Vadiwa Avo Vakazorora,
Chokwadi uyu ndiwo mwaka wechandowakanakisisa muupenyu hwedu. KuuyakwaShe kwave pedyo zvikuru. Takasimbiswano Mweya Mutsvene; Chisimbiso chaMwarichekubvumira kuti zvose izvo Kristo akafirandezvedu.
Zvino tava nerubatso rwenhaka yedu, Mweya Mutsvene. Ndiyo vimbiso, rubatso, kutitakagamuchirwa muna Kristu. Takazororamuvimbiso dzaMwari, tirere mukudziyakweKupenya kweZuva Rake; Shoko raKerakasimbiswa, tichiteerera Inzwi raKe.
Ndirwo rubatso rweruponeso rwedu. Hatisikunetsekana kuti tiri kuenda Ikoko here kana kuti kwete, TIRI KUENDA! Tinozviziva sei izvozvo? Mwari vakadaro! Mwariakazvivimbisa uye isu tine rubatso rwacho.Taka zvigamuchira uye Kristu akatigamuchira.
Hapana nzira yekubva nayo pazviri … kutaurasezvazviri, tiripo! Chatinofanira kuitakungomirira; Ari pasi achiita basareMudzikinuri weHama iko zvino. Tine rubatso rwacho izvezvi. Takangomirira nguvaapo achauya kuzotitora. Zvino, muchinguvana, mukubwaira kweziso tosetinenge taenda kuMabiko eMuchato.
Kungofunga zvose zvakatimirira mberi. Pfungwa dzedu hadzigoni kuzvigamuchirazvose. Zuva nezuva Ari kuzarura zvakawandazveShoko rake, achisimbisa kuti zvipikirwazvikuru izvi ndezvedu.
Nyika iri kupamuka; mwoto, kudengenyekakwenyika, uye nyonganyonga kwese kwese, asi ivo vanotenda kuti vane muponesi mutsvaachaponesa nyika, uye nekuunza chizvarwachavo chendarama. Isu takatogamuchiraMuponesi wedu uye tanga tichitoraramamuZera redu reNdarama.
Zvino Ari kutigadzirira kuitira Chizarurochakavedzerwa patirikupinda muchitsaukochechishanu chaZvakazarurwa. Ari kufanogadzira pano chimiro chekuzarurwakweZvisimbiso Zvinomwe. Sezvaakaitapachitsauko chekutanga chaZvakazarurwa, achikura nzira yeMazera Manomwe eKereke.
Ko imwe nguva yeMwaka we Chando yasaraichange yakaita sei kuMwenga? Ngatifanowonai zvichatevera zvishoma:
Zvino, handina nguva. Ndinazvo ndazvinyora, zvimwe zvacho pano, asi musangano weduunotevera tisati tapinda mune izvi… ..Dzimwenguva kana ndabva kuzororo rangu kana imwenguva, ndinoda kutora mavhiki makumimanomwe a Danieri, ndozvibatanidza pamwechete pano, ndozviratidza pazvinosvitsakuJubhiri rePentekosti, zvodzoka zvakarenemate….manomwe izvo zvisimbisozvinomwe kuti zvizarurwe pano tisati taenda, uye ndoratidza kuti zvinoitita pakuguma, izvi…
Inguva inofadza zvakadini iyo Jehovhaakachengetera Mwenga wake. AchizvizaruramuShoko rake kwatiri zvisina kumboitikakare. Achitikurudzira kuti tiri vasanangurwavake vaari kuvinga. Achitiudza kuti tirimukuda Kwake Kwakakwana nekugaraneInzwi Rake, uye neShoko Rake.
Chii chatiri kuita? Hapana chimwe chinhu, Kungozorora! Kumirira! Hapasisinakushingaira, hapasisina kushushikana, TAKA ZORORA IPAPO!
Huya uzorore nesu musi uno weSvondona12:00 masikati, nguva yeJeffersonville, patichanzwa Inzwi raMwariRAKASIMBISWA richitiunzira Mharidzo:61-0618 – “Zvakazarurwa, Chitsaukochechishanu Part II”.
Hama Joseph Branham
