25-0608 Mutungamiriri

Mharidzo: 62-1014E Mutungamiriri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Mwenga Uri Kuvungana,

Zvino Mwari vagara vachitumira vatungamiriri Vake, Havasati vakambogara vasina mutungamiriri, mumazera ose. Mwari vakagara vane mumwe munhu aiVamiririrapanyika pano, mumazera ose.  

Mwari havaadi kuti tivimbe nekunzwisisa kwedu kana chero pfungwa dzevanhu. Ndiko saka Achitumira Mwenga Wake Mutungamiri; nokuti iye anonzwisisa mafambiro uye nezvaanofanira kuita. Mwari Havana KUMBOCHINJA hurongwa Hwavo.  Havana kumbotadza kutumira Mutungamiri kuvanhu Vake, asi iwe unofanira kugamuchira Mutungamiri iyeye.
 
Unofanira kutenda Shoko rose raAnotaura kubudikidza neMutungamiriri Wake. Unofanira kufamba nenzira iyo Mutungamiriri Wake anoti ufambe nayo. Kana ukatanga kuteerera uye nekutenda mamwe manzwi semutungamiririwako, ucharasika zvirokwazvo.
 
Johane 16 inoti Aive nezvinhu zvakawanda zvaaida kutiudza nekutizarurira, nokudaro aizotuma MweyaMutsvene Wake kuti Utitungamirire nekutiudza. Akati Mweya Mutsvene ndiye muporofita mutungamiri wezera rega rega. Naizvozvo, vaporofita vake vakatumwa kuzomiririra Mweya Mutsvene kuti vatungamirire Mwenga Wake.

Mweya Mutsvene unotumwa kuzotungamirira kereke, kwete boka revanhu. Mweya Mutsvene ndiwo hungwaru hwose. Vanhu vanosvika paku womarara, nekushaya hanya.

Haasi munhu, asi Mweya Mutsvene MUmunhu iyeye.  Munhu Waakasarudza kumumiririra uye kuvamutungamiri wedu wepanyika anotungamirwa neMutungamiriri wedu weKudenga. Shoko rinotiudza kuti tinofanira kutevera Mutungamiri iyeye. Zvisinei zvatinofunga, kana zvinonzwika sezvine musoro, kana zvinotaurwa nevamwe vanhu, isu hatifaniri kunge tichipatsanura izvozvo, mutungamiri ndiye chete.

Mwari vanotumira Mutungamiri, uye Mwari vanoda kuti urangarire kuti ndiye Mutungamiri Wake waakagadza.Munofanira kumurangarira iye.

Mutungamiri muporofita wedu wakagadzwa naMwari kuti ataure Shoko Rake. Shoko rake ISHOKO RAMWARI. Muporofita mutungamiri, uye iye oga, ane dudziro yeMweya yeShoko raMwari.  Mwari akataura Shoko rake kwaari muromo kunzeve. Saka, haugoni kupikisa, kushandura, kana kushandisa njere pa Shoko reMutungamiri wako.
 
Unofanira kuMutevera, uye Iye oga. Ukasadaro, unorasika. Rangarira, paunoMusiya, Mutungamiriakagadzwa naMwari, wave kufamaba wega, saka tinoda kugara pedyo nemutungamiri waAkasarudza, nekunzwa nekuteerera Shoko rose raAnotaura kuburikidza naye.
 
Mutungamiri wedu akatidzidzisa kuti testamende yekare yaive mumvuri wetestamende itsva.

Israeri payakabuda muIjipita kuenda kunyika yechipikirwa, muna Ekisodho 13:21, Mwari aiziva kuti vakange vasina kumbofamba nenzira iyoyo. Yakange yakareba mamaira 40 chete, asi zvakadaro vaida chimwe chinofamba navo. Vaizorasika munzira yavo. Saka Iye, Mwari, akavatumira Mutungamiri. Eksodo 13:21, sezvizvi, “Ndinotuma Mutumwa Wangu pamberi pako, Shongwe yeMoto, kuti ikuchengete munzira,” kuvatungamirira kunyika iyi yechipikirwa. Zvino vana veIsraeri vakatevera Mutungamiriiyeye, Shongwe yeMoto (usiku), Gore masikati. Payakamira, vakamira. Payaifamba, vaifamba. Zvino paAkavasvitsa pedyo nenyika, ivo vasati vakodzera kuyambuka, Akavatungamirira kudzokera murenje zvakare.

Akati ndiyo kereke nhasi. Tingadai takatoenda dai takangozvigadzirisa nekuzviisa panzvimbo, asi Akatozotitungamira achitipoteredza nekutipoteredza nekupoteredza.
 
Vaifanira kungotevera mutungamiri seKUTEVERA nokunzwa kubva kuShongwe yeMoto kwaiita. Aivaudza zvaitaurwa naMwari zvino ivo vaifanira kuteerera Shoko rose raaitaura. Akange ari Inzwi reMutungamiri. Asi vaibvunzurudza nekupikisana nemutungamiri akagadzwa waMwari, nokudaro vakadzengerera murenje kwemakore 40.
 
Pakange pane vashumiri vakawanda mumazuva aMosesi. Mwari akanga avagadza kuti vabatsire vanhu, sezvo Mosesi aisagona kuzviita zvose. Asi basa ravo raive rekudzosera vanhu kune zvakataurwa naMosesi. Bhaibheri harina charinotaura zvakataurwa nevarume ava, rinongotaura zvakataurwa naMosesi seShoko rekutungamirira vanhu.
 
Mwari pavakabvisa Mosesi panyika, Joshua akagadzwa kuti atungamirire vanhu, izvo zvinomiririra Mweya Mutsvene nhasi.

Joshua haana kuparidza chinhu chitsva, kana kuedza kutora nzvimbo yaMosesi, kana kuedza kududzira zvakataurwa nemutungamiri; aingoverenga zvakataurwa naMosesi ndokuudza vanhu, “Garai neShoko. Garai nezvakataurwa naMosesi”. Aingoverenga zvakataurwa naMosesi.
 
Mufananidzo wakakwana wakadii kuzuva ranhasi. Mwari vakasimbisa Mosesi neShongwe yeGore reMoto. Muporofita wedu akasimbiswa neShongwe yeMoto imwe cheteyo. Mashoko akataurwa naMosesi rakanga riri Shoko raMwari uye rikaiswa muAreka. Muprofita waMwari wakataura muzuva redu uye Shoko rake rakaiswa pamatepi.
 
Mosesi paakabviswa panyika, Joshua akagadzwa kuti atungamirire vanhu nokuchengeta Mashoko akataurwa naMosesi pamberi pavo. Akavaudza kuti vatende uye vagare neShoko rose raitaurwa nenhungamiri yaMwari.
 
Joshua aigara achiverenga zvakanyorwa naMosesi Shoko neShoko kubva muzvinyorwa. Aiisa Shoko pamberi pavo nguva dzose. Shoko renguva yedu harina kunyorwa, asi raka rekodwa kuti Mweya Mutsvene agone kuita kuti Mwenga Wake anzwe Shoko neShoko zvaAkataura, kubudikidza neKudzvanya noKuridza.
 
Mwari haashanduri hurongwa hwaKe. Ndiye Mutungamiri wedu. Inzwi Rake ndiro riri kutungamira nekubatanidza Mwenga wake nhasi. Tinongoda chete kunzwa Inzwi reMutungamiriri wedu paRinotitungamirira neShongwe yeMoto. Ndiko kubatana kusingaoneki kweMwenga waKristu. Tinoziva Inzwi Rake.
 
Kana mutungamiri wedu auya papurupiti, Mweya Mutsvene unomuzodza, ipapo Anonga asisiri iye, asi Mutungamiri wedu. Anosimudza musoro wake mudenga achidanidzira, “Zvanzi naJehovha, Zvanzi naJehovha, zvanzi naJehovha!” Uye nhengo yese yeMwenga waKristu pasi rose inobva yauya kwaari. Sei? TINOZIVA MUTUNGAMIRI WEDU MATAURIRO AANOITA.

Mutungamiriri Wedu = Shoko
Shoko = Rinouya kumuporofita
Muporofita = Mududziri weMweya chete waMwari;Mutungamiri wake wepanyika.

Garai kuseri kweShoko! Oo, hongu, changamire! Gara neMutungamiri uyo. Gara kuseri Kwaro. Usaende mberi Kwaro, iwe gara kuseri Kwaro. Rega Rikutungamirire, usaRitungamirira. Siya rakadaro.

Kana usingade kurasika, huya uteerere kuMutungamiri wedu paAnotaura kubudikidza nemutungamiri wake wepanyika waakagadza musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo:  
62-1014E – Mutungamiri
 
Magwaro:
Mako 16:15-18
Johani 1:1/16:7-15
Mabasa 2:38
VaEfeso 4:11-13 / 4:30
VaHebheru 4:12
2 Petro 1:21
Ekisodho 13:21