswa.
 
Muporofita akati Mharidzo iyi ndicho Chiratidzo chanhasi.Mharidzo iyi ndiwoMweya Mutsvene. Kana une chizarurocheShoko reNguva unogona kuona zviripachena nguva yatiri kurarama mairi. Vazhinji vari kuti, “NdinoZvitenda. Mwari vakatuma muprofita, Ishoko renguva,” asi vanozvirumbidza vachiti havasi, uye havasikuzoridza iro Inzwi chairo reChiratidzo mumakereke avo.
 
Mwari havana kungotaura kubudikidza nengirozi yavo ine simba uye kungotaura chimwe chinhu kunze kwekunge chine zvachinoreva. Akatiudza iye kuti akatidzidzisa nemufananidzo nemimvuri. MuMharidzo iyi, Muprofita anotsanangura zvakadzama kuti atiudze izvo Rakabhinemhuri yake vakaita kuti VAPONSWE, kuti vaveMwenga. Akaisa pachena zvakataurwa nemudzimai uyu.
 
Vakomana vematepi pavakaridza “TEPI”…Mira zvishoma, mutumwa  chii chaakaita? Akaridza Tape. Zvino akaitei? Akaita imba take CHECHI YEMATAPI. Haana kunyara kutaura kuti, “Honai mucheka mutsvuku uyo, zvinoreva kuti ndiri CHECHI YEMATEPI”.

Unofunga dai akati, “Hongu, ndinotenda mutumwa neMharidzo, asi isu haticharidzi Matepi muchechi medu. Ndine mufundisi anoti KWETE, anongoparidza nokutora zvitaurwa zvemumatepi.” Unofunga angadai akaponeswa…???

Akaisa chiratidzo, imba yake ikaponeswa, pasina izvozvoangadai akaparara ikoko kwaakange ari.

Makanzwa vashumiri vazhinji vachipa zvikonzero
zvekusaridza matepi, asi vazhinji vacho vanoti: “Muporofita haana kumboti ridzai matepi muchechi.”

Muporofita akati Rahabhi akaita imba kereke, uye chechi yake yairidza Matepi. Uye nokuti iye airidza Matepi muchechi yake, iye, neChechi yake yeMatepi, vaiva pasi peChiratidzo vakaponeswa. Dzimwe chechi dzose dzakapara.

Hama nehanzvadzi, ndapota, handisi kuti mufundisihaakwanise kuparidza Mharidzo iyi, kana kuti zvakaipa kana akadaro. Nenzira yanguwo, ndiri kutoparidza zvino kubudikidza netsamba iyi, asi vhura mwoyo wako unzwe zviri kutaurwa nemuprofita achikuyambira nezvazvo.
 
Kana mufundisi wako asiri, kana kuti haasikuzo, ridza matepi muchechi yenyu nezvikonzero zvipi; chero zvingave zvipi, maringe neShoko, zvisinei kuti anotaura zvakawanda sei kuti Ndinotenda Shoko reNguva rino, maringe nezvandinotenda kuti Shoko rinotaura, Chiratidzo, Shoko reNguva harisi kuiswa pamoyo.
 
Musi Uno weShondo, ndinokukokai kuti muuye kuzoteerera pamwe ne Branham Tabernacle na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville,
kuMharidzo: Chiratidzo 63-0901M. Kana iwe usingakwanise kubatana nesu, ridza chero Mharidzo yeChiratidzo, woyiisa pamoyo.
 
Hama Joseph Branham
 
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
 
Genesisi 4:10
Eksodo chitsauko 12
Joshua chitsauko 12
Mabasa 16:31; 19:1-7
VaRoma 8:1
1 VaKorinte 12:13
VaEfeso 2:12 / 4:30
VaHebheru 6:4 / 9:11-14 / 10:26-29 / 11:37 / 12:24 / 13:8,
10-20
Johane 14:12