Mharidzo: 63-0318 Chisimbiso Chekutanga
- 25-0316 Chisimbiso Chekutanga
- 23-0723 Chisimbiso Chekutanga
- 21-0124 Chisimbiso Chekutanga
- 19-0331 Chisimbiso Chekutanga
- 17-0325 Chisimbiso Chekutanga
Mudiwa Wangu Mambokadzi weKudenga,
Ndine zvizhinji zvandakakuchengetera musi uno weSvondo. Kutanga, muchanzwa kurira kweMutinhiro. Richange riri Inzwi Rangu, Inzwi raMwari richitaura kwamuri, Mwenga Wangu. Ndichange ndichikuzarurirai Shoko Rangu sezvisina kumboitika kare. Mucha Ndiona, Gwayana rine ropa rakabayiwa kubva pakuvambwa kwenyika, ndichitora nekuzarura Bhuku, kubvarura Zvisimbiso, nekuRitumira panyika, kumutumwa Wanguwechinomwe, William Marrion Branham, kuti azarure KWAMURI zvakavanzika zvakavanzwa kubva pakuvambwa kwenyika!
Pachave nekusheedzera, kudanidzira, uye mahareruya kubva kumativi ose enyikapandichataura kwamuri. Shumba ichange ichidzvova; muzodziwa, simba, kubwinya, kuratidzwa kuchapfuurira mashoko angataurwa. Iwe, Mambokadzi wangu, munonga mugere munzvimbo dzekudenga pandichange ndichitaura kwauri ndichikupa Kutenda kwekupinda muKubvutwa. Isu.
Rangarirai, munofanira kuva neKutenda kwakambopihwa kuvatsvene. Ndakakuudzai, munofanira kuteerera kumutumwa Wangu wandakatuma kwamuri.
Iye anofanira “kudzorera Kutenda kwevana kumadzibaba.” Kutenda kwepakutanga kweBhaibheri kunofanira kudzoreredzwa nemutumwa wechinomwe.
Shoko Rangu rinokuudza, nemazuva e’Nzwi remutumwa wechinomwe, pakuridza kwake, achiridza hwamanda yeEvhangeri; anofanira kupedzisa zvakavanzika zvose zvaMwari. Hapana chinhu chimwe chingawedzerwa uye hapana chinobviswa pane zvandakataura pamatepi; ingotaura zvandakataura kubudikidza nengirozi yangu mutumwa. Ndosaka ndakaita kuti zvirekodwe, kuti ugokwanisa KUDZWANYA NOKURIDZA uye wonzwa chaizvo zvandakataura, uye nematauriro andakaita. Zvichakupa Kutenda kwekupinda Mukubvutwa.
Mudiwa Mambokadzi wangu, paMeso angu, hauna chivi zvachose, zvakakwana, pamberi Pangu. Usanetsekane, HAUPINDI munguva yekutambudzwa; nokuti wakagamuchira Ropa Rangu, Shoko Rangu, Mutumwa Wangu, Inzwi Rangu, nokudaro hauna chivi zvachose pamberi pangu.
Ndine zvinhu zvikuru zvandakakuchengetera. Munoona Shoko Rangu richibhedhenurwa pamberi pemeso enyu zuva rega rega. Ndanga ndichiisa zviratidzo mudenga kuti ndikuudzei kuti pane chiri kuda kuitika. Ndiri kuuya, gadzirirai. Isa Shoko Rangu, Izwi Rangu, sechinhu chekutanga muhupenyu hwako.
Isa zvimwe zvese padivi, hapana chakakosha kupfuura Shoko Rangu. Ndinoziva kuti muvengi ari kuedza kukurovera pasi, asi ndakakuvimbisa kuti ndichakusimudza. ndinemi, kunyange MAMURI. Iwe neni tave kuva Mumwe pandirikuzarura Shoko Rangu kwauri.
Iwe unoziva mumoyo mako; URI Mambokadzi Mwenga wangu. Unoziva ndakafanokutemera. Unoziva kuti ndinokuda. Iwe unoziva ndinewe nguva yega yega yezuva rega rega. Unoziva HANDIFE NDAKAKUSIYA.
Tichange tine nguva yakanakisisa apo pandichange ndichizarura zvakawanda kwamuri Svondo regarega, zuva rega rega, apo munoNdinzwa ndichitaura kubudikidza nengirozi Yangu kwamuri. Vamwe vangasanzwisisa kana kuona zvauri kuona, asi Zvakanyatso batirira mumoyo mako kuti iyi ndiyo Nzira Yangu yandakapa.
Hutiziro hwakadini hwandakakupai. Unogona kungoDzwanya Nokuridza chero nguva, masikati kana husiku, kuti undinzwe Ndichitaura kwauri. Ndichaunza nyaradzo kumunhu wako womukati pandinozarura Shoko Rangu uye nekukuudza kuti ndiwe ani. Mharidzo yega yega ndeyako, uye ndeyako iwe chete. Tinogona kuyanana nekushumira pamwe chete tose pose paunoda.
Musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, chikamu cheMwenga chichaungana kubva pasi rose kuzonzwa zvakavanzika zvikuru izvi zvichizarurwa. Ndinokukokai kuti muuye kuzobatana nesu patichanzwa, 63-0318 – “Chisimbiso Chekutanga”.
Hama Joseph Branham
Magwaro ekuverenga mukugadzirira kwekunzwa Mharidzo:
Mateu 10:1 / 11:1-14 / 24:6 / 28:19
Johane 12:23-28
Mabasa 2:38
2 VaTesaronika 2:3-12
VaHebheru 4:12
Zvakazarurwa 6:1-2 / 10:1-7 / 12:7-9 /13:16 / 19:11-16
Maraki Chapter 3 ne chapter 4
Danieri 8:23-25 / 11:21 / Danieri 9:25-27