Mharidzo: 61-0730M Rairo DzaGabrieri Kuna Dhanieri
Vadikanwa Vanhu veChinangwa.
Inguva yeChando yakanakisa sei yatange tinayo apo takange tichidzidza zve maZera Manomwe emaKereke, uyezve Mwari vachitizarurira zvakawanda zve Buku raZvakazarurwa zvaJesu Kristu. Zvitsauko zvitatu zvekutanga zvekuna Zvakazarurwa ndiwo maZera eKereke, uyezve kuti Johane akatorwa kumusoro sei muchitsauko 4 ne 5 achitiratidza zvinhu zvaizouya.
Muchitsauko chechitanhatu, Akazarura kuti Johane akaburuka pasi sei zvakare kuti aone zvinhu zvichiitika zvichibva pachitsauko 6 kusvika kuchitsauko 19 chebuku raZvakazarurwa.
Mwenga ucharopafadzwa sei musi weSvondo apo tichanzwa Inzwi raMwari richitaura kuburikidza nemutumwa wake mukuru wechinomwe uye achitiudza zvichazarurwa zvinotevera.
Ndiri kufara zvikuru kushambadzira kuti tichatanga chidzidzo chikuru cheMavhiki Makumi Manomwe aDanieri. Muporofita akataura kuti zvichabatana neShoko rose tisati tapinda muZvisimbiso Zvinomwe; Hwamanda Nomwe; Nhamo nhatu; mukadzi ari muzuva; kudzinga dimoni dsvuku; kusimbiswa kwe zviuru zvine zana namakumi mana nezvina: zvose zvinoitika pakati penguva iyoyi.
Bhuku raDanieri ndiro karenda chairo rezera nenguva yatiri kurarama mairi, uye zvisinei kuti zvakaoma kunzwisisa sei, Mwari vachazvipatsanura voita kuti zvive nyore kwatiri.
Uye Mwari vanoziva kuti ndizvo zvandiri kutsvaga iko zvino, kuti ndinyaradze vanhu vaKe uye ndigovaudza zvinhu zvave pedyo, pano mangwanani ano, uye nokune dzimwe nyika dzichaenda matepi aya, pasi rose, kuti tasvika kumagumo enguva.
Tiri vanhu vakasarudzwa vaMwari vanoshuva uye vachinyengeterera zuva iroro nenguva iyoyo. Uye mesoedu akatarira kuDenga, uye takatarisira Kuuya kwaKe.
Ngativei tose saDanieri uye tiringire zviso zvedu kuDenga, mumunamato nemukukumbira, sezvatinoziva nokuverenga Shoko uye nokunzwa Inzwi raKe, kuti Kuuya kwaShe kuri kukurumidza kusvika; tasvika kumagumo.
Tibatsirei Baba kuti tiise padivi zvinoremedza zvose, chivi chose, kusatenda kwose kuduku kunotikanganisa nyore nyore. Ngatishingairei takatarisa mucherechedzo wekudanwa kwepamusoro, tichiziva kuti nguva yedu yave shoma.
Shoko reNguva rakaenda mberi. Zvinhu zvose zvagadzirwa zvino; takamirira uye takazorora. Kereke yakasimbiswa. Vakaipa vari kuwedzera kuita zvakaipa. Machechi ari kuramba achiwedzera kuita zvemachechi, asi vatsvene Venyu vari kuswedera pedyo nemi.
Tine Inzwi rinodanidzira kubva murenje, richidana vanhu kudzokera kuShoko repakutanga; kudzokera kuzvinhu zvaMwari. Tinonzwisisa neChizaruro zvinhu izvi zvirikuitika.
Huya ubatane nesu musi uno weSvondo na 12:00masikati, nguva yeJeffersonville, apo Mwari achazarura Shoko Rake kwatiri, apo tichatanga chidzidzo chedu chikuru cheBhuku raDanieri.
Hama Joseph Branham
61-0730M – Rairo yaGabrieri kuna Danieri