Mharidzo: 63-0321 Chisimbiso Chechina
- 25-0406 Chisimbiso Chechina
- 23-0813 Chisimbiso Chechina
- 22-0220 Chisimbiso Chechina
- 21-0214 Chisimbiso Chechina
- 19-0428 Chisimbiso Chechina
- 17-0402 Chisimbiso Chechina
Vadiwa Vatsvene Vakazvarwa Kubva kuDenga,
Baba vari kutiunganidza pamwe chete neShoko Ravo, uye kusimbiswa kweChizarurwa ichocho kuri kutipa manyavi. Akatisarudza nyika isati yavambwa, nokuti Aiziva kuti taizovimbika kuShoko raKe nekusarudza kwedu pachedu.
Regai ndizvitaure zvakare kuti zvinyatsonyura. Akatarisa munguva yose, kusvikira kumagumo kwenguva yose, AKATIONA ISU…munozvinzwa here izvozvo? AKAKUONA IWE, AKANDIONA INI, uye akatida, nokuti nokuda kwekusarudza kwedu, taizoGARA NESHOKO RAKE.
Ipapo, Anofanira kunge akadana ngirozi Dzake dzose namakerubhi pamwe chete ndookunongedza kwatiri achiti: “NDIYE UYO,” “NDIYE MWENGA WANGU,” “NDIVO VANDANGA NDAKAMIRIRA!”
SaJohane, ndicho chikonzero tiri kuita ruzha rwose urwu nokudanidzira kwose uku, nokurumbidza Ishe, tirikutekenyedzwa neWaini Itsva uye tinoziva, ZVISINA MUBVUNZO, TIRI Mwenga Wake.
Zvakafanana nemvura yese nemabhanan’ana zvatange tinazvo muno muJeffersonville svondo rino…Nesuwo tave kutumira YAMBIRO kupasi rose.
Mwenga uri mukati mwemabhanan’ana eCHIZARURO, UYE ZVIRI KUUNZA MAFASHAMA ECHIZARURO. MWENGA WAZVIGADZIRIRA UYE WAVE KUZIVA KUTI IYE NDIANI. PINDA MUKUCHENGETEKA NOKUKURUMIDZA. DZWANYA RIDZA KUTI UREGE KUPARADZWA.
Hatisi kurarama muZera reShumba, kana Zera reNzombe, kana Zera reMunhu; tiri kurarama muZera reCHAPUNGU, uye Mwari akatitumira chapungu chine simba, Maraki 4, kuzodana nokutungamirira Mwenga Wake.
Zvichange zvakafanira sei musi uno weSvondo, apo tichange takabatana pamwe chete tichiteerera Chisimbiso cheChina. Richange riri zuva reKuberekwa kwechapungu chine simba muporofita waMwari.
Ngatipembererei zuva iri rakanaka uye titende Jehovha nekutitumira chapungu mutumwa wake, waakatuma kuzotidana kuti tibude nekuzarura Shoko Rake.
Hama Joseph Branham
Mharidzo: Chisimbiso cheChina 63-0321
Nguva: 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville
Magwaro okuverenga mukugadzirira.
St. Mateo 4
Ruka 24:49
Johane 6:63
Mabasa 2:38
Zvakazarurwa 2:18-23, 6:7-8, 10:1-7, 12:13, 13:1-14, 16:12-16, 19:15-17
Genesisi 1:1
Mapisarema 16:8-11
2 Samueri 6:14
Jeremiya 32
Joere 2:28
Amosi 3:7
Maraki 4