Mharidzo: 60-0522E Kugadzwa #4
Vadiwa Avo Vakatendeuka,
Patino Dzwanya Nokuridza, tiri kuteerera kuIzwi raMwari risingakundiki. Shoko rose iChokwadi, chikamu chose Charo. Takadanwa nokuchengetedzwa, takazadzwa nokuiswa padivi; takazadzwa noMweya Mutsvene, uye zvino tatove muNyika yeKenani. Hapana chinhu chatinotya … HAPANA, tinoziva kuti tiri vanaani.
Nokuti takagara neShoko Rake, sezvo akatirayira kuti tiite, achatiudza kuti akatisiyira nhaka. Makazviita rinhi Baba? Pandakakusarudzai ndikaisa mazita enyu muBhuku reHupenyu reGwayana nyika isati yavambwa.
Pakasvika kuzara kwenguva, ndakatumira Jesu Gwayana, Uyo akauraiwa kubva pakuvambwa kwenyika, kuti mugamuchire nhaka yenyu kuti muve vanakomana nevanasikana Vangu, vamwari vaduku.
Ndaifanira kukuwongororai kuti ndione kuti hamuna pari kugwedagweda here uye kuti hapana nzvimbo dzisina kunyatso batana here mamuri ndisati ndakugadzai.
- “Unotenda here kuti kuridza Inzwi Rangu pamatepi muchechi kwakaipa?”
- “Hongu, haufaniri kuridza matepi muchechi.”
- “Une mhoswa. Uchiri kugwedagweda.
- “Unotenda here kuti Shoko raNgu riri pamatepi rinoda kududzirwa?”
- “Hongu, Rinoda mumwe munhu anoritsanangura.”
- “Uchiri kugwedagweda. Kandirwa kunze. Hausati wakwana.”
Kana wakwana, uchati, “Ameni” kuShoko rose.
- “Unotenda here kuti Ini ndini mumwe chete zuro, nhasi uye nokusingaperi?”
- “Ameni.”
- “Unotenda here kuti Inzwi Rangu pamatepi ndiro INZWI RAKAKOSHESESA raunofanira kunzwa?”
- “Ameni.”
- “Unotenda here kuti Inzwi raNgu pamatepi richabatanidza Mwenga?”
- “Ameni”
- “Unotenda here kuti ngirozi Yangu ine simba ichakusumai kwaNdiri?”
- “Ameni”
Wave kubatana zvakanaka zvino. Ndakunzvera maringe nekugwedagweda kwako uye kuti hapana nzvimbo dzisina kunyatso batana here mauri.Ndagadzirira kuvhara mukova. Ndichaisa Chisimbiso Changu pauri. Wabudirira pakunzvera kwangu.
Zvino rega ndikuudzei chimwe chinhu, VadikanwaVangu vanhu vanokosha munyika dzematepi; imi muri pano munyika ino nevari mhiri kwemakungwa uye chero kwamunenge muri, musatya. Zvose zvakaringana. Ndakakuzivai nyika isati yavambwa. Ndaiziva zvose zvaizoitika.
Ndiri kuuya kuzokutorai nokukurumidza uye ndichikuendesai kuNzvimbo isina rufu, isina kusuwa, isina godo, isina chimwe chinhu; asi runako rwakanakisisa, rudo rwakakwana.
Kusvikira nguva iyoyo, usakanganwa, ndinokupa Shoko Rangu, URI SHOKO RANGU rakaitwa nyama. Kana une CHINHU CHAUNODA, Chitaure, uye Chitende; Ndiyo nhaka yako.
Ndichatumira Inzwi Rangu kwauri zvakare musi uno weSvondo ndigoritsanangura rose kwauri. Ndichakuudza zvakare kuti iwe ndiwe ani, kwauri kuenda, uye kuti zvakaita sei ikoko, izvezvi.
Huya ubatane neMwenga Wangu pandichaita kuti vagare pamwe chete munzvimbo dzeKudenga musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, uye Mundinzwe ndichikugadzai panzvimbo neShoko Rangu 60-0522E Kugadzwa Humwana #4
Hama Joseph Branham