Mharidzo: 63-0319 Chisimbiso Chechipiri
- 25-0323 Chisimbiso Chechipiri
- 23-0730 Chisimbiso Chechipiri
- 22-0206 Chisimbiso Chechipiri
- 21-0131 Chisimbiso Chechipiri
- 19-0407 Chisimbiso Chechipiri
- 17-0326 Chisimbiso Chechipiri
Vadiwa Vateereri veMatepi,
Mubvunzo: Tiri muKuda Kwake kwakakwana here nekuteerera Matepi?
Mhinduro: HONGU
Mubvunzo: Mwenga unoda zvinopfuura zvinotaurwa paMatepi here?
Mhinduro: KWETE.
Mubvunzo: Tiri kurasikirwa nechimwe chinhu here nekungo teerera Matepi CHETE?
Mhinduro: KWETE.
Mubvunzo: Tingava Mwenga here nekungoteerera Matepi CHETE?
Mhinduro: HONGU, CHAIYO YAKASIMBA!
Zvino rangarirai, “Hapana chingazarurwa: Mwari haana chaanoita, zvachose, kusvikira chekutanga azvizarura kuvaranda vake, vaporofita.”
Saka, ZVOSE zvatinoda zvakataurwa uye zviri pamatepi; kana kuti, mutumwa wake wechinomwe paachadzoka panyika, ACHATIUDZA ipapo.
Haiwa Mwenga, ngationei mupfungwa dzedu zviri kuitika neMwenga waKristu pasi rose. Baba vari kuunganidza Mwenga Wavo pamwe chete neInzwi Ravo uye vari Kutinhira vachiti, “ZVANZI NAJEHOVHA.
Rangarirai, akatiudza kuti Mitinhiro chaive chiii: “ruzha rukuru rweKutinhira ndiro Inzwi raMwari”. Uye Inzwi raMwari chii kuMwenga? Ngirozi, mutumwa waMwari wechinomwe, William Marrion Branham.
Akati kuchauya mitinhiro minomwe isinganzwisisike isina kana kunyorwa zvachose. Uye kuti kubudikidza neMitinhiro Minomwe iyoyo, ichaunganidza Mwenga pamwe kuitira kutenda kwekubvutwa.
Shoko raJehova rinouya kuvaporofita Vake. Deno Aiva nehurongwa huri nani, Angadai akahushandisa. Akasarudza hurongwa hwakanakisisa pakutanga uye haakwanisi, uye haasikuzohushandura.
Naizvozvo, Inzwi raMwari, richitaura kubudikidza nengirozi yake yechinomwe, riri kuunganidza Mwenga Wake uye richitipa Kutenda kweKubvutwa.
Kereke haina kushamisika kubva muna 1933, uko parwizi zuva riya, kuti William Marrion Branham ndiye Inzwi raMwari, riri Kutinhira, “ZVANZI NAJEHOVHA,” uye kuti akatumwa kuzodana, kuunganidza, uye kuzotungamirira Mwenga.
Ndinoda kukukokai kuti muuye kuzoteerera nesu musi uno weSvondo na 12:00 masikai, nguva yeJeffersonville, Ishe wedu Jesu paachazarura Bhuku, achibvarura Chisimbiso, nokuRitumira pasi panyika, kumutumwa Wake wechinomwe, kuti arizarure KWATIRI!
Hama Joseph Branham
Zuva: Svondo, Kurume 23, 2025
Mharidzo: Chisimbiso Chechipiri 63-0319
Nguva: 12:00 masikati, nguva yeJeffersonville
Magwaro ekuverenga tisati tanzwa Mharidzo:
Mateo 4:8 / 11:25-26 / 24:6
Mako. 16:16
Johane 14:12
2 VaTesaronika 2:3
VaHebheru 4:12
Zvakazarurwa 2:6 / 6:3-4 / 17th Chitsauko / 19:11-16
Joere 2:25
Amosi 3:6-7