25-0622 Mabasa Kuratidzwa KweKutenda

Mharidzo: 65-1126 Mabasa Kuratidzwa KweKutenda

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Shoko Rakaitwa Nyama.
 
Hareruya! Nzvimbo yekudyara yemwoyo yedu yakafanogadzirwa kubudikidza nokunzwa Shoko uye Zvakazarura kwatiri, kuti TIRI Mwenga wakachena waKristu; anokosha, akachena, mwanakomana waMwari asina chivi, akamira neMwenga Shoko wakachena, usina kusvibiswa, wakashambidzwa neMvura yeRopa Rake Amene.
 
Tave zvino Shoko rakaratidzwa rakaitwa nyama, kuti Jesu agotitora, uyo Waakafanotemera nyika isati yavambwa, muchifuva chaBaba.
 
Nyika inogona kuona kuratidzwa kweKutenda kwedu pamaitiro ataiita, uye tichiratidza kuti tine Chizaruro chechokwadi kubva kuna Mwari cheShoko raKe rakasimbiswa, uye hatityi. Hatina hanyanezvinotaurwa kana kutendwa nenyika yose… HATITYE. Kudzwanya nokuridza ndiyo nzira yakapihwa naMwari kuMwenga waJesu Kristu.
 
Kune vazhinji vanoti vanotenda Shoko iri renguva yekupedzisira, vanotenda kuti Mwari akatuma muporofita, vanotenda kuti William Marrion Branham aive ngirozi mutumwa wechinomwe, vanotenda kuti akataura ZVANZI NAJEHOVHA, asi HAVATENDI kuti Inzwi ndiro izwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa. Havatendi kuti akataura Mashoko asingashanduki. Havatendi mukuridza matepi mumakereke avo.
 
Zvinorevei izvozvo? ZVINOREVA KUTI HAZVISATI ZVAZARURWA KWAVARI!

Chizaruro. Akazvizarura kwauri nenyasha dzake. Hachisi chinhu chawakaita. Hauna kuzvishandira kuti utende. Wagara une kutenda, zvinopiwa kwauri nenyasha dzaMwari. Uye Mwari vanozviratidza kwauri, naizvozvo kutenda chizaruro. Uye Chechi yose yaMwari yakavakirwa pachizaruro.

NeKUTENDA zvakazarurwa kwatiri kuti Shoko reNguva iri Inzwi raMwari pamatepi, rakarekodhwa, uye rikachengetwa, kuti chive chikafu chekudya nekukwanisa Mwenga waJesu Kristu.
 
KUTENDA kusina kusvibiswa, kwechokwadi mune zvakataurwa naMwari kuti ndicho Chokwadi. Uye kwakadzika midzi mumwoyo yedu nemumunhu wedu wemukati uye hapana chinokubvisa ipapo. Kucharambira kuri ipapo kusvikira muporofita Wakeatisuma kuna Ishe wedu.
 
Hatigoni kuzvibatsira. Akatigadzirira kuti tigamuchire nokutenda Izvozvo nyika isati yavambwa. Aiziva kuti taizogamuchira Inzwi raKe muzera rino. Akafanotiziva uye nekutigadza kuti tigamuchire.

Zvino, mabasa ari kuitwa noMweya Mutsvene nhasi, nezviratidzo izvi zvisingakundike, vimbiso dzisingakundiki, zviratidzo zvose zvavaapostora zvakavimbiswa muBhaibheri, zvaMaraki 4, uye, o, Zvakazarurwa 10:7, zvose zviri kuzadzikiswa; uye zvichiratidzwa nesainzi, nedzimwe nzira dzose. Zvino deno ndisina kukuudzai Chokwadi, zvinhu izvi hazvaiitika. Asi kana ndakuudzai Chokwadi, zvinopupura kuti ndakakuudzai Chokwadi. Achiri mumwe chete, zuro, nhasi, nokusingaperi, uye kuratidzwa kweMweya Wake kuri kutora Mwenga. Rega Kutenda ikoko, chizaruro chiwire mumwoyo mako, kuti, “Ino ndiyo nguva.”

Ino ndiyo nguva. Iri Ndiro Shoko reNguva. Iri ndiro Inzwi raMwari riri kudana Mwenga waJesu Kristu. O Kereke, dai Ishe vagadzirira nzvimbo dzokudyaradzemwoyo yenyu kuti muve neKutenda uye nokuzarura kwamuri kuti kunzwa Inzwi iri, pamatepi, ndiko kuchakwanisa nekubatanidza Mwenga waJesu Kristu.
 
Ndinokukokai zvakare kuti muuye kuzobatana nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, kuti mutore KUTENDA kwenyu kunzvimbo dzakakwirira, mugogara pamwe chete nesu munzvimbo dzokudenga apo tichanzwa Inzwi raMwari richiita kuti tigadzirire kuuya Kwake kuri pedyo, pedyo.
 
Hama Joseph Branham
 
Tinamatireiwo maringe ne svondo rinouya apo tichatanga musasa wedu wekutanga weStill Waters.
 
Mharidzo: Mabasa Kutenda Kuri Kuratidzwa 65-1126
 
Magwaro ekuverenga:
Genesi 15:5-6, 22:1-12
Mabasa 2:17
VaRoma 4:1-8, 8:28-34
VaEfeso 1:1-5
Jakobho 2:21-23
Johane 1:26, 6:44-46