25-0216 Vhiki Rechimakumi Manomwe RaDhanieri

Mharidzo: 61-0806 Vhiki Rechimakumi Manomwe RaDhanieri

PDF

BranhamTabernacle.org

Vadiwa Vakatarira neKumirira,
 
Pane mufaro pakati peMwenga usati hwakambovepo kare. Tiri pasi pekutarisira kukuru; gore redu rejubheri rave kuda kuitika. Mwenga wakamirira nguva yakarebakuti zuva iri risvike. Kuguma kwenguva yeve maRudzikwasvika uye kutanga kwezienda-nakuenda naIshe wedu kuchakurumidza kutanga.
 
Tiri kunzwisisa nguva yatiri kurarama mairi nekunzwa Shoko. Nguva yapera. Nguva yeKubvutwa yave pedyo. Tasvika. Mweya Mutsvene wakauya ukazarurakuMwenga wake zvinhu zvose zvikuru, zvakadzika, zvakavanzika.
 
Tiri mukuperera, tichitsvaga Mwari; tichizvigadzirira. Takarasa zviro zvese zvenyika ino. Zvinetswazvehupenyu huno hazvina zvazvichareva kwatiri. Kutenda kwedu kwakwirira zvikuru kudarika zvazvaive kare. Mweya Mutsvene ari kupa Mudzimai Wake wakasanagurwa Kutenda kwokubvutwa, kuti Agouya kuzoMutora.

Mavhiki 69 akananga; kuenda kwemaJudha kwakananga; zera rekereke rakananga. Tave panguva yekuguma, nguva yekuguma, zera rekereke yeRaodhikia, kuguma kwaro. Nyeredzi vatumwa vose vakaparidza shoko ravo. Rakaenda. Tave kufamba zviri nyore.

Inguva yakadii yemanenji yatiri kurarama mairi. Inguva dzakaoma zvikuru sezvo muvengi ari kurwisa munhu wese zvisina kumbobvira zvaitika. Ari kukanda zvose zvaanazvo kwatiri. Ari pakaoma, nokuti anoziva kuti nguva yake yapera.
 
Asi panguva imwe cheteyo iyoyo, hatisati takambofara kudai muupenyu hwedu.

  • Hatina kumbova pedyo naShe kudai.
  • Mweya Mutsvene anozadza tsinga dzose dzemuviri wedu.
  • Kuda kwedu Shoko rake hakuna kumbova kukurukudai.
  • Chizaruro chedu cheShoko rake chinozadza mweya yedu.
  • Tiri kukunda muvengi wese neShoko.

UYE, hatina kumbova nechokwadi kudai chekuti tiri vanaani:

  • VAKATEMERWA
  • VAKASANANGURWA
  • VAKASARUDZWA
  • MBEU YEHUMAMBOVEPAMOYO
  • ZIENDA-NAKUENDA, AKAPFEKA NHUVO CHENA, MUDZIMAI WA JESU, ANOTEERERA MATEPI, AKAJEKERWA, MHANDARA YAKACHENA, AKAZADZWA NOMWEYA, ASINGAKUNDWE, AKAGADZWA HUMWANA, ASINA KUSVIBISWA, MHANDARA MWENGA WESHOKO.

Chii chiri kutevera? Dombo riri kuuya. Takatarisa, takamirira uye nekunamata miniti yegayega yezuva regarega. Hapana chimwe chinhu chichine basa asi kuzvigadzirira kuuya Kwake.
 
Haisi nyaya yekuti, “Tinotarisira kudaro”, TINOZIVA. Hapasisina kupokana. Nechinguvana, mukubwaira kweziso zvinenge zvapera, uye tichange tiri kune rimwe divi nevadikanwa vedu vose naIYE paMabiko eMuchato.
 
UYE UKU NDIKO KUTANGA…UYE HAZVINA MAGUMO!!
 
Huyai mugadzirire Mabiko eMuchato nesu musi uno weSvondo na12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, Mwari paanotaura kubudikidza nemutumwa Wakemukuru, uyo waaAkatuma kuzotungamirira Mwenga Wake, paachatiudza, nokuzarura, zvose zvakavanzika zvaMwari.
 
Hama Joseph Branham
 
Mharidzo: 61-0806 – Vhiki reMakumi Manomwe raDanieri