Mharidzo: 62-1230E Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?
- 25-0223 Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?
- 23-0625 Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?
- 22-0109 Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?
- 18-1230 Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?
- 16-1218 Ichi Ndicho Here Chiratidzo Chekuguma, Changamire?
Vadiwa Madzichangamire,
Ichi ndicho, Chiratidzo. Iyi ndiyo, nguva. Iri ndiro, Shoko reNguva. Iri, iShoko. Iri, Inzwi raMwari. Uyu ndiye Mwanakomana woMunhu. Iyi ndiyo nzira yakapiwa naMwari. Uku ndiko, kuguma kwenguva.
Hakuna muporofita, kana muapostora, hapana, chero nguva ipi zvayo, akamborarama munguva yakadai yatiri kurarama zvino. Zvakanyorwa mumatenga. Zvakanyorwa pamusoro penyika. Zvakanyorwa mumapepanhau ose. Aya ndiwo magumo, kana uchikwanisa kuverenga zvinyorwa.
Uyo ane nzeve, ngaanzwe zvakataurwa naMwari, zvikarekodwa, saka harizovi shoko rangu, pfungwa dzangu, kafungiro kangu, asi Inzwi chairo raMwari richiraira Mwenga Wake iyo inzira Yake CHETE yakakwana yaakapa kuzuva ranhasi.
Huyai muteerere apo Anotaura nekuzarura kwatiri nemagwaro, nezviratidzo, nekududzirwa kwezviroto, kuti tigare neShoko reNguva, nekugara nematepi. Ingotaura zviri pamatepiCHETE.
Hapana nzira imwe irinani, kana imwe nzira yechokwadi, inopfuura kunzwa Inzwi raMwari kubva kuna Mwari paChake. Mwari vakaraira Mwenga wavo kubudikidza nekutaura ari mumuprofita wake achitiudza kuti, DZWANYA RIDZA, ndoo zvoga.
Zvitaure, Zviparidze, Zvipupurire, uye uudze nyika pamusoro paZvo, asi Anotiudza kuti pane nzira imwe chete yakakwana yakapiwa yekukwanisa Mwenga: teerera kuInzwi raMwari pamatepi. Kana chimwe chinhu chiri kukunetsa, ridza tepi. Ndicho chinhu chinofanira KUTANGA, uye Inzwi rakakoshesesa raunofanira kunzwa. IShoko raKe rakakwana raAkaisa pamatepi.
Zvino enzanisa kunyange izvozvo nezvimwe, zviroto. Ichi chaiva chiratidzo. Chikafu, hechinoichi. Iyi ndiyo nzvimbo.
Teerera, kubudikidza nezviroto nezviratidzo, Chikafu cheMwenga chirikupi? Nzvimbo yacho irikupi? Shoko reNguva reMwenga riri pamatepi.
Apa ndinonzwa kuti ndiri pamusha. Iyi ndiyo nzvimbo yacho. Uye kana ukacherechedza, zviroto zvacho zvaitaura zvimwe chete, maona, apo pane Chikafu.
Kuti tive nechokwadi chokuti tazvibata, anotiudza zvakare, matepi ndicho Chikafu cheMwenga.
“Nguva hapasisina.” Kana zviriizvo, ngatizvigadzirirei, shamwari, kusangana naMwari wedu.
Hongu, Ishe, ndicho chishuwo chemwoyo yedu, kugadzirira kusangana nemi, kuva Mwenga Wenyu. Chii chatinofanira kuita Ishe? Ndeipi nzira Yenyu yamakapa? Chirongwa chenyundechipi? Ndeipi nzira Yenyu yakakwana? Makatitumira muprofita waMaikwanisa kutaura naye kuti atiudze. Ndapota tirairei.
Pave neChikafu chakawanda chakachengetwa zvino. Ngatichishandisei. Ngatichishandisei.zvino.
Munhu angava bofu sei? Iye anotiudza zvokuita: pane chikafu chakawanda chakachengetwa pamatepi; chishandisei ZVINO. Uku ndiko kuraira kwaMwari kuMwenga wake.
Kana uchiti unotenda Shoko reNguva iri, tenda kuti William Marrion Branham ndiye muprofita nhume yaMwari yakatumwa kuzodana Mwenga; hupenyu hwake hunozadzisa magwaro ose akataurwa pamusoro pake; tenda kuti Inzwi raMwari ranhasi, zvino IYE; Mwari, achitaura kubudikidza nemuporofita wake, anoudza Mwenga neChirungu chakajeka zvekuita.
Kunyangwe tichisekwa, tichitambudzwa, uye tichitarisirwa pasi nekuti tinongoteerera kumatepi chete, tiri kuita chaizvo zvaAkatiudza kuti tiite. Ndinokutendai Ishe nokuda kweChizaruro.
Ndinoda kukoka nyika kuti mubatane nesu musi uno we Svondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa “Ichi ndicho Chiratidzo Chekuguma here, Changamire? Tichange tichinzwa zvose pamusoro pe:
Mitinhiro, Zvisimbiso Zvinomwe, Dombo rePiramidhi, Chikafu cheMweya, Zienda-naKuenda, Gungano reNgirozi, Muzinda Wangu, Chiratidzo, Zviroto, Chiporofita, Zvakavanzika Zvakavanzwa, Gwaro mushure mwerimwe Gwaro.
Hapana chikuru muhupenyu huno kupfuura kunzwa nekuteerera Inzwi raMwari.
Hama Joseph Branham
Magwaro:
Maraki Chitsauko chechina
Mateu 13:3-50
VaRoma 9:33; 11:25; 16:25
1 VaKorinte 14:8/Chitsauko 15
VaGaratia 2:20
VaEfeso 3:1-11 / 6:19/ 5:28-32
VaKorose 4:3
1 VaTesaronika 4:14-17
1 Timotio 3:16
VaHebheru 13:8
2 Petro 2:6
Zvakazarurwa 1:20 / 3:14 / 5:1 / 6:1 / 10:1-7 / Chitsauko 17