25-0706 Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndaona

PDF

BranhamTabernacle.org

Wadiwa Mwenga Ari paRunhare,
 
Nhasi, Mashoko aya akataurwa naMwari kubudikidza neMutumwa wake wechinomwe ari kuzadziswa nematiri, MWENGA WAJESU KRISTU.

Kana ndisingatendi mukuenda kuchechi, sei ndiine chechi? Takange tinavo munyika yose, takabatana parunhare husiku huya, mazana maviri emamaira emativi mana ega-ega ndaiva neimwe yechechi dzangu. 

Vakange vari mumachechi, mudzimba, muzvivakwazviduku, uye pama service station; vakapararira muUnited States yose, vachiteerera, vose panguva imwe cheteyo apo Shoko raiparidzwa. 
 
Uye nhasi, tichiri IMWE YEKEREKE DZAKE.  Iye ACHIRI MUFUNDISI WEDU. Shoko Rake HARIDI DUDZIRO, uye TICHIRI takaungana pasi rose, PARUNHARE, tichiteerera IZWI raMwari richikwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
Nhasi, Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei vakaita izvozvo kumashure uko? Sei vafundisi vakavhara makereke avo kuti vanzwe Mharidzo nguva iyoyo? Vangadai vakangomirira kuwana matepi, voparidza Mharidzo ivo pachavo kuvanhu vavo nguva yaitevera; uye ndine chokwadi kuti vazhinji vakange vasina Chizaruro vakaita izvozvo.
 
Kana kuti vamwe vakaudza vungano dzavo kuti, “Zvino teererai, tinotenda kuti Hama Branham muporofita waMwari, asi havana kutaura kuti tinofanira kuvateerera mumachechi edu. Ndini ndiri kuparidza musi uno weSvondo, uye musi weShondo wega: wanai matepi moteerera mudzimba dzenyu.
 
Mwenga nguva iyoyo, seMwenga zvino, waive neChizaruro, uye waida kuzvinzwira Inzwi raMwari pachavo. Vaida kubatana neMwenga munyika yose kuti vanzwe Inzwi raMwari paraiparidzwa. Vaida kuzivikanwa seimwe yemachechi ake, kana dzimba, kana kupi zvako kwavakanga vari, kubatanidzwa neShoko reNguva, Inzwi, uye zvino, matepi.
 
Nhasi Shoko iri richiri kuzadzikiswa.
 
Sei ivo/isu takaZviona uye vamwe vasingazvioni? Nekufanozivikanwa, takagadzwa kuti tione Izvi. Asi imi musina kugadzwa, hamufe makaZviona. Gorosi riri kuZviona uye ratotanga kubva pamakwande.
 
Hazvirevi kuti unofanira kurega kuenda kuchechi kwako. Uyewo hazvirevi kuti mufundisi wako anofanira kurega kushumira.  Zvinongoreva kuti shumiro zhinji nevafundisi vakanganwa CHINHU CHIKURUSA, uye havaudzI vanhu vavo kuti Inzwi RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa IZWI raMwari pamatepi.
 
Kuenda kuchechi zuva rega revhiki rega hazvikuite Mwenga; izvozvo hazvisizvo zvinodiwa naMwari.  VaFarisi nevaSadhusi vaiva nedzidziso iyoyo. Vaiziva vara rose reShoko rose, asi Shoko Benyu rakanga rakamira PAMBERI PAVO munyama, asi chii chavakaita? Zvimwe chete zvinoitwa nevazhinji nhasi.
 
Vachati, “ndiwo masangano aaitaura nezvawo.Vairamba kutendera hama Branham kuti vaparidze mumachechi avo, asi tinoparidza Shoko tichitaura zvaakataura.”
 
Izvo zvinoshamisa. Ishe ngavarumbidzwe. Ndizvo zvaunofanira kuita. Asi wozoti, nhasi zvasiyana, zvakaipa kuridza matepi eHama Branham muchechi menyu. Hauna kusiyana nevaFarise nevaSadhusi, kana masangano.
 
Uri munyengeri.
 
Sezvazvaiva panguva iyoyo, ndiJesu, akamira pamusuwo achigogodza, achiedza kupinda kuti ataure zvakananga kuChechi yaKe, uye havavhuri mikova yavo, uye havafi vakaridza matepi mumachechi avo. “Haasi kuzouya kuchechi kwedu kuzoparidza”.
 
Muvengi achazvimonyanisa nekuzvitenderedzamunzira dzakawanda sezvo anovenga kuburitswa pachena, asi zvakadaro, zviri kuratidzwa pamberi pemeso edu uye vazhinji vari kukwachuka.  

Pakutanga kwakanga kune” [Ungano inoti, “Shoko”— Ed.] “uye Shoko rakange riri kuna” [“Mwari,”] “uye Shoko rakange riri” [“Mwari.”] “Zvino Shoko rakaitwa nyama rikagara pakati pedu.” Ndizvo here? Zvino tinoona Shoko rimwe chete rakavimbiswa, kuna Ruka, kuna Maraki, nedzimwe vimbiso dzose idzi dzanhasi, dzaitwa nyama, dzigere pakati pedu, dzatakanzwa nenzeve dzedu; zvino tave kuMona(nemeso edu) achidudzira Shoko Rake Amene, hatidi dudziro yemunhu. O Kereke yaMwari mupenyu, pano neparunhare, Mukai nekukurumidza, nguva isati yapera!

Zarurai mwoyo yenyu munzwe Mwari zvaachangotaura kwamuri, imi makereke ake ose. Zvino tave kuMuona, nemeso edu, ACHIDUDZIRA SHOKO RAKE AMENE. Hatidi dudziro yemunhukwete!!  PEPUKAI NGUVA ISATI YAPERA!!

Takanzwa nezvezvinhu izvi hupenyu hwedu hwese zvaizoitika munguva yekupedzisira. Zvino tave kuzviona nemeso edu zvichiitika.
 
Akatiudza, kune NZIRA IMWE CHETE, NDIYO NZIRA YAKAPIWA NAMWARI KUMWENGA WAKE.UNOFANIRA KUGARA NE’ZWI RAMWARI PAMATAPI.
 
Ndinokoka pasi rose kuti riuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti tinzwe Nzira yakapiwa naMwari kuzuva rino. Ipapo newewo unogona kuti, “Ndakanzwa neZvenyu, asi zvino ndinoKuonai”.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 65-1127E Ndakambonzwa Asi Zvino Ndavekuona
 
Magwaro
 
Genesisi 17
Eksodho 14:13-16
Jobho chitsauko 14 uye 42:1-5
Amosi 3:7
Mako. 11:22-26 uye 14:3-9
Ruka 17:28-30